...

Ndinofa newe -Short Story

*NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 1๐Ÿ–ค๐Ÿ–ค๐Ÿ’—๐Ÿ’“* Full Chapter *Judith* "Right its you again right in front of my house!Hee unombotembei chaizvo pamwana wangu mupfanha iwewe!"Ava ndidaddy vangu vain'arira pamberi pedu chaipo vakabata muchiuno.Panguva iyoyo pfuti dzavo dzanga dzakanhongedzera pane ruva rangu,Tatenda.Mudhara vangu vanga vatisvikira takagara zvedu panze peyard yedu tichitodya sadza mundiro imwe chete.Chakatibatisa malights emotokari yavo akangotiti gaa ichikona ichipinda muraini medu.Tatenda akatomboda kutiza asi ndakazomudzivisa mushure mekunga ndamuudza kuti adzikame zvake nekuti ndizvo zvaitovapo panguva iyoyo.Haaa but takamakisa nekuti ndanga ndakaita zvekutogara pamakumbo ake tichirezvana zvedu. Musi uyu waitova nemhepo dzawovo nekuti ini ndakatoshaya kuti daddy vanonokerei kubva kubasa kudaro.Kazhinji vaisoti kana vasina kubata 4 dzavo dzavanosiuya,vaizopindira tapinduka runa kana kuma10 chaiko nekuti vanenge vambouchocha nemadzisahwira avo paVilla Sports Bar iya yakatarisana neDangamvura Primary School.Saka kugara nekugara ndaitogauger time yekuti ndisasane nemufesi wangu tichinzvenga nzvenga mudhara vangu nekuti vanga vasingamude.Manje apa vanga vatomhara zvavo kuma6 apa kwanga kwatoti zvii sezvo yanga yava nguva yekupera kwaMay,malong nights aya akuchiuya manje kutaridza kuti winter yanga yodongorera.Munongozivawo kuti kana wada munhu wako zvakadzama unogona kutosarudza kumufira chaiko kunyangwe zviome sei.Ndizvo zvaivapo pakati pangu naTatenda zvekuti hapana kana mamwe maadjectives kana maadverbs aikwanisa kutsanangura rudo rwaiva pakati pangu naye. Mudhara vangu pavakativinga apa vanga vasiya vakamisa motokari yavo panze pegedhi vasati vapinda engine yacho ichitodhirima apa door rayo rimwe chete rekumberi rakati haradada zvaro semasiire avaiva variita.Pavakavava kekutanga vakativhundutsa zvekuti ndakabva ndati karamata kubva pamakumbo aTatenda ndokugara padivi pake sezvo taiva tigere pamusoro pechimwe chicement changa chakasimirwa maruva pamberi pedurawall yedu.Inini ndini ndanga ndachizobata plate yesadza zvino apa tanga tangodyisana misuwa miviri mitatu bedzi pachakatsvuka.Mudhara vangu vakaita kun'an'aidza nepamaboniboni avo ndokuti,"Aaaa muri kutodya sadza rangu futi.Iwe mupfanha iwe wakambotenga kana hupfu hwekupima here pano?Ungabva kumaP kwese uko kuuya kuzopedzera nzara dzenyu pano?Are you implying that I am food donor?"Wakangova mutorododo wemibvunzonhando apa ndanga ndakunyarira mukomana wangu.Mashoko ababa vangu anga akurwadza sekupotsera zvidhina pamazai to an extent yekuti ndakashaya kuti ndoita sei.Kuti ndivamise ndaigozviita sei ivo varivo samusha.Ndakakungura kuti kudai amai vangu vaiva pedyo nekuti ndaiziva kuti ndivo vaikwanisa kureducer daddy pabattery low zvikuru sei kana vakacharger kudai.Manje mhamha vanga vatori mumba and most probably havana chavaingambonzwa nekuti yard yepamba yedu yaiva ihombe zvekuti imba yedu chaiyo yaitova nechekumberi mberi. Tatenda akatozokwichidzira moto paakavati,"Maswera sei baba?"Kkkkk ndakatoona kuti akavakwazisa out of desperation akabva adirwa hlamba yekuti akabva atonhora ipapo ipapo.Waizombomuziva here kuti ndiye anombotsvukisa maziso kana tanetsana,zvedi zvoto zvine mazera.Daddy vakabva vabvuta ndiro iya yandaiva ndakabata ndokuipwanyira pacement yaiva pasi pataiva takatsika ikabva yaita zvipenga zvipenga sezvo yaiva dinner plate iya yegodo.Ndakarwadzirwa nechikafu chakarasika apa kwete nekuti taitamburira chekudya kumba kwedu,asi nekuti mukomana wangu aizorara nenzara musi iwoyo.Ndakakurumidza kuzvidzora nekuti ndanga ndanzwa kuda kutorova daddy vangu ipapo.Vanga vandifizura asi ndakazovabata vakuda kutozora Tatenda magwati vakabva vaita kunonzi kupupira nehasha.Ndakatobata maoko avo ndichifemerawo pamusoro ndichinzwa sendiri kuda kurutsiswa nekamunhuwi kedoro ravainge vambonwa I thought so.Tatenda aona papfuta kudai akabva arova nhetserwa akananga kudivi rekuChirovakamwe Primary sezvo imba yedu yaiva muline riya redzimba dzeCABS dziri kuseri kweComplex tiri muArea 3.Akabva angotsakatikirawo murima imomo ini ndokusara ndichikikiritsana nababa vangu,dzamara vazondikurira simba ndokundirongedza muyard medu vachivava segavakava.Vakabva vakanganwa motokari yavo ichitinhira panze mushure mekunga vaita zvekundikandira muyard medu ndichibva ndadonha nedivi ndokukuzhuka gokora rangu rikabva ratanga kubuda twuropa misodzi yangu ndokutanga kubuda yega asi ndisingahwihwidze zvangu.Mudhara vakazopinza motokari mukati ndatomira paverandah ndichichema zvekuti mhamha vauye.Musi iwoyo vakabva vakiya gedhi vari vega ndokuuya kwandiri vari museve,panguva iyoyo mhamha vakabva vatobudawo vachinetseka kuti noise yaiva yei."Nhai Baba Ralph noise ndeyei manheru ano murume mukuru?"Vakabvunzamai vangu vakabata ruoko rwangu rwaibuda ropa ndichiwedzera kuyema nekuti ndaiva ndavaona.Ipapo ndanga ndachimira kuseri kwavo ndichipfikura."Yaa saka iwewe unosiya pamba pangu pachiitwa pabrothel nemwana wako uyo nekakomana kake.This is my house wazvinzwa and I dont tolerate any nonsense.Kana muchiita yamunenge muchiita dont you ever do it here makasondibvirira kare vanhu imi and I want to show you my true colours."Vakabva vawedzera kuonyererwa baba vangu,mhamha vakabva vabata panga paine nyaya yacho ndokuti,"Nhai Baba Ralph aaa Tatenda mukwasha wenyu hamumuzive here?"Mudhara dzakabva dzamira dzakabata muchiuno ndokuti,"Mukwasha waani iyeye asinganyare anouya kuzopedzera nzara yake pano sezvinonzi tisu veFood Aid.Let me tell you point blank kuti I no longer want him near my daughter again.Akaramba achizviita bedzi you shall see me ndinonzi Mhazi ini Chikara Chesango ndatopedza nemi!"Ipapo vaitaura vachidhokonya huma yamhamha mushure ndokubva tavavhurira nzira vachibva vapinda mumba.Hongu vaiva vakamaka Tatenda asi musi uyu vakabva vanyanya kuzviratidza. Ndakatanga kugaya kuti ndaizovei Tatenda asipo.Ndiye ega mukomana wandakatanga kuziva mulife mangu saka kumushaya kwandiri zvanga zvakafanana nekutsikirwa kapipe yeoxygen apa uri muintensive care paMutare General Hospital.Mhamha vakangoona kuti ndashushikana kwazvo ndokuti,"Dont worry my babie lets get inside ndidresse ronda rako iro."Ndakanzwa kunyoroverwa nemashoko amhamha ndokubva tapinda tese muroom mangu vakabva vatanga kundipukuta paya pandaiva ndakuvara nekamwe kacotton ndokubva vandizora betadine mushure ndokuzondisunga bandage ipapo bvavazondipa mamwe mapain killers kuti ndinzwe zvakanaka.Mhamha vangu vaitondiona sekacheche kunyangwe zvazvo ndanga ndaane 21 years.Hameno pamwe inyaya yekuti ndini ndega ndaiva musikana mufamily medu.Ndivo vaitova nekatsika kekupakura sadza rakati wandei mundiro yangu kuti ndikwanise kudyawo maTee wangu.Zvekare mhamha vaiva sazita wangu.Pamba pedu apa taiwanzogara tiri vana bedzi kusanganisira musikana wedu webasa uyo ainzi Chenai.Ndakazongonzwa mudhara vachisheedzera Chenai kuti avaunzire sadza vakagara mudining vachiona TV tikabva tatoziva namhamha kuti twakakwidza zvedi. My name is Judith Kagura and mumba medu tiri vana 4 apa ndini ndega musikana.Mukuru ihanzvadzi yangu inonzi Ralph yakatoororawo ichigara kuPenhalonga padzimba dzeRedwing Mine,achiteverwa naTakudzwa uyo aishanda kuNyanyadzi semudzidzisi achigara nekamhuri kake ikako,potevera ini pachizopedzesera gotwe redu Liberty uyo aitoita Form 6 paboarding paTsambe mazuva andanetsana namudhara vangu ava.Panguva iyoyo ndaitotrainer semudzidzisi paMutare Teachers' College ndichimajor neEnglish Language.Sezvo ndisina kubuda nemapoints andaiva ndakatarisira paA Level ndakabva ndasarudza zvangu kutora teaching as a career despite kuti vabereki vangu vaiva nemaconnection ekuti ndaigona kupihwa chiprogram chiri nane paany university muZimbabwe.Inini semunhu aisada zvekutemeswa musoro ndakabva ndaenda kwaienderana neni.Baba vangu vaiva Regional Technician kuCABS vaine office inoti yavo ikoko paCABS iya yemutown iri opposite OK.Vanga vaane makore akati oo vachishandapo zvekuti isu takangokurawo varipo.Mhamha vaishanda sabursar paSheni Primary imo muDangamvura mataigara.Izvi zvaireva kuti taivawo mhuri inoonekera nekuti kunyangwe zvazvo taigara mughetto,Area 3 kanzvimbo kanongokwidziridzwa tirimo imomo muDVart.In fact hapana ghetto risina madale dale emo kunyangwe ukaenda kuMbare chaiko kune kunotonzi kumaBeatrice Cottage kwekuti unotoona maheavy den ane maziyard anodonhedza musika.Mazvionaka kuti masasi emumaraini ndinomaziva ka kkkkk.Nokudaro,takangokura tichirarama kalife kamwe kaya kaya zvekuti inini nemasiblings angu takatodzidza mutown paChancellor Primary nepaMutare Junior.For High School inini ndakazodzidza paMutare Girls High apo ndaitsvetwa namudhara vangu makuseni vouyazve vachindipicker tapedza chikoro. Tatenda ndakatanga kumhanya naye ndiri Form 1 paGirls High.Zvakaitila ndezvizvi;yaiva iri imwe Friday yemuFirst Term tiri kumasports muSakubva Stadium umo Tatenda akamhanya zvekuti stadium yese yakamira hoo.Panguva iyoyo Tatenda aiva Form 4 paDangamvura High akabva abuda sugar mustadium nekuti chikoro chavo chakakunda zvimwe zvese zvichireva kuti chakatora number 1.Mababie akakumba musi iwoyo nekuti vamwe vekuzvimwe zvikoro vaingouya vachimupa mahug achirova kasmile kamwe kaya kaya.Heish achiri mudiki kudaro he was so handsome apa akashepeka zvekuti pandakangoendawo kunomupa hug ndakanzwa makidney angu achimbomira kushanda nekuti ndanga ndanakirwa veduwee.Apa anga akarova kamwe kaskin tight,twuya twemasprinters pamberi apa pakaita kakuzvimbirira๐Ÿ™ˆ๐Ÿ˜-amaiwe kani apa zvaiva neshuga sei kunzi uri kumhanya nemunhu anosimudza stadium kudaro.Inini ndini ndakatomukumbira number dzake ipapo ndiine mafriends angu ndikatovavhairira kuti ndewangu uyu munongozivawo yekuchikoro iya.Takazoenda kumba ndikanamata kuti kudai angondidawo ndibudewo glucose pane vamwe and ndaitoziva kuti aizokabira bedzi nekuti zvairema mazuva iwayo kuti uchidzidza paghetto wonyurura babie rekuArea 3 richidzidza paGirls High.Monday yakasarosvika takutoudzana kuti tichazoita vana vangani takugara tese. Zvakazongofambawo zvakadaro dzamara azopedza Form 4 yake iyo akangobuda ne3 subjects bedzi akarwadzirwa kunyangwe zvazvo ndakaedza nepese pandogona kuti ndimunyararidze.Akambosekwa nevanhu kuti ari kumhanya nebabie risiri reclass yake sezvo akazochovha ari chimuhome defender mari yekuti anyorere ichishaikwa coz amai vake vanga vakasotizwa nemurume.Akatombowana scholar yekumhanya asi it hit a brick wall since aiva akafera.Munongozivawo kuti mhepo dzasimuka hapana anokwanisa kudzidzikamisa.Chakambonyanya kunyadzisa ndechekuti inini ndaienda kuchikoro kusvikira kucollege but zvake zvanga zvatovharana.Ndiyo imwe nyaya yaijamukira daddy vangu iyoyo asi mhamha vaiva nefaith kuti zvaizofamba but when?Tatenda akangokwanisa kungoitawo kamwe kacourse kemanurse aid ako kaiva nekatraining ke3 months paDangamvura Poly Clinic.Hameno mamwe madonor akangofambawo kumaraini achikokorodza vanhu kuti vakaite.Waiti kana wakapedza waibva wapihwa kaCertificate ako kaiva neinternational significance,muno kaisatambova nebasa nekuti mabasa acho aishupa.Tatenda akangokaitawo semunhu anga asina zvekuita bvaarongedza kacertificate kacho musuitcase yake kkkkkk. Inini ndanetawo nekutaura ini,chimbonzwaiwo Tatenda wacho achitaurawo divi rake ega. *Tatenda* Pandakatiza mudhara webabie rangu vachida kundiita mahwani paya ndakabva ndagurisira nemugolf course ndokurova pasi ndakananga kumba kwedu kumaP aya akabatana neDangamvura High asi asiri emasoja aya.Musi uyu ndakarukutika nekuti babie rangu ranga rakandijaidza nekuti raindipa 25 cents yekombi iyo yainditakura kubva paComplex kusvika paJunction,ndozopedzesa rwendo rwekusvika kumba netsoka.Vanoziva maP ndinoreva kuti imba yedu yaiva muline riya raanaYogo Yogo Blessing Makunike.Musi uyu zvaitoreva kuti ndaizorara nenzara nekuti jembi ramhomz raitorwadza kudzikisa pahuro ndava chigondora kudaro.Ndanga ndatoone 25 years ipapo apa ndichiri kugara pamba ndisina kana skiri.Mhomz yangu yaivava zvekuti ndaitombofemedzeka isipo yaenda paMoza kunohoarder mabhero ayo ayaitengesa paFlea Market iya yepaSakubva Swimming Pool iya yakaningisana neSakubva Stadium. Chimwe chaibhohwa mhamha vangu ndechekuti ndaiva ndakaramba kuvabatsira kunotengesa paflea market pavo izvo zvandaigarotukirwa pese pese.Hey kalife kacho kaizomakisa kuti ungogare uri ipapa uchionekwa nemamwe mafriends ako awakadzidza navo heish I couldnt bear it.Saamai uye nemoyo wekubereka hembe vainditengera asi zvemukati babie rangu raindijegawo.Zvakadaro zvanga zvakundimakisa kusvikira pakuti pese pandaida kudya sadza ravo pahuro pangu paiita sepanetoll gate kana kuti macustoms officials aya epaboarder nekuti pakadaro sadza raisadzika pahuro zvekumhanya.Even kuzora mafuta avo ndabva kugeza apa ndakura kudaro,muviri wangu waibva waita kunga chisand paper nekuti ndaitozvinyarirawo. Inini ndaifarirawo kuti mhomz vangu vaifarira Judy and iye airatidza kuzova muroora wemberi nekuti pese paaiuya aisiya aita mabasa ese emumba kusanganisira kuwachira mhamha hembe dzavo.Mumhuri medu yekwaMuswera taiva vana vatatu ini ndiri mukuru pachitevera,hanzvadzi yangu Bernadette uyo aiva Form 3 paDangamvura High then chimupfanha changu George icho chaiita Grade 6 panguva iyoyo chichidzidza paRujeko.Ndaichifarira but chaiva chimurukazi time time nekuti chaizombotengesa kunamhomz kuti ndini ndanyudza macoin aida kuzotengeswa mavheji mumba.Kubva pakatsakatika mudhara vangu tanga takushandisa bedroom,dining nekitchen imwe spare iya tikabva taisa roja.Mudhara vangu vakangochonera kujoki ravo raigara kuZimunya vakasazodzokazve,tikazongonzwa neMadziro Committe kuti vakatama naro vakananga kuBotswana.Mudhara vangu yaitongovawo imwe type nekuti vaigara vachirova mhomz zvekuti pavakaenda zvachose mhamha vakatombotura mafemo vakanamata kunaMwari kuti avasunungura. Inini manje life yanga yazondiomera,kuti kuden kuri kupisa apa mudhara vebabie vari kupisa futi.Ndaita kurohwa mativi ese nenhamo kunga ngoma yeZion saka ndakabva ndagaya pfungwa dzekuti ndi.... Kkkkkk Ndiite sei? Ana Wasu muriyo ere??๐Ÿ˜€ End of chapter Pakaoma apa kkkkkk *watch out for chapter 2* Please like my fb page;Dr Maxx's Stories. Kana uchida kupinda muWhatsapp Group redu inbox me on +263738815539 Follow this link to join my WhatsApp group: https://chat.whatsapp.com/6PODSr29lNH1nj91I2i5FV https://mobile.facebook.com/Dr-Maxxs-Stories-102170740260328/?refid=8&ref=opera_speed_dial&__tn__=H-R [05/09 11:38] Terminator: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 2๐Ÿ–ค๐Ÿ–ค๐Ÿ’—๐Ÿ’“* *Judith* "Tatenda ndiri kuda kuti mangwana undibatsire kuflea market please ndinenge ndisipo,ndichambosvika kuManica kuti ndizowedzere imwe stuff yedu."Ndimhamha vedu vaitaura vakaita zvekupfugama vachishainisa nechepadoor pakaita padenga so sezvo paiva nemasteps matatu kuti tizosvike padoor pacho.Yaitovawo imwe Friday yaiva nemaball games kucollege saka ndakarovha zvangu kuti ndiswere nabae vangu pamba pavo ndichibatsira mhamha vedu basa.Panguva iyoyo ndanga ndakatogara naTatenda pane kamwe kabench pamberi pedu paine zidish rehembe ndichitowacha zvangu.Kumba ndaiva ndasobva ndichiti ndiri kuenda kuchikoro izvo ndaitoenda zvangu kwaana Tee wangu. Tatenda akaita kakuignore amai vake nekuti ndaitoziva kuti aisada kutombonzwa izvozvo.Ndakakurumidza kuona kuti mashoko anganaya ndokubva ndaita kainterception ndichiti,"Ok mhamha tichaendako tiri two mangwana.Toswera zvedu ikoko tichikubatsirai."Ndakaona mhamha vakusimuka vachiswatanura musana wavo ndokuti,"Ndiwe wega mwana wangu pamba pano kwete chimunhu chawakagara nacho ipapo chinoda kusarudza sarudza as if chine makombi nemabhazi apa chitori zvacho chitsuro chemubook chinofamba nemapage.Hehehe seka zvako vane zvinhu vari kutozvininipisa imi musina munoda kutozviita vanaSenator Mupfumi."Vaitaura zvavo vachiseka asi ndainyatsonzwa mashoko avo achibaya sepfumo riri kupisa pamoyo wemukomana wangu.I just laughed it off iye ndokutanga kubaya baya zvake kambudzi kake sekunga asina kuzvinzwa.Anenge anga atindivarawo nazvo asi semunhu wandaidisa kwazvo ndaimunzwira tsitsi.Ndaifarira kuuya pamba pavo kunyanya nekuti ndaiziva kuti taiwanzowana base rekupisana kana mhamha vasipo zvekuti ipapo ndanga ndakatoteya kuti tikangopedza basa,mhamha vakabuda,totochimhanya semalove birds.Zuva iri takazoita saizvozvo ndikaswera ndichinyengetedza Tatenda kuti tiende kuflea market kwacho tomorrow akazobvuma pava paya. Saka mangwana acho makuseni kuma8 ndakangobva kumba ndichiti ndiri kuenda kugroup discussion kuchikoro kwedu,mhamha vangu vakatoseka ndokungoti,"Takabva neko kumhunga hakuna ipwa kkkk munotimhoreserawo vamwe ikoko."Ndakabva ndabuda ndichimhanya ndichiseka ndokubata mugwagwa uya unonanga kucomplex ndiye kombi karamata dzamara yasvika paJunction apo ndakaona vamwene vangu kkkk naTatenda vakamirapo.Vakabva vakwirawo kombi yacho ndokubva tazodzikira paSwimming tese tikabva tazodzika netara iya takananga paflea market pavo.Vakasiya vatirayira zvese vakatiudza kuti kana tikatengesa chino nechocho tozowana mari yekudya ndikazviramba ndichiti ndinayo zvangu.Ndakabva ndatovapa $10 yekuti vawane chekutsenga vakananga paMoza.Ko iyo yaimbonyanya kundirwadza here pavanhu vandaida kunyangwe zvavo ndaiva dependent kumba.Takatozosara tichiita basa and it was fun uye sometimes we overcharged mamwe mabhero zvekuti takasungirira kamari kedu paside.Mazuva acho aiva aya ekupera kwemwedzi saka haa pakafamba. Zvisinei zuva iri harina kuzondiperera zvakanaka nekuti Tatenda akazondiudza zvakandirwadza."Saka wasarudza kuda kundisiya honey.Chimbondiudza kuti unenge uchida kumbondisiya nani?"Ndakataura ndakamutarisa mumaziso chaimo apa anga atojenga misodzi nekuti anga andiudza kuti ari kuda kumboenda kuSouth Africa kunotsvaga cheuviri.Mazuva iwayo vakomana vazhinji vechidiki vaitizira kunze pamusana penhamo yanga ichinaya paZimbabwe asi ndaisatarisira kuti Tatenda achasvika pakadaro.Iye akapawo zvikonzero zvake zvine musoro kuti why afunga kudaro asi ndakaramba ndichida kunzwisisa."But babie chii chauri kunyanya kushaya zvekuti tinobva taparadzana kudaro.Ok hazviite here kuti tiende tese?"Inzwi rangu ranga rachinyura mumisodzi zvino iye ndokubva ati,"Saka you mean life yandiri kurarama iyi iri bhoo?Uchindiitira zvese ndichitukwa naamai vangu nadaddy vako uripo.I know you love me but haa ndaneta babie kana zvichigona ndikatungamira ndokutumira mari yebhazi wozoteverawo.Now kuti tiende tese hazviite coz handizive kuti kunenge kwakamira sei apa iwewe uchiri kuenda kuchikoro.I dont have any option honey."Jesus Christ,this was a bomb out of the blue. Wakamboudzwa zvaunenge usina kumbotarisira here mulife.Its like life yako inenge yatoguma.After all,South Africa of all countries nemayellow bone ariko uko inenge yatova game over ka.Hongu paZim zvanga zvaoma but zvaizongoita asi akabva andibvunza kuti when since makore ari kufamba iye achingorarama kalife kakadaro.I couldnt answer him nemanzwi asi misodzi yangu said a billion words.Ndakamuchemera Tatenda zvekuti macustomer akatombomira kuuya pedu achishaya kuti zviri kumbofamba sei.Misodzi yangu inenge yakamubatawo and aiziva kuti I dont shed my tears for mahara bvaazongoguma ati,"Ok handichaenda babie."Ndakapukuta misodzi yangu ipapo ipapo ndokubva ndasmiler ndichimupa kakiss kari soft kepamalips asi ndaiva ndisina kugutsikana chaizvo kuti haasi kuenda here.Iii hameno Mwari ndivo vaiziva... *Tatenda* Idzi ndidzo pfungwa dzandaitogayaka paya pandambokuudzai.Simbi yangu ndaiida asi haa zvekurarama sekatoddler kanomirira kufeedwa zvaisabuda.Remember ndaitokura nekuti hapana mazuva anorova reverse.Pasina kana nguva ka ndaizoclocker 30 chaidzo ndichirarama sebroiler.Babie wangu ndanga ndangomuvharawo kuti awane kafalse hope asi ndaitoda zvangu kurova pasi tozoona zvaiva kumberi.Ndaiva nefriend yangu yainzi Bright yaigara muDurban makare muSouth Africa.Taiva takasodzidza tese asi anga aane zvimakore zvinenge 4 avako and aiti zviri kufambawo zviri nane.Iye anga akushanda pane kamwe kacompany kaipacker maplastics achiroja one room pane imwe flat muGreyville. Sunday handina kumboonana naJudy nekuti ndanga ndakuedza kumuavoider sezvo zvaingorwadza kuti ndionane naye ndichida kuzoita zvekumutiza.Ndiri ndega ndaichema uye situation yacho yanga yakafanana neyemubereki anomira pahwindo achiona mwana wake achitamba panze palawn nevamwe vana achimhanya mhanya achifara asi iye aine chirwere chakatonzi nemadoctor asarirwa nemwedzi miviri bedzi achirarama.Zvisinei ndakangozvishingisa semurume mangwana acho iri Monday bvandafumiroenda pakashop kemufesi wangu ainzi Sati uyo aiita basa rekugadzira mafoni ipapo.Kashop aka kaiva paBoka but kari nechepaTavern opposite chigayo chiya chepaBeit.Ndakakurumidza zvekuti ndakasvikirana naSati achivhurawo kashop kake akatoshamisika kuti why ndauya nguva dzakadaro.Iye akatoziva kuti pane nyaya ndikabva ndamutipira madhiri aivapo iye ndokuti,"Saka jahman muri kuda marii uri mumwe wangu handikurase iwe."Haa ndakashamisika nekutaura kwaSati uku nekuti mudhara ava vaisunga bag kunga vanopenga.Kana vachida kutokupa bag vaitanga vatombokutuma tuma kana kukushandisa kuti vanyatsoona value rayo.Pakusunga mari yaitova ZRP chaiyo asi apa ndakashamisika kuti vakutoda kutsunhura sumbu quick quick nemhaka yei.Ndakabva ndati dhuu ndikabva ndati haaa haasi madhiri ekutonditsamvura here kuti vasare vachinyambita simbi yangu.Anyways ndaisava neyekutamba bvandati,"Munongondisota ka$50 kebhazi mudhara ndikangosvikako haa handikuraseyi muri chimwe changu."Ndakashamisika vachivhura kabhegi kavo kemari ndokubva vanditambidza 20 mari mushure ndokuti,"Haa kubatsirana pachirume fanochengeta iyi wangu I think by Wednesday inenge yatokwana ndokusota."Haaa ndakapa mufesi wangu uyu sando ndokubuda ndichirova zvangu marounds angu.Bhegi riya ndakatwonya zvangu dzamara Wednesday yasvika bvaandisparker chimwe chi$30 bvayakwana.Babie wangu ndaimuona zvangu but kafrequency kacho kanga kadzikira.Ndaitoona mumaziso ake kuti haasi kunditruster asi haa ndini ndaizvidiniwo nekuti Friday ichiti ngende yakasvika chakanyudhuka.Ndakangoti mhomz vachienda kugraft kwavo nevapfanha vangu vachirova pasi ndakangorongedza twuhembe twuviri twutatu ndokutwupfonyera mukasatchel kangu.Kacertificate kangu ndakabva ndakaisawo mubag nekuti hapana anoziva chakakodza nguruve.Ndakabereka kasatchel kangu zvekuti hapana aimbondigayira kuti ndiri kutoda kubaya rwendo rwurefu.Pasina hour ndanga ndatosvika paMudzviti ndokubva ndafonera Sati kuti asamboudze kana ani nezvamadhiri aya until ndasvika kuJoza.Bright uya ndanga ndatomuudza futi kuti ndiri kuuya akabva andiudza kuti achandimirira paPark Station muJoburg tozobvapo tichienda kuDurban. Ndakasimuka paMudzviti kuma10 makuseni ndiri muGreyhound zvangu ndokudzima kambudzi kangu kuti ndisanetswe nevanhu.Bhazi iri rakazosvika mangwana acho kuma8 makuseni ndokubva ndachingurwa naBright paPark Station ndokunanga kumaraini kwake kuDurban.Anganditakura nemotokari yake yebasa tikazosvika kuDurban kwatosvipa.Munzira takambopfuura nepaKFC tikatenga matake away atakazomonzora tava kumba tichitaura nyaya Bright ndokuti,"Haa this is Mzanzi bro saka tichatanga tichigara tese pano haushaye chekubata wangu kungoti tiri paweekend now otherwise kudai pari pakati peweek ingadai watoona yekutamba."Ndakangogutsurira musoro ndichinakirwa nemasinhi aiva muden memufesi wangu umu including chiplasma neDS racho zvanga zvakaturikwa pamadziro nemubhedha wake wemari. Tava kuda kurara ndakazobudisa twuhembe twangu twaiva musatchel ndikabva ndabatanidzirawo necertificate rangu riya.Bright akabva ariona ndokuita kakukanuka kakasangana nekasmile ndokuti,"Haaa wangu nderechii iri?"Ndakabva ndaita zvekumira ndokuti,"Nderehunurse aid asi pane gap kani?"Ralph akabva agara pacorner yemubhedha ndokutanga kutarisa tarisa certificate riya ndokuti,"Haa matopinda machena tsano.Ndina blaz vanhu vanoshanda pane chimwe chibhezh chemhene chiprivate chinonzi Ascot Park Private Hospital chiri muno.Last week vakatoisa advert mumapepa vachitsvaga manurse aid rega nditovanzwe kuti pachine gap here?"Hana yangu yakabamuka nemufaro ndichinzwa izvozvo.Paakapedza kutaura pafoni ndakabva ndatonzi ndiuye kuinterview musi weMonday ndototanga basa then.Hey ndakatenda friend yangu apa ndakatanga kuchifunga Judy wangu coz ndanga ndakutoziva dzaanga atopindana nadzo ndisipo kudai.Zvisinei Monday yacho yakanonoka kusvika asi payasvika ndakangobaisa chitupa ipapo ipapo ticket rikatoswera rakufamba. Yaiva hospital yemhene bedzi bedzi zvekuti salary yangu yaitova R9000 plus accommodation allowance ndichizogara kunonzi kuBluff uko ndakanzi ndaizotakurwa nemotokari yebasa to and from work everyday.Hey Mwari vangu vanga vabva nepi shuwa.Ndichingopedza basa ndakabva ndatoendeswa kumba kwacho.Raiva rino zimba rine marooms akawanda.Kugara nekugara painzi paigara vashandi vasati varoora vachingosheya dining nekitchen munhu ozozvionera ega muroom make asi pandakasvika paingova nemumwe musikana muZimba ainzi Telma ainzi anga akugarapo ega nekuti vazhinji vanga vazotengawo dzimba dzavo vakugara kwavowo vega.Ndakaratidzwa room yangu iyo yaitova nezvese zvakakwana ndokubva ndatomborara pamutefetefe wemubhedha ndichitenda Bright through S8 yangu yandanga ndatopiwa nebasa.Vanhu vandakauya navo vachienda ndakabva ndasara ndiri muroom mangu,Telma uya ari make.Ndanga ndasomuona zvangu kubasa akapfeka uniform yebasa ndikambooma mate mukanwa nekuti nehuchena hwayo anga akaita sengirozi yakadamburwa mapapiro.Ndakaita weak paakazouya muroom mangu achiti ari kutsvaga charger yake akamira padoor.Ndakangoti handisi kuziva apa anga akapfeka kanight manipples ake akaita kakudhindikira pachipfuva apa ndokubva atanga kukotama kotama achitarisa tarisa pasi achiti ari kutsvaga charger iya.Ini aaaa ndichinakirwa nezvidya zvake zvanga zvakaita orange ndokumbobiridzira kumbobaya baya foni yangu ndokuti... Kkkkkkkkk ungaita sei pakadaro kkkk apa mai nhiya vari pee pazim End of chapter Watch our for chapter 3 Please like my fb page;Dr Maxx's Stories. Kana uchida kupinda muWhatsapp Group redu inbox me on +263738815539 Follow this link to join my WhatsApp group: https://chat.whatsapp.com/6PODSr29lNH1nj91I2i5FV https://mobile.facebook.com/Dr-Maxxs-Stories-102170740260328/?refid=8&ref=opera_speed_dial&__tn__=H-R [05/09 11:42] Terminator: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 3๐Ÿ–ค๐Ÿ–ค๐Ÿ’—๐Ÿ’“* *Tatenda* Mmmm mwana anga akabatana zvake iyeye kupfuura $100 iri kutsvagirwa change.Pakukotama kotama kwaaiita kanight kaya kaibva kaita kadiki kudzasi kwako nekuti anga akasenga trailer chaiyo.Stunduback yake aitova mahwani chaiwo.Haaa ndanga ndisati ndamboona munhu akadaro live and direct ndichizvarwa.Ipapo ndakabva ndatotanga kumugayira horror asi ndakashaya kuti ndomutanga sei.Again I had a soulmate back home saka I felt guilty and zvaizondinetsa apa coz ndanga ndisati ndamboita game rekucheater babie wangu before.Although distance kept us apart at that time,Judy had a special place in my heart.Kuti ndikunde muedzo wacho ndakabva ndanyanyoconcentrator nefoni yangu until azondopanditsa achiti,"Ndaishaya muno let me recheck muroom mangu or mudining pamwe ndimo mairi."Aitaura akanditarisa apa she had big sexy eyes zvekuti ndakatombovhiringika ndokubva ndazoti,"Mmm inini handina kumboiona kubva pandapinda muno.I am very sorry."Ndakadaro zvaro ndichisounder like a gentleman iye ndokubva atotanga kufamba achibuda.Mutsipa wangu wakaita seuchatyoka ndichinakirwa nemahips aTelma aindendengeka paaibuda paya. Paakabuda akabva angoti zii for about 30 minutes ini ndichiita yandaiita ndiri muroom mangu.Pamberi paMwari chaipo mwana uyu anga anditenderedza brain zvekuti ndakatombobaya mhepo instead of foni mumusoro mangu mazara mavisions ake.Akazondisheedza for dinner,tikabva tagara tese patable yaiva mudining.Ndakatombogaya kuti ndichawana jeda muponesi patafura ndikazvinyepera zvangu asi ndakaona pane yaakati inonzi lasagna paside payo paine yaakati inonzi Greek Salad.Hey yaiva heavy menu yandaiva ndisati ndambodya mulife mangu nekuti kumusha uko ndaingodzikisa tsima kana nemavheji ndozviperekedza nemaheu aya e10cents anenge ari muchipaper cheblue kana cheyellow.Manje apa takabva tadzikisira nekamwe kadrink kaakati kanonzi mojito.Hey kkkk ndanga ndakuvara necuriosity ndokubva maingredients ako zvikanzi,"Mune anonzi malimes,mint leaves,appletiser neice mixed together taste it dear."Ndakabva ndadzvutura nekastroll kaiva mukaglass acho ndokunzwa manhanga kutapira.Kadrink aka kainaka zvekuti ndakanzwa nezvikunwe zvepatsoka zvichinyerekedza nyerekedza.Dinner yese yakapera tichitaura tichiseka inini ndikatambogaya pfungwa dzekuti ndimuti sister vangu asi ndakazoikanda kwakadaro ndaona kuti hakuna sister vakadaro.Wakamboonepi gonzo rinofongorera kiti richitotamba sele pamberi payo.Haisi obvious application yekuda kudyiwa here iyoyo?Ndizvoka zvaanga ava kutondiitira coz anga akachapfeka kadress kake kaya apa kaionesa zvemukati I mean maoffals ake kkkk. Pakati pedu pakashaikwa kujeka kwekuti toitana ani naani saka tanga takungosheedzana nemazita.Chakandinetsa kuti setup yakadaro yanga yambovapo sei?Kuti vanhu vekubasa kwedu uku vaizviziva here kuti ndiwo mamirire azvaiva zvakaita?Anyways ndakasiyana nazvo apa Telma akakumbira number dzangu dzefoni ndokutoona akutondipinzira App tarara ari muroom make.Ndipo pandakatoona kuti munhu uyu anenge ari panzara.Takatanga kungotaurawo nyaya in general ndikatosvika pakuziva kuti kuden kwavo kuBudiriro muHarare apa ava neabout six years achishanda kuMzanzi ikoko.I learnt kuti she is two years older than me futi.Takapedza nyaya dzese inini zvikambondinetsa kuti why ari kubva ada kuita take take neni. Shuwa ndakazoona kuti aiva panzara nekuti takazotanga kuzongotaura nyaya dziya dziya.Akazongoita zvekufona achindirayira kuti tisangane mupassage kuti ndimupe a good night kiss.Ndakangomukawo ndakapfeka kashort kangu kekurarisa ndokunyahwaira mupassage imomo ndichinyarira iye achiuyawo tikabva tapanana zihug makiss akatanga kunaya.Ndakatombogaya kuti ndeiya yekungoti mwaa wanei haa rurimi rwangu rwakutopera pano ndikati handingatadze kugohwesaka pagedhi pasina keeper ndokubva ndatodya munda tiri pamadziro epassage.Tichipedza akabva anditungamira takananga kubedroom kwake tisina kupfeka kana chii bvandarara husiku hwese ndichimushandura kunga pork iri pabraai stand.I got over excited zvekuti during that night I had unprotected sex with her several times zvendaiva ndisati ndamboita naJudy before.Apa ndanga ndazopinda negejo muchechi.Ndakatanga kumbozvipa zvibhakera makuseni seni ndakazvambarara pamubhedha ndichizvishora pamusana pezvandaiva ndaita.Ko kudai aiva ane chirwere hantie ndainga ndatopinda mubhazi dhuze kutoita assistant driver wemo.Mmmmm kungodya munhu wavatanga kuziva musi iwoyo haaa zvaitova zviwindi zvekutserendenda pareza ndisina kupfeka kana nduhwe?Ndichishushikana kudaro Telma akabva auya akamonera zvake tauro apa akatakura tray ine food for breakfast.Kubva ndichizvarwa ndipo pandakatanga kudyirawo bacon ipapo ndikabva ndamboseka ndichiwanzira Telma kuti ganda rake rakanaka coz she feasted on good food.Nenguva iyoyo ndakatongoona kuti she was strict panyaya yediet yake and anga asingade kudya zvisina basa.I was served my breakfast in bed ndakatsamhira pillow ndichinzi daddy.Ehe ndanga ndatova daddy ka coz manheru ndanga ndabatawo basa. Iye akabva agara nechekumakumbo emubhedha ndokuti,"Tatenda shaa mahwani sorry zvako pane zvese zviri kuitika handisi nzenza but I am desperately longing for love.Mukomana wangu akasoenda kuAustralia and haachabatike zvekumhanya.After all ingaite life here yekuti ndinenge ndichimhanya nemapics.Kubva pandakakuona nezuro something struck my heart eish I am sorry its against our culture to advance for a boy or a man but shaa I love you."Imagine uchiudzwa mashoko akadaro nemunhu akaita saNadia Buhari kana kuti Beyonce,rurimi rwunomira ka."I love you too babie."Ndakapindura ndichikanda kasmile kangu ako kaibva kabudisa madimples ekuti iye akabva aita waya.Akazotora tray iya ndokuenda nayo kukitchen.Achidzoka takabva tapinda muen-suite ndokugeza tese. Apa tanga takutogarisana semurume nemukadzika.Tichipedza kugeza takabva tadema mauniforms edu ebasa ndokubva takwira motokari yaTelma yerudzi rweHyundai i20 yanga ichiri kunhuwirira matsva izvo zvairatidza kuti anga achangobva kuitenga mazuva apfuura.Madam vakabva vaigarira ndakadya zvangu window ndichiita kuzipigwa nemakumbo avo tiri mujagwa imomo.Tichisvika pabasa anga akutonditi ndiri hanzvadzi yake yekumusha vanhu vese vakazvitenda tikashanda zvakanaka chose zuva iroro.Tiri basa panguva yelunch ndakazomuudza nezvamhamha vangu pamwe chete nemasiblings angu nemamirire azvaiva zvakaita akabva atsunhura R2000 iyo yandakabva ndavasendera through chimwe chiApplication cheMukuru chaiva mufoni mangu.Mari iya ichingosvika ndakabva ndafona ikabva yadairwa ipapo."Halo ndiani uyu?"Kkkkk ndakabva ndaziva kuti ndivo mhamha vangu chaiwo nevoice ravo rine kakuzhandukira.Ndakatombotanga ndaseka nenyaya yekuti ndanga ndatosuwa kutukwa navo ndokubva ndazoti,"NdiTatenda mhamha munofara here?"Ndakanzwa vachifembedzeka nepafoni nemafaro ekuti vari kutaura neprodigal son yavo mushure ndokubva vati,"Nhai Tatenda mwana wangu uri kupi weduwe.Takatoisa police report yemissing person shuwa unodarirei?"Ndakapwipwinyika ndokubva ndapindura ndichiti,"Ndatova kuno kuSouth Africa ndakaona kuti kugara ikoko kwanga kwakundiomera.Onai yekutamba nemari yandatumira iyo.Ko Judy ari kubatika here?"Ndakanzwa vaita kakutonhora vachibva vati,"Aaa kana wakwanisa kugarisika zvako ikoko hapana problem asi uzopote uchiuya kuzotiona.Ari saJudy siyana zvako naye hapana zvemunhu ipo paye nekuti akasiya andishaudha shaudha pano nezuro achindipomedzera kuti ndini ndaiziva kwawaiva.Ndakasiiwei mwanangu iiii kunyangwe zvizoite sei usafe wakatorana naye futi.Shuwa kuunganidzisa line rese achindituka zvekuti ndakafeeler semwana mudiki.Chipiko chaakasiya shuwa musikana wako kunditi muroyi hihihihi."Aa mhamha vakabva vatanga kuchema apa lucky enough Telma anga ambobuda ingadai akanzwiririra nekuti ndanga ndisiri kuda kuti atombozive kuti ndine musikana."Aa ndaisaziva kuti mwana uya ndisatan chaiye.Handichadi kana kumuona shuwa kunditukira zvandaisaziva."Mhamha vakatotanga kuchema neshungu dzamara ndazovanyaradza ndichivaudza kuti ndichavatumira imwe mari kana mwedzi wapera.And ndaitoziva kuti ndaizovatumira nekuti ndanga ndatoona kuti ndaisazoita maexpense akawanda nekuti Telma wacho aitoratidzika kuva loaded.Kuchema kwakaita amai vangu kwakandirwadza zvekuti takasaropedza kutaura tese hasha dzaungana pahuma apa.Zvedi Judy anga apinda nequart reEagle Lager muchechi,kufongorera museve chaiko.Nesimbi yandanga ndava nayo paDurban ndakabva ndatanga kutonzwa kuda kurutsa ndikafunga nezvake kubva ipapo. Takazopedza basa tikadzokazve kumba chikatsva zvekare.Mwedzi wakasvika pakuti dhaa haaa tatova unofficial husband and wife and Telma aiva munhu welife yepamusoro soro and ndaiitirwa zvese.Hey mulife mangu ndanga ndiine lucky rekuita mababie aindibata sezai.Ari saTelma anga atori worse nekuti aindikwidza ndege for a weekend takananga kuPE kubeach yeko tichiita mix and mingle nemavet ega ega.Kalife kakatanga kufaya paJoza ndichitumira mhamha maRands vachiita kudada neni.Vakatozondiudza kuti vakatozotsvaga musikana anovabatsira paflea market.Ndaivatumira half yesalary yangu and vaibva vatenda nemutupo.Kubasa kwangu vanga vakutozviziva kuti vakavharwa nekuti imwe closeness yandanga ndava nayo naTelma yanga yazonyanya. Dambudziko rakazosimuka paakati aane nhumbu.Amaiwe takatanga kunetsa zvisingaite nekuti zvaisava mumaplans angu zvese izvozvo.Again I wanted to have a clean marriage start kuri kuti ndaizodzokererana naJudy.Ipapo Telma ndipo paakatanga kuona rimwe side rangu nekuti aiti akangodonhesa spoon chaiyo achibika ndaibva ndamurovera izvozvo.Anga akutondisvota zvekuti ndanga ndakuda kutomutiza ini.Shuwa munhu angangozvimba dumbu as simple as that aiva akajaidzwa Telma.Apa ndaiva ndakamuona asiri virgin hameno pamwe yaisava nhumbu yangu futi.Nyaya iyoyo yakanditemesa musoro dzamara ndazogaya kuti kutiza ndichidzoka kumba kutori nane pane kuita kababa inini ndichiri kuda kunakirwa nenyika nxaa.Ndanga ndisisina imwe option saka ndakabva ndaronga kuti nditize zvangu asi hameno kuti ndaizobudirira here nekuti Telma anga azondihaira mamonya kuti adeale neni.And inini pandakangonzwa kuti mamonya ekuJoza anouraya munhu ndakabva ndatii dhuu ndokubva ndatizira kumba kwefriend yangu Bright kuGreyville.Telma aikuziva saka akabva anditeverako matsotsi aya anenge aitova mumotokari yake.Ndichisvika ndichiudza Bright mamirire aiva aita nyaya yacho akabva atondirayira kuti nditize muDurban ipapo ipapo coz ndanga ndisisiri safe.Lucky enough ndaiva nemari yaiva mufoni saka ndakangoti ndichidzika masteps ekubva mufloor maiva neroom yaBright,ndakabva ndasvika paground ndokuhwanda nemaruva aivapo wanike Telma ari kutokwidza nemasteps nevarume vaviri.Pasina nguva ndakangonzwa kurira kwepfuti kaviri kudenga ikoko ini aaa ndokurova pasi zvekusiya makumbo nekuti pfuti ndaiitya zvisingaite. *Telma* Tatenda anga akuda kutondijairira naMwari.After zvese zvandaiva ndamuitira ozoda kundishandisa sechisukiso manje.Chandaiva ndakamutadzira ndakachishaiwa.Inini ndakatozvishairwawi kuti aizonetseka nei inini ndaiwana mari yekuti ndaigona kumuchengeta zvese nemwana wake kana azozvarwa.Iko kurohwa kwandanga ndakuitwa kana nyoka yapinda mumba yaigona kutondinzwirawo tsitsi.Varume vane rough futi apa ndanga ndiine plan yekuona mafamilies edu back home asi zvese zvakapinda musango.Manje ini ndaisava that type ndagara ndiri shit yemunhu ndakahaya maSutu angu kuti adeale nemunhu.Kana zvichibvira vamuuraye I didnt care coz ndaizogona kuwana mumwe murume and even ndikamushaya handaizotadza kuchengeta mwana wangu.Ndaiva nurse chaiye ka akakwana kwete zvake zvehunurse aid hwekujoinidzira. Mupfanha uyu akaita lucky rekuti takasvika asimo mumba meshamwari yake.Manje munozviziva kuti gondo rapotsa nhiyo rine shungu zvekuti rinokumba chero marara,ndakangorayira mumwe wemagombiro andaiva navo kuti abaye makumbo eshamwari yake kuti izorege kutamba neshamwari dzisina kurongeka futi.Mufesi wacho haana kutombotamba nebasa akabva agovera bara rake rake kumakumbo aBright wacho kuti achangamuke next time.Tichingopedza naye takabva tabuda ndokubva tahakachurwa nemapurisa hameno kuti aiva abva nepi ndokubva ta.... Mmmmmmm pakaoma apa kkkkkk End of chapter. Tichiri kubuilder plot kkk *Watch out for chapter 4* Please like my fb page;Dr Maxx's Stories. Kana uchida kupinda muWhatsapp Group redu inbox me on +263738815539 Follow this link to join my WhatsApp group: https://chat.whatsapp.com/6PODSr29lNH1nj91I2i5FV https://mobile.facebook.com/Dr-Maxxs-Stories-102170740260328/?refid=8&ref=opera_speed_dial&__tn__=H-R [05/09 12:00] Terminator: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 4๐Ÿ–ค๐Ÿ–ค๐Ÿ’—๐Ÿ’“* *Tatenda* Pakucharika kwandakaita ndakanyatsoona kuti Joza yadirwa acid.Uye kuteverwa kwandakaitwa naTelly Bae nemadzvinyangwe ake ndakaonawo zvekare kuti panga pasisina chekugarira makare muDurban.Zviya zvinonzi muSouth Africa munotyisa kufamba husiku ndakazvisiya kwakadaro ndini uyo mutaxi iyo yakandisvita pahighway yekuJoburg.Ndakabva ndahiker rimwe gonyeti raiendako iro raitonanaira zvaro uye driver waro aiva akaneta zvekuti aimbopota achivata vata apa ini ndaingofeeler kuti ndiri kuteverwa bedzi.Unoita seucharova mutyairi wacho.Gonyeti iri rakazosvika muJoburg kwatochena and mutyairi waro akabva andisiya paPark Station ini dhuu haaa pachine rwendo rwurefu kuti ndibate Zimbabwe saka ndakati zano nderipi ndokunanga paOliver Tambo Airport kuti kana zvichibvira ndibhubhuruke ndikurumidze ndasvika kumba. Ndakasvikapo ndokuona flight ya11 yaienda kuHarare yatova fully booked ndikabva ndatonyora mumwe muchinda anga asiri pahurry ndokubva andipa ticket rake kuti nditungamire zvangu.Ndakamupa R4000 ndini uyo pfee mundege for the first time in my life apa ndakabva ndaleza mueconomy.Ndege yacho yakaita 1hr40minutes non stop to Harare zvekuti pasi maawa maviri tanga tatomhara paHarare.Bag riri nanewo ndaiva naro mufoni nekuti misaridzirwa yangu yesalary yese ndakaidebiter muZim Account yangu yeEcocash.Ndichisvika paairport ndakabva ndakwira taxi iyo yakandisvitsa pana4th apo ndakaona rimwe sprinter raitoloader Mutare ndikati henaro apa dzanga dzava kumahalf 1.Ndini ndakazozadzisa sprinter racho rikabva rasimuka kubva pamushika shika uya uri muberere meRoadport ndokubva rati tande naMutare Road dzikana rabata Msasa.Tichingoti pfuurei Mabvuku Turnoff ndakanzwa foni yangu yakurira muhomwe apa mufoni mangu maiva neSouth African line rangu reVodacom randaiva ndakatoisa zvangu paInternational Roaming.Ndakatora foni iya wanike ndiBright aitofona ndakabva ndadaira akabva atotanga nekuti,"Muri sei chibaba are you safe?"Aitaura achiita kakugomera ndokubva ndatonzwa kuti something wrong pano ndikabva ndamuti,"Ndatova kuZimbabwe now and ndiri safe.What about you chimudhara?"Ndakatobvunza ndichinetsekana pamusana peinzwi rake raiita serakatsikirirwa nemarwadzo,akabva ati,"As long as you are safe shamwari zvitori bhoo.Kuno ndakasara ndichibaiwa nepfuti neumwe wevanhu vakauiwa navo naTelma nditori muchipatara kudai so and mabullets acho akatobviswa asi hameno kana ndikapona or kuti ndikazofamba futi because ndakarasikirwa neropa rakawanda.VanaTelma vanenge vakatonyora police chete nekuti havana kumbovharirwa ava"Misodzi yangu yakatanga kuyerera yega ndichinzwa mashoko akadai uye Bright wacho airatidzika kuva akashinga kwazvo saka ndakabva ndati,"Who is going to cater for the hospital bill?Kana paine dambudziko remari I can chip in."Iye akabva amanikidza kasetswa ndokuti,"Dont worry my dear vekubasa kwangu vati vari kusota zvese ndangofonawo kuti ndinzwe kuti uri safe here chamhamha."Ndakazopedza kutaura naye ndakungochema zvekuti mukadzi wandaiva ndakagara naye paside anenge akatomboda kubvunza asi anenge akatyira kure.Shamwari dzakadai hadzaioneka pasi pano zvekumhanya. Sprinter reBenz munongorizivawo kuti indege yepasi zvekuti by half 5 tanga tatosvika kwaMutare.Munhu wese akangoburukira paMegawatt paya iri opposite Gullivers,rikabva ratorova u-turn mushure mekunga rachera shura raivapo ndiye tandezve rakananga kuHarare rakaita kunonzi kurembera.Ndini uyo ndakabva ndakwidza naRobert ndokubva ndanzvenga Baba vaJudy vandakatoona vachireverser motokari yavo kubva pabasa pavo.I think vanga vatochaisa.Ndakachinja nzira ndokufamba na2nd ndakananga parank yekuDangamvura.Ndisati ndakwira kombi ndakabva ndafonera mhamha ndichivaudza kuti nditori maMutare panguva iyoyo vakashamisika zvisingaite ndokubva vazotondiudza kuti vakurongedza patable pavo kuSakubva at that time.Ndakabva ndakwira kombi yaienda kuSakubva ndokubva ndaburukira patable pavo chaipo vakafara zvekubva vakandimbundira nemufaro.Moyo wekubereka unenge wanga wavaremera.Ipapo vaiva vega patable apa yaiva Friday vakandiudza kuti musikana uya anga akuvashandira anga asiri kunzwa mushe ndokusaka asina kuuya.Ndanga ndaane ganda remari ka apa ndaiva ndakapfekawo hembe dzemari ndakabereka kasatchel kangu.KuJoza ndaanga ndaane hembe hobho asi ndakatadza kudzikumba pachakabaka. Mushure mekunga vanditarisa tarisa vakabva vati,"Ko mabhegi ako aripi mwanangu?"Ipapo ndakabva ndatanga kuyeredza misodzi yebhaizi iya ndokubva ndati,"Mhamha zvakaoma.Kundiona ndadzoka kudai kwaisava kuda kwangu asi unozongoona kuti home is best.Mhamha kuSouth kwakaoma.Ndanga ndakushanda basa riri nane ikoko nofunga maiona nemari yandaikutumirai asi pane vamwe vanhu vakangorwadzirwawo neni vandaishanda navo vakatanga kundiranda zvekuda kundiuraya ndikati iii ndingagarirei ndokubva ndatiza zvangu nezuro dzamara ndasvika kuno kudai.Ndatozoita zvekukwira ndege makuseni nekuti they have been pursuing me throughout mmmmm zvakaoma mhamha.Handichadzoke kuSouth futi shamwari yangu iyi yandanga ndichigara nayo yakapesaniswa makumbo ese nepfuti nezuro wacho pamusana pangu.Kutaura kudai atori muchipatara."Sometimes nhema dzinongorudunuka dzega so asi mhamha vangu vakatozvitenda nekuti ndakavaratidza ticket racho rendege.Hongu munyaya yangu maiva nechokwadi chishoma asi chaiva chakaputirwa nemanyepo anosemesa.Kuti ndivaudze kuti ndakasiya ndadyara mbeu ikoko ndakaona zvisingaite ivo vakangoti,"Iii chero wadzoka uri mupenyu mwanangu zvinowanikwa havasi vese vanofambirwa nekunze kwenyika.Kana wakamboona mukana ikoko pamwe kuno unogona kuuwana zvekare."Aya aiva mashoko anyakutumbura zvedi. Ndakatozovaudza kuti ndaiva ndakanganwa certificate rangu riya vakatoti zvitori nanesa pane kukanganwa hupenyu tikabva taseka tichibatsirana kurongedza stuff yavo takamirira mukomana wekucloak room. Mukomana uya achizouya achitora zvinhu zvake takabva tazoenda paSwimming ndokukwira kombi yekumba.Tichisvika takangotandara tandara mushure mekudya and ndakafara kuona vapfanha vangu ndikapromisa kuvadyisa dhorobha mangwana acho iri Saturday nekuti mari yezera rangu ndaiva nayo.Ndakurara mhamha vangu vakandikohomedzesa kuti ndisiyane naJudy.Vakatondiudza kuti vaizorega kuva amai vangu kuri kuti ndadzokererana naye.Amai vairoja pamba pedu avo vainzi Mai Mukundwa vakabva vatsigirana naamai vangu ndikabva ndaona ndega kuti pane nyaya zvedi.Manje chiri mumoyo chiri muninga nekuti izvozvo vaitoudza dombo zvaro coz Judy had a place in my heart.Kana zvichibvira ivo vaizobva vese neroja ravo pamba pababa vangu ndosara ndega nebabie rangu.Hameno kuti chakaita kuti ndiende kuside kwaJudy panguva iyoyo chii.Ndakatoona vanamhamha sevanga vari kuwedzeredza pane zvakaitika kuri kuti. zvakaitika zvedi futi saka panguva iyoyo ndakangobvumirana navo.Nechemumoyo,ndakazorara ndiine hurongwa hwekunoona Judy tomorrow bedzi chiri chisurprise attack hameno kuti aizozvitambira sei.... *Judith* Imwewo Saturday ndaiva ndakatofizuka ndiri pamba apa ndaiva ndega zvangu muzimba rese nekuti mhamha nadaddy vanga vakaenda kumusangano wekuchechi nezuro wacho iri Friday manheru,kuNyamajura uko vaizodzoka Sunday makuseni.Vabereki vangu ava vaitovawo nezvinzvimbo zvinoshamisira paMufudziwakanaka Anglican Church pataipindira nokudaro vaisafanirwa kushaikwa pamachurch gatherings and meetings ese.Daddy vaiva mukuru wevabvuwi vachitorova chicross bhande chiya cheblue every Sunday apa dzichirova zvadzo doro kunga dzakakweshwa nhova neCastle kkk.Mhamha ndivo vaiva treasurer weruwadzano.Conference yacho yaiva yevanhu vakuru saka inini ndaisakwana kwana thats why ndakasara pamba.Musikana wedu webasa akabva apihwa kaoff kemazuva matatu izvo zvakaita futi kuti ndisare ndega. Zvino makuseni eSaturday iyoyo ndaitozviwachira zvangu hembe dzangu ndiri panze apa ndaiita ndichitega mvura yandaiva ndarara ndakacherera mutub yemubath medu,ndichizowachira zvangu panze ndakaisa maearphon munzeve ndichiteerera zvangu Westlife-masongs evanhu vakarambwa.Ndakangoereka ndanzwa My Love yandaiterera yamira kumira ndokunzwa foni yangu yakurira apa ndaiva ndakaipfekera mubra mangu yakaconnecta maearphones kudaro.Ndakapukuta pukuta maoko angu aiva akazara mafuro,paskirt yandaiva ndakapfeka ndokubva ndadaira foni ndisina kutarisa kuti ndiani afona."Halo mukadzi wangu uri sei?"Voice iri ndakabva ndariziva ndikabva ndabatwa nekufarisa zvekuti kudai ndisina kuzvidzora ingadai foni iya yakadonhera mudish.I was dying to hear this voice for quite a while and it was a voice from my real heartbeat zvekuti patime iyoyo heart yangu yakambomira kushanda nekuti heart yangu chaiyo yaiva yapindira- I mean my Tatenda wow.I checked again ndokuona kuti iSouth African number ndikangoti hameno ikoko chero ataura neni bedzi.Handina kumbofungira kuti after a couple of months,Tatenda achazotaura neni futi mulife mangu."Oooo my babie its you come and take me honey."Ndakadaro ndakutoyemera daddy pafoni.Rudo rwedu rwaiva rwakakura semakomo uye rwaiva rwakasimba kupfuura rufu.Ndakanzwa Tatenda achisekerera ndokubva azoti,"Iwewe honey come and take me now."Ndakatofunga kuti majokes ka ndokubva ndati,"Babie ndouya sei kwauri kwacho kudai zvaibvira ndaiuya ndokutora uripi babie plz?"Ndanga ndakuwedzera kuyema apa ndakabva ndachuna voice rangu zvekuti ndakamunzwa achiita weak pafoni ipapo. Akandishocker paakati,"Ndiri pagedhi penyu now huya uone."Nenyaya yekuti mukomana uyu aindipengesa handina kumbofunga kuti aitaura chokwadi here kana kuti ainyepa saka ndakangoerekana ndasimuka paya ndokuenda kugedhi kuya.Ndichingorivhura kudai ndakaona bae wangu amire achismiler ndikabva ndasprinter ndichimumbundira ndakakochekera makumbo angu pamuviri wake misodzi yerufaro ikabva yabuda yega.Kumaraini kwataigara kwaisagara vanhu vakawanda wanda zvekuti handifunge kuti pane akationa mushure takabva tapinda tese muyard medu.Durawall yedu yaiva yakakura zvekuti imba yedu yaisaoneka uri kunze apa pamusoro payo paiva nemabhodhoro akati ndandanda akaita zvekunamira pairi.Ndakagutsikana kuti ndiye zvedi Tee wangu tikabva tatanga kumwayana makiss tiri panze ipapo.Ndakabva ndakiya gate redu ndokusiya Tatenda achipinda mudining ini ndichinotora foni yangu panze paya ndichizopindawo mudining muya umo ndakazopinda ndaane bra bedzi kumusoro nekuti ndaida kutorova kawelcome note.Ko ndini ndanga ndaitawo sei coz ndanga ndaane zvimazuva.Chakabaka pasofa remudining and it was my first time to have unprotected sex with him nekuti in my mind ndanga ndakutoda kuita Mai Muswera come hail come thunder.Pakashandwa basa ipapo hama dzangu zvekuti patakapedza hope dzakabva dzatishanyira ndokutorara takagukuchirana pasofa remudining imomo.Takazotopatiswa tese nefoni yangu yaiva patable iyo yakatanga kurira zvekare.Ndakatarisa kudai ichirira kudaro ndokuvhura dutu remamessage andaiva ndaona ndokubva ndamutsa Tatenda uyo anga ari kutsumwaira tsumwaira ndichibva ndamuti,"Maihwe daddy vari pagedhi now swty..." Kkkkkkkkkk end of chapter Mahwani atanga zvekare kkkkkk Watch out for chapter 5 tonight Please like my fb page;Dr Maxx's Stories. Kana uchida kupinda muWhatsapp Group redu inbox me on +263738815539 Follow this link to join my WhatsApp group: https://chat.whatsapp.com/6PODSr29lNH1nj91I2i5FV https://mobile.facebook.com/Dr-Maxxs-Stories-102170740260328/?refid=8&ref=opera_speed_dial&__tn__=H-R [05/09 12:01] Terminator: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 5๐Ÿ–ค๐Ÿ–ค๐Ÿ’—๐Ÿ’“* *Tatenda* "Babie wati chii?"Ndakabvunza ndichine kadzungu kehope ndichinzwa nyama dzangu dzakaita kunonzi kurukutika."Bae ndati daddy vari pagedhi nyatsotarisa mamessage aya."Babie rangu rakadaro richiratidza foni iya ndikabva ndati netu nazvo.Hana yangu yakarohwa nehana ndikashaya kana chekutaura.Apa panenge panga pakaoma nekuti zvairatidza sekunga vanga vamira nguva yakareba vari panze.Tiri mumba imomo ndakazosimbisa babie rangu kuti ridaire foni yacho payakafonwa kechipiri.Achingoidaira ndakangonzwa mudhara vake vachiti,"Iwe kurara rudzii mumba imomo.Wandimisa nguva yakareba panze pano kamani bloody bastard ndiunzire rimwe gumbeze riri pamusoro pewardrobe yemubedroom mangu now ndiri kuda kudzoka kumusangano kuri kutonhora zvisingaite."Haaa ndakatura zibefu nekuti chibaba ichi changa chisiri kuzopinda mukati.Ndakaona Judy achimhanyira muroom make ndokupfeka chimwe chidhirezi chakangodaro daro apa vhudzi rake rakati nyangarara then bvaazopinda mubedroom memaparents ake ndokubuda negumbeze riya 2in1.Pasina nguva anga atodzoka mushure mekunga apa baba vake gumbeze riya. Achidzoka akabva atobvisa chidhirezi chiya ndokusara akadaro apa aitoda futi kuti ndimuumburudze kechipiri ndikabva ndatsika madziro nekuti zvanga zvisingaite."Honey remember wanga usipo nguva yese iyi ndinzwirewo tsitsi please."Maziso ake aiva akaita kutsvuka nerudo achitaura kudaro asi inini ndanga ndisisade kuramba ndichizvisasika pamarasha akatsvuka saka ndakabva ndati,"Mmmm swty hazvichaita vanamudhara vanogona kudzoka full time tikapinda busy big time.Ndakuenda and ndamisa vanhu kumba uko vanotozoti ndiri munhu webhaizi."Ndakadarowo ndakarereka musoro wangu parutivi ndichinzwisa tsitsi asi zvakanzwika nani nekuti babie rangu ranga rakutondibata bata.Ndaona kuti zvingaende nepamwezve ndakabva ndati,"Ko vanamudhara vari kudzoka nguvai kwavaenda uku?"Ndakatobvunza ndichida kutsvaga chikiribidi chekuda kuti nditize babie.Judy akabva anyatsoswedera pedyo pedyo apa anga ari mupfupi kwandiri achigumira nechepachest pangu ndokubva asimudzira musoro wake achinditarisa ndokuti,"Aaa vari kudzoka tomorrow.Vari kuita zvemusangano wekuchechi kwaOdzi ikoko saka pano I am all alone and maid wedu ari kuoff kumba kwavo kumaHobhouse."Achipedza kutaura izvi ndakanyepera kukwenya pahuma pangu ndokuti,"Ok babie I promise you kuti I will come back later in the day kana kuma4 topisa chinight tese how about that?"Ndakaona babie rakabira ndokubva rakanda kasmile mushure ndokuti,"Ok daddy I trust you inga munozviziva now mirai ndikuburitsei gate tozoonana later mwaa."Ndakabva ndapihwa kakiss kepamalips zvekuti ndakabva ndanzwa ropa rese kuti zhrrr ndikabva ndazhinyirira ndichiti nemumoyo chimwana chinonaka ichi. Ndichingobva pamba pavo ndakabva ndakurumidza ndadzoka paden ndokutoona Berna naGeorge vatochena chena kani vakagadzirira kunodyiswa mari yepaJozi kkkk.Nofunga vanhu vanga vanzwa nekuvhairirwa musi iwoyo.Ndakavaona vari panze vachitambisa tambisa zvavo nguva vakamirira chimudhara chavo chenyuchi zvekuti pavakandiona vakabamuka nemafaro.Ndichipinda mumba ndakatoona mhomz vachinwa zvavo tea kuma11 ikoko zvekuti pavakandiona ndichipinda vakabva vafinyama kumeso ndikatombogaya kuti tea yacho inenge yaiva negavakava izvo vaitosvotwa nekundiona kwavaiva vaita panguva iyoyo."Wanga uri kupi Tatenda makuseni ano ese?"Ndakabva ndabhombwa nemubvunzo iwoyo ndisati ndabatanidza zvekuti nditaure.Vakangoona vega nebody language ndisati ndapindura,kuti apa ndiri kusonerwa mabhodhoro,ndakazosara kunyepa ndichiti ndaiva kushop kwaSati zvikanzi,"Shop yaSati yava kuArea 3 kani?"Ndakabva ndati tuzu ndikatanga kudzoira dzoira kunga hove yabudiswa mumvura ndikabva ndaziva kuti hakuna mumwe anga avabatisa dot com iri kunze kweroja redu,Mai Mukundwa.Ndipo pandakabva ndatondera kuti vane hama yavo yaigara kumaraini aanaJudy saka vanogona kuva vationa tiri panze paya.Ndaiva ndichiri kutondera kuti hapana aiva andiona naJudy panze paya asi ndakazozviona kuti ndaitozvivhara nekuti vanhu vemakuhwa vane masaisai anotokuda eEconet Wireless.Vanhu ava vatorine mabooster kwese kwese ekuti vafambise nyaya dzavo.I was satisfied kuti ndiMai Mukundwa bedzi vaiva valeakisa bepa iri and kana vari ivo nofunga vaiva vatoudza mhamha kuti Judy atenderera pamuviri wangu kangani uye nekuti aiva akapfeka hembe dzakaita sei.Vaiva nedzvene raisvota nekuti vaiziva kuti mhamha vaimbowanzwira tsitsi pamwedzi yavanenge vakachoboka vasina mari yerent.Zvekare kasmile kavanga vandikandira ndichipinda muyard medu ndavaona vakamira pagedhi vachindimhoresa,raitova zino irema zvaro.Manje zino irema rakaremara ndaizoripa wheelchair kuti rionekerewo nehurema hwaro.Her days were numbered zvekuti ndanga ndakutogaya kuti ndiudze mhamha kuti vavadzinge ndisare zvangu ndichitora room yacho yavaigara. Manje mhamha vacho vaizotangika here zvamira sekudaro nekuti ipapo ndakashurwa ndikasiiwei.Vakanyatsoratidza pachena kuti havachada kuona chinonzi Judy mulife mavo zvekare apa ndipo pandanga ndakaperera kunga kasipo kaya kainzi kaLido kanoperera patauro. Mhamha vaimwaya shaudhing zvekuti vaizoguma vakuudza kuti vakuda kutokumura hembe and ukanzwa vadaro kutobva zvako pavari kwaiva nane.Semunhu aiva akasovajaira ndakazongoparadzana navo vanetawo nekupaumba dzamara tea yavo iya yatonhora.Ndakapinsa mubedroom medu ndokuzvisprayer kamwe kaperfume mushure ndokubuda nevana vaamai vangu takananga kutown kumbonovadyisa nyika rutivi.Tichipinda takabva tananga kuAlcatraz ndokubva ndavatengerawo hembe neshangu zvinodhura nekuti vakanga vanzwawo nekupfeka Mupedgaz neKotamai Boutique.Mulife zvinombodawo kuita hembe two or three dzemashuwa kwete kubva wati bhero kupera.Haa George chakanakirwa kani nekuti ndakabva ndachitengera shwada yachaichemera makore ese chichitadza kuitengerwa pamusana pekushaikwa kwemari mumba.Ndakabva ndachiendesa kumwe kwaitambwa mavideo games chikatatsurana nasisi vacho vachimboroverera maice cream for refreshment.Mhamha ndakavatengerawo dress ravo nebhutsu dzacho zvaimatcher ndichiziva zvangu kuti vanhu vaizonzwa nekushainirwa mangwana kuchechi kwedu kuMethodist.Tichipedza zvese ndakabva ndawithdrawer cash yaikwana iyo kuita $90 from my Ecocash Account kubva pane chimwe chimoney changer chaishandira paMeikles Park paya.Ndakatoburitsa iri $110 chikabva chakwatura $20 yacho yebasa๐Ÿ˜จ.Mari iyi ndaida kuzoipa mhamha tadzoka kumba kuitira kuti vabatsirikanewo mumba.Tichingotambidzwa mari yedu takabva tacrosser Hebert Chitepo ndokunanga paNandos iya iri padzasi peSpar.Ndakaisa maorder matatu echicken and chips.Chijana changu chekubhadhara chasvika ndakatarisa kumberi kwangu ndokuona babie raiva kuseri kwecounter riine hameno kuti ndivo anonzi maeye lashes here richibwaira bwaira so rakanaka zvekusheedza mamale customers zviya."Muri kuda kutenga necash here sir?"Akabvunza musikana uyu achinyemwerera inini ndikati iii paita zvesimbi pano ndokuda kuedza kuimpressa ndokuti,"Yaa ndine cash and ndanga ndiri kukumbirawo kuti paorder yangu mubva mawedzera nemaMinute Maid acho matatu ari paApple."Musikana uya uyo ainzi Dadirai ( ndanga ndaona kabadge kakanyorwa zita rake kari pamusoro pemunyatso wake wekuleft)akabva akanda chimwe chigetsi chesmile chekuti ndakabva ndaona mukaka wemazino ake akabva ati,"Ndiri kukumbirawo kuti nditenge food yenyu necard rangu mondipa cash yamaida kutengesa yacho."Aitaura asingatombonyare vamwe vanhu vaiva mumashure mangu.After all zvanga zvisingachanyadzise nekuti kushaikwa kwecash wanga watova mugariro paZimbabwe. Ndakatsunhura $19 pasumbu remacoin andaiva ndapihwa paya ndokubva ndamutambidza iye ndokuita yaaita netill yake bvaazondirayira kuti ndinogara zvangu patable yataiva tasarudza nevapfanha vanhu,takamirira fulo.Ndakagara zvangu ndichibaya baya foni yangu foodaz bvayazouya kwapera dzinenge five minutes apa ndanga ndakubiridzira kutarisa tarisa musikana uya uyo anga akaita joki joki asi ndichimutarisa so ndaibva ndanzwa kuda kupinda naye muJorodhani.Aiva akapfeka zvake simplaz yeskin jean reblack raaiva akazadza nemassets ake richiita serichaexploder,golf t shirt yered yanga yakanyorwa kunzi Nando nemavara eyellow pamwe necap yacho yered zvekare yaimatcher.Paakatoona kuti ndanakirwa naye akabva andipa kasign kekuti ndisiye kapepa kane number dzangu patable paya.Mmmm zvinonzi zingizi gonyera pamwe maruva enyika haaperi asi mamwe maruva acho so heish.Dadi uyu anenge aiva kana munin'ina waTelma bedzi nekuti mmmm anga akanaka zvinorutsisa.Ndakazobuda time time nevafana vangu mushure mekunga ndasiya kapepa kaya patable.George chimupfanha changu chinenge chakazviona kuti ndadyira babie ndokungonzwa chakuti,"Haaa but mudhara mukapinda apo munenge mapinda machena."Chakadaro chichiseka seka tichikwidza zvedu pakamutunhu kaya kepaSpar ndikabva ndapera power ndokuseka zvangu nekuti ndaisatarisira kuti mwana mudiki angataura zvakadaro.Ndakatadza kana kumupopotera kunyangwe paakazviudza mhamha kumba.Ivo vanenge vakatofarawo nekuti vanenge vanga vaona kuti zvimwe kundishaudha kwavaiva vandiita makuseni kwaiva kwashanda nekuti nemusi iwoyo bedzi ndanga ndatovhima ndikabata imwe hadzi.Ndakafara pandakasenderwa message naJudy yekuti maparents ake aiva adzoka asina kuzvitarisira saka zvanga zvisingachazoite kuti ndiende kumba kwavo.Husiku uhwu ndakazorara ndakutaura naDadirai uya wekuNandos ndikarara ndapinda machena asi anga aine kastaira kekukara bhegi nekuti ndakabva ndatogumhwa kapondo keairtime.Akandiudza kuti kutanga Monday anenge ava paoff yemwedzi wese saka akabva andikoka kumba kwake kuDarlington pedyo neMutare Poly. Monday yacho ichisvika ndakafumorova kachipiyaniso ndichikumbira vadzimu vangu kuti vasanditadzise kurima munda wakadai.ZvaJudy ndanga ndambosendeka parutivi mushure mekunga ndamuvhara kuti mhomz vangu vari kumonitor mavoments angu ese iye akabva azvitendawo nekuti aiziva zvake chipande chake namhomz vangu.Ndini uyo pfee mutownaz nekombi ndakapisa smarts randaiva ndazvitengerawo Saturday iya.Ndava paflyover Dadi akabva andipinzira foni achiti akandimirira mutown ndokubva ndabvunza kuti,"Wakamira papi pacho babie?"Akatanga aseka zvake ndokuti,"Ndakamira paPizza Inn sweety huya unditore ipapo."Ini dhuu kkkk madhiri ekupwanywa bag ka aya apa ndanga ndiine ka$50US kandaiva ndangoonawo nelucky musatchel rangu riya randaiva ndakabva naro kuJoza pandaitiza paya.Ndanga ndakatokatwonyera munduhwe mangu chaimo kari iko kega kaiva kakabata homwe yangu.Zvisinei ndakasvika paPizza Inn paya ndokuona babie rakaita zvekumira nechemukati.Takagreetana imwe iya iya apa for the next move zvaida kutoitwa zvanga zvava pachena kkkkk.Nhai ukaenda nebabie kulodge iro ringazoda kubvunza richitaura kuti tauirei kuno-ndiwo mamirire anga aita nyaya yacho.Zvanga zvatova pachena kuti anga atova madhiri ekutsondorwa bag apa mwana anga akanaka zvake iyeye.Takafamba tese tichienda pacounter ndakapihwa hug yekuti ndaibatiswa hip rake rekuleft iro raiva riine kahusoft kari sweet.Ndakaona iye ega achiorder mazipizza mahombe aya maviri pamwe nemadrink acho zvichinzi imwe ndeyeshamwari yake. Pakuchaiwa kwezvinhu ndakaona pacomputer pakanyorwa musvo we$28 ndikatomboda kubudisa mweya chaiko nekuti mwana uyu anga asina tsitsi neni kkkk๐Ÿฆ๐Ÿ’จ. "Chibhadhara ka babie hona time dziri kufamba."Rakadaro babie richizvitemba apa rakaita kakusheedzera nekuti ndanga ndaita kakusticker nefigure yandaiva ndaona iya.Anyways ndakanyurura ka$50 kaya ndokubva akatambira achibhadhara ari iye pauzima mushure ndokubva anditakurisa mapizza aya.Change yese akabva aitora zvekuti ndakanyara kuibvunza apa ndanga ndisisina coin rekudzokeresa kumba kkkk.Tichibuda takabva takwira taxi takananga kumba kwaairoja kacottage kake.Pandakada kukorovhera makumbo ndakabva ndaona ari kumwedzi zvake zvekuti ndakangonyepera nyepera kutaura naye ndokubva ndazooneka ndiine hasha.Kkkkk hasha dzandaiva ndazara nadzo apa dzaiva dzekuti kudai ndaizodhumhwa negonyeti iro ndiro raizokudubuka ndichisara zvangu ndimire.Ndakazongoti pfavira ngoma chimhandara husiku hurefu uye mazuva mazhinji ari mashoko ekuzvinyaradza asi homwe yangu yanga yatova pamariro apa isina funeral policy.Kudai asiri mufesi wangu Fidza akazondigadzika paKadoma pemukombi yake ingadai ndakatimba netsoka apa ndakasvika kumaraini magaro akaibva nekupiswa nepaKadoma paya.Babie iri ndakazoriblocker mangwana acho mushure mekunga randiudza kuti riri kuda $50 yekugadzirwa musoro.Akatotangakundisendera mapics acho ari musaloon ini ndikangoti nechemumoyo,"Mai amaiko musatanyoko."Ndakabva ndachiblocker chihure ichi nxa!!๐Ÿ˜ก *Judith* "Aaa Judy mwanangu manje tinopona here nababa vako.Manga mashaya here macondom nhai veduwe zvayatova nhumbu asikana."Ndiamai vanguwo ava mushure mekunga vandiongorora vakaona kuti ndine nhumbu.Paya ndakazoita zvimaweeks zvakati oo ndichionana naTatenda zviya zvekubiridzira asi taisarara tese nekuti mukana wacho waisaoneka zvekumhanya asi chaiva chakasobaya chikatyokera ipo paya asi ndanga ndisiri sure kuti ndeyake here zvedi nekuti mmmm pane zvaiva zvakamboitika zvinonyadzisa.Sati shamwari yake aiva akandimanikidza kurara naye mushop make mamwe manheru so.Ndiye akatondiudza zvese zvekuti aiva akapa Tatenda mari yekuenda kuJoza ndikatombozviramba ndichiti zvimwe masasi epanhamo.Zvakazoita kakundijekera ndaona Tatenda uya ati nyaaa ndokubva ndaguma ndakutozoshandisa Sati sepainkiller.Paisava nerudo chairwo serwaiva pakati pangu naTatenda asi yaitongova a pure sexual relationship zvekuti a few days before Tatenda auya paya tanga tatambochimhanya and musi iwoyo condom rakaputika. Paweeks aya akazotevera ndakatanga kungosema sema chimwe chikafu and ndaiti ndikanzwa munhuwi webeef ndaibva ndatorutsa ipapo ipapo.Last Friday yacho ndanga ndatograduator zvakanaka paMutare Teachers College and ndaisambonzwa any pain or what asi Saturday iyi yandazoongororwa namhamha ndanga ndaane zvimazuva zvinenge zvitatu ndichingorutsa rutsa zvisina order.Mhamha vakatanga vandiongorora pachivanhu dzamara vazonotenga kapreg test kaya ke$1 vega.Ivo ndakatongovaudza kuti inhumbu yaTatenda nekuti ndikwo kwanga kwakarerekera bote vakabva vatofonera vamwe tete vangu vaigara kuPegasus kuti vaite secret hurongwa hwekuti nditiziswe mudhara vasingazvizive.Naizvozvo mangwana acho iri Sunday tete vangu vakazondiperekedza kumba kwaanaTatenda wacho masikati tabva kuchechi mudhara vangu vasipo vaenda kubhawa.Tichisvika kudai netwumabhegi twedu Mai Tatenda vakabva vatanga kuvava and vakandibhohwa.Vakabva vaita kunga vanorara mugumbeze rimwe chete nemwana wavo.Tichingoti garei garei Tatenda akabva apinda,hameno kwaibviwa.Achindiona ndakasunga kazambia akabva a..... Kkkkkkkkkk End of chapter Chakusimuka manje chitima๐Ÿ˜ƒ *Watch out for chapter 6* [24/09 19:41] Dr Maxx๐ŸŽ“: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 6๐Ÿ–ค๐Ÿ–ค๐Ÿ’“๐Ÿ’—* *Judith* Tatenda paakangondiona ndakasunga kazambia akabva atoziva kuti chaakadya chapfuka.Akanyatsoswedera padhuze ndokuona kuti ndini zvangu asi ndakatoona kuti anenge ari kufunga kuti ari kurota.Ndangariro dzake dzinenge dzakatomboenda kure akatozoita zvekupatiswa naamai vake avo vakabva vati,"Kamukadzi kako kauyaka aka nhai Tatenda ende anhu woye mwana iwewe ka."Vakaita kunonzi kureketa nechiWasu ndikaona baba vekwangu vangoti tuzu ininiwo ndichibatikana nekumunzwira tsitsi kuti zvimwe ndamuunzira mutoro usiri wake.Ndakazokandawo pfungwa iyoyo kwakadaro ndafunga tsumo iya yekuti Kakara kununa kudya kamwe ndichitozviti ndaida kuzoona kwaizoperera nyaya yacho.Kumba kwedu ndaisapona nababa vangu saka yanga yava Chauya Chauya muZimbabwe akati Mukanya. Tatenda akatadza kana kupindura mubvunzo waakabvunzwa naamai vake dzamara tete vangu vatosimuka paya ndokuoneka.Zvanga zvoreva kuti paculture yedu ndanga ndatova somebody's wife.Pava paya Tatenda akazosara achiudza amai vake kuti he was responsible for the pregnancy vakabva vati,"Kkkkk mwana iwewe ka indava kufanana nababa vako kudaro.Shuwa dzinza renyu nemahure hazvisiyane asi wakakweshwa nhova nemafuta epacondom aya kani?"Ndakanzwa Tatenda angoti zii achitadza kupindura apa vari vega mudining ini ndichizvinzwa zvangu ndichisuka ndiro mukitchen sink.Vakabva vasekera svoto ndokuti,"Zvino matsvaga kwekunogara here nekuti munhu wako uyu ndakakuudza ndisina kumbokutenderera kuti handimude pano.Mwana wangu Berna angadzidzei kubva kukamburuchisi kako aka?"Ipapo Tatenda akamira mira semurume kkkk ndokupindura achiti,"Mmm mhamha hamusi makuenderera here?Ino imba yababa vangu and ndichabva ndabalancisa Maths dzangu hamuite zvekundimhanyisa ka."Apa ndakanyatozonzwa kuti vamwene vangu vanenge vaita zvekusimuka vari chamupupuri chaicho nekuti ndakanzwa voti,"Kkkkk seka zvako Mai Tombi.Baba vako vari kuhure ravo hameno kuGaborone kwavari pano panoti ini wazvinzwa?"Ndakadongorera ndikaona murume wangu achidhokonywa pahuma nechembere iyi.Tatenda akabva asimuka akatsamwa ndokubva abuda zvake panze apa kwanga kwatova kumahalf 7 tapedza zvedu kudya kwemanheru.Inini ndaingoitawo action action ndiri mukitchen ndichiititira kuti pamwe CV rangu ringaitewo nane pamberi paamwene vangu,asi kwaitongova kufudza mbada nekuti mai iyi yanga iine moto chaiwo.Kudai zvakatorana nababa vangu chokwadi paizvarwa marasha akatsvuka ega ega.Chete vakati Zviuya hazvidondane vanga vazviona zvedi nekuti vakazouya mukitchen muya vachiti,"Aaa maplates aya haana kuchena asikana.Ndizvo zvamakadzidziswa here nechitete chenyu chamauya nacho pano changa chakutonditadzisa kufema mumba mangu pamusana pekunhuhwa kwacho."Iiii vakataura zvavanoda amai ava apa ndanga ndisinawo zvekuita apa vaitaura vakakwidza mawatts zvavo zvekuti nofunga Tatenda aizvinzwa."Musaise madinner plates angu paedge pesink kudai nekuti akadonha handifunge kuti ndingamarecover nhasi nekuti ndipo pandinenge ndichimada ipapo kwete mangwana or kuswera mangwana."Vakatorutsa zvavo manzwi aya vachirongedza vega maplates aya ini ndakangomirawo parutivi pavo ndisingataure kana chii.Kakitchen kacho kaiva kadiki zvekuti ndaivanzwa vachifemeruka femeruka kunga chimbwa chine asthma. Zvapera vakabva vaenda kubedroom kwavo kunorara naTete Berna naBabamunini George.Ndakabva ndabuda zvangu ndokugara pamasteps nadaddy apo ndakasvika vakatsikitsira vachiratidza kushushikana.Ndakagarawo navo pasi ndokukochekera ruoko rwangu rwerudyi pabendekete ravo ndokubva ndavazevezera munzeve mavo ndichiti,"Babie I know its tough but inini ndinokuda.Just make a plan yekutsvaga imba yekuroja tinobatsirana coz inini ndikawana basa zvinenge zvakubalancer.Nekuti mmm pano hapagarike swty namhamha ava."Ndakaona akunyemwerera murima nekuti mashoko angu akaita segym kwaari nekuti akamusimbisa.Akabva andimbundira ndokutanga kundipa makiss tikazomiswa naamai vake vakatirayira kuti tipinde mumba sezvo vanga vakuda kukiya door ravo.Chokwadi Chimwango chemumwe hachina ndima nekuti hatina zvedu kupokana navo saka takapinda zvedu ndokurara mudining umo maigarorara Tatenda wangu. Ndakafumomutswa nguva dzemashambanzou ndikapihwa basa rekuti 8 dzakasarochaya ndava bhoo.Hameno kumaraini kwakabva kwaendwa nemai iyi apa Tatenda anga asobudawo kuma7 achiti ari kunoona Sati.Ndakatombonzwa mudumbu mushure mekunga andiudza izvozvo asi ndakazozvidzikamisa ndaziva zvangu kuti Sati haaizombodhomoka zvekusvika pakuudza sahwira wake kuti akandidya.Musana wangu wanga wakuita kunonzi kupisa ndichinyatsofeeler kuti ndiri mugehena apa satan akanyatsochuna oven yake zvekuti ndaiva ndatsvukira.Ndichinetseka kudaro ndakabva ndati zano nderipi ndokubva ndafonera amai vangu nekuti ndaiva ndasiya ndisina kupisa musha.Mhinduro yavakapinda yakandisiya ndiri pafull stop kwete pacomma nekuti ndakagumirwa.Ndakavaudza kuti ndava kuda kudzoka kumba ivo ndokuti,"Shingai mai mwana ndizvo zvamakasarudza.Imba ndizvo zvainoita kana ichitanga kudai ,takabva neko kumhunga hakuna ipwa.Now ndiri patight nababa vako nekuti vari kunditi ndini ndakakutizisa saka as for now munhu ngaamire neimba yake Amai Nhiya.Fight for your marriage like I am doing now for mine."Vanga vatopedza neni mhamha ndokubva vacutter vari ivo ndikanyatsoona kuti mahwani atanga.Kana pakadai misodzi yakatadza kubuda apa kuti ndirambe ndichiudza Tatenda zvanga zvoita sendiri kumuremedza and iye he was caught between hard surfaces coz zvaitonetsa kuti atore side one.Ndakarovera pasi brush randaiva ndakabata nehasha ndokuona mai iya ichipinda mumba yatova papassage.Yakangopinda mubedroom mayo ichirova zitsamwa riya ziMai Azuka Trademark ichiunyanidza kumeso kuchibva kwashata kunga cheni yakaunganidzwa.Ndakaswera ndiri dhonza kani pamusha uyu uye ndizvo zvakazoramba zvichiitika pamazuva akazotevera. Ndakazodirawo paraffin pamoto mumwe musi wandakareva vamwene vangu neroja ravo Mai Mukundwa.Musi uyu mhamha vanga vandisvota kunga mangai and kasystem kavo kavanga vatanga kekundivigira chikafu vaenda kubasa kwavo kanga kakundibhohwa.Saka on that day vakandivigira Cremora apa chinhumbu changu chaida tea zvisingaite kunga chaizova chimupostori.Ndakwgedebedza kitchen unit yese ndikaishaiwa dzamara ndazoikumbira kunaMai Mukundwa apa ndini ndega mumba medu ndaiswera pamba.Tatenda aiswera kushop kwaSati pano neapo kana kuti aitoswera achitamba chess nechimwe chimudhara chaigara pakona peraini redu.Vamwe ava ndivo vaienda kuchikoro,mhamha vachienda kuflea market kwavo uko ndakamboshandiswako ndichiswedzwa nenzara apa ndaiti ndikatengesa zvinengei ndainzi ndavanyudza mari yavo kunyangwe zvinhu zvavo zvaienderana nemari yandinenge ndiinayo.Vaitondiita bhora ravo amai ava ndikatozofefeterwa vandidzinga mumwe musi wandanga ndazvitengerawo mabanana nemaapple zvedhora bedzi nekuti ndanga ndanzwa kuzvida.Ndakatovaudza kuti ndatora mari vakabva vati ndizvo zvandinogara ndichivaitira,kuvabira,saka vakabva vandidzinga kunga imbwa.Musi uyu ndakadzingwa ari masikati ndikabva ndapfuura nekuArea 16 kwaiva nevamwe madzibaba vainzi Madzibaba Betimaya vainzi vanobatsirana vanhu.Ndakatosvika vari vega pamba pavo ndikazvishayirwa kuti vanobatsira chii ivo vanga vakundigainer mahalf rakacheka nyika.Imagine kubatwa garo nechimunhu chakasvipa kuti ndoo aaa I couldnt stomach it kkkk! Now back to our story kkkk.Musi uya weCremora ndakazotanga kureva vamwene vangu naMai Mukundwa vaya tichinwa tea mumba mavo.Ndaisaziva kuti Mai Mukundwa ava itsvina yemunhu nekuti ndakazonzwa ndakubvunzwa nyaya iyoyo mangwana acho mhamha vakuenda kubasa.Vakanditaimira ndichishainisa pamasteps ndokuti,"Pano panoti ini mazvinzwa and iwewe hautenge chikafu pano saka uchanwa tea tsvuku kusvika wakuziva tsika.Unogoda Cremora kudaro ko kana yakapera ukwane iwe!"Aa amai ava kana kumbondinyarawo vaitoita vachishamatata apa vachitsatisa twumate twavo pameso angu nechivoice chavo chaiita kunga pahuro pavo pane PA System yeparally.Hameno kuti kugumbuka kwandakaita apa kwanga kwabva nepi ndokubva ndavapindura ndichiti,"Manje kana pasina mukaka tisvinirei wemuzvimazamo zvenyu izvo zvapera basa tinwewo tea ine mukaka."Ndakaona chembere iya yabata muchiuno ini ndokubva ndabatawo mangu apa ndaiva nechepazasi ndakamira pastep rechipiri sezvo padoor pacho paiva nemasteps matatu ivo vakati nenga padenga nechepadoor chaipo."Wati chii dzokerera zvawataura?"Vakabvunza vachida kunyatsonzwisisa ndikabva ndati,"Radio two haidzokereri."Hehehehe yakaita kupupira mai iyi yakamira padoor paya ndokubva yati,"Do you know kuti I carried Tatenda for nine months?Tatenda mwana wangu wazvinzwa and ndini ndakamugomera for your own information."Inini ndakabva ndanyatsoti mbikiti kumira apa twuCobra twakanamirwa pamabvi angu ndokubva ndarudunukawo ndichiti,"Hapana dofo ramunoda kugara muchiudza kuti Tatenda mwana wenyu that much we know amai.Kahunhu kwenyu kakadhakwa thats why makatizwa nemurume nekuti munotaurisa and hamugeze futi.You speak as if munonyengana nemwana wenyu sei and munotaura zvekuti makamutakura kwe9 months ko what about me ndinomutakura husiku hwese pamusoro pangu ava mutinda werume kudai.Makuenderera manje amai imi maguta kunya..."Ndisat ndapedza mashoko aya ndakangoona mazioko avo achiita zvekunaya pandiri the I lost my balance ndokudonha nemusana wangu pastep rekutanga tanga musana wangu ndokubva wati kaa zvandakapedzesera kunzwa ndokuzoona ropa ratozara pasi pese.Ndakacollapser ndikazomukira ndava kuMutare General Hospital uko ndakazoudzwa kuti mwana wangu anga abva... mmmm anga atori mahwani kudai aiva ma2 kana ma3 taisheya. *Tatenda* Mmmm yedu yekukara zvinhu iyi yanga yazotiparira rwendo rwuno.Wifaz yangu yakazochona kweweek muzvibhezh ichiongororwa naanachiremba.Mhamha ndivo vakamboita 2 days vakavharirwa paDangamvura Police vachipomherwa mhosva yeAttempted Murder,ndikatozodonhedzera ziMember In Charge repo twumacents vakabva vabudiswa.Pavaiva mukati ndakagara ndatsvaga zvangu kwedu kwekuroja nguva ichipo nekuti paizoguma padeuka ropa bedzi.Vanhu ava vanga vakamakana semarasta nechigero.Mumwe mudhara ainzi VaMukucha uyo aiva bhururu wamudhara vangu ndiye akatondipa advice iyoyo ndikaitenda.Ndaitomuona samudhara vangu zvekuti ndiye akandiendesera tsvakiraikuno kumba kwemukadzi wangu.Changa changosara kuzobvisawo pashoma pandaiva napo kuti zviite kachiremerera.Mudhara Mukucha uyu akandinakidza paakandiudza kuti akatozonwidzana doro naMudhara vaJudy musi uya waakaendesa tsvakiraikuno and izvozvo zvakaitika hazvo Judy namhamha vasati vanetsana zvekusungisana nekuendesana kuchipatara. Babie rangu rakafara richiona tava kunew house apa ndakabva ndabvisa rent yemwedzi mitatu in case of emergency.Kamari kaya kepaJoza ndanga ndichinako and hapana aimboziva kuti kaimbova kamarii even my wife.Babie rakasvika muka1 room kedu kacho muine zvese zvingadiwa mumba including plasma nebhavhu racho rekuti aonewo Zee World akadhinhiwa paden.Tanga takugara kuArea 12 mukamwe kamba kekuseri kaiva pane zimba raiva extended.Kamba aka kaiva kakakurira zvekuti makitchen chairs edu akakwana imomo saka madhiri aya ekuzoshandisa room iya yekumba kwedu akabva apinda Mudondo kunga Dino๐Ÿค“.Babie ranga risisina nhumbu saka tanga takutanga on a fresh page.Mabasa acho anga akunetsa asi tanga tiine chivimbo chekuti babie rangu raizogona kupinda machena later sezvo raiva rakatema gwazh.Inini ndaingorovawo marounds madhorobha ndiri unemployed and ndizvo zvandaizezera nyaya yekunoroja nebabie nekuti ndaiziva kuti zvaigona kuzongojomba kumberi uko. Zvino rimwe zuva iri Sunday yatisina kuenda kuchechi,babie rangu rakaenda kunogeza masikati ini sarei ndichibata bata foni yaro.Ndakaibata kudaro ndakaona message yapinda kuWhatsapp kwake ndokuivhura wanike yakanyorwa kunzi; *Saka wakundisungira play futi here honey.Ndipowo sinhi again sweety tibva tasealer madeals ese.* Number iyi yaiva yakasevhwa kuti Doreen ndokubva ndanyatsovhura profile pic yayo wanike ndiSati mufesi wangu.Hey mmmmm panga paoma apa saka ndakabva nda.... Kkkkkk wakabva waita sei nhai shamwari? *Kkk end of chapter* Sorry for the late release pane zvanga zviri kuitika...nxa๐Ÿ˜ž Watch out for chapter 7 [24/09 19:42] Dr Maxx๐ŸŽ“: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 7๐Ÿ–ค๐Ÿ–ค๐Ÿ’—๐Ÿ’“* SUPER CHOOSEDAY๐Ÿ˜† *Tatenda* Hasha dzakandibata apa dzaiibvisa mazondo within a second.Ndakatanga kudedera kunga ndanga ndasvikirwa.Hamen kuti mweya wekuzvidzora wakambobva nepi panguva iyoyoyo nekuti ndanga ndatochaja.Handina zvangu kuda kupindura mamessages aSati wacho aipinda muinbox memukadzi wangu nekuti ndaiva ndakamumirira kuti atsanangure nyaya yake kuti kana zvichibvira imba yacho iparare zvayo.Ndakanyatsomumirira kuti apedze kugeza zvese nekuuya achizozora mafuta pamwe nekupfeka hembe dzake ndokubva ndamurayira kuti agare pamubhedha kuti timbokurukura.Nechemumoyo ndakatotenda Mudhara Mukucha uyo akandidzidzisa kuti ndisaite any decision ndakagumbuka mulife nekuti zvinopinzisa panguva yaChimbetu. "How have you been going along with Sati?"Ndakatanga nekumubhomba nemubvunzo uyu ndakachiller zvangu iye ndokubva asweater kunga aitobva muswimming pool chaimo ndokubva ati,"Let me explain swty."Ndakabva ndasimuka zvangu zvinyoro nyoro ndokumira pamberi pake mushure ndokupeta maoko angu kwakuzoti,"Tiri two zvedu muno saka you are more than free to express your side of the story."Ndakataura ndakadekara zvangu ndichifamba kunokiya musuwo just in case kudai aizoda kurova majangara.Ndichidzoka kudai akabva atotanga kumokotedza misodzi achirondedzera zvese zvakaitika kubva pakupihwa kwangu mari yebhazi iya yandakaendesa kuMzanzi naSatan uyu dzamara vazorara vese.Zita rake rese ainzi Sutcliffe,he had such a beautiful name but at that juncture to me anga atova Satan ane muswe werata.Chokwadi kudya zvevapfupi nekureba.Nechemumoyo ndakafarira kuti ndaiva ndapona pakusazochengeta mwana wandaisaziva kuti ndewangu here or kwete nekuti ndanga ndichatofudza mombe nedzinokamirwa Bindura.Pamberi paMwari handina kuda kublamer mukadzi wangu asi ndakabva ndatoti nanga nanga naSati wacho.Ndakabva ndazivawo kuti pakati pese apa Sati aitoda kudya babie rangu makumbo richimurambira kusvika pakuti ndizoone message iyi.Ndakabva ndamuvenga zvekuti kudai ndaimuona ipapo aiita mapiece mapiece.Chimero chacho anga achinyanya.Zvisinei ndakasofta babie rangu mushure mekunga ndariudza kuti rifonere Sati kuti paakadya pakakwana.Ndakabva ndahon'erawo ndiri kubackground,Sati akabva acutter foni achiziva kuti hapasisina madhiri efriendship pakati pedu.Ndaona zvadaro ndakabva ndatora mukana uyu kuti ndipudure zhet rangu riya rekuJoza naTelma,ndikashamisika ndichinzwa Judy wacho achitonzwirwa mwana aiva mudumbu maTelma tsitsi-hamenowo futi kana aivamo.Kkkkkk ndakaona kuti nyaya iyi yakabva yavharisa nyadzi dzaJudy pakuti akalumwa naSati ndikatozonzwa akutondipa order yekuti ndinozotora zvangu mwana iyeye kuri kuti aizoberekwa nekuti anga akutoonawo type yaanaTelma seisingazvare zvekumhanya.And ndizvo zvakatoitikawo nekuti ndakabva ndafonera mufesi wangu uya Bright wekubaiwa kuJoza akatondiudza kuti Telma akasosvotora mwana kudhara.Ndakaona Judy achiita seari kunzwa katsitsi kenhema ndokubva yangofawo yakaloader.Musi uyu pakararwa munhu zvekuti yakabata chete nhumbu.Kudai pakaita kapreg test ndaigona kutomboongorora ndega ndozvipinza muGuiness Book of World Records for the fastest nhumbu in the world kkkk. Three months dziya dzakati dhaa apa kamari kangu kaya kekuJoza kanga kakusinker.Pakati pese apa ndaingoudza babie kuti imari yemadhiri richitozvitenda nekuti hapana aimbogayira kuti nemauire andakaita ndichibva kuJoza ndaiva nemari.Ndakamboda kuzama kuvhurira babie rangu kamusika kemavheji chaiko ndikaona kuti ndaizoridzikisira shuwa from chocolate to ndowe it cant.Hey munhu aigara mumba mababa vake achiwana zvese ndozoita mbiri yekumudyisa munjonjo haiwa again from cigar to gombototo zvaisabuda.Semunhu wemurume handina kushaya pekuhwanda napo apa mari yerent yanga yakudiwa pamazuva aizotevera.Zvinongonyadzisawo kuti munenge makambouya mune moto mozongoti tonho seweather yekuLondon.Babie rangu ndakangorivharawo kuti mari yakuramba kutenderera mumusha nekuti ndanga ndisingachatambe naSati uya aimboita achindipinza machena pano neapo before.Taitokurukura zvedu tiri mumba apa hupfu hwanga hwakupera.Aaa hwaisatombova hupfu bedzi asi mamwe mabasics ese.Hameno kuti zvinombofamba sei pakuti kana nhamo yashanya mumba zvinhu zvese zvinopererana kahwani.Vakambotambura nofunga munobvumirana neni ipapo.Sipo yanga yangosara kareza kegreen bar apa ndanga ndakatoteya kuvhara gap iroro nekamari kandaiva ndasarirwa nako.Babie rangu rainzwisisa zvisingaite kunyangwe zvazvo iye aitoshaiwa basa.Kubva zvaakasobva kumba kwavo she was no longer in good books naamai vake zvekuti kudai aiva kumba kwavo panguva iyoyo ingadai akatowana nzvimbo yekuita basa rake rehudzidzisi.Vari sababa vake it was a non starter. Mai Muswera vangu ava vaona kuti zvaminama vakabva vati,"Zvinowanikwa swty at least preparation yemwana tanga tagara tiinayo.Apa chingondibatsira kuwana vanhu vema extra lessons eEnglish Language bedzi tinogona kutosurvivor."Hey I was so blessed to have such a wife apa anga atova nekatumbu kanga kati tunhukei.Akazvitaura ari manheru eimwe Saturday takurara zvedu ndikazomirira Monday kuti isvike nditsvage macustomer.Semunhu aiti zivanei nevanhu ndakabva ndajuta zvimwe zvivapfanha 3 zvaitoda kunyora munaJune megore iroro ndokubva ndazviponda ma$20 each zvikabva zvatotipa iri Tuesday yacho.Mari yacho yavakatipa yaikwana iyo kuita $60 ndikabva ndatobvisa $50 ndokusanocover chipande cherent.Ka$10 kakasara ndakabva ndakabatanidza neka$20 kanga kasara muwallet mangu ndokubva ndatenga kagrocery kamwe kaya kaya kekiya kiya.Vapfanha ava vaitoroveswa malessons nesimbi yangu muden medu ndakazvambarara zvangu pamubhedha ndichibiridzira kutarisa kuti hapana kana 1 chiri kunakirwa nebabie rangu here coz vapfanha vemazuvano iMboko Haram.Asi apa ndakaita lucky nekuti haa vapfanha vacho vaitoita zvavo zvebasa chaizvo and babie rangu raisotesa heavy. Aaaa mwedzi wechina wakatopera sekutamba sekuseka asi zvanga zvava zvekiya kiya.Ndaimbobata twumagap one or two dzamara wati dhaa nenyasha dzaMwari Tanga takutaura nevabereki vevapfana ava directly zvekuti mwedzi uchingoti net isu mari yedu ndoo iri musvo we$60 yekare.Apa hondo yanga yavapo yanga yava yemari yechikafu manje.Musi wandakapihwa $60 iya ndakabva ndanyepera babie kuti ndakunobhadhara rent then imwe ten toita plan as usual nyambisirwa ndakabva ndabvisa chi$20 pamusvo uya ndokubva ndanobheja zvangu bhora paAfricabet yepaComplex.Aiva magames eSaturday aya apa ari maobvious asi mangwana acho ndakafuma ndiine mudumbu nekuti hombe dzandaiva ndakabhejera dzakadyiwa nedzidiki kunga maJiggies.Just imagine a scenario whereby a football powerhouse like Manchester United being given a thorough hiding by small boys in Brighton and Hove.Regai dzinzi njuga zvedi apa imwe $40 iya ndanga ndakatwonya zvangu munduhwe.Iyo system yangu yekuisa mari imomo ndanga ndakaijaira.Ndakatotenda Mwari kuti gearbox rangu harina kumbobvira ravingwa kana neskin cancer kkkk nekuti mari inobatwa nemaoko akasiyana siyana.Makuseni acho ndakabva ndamuka ndakafizuka apa panga pari kudiwa mari yechingwa ini dhuu ndakabva ndaenda paBoka pane mumwe mufesi aitenga mafoni ndokubva ndachekeresa S8 yangu iya yandakasopihwa kuJoza for $150.Sezvo yaiva Sunday kusina mari yakawanda yaitenderera akabva ambofanondipa $70 nekambudzi kekuti ndimbodai dai ndiri pamhepo.Kaitova kalife kemughetto chaimo zvekuti vakambogaramo munotenderana neni.Ndini uyo ndakabva ndatenga grocery riri nane kwaTM wepaComplex ndokuuya naro mumba pamwe nemabraids aJudy.Anga akutondisiririsa mukadzi wangu nekuti ndaidawo kuti akwane musociety mune vamwe because vakadzi nomatter how hard you can try to hide it,they live by competition.Vamwe vacho kuzongonyarawo kutaura asi kana aona Mai Nhingi vaitirwa chakati nemurume wavo vanenge vachitodawo kuti murume wavo avaitirewo.Handisi kuti ndezvefofa fofa asi by nature ndizvo zvakangoita vakadzi and they always want to look beautiful kunyangwe akashata kunga chinyau. Kkk right pandakadzoka paya ndakasvikira mumba malandlord mushure mekunga ndasiya masinhi padoor pangu babie rangu riri mumba risiri kuketa kuti ndauya.Ndakabva ndapinda nemapackets anenge 6 emabraids ndokutambidza mudzimai walandlord wangu uyo ainzi Mai Jenny apa vaiita zvekuruka musoro.Babie rangu ranga riine musoro shuwa nekuti usadheerere panopera mapacket 6 but zvakadaro her head was proportional to her body,kwete zvevamwe vanogoita zimusoro nekamukonikoni kemuviri kunga tsvimbo.Ndakatosvika Mai Jenny vari vese nemurume wavo ndikabva ndavatambidza twavo twemwedzi iwowo mushure ndokujekesera Mai Jenny kuti ndiri kuda kuti vandirukire mukadzi wangu.Ndakada kuvatambidza ka$5 kebasa vakabva vati,"Aaa vakomana endai munotengera adzimai enyu nyama uko.Shuwa tingati takagarisana kudai mondibhadharisa mari yekuruka munin'ina wangu musoro.Mukwane baba imi kkkk."Ndakabva ndakanda chizhinyu chekunyara mushure ndokubva ndazooneka ndichienda mumba medu umo ndakapinda nemaplastic bags emagrocery mai mwana vachitotsvaira zvavo.Ndakavaudza kuti ndanwira foni yangu vakamboda kupopota dzamara ndavaudza mamirire anga akaita mwedzi wacho vakazozvitenda.Vakatozoguma ndivo vandipa yavo ivo ndokutorana nekambudzi kaya.Pandakavaudza zvekurukwa kwavaizoitwa mangwana acho naMai Jenny vakapemberera ivo Mbuya Mutekede vakabva vanditambidza chiround chethanksgiving ndikaimba manhanga kutapira nekuti munhu ane nhumbu ane kamwe katemperature kanonakirira...kkkkkkk *Judith* Makanaka Jesuร—2 Simudza ruoko rwako uchiti wakanaka Jesu๐ŸŽผ Ndini uyo ndaiimba zuva rakatevera riya rakaputika dhiri rangu naSati.Panguva iyoyo ndaitoita washen yangu kuma9 kuseni daddy vasoenda kumaraini kuma8.Ndaisambozvifungira kuti dhiri iri richapaduka kunga sewage yemughetto and rapaduka zvakadaro ndichiramba ndiri Mai Muswera.Paakatondiudza yake yekuJoza ndakabva ndatoti nechemumoyo yafa yakaloader nekuti yanga yava 50-50.Kubva musi iwoyo ndakatanga kumuratidza rudo kunga ndiye aiva last born yevarume pasi pano.Heish Tatenda was one in a trillion.Varume vakadai havaoneke nyore nyore kunga mahure kumaAvenues. Asi zvichakadaro nhamo yakatanga kuuya on the horizon and yakabva yatanga kupinda mumba mbijana mbijana.We supported each other in those turbulent times and I thanked him pakutsvaga kwaakaita vakomana vaya vemalessons asi June uya paakazonyorwa takapinda panyanga dzamushore.Zvochiti imba yacho yanga iri inclusive goverment yemarovha saka hapana chaibuda.Zvinhu zvakazosvika pakuoma to an extent yekuti takatanga kupisira shuga assuming kuti masamba.Heee imagine kunwa tea ine imaginary masamba.Kungozviudza wega kuti aya atova masamba kuti unzwe bhoo kkkkk.Apa dumbu ranga rava uko chimwana chacho chichindipa mabhutsu zvekuti ndaitombofunga kuti mudumbu mangu maane ring yewrestling.Takasvika pakutengesa plasma yedu kuti timbocover rent asi hapana kwazvaitisvitsa sezvo taisava ne a stable source of income.Mwana wedu akasvika pakuzvarwa akasvika patwo months chaipo tisina kubvisa rent for three months.VanaBaba Jenny vainzwisisa zvavo asi vabereki vavo avo vaiva varidzi vembayo vachigara kumusha kwavo kwaChigodora vanga vakucomplainer parunhare zvekuti any time paigona kungodirwa mavhu.Mazuva andakazvara ndakambogara kwatete vaTatenda for about 2 weeks,avo vainzi Tete Nyabinde apa vaigara kuChikanga.Izvi zvakaitika mushure mekunga Tatenda atovakumbira vakabvuma nekuti vamwene vangu naamai vangu vaiva varamba kumbondidzidzisawo nezvemabatirwe emwana kana achangobva kuzvarwa. Zvedi 3 months dzakapera kuti dhaa pasina kana cent rakatabvisa rerent nekuti taiti pakamari kataimbojingirisa taibva tacover zvipande zvemumba.Most of the times Mai Jenny ndivo vaitombotijega kana nemafuta chaiwo ekuzora zvese nesipo yemanappy emwana.Tatenda ndaitomunzwirawo tsitsi kuti asashande mabasa akadaro daro ndikabva ndatotadza kuziva kuti ndaiva ndatomujaidza tsika yakaipa nekuti varidzi vemba chaiwo vakazouya mwedzi wechi4 wava pakati.Vakauya vari murowe uya wenguva yaNoah chaiyo vachitoti titobude musi iwoyo pasina notice.Tatenda akandiudza mashoko iwayo takagara mumba medu ndichitoyamwisa zvangu Shingirai our son ndikabva nda..... Ndakaita sei manje ?? Kkkk end of chapter Masuper ari sei maboss kkk Watch out for chapter 8 [24/09 19:43] Dr Maxx๐ŸŽ“: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 8๐Ÿ–ค๐Ÿ–ค๐Ÿ’“๐Ÿ’—* *Judith* Ndakasvotora Shingi kubva pachaja paaiva achimbogainer twumapercent ndokuti,"Saka toita sei daddy zvavati tibude nhasi?I mean tinoenda kunogara kupi?"Ndakabatikana ndichiona murume wangu achigara pasi pafloor chaipo achikwenya kwenya musoro wake zvekunga achaubvisa kuri kugumirwa kwese ikoko.I felt guilty nemubvunzo wandaiva ndamubvunza nekuti it now appeared as if ndakumurasirira nhamo ega ndikazongonzwawo akuti,"Babie ndakupinza zvangu foni iyi tifane kucover madhiri erent aya nekuti inini ndatopererwawo."Vakadaro Baba Shingi misodzi yakuita ichida kutobuda apa Shingi wacho anga akuchemera mukaka ndokubva ndatanga kumusvusvudzira kuti anyarare mushure ndokuti,"Sweet cant you see kuti hapana kwatinosvika here nemadhiri ekutengesa zvinhu aya.Ok watengesa foni yacho wowana mari,inozokwana here kucover chikwereti chese cherent cheover four months combined?"Ndaiita sendiri kumuoemesera asi ndaitoedza kuzama nepese pandogona kuti ndimuratidze chokwadi chaicho. Ndakaona Tatenda wangu uya asimuka ndokubva ati,"Ok ndazvinzwa ininiwo handina pekutangira since tanzi tibude muno nhasi chaiye saka takutongodzoka kumba kwedu ndakutonotaura namhamha now."Zvedi ndiyo yega option yaiva yasara kunyangwe zvazvo yaiva yakaoma sekutsenga maconcrete.Ipapo handina zvangu kupikisana naye asi nechemumoyo ndaiti,"Akomana kuchembere iya futi."Misodzi yangu yakatanga kungodonha yega ichidonhera kumeso kwemwana wandanga ndava kunyararidza.Yakatozowedzera kudonha pandakaona Tatenda akutoenda kumba kwavo. Nofunga achingoti budei gedhi kambudzi kangu kakabva karira."Halo ndiMai Muswera here?"Rakadaro inzwi rechikadzi kune rumwe rutivi rwefoni ndikabva ndatadza kuriziva."Ndiani wangu asikana ndatadza kuziva."Ndakadaro ndichisvusvudzira mwana kuti anyarare.Mukadzi uya akatanga aseka ndokuti,"Haaa asikana matokanganwa ndini amai vaTalent uya vamaidzidzisa chiRungu for June last year.Kungoti maitaura nababa vake vanosigara pamba navo inini ndiri globetrottr chaiye ndiri cross boarder zvekuti hatitombogare pamba.Iii vasikana makaita zvenyu basa kudai ndanga ndisiri kumhanya futi ndaiuya kuzoona mwana mwana.Shuwa thank you mwana wangu akapasser and ndaisazvifungira ndine makorokoto acho zvese neamwana,by the way mwanai?"Amai ava vaitaurisa kunga vakabairirwa pamagetsi.Ndakangobwibwinyika ndichiziva zvangu kahunhu kemacross boarder kekutaurisa ndokubva ndati,"Munotendei zvenyu vasikana mwana wacho mukomana anonzi Shingirai.Baba vabuda maidai mataura navo now."Ndini ndakadaro ndichiswededza nyaya kuti isimbirire pamakorokoto aya."Hoo haaa Tatenda anoziva pamba pangu kuno kumaN akabatana nemaP near clinic.Ngaauye now ndisati ndaenda ndikupei zvinhu zvenyu."Mushure ndakazocutter foni ndokusendera Tatenda call me back uyo anenge akabva akwereta mari mufoni ndokufona back achiti,"Asi makutokandirwa zvinhu panze kani?"Apa aitaura achifara fara zvekuti ndakatomboshaya kuti mafaro acho abva nepi.Ndakabva ndamuraira kuti adzoke kumba ipapo ipapo.Pasina kana five minutes akabva adzoka ndofunga anga atombomira zvake pachibase chemumwe mudhara aisona bhutsu nechepamain tara paya.Ndakabva ndamuudza nezvecall iya zvekuti pasina nguva anga atoenda kumaN kuya.After an hour and some few minutes akabva atodzoka nekamwe kaHonda Fit kaiburutsa pasuro dzedu.Akasiirwa pagedhi ndokubva tabatsirana kutakura zvinhu zviya tichipinza mumba.Mmmm kune vanhu vane moyo yakanaka pasi pano.Mwana wedu aiva akatengerwa hembe dzemuJel dzaitova nematag emo netwukit wese twemaJohnson products aya anenge aine mapowder evana.Paiva negrocery futi rekuti taitombochovha kana chimwedzi chese takazorara zvedu tichidya.Pamusoro pazvo amai ava vakabva vatibhabhatidza ne$100US iyo yakazonochinjwa naTatenda paBoka to Bond Notes bvayasvika mu$ 135 hameno benzi raakakwidibirawo.Achingodzoka kudai akabva anodzimura moto werent ne$100,varidzi vemba vakabva vaoneka miswe iri mudenga.$35 yaiva yasara takabva taiisa paside in case of emergency nekuti hazvidi kuti muine lets say mwana mucheche motadza kugara muine kana $5 chaiyo paside nekuti babies are vulnerable to many diseases,saka hazvina kunaka kuti uzorwarirwe usina kana $3 chaiyo yekumutengera Paracetamol Syrup. Takati tazogarisika manheru,Tatenda akandiratidza nhamba dzefoni dzaaiva apihwa naamai vaya.Haaa hanganwa dzababa ava dzaindisvota coz nyaya yavakandiudza apa was a huge priority case than zvinhu zvese.Nhamba idzi dzaiva dzevamwe vainzi VaMachaya vaishanda paoffice yaEducation mutown vari kubazi rekupinza mateacher mabasa muzvikoro zvakasiyana siyana muManicaland.Mai Talent vaya vakatozofona vachitsinhira nyaya iyoyo vachitoti vataura navo sezvo vaiva sekuru wavo veshuwa kwete veukama hwekukumbidzana cup yemvura mutrain.VaMachaya ava vaiva hanzvadzi yaamai vaMai Talent apa vachigara kuHospital Hill.Zvekare Mai Talent vakabva vandiudza kuti ndonoona sekuru vacho iri Wednesday makuseni kuma8 vasati vaenda kumwe kudzasi so kwetown kwavaitorera vanhu opposite Moonlight and Doves Morgan.Vanogara kwaMutare munokuziva kwandiri kureva.Naizvozvo,Wednesday ichiti pfee ini mukei kuma5 ndokuita duty rangu.Mushure ndakakumbira Mai Jenny kuti vasare naShingi ndikabva ndavapa Nan Supplement yake yandaiona sezhing zhong charger kkkkk.Ndaiziva zvangu kuti ndaizodzoka neoriginal yacho,kureva mukaka wemuzamo,kana ndapedza zvebasa.Nguva iyi yaiva nguva yeholiday yaApril zvichireva kuti kudai ndaizowana basa ndaizotanga kushanda kutangira panovhurwa Second Term.7 dzichiti net ndini uyo mukombi ndokusvika mutown kumahalf 7 ikoko.Ndakangofamba zve15 minutes ndokusvika pahofisi yaMachaya vasati vasvika.Ndakaratidzwa office yavo and ndaitoziva kuti vanhu vaisaketa kuti madhiri aiitwa nekuti vazhinji vaizouya kuoffice kwavo vakupihwa maforms ebasa vasosarudzwa kare.Mukuru uyu akazosvika kumapast 8 achifambisa apa ndanga ndatofizuka nekumumirira ndikatombozviwaraidza nekutamba Snake pakambudzi kangu ndichihwina zvisingaite.Mazuva ese kaindisvot kagame aka zvekuti ndaingobondera pese pese asi musi uyu nyoka yangu yakareba zvakandishamisa. VaMachaya vachisvika havana kumbopedza nguva semunhu aiva agara achiketa madhiri ese. Mushure mekunga takwazisana apa ndaiva ndakapfeka formal yaMrs chaiyo,vakabva vatondipa maforms aya kuti ndimazadzise mushure ndaizoenda navo kuchikoro kwacho kwandaiva ndawanira basa.Ndichigere kunyora kudai vakabva vambondimisa vachiti,"Aaa sorry madam ndanga ndisina kukuudza kuti muri kunodzidzisa kuSt Andrews Mission kuBocha uko PaRoma .I dont know whether you are comfortable with it?"Dzakadaro dzichismiler dzakapfeka maspecs adzo.Ini dhuu kwaiva kwarehwa kwacho kaiva kachana nekumba asi semunhu aisava nesarudzo ndakabva ndangoziva kuti beggars are not choosers mushure ndokuti,"Yaa I am comfortable with it."Ndakataura ndichiita kakudedera kaya kanoitika kana wafarisisa kwazvo.Ivo vakazviona ndokuti,"Haaa madam haikona kushora mbodza neinozvimbira of course kure zvako but pane mari manje nekuti ndeyechechi and they are still giving maincentives kumateachers zvekuti munenge mapinda machena."Aaa ndakatoshamisika kuti baba ava nekukura kwese uku vanotaura semughetto yut sei ndakaseka ivo ndokubva vaenderera mberi vachiti,"Now endai nemaforms aya kuBocha manga muine mari yetransport yacho here?"Ndakabva ndakarumidza kuona kwanga kwakuda kuenda nyaya yacho ndava varume ndizvo zvavanoita kana wanakirwa newe nokudaro ndakavhara gomba racho iri ndichiti,"Ehe ndinayo sir."Ndakaona dzaakugutsurira musoro nenyadzi ndikabva ndaziva kuti zvavharana.Sometime men take advantage of our weaknesses zvekuti uri mukadzi sometimes iwewe kuzungaira kwako nekungotambira tambira twumaoffers zvinogona kushandiswa nevarume seladder rekukukwira kkkkk.Mudhara uyu anga amboedza zvake rwizi rwunonzi Ini negumbo rimwe akaona kuti rwakadzika zvekuti aizoyerera. Zvisinei ndakazobuda muoffice muya ndakuchinetseka nemari iya yebhazi ndokubva ndafonera Baba Shingi ndichivaudza mamirire enyaya yacho vakabva vandikandira $12 paEcocash.Mari iyoyo yaikwana kuti ndiende zvese nekudzoka kuBocha kwacho saka ndakabva ndaenda paTM Sakubva ndokukwira imwe kombi yaienda kuBocha apa ndiine bhegi rangu rine mapepa aya ebasa.Ndichingosvika kombi yakabva yazara ndiye hutu ndakananga kuBocha zvekuti pasina 1hr30mins ndanga ndatosvika paMweya Mutsvene ndokuenda straight kuoffice kwaHeadmaster avo vainzi Mr Kudiwa.Chikoro ichi chine maBoarding and Day facilities for vana vemumisha yakachipoteredza.Zvekare chine primary yese kunyangwe zvazvo yakazoganhurana neSecondary.Musi wandasvikapo uyu headmaster vacho vaitova pabasa vakandishamisa pavakandiudza kuti ndatova permanent teacher apa ndanga ndabva kure kwese uku ndichifunga kuti I will be working on a temporary basis for that term only.Mapepa angu aya akabva atorwa bvaaitwa filed ndakatotarisa mushure headmaster vaya bvavafonera mumwe mukadzi akazoenda neni kuimba yandaizogara ndakushandapo.Yaitova imba ine mabedroom maviri,kitchen pamwe nedining.Mukadzi uya ndakamuudza kuti ndichine mwana mudiki akabva atondiudza kuti ane mwana watete vake mudiki akatogara kumba anokwanisa kuzosara naye ndiri kumaclass kana ndazotanga basa.Mumba umu maisava kana nechii zvichinzi ndaiva ndakareplacer vamwe HOD veEnglish vainzi Mai Makotore vanga vatranfer kuti vazonobatira kuMarange High.After that ndakabva ndadzokera kuoffice kwahead vaya vakandiudza kuti vadzidzisi vese vaipihwa ma$300 on top of their basic salaries.Zvekare vakandiudza kuti ndaifanirwa kuzovaona musi wekuvhura kuti vandipe kaorientation but ziso rababa ava handina kurifarira.Shuwa his eye could undress a lady kumusiya asina kana pant.Ndichingopedza zvemo ndakabva ndakwira kombi yandaiva ndauya navo sezvo yanga yakudzoka iine twuvanhu twushoma since yaiva yapfuurira ichinosvipa vamwe kwaChiadzwa uko.Ndichisvika kumba kuma5 kwakusvipa Tatenda ndiye akatibikira sezvo ndaiva ndaneta tichifara zvisingaite nekuti Mwari aiva atinzwa.Kana Mai Jenny ndakavaudzawo vakavimbisa kundipa kamattress kavo netwumapoto kuti ndiwane pekutangira.Zvaisambondistressa coz salary yangu yese yaiadder up to $800 zvekuti kudai taizoita musoro zvedi taizoita kalife kari nane naTatenda wangu. Holiday iya yakazopera ndikanyengetedza Tatenda kuti tiende tese asi iye ainyara chaizvo kuti azongogare mukadzi achishanda.Inini I was different from other wives vekuti vakashanda kudai murume asingashande nhau yacho inosvika nekuBujumbura kuBurundi kuti hee ndiri kumuchengeta akangorembedza zvimabhora zvake.I understood my husband zvekuti ndakatozoona kunga ndini ndaizomumakisa kuri kuti ndaienda naye ozoswera achiona TV ini ndichishanda.Salary yaizouya was indeed stable for us all but hazvipiirwe excuse ka uri munhu wemurume nekuti as a family man one has to show up,but panaTatenda aitova mahwani coz aisava nebasa racho.Again mabasa acho aingawanikwa aisava nechinobatika saka I decided to grab the bull by its horn and told my hubby that for that time I would take care of everything even himself-zvaisava nemhosva nekuti ndaimuda and ndiyezve aiva amira mira from the word go kuti ndiwane basa racho.On top of that ndanga nditorine plan yekuti ndikashanda ndikashanda mari ikatanga kunyatsoflower ndaizomupa imwe yakati ooo kuti anondibvisira kumba kwedu.Rent yepatairoja ndaizobhadhara ko ndaitadza nei ipo pachikoro ndaizogara mahara.Nokudaro tichiti tomorrow ndiri kuvhura ndakabva ndaperekedzwa naTatenda kusvika kuBocha akabva aonawo kumba kwangu tikatombochovha kanight kemuonekedzo.Ndakamuvimbisa kuti aikwanisa kuuya zvake maweekends sezvo ndaisagona kuzombouya kumba since ndaiva ndakapihwa macandidates. Mangwana acho akafumodzokera kumba akandichemera zvekuti ndakatomboda kureverser pfungwa dzekuti tigare tese ndikatoona kuti hazviite diko,the bottom line was ndaitsvagawo raramo yemhuri yangu.Aizongowanawo basa semawanire andaiva ndariita,Mwari ndivo vanoziva.Mangwanani ivavo pakaititwa assembly I was introduced to the whole school as the new English Language HOD.Apa gaya ndaisava neexperience ndikabva ndaziva kuti mabasa aVaKudiwa.Shuwa dzaiva tsitsi dzei kuti bere ribvume kurera vana vembudzi kana kuti bhinya kuperekedza mwaana kucreche.Iii zvakaona semunamato waJesu. *Mr Kudiwa* Ndinika Mr Kudiwa vamanzwa namadam ava.Ndanga ndaane over 10 years ndichishanda paSt Andrews apa semukuru wechikoro.Before ndauya apa ndakatomboita mudzidzisi kuma90s ndichishanda muzvikoro zvakasiyana siyana dzamara ndazoitwa headmaster paZimunya High before ndazotransfer ndichienda paSt Andrewa apa.Pachikoro apa ndaitova mwari wepo zvekuti Father veRoma uyo aitonzi muridzi wemission yacho,aizviitira weti kana andiona.Nyaya yaivapo yaiva yekuti ndaiva muwarvet saka pakapera hondo ndakabva ndafundiswa nehurumende ndikabva ndapihwa purazi raiva kuChecheche apa riine imba yangu nekomboni yevashandi vangu.Ndaiva nemba maMutare kuMorningside plus yepachikoro futi apa yaiva yatova yangu ka sezvo ndaiva mukuru wechikoro.Mudzimai wangu aitovawo mudzidzisi paChinyauhwera muZimunya saka taiwanzosangana pamaweekends nepamaholidays kunyanya. Chikoro changa chakandipa musikana webasa nemukomana webasa apa ndaigara ndega zvangu samambo.Vana vangu vatatu avo vaiva vasikana bedzi vaiva vakaroorwa nemichato ndikawana pfuma yangu yese.Dambudziko randaiva naro ranga riri remadhirezi zvekuti pandakaona Ms Judy Kagura ava vauya ndakatoti zvangu zvaita.Mateacher mazhinji echikadzi ndanga ndadya and ndaiva necombination naMachaya shamwari yangu yaishanda kuEducation zvekuti aiti waanenge apotsa aibva andipa ndogohwesa or kuti kana adya aibva angondipasirawo.Manje Ms Kudiwa was a principled lady zvekuti vaisada kuitirwa zvechihure hure.Vazhinji ndairova mawalk over nekuti vanenge vadzijaira kumacollege uku nofunga munoziva life yeko.Asi mmmm Ms Kagura vanga vasina kujairika saka ndakati zano nderipi ndokubva ndavaisa panyanga as I made her the English Language HOD.Vamwe vadzidzisi vakamboda kutaurisa ndikabva ndaita meeting navo yekungovatyisidzira bedzi vakabva vapeta miswe yavo nekuti vaiziva kuti vaizopererwa nebasa and ndaiti ndikakudzinga wainochera makurwe kumusha kwako.Waitya kana nekuzoita vendor mutown chaiko nekuti tsamba yandaikunyorera ndichipa recommendation yedismissal yairema kukunda chitunha chakafa neBP.Futi kana uri lady teacher ukada kundisungira chiburi chako ndaikufremera kuti uri kuabuser vana vechikoro vakomana.In fact ndaitova nezvipfanha zvangu zvimastudents zvandaizotungamidza pamberi kana nyaya yacho yaita sekudaro.Ndaona kuti ndanyararidza mapenzi angu basa rakatanga zvakanaka naka term iyi. Pakupera kwaJune iri imwe Friday ndakaenda zvangu paChimedza Bottle Store iyo yaiva last Bus Stop before our school,ndokurova zvangu maquarts angu kuti ndiite zviwindi zvekusvikira Ms Kagura.Ndaona kuti ndaane kawave ndakabva ndarova motokari yangu ndichidzoka pamission ndokuisiya pamba pangu.Ndakadzika nekwaive nedzimba dzemateacher apa kwanga kwasvipa munongozivawo rima rekumusha riye ndokusvika pamba pamadam ndiye door ravo kokokoko apa malights avo ese aiva akadzimwa asi TV yaiva yakajekera nepahwindo.Ndagogodza kudaro madam vaya vakabva va..... Vakabva vaita sei manje ฤทkkkkkkkkkkkk end of chapter Thanks for the support Watch out for chapter 9 [05/09 12:02] Terminator: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 9๐Ÿ–ค๐Ÿ–ค๐Ÿ’—๐Ÿ’“* *Happy Birthday Mdy.The one is for youโค๐Ÿ’“๐Ÿ’—๐ŸŽ‚๐ŸŽŠ๐ŸŽ‰๐ŸŽˆ* *Judith* Door parakagogodzwa kekutanga ndakamboignore ndichiyamwisa zvangu mwana apa ndichiona TV.Mavis musikana uya aindishandira aiva asoenda kumba kwavo kuma5 saka ndanga ndasara ndega nababy wangu.Pakazogogodzwa kechipiri ndipo pandakasimuka ndakaisa mwana wangu pazamo ndokunovhura musuwo uya wanike ndihead vanga vamirepo vachisekerera.Ndakashaya kuti vaimbodei chaizvo nehusiku hwakadai apa vachinhuhwa doro.Ndaivaona zvangu nemwenje weTV mushure bvandavaudza kuti vapinde zvavo mumba pada vane burning issue.Ndakabva ndabatidza zvangu light.Ndakavarega vachipinda mumba panguva iyoyo not because ndaiva nzenza asi kuti I respected him as a fatherly figure despite ruchiva rwavo. Mushure mekunga tasweresana dzakabva dzati,"Sorry madam ndauya kwasviba kudai and I understand that you are married asi haaa I have good news for you."Zismile radzo raiva zihombe zvekuti dzaiita kunga dzichatsemuka face.Ndakangoti pamwe kudhakwa ndisingatozive kuti pasi pesadza pane nyama.Ndaiva ndakachapfeka zvangu formal wear yekubasa zvekuti ndairatidzika kuvawo ndakatsiga.Semunhu aivawo netwutsika ndakabva ndaradzika mwana wangu parutivi neni pasofa randaiva ndakagarira sezvo zvisina hunhu kuti munhukadzi ayamwise achitaura nevanhu vakagara mumba zvikuru sei vari vechikuru,pada vaitova nehuruyadzo.Ivo vaiva vakagara pasofa raiva rakatarisana nerangu ndokubva ndati,"You are free to share the good news sir."Pakarepo vakabva vagarira nechepaedge chaipo ini nditarise nguva kudai ndokuona dzatova half 8 ivo ndokuzoti,"Haaa mashandire aMr Donhorere munomaonawo sei?"Apa vaireva deputy wavo uyo wandakangoonawo mumazuva mashoma andashanda apa kuti aiva dhonza chairo pabasa.Nechemumoyo ndakangoti zvimwe baba ava vari kunditapa manzwi and of all people why vazouya vachindibvunza mubvunzo wakadaro ini ndichiri mutsva pabasa kudai.Ndakakwenya weave yangu nechepanhova apa ndokuti,"Haaa baba ipapo ndinganyepa nekuti handisati ndaane kana term zvayo ndiri pabasa saka kuti ndicommente nezvekushanda kwavo hazviite nekuti handisati ndavaongorora at length."Ndakavaona vachizhinyura ndokuti,"Haaa the good news here is I want to get rid of him then ndofanokuita interim deputy wangu with more benefits kusvika term yapera how about that?"Ndakaseka zvangu nechemumoyo zvekare ndichizvisimbisa pakuti baba ava havaimbofa vakadya gumbo rangu kana zvirizvo zvavakateya saka ndakati,"Hamusi makundichekeresa here nekuti experience chaiyo handina."Pakarepo dzakabva dzasimuka ndokutanga kukanyaira mumba mangu dzichiti,"Hahaha I am the boss pano.Father Emeka vamunoona paya ndini ndinotovapa mweya wekufema inini.Hapana anopikisana nezvandinotema ini.Watch the space muchaona mapinda panyanga very soon ndinonzi Mr Kudiwa ini."He spoke with authority and I felt confident pakuti ndaizopinda basa racho zvino. Dzakabva dzagara pasofa paya futi ndokuenderera mberi dzichiti,"Dont talk about experience my dear.Experience is gained so this will be your first step to gain it."Ndakabva ndangotenda good news ndikazodzikira pavakachinja nyaya vakuti,"Saka munorara mega muno here madam?"Ndakatoseka zvangu sezvo ndaiva ndakavateya saka ndakabva ndavati,"Handisati ndamborara ndega muno.Asi hamusi kuona muboys wangu akarara apa uyu kani?"Ndakataura ndichiseka vakabva vasimuka ndokusimudza Shingi wangu uya vachimukanda mudenga iye obva aseka vachiti,"Sekelela nhanha ndini daddy vako ndauya."Pavaitaura kudai vaibva vabiridzira kukanda ziso kwandiri nofunga vaida kuona reaction yangu saka ndaibva ndasekererawo kunga nzenza vakabva vati zvaita. "Saka munenge muchitoti mune munhu here muina blaz ava.Chando chekuBocha kuno chinombofarisa chikakurovai munofunga kuti vangakudzisai here ava?"Nyaya yese yakabva yandiendera pachena ndokuona ndatova cornered paya apa dzanga dzaradzika mwana uya pasofa pakare dzapfugama pamberi pangu.Dzakazobuda pachena kuti dziri kuda stonyeni ndikadziudza kuti ndiri mubhazi dzikati dzaisava nebasa nazvo.Ndakabva ndangodzinyepera kuti Mavis ari mu1 of the rooms zvekuti anenge aiva atonzwa conversation yedu from the beginning. Hameno kuti wisdom yandakashandisa apa ndakamboionepi vanhu vaMwari. Dzinenge dzakamboda kuzama kuti dziongorore kuti ndataura chokwadi here asi zvaitonyadzisa zvakadaro.Nhai would you pursue evidence inogona kukufumura here,hantie its simply worsening the situation.Dzaona kuti dzabondera dzakabva dzaenda zvadzo asi dzakasiya dzataura kuti dzakasonakirwa neni kubva kare zvekuti dzaitomboda kunzwa kuti mazisele angu ari sei.Ndakangotiwo,"Patsvene sir tinozviita kana tikawana pari very free."Watii zizhinyu radzakakanda here ipapo nechemumoyo dzichiti bhora rapinda mumambure dzisingatozive kuti gumbo rangu panguva iroro raiva rakosha kunga haka.Dzakazoenda zvadzo kumba kwadzo ini ndokusara zvangu ndichipinda mubedroom mangu apa ndakutya kuti type iyi inogona kundiraper.After all ndanga ndavapa kakaita kapromise which means nyaya yacho yaisazopera zviri nyore.Vaitozoda maV11 from me to prove why ndaizovapa imwe excuse.Chokwadi chokwadi ndanga ndava patight apa basa racho raibhadhara just imagine mabenefits epamission ekuti paichengetwa mombe nehuku zvekuti muriwo wemumba yaingova saruraude.Ka$800 kangu kekutanga kanga katombouya ndikatombonakirwa nako nemhuri yangu apa twumwe twaizotevera futi.Kutaura chokwadi ndanga ndazopererwa asi kuti ndirarwe nemudhara haiwa zvaisaita.Ndaitosarudza kufa zvangu. Mangwana acho Baba Shingi vakauya and we spent the weekend together tiri mumba medu tisina kupfeka kana chii.Vakanakirwa neni zvekuti vakasarudza kutombosvika Tuesday vachisakura purazi ravo vozodzoka zvavo kumba kana vanzwa parere moyo.Hameno kuti Mwari vangu vaiva vandibvira nepiko futi nekuti kugarisa kwaBaba Shingi uku kwakaita kuti VaKudiwa vasaswedere padhuze neni zvekuti pavakada kuzama noto after Tuesday yacho ndaingovaudza kuti baba vachipo.Izvi zvaibva zvaita kuti vapete muswe ini ndichitsvagawo dzimwe nzira dzekudelayer delayer nadzo.Pavakada kuti vademote VaDonhorere Ministry yakavarambira zvikuru sei pakuda kuti inini ndizoite Deputy wavo ini ndaiva mudiki kudaro.Imagine kuti ini nditungamire dzimwe harahwa nechembere dzaiva pachikoro apa ndiri below 30.Nekuda kwaMwari and muweek rakatevera,empire yaMr Kudiwa yakazoita crumbled pavakamitisa mudzimai wevamwe madam vainzi Mrs Savanhu.Madam ava vakabatwa zviri nyore nekuti murume wavo chaiye aidriver magonyeti achiita kana 4 months asiri pamba saka zvakamushamisa paakadzoka kumba achibva kuDRC ndokuona mudzimai wake atorine pamuviri patunhuka.Anenge akatomhoshaya kuti yaiva mimba yemweya mutsvene here dzamara mukadzi wake adura zvese kumba kwavo kumaHobhouse maMutare vaonana imwe weekend.Zvinonzi hama dzese dzakakokorodzwa pakaitwa dare dzamara varonga kuti vakwidziridze nyaya iyi kuNational Disciplinary Committee yeMinistry of Education sezvo yeManicaland yaiva izere mabhururu aVaKudiwa.Vakuru vebazi iri vepaHarare vakabva vainternaliser issue yacho kuti iitwe dealt with nechechi yeRoma sezvo yaiva iyo yaitungamira chikoro.Saka nepasina nguva nyaya yakadzoswa kuBocha mabishop makuru makuru eRoma akaigarira pakava nehumboo hwakakwana kuti VaKudiwa vasiye zvavo basa.Pakazotanga kubuda mamwe mafaira ekuti vanga vakurara futi nevamwe vana vechikoro zvikazoguma zvapinza naChief Mutsago wenyika iyi munyaya vakabva vabatsiridza kudzinga mboko iyi nekuti yanga yakusvibisa musha wavo.Vabereki vakavava zvekuti chiwarvet chakapera,mukuru ava bvavadzingwa basa pasina kana kutaurirana and Fata vakafara nekuti zita rechechi raiva rachengetedzwa zvekare.Isusuwo takafarawo nemamwe madzimai kuti bhinzi dzedu dzapona shuwa dzaiva dzichadhogodheswa nechimudhara ichi kkkk. VaDonhorere ndivo vakabva vatoitwa mukuru wechikoro vachitevedzerwa nevamwe vainzi VaBenhura.Term yemasports iyi yakazopera ichinakidza,Third Term ikauya ikazoperawo zvekare ndikakwanisa kuunganidza ka$2000 ndokukapa Baba Shingi kuti vanondibvisira kumba kwedu.Pane aingazviziva here kuti ndizvo zvandaiva ndaita.After all mari haitaure ka kuti yabvepi.Hupenyu hwanga hwakuendeka and for next year First Term ndakabva ndaronga kuti titenge stand yedu kuti tizowane panonzi pedu.Mmmm Tatenda ndaimudza zvangu iniโค *Tatenda* Aaa ndaidiwa kani ini musanyeperwe kani.Kubasa kwemukadzi wangu kwakatanga kufaya zvekuti ndakanyatsopombonoka zvangu ndichitetena finance.Card rekubank kwake ndanga ndakugara naro semuridzi wemba ndichimbonoswiper zvangu chingwa nemazai pandadira.Semunhu aigara murokesheni guhwa rakatekeshera rekuti ndaichengetwa nemukadzi asi handaimbokendenga.Babie rangu raona kuti zvanyanya rakabva rasacrificer materm maviri egore rakatevera,ndokunditoresa Driver's Licence mushure ndokundipinzira kaEx Jap kari paToyota Raum kuti ndipilote mutown nditsigirewo musha sababa.Saka ndanga ndakuti ndikamuka ndopinda zvangu mutown ndotakura macustomers andinenge ndapihwahwo naMwari and by the end of the day ndaisashaya kana $30 yepaside. Mai Shingi vaindiudza kuti ndishandise zvangu mari yacho iyoyo pamba ivo vachiona nezvemarentals pamwe nekuservicer stand yedu yataiva tawana kuArea 16.Mmmmm plan yemba yacho yairatidza kuti paida kuzodzendemurwa sesurbub.Pa2 years dzakashanda mukadzi wangu paSt Andrews hupenyu hwedu hwakatanga kuendeka.Makuseni ega ega ndairova tea hobvu ine bacon muSpar yemutown.Kana ndichiti tea hobvu ndinoreva tea yakakora zvekutyora spoon.Masikati nemanheru aiva maHuku Mukati nemaSlicer everyday zvekuti ndakatanga kungoita chidumbu nemagaro paMutare apo.Shingi achikwanisawo 2 years nezvimazuva zvinoraudzira ndakabva ndatungidza babie rangu for our second child.Ndakarirovera kubasa kwaro ikoko zvekuti pasina mwedzi ranga rakutosvipa svipa.Shuwa pa2 years takaita zvisvinu and babie rangu raida kushandisa kubasa kwaro as a starting point rozotransfer kana kutown zvese zvataida zvafamba.Mudhara vake vanga vakundifarira nekuti ndaivadhakwisa bhachi every Friday.Kana kumba kwavo ndanga ndakutoita like their biological son. Zvino imwe Tuesday ndakati ndichipedza basa kuma7 manheru ndakanzwa kuda kumbosuka tsvimbo.Mai Shingi ndanga ndaane 2 weeks ndisina kuonana navo sezvo vanga vaine vana vaida kunyora munaJune vavaida kubatsira zvine mari mukati kumission ikoko saka vaiva busy zvekuti takatadza kuonana.Kazhinji ndaimirira paMeikles Park paya saka ndakangoteremutsa taxi yangu ndakananga paGullivers Night Club apo ndakanyurura rimwe zigongi raiva nemazigaro ndokuenda naro kumba kwangu kuArea 12 kuya.Nguva dzandaiwanzosvika vanhu vanenge vasorara saka ndakasveerera nechifeve changu ichi ndokuchivharira mumba mushure mekunga ndapaka motokari yangu mukati meyard mandinosoipaka.Musi uyu magetsi aisavako saka ndakangobatidzawo candle ndokubva ndatanga kutonhafa chigongi chiya apa chichitodairira.Ndakuda kutochidya ndakanzwa knock kuti gugugu padoor zvine chisimba ndokubva ndati,"Ndiani?"Ndakaita kusheedzera nezinzwi riya rekutyisidzira bvandanzi,"NdiMai Shingi vhura door izvozvi."Haaa kkkk hama dzangu ndakaita sedzadambuka apa raitova inzwi ravo zvedi,ndikazongoerekana ndati,"Aaa handimo ini."Haaa kwanga kwava kugumirwa apa zimunhu randaiva naro raiva ziheavy zvekuti hapana paraivigika mumba umu Mai Shingi vakabva va..... Kkkkkk vakabva vaita sei kkkkkk End of chapter Thanks for supporting me.I love you most Vanoda kupinda mugrp app me on 0738 815 539 Watch out for chapter 10 [05/09 12:02] Terminator: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 10๐Ÿ–ค๐Ÿ–ค๐Ÿ’“๐Ÿ’—* *Judith* "Unogoti haumo sei ini ndichikunzwa urimo zvako nezihure rako.Ndati vhura door iri now ndisati ndaripaza."Ndaiva ndagumbuka last number apa magetsi akabva abaka zvekuti ndaizoona zvese pachena.Ndaiva ndasosvika pamba apa kudhara ndichimirira kudzoka kwaBaba Shingi ndiri mumba maMai Jenny zvekuti movement dzese ndaiva ndadziona zvangu.Ndakadongorera nepakey hole ndokuona zvidya zvehure riya zvitori pachena shewe vangoti tuzu vakamira paside vakabata shaya.Vaiva vatokwidzira kadress keblack kaiva kakapfekwa naamuhure ava. Iii varume imbwa ndaiita zvekunzwa zvekuti paakazondivhurira door ndichipinda ndaitomuona aine muswe wembwa chaiwo.Of course aiva imbwa murume uyu nekuti imbwa ndiyoka inogara pamba pemunhu ichiitirwa zvese.Ndinotenda Mwari akaita kuti ndione zvese izvi nekuti before ndisati ndauya ndaisambova nerwendo rwekumbouya kumba sezvo basa raiva rakandidzvanya.Unoziva so zvinoita Mwari kana vachida kuti uone zvimwe zvinhu zvakavanzika they do thega nekuti mapepa andaiva ndafambira apa ndaigona kunga ndakarayira Baba Shingi kuti vandiisire pakombi,asi nezuro wacho iri Monday ndakazongoti aa regai ndinotora ndega kunyangwe zvazvo kubasa kwaiva busy.Zvanga zvabatanawo nechisuwo apa unenge uchiida heavy ka uine mimba asikana imi saka ndanga nditorine plan yekuti ndimbozvambaradzwe nayo zvekuti ndaizorara ndichichema husiku hwese asi Tatenda akandigura kunorira.Apa just imagine I wanted to surprise him ndakusvika pamba aine chihure chaiita kunga vanhu two sezvo chaiva nemaskin complexion maviri.Kuseri kwemaoko acho nemakumbo acho zvanga zvakati tsva apa face yacho yakati mbuu ungati chaiinyudza mugaba reMovate.Kuita munhu anochinja macolours kudaro kunga robot. Ndichipinda paya ndakangomirawo nechekudoor ndakapeta maoko angu ndisiri kuda kumbonzwa zvekupenga nekuti ndanga ndazvibatira red handed.Because ndanga ndakasonzwawo nevamwe kuti vakadzi murume anokurambira chihure chake kunga ane degree rekunyepa manje apa ndaiva ndazvibatira live and direct,yekedero!"Swty I am sorry let me ex..."Tatenda haana kupedza muromo iwoyo ndamugurira panzira ndichiti,"Now out of my room nehure rako.Haubhadhare rent pano iwe.Ndiri kuda kuti undipe bank card rangu zvese nemari yese yauinayo muhomwe mako nekuti its a product of my sweat."Ndakaona ashaya kana neremuromo hure riya bvaraitengawo richiti,"Eee maiguru wamuri kuti hure ndiani?Iwe Tatenda hauna kumbobvira wandiudza kuti une mukadzi ka iwe so its not my fault and we had a relationship ndine hope yekuti waizondiroora.Now its over ndipe mari yekombi ndidzoke kumba kwedu now."Ndichinzwa mashoko aya ndakanzwa sendiri kuchekwa chekwa nemapanga muviri wese.Tatenda haangadaro ka nezvese zvandaiva ndamuitira.From what her bitch said it was now crystal clear kuti vanhu ava vaidanana.Kudai aiva akechwa zvemusi iwoyo haaimbotaura kudai and ndaigona kudzora moyo manje apa zvakaratidza kuti they have been dating for ages behind my back saka handina kumbodzora moyo wangu.Tatenda akada kubudisa mari muhomwe make kuti atambidze vamuhure ava ndikabva ndaibvuta ndichibhebha ndichiti,"Imari yangu iyi.Motokari yauri kuita taxi iyo imari yangu yese iyoyo saka mese muri two nehure rako muri kubuda muno mumba mangu musina kana cent."Ndakatsika chepakati ndisingaseki nemunhu,vamuhure vaya bvavaitenga zvekare vachiti,"Ndasokuudzai kuti musanditi hure.Handihure nababa venyu ka ini nxaa."Aaa kana kumbonyara mhani munhu uyu apa aitotaura achitopfeka zibhurugwa rake pamberi pangu mumba mandinobvisira rent.Apedza ndakabva ndamuvhurira nzira kuti aende zvake ndichingonamata nechemumoyo kuti Mwari vandibatsire nekuti haaa hasha dzandaiva nadzo apa,mbama one yangu bedzi yaizova mochari yemumwe munhu.Ndakangochisiyawo chichibuda chichienda apa ndanga ndakapfeka face yasatan ndokusara zvangu naBaba Shingi,man to man,nekuti ndanga ndatova murume panguva iyoyo."But iwewe why wakutaura private life yedu kumunhu wese wese are you normal?"Dzakanyeperawo kuita twuhasha kani ini ndichihwanda zvadzo behinda chigunwe ndokubva ndati,"Ndiko kuti mahure ako azive kuti ndinokuchengetai zvese nemwana wako iwewe.Undipe nemakeys emotokari yangu futi.Vakamboonana havashayane.Its over between you and me zihure iri harinyari."Tatenda aiva asati amboona ndakagumbuka kudaro saka akabva aramba zvake akagara pamubhenda ndokunditi,"Nxaa uri kuvhaira netwumari twako twebasa and you are forgetting akakupinzisa basa racho.Uri tsvina yemunhu haikona!"Kkkkk ndakatanga ndaseka zvangu shuwa baba ava vaitondishurira maninji ndokuzoti,"Zvinozivei izvozvo hantie I am qualified for the job.Handina kupinda basa nekuti raimbonetsa kuwanikwa asi nekuti I was qualified for it.Wakadini kupinza mai vako kana hanzvadzi yako Berna.Kwanai baba imi hamunyare kuhurira mukadzi ane mimba!"Ndakaona shasha yasurrender ndokubva yanditambidza twangu twese apa ndanga ndabata kitchen knife mumaoko just in case akada kubhabhauka ndaimunyiga naro padumbu zvekuti aibva anodzidziswa kuhura kune Maths nevadzimu vake. Ndakamusiya achibuda akadaro and handina kuda kuzombotarisa kuti aenda nepi.Mushure ndakabva ndavhara door rangu ndokurara pamubhedha wangu nemanhede ndichichema.Haa zvese zvanga zviri zvangu ka kana iye wacho aitova wangu nekuti ndaimuchengeta.Ndati garisikei mbichana ndakanyatsoona kuti Tatenda ane moyo wakaoma zvedi.Zvese zvandaiva ndichimuitira,I did it out of love and ndanga ndisina basa nekuti haaienda kubasa.Moyo wangu newake wanga wava mumwe chete sekuona kwangu zvekuti pakuparadzana kwedu uku ndakambofunga kuzvicheka nebanga pahana apa ndotora banga riya ndocheka moyo wangu nepakati ndosara nechimwe chihalf chimwe chacho ndopisa zvangu.Tatenda was my soul but it was now game over.Manheru acho ndakazongobiwa nehope ndichirota hope dzinotyisa.Lucky enough Shingi aiwa asara naMavy kuchikoro nekuti mazuva iwayo tanga takugara naMavy full time. Mangwana acho ndakafuma ndakachaja apa last week yacho ndanga ndasobhadhara rent yepamba apa asi varidzi vepo ndakavaudza kuti handichada zvekugarapo musi iwoyo.Ndivoka vaisiya Tatenda achipinza mahure mumba saka ndakabva ndahaya karori kangu kakabva katakura property yangu yese kachiendesa kunew stand kwangu uko kwanga kuine two rooms dzedurawall dziya dzaichengeterwa some of the building materials.Umwe bhiridha ainzi Mukumbi aichengeta pastand pangu ndiye wandakabva ndapa basa rekuti andichingetere midziyo yangu zvekare.Ndakazviita before 7 zvekuti 8 dzakakwana ndatova kubasa kwangu.Handina kunonoka nekuti ndaiva ndatora motokari yangu iyo yandakazosvika nayo pabasa ndokuzotanga zvangu malessons angu after break. Kubva musi uyu makumbo angu anga ava kungozvimba seenzou.Netsoka idzi dzanga dzakutotyisa kutarisa.Pandakaenda pamission hospital zvakangonzi iBP iri stress related ndikangopihwawo zvimapiritsi asi zvakaramba zvichienderera dzamara ndazobva nhumbu zvichinzi heee ndapisa mwana here what what.Hameno zviterminology zvavo zvemedicine hapana kana chandakambonzwa apa nhumbu yacho yaiva ichiri idiki zvayo itori below five months.Ndakangokwanisa kubata pekuti mwana aiva abva bedzi and aiva abva zvedi nekuti kaisava kekutanga kuti zviitike mulife mangu.Ndanga ndatoone kambiri kekuzvarira ivhu nhai veduwee. Ndakazongoitawo rombo rakanaka pakuti chikoro chedu chaiva chakapoteredzwa nemisha saka vanagogo vechivanhu vakandipa mimwe mishonga hanzi yekugeza mudumbu here.Pakapera two weeks ndanga ndatova chigwindiri zvekare.Mhamha vangu vanga vakupota vachiuya kuzondiona zvese nekundinyararidza and nekufamba kwenguva Tatenda akatanga kuita fade away mumoyo mangu.Zvinonzi time is the best healer zvakashanda kwandiri and ndanga ndakuenda kubasa ndichiziva kuti mwana wangu nestand yangu pamberi.I just wanted to be myself and having a man in my life again was not part of my equation.Tatenda akatomboda kufona fona achikumbira ruregerero ndikabva ndamuvharira panze zvese panyama nepamweya.Daddy vakatomboda kumukumbirira kwandiri ndikavashura nekuti vaikara doro zvinobhohwa uye vanga vakuratidza as if vanoita zvehungochani naTatenda coz havaifanirwa kudefender marabishi akadaro kuri kuti vaiva nedzinodhonza.Mwedzi hobho yakasvika pakupera mari ikamboda kunetsa pamission zvekuti imba yangu yakamboita nguva yakareba iri pawindow level. Ndakazenge ndakudanana nemumwe mukomana ainzi Lawrence Muzvondiwa aishanda paFBC sabank teller, iya iri opposite Mutare Central.Akatanga achindiitira mafavours ekundichengetera cash payainetsa kwazvo asi inini ndaiti kana ndichiida ndaiiwana zvisina limit apa iri yepepa futi.Kumhuri kwavo vanga vakabudirira zvekuti vaisambotarisa zvakawanda wanda mulife.Ndiye akazondibatsira kupedzesa imba yangu.Akaitisa roofing yese zvese nekuisisa magetsi pamwe nekusimbisa plumbing.We were of the same age and akazova Betadine yakaomesa chironda chaiva pamoyo wangu chaiva chakonzerwa nedhongi rinonzi Tatenda.Aaaaa Mwari ariko shuwa,Lawrence akasvika pakundibvisira tikachata muchato wembiri kuLa Rochelle Gardens and aitoona Shingi semwana wake.Tatenda akamboda kumushungurudza zviya zvejealous achimusendera mamessages aya aya ekuti hee ndini ndakamuvhura zviya zvekuda kumusvotesa akabva asenderwa mapics edu epamuchato zvekuti nofunga nekwaaiva akatombobudisa mweya chaiwo kkkk.Haaa daddy futi vanga vashifta magoal posts vakuda Lawrence nekuti apa bag paiva pamusha waro.Vakasvika pakuzotsiurwa namhamha kuti vasangokumbire mukwasha doro pese pese sezvo zvaizoderedza chiremerera chavo asi zvakanzwikwa nani nekuti vakabva vabhomha mhamha zvekuita kunga vari kutuka mwana mudiki. Lawrence aonawo kuti Tatenda akuenderera akabva amutorera peace order yekuti akabva ashaya nemukana wekuona Shingi mwana wake then we relocated ndokunogara kuToronto near Penhalonga,imba yangu ndokubva taizadza nemalodger.Lawrence akabva andiitira madhiri ndikabva ndawana basa paHillcrest College apo panodzidza varungu nemaIndias and a few blacks,salary yangu ndokuti pfee mu$2000.Eish life inonaka sometimes!! *Tatenda* Pandakadzingwa naMai Shingi paya ndakabva ndaenda kumba ndokunyepera mhamha kuti Mai Shingi vakuita zvezvikomba.Vakabva vanditambira nemaoko maviri mushure ndokundipa zvimwe zvitea zvavakanditi zvinorutsisa mupfuhwira wandaiva ndapihwa naMai Shingi.Hey mhamha vanga vasingade Judy apa ini ndini ndaiva ndaitira zvangu pandinodyira.Pandakadzingwa paya ndakangouya kumba ndakadaro and ndakanganwa foni yangu mumba muya zvekuti I was pretty sure kuti mari yese yaivamo yakatorwa naJudy nekuti aiziva pin yangu. Guhwa rakazofambiswa naamai vangu mumaraini raiva rekuti Judy aihura chaizvo.Rakatoita mbiri zvekuti yangu chaiyo yakashaya basa kusvikira pakuti vanhu vaitondinzwira tsitsi.Takangotorawo advantage yekuti Judy aisava munhu anoda kupubliciser zvinhu apa hure randaiva ndakecha riya ndiro rakawedzeredza kuti ndirambwe.Shaa kutonyepa kuti taane time tichichimhanya ndofunga rakangoitawo out of frustration nekuti ranga raona kuti mari yaisazobuda zvekumhanya.Wanga watongovawo mweya weshaisano sezvo ndaiva ndaritadzisa kutoita imwe mari yemashort dambu nevamwe kutown ikoko.Zvisinei ndakazongoona kuti kugarira maoko pamba hakuchaite apa ndakura kudaro.Zvekare,kugara nekugara Judy anga asondirambidza kuona mwana wangu futi aitoti aizodzidzei kubva kuna baba vakaita seni. Semunhu anga aane twumalinks mutown ndakabva ndatanga zvangu basa rechimatunge.Ndakatanga kushandira kumawholesale aya ari kudowntown asi nechekuseri.PaBhaddhella ndipo paiva nane saka ndaiita basa rekutakurira vatengi zvinhu zvavo nengoro kana nemaoko ndichinovaisira mudzimotokari dzavo kana kuvasvitsira kumabhazi vondipawo coin kana madhora zvichienderana neluggage yacho.Zvino imwe Monday ndakabva ndaona.... Wakaonei kana ani nhai shamwari? Kkkk end of chapter Keep on supporting me *Watch out for chapter 11* [05/09 12:03] Terminator: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 11๐Ÿ–ค๐Ÿ–ค๐Ÿ’—๐Ÿ’“* *Tatenda* Zvino imwe Monday ndakabva ndaona imwe mhene yechikadzi yakandininira kuti ndisvike payaiva.Mukadzi uyu aiva akatopfeka kamwe kadress kaigumira pakakatangira kunga bhande kari kachena kaine zvekare maruva eblue aiva akabloomer.Ndaiva ndakatomira nevamwe vangu takatsamhira zvingoro zvedu apa ndanga ndakatorova zvangu chibottom changu chework suit chaiva netwumareflector twegreen nechepamabvi apa,kumusoro ndakarova kamwe kavest kangu kewhite ndakapendekera kamwe kahat kangu keblack kunga comrade.Ndaiva ndakaratidzika segweja chairo.Semunhu aiva pabasa ndakabva ndaenda kwandaiva ndasheedzwa ndokuona mukadzi uya akamira padivi pemotokari yake uye kaiva kekutanga kumuona mulife mangu.PaBhadhella apa paiuya vanhu vakawandisa kwazvo zvekuti vamwe ndanga ndakutovaziva asi iyi yakava first time yangu kuona mukadzi uyu.Ndichisvika ndakabva ndakwazisana naye achibvisa mashades ake apa ganda rake raiva rakati tsepete serekacheche zvichiratidza pachena kuti raiva remari isiri yekubatanidzira. "I want you to help me to carry my stuff from the supermarket kusvika pano pamota then wondirongedzera muboot umu.How much is it?"Akadaro mukadzi uya achinongedzera boot racho sekunga ari kuudza mwana wekucreche.Vanhu vane mari vanombofarisawo dzimwe nguva kkkkk.Ndakabvisa kahat kangu ndokuti,"Zviri kupi zvinhu zvacho and zvakawanda sei?"Mukadzi uya akabva atsamhira motokari yake rumwe ruoko rwake rwuchitambisa tambisa makeys eBenz yake ndokubva ati,"Haaa kungobva padoor apa chete.How much is it?"Ndakabva ndasekerera kuti mari yesadza yaita ndokubva ndati,"Haaa mukandiwanira dhora chete sistran zvinofamba."Ndakataura ndichinyarawoka semunhu anga aponda munhu nekuti kadistance kacho kaiva kadiki kadiki.Ndakaona mukadzi uya achifa nekuseka zvekuti ndakatomboshaya kuti chava chii mushure ndokubva avhura door remotokari yake ndokutora purse yake yaiva paseat rekumberi ikoko.Aitora akabva aivhura ndokutora $10US ndokunditambidza.Ka10 kacho kaiva crispy kachiratidza kuti kaiva kachangobva mubank ini aaaa ndokuti,"Aaaa ndiri kukumbirawo kuti ndinotsvaga change manje manje pane mufesi wangu uyo anotengesa airtime.Rambai muri pano sistran."Ndakatotaura ndichinongedzera kwaiva nemufesi wangu uya aitoshandira pasi pemumwe muti nechepakona paionekera kwazvo.Hadzi iyi yakabva yanyemwerera ndokuti,"Just keep the change dear.Iwewe just do your job."Ndichinzwa mashoko aya ndakangoti nechemumoyo,"Haasiriwo masatanists acho here aya?"Ndaitotaura ndichifamba nemukadzi uya kusvika tasvika pamain entrance yepawholesale akabva andiratidza zvinhu zviya zvaaiva achengetesa patsoka dzemuguard aitarisa mareceipts ipapo.Paiva nemasaga maviri aitadza kufema nemagrocery asi pasina nguva ndanga ndatomambikura ese ndichinomaisa muboot makare.Mukadzi uyu aingonditarisa tarisa zviri sexy zviya zviya kusvikira paakazonditenda achiti akuenda.Pasina nguva akabva amutsa motokari yake kuti agadzirire kuenda ndikabva ndashamisika akundisheedza zvekare mushure mekunga adzikisa hwindo rekudivi kwake."Hop in shamwari,handina munhu anokwanisa kundibatsira kuzotakura zvinhu izvi kusvikira mumba mangu."Ndakamboda kuramba asi semunhu aitsvaga mari ndakabva ndavhura door rekumashure kwemotokari yake ndikakanuka ati,"No no no kkkk I cant drive you ka shaa.Ndiwe watova boss ka mumota mangu.Hantie you know kuti even president is driven akagara kumashure ikoko.Haaa I cant be your driver hahahaha."Ndakangosekawo ndichifamba ndichigara kumberi ikoko,motokari bvayasimuka dzikana yabata Hebert Chitepo Main Street. Yakati tande naye until yakonera paSt Dominics High paya ndikabva ndaziva kuti tatosvika kuMurambi.Mukadzi uyu aitaurisa zvekuti pakarwendo aka ndanga ndakutoziva kuti anonzi Middy uye nekuti ane 43 years.Ndakamurambira panhau yemakore ake iwayo kusvikira azondiburitsira chitupa chake ndikapa kutenda.Chimiro chake bedzi chairatidzika kuti she is below 25 asi zvisirizvo.Zvisinei takazosvika pamba pake tikabva tatambirwa nembwa dzake mbiri.Ndakazomubatsira kutakura mikwende yake ndichinoiisa mupantry apa imba yake yaiva neimwe down stairs yaiva yakazvipengera.Chokwadi pamba pacho uye panguva iyoyo aitova ega nekuti aiva andiudza kuti vashandi vake vari paoff.Yard yacho raitova purazi pachezvaro apa paine lawn yaiita kunga yaichekererwa nechigero chemubarber kuri kuenzana kwayo ikoko.Dziri motokari paiva nemunda wadzo chaiwo asi ndanga ndakutya kuti ndivoka vakaromba vaya. Shiri ndidzo dzega dzaingonzwika kuti twi twi twi dzichitamba zvadzo mumiti yaiva yakapoteredza nharaunda iyi.Ndanga ndakutonyara kugara ndiri pamba apa nemapfekere andaiva ndakaita apa mukadzi uya anga akungondidelayer delayer achitaurisa taurisa dzamara tatozoswera tese apa ndanga ndakumunzwira shuga.Huyellow bone hwake hwaisava hwekuuser asi hwekuzvarwa nahwo.Kwava kuma5 ikoko ndakazooneka akandiperekedza kusvika panokwirirwa makombi ekwedu mutown then we exchanged maphone numbers.Tichingoparadzana uye pasina kana two minutes ndakaona asenda $50 muEcocash Account yangu.Ndakatoshaya kuti lucky rekuchengetwa nevakadzi ndaiva ndakarichera kupi asi apa masamba anga ati siyanei nekuti she was way older than me.Asi nekukura kwake kudaro aisamakisa kufamba naye and mateenage mazhinji aivabvambura nekuti aizvibata zvakanaka.Ari mazamo chaiwo vamwe vedu vakuponeswa nemabra anozoshandisa resurrection power yekuti aite seakachamira apa munhu anenge ane 19 years bedzi.Zvino aMiddy aiva akati twi zvekuti usina kumabata waingoona wega kuti achine starch kkk.Kombi yakazosimuka ndakunonokerwa nekuti nditaure naMiddy ndakagarisika zvangu.Kana mangwana ndaisazoenda kubasa nekuti homwe yangu yaiva yakanuna.Ndichisvika kumba ndakabva ndasendera mhamha $20 yekuti vabatsirikane nezvemumba ndichimirira zvangu kuti vanhu varare kuti ndizowana nguva yakakwana yekuti nditaure naMiddy.Ndiri mumwe wevanhu wekuti kana ndichitaura nebabie online ndinobva ndaitwa absorbed nemachats zvekuti ndinenge ndichisekerera zvese nekuita twumaactions twekunga ndiri kutoona babie racho face to face.Musi uyu vanhu vakanonoka kurara zvekuti ndakatomboda kuvakamanisa kuti vaende kunorara ndatoone hasha.Anyways vanhu vese vakazorara kuma11 ini ndokuvamba zvangu chat yedu ipapo.Ndaitorara zvangu mudining muya mandaimborara ndisati ndanogara naJudy kuArea 12.Chat yakazobaka ndikatanga kutsvetera Middy akandiramba ndikashaya kuti zvabva nepi futi.Anga akutongoda kuti ndiite friend yake bedzi ini ndokudzvanya dzvanya mamwe mabutton angu simbi bvayazobvuma kwatova kuma1 chaiko.Rudo rwakatsva pafoni akandiudza kuti aiva akasorambwa nemurume wake about 10 years ago nenhau yekushaiwa mbereko kwake.Akandisendera maaudios achichema ndikamuvimbisa kuti ndichamupa a shoulder to cry on.Ndakamuudzawo yanguwo yekuti ndakasorambana nemukadzi wangu asi ndakamunyepera chikonzero chacho chaicho chakaita kuti tirambane.Ndakamuudza kuti ndakasvikira mukadzi wangu aine chikomba pamubhedha wangu akatondinzwirawo tsitsi zvekuti pandakazosimbisa neyechimatunge changu yakabva yava kete pakete. Hamawe rudo rwakanyanya kani.Takadanana zvemahours bedzi asi tanga takuita as if taane lifetime tichidanana.Makuseni iwayo ndakarayirwa kuti tisangane kutown,time time ndokunodyiswa lunch muHoliday Inn after ndazadzirwa wardrobe nemalabel bedzi bedzi.Musi uyu ndakanorara kumba kwake ndikapakurirwa makona aro ese zvekuita kunga ndichitanda botso.Takachovha mwedzi wese tichidanana but we kept it as a low profile zvekuti hapana aizviziva kunyangwe amai vangu until iye azokumbira kuti ndimuintroduce kwavari.Saka imwe Friday ndakagara ndaudza mhamha kuti ndiri kuuya nemusikana wangu tomorrow vakati,"As long as asiri Judy chete mwana wangu pano she is welcome."Ndakabva ndaseka navo ndakamirira zuva remangwana.Zuva racho reSaturday richisvika ndakatanga ndasangana naMiddy wacho mutown makuseni tikabva tapinda maSpar ndokubva atengera mhamha vangu zigrocery rekuti zitill receipt rakabuda rakareba zvaityisa nekuti ainhonga chese chese from every shelf.Tichisvika kumba kudai akaita seachaberekwa namhamha sekacheche vachiti,"Ndivo vanonzi varoora ava kwete zvehure rako rekuArea 3 riya."Ndakamboedza kuvatsonya kuti vasatimakise asi vakarutsa zvavanoda non stop nofunga munovaziva zvenyu.Middy aiva nemakombi andaitozivawo saka ndaiva shuwa kuti ndiko kwaibva mari yacho zvekuti paakazviudzawo amai vangu vakazvitendawo.Vaitadza nei kuzvitenda ivo vanga vakutodya ice cream yavaiva vaunzirwa apa vachitaura nemuenzi-iii kudai Mwari aizotibatsira.Takatambokurukura kurukura Middy ndokuzoti,"Mom ndakanzwa naTatenda kuti mune kaflea market kenyu so my wish is I want to upgrade you.Next week chaiyo ndiri kuda kukuvhurirai boutique mutown and Tatenda told me zvekare kuti Tete Berna havasi kuenda kuUniversity due to lack of funds saka I will pay her tution and residential fees paUZ next wacho again votangawo nevamwe munaAugust."Anga atopedza zvake mwana wevanhu mhamha vakamupfugamira vachichema kunyanya paakazovaudza kuti ari kuda kuextenda imba yedu obvisisa roja riripo.Ndakadongorera nemupassage ndokuona Mai Mukundwa vachifinyama zviya zvekugumirwa nekuti chokwadi her days vari pamba pedu were numbered. Musi uyu takaswera naMiddy pamba pedu akazosiya atibikira chikafu chemanheru achizvininipisa zvake. Ndakazomuperekedza kumba kwake manheru ndichidriver motokari yake ndini ndikabva ndararako zvekare.Sekuvimbisa kwaakaita,zvedi akavhurira mhamha boutique yavo mutown akabva abhadharira Berna mari yake yekuchikoro.In the same week foundation yakabva yatanga kucherwa pamba pedu zvichireva kuti inini ndanga ndakurarama hupenyu hwandairota.Hameno zvaJudy naLawrence wake nekuti ndanga ndatovharisa that chapter ndakufamba nedzinobhadhara.Mwana wangu ndiye wandaingofunga bedzi and ndaiva nechivimbo chekuti ndaizoonana naye nekufamba kwemazuva.... *Middy* "Sweety sorry I forgot to tell you this all along.Ndine farm yangu iri kuOld Mutare uko ndiri kuda kuti tiendeko tomorrow umbokuonewo."Ndini zvangu ndaitaura nekamutom boy kangu tichitamba zvedu muswimming pool yangu yaiva mudown stairs memba yangu on a certain hot Friday.Tatenda anga atova mumaoko angu zvekuti aingodancer according to my tune saka haana kuramba kuenda neni kupurazi kwacho.I was a very dangerous person and he didnt know that.Mari yangu zhinji zhinji yaibva kuhuman and drug trafficking zvekuti madhiri aya ekuKuwait akambonetsa mazuva acho ndisu taibaya baya mabutton acho.Ndaiva nevanhu vangu vaigadzira zvimaadverts zvemabasa ekunze zvekuti ndaitoziva kuti vasikana vazhinji vemuZimbabwe vaizodyira.Nenhamo yaivapo paZimbabwe ukangoudza munhu kuti kuKuwait vasikana vebasa vari kuhora ma$600 maapplication acho ekuendako aiita kutsikana tsikana.Mamwe ndaitozopisa zvangu nemhaka yekuti aizondiwandira.Kushata kwazvo kwaiva kwekuti ndaiti ndikakutengesa kunze waizoitwa slave and in most cases vazhinji vaizongofirako kana nenzara chaiyo zvorova zvakadaro.Ndaiva nemaconnections akasimba kumaembassies ese and Minister of Foreign Affairs vaiva chikomba changu saka hapana pandaitya kutsika. Ndezvekunyepa izvo zvekuti ndaiva ndakamboroorwa.Aa ndichirorerwei nemadire andaiita fast life ndozoonekwa ndakupaka chimwana porridge chichinditadzisa kuita madhiri angu kana ecocaine.Zvagara marriage is hell nekuti ndaingonzwawo vamwe vachichema varimo ndichitoseka nemumoyo ndichiti *tsviramo* semungano iya yaTsuro naGudo.Kupurazi kwangu ndikwo kwaiva muzinda wemadrug deals ese and I traded in Bron Cleer,Crack Cocaine and Marijuana.Ndaiva ndiine network yakasimba zvekuti waiti ukandiona ndichifamba apa waitoti I am just an ordinary thing izvo ndaipisa dzinofa dzakadaro pasi pemvura.Pamadhiri angu ese ndaisambonetseka necash nekuti vamwe vandaishanda navo vaishanda mumabank,the likes of Lawrence.Heish that guy was a gem and aiita make sure kuti tawana mazicash even in US Dollars panze paine ziline revanhu vari kuda kungopihwa ma$50 emacoin shuwa.Papurazi pangu pairimwa mapotatoes asi ndaiva nerimwe zibasement raivapo raiva underground ritorine maoffices akarongeka.Umu ndimo maitsvira madhiri ese and ndimo maiitirwa mameetings angu ese nevanhu vangu.Ndaiita basa rekuti ndikadanana nemunhu zvebhaizi kwekupedzesera kwacho ndozomujoinisa chitima changu and waisaramba.Ukada kuramba waifa and they were no two ways about it.Tatenda ndiye anga ava next target yangu asi kunyangwe aizoramba ndanga ndisingade kuti afe nekuti hameno why ndaimuda kudaro.Vamwe ndaisambova nebasa nevabereki vavo asi amai vaTatenda ndakavaitira zvese nekuti mwana wavo ndaimuda.Inyaya yekuti aindipawo rudo in one way or the other and he was so so sweet.Asi zvakadaro ndaisada zverudo too much nekuti zvaizogona kumisa madhiri angu nekudaro ndakazoenda naTatenda kupurazi kuya mangwana acho masikati. He was so excited zvekuti aitofunga kuti it was going to be fun as usual apa ndaitoda kumurecruiter zvangu.Takasvika ndokudzika mubasement muya bvandaona Tatenda akuratidza kuti akutya nekuti anga aona pfuti dzakangoti ndandanda mukati imomo.Pfuti chaidzo dzaitongova matoy imomo and zviso zvevanhu vaakaona imomo zvaiva zvisina kujairika.Ndakaona akuda kuita kunge akuda kutiza asi akashaya pekubuda napo.Ndakamurayira kuti apombonoke zvake mushure ndokukokorodza vamwe vese kuti vaungane panzvimbo imwe ndimuintroduce.Pavanhu vakaungana ava paiva naLawrence.Ndakashamisika ndichiona Tatenda uya akuramba akatarisa Lawrence ndokubva nda.... Hehehehe wakaita sei nhai gangster? End of chapter Thanks for supporting.Asante Sana Watch our for chapter 12 [05/09 12:04] Terminator: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 12๐Ÿ–ค๐Ÿ–คโค๐Ÿ’“* *Lawrence* "Asi mazivana kani?"Vakabvunza madam boss vachikanda maziso avo kwatiri tese sezvo taiva takamira takatarisana.Hana yangu yakatanga kubika manhanga nekuti ndaiziva kuti she didnt tolerate that.Mubasement medu imomo maitova nemadrum eacid ekunyudza vanhu vanenge vasiri kunzwisisika.Ndakatsonya Tatenda wacho nekaziso zvisina kuonekwa nevamwe vese mushure ndokupindura ndichiti,"I dont even know him at all boss."Mhinduro yangu yaiva straightforward and to the point nekuti kutaurisa taurisa kwaizobatisa zvakawanda.Boss Middy vaisava munhu wekutamba naye uye mukati umu vaityiwa,I presume vaizora mafuta eshumba chete nekuti nedzimwe nguva varume chaiwo vaizviitira weti kana mukadzi uyu akutonga zvake. "Ok I have brought you a new member today."Vakazodaro zvavo mushure mekunga vaona kuti ndavapedzera nemhinduro yangu yandaiva ndavapa.Tatenda wacho was introduced to us apa taiva 8 including umwe ex soldier ainzi Legend uyo anga asingatye kuridza pfuti.Aiva akasotiza kuZNA uko aishandira kuInkomo Baracks Armoury mazuva akambonetsesesa zvinhu munyika.Akarova pasi akananga kuSouth Africa akashaikwa nekuti aitongovawo zigurunduro panhau dzechiguruvha.KuSouth ikoko ndiko kwaakanyururwa naBoss Middy vasangana ikoko pamadhiri ecocaine.Vanenge vakanakirwa naye zvekusvika pakuzouya naye papurazi ravo.Life yake yanga yava yekugara pasi ipapo zvekusazobudazve panze zvekare.Aiva atorine mhuri yake kuHarare kuKambuzuma asi yanga yakugara kwatezvara vake.Murume uyu anga ari pawanted and munongozivawo kuti yemasoja haipere.Kune humwe hupenyu hwekuti unofunga kuti imovie script izvo zvichitoitika feya feya.Ndiwo mamwe mararamire ataiita zvekuti wangu mudzimai anga asingazive that dirty side of me. Legend uyu aindifarira zvisingaite nekuti pese pandaiuya papurazi apa ndaimuunzira 20pack yake yeMadison yaaifarira kwazvo sezvo aiva a chain smoker.Pasyndicate iyi ndini ndaitova treasurer uye ndaihandler mafinancial transactions ese.Mari dzese dzaibuda nedzaipinda ndaiziva nezvadzo ndokusaka kunze uko vanhu vaitoziva kuti pano pamuzinda wemari.Ndakaita rombo rakanaka rekuti ndakabva ndawana basa kubank saka cash yaisazivana pamadhiri edu.Boss Middy ndanga ndakazozivana navo pandaivabatsira kuita zvikiribidi zvemadrugs ndichiri paMSU apo ndaiita degree rangu reBanking and Finance.Ndiri pauniversity apa I was a drug cartel asi on the other hand ndaitotungamirira Scripture Union yemastudents ese epainstitution iyi.Ndaishandira undercover asi ndaiti ndikapisa vhangeri so mademon aibuda ese.Kumhuri kwangu hapana aimboziva zvandaiita zvese izvi kunyangwe naamai vangu nyakutumbura.Zvanga zvasanganawo nekufunda saka ndaisabatwa zvekumhanya.Mbiri yemadrugs payakamborura paMSU handina kana kumbosungwa even pakambouya CID yeDrugs pachikoro ikatombogarapo kwemwedzi wese asi yakaona machira chete kusvikira yakanda mapfumo pasi.Mubasement umu I wasnt directly involved padzimwe action dzaizoitwa paground nekuti basa rangu guru raiva rekungopa back up financial services kucompany yedu iyi.Ndaimbopindawo mumunda pano neapo kana vamwe vakawandirwa nebasa asi ndaizviita nenguva iri kure.Naizvozvo ndaiva munhu akakosha chaizvo pachikundi chedu and ndaitova neoffice inoti inini pasi pedu ipapo. Maintro aya zvaakapera mumwe namumwe akaenda kudepartment kwake ini ndokupinda zvangu muoffice mangu.Boss Middy vakaenda naTatenda kuoffice kwavo ndokuzvivhariramo uye ndakangonzwawo vachiita kakunetsana pavaifamba mupassage.Inini ndanga ndakuchishupikana zvino kuti Tatenda zvaanga ava pano haazozvidure here kunze uko.Pfungwa dzangu dzakambomira kushanda ndokubva ndatomborohwa nekahope padesk pangu ipapo.Hope dziya dzakuda kutondiba zvekuenda ndakapatitswa nekambama kandakarohwa pashoulder naLegend.Ruoko rwake ndanga ndakurwuziva saka ndakamuka ndokutanga kuzvitamura tamura ndichisham n'ai maziso angu achijenga twumisodzi ndichiona Legend achigara paedge pedesk rangu achidhonza mogo yake."Aaa muri kutorara blaz hanzi naboss pane chimwe chimission chiriko nhasi manheru kwaOdzi uko.Vanditi idhiri rekuhoarder macarton emushonga from mumwe murungu saka fana kuronga cash yako now nekuti tichangoti ga ga ga kuma8 manheru ikoko."Apa Legend aitaura akanditarisa akapfeka chiso chebasa ini ndokutanga kupfanya pfanya computer yacho ndichida kuona kuti zvakamira waani waani.Aona kuti ndiri kungoridza ridza tsamwa akabva ati,"Haaaa kkkkk ko makadhinhiwa nei nhai baba asi vadzimai venyu vari kushusha kumba kani?"Ndakabva ndambomira kubaya baya computer iya ndokutanga ndaseka nhamo kunga rugare mushure ndokuti,"Haa tsano ndisu tichanetswa nevakadzi here isu?Haaa baba kundiona kudai ndava patight because mufesi mutsva auya uyu aiva ex husband yemukadzi wangu.Aichengetwa achiitirwa zvese until azowanikidzwa nebabie aine hure mumba bvaarambwa.Saka ini pandanga ndakugara nebabie racho as hubby and wife after tachata paya anga akutoita take take neni achingoda kundifinhura.Ndakatozoguma ndamuwanira peace order but nhasi I am shocked kuti we met muno.Handisi kutomboziva kuti even Boss Middy vacho vambouya naye sei muno.Chokwadi the world is small makuruwani and this man is our enemy toita sei?"Ndakapedzesera ndabvunza Legend uyo akabva atombodzima mudzanga wake ndokuti,"Haa ndotomuona kare kuti igwara iri.Manje pari tricky nekuti auya naboss saka kuti timuuraye zvechidzungu dzungu inogona kuperera kwedu apa ithreat futi kwatiri.Haaa kana neni ndatopererwawo."Ndiko kakava kekutanga kuona Legend apererwa.Murume uyu aiva mutungakwese nekuti kupfungwa nekumaoko aivako kwese asi apa ndakaona agumirwa kunga chibereko chechembere.Ndaona kuti zvamira sekudaro ndakarovera moyo padombo ndichiti,"I havent been directly involved in the killing of some people but apa handina choice wangu munhu uyu ngaatofe so that my reputation is safeguarded.Kana zvichibvira ngaatofe nhasi chaiye,zviuya zviri mberi."Ndakaona Legend rasimuka ndokukwenya nzeve yavo ndokuzoti,"Yaaa une point coz munhu uyu ndewekunze anogona kungoita mweya weshaisano ofumura mazhets ese then you will be exposed.Zvisinganetsi nhasi toenda naye kwaOdzi kuya kana tapedza dhiri ndomupedzera ini.Iwewe chako kungoringira ugere kumaterraces tichiita basa nekuti iwewe ukafumurwa uriwe une mari yese then musha wese waparara."Ndaiva ndisina moyo wekuuraya inini kubva kare asi mashoko aLegend akandisimbisa.Ndanga ndakutoda kuti Tatenda afe zvake nekuti haangaiteka zviwindi zvekuda kudyira mundiro imwe chete nemashefu.In fact ndanga ndichitoda kuti munaOdzi River macho muite makarwe ane nzara yeweek anyatsomuita kanyama kanyama nekuti type yakadai didnt deserve to even have a decent burial,aitozopinzisa vanhu labour isina basa pakumucherera guva.Naizvozvo 7 dzakwana takazoita meeting tiri 4 paina Martha,Legend,Tatenda wacho neni,Martha ndokutosimbisa kuti tiende naTatenda kuti atodzidze basa racho.Tatenda achinzwa izvozvo akachururudza weti dzamara azonongedzerwa pfuti naLegend weti iya ikaoma kuti gwaa akabva adzikama zvake. Naizvozvo half 7 dzichikwana ndakabva ndaburitsa mari yaikwana iyo kuita $1000 kubva musefa yedu,iri mari yekuti tinotenga Bron Cleer kubva kune mumwe murungu uya wataida kuita naye madhiri.Aiva atiudza kuti taizosangana naye kuseri kwemabottle stores aya epaShamhu ari along Mutare-Harare Highway. Boss Middy remained behind isu ndokusimudza chisprinter chedu chemadhiri chakagarirwa naLegend madekwana iwayo.Takabva tagara kumberi kwaro tiri vatatu kusanganisira naTatenda uyo wandakabva ndagarisa nechekuhwindo kuti asanyanye kutya.Ndaitoziva kuti kudai ndakada kumugarisa pakati aigona kuzongonyumwa nyumwa ini ndokubva ndamubhata bhata ndichiti,"Haaa zvakatoitika zvakapfuura my brother.Ngatitsvagei mari chete ndiyo life yacho.Musatye zvenyu tiri tese pamushando uyu."Ndakaona dzichigutsurira musoro ndikati nechemumoyo,"Uchanyatsougutsurira pamberi pevadzimu vako and wonovaudza kuti kana vakararama zvekare vasazotambe nemachisi pafilling station."Legend aitosimbisawo neuko zvekuti rwendo rwacho rwakaita rwudiki,tikatozoguma takutoseka tese asi ndaitongoona kuti blaz ava havasi kuzvifarira.Kuseka kwacho kwaitongova kwematsurundundu asi who cared?8 dzichikwana takabva tasvikirana nemurungu uya akatopfeka chishort chake chekhaki.Takapaka chisprinter chedu kuseri kwemashops inini ndokudzika naLegend tichinoita madhiri aya zvekuti pasina nguva chisprinter changa chatorembera nemushonga wailodwa nevashandi vechimurungu ichi chainzi Murray.Tatenda aiva zvake musprinter uye nofunga akasara achinyumwa nekuti takasiya takamuvhariramo.Patakapedza madhiri edu takabva tasimudza sprinter redu ndokunzwa Tatenda uya akujamuka jamuka achibvunza kuti nemhaka yei taiva tamukiira mukati apa tanga tichiri kungobva pamashops aya takuda kutopinda muhighway.Murume aitya zvake iyeye nekuti kunyumwa nyumwa kwake kwaiva kwegwara.Legend aona kuti zvanetsesesa ndakangoona asvikira gotsi raTatenda ndokubva arovera musoro wake padashboard ropa rikatanga kubuda mumhino nemunzeve ipapo ipapo.Tichingopinda muhighway akabva apfutsa sprinter riya ndokundirayira kuti ndivhure door zvese nekukandira Tatenda panze.Ndakaita saizvozvo apa Tatenda wacho anga angoti zii zvekuti ndakaita sendaiva ndasandudzira zisaga rechibage.Akanowira mudivi metara,Legend ndokuedza kuda kurova reverse kuti amuzhwanye musoro asi sprinter riya rakaramba kuengager in that gear.Takabva tarimisa paside petara ndokuburuka kuti tinonyatsopedzesa munhu wedu.Takumhanya tichidzoka kudai takanzwa pfuti dzichiita kudairirana mudenga dzichirira apa taisaona kuti dzairidzwa nani.Denga rakatsvukiswa nemapara isu tikabva tati musango pforokocho tichimhanya tisingaone kwataienda.Haaaa chimupfanha chine lucky ichi nxaaa!!! *Tatenda* Haaa yaaas pasi pano pane vanhu vane moyo yakaoma shuwa.Ndaisatomboziva kuti ndizvo zvakaita Middy kudaro apa ndaitorara naye mugumbeze rimwe chete.Mukadzi uyu ndiye anenge aiva akazvara satan akamuyamwisa,kumubvisa manappy nekumurera kusvika akura.Ndakashaya kana mupanda wekumuisa nekuti dzandakapindana nadzo dzaitoda dare guru reConcourt kuti nyaya yacho ipere.How can a person be so ruthless apa gaya aiva mukadzi,naMwari kuda kutondishandisa sechikorobho.Pandaiva ndazorara paside petara paya ndadonhedzwa naLawrence,ndakabva ndatsidza kuti madhirezi haabhadhare.Nekukara kwangu kwandaiita poto ndakabheja kuti nyangwe ndikavhurirwa makumbo richisekerera kudai ndonzi ndiuye ndirove ndopihwa kana Zimbabwe yese,haa ndaisabvuma.Varume wee all that glitters is not gold.Ndakapona nepaburi retsono apa ndanga ndakutyira mwana wangu uyo aigara nemhondi iyi inonzi Lawrence.Kurambwa kwandakaitwa naJudy achinoroorwa naLawrence,kwaiva kwakangofanana nekuita accident uri muambulance uchitozvirwarirawo zvako.Inini ndaitova nani pana Lawrence zvekuti ndakatanga kunzwira Judy tsitsi ndakaruma ivhu ipapo. Mmmm Mwari ariko shuwa nekuti apa ndakapona segunguwo.Midzimu yangu yakarwa imire nekuti ndakanodonhera pahuswa asi kudai ndakadonhera mutara chaimo ingadai takutotaura zvimwe. Ndiri pasi ipapo ndakazongonzwa pfuti dzakurira around that area ini ndokuramba ndakati fatata muhuswa imomo.Kwapera dzinenge 10 minutes ndakazongonzwa dzati zii ndokubva ndasimuka ndichizvigumha gumha zviya zvekubvisa bukuta ranga rava pandiri.Ndakatora t-shirt yandaiva nayo mukati ndokupukuta pukuta nzeve dzangu pamwe nemhino dzanga dzakutovharwa neropa riya.Yandakatambwa apa yaitova nemunhu pasi and Legend racho rakatoratidza kuti raiziva basa raro.Ndakabva ndafamba ndichienda pamashops aya ndichitsvaga chiedza chekuti ndizvitarise kuti ndiri bhoo here,ndikabva ndasvika paverandah yaimwe bottle store paiva nevakomana vaitamba snooker ipapo ndokukumbira mvura yekuti ndishambe maoko angu anga aane tsvina isingaite.Ndakanoratidzwa kwaiva netap kuseri kuya ndokugeza zvangu maoko aya mushure ndokudzoka patara apo ndakaona rimwe gonyeti raitobva kuHarare rakatakura cooking oil.Ndakangotsanangurirawo driver wacho mamirire enyaya yangu asi zvimwe zvacho ndainyepa semunhu aida kubatsirwa akabva andinzwisisa ndokunditakura dzamara asvika neni mutown.Ndakasvika mutown nahalf past 9 ndokuitawo lucky rekombi yekupedzesera yaiva yasara parank pedu.Ndakanogara zvangu kuback seat tichimirira kuti izare iyo ndokuchovha hour rese yakamirapo dzamara yazozara.Izvi zvinoreva kuti yakasimuka kumahalf 10 ikoko ndikazosvika kumaraini kwedu 11 dzichiti ngende.Ndichisvika pamba kudai ndakashamisika kuona madoor ese akati haradada kuvhurika ndokupinda zvangu nedoor rekudining wanike amai vangu nemunin'inga wangu George vakanyura mudziva reropa ravo zvichiratidza kuti vaiva vabaiwa nesomething,pfuti to be precise.Ndakaita sendiri kurota ndokufamba nechemupassage wanike musoro waMai Mukundwa wakangobudikira uri iwo wega pamusuwo wavo uri pafloor chaipo,chimutumbi chavo chiri pasi ropa rakutoyerera richisvika nemupassage.Ndichida kuedza kuti ndibatanidze ndakamira padoor pavo ndakanzwa pfuti kuti kereketye mugotsi mangu chaimo ndokubva nda.... Hahahah wakaita sei shaa? End of chapter Mondiregererawo touch yangu iri kunonoka kuresponder saka ndiri kunyora ndiri patight!!Sorry nekunonotsa chapter. Asante Sana *Watch out for chapter 13* [05/09 12:04] Terminator: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 13๐Ÿ–ค๐Ÿ–คโค๐Ÿ’“* *Tatenda* Nyere payakati kereketye mugotsi mangu ndakabva ndangooma ndakadaro nekutya.Panguva iyoyo ndanga ndatarisana nerufu uye rwanga rwakuda kutondimbundira.Zvandakasangana nazvo musi uyu ndaisombozviona mumafirimu asi apa zvanga zvakuitika pachena chena ndiri main actor wazvo.Chokwadi William Shakespeare akareva gwinyiso romene paakati,"Life is a stage."Mutsipa wangu wakaita stiff nekutya kuturner kuti nditarisane nendusvi yaiva yandivinga apa ropa raMai Mukundwa ranga rakutonyorovesa bhutsu dzandaiva ndakapfeka.Pandakazonzwa gotsi rangu ranzi dzvi pakarepo ndakabva ndatondera kuti urwu ruoko rwaLegende nekuti ndaiva ndamborwufeeler kwaShamhu kuya. Chakandinetsa ndechekuti vanga vambosvika sei kumba kwedu uye vaiva vambopona sei papfuti dziya dzakaridzwa ivo vachangoburuka muSprinter ravo?Zvekare vanga vamboziva sei pamba pedu?Chiriporipocho ndakabva ndabata kuti hakuna mumwe ndiMiddy bedzi aiva avazivisa nezvepamba pedu uye vakomana ava vaifanirwa kuva vakamupa statement rekunyepa pane zvese zvaiva zvaitika kwaShamhu.Legend uya akazondidzipira pamadziro emupassage apa anga asina kana mask ndokuti,"Mupfanha any last words tisati tapedza newe.Pauchafa apa ukazoita lucky rekurarama futi wozoudza vamwe kuti vamwe vanhu havatambwe navo."Ndanga ndakaita kunonzi kudzipwa pahuro zvekuti maziso angu ese akabva abuda panze apa pfuti yaaiva akabata yaiva yakatonditondeka pahuma pangu chaipo.Chiso chake chaityisa zvekuti chaisatarisika kana kamwe chete zvako.Ndakatadza kana kubuditsa inzwi iye bvaakoka pfuti iya zvekare ini ndokuvhara zvangu maziso ndichiti nemumoyo,"Jehovah ndibatsirei."Akuda kutoiridza ndakashamisika kuona arega zvake uye panguva iyoyo anga atova kudoor rekuseri riya raiva nemasteps.Munhu uyu aiita kunga aiva akabairirwa pamagetsi nekuti kamufambiro kaakaita apa kaitoda vakuru vanofamba naJesu.Ndakatarisa kuhwindo rekudining kudai ndokuona malights emotokari aiva akati jee zvekuti kudai ndaibuda panze ipapo padonhera tsono pasi ndaiiona.Ndakatarisa zvekare kudoor raiva rabuda naLegend ndokuona achibatsirana nevamwe varume vaviri kusvetuka fence yedu iyo yaiganhurana neDangamvura High.Pavakapinda muchisango chepachikoro apa vakabva vatotsakatikiramo zvekusazobatika nyamba pamba pedu panga patozara nemapurisa zvekuti mukubwaira kweziso vanga vatopakomba asi vakapotsana nemabhinya aya.Ndakanzwa muviri wangu kurukutika ndokugara mupassage imomo ndichimirirawo kuti ndione zvaizotevera.Mudhara Nyabunze uyo aiva muwakidzani wedu akabva apinda mumba negurumwandira remapurisa,pamapurisa apa paitova neumwe ainzi Machona uyo aimbova shamwari yababa vangu.Chimicrophone chavakauya nacho chakashaya basa nekuti vanaLegend vanga vatogura matunhu.Vanenge vanga vakaronga kuti vakakomba imba yedu vozosheedzera kuti mbavha dzacho dzibude vachishandisa chimicrophone ichocho asi zvakakona n'anga murapwa achida.Ndakaona Mudhara Nyabunze achisvika pandaiva shirt yake isina kukoponorwa mabutton achidikitira ndokuti,"Wanga uri kupi pese apa?Ndatomboedza foni yako kakawanda but yairamba kuita through.Ini ndanga ndanzwawo pfuti dzichirira mumba menyu muno ndikatya kubuda dzamara dzazoti zii ndokubva ndazofonera mapurisa kudai.Nematambudziko mwanangu nezvataona izvi I dont think pane apona muno."Mudhara uyu aitotaura akachonjomara achindibhabhadzira misodzi ndokuita zvayo macompetition pamatama angu ichiita mapitse ekubuda.Shuwa kufirwa naamai nemunin'ina zvinorwadza kudaro zvakasunga rurimi rwangu ndikatadza kana kufema chaiko let alone kuzotaura.Machona akauyawo akandinyaradza,mapurisa ndokufonera mabhokisi maviri avo aya esimbi kuti auye kuzotwara mutumbi waamai vangu newaGeorge zvikaitika mumaziso angu ndakatarisa.Mai Mukundwa vakabva vatakurwa neambulance ikavaendesa kuGeneral nekuti vaiva vachiri kufema asi nechekure kure.Mukana wavo wekurarama waitova zvikamu gumi kubva muzana nekuti sekuonawo kwangu vaiva varasikirwa neropa rakawanda kwazvo.Vese vari vatatu vaiva vakabaiwa pazvipfuva zvavo mabullets acho ndokubudikira nekumusana chaiko. Mapurisa achiita basa ravo zvese nekukorobha ropa riya raiva razara mumba inini ndakabva ndatorwa neumwe mupurisa wechikadzi aingonzi *Chihera* *Chihera* nevamwe vake,ndokubva ndabudwa neni panze tikabva tamira pasi pemumwe mulemon waivapo apa panga patova pakati pahwo usiku.Chihera ava vanga vakatopfeka night dress chairo zvichiratidza kuti vaiva vanyururwa kubva mumagumbeze avo nehondo iyi.Vakatanga kundibhomba nemibvunzo ndichingonyepawo pano neapo.Mubvunzo wavakatanga kundibvunza ndewekuti,"Wanga uripi usiku huno before vamwe vabaiwa pano?"Ndakanyatsoona kuti apa paisada kukakamira ndokuti,"Ndaitova kutown kuMotoring Club kwanga kuine kamwe kafunction ndichitandara nemasahwira wangu."Ndakaona vakufamba famba bvavazoti,"Ko pawasvika iwewe hauna kumboona vamwe vanhu here pano vangava ivo vabaya vamwe kudai?"Mubvunzo uyu waizogona kuvhundunyura zvakawanda uye vanhu vacho vairehwa nemubvunzo waChihera uyu vaiva vanhu vasingade kufugurirwa hapwa saka ndakabva ndati,"Handina kana mumwe munhu wandamboona kunze kwevanhu ivava vandaona vakabaiwa vakarara pasi."Chihera vaya vakabva vatanga kugadzirisa gadzirisa night dress ravo apa mazamo achingotamba tamba ega asiri mubra ndikangoona kuti mhando iyi yakazvipengera shuwa kusvika pakutakura nezita rekuti Chihera nekubasa.Vapedza kundibvunza vakabva vapinda neni mumba umo maiva nemamwe mapurisa anenge mana avo vakazopedza neni husiku hwese vachindibatsira pakufonera dzimwe hama dzese vachidzizivisa nezverufu rwaamai vangu zvese nerwemupfanha wangu.Ari saBerna takangomuudza kuti ambouye kumba bedzi nekuti kudai takamuudza shoko rerufu aizogona kuzvikuvadza nekuti mwana iyeye aida amai vake zvisingaite.Paakazosvikawo kuma9 makuseni achibva kuHarare kuchikoro akazongobatana nevamwe pakuchema uye panguva iyoyo pamba pedu panga patova nemavhu nemarara evanhu. Hama neshamwari dzedu dzakachema nekuti it was so tragic.Chakatemesa vanhu musoro ndechekuti hapana aiziva vacho chaivo vanga vabaya vanhu apa inini ndaitovaziva zvangu asi ndaitya zvisingaite kuti ndibude pachena.Mai Mukundwa vakazoendawo kwamupfiganebwe vachangosvika kuchipatara nekuti vaiva varasikirwa neropa rakawandisisa chose.Hama dzavo dzekuChipinge dzakavatora chinyararire ndokunovavigirako. Mhamha naGeorge vakazovigwa kwapera mazuva anenge matatu nekuti post mortem yemitumbi yavo yakamboti nonotswei nemaforensic scientiests eZRP,ayo akatobva kuCID HQ yekuHarare kuti vabate basa iri.Hapana chisvinu chavakabata kunze kwekungoziva mhando yepfuti yakabaya vanamhamha saka nyaya yese yakabva yanzi zhii kunaChihera vaya.Chihera ndivo vakapihwa basa rekuferefeta nyaya iyi uye vakatomboiramba nekuti yaisava nepekutangira pakati tsvikiti.Middy akatouyawo parufu rwaamai vangu akatomira mira semuroora mukuru ndokufunder zvese zvaidiwapo kusanganisira casket raakavatengera re$3000 kubva kuworkshop yeNyaradzo apa raiva nehandles epure gold.Asati atombouya parufu pacho ndakatombosangana naye kupurazi kuya nevamwe vese mushure mekunga ndanyepera vanhu vaiva vakaungana kuti ndiri kumbonokwereta twumari twekuti vanhu vawane chekudya parufu.Kupurazi uku ndakatsindikidzwa nemunhu wese aiva pasi kuti ndisazvidure uye nekuti ndipo paitova nehupenyu hwangu.Ndakatoshamisikawo kunzwa Lawrence naLegend vachindisimbisa ndikabva ndaziva kuti madhiri ekuitisana nekuti vanhu ava vaitoda kundiuraya.Vanhu vacho vaiva vakasimba zvekuti and vaisazeza kuuraya zvandakaona nemeso angu asi rufu rwaamai vangu nemunin'ina wangu rwakandirwadza.Chete panguva iyoyo ndivo vaitova nebhora mumakumbo asi ndakashamisika kuti nemhaka yei vanaLegend vanga vava kundisimbisa kudaro.Ndakati dhuu ndikaongorora kuti vanenge vakadziviswa naMiddy nekuti mukadzi uyu aindirwarira kunyangwe zvazvo aida kuti ndipinde pamushando wake wemabasa akaoma.I was promised heaven and earth nevanhu ava kuri kuti ndaizochengeta secret iyi to the grave.Middy akanditsindikidza kuti akangonzwa kuti madhiri avo aleaker vaibva vatoziva kuti ndini ndinenge ndaitisa kuti zvimire sekudaro saka ndaizofa chete! Mumwewo moyo wandanga ndava navo waiva wekuti,"Kusiri kufa ndekupi?"Nekuti amai vangu inini vaiva vauraiwa vasina mhosva yavaiva vakapara saka ndakatombofunga kuti ndifumure zvese kumapurisa asi ndakazofunga mwana wangu Shingi ndikazozvidzora.Ndanga ndatozviona kuti Lawrence aisazova baba vakanaka kumwana wangu uye panga patoone mukana wakakurisa wekuti Judy aizokaura ega nemwana kuri kuti ini ndaizofa.Nokudaro ndakasiya pfungwa iyoyo kwakadaro for the sake of my innocent son asi haaa Chihera vanenge vaifemerwa bedzi nekuti vaingoita take take neni panyaya iyi.Ndakatombovarafura vakaita mwedzi wese vasingataure neni uchipera vakangodzoka futi netwumasilly questions twavo haaa aibhohwa zvake mukadz uyu nxaa!!.... *Detective Chihelele* Hakusi kuti ndaibhohwa peyani asi this is the nature of my job.Nditori muNdau akakwana muchinzwa nezvangu kudai asi nyaya yekufa kwaanaMai Tatenda pamwe neroja ravo yakandirwadza.Kubasa kwedu hatitenderwe kuti tikurirwe nemaemotions izvo zvinozotikonesa kuti tiite basa redu nemazvo,asi pamberi paMwari I was emotionally attached to these horrific killings.Shuwa kubeni kuuraya antu kunga huku kudaro haa ndaiva ndisati ndambosangana nenyaya yakadai padesk pangu before asi iyi ndaida kuzofa nayo bedzi. Kumba nekubasa vainditi Chihera nenyaya yekutonga kwandaiva nako and intelligence pano pamusha payo.Ndaishandira undercover and I was mainly based paMutare Central.Isusu taingosheedzwa kana paitika nyaya svinu kwete dzemafine idzi kana dzekabhodhoro 1 keBronco.Ndaitungamidza basa rangu pamberi zvekuti rikanzi ramuka dhodha rangu riri pamusoro ndairisvotora ndirini ndotopfeka anything chandinenge ndaona padhuze ndotoenda kubasa.Baba vekwangu ava vaiva vakatondibvisira vakanditora nemuchato asi kuburikidza nebasa rangu vaisamboenjoyer mabenefits avo.VaMathema vangu ava vakazosvika pakushanda day and night pa3 Brigade apo waiva Brigadier vaine nyembe dzairembera zvekunga dzichavadonhedza.Imagine huremu hwavaiva navo kubasa hwekuti vaiti vakapfuura nemucorridor so twumasoja twese twairongeka asi vaiti vakauya kumba ndini ndaitovaitisa parade zvese nekuvaimbisa *Simudzai Mureza๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ*.Chandaidira murume wangu ndechekuti aindida zvakadaro.Taiti tikanetsana aitozoguma akumbira ruregero ari iye saka akazoguma ajaira mashandiro angu asi mmmmm hasha paiva pamusha padzo. Kuti ndisazivikanwe pane dzandaitsikisa ndaishanda semudzidzisi weEnglish Language paMutare Boys High School.Ndini ndakaexposa mamwe maForm 6 epo anga akuita basa rekupinza madrugs kumadorms evanhu vekuboarding.Kufunda ndaiva ndakafunda kwete zvekunyeperwa nekuti ndaitova neMaster reEnglish Language from the University of London.Zvekare ndakatomboita five years dzakakwana ndichishandira FBI yekuAmerica kari sort of kaapprenticeship.Pandakadzoka kuno ndanga ndava simbi yebasa.Taitongova nemwanakomana wedu mumwe chete uyo ainzi Larry aitemura zvake paUniversity of Cape Town panguva iyi.Maboss ekubasa kwangu akazonyanya kuvimba neni when I launched a massive crackdown against vamwe vakadzi vaiva vakaoccupier chimwe chiroom mutown vachiita basa rekuruka vanhu musoro.Vakazosungwa nemhosva yekuparadzira HIV vachiziva zvavo nekuti vaiita basa rekuba maphone numbers evarume vemaclients avo vozosara vachitaura navo,gume wovapa muzvezve.Ndakanyudza vakadzi vanenge 8 imomo pandainyepera zvangu kunorukwa ndichivateya nenumber dzemurume wangu dzamara ndazovaunganidzisa vese vakanyura.Vairenta matables mukati imomo uye ichi chakava chidzidzo kuvakadzi vese kuti kana zvichibvira zvitori nane kudzima mafoni avo kana vachipinda mumasaloon.Havasi vese vanotigadzira misoro vanotida nekuti vamwe vacho ipfambi dzinenge dzichitorwadzirwa nekuti tine varume vanotigadzirisa misoro yedu kana yashata.Please sometimes avoid even kutaura paWhatsapp nemurume or mukomana wako mumasaloon nekuti vamwe vacho vanototeya kuti ubaye contact info vobva vatotora number dzacho and from there chibva waziva kuti makutosheya murume.Haaa ndakaita kunga ndichaberekwa naMember In Charge wedu pamusana pebasa guri iri randakabata. Manje nyaya yaanaTatenda iyi yaitova makata ekwaHonde aya kuHauna nekuti he was not willing to co operate although ndaifeeler kuti ndiye ane dot com rese.Ndiri pabasa rangu iri ndaitombozviita an ordinary person semashandire anoita maundercovers ese zvekuti ndaitomboenda kusaloon kuya nemari yakashota ndichida kunzwa kuti vanotii zvavo.Gotsi rangu raipera ndichigadzirwa musoro vachindireva nemadimikira asi ndaitoseka zvangu nemumoyo sezvo ndaiziva kuti ndaiva pabasa pangu.Zvino zvikiribidi zvangu zvese zvakatadza kushanda panaTatenda uyu kunyangwe zvazvo ndainyatsoona kuti ane nyaya.Module reCriminal Psychology ndaiva ndakarimaster zvekuti I could easily tell kuti munhu uyu ari kunyepa kuburikidza nekufamba famba kunenge kuchiita maziso ake.Saka pandakaona kuti Tatenda ari kuomesa musoro wake ndakabva ndati dhuu rimwe zuva ndiri kubasa kuchikoro,ndokurangarira kuti weakness yemurume chaiyo iri pamukadzi.Mukwimbwa wese waSamson uyo akambouraya shumba with his bare hands,wakachochomeswa naDelilah uyo aitova mukadzi kuburikidza nemuchero wepakati.Paya Tatenda paakaita mwedzi asingataure neni ndakazomutanga mwedzi wacho uchangopera ndokumudzikamisa nemanude pics angu akabva atapirirwa nekuti mmmm ndaiva nepurazi remasofa.Ndakamusendera pafoni and akaratidza kuti anenge anga aane time asingainyudze ini ndikazoguma ndakuvarairwa kuti ndaiva pabasa nekuti masasi emwana uyu anga akutonditora moyo.Ndichipedza basa ndakabva ndasangana naye mutown apa he was handsome but my goal was to extract the much needed info I wanted from him.Takabva taenda tese kumba kwangu kuGreenside ndikamuvhurira makumbo kekutanga but he protected.Inini wachowo ndanga ndaane nguva ndisinganakirwe saka pechipiri ndakamurayira kuti aise mutombo wake wakadaro.Pamba apa taingova vaviri bedzi nekuti murume wangu aiva akasobuda nezuro achienda kuSomalia uko kwaiva nePeace Keeping Summit yeUN ndokusaka taiva takapombonoka zvedu.Tapedza kuita kechipiri ndakanzwa sound yemota dzakawanda ichiita seyaitova munzeve mangu chaimo.Ndakavhura curtain repabedroom pangu wanike mudhara vadzoka apa vaine gurusvusvu remasoja who were probably part of his escort.Ndakaedza kuda kuvaverenga vese asi ndakatadza nekuti vaiva mavhu nemarara chaiwo saka ndabva ndaudza Tatenda kuti...... Nhai Chihera wakamuudza kutii? Uzive zvebasa rako bratishiti!!๐Ÿ˜†๐Ÿ˜† End of chapter Haa mahwani aya mahwani chaiwo kkkk Watch out for Chapter 14 [05/09 12:05] Terminator: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 14๐Ÿ’š๐Ÿ’›๐Ÿ–ค๐Ÿ’–๐Ÿ’* *Tatenda* "My husband is back shamwari.Check for yourself."Ndakabva ndadongorerawo nepakahwangwaridza kaiva pahwindo paya ndokuona hondo yese yemasoja yakapararira panze pese.Yaitova batallion chaiyo ndikabva ndatanga kubvunda zvekuti rwutsanga rwuri mumvura rwanditi,"Igwee!"ruchityorera muzura kudai rwaizondiona musi iwoyo.Ndakatarisa pachiringazuva chaiva chakaturikwa pamadziro ndokuona dzatova half 7 dzemadekwana apa Chihera vacho vanga vakutopfeka chimwe chinight dress chavo vachida kunochingura shefu vanga vauya ava.Ndakatarisa panze paya ndokuona shefu vacho vakatorova sutu vakachengetedzwa nemauto akapakata pfuti zvekuti vaiva vakatogadzirira kudziridza kuri kuti chaizotsva. Chihera vasati vabuda vakabva vatondiviga mufitted wardrobe yavo yewhite yaiva imomo ine madoor anenge mashanu,ndakapinzwa mudoor raiva nechepakati payo.Kuti vandibudise mubedroom imomo zvaisaita nekuti ndaizogona kuonekwa ndichizopinda kune mamwe marooms.Ndanga ndachizoti kunguma ndichifemeruka ndiri kuseri kwemasutu ashefu ava ndiri mukati imomo.Ndakabva ndavhura nzeve dzangu kuti ndinzwe kupinda kwavo pamwe nezvese zvavaizotaura naChihera.Pasina nguva ndakanzwa matsimba emajombo achiti jwa jwa jwa kuri kupinda kwevakomana mudining ndikabva ndatoona kuti pangu pandiperera.Hameno kuti shefu ava vaiva vapinda nevakomana vangani mumba umu asi ndakazongonzwa vakumhoresana naChihera zvichitonzwikwa kuti vari kutaura vachikurumidza zvichibudisa pfungwa yekuti vaiva vakatomira negumbo rimwe.Ndakateerera kudaro ndakazonzwa shefu vaya vakuti,"Honey I forgot my diplomatic passport saka ndakasara nezuro pakaenda vamwe saka tatodzoka kuzoitora nemamwe madocuments ebasa ari private ari mubriefcase mangu iri muwardrobe."Ndakanzwa Chihera vakuyemerera vachiti,"So where did you sleep yesterday baby?Wakadini kubva wangodzoka nezuro wacho wakaitora or kungondiudza kuti ndiitumire kana neFedex yosvika ipapo ipapo.After all zvichabatsirei kuenda iwo musangano wacho wakatotanga zvekuti ukada kuzotevera unozosvika wapera."Inzwi raChihera raitapira kwazvo kunga raiva rakaumburudzwa muglucose zvekuti ndakazongonzwa dhara riya rakuti,"Hahaha sorry baby you know zvestate izvi zvinonetsa kungoita mamovement aunoda zvitorine maprocedures.When I discovered it ndatova paairport ndakabva ndatobookirwa room paRainbow Towers then I was given state security nemaboss angu because vanenge vakutofungira kuti pane zvimwe zvandava kuda kuita.Saka kuuya neni pano kudai kuita make sure kuti ndakakanganwa zveshuwa here kana kuti ndiri kuda kuita twumatricks twusinei nebasa twunogona kutengesa nyika.So now ndiri kuda kutodzokerako husiku huno ndozotevera neprivate plane manheru ano zvekare."Ndakatura kabefu mushure mekunga ndaona kuti vakuru ava havasi kuzogara pamba apa vakabva vazowedzera vachiti,"Aaaa summit yacho iri kuitwa kweweek rese saka ndikatoenda apa uchatombondisuwa swty."Mushure memanzwi aya ndakabva ndanzwa kurira kwetsvodi yevaviri ava.Imwe information yanga yakuudzwa Chihera nemurume wavo vaisafanirwa kuinzwa nekuti yaiva neconfidentiality yaienderena nebasa ravo asi vakaireva zvakadaro zvikabva zvandiratidza pachena kuti vaiva kaminister muRepublic of Petticoat Government yaHer Excellency Chihera๐Ÿ‘๐Ÿป. Kachikamu aka kapera ndakangoerekana ndazonzwa mitsindo yemajombo yakuvinga mubedroom muya mandaiva ndikabva ndatoziva kuti chachaya apa ndaiva mupushu zvangu ndakarembedza hinjini yangu.Shefu ava vakapinda mubedroom mandaiva vaine masoja 5 aiva akadema mabhareta eyellow aya ane makarwe pamusoro pavo.Ndaiona zvangu zvese nepatwumaburi twaiva pamahinges edoor rewardrobe yandaiva iyi.Ndakawedzera kukwata pandakaona trouse rangu rakabatana nenduwe yangu zvakaita murwi zviri parutivi pemubhedha asi zviri nechekutsoka asi vese havana kana kumbozviona sezvo vaiita zvinhu zvavo vachimhanya mhanya.Wardrobe iyi yaiva yakagadzirwa zvekuti nechepasi payo paiva nemazidrawer akakura aya saka ini ndaiva maiturikirwa masutu muri nechepadenga.Hama dzangu ndakadikitira ndiri mukati imomo apa ndanga ndakuchishaya kuti briefcase iya yaiva mupi chaimo.Ndakazoda kudonhedza tsvina chaiyo pandakanzwa drawer raiva pasi petsoka dzangu richizvuwiva ndikabva ndatoziva kuti ndimo maiva nebriefcase yacho iya yaiva yarehwa.Pasina kana minute shefu ava vakabva vatobuda nechikwata chavo chavaiva nacho ndikazonzwa vakumwayana makiss naChihera mudining mushure bvandazonzwa madoor emota kuti gwa gwa gwa gwa panze,vese bvavazorova pasi. Vachingoenda kudai Chihera vakabva vauya ndokundiburitsa mukati muya.Vachinditi baa kudai vakabva vatanga kuseka kunga dzanga dzadambuka๐Ÿ˜†๐Ÿ˜†๐Ÿ˜†.Seziheavy mazinyama nyama avo aibva atamba tamba ese vachiseka kudaro kusvikira pakudonha pasi nemanhede ndokuti mazikumbo avo waya mudenga apa vanga vasina chivharangozi mukati.Ndakasvika pakupfeka hembe dzangu dzese vachingoseka kusvikira ndavakubhoekana bvandazoti,"Saka chii chiri funny ipapa nhai Chihera asi waida kuti ndipondwe kani?Regai ndiende zvangu kumba kwedu now kana netsoka kana zvichibvira nekuti mmm pano panotyisa nxaa!"Ndakatotaura ndagumbuka ndokunzwa vakuti,"Ndotadza nei kuseka ini ndiri a normal human being.Indava kudikitira kudaro murume mukuru wavaonaka vanonzi varume.Wanga wakuda kuzviitira imomo.Ndinotadza nei kuseka coz munhu anotoseka achiona zvakadai.Hey apa ndanga ndazoti shoyoyo ndiri mukati imomo haaa waifa shamwari."Ndakatoridza zvangu tsamwa ndichinyatsopinner mabutton eshirt yangu kuti ndigadzirire kuenda ndatofizuka nekuti Chihera vacho vanga vakutonditsvinyira bvandavanzwa vakuti,"Hantie wanzwa zvestate security ka?Saka inogona kuva iri panze ipapo kana kunze kwegedhi meaning its safe kuti ugare muno tichiona plan until tomorrow kwachena peyani."Ini dhuu kufunga mhuka dzandaiva ndamboona panguva yaiva yapfuura saka ndakatenderana nemufungo waChihera ndikabva ndazorara navo pamba apa husiku hwese.Hey chaiva nemazirudo mhani chimunhu ichi apa chaitapira kunga chaiva chakazvarwa nenyuchi.Ndakagezeswa mutub ndikadzikamiswa neheavy dinner yachakandigadzirira chiri naked zvacho ndichiona mazikumbo acho eyellow akati ngwanda ngwanda.Patakapedza kudya takazoenda korara tikaita husiku hwese yakamwa zvekuti ndakanyatsonzwa kuti yava nhumbu straight.Kune vakadzi vanobata varume veduwee,haa kutaurisa zvavo vanaChihera ava asi hey ndakapihwa love yekuti ndakada kutiza nacho chimunhu ichi kuenda kunyika iri kure kure.Middy aiuya zvake but panaChihera aichererwa guva six feet down pobva patogoveva nhaka zvese nekuitwa nyaradzo yacho kahwani. Mangwana acho makuseni ndakabva ndadzokera zvangu kumba kwedu apa ndanga ndisina basa randaishanda sezvo Middy aindipa mari nekoko.Ndanga ndisingatombode kana nepaduku pese kuti Chihera vazive kuti ndiri kudanana naMiddy nekuti zvaigona kuzondiurayisa kana kuzourayisa vamwe vanhu vasina mhosva.On the other hand,mari yaMiddy yanga yakundisvota nekuti it was sort of blood money.Ndanga ndakuisema nekuti aiva akaurayisa amai vangu ivo vasina mhosva saka ndakaguma ndakuona sekunga ndiri kutonwa ropa raamai vangu kuburikidza nekudya mari yake.Ndaisavawo neyekutamba nekuti ndanga ndiri pamarumananzombe.Chihera ndanga ndisisavatye nekuti vanenge vanga vasiya zvebasa ravo vakuita zverudo neni.Handifunge kuti panga pachine zvebasa zvavanga vachada kuita nemavhuririre avaiva vakandiitira makumbo husiku uhwu hwapfuura.Pamwedzi uya wandaisatura naChihera,ndaitomhanya naMiddy achindiitira zvese.Ndiye aitoprovider zvese zvaidiwa naBerna kuUZ kwaaiva. Zvino masikati emusi uyu ndichabva kwaChihera mangwanani acho,ndakaona foni yangu yakupinda call apa yaitova zvayo patable ndichitoona mahighlights ebhora paTV.Ndakaitora ndokuona iri number itsva yaiva yandifonera ndokubva ndaidaira wanike ndiThelma pavanhu vese.Yaitova necode yemuZimbabwe kuratidza kuti aitova muno ipapo asi handina kuda kutanga ndafunga saizvozvo nekuti pandakapedzesera kuonana naye aiita zvemabhinya kuDurban kuya.Ndini yo ndakutaura naye paya akutondichemera achiti ari kuda kudzokererana neni.Ini aaa mushonga wekuita kumomoterwa kudai ndaiva ndakauonepi diko?Ndakamubvunza kwaaiva panguva iyoyo akatoti ari kumba kwavo kuBudiriro mushure ndokubva andikoka kuti ndiuyeko.Patakapedza kutaura uku ndakabata Bright shamwari yangu iya yekuSouth parunhare ndichida kunzwa nezvaThelma,iye ndokutondiudza kuti akamuregerera kare uye nekuti Thelma akuita zvekunamata zvekuti akatouya kuHarare kuti avhure chechi yake ikoko owana pekutangira.Bright aiva nemoyo wemunhu wemubhuku chaimo zvekuti kudai ndaiva ini ndakabaiwa ndaitotsiva bedzi.Zvisinei ndakamutenda ndokuzotanga kutaura naThelma pafoni paya apa runako rwake harwuna kuchinja zvekuti ndakabva ndanzwa kuda kutomupa second chance.Takaswera tichitaura tese paWhatsapp dzamara azokwanisa kuzondinyengedza kuti ndiuye kuHarare ikoko kwaaiva kuti kana zvichitoita totogara tese.Pamataurire aaiita airatidzika kuva ane mari kwazvo apa achisiririsa zvisingaite zvekuti ndakatomboda kudonha misodzi achindiudza kutendeuka kwake.She sounded like a proper marriage material izvo zvakazoita kuti ndibvume kuenda kuHarare kwacho mangwana acho mushure mekunga andiudza kuti zvekuroorana izvo nekuchata yaizova secondary issue sezvo chikuru panguva iyoyo kwaiva kuonana kwedu. Naizvozvo manheru aya ndakabva ndaonana naMudhara Nyabunze uyo aiva next door yedu,bvandamukumbira kuti anditsvagire roja remba yese as soon as yesterday ndikabva ndapinda machena pakarepo nekuti vakandiudza kuti vane muzukuru wavo musoja aiva akachinjwa nebasa kubva kuNyanga achiunzwa kuGimboki saka aiva achitotsvaga pakamboponoka nemhuri yake nekuti mubarack macho maiva mazarisa."Ko why zvangoita setsuro yamukira mugumbo kudai?Vakandibvunza vaNyabunze tichirova zvedu masawu mumba mavo apa mudzimai wavo akaringira ini ndokuti,"Aaa baba pano hapasisiri safe kana nemi ndakutokutyirai.Nezuro chaiye ndakavingwa nevanhu husiku ndikatozobatidza light zviya zvekutyisidzira ndikazonzwa vakuti kochono nepafence yepachikoro apa.Manje zvamati muzukuru wenyu musoja zvinopedzerana and mozomuudza kuti ndiyo iri pano."Ndakadaro zvangu ndichiwedzera twuspice apa zvipiko ndaiva ndisina kumborara pamba pacho sezvo ndaiva ndakarara husiku hwapfuura ndichishandirwa naChihera.Mudhara uyu akandinzirwa tsitsi zvese nemukadzi wake uyo anga akutoyeredza misodzi nekuti nyaya yangu yaisiririsa kwazvo.Ndakazovaoneka pava paya mushure mekunga ndavaudza kuti ndiri kutoenda mangwana saka pandakazopinda mumba mangu ndakaunganidza property yangu mune imwe room zvichireva kuti gunnerz vaizouya ava vaizoshandisa maroom matatu aiva asara,rent yacho vaizongotambidza VaNyabunze vacho vozongonditumira paEcocash.Mudhara uyu handina kumuudza nezvekuda kunogara naThelma asi ndakangomuudza kuti ndakunotama ndichinogara kuHarare bedzi kwehama yedu for safety reasons.Iye Thelma wacho aiva auyawo zvakanaka nekuti Chihera naMiddy vanga vakundifemesa. Mangwana acho ndakangobereka kasatchel kangu ndiye hutu kuHarare uko ndakasvika kuma11 makuseni ndikachingurwa naThelma paMbare Musika.Takabva tatoenda tese kustand kwake kuWaterfalls uko kwanga kwatoone zimba remuAfrican Movie chaimo.Pamazuva ese aiva apfuura iye aitogara kwaamai vake achiti aiva akamirira kuzoedza mhanza pakutaura neni akanzikwawo naMwari wake zvikafamba zvakanaka.Aaa sekutamba sekuseka takatotanga kugara tese as husband and wife ndikazoshamisika akuti haachade kuita zvemadhiri aya echechi nekuti aiva anyimwa stand nekanzuru.Takatanga kutofayisa zvedu bhindauko rake remakombi nekuti aiva nemakombi mashanu aimupinzira mari on a daily basis.Berna anga akutopota achiuya kuzogara nesu kana ari pavacation,hupenyuhwukatotanga kutiendera.Takabatsirana kumakombi kuya tikaraiser mari yekuti ndinobvisira Thelma wacho asi madhiri emuchato ndakamboti mirei nekuti any public event yaikwanisa kukurumidza kundibatisa nevavengi vangu.Sezvo ndaiva ndawana rudo rwutsva ndakaudza Thelma wacho nezvemadhiri angu aya naanaMiddy akandinzwisisa zvekuti akabva atoisa guard pamba pedu for my security.Haaa Mwari ariko shuwa!!!!.. *Middy* Vanonzi Chihera ava vaitoda kundipinda mubhurugwa mangu.I am so sure kuti ndivo vaiva vakatsakatisa Tatenda and I couldnt condone a scenario whereby munhu ane info yedu saTatenda ongoita roam about ari loose kunze uko.Zvekunyengana kwavo kwavaiva vakaita paya ndaizviziva sezvo IT expert wangu uyo ainzi Terminator aiva akasohacker ndokuscanner Whatsapp Account yaTatenda saka malovingtons avo ndaimaziva.Ndaizivawo zvekare kuti Chihera ava semutikitivha vaida kuvaraidza Tatenda murudo until vawana zvavaida.Munyama wandakazoita waiva wekuti computer yedu yataishandisa kutracer madhiri aya yakacrusher tisingazvitarisire manheru iwayo avakanyengana mumba maChihera,nokudaro we lost all the vital info yataida futi izvo zvakazoitika kuti tisazaone mamwe machats ese aTatenda zvese nekuzoti akatizirepi. Chandaingoziva ndechekuti Chihera ava vaiva vakangwarisa uye vaifanirwa kuva vanga vakutoziva nezvangu.Semunhu aidealer nemapurisa pano neapo ndakabva ndabata kuti veundercover ava havaite zvepapazi saka Chihera ava vanga vachigere kuzotinyudza on the long run saka ndakatanga kutogaya a move to intercept her.Kwandiri zvanga zvisisina basa nekuti vakaudzwa naTatenda here kana kuti havana,the bottom line was vaifanirwa kungofa vasati vatitangira.Manje vanhu vakadai havauraike nyore nekuti kamutsakatisire kavakaita Tatenda kaiva kechibhuru chaiko.Zvisinei taida kuzoona kuti iron lady pakati pedu ndiani. Zvinhu zvakatanga kutiomera ngozi yeroja riya raanaTatenda payakabudira pane mumwe musikana ainzi Rukudzo wataishanda naye pasi ipapo.Haaa panga pasisashandike zvekuti mazuva iwayo ndanga ndakutonorara naLegend kumba kwangu ozodzoka mangwanani acho makuseni.Rukudzo uyu aishanda saforomani papurazi rangu remapotatoes apa tichiita tese madhiri edu aya akadhakwa saka ndiye aitogara mufarm house mangu.Pamwe pese aitoshanda nevamwe kunze uko zvakanaka asi aingoti akationa mubasement tiri tega imomo aibva atotanga kuti,"Ndini Mai Mukundwa handisati ndazorora kusvikira ropa rangu ratsiviwa!"Aitaura zvaityisa asi aimbopomhodzeka kana adirwa sauti naLegend,hameno kuti aiva akazvizivira kupi.Mukukura kwangu I disregarded zvechivanhu izvi zvemaavenging spirits asi apa ndakazobvuma kuti chokwadi chokwadi ngozi iriko hama dzangu!Nxaa ivo vaiva vakabaiwayo nevakomana vangu pamwe chete naamwene wangu pamusana pekutaurisa kwavo nekuda kuita nharo.Type iyi kudai yakararama yaizotikonzera zvimwe saka ndini ndakatopa order pafoni kuti vakomana vavapfure zvavo. Rukudzo uyu akachovha mwedzi wese achizviita zvikasvika pakukwira mutarara akupwanya midziyo yese mukati imomo.Haaa ndipo patakazoenda kune imwe n'anga yaipisa kuManica kuMozambique uku.Ndakaenda naLawrence tiri vaviri bedzi apa kwaiva kwakaita kumamisha.Takaenda ari masikati chaiwo n'anga iya iyo yainzi Dhlakama yakabva yangoti,"Kuti muvhare ngozi iyi pirai ropa rechikadzi .Urayai munhukadzi umwe chete mouya neropa rake pano zvinobva zvatopera."Ini eee kukanzurana kwacho kwaiva kwakatooma.Yaitova tit for tat chaiyo.Takapa n'anga iyi makwati ayo ndokudzoka kubase kwedu uko takaronga tese kuti Chihera ndivo vaifanirwa kufa nekuti tinenge tatema shiri mbiri nedombo rimwe chete,madhiri engozi achivharika ukuwo madhiri aya ekuti vasatiteverere achivharika zvekare.Izvi taiva tazvirairwa kuti tizviite within 48Hours saka manheru emusi uyu ndakaenda kumba kwaChihera ndiina Legend nekuti taitoziva kuti vaiva vega.Neighbourhood yemunzvimbo iyi yaiwanzofamba kuma11 ikoko saka patakabata 9 takaita zvakanaka.Inini ndakasara zvangu kunze kweyard ndichinzwa imbwa mbiri dzaChihera dzichichema kekupedzesera mushure mekunga dzabaiwa naLegend nepfuti yaiva nesilencer.Ndaiva ndakatogara zvangu mumota apo ndakazongonzwa inzwi rechikadzi rakaridza zimhere kamwe chete dzamara razongoti zii asi mushure maro ndakanzwa Legend achibowawo achiuya nechekugedhi ndokumuona achiri svetuka achinowira kunze achiratidza kuti aiva nedzungu.Ndakatya kana kubuda mumota mangu asi ndakamunzirwa tsitsi akugwesha nemabvi achiuya kumota kuya ini aaa pangabudika pakadaro zvekuti paazongoikwirwa zvekumanikidzira mushure mekunga ndamuvhurira door rekudivi kwake ndakabva ndazo... Wakabva waita sei nhai shamwari??? Kkkkkkk end of chapter Keep on supporting Watch out for chapter 15 [05/09 12:05] Terminator: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 15๐Ÿ’–โค๐Ÿ’›๐Ÿ–ค* *Middy* Achingoti ngori kupinda ndakabva ndati door rekudivi kwake dhwaa nekuti panga pasisina chekumirira.Legend wacho anga akufemera padenga kunga ndere ini ndokubva ndapfutsa motokari iye achiunyanidza chiso chake izvo zvairatidza kuti anga ari kurwadzirwa kwazvo.Ndakamusiya kuti adzikamire ini ndichityaira bedzi asi ndaiva ndakutya pakuti nemhaka yei aiva achirwadzirwa apa asiri kumbobuda ropa? Aiva ambosanganga nei mukati imomo?Tava paChancellor Primary tichikwidza naMutare Road takananga kubase kwedu ndakanzwa akuhotsira hotsira achiratidza kuti aiva ati bengenukei mbijana ndokubva ndamuti,"Waita here basa racho?Did you get the better of her?"Nguva ndiyo yaiva isiri kurutivi rwangu saka zvekurwadzirwa kwake ndakambozvisendeka iye ndokupindura achiti,"Boss I am very sure kuti she is dead and gone nekuti she is the one aridza zimhere paya after ndamuridzira pfuti pachipfuva apa.Hapana munhu wenyama angapona pakadaro.Pfuti ndagara nayo kwemakore inga munozviziva wani."Aitaura achikurumidza kurumidza nofunga inhau yekuti aida kuti amhanyire kuteerera marwadzo zvaanga achiita.Mashoko aakandiudza aya akandisimbisa asi ndakasarirwa nekasakugutsikana mbijana nokudaro ndakamubvunza kuti,"Are you sure kuti afa munhu uyu?"Legend aitaura akatsikitsira musoro wake padashboard ndokuti,"Sezvandareva boss she is gone and I am sure of that.Kungoti handina kunyatsooita full confirmation nekuti hameno munhu andirova nesomething like a spade or a shovel kugotsi uku thats why maona ndauya paya ndichitatarika.Pandadaiva ndichikwira durawall paya abva andizvambura zvekare nechinhu ichocho patsapfu apa." Ndakaita kuvira nehasha ndichinzwa marara aanga ari kundiudza aya ndokumuti,"So you mean watiza foshoro bedzi iwe waiva nepfuti.Kuvarairwa pabasa ka uku?"Pakarepo akabva ati simukirei ndokunyatsotsamhira seat rake nemusana,musoro wake ndokuti nenga pahead rest bvaati,"Panga pari tricky nekuti munhu wacho handina kumbomuona.It was a mysterious strike boss thats why maona ndatiza.Tashanda tese kwenguva yakareba,makambondiona ndichiita zvakadaro here?Ndatoita lucky kuti ndaona Chihera vacho vakagara vega muverandah mavo vachitonwa tea asi kudai ndaiva ndaita zvekuvaruvhumutsa lets say vari mumba ndaigona kuzopedza nguva ndokwapurwa zvekufa nemunhu uyu."Ndakabatikana nemashoko ake ipapo nekuti anga akubuda ropa mumhino nemunzeve apa tanga takutosvika papurazi pangu.Hatina kuzoenderera mberi nekutaura nekuti ropa riya ranga rakubuda richiita zvekudhubuka sezvarinoita richibuda pahuro yehuku inenge ichangobva kuchekwa.Raibuda munzeve ranga rakutoita zvekuti pfaa pfaa pfaa kunga mvura iri kubuda muhosepipe.My biggest fear now was aizopona here?Ndichigere kupaka motokari mugarage mangu ndakabva ndatofonera manpower pasi paya pakabva pauya vakomana 4,ndokubva vabatsirana kutakura Legend uya vachimudzikisa pasi. Paakatakurwa aiva achiri kufema uye muviri wake waiva uchiri kudziya asi mitezo yake yese yaiva yangooma isisaite basa rayo.Pandakaona vakomana vangu ava vachikakaritsana pakumutakura ndipo pandakatenda kuti anenge anga ava kutorema zvisingaite zvekuti vakomana ava vakatamba chamutengure.Tichingosvika pasi pedu paya takabva tamuradzika pamubhedha wake apa kuti tifonere ambulance zvaisaita pamusana pezvipande zvake uye nezveduwo.Kufonera ambulance panguva iyi kwaiva kwakafanana nekukoka kiti pamuchato wemakonzo.Haiwa taiva tisina kuzozungaira kusvika pakuzviraura isu tiri hove nechekare.Zvichakadaro paitoda medical attention of some sorts apa pakati pedu paisava nemunhu aiva neruzivo rwezvekana first aid chaiyo.Tiri mudaritari rekunetsekana kuti tochiita sei zvino naLegend wedu uyu,takavhundutswa naye ahotsira katatu zvine simba takaringira tese mushure ndokuti pindu pindu maziso ake ndiye chisarai.Apa takanyatsoona kuti uku kwanga kwatova kuenda ini ndokubva ndatanga kuchema since Legend was a vital cog in all my illicit operations.Handifunge kuti pane aikwanisa kureplacer murume uyu pabasa redu rataiita zvekuti I felt hopeless pamusana pekushaya kwake.Vashandi vangu vese vakatonzwawo tsitsi vakandinyararidza kusanganisira naRukudzo aivapowo asi aiva atori munhu kwaye ipapo asingatombobhabhauke sezvatanga takumuziva achiita mazuva ese pamusana pengozi iya yaiva yakamugara.Ndaitoda kuti Legend awane a decent burial with proper funeral processions asi aiwa kwaiva zvekare kuzvisasika pabraii stand.Nokudaro ndakaronga nevakomana vangu kuti tinomurasa zvedu munaMutare River atsakatikiremo nekuti mapurisa aitomuda whether dead or alive.Saka izvozvo zvese zvakaitwa manheru iwaya tikazodzoka mubasement muya zvekare umo takarova pungwe no mabori tichiteya zvedu news kuti tinzwe nhau yaChihera. Tese takazopindwa nechando kuma8 makuseni patakanzwa paDiamond FM kuti Chihera vaiva vabaiwa ruoko rwavo rwerudyi nechepapfudzi pavo.Takanzwawo zvekare kuti panguva iyoyo vanga vatova kuMurambi Gardens Clinic uko madoctors anga akutoedza kubvisa bara riya through an operation.Iiii eee shuwa Legend anga avhiringika zvedi nekuti akatondiudza kuti akavabaya pamoyo chaipo.Anyways wafawanaka and ndanga ndichiri kutoda kuti munhu uyu afe nekuti aiva nestoreroom yebvepfepfe chaiyo.Naizvozvo ndakabva ndatumira kamwe kamusori kangu kainzi Honest kuti kanoona kuti kuMurambi kwacho kwakamira sei.Kamukomana aka kaitova kaerrand boy kedu nekuti ndiko kataituma kuti kativhurire nzira yepese pataida kupinda.Pasina 30minutes kaiva katosvika kuMurambi kuya kakabva kafona kachiti,"Haaa kuno hakusi kupindika boss.Road yacho yese is heavily sealed nemagunmen bedzi and vari kutongoda zvitupa chaizvo kuti munhu apinde mukati.Even vanogara mudzimba dzakapoteredza chipatara ichi vari kupindawo busy,at least you know kuti masoja ari rough kana vakadhinhisa saka regai ndidzoke zvangu ikoko now."Haiwa kana neni ndakasimbisa pfungwa yekuti adzoke zvake nekuti aigona kuzongotimutsira zvimwe nekuti camp yedu yanga yaane mamhepo mazuva iwaya.Mhepo munongodzizivawo kuti dzinoteverana saka ndanga ndisisade kungopfachuka pfachuka zvisina kurongeka. Honest uya achidzoka takabva taita kameeting kekuti tione kuti tingadii naChihera wacho.Again,takabva tabatanidzirawo nezvenyaya yeropa remunhukadzi raidiwa nen'anga iya apa nguva dzanga dzakurova pasi.Taona kuti Chihera vanga vasingatangike panyaya iyoyo zvichienderana nenguva yedu yaiva yasara we resorted to another option yekuti titsvage zvedu mumwe mukadzi wekupira.Iyi yaisangova nyaya yekujobera jobera nekuti kuuraya munhu nekuuraya huku zvinhu zviviri zvakasiyana nekure.Zvakadaro iyoyo takamboiti sendekei parutivi takuchida kupedzera Chihera.Tiri mumeeting imomo takaita karesearch tikaona kuti madoctors nemanurse epaMurambi Clinic aiva atopihwa state security zvekare zvekuti vaisavingika zvekumhanya.Nyaya yaivapo yaiva yekuti taiva taronga kuti titsvage munhu wese wese anoshandapo tomuvimbisa kuzomupa mari ine mubvuri kuri kuti aizopedza basa ratinenge tazomuraira.Haaa Terminator aiva chitofu panyaya dzeIT nekuti akabva atiendesa paWebsite yeMurambi Clinic ndokuva agoogler nezvemamedical personnels epo.Takaongororazve tese tikaona kuti manurse aid epo aiva asina kupihwa state security iya ndikati henaro pavhurika gap hombe apa.Ndakarayira Terminator kuti andiratidze mafaces emanurse aid acho aiva paweb iya ndikabva ndaona yemumwe ainzi Grace Makanya.Zita rake iroro raiva rakatonyorwa padzasi pekaportrait kake apa anga akatorova kasmile kairatidza kuti ndekemunhu aikara mari.Zvekuongorora zviso zvevanhu ndaizvigona kwazvo uye make up yemusikana uyu revealed a lot about her personality.Shuwa musikana anobva azora face powder kunga ari kuplaster madziro emba nendowe kudaro.Pamanurse aid 10 ataiva taona ndiye ega wandakabva ndasarudza uye hurongwa hwedu hwakabva hwanyatsosimbiswa nemhaka yekuti vashandi vepachipatara ichi vaiva vakamboita kastrike kemasalary avo pamwedzi inenge mitatu yaiva yapfuura,saka kuvinga vanhu vaiva vakadai nemari havaimboramba zvikuru vamwe vacho vaiva vakaita saanaGrace vaitoratidza pachena kuti vaiida. Terminator akabva aenda paFB ndokutumira friend request kunaGrace uya vakatozoguma vakutaura vese kusvikira apihwa phone number dzake chaidzo,vakazotangazve kutaura vese paApp.She sounded so desperate for love and money apa aitogara zvake kumaOTS kuSakubva,pamba pevabereki vake.Manje iyi yanga yatova open check asi nyaya yedu yaisaita kuti tiitaurire pamhepo ipapo nekuti tanga takutyawo kutapwa.Naizvozvo,Terminator akakumbira kuti aonane naGrace uya mutown masikati iwayo akabva abvuma tikatoseka zvedu dzungu rasisi ava.Zvekare aiva atiudza kuti aishanda panight mazuva iwayo.Taona kuti abvuma zvake takabva takwira motokari yedu tiri vana kusanganisira inini,Terminator,umwe ainzi Levi nekamwe kajunior Legend kanzi Maurice.Maurice uyu was a star in the making asi haaizoibva kusvikira pataida chaipo nekuti gogodera raimubika raiva rarova pasi.Semunhu aimbopambara nechibaba chacho Legend,pfuti aisatya kuridza uye pafight chaipo aiparadza.Takabuda zvedu kuma2 takagara muBenz X5 yangu iyo yaiva yakagarirwa naLegend iri yeblack apa iine husiku hwutatu hwetint zvekuti waiita zvekurota kuti uone zvaiva mukati.Tichipinda mutown,Terminator akabva amisa motokari yedu mucarpark yepaSpar ndokusangana naGire wacho paNandos akabva ambomukwidibira nechikafu chemberi.Ndofunga akatoti nechemumoyo ndaiva ndakazvibatira dude rangu nekutiwo Lawrence wacho aiva mhenya yemukomana and ainaka kupfuura kunonzi kunaka nekuti ndaiva ndakamboitisana naye iri nzira yekumukwezvera kubasa kwangu.Ndakamutamba yandaida kutamba Tatenda asi iye akazobudirira zvake akazotanga kundishandira kusvika panguva iyoyo.Mainini Gee vanenge vakafara kunga munhu apinzwa denga asina kutongwa nekuti mukore iwoyo zvaisava nyore kuona mukomana anodusa kudaro.Vakomana vemazuvano vanotokuti ngatisanganei patoilet iya iya mutown iri nzira yekuda kutiza kudyiwa nekuti vanenge vachirunner nefreezit budget. Takazoona vaviri vakuuya vese smile yaMainini Gee ichiita kusvika nekugotsi uku apa vakagukuchira zvipepa zveNandos mumaoko avo ese,ndofunga yaiva yatengerwa vanhu vari kumba.Vachisvika pamota kudai Terminator akabva aita chigentleman ndokuvhurira babie door remota bvaragarisika zvaro kufront seat,iye ndokuzotenderera achinogara padriver's zvake.Mushure meizvozvo akabva adzvanya central locking yemotokari madoor ese ndookuvharika.Mwanasikana akaringa ringa mumotokari ndokuona kuti maiva musisina kumira mushe.Inini ndaiva ndakatogara pakati paLevi naMaurice ndichinyepera kukanda kanyemwerero kuti Gire wacho anyevenuke,bvandarayira Terminator kuti arove motokari takananga kune chimwe chisango chiri kuChikanga pedyo neShow Ground.Gire haana kumboti bufu mumotokari imomo nofunga aiva akutya.Tichisvika,Terminator akamisa motokari ndokubva ndaburitsa briefcase raiva rakalayer nemaUSA ndichiti,"Mainini this will be all yours kana mukaita zvatiri kuda kuti mutiitire nhasi pamuchaenda kubasa kwenyu."Ndakaona mainini ava vakusekerera kunga hure raona pari kupegwa bhawa,shuwa munhukadzi kuzhinyurira mari kudaro.Ndakatonzwa apombonoka mumaziso ake muzere mafaro achibvunza kuti,"Hii ibasa ripi iroro sisi?"Kkkkk ndakatanga ndaseka zvangu mushure ndokumutambidza malethal injection ndichiti,"Ndiri kuda kuti unobaya mukadzi uya ari kuchengetedzwa kwazvo nemasoja uya.Harimbouraye ipapo ipapo zvekuti haumbofungirwe and even vakanzi vafa madoctors nemanurse vari kumuattender ndivo vanogona kupinzwa patight."Ndichipedza kutaura izvi ndakaona ati una una zvino mafaro ese aenda kwamupfiganebwe.Hongu mari inenge yaidiwa asi iiiii kuuraya munhu kunenge kwakavaremera.Vakatanga kutoita nharo kusvikira pakutimanikidza kuti kuti tivasiye ini ndokubva ndatsonya Maurice kuti apedze navo.Nokudaro Maurice akabva ahakachura huro yekahure aka ndokuimonya zvemucinema chaimo,kakamboda kubabaika kari paseat ipapo gume kazoti pfau pfau tonho ndiye chisarai mudye mega.Papi pacho pataizosiya munhu akadaro achitorarama mazuva ake ekutevera kana asvika otoendawo kumwedzi sezvaagara anongoita pamwe nevamwewo vakadzi.Apa takatofara kuti tapinda machena nekuti ropa raidiwa kun'anga kuya tanga tava naro.Mutumbi wamainini ava takaenda nawo kubase kwedu kwakare ndokuunyika muacid zvikarova zvakadaro.Usapukute meso nemaoko abva kubata mhiripiri....๐ŸŒถ๐ŸŒถ๐ŸŒถ. *Detective Chihelele* A gazillion thank yous to Mr Chiriseri,our neighbour,who saved my life from the jaws of death on that fateful night. Ndivoka nyakufangura gororo iri nefoshoro yavo rikabva rarova pasi asi raiva rapedza neni nekuti raiva randinyudza bullet paruoko rwangu.Hey murume uyu aiva asingatye kufa nekuti akashanda basa guru musi uyu.Chakandishamisa ndechekuti handina kumboita unconcious kubva pandakabaiwa kusvikira pandakazotakurwa neambulance ndichiendeswa kuMurambi Gardens.Ndaitoona zvese kunyangwe nesuccessful operation yangu yakatoitwa ndichibongirifaya.Munongozivawo kuti ukapinda muchipatara bedzi vanachiremba vanokuongorora zvese zvese saka ndakashamiswa naDr Raramai avo vaindiattender pavakanditi,"Aaa inga makapona muri vaviri.Kudai makaenda muri mese taizorwadzirwa."Ini ndakashaiwa kuti mumwe aiva akurehwa apa ndiani vakazoti,"You are pregnant madam."Ini aaa kkkkk peya haiwa that was a story for another day asi zvedi nekuti I didnt mind kuexpire kwejadell implant randaiva ndakasosecure a few years ago. Ndakazogara muchipatara umu ndakachengetedzwa kweweek rese ndikazobuda paane nyaya yekuti pane musikana wepachipatara apa aiva akatsakatika on my first day of formal admission.Izvi zvaitongova pachena kuti vanhu vaida kundiuraya ndivo vakamutsakatisa nekuti anyone aikwanisa kuzvibatanidza aingozvionawo.It didnt need a rocket scientist to diagnose that.Anyways,nyaya iyi yaiva yati korei muto nekuti pakazofa madetective 3 achida kuitandanisawo zvekuti pandakagwinya office yangu yakandirambidza kuti ndiite pursue this case.Even baba vekwangu vakatsika madziro vakandiudza kuti musha wacho ungatoparara zvavo kuri kuti ndichiri kuda nezvenyaya iyi.Ndakakuvara neshungu apa Tatenda wangu uya anga asingachabatike kunga aiva akafa.Zvechokwadiwo nyaya iyi yaiva yakaomesesesa zvekupfuura kuoma nekuti we were dealing with an extremely complex coterie apa Tatenda wacho aitova neclue ndichitomutemba anga asisabatike kunga maBearers Cheque.Ndanga ndakutomugayira kuti aiva akatopfuudzwawo.Ndakatomboenda kumba kwavo kasingaperi zvikaramba zvekwaMai Rambai. Zvisinei dzimwe njonda dzakabva paHarare nedzimwe ngwambi dzeCID Mutorashanga dzakazopihwa nyaya iyi pakafa madhikaz 4 in their first week of operation.Vakaramba vachida kuiteverera asi kwanga kwangova kudzinganisa mhepo.Zvisineiwo futi inini ndakazorasirirwawo imwe white collar case yefraud yemakore akawanda which was unearthed nemaindependent auditors eFBC Bank Mutare Branch.Panyaya iyi ndakabva ndapihwa kamwe kapartner kangu kamusikana kainzi Laurah kanga kachangobva kupihwa nyembe dzehutikitivha.Zvaita saizvozvo ndakabva nda.... Makabva maita sei nhai Chihera? Hahahaha end of chapter *Watch out for chapter 16* [05/09 12:05] Terminator: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 16๐Ÿ’“๐Ÿ’–๐Ÿ’๐Ÿ’—* *Lawrence* Nedirty work yataiita underground tanga tisingambode kubatwa kana zvekufungidzirwa chaiko.Kufa kwaLegend kwakapinza chinetso chekuuraya uraya vanhu muchikwata chedu chaiva chasara chacho.Kubva pakafa Legend zvichienda kumberi takafushira vanhu vakawanda kusanganisira nemapurisa anotyisa chaiwo kusvikira pakuti vakazosiya zvekutitevera tikabva taregawo kuvapfuudza.Hongu Legend yaiva mhondi yakakwana asi achipo taisambouraya vanhu zvakadaro.He used a combination of physical aggression and mental tact,asi isusu tanga takunyanya kurerekera kuphysical aggression.Zvisinei strategy yedu itsva iyi yakatova a blessing in disguise because takasvika pakutonhodza mapurisa zvekuti vakakanda pfuti pasi kwete mapfumo.Takatombopinda pamudyandigere paya pakatsindirwa ngozi yaamai vaya iyo yaitombotandara iri munaRukudzo.Zvinhu zvese zvakadzokena panzvimbo uye takatanga kubata mari zvisina mukare akamboona.Bhizimusi redu rakabereka kwazvo nekuti tanga takutrader in fire arms zvekare.Pakamboenda Boss Middy kuKuwait vakabva vauya nezvimwe zvimaArab zvitatu zvikabva zvatojoinawo chitima chedu.Nekufamba kwenguva inini ndanga ndakutoomawo moyo wangu nekuti ndanga ndakunyanya kushanda nevanhu vakaomarara.Kuri kumba,mai mwana vaiita kuvimba neni nekuti hapana chavaishaya muraramo mavo vachitogaya kuti mari yese yandaiuya nayo iri kubva kubank kwandaishanda. Vakadziwo futi sometimes vanozonyanya kurivara nekuti how come kuti unenge uchitoziva payslip yemurume wako kuti lets say ine net ye$900,asi unoona achingokupa kana $100 pazuva.Haumborotiwo here kuti mari yese iyoyo iri kumbobvepi?Kungoluma chete musingaone kuti kunze kunei!Kkkkk ndanga ndakazviwanisa simbi yebasa zvangu uye hupenyu hwedu hwaifaya tiine mwana wedu Shingi.Handina kuzombobvira ndamitisa Judy wacho saka akamboda kuita zvekufamba famba neni mumaporofita nemudzin'anga asi ndaitsika madziro nekuti ndainyumwa kuti ndaigona kuzongofumurwa madhiri angu ese aya.Ndaingomuudza kuti maporofita emazuvano ese ndeenhema iye achizongonyararawo semukadzi.Saka kuti ndipomhodze mhepo yacho kana yoda kusimuka pese pese ndaibva ndanyepera kunamata naye ndichimusimbisa kuti zvichanaka nekuti Sarah chaiye wemubible akazozvara akwegura,izvi zvichireva kuti ndaizomuponda nestatement riya rekuti,"God's time is the best."Ndadaro zvangu ndaibva ndamuunzira zibouquet remaruva mangwana acho nemachocolate akaputirwa zviri romantic.Ndadaro ndaibva ndaziva kuti yapera nyaya yacho uye vekumba kwavo vaisambotaurisa nekuti ndaivasunga miromo yavo kuti shwee nemari.Secret yaingovapo yaiva yekuti ndaisazvara nekuda kwemabasa angu akaipa.Ndakatomboenda kune chimwe chitopota chen' anga kuGorongoza chikandiudza kuti hapana hapana.Kana icho chakashaya kuti zvitsunhuke sei.Nokudaro ndakangosiyanawo nazvo uye zvekare ndaitova naShingi uyo aitondiona sababa vake chaivo saka kwandiri zvaiva zvakabhadhara.After all ndiani akamboti chinhu chinonzi family chinofanirwa kuva nevana futi mukati macho imomo?I didnt give a damn then. Zvino zvatakadzikamisa ZRP,Chihera vakada kuramba vachindiendera kumwedzi.Shuwa munhu kutadza kugutsikana netwumari twaanohoreswa nehurumende ozoda kuti nama nama nemashaki anenge isu.Kushata kwazvo kwaiva kwekuti tanga takushanda nemamwe mapurisa aitotiudza kuti vepaCentral vari kuronga zvipi.Pandakangobata guhwa rekuti Chihera ndivo vari kuda kuita case yangu yekunyudza kwandaiita mari namanager wepabasa pangu,ndakabva ndagara dare nevamwe vangu pasi penyika pedu paya.Waitova musangano une munhu pasi uye munhu wese aiti isu aitovapo.Yaitova imwe Saturday yaipisa zvisingaite apa panga paane mazuva akati ooo Legend ashaya.Ndini ndakaisa nyaya yacho mudariro Boss Middy bvavangoti,"Hainetse iyo because we can capture everything even vekumacourts kwacho.But zvichakadaro we have to be extra careful here because angle yauya nayo nemapurisa inogona kuzovhovhonora madhiri edu ese."Boss Middy vaitaura vachifamba famba isu tese takagara apa vakabata kaglass kecocktail๐Ÿนkaiva netwuice.Vakabva vambomira ndokusveta huro imwe mushure ndokuzoenderera mberi vachiti,"Right since case iyi iri under CID lets study them because CID haigobore ka1 na1.Vanotomboita nguva vachitamba tamba nemunhu vozongostriker warivara.So listen and listen to me very careful iwewe Law in particular,dont panick dear.They will come for you isu totangira ipapo.Pamwe pacho hapadi kukurumidza taita mameasures nekuti zvinogona kuzotinyudzisa."Pavakapedza kutaura kudaro tese takabva tati maoko kwa kwa kwa mushure ndokutotanga zvedu kasurprise birthday party kaTerminator uyo akabva atichemera nekuti taiva tamuitira zvakadzamisa pfungwa dzake. Bank redu raiva rakapa maauditors eErnest and Young kuti vaite basa iri for the first time in history.Order yekuti ava vapihwe basa iri yaiva yakabva kuHead Office yedu yekuHarare takavarairwa zvedu zvekuti pavakapedza kuongorora zvavo vakangonyarara dzamara ndazonzwa nepasi pemvura kuti nyaya yacho yakatopihwa mapurisa.Pamakore ese aiva akapfuura madhiri edu aisabatwa nekuti ndaibatsirana naBranch Manager wangu uyo ainzi Phiri,kutsvaga maauditors echitsotsi tovapa mari ivo vozopa mareports ari biased,anenge achitsigira divi redu.Izvi ndizvo zvaitiponesa asi rwendo rwuno paiva pakaipa nekuti pakazobuda yekuti mari yataiva takanyudza yaisaverengeka.Ndisu takasvika pakuti macustomer edu apihwe madaily limited withdrawals which were $20 apa iri yemacoin bedzi isu tichibubunya musvo wemapepa nekoko.Sezvo ndaigara ndiri pamberi pazvinhu zvese ndakagara ndatipira Phiri kuti ndiwo mamirire aiva akaita zvinhu akabva anzwa mudumbu asi ndakangomusimbisa kuti ndichahandler nyaya yacho ndiri ndega.Ndaisatomboda kuti azive kuti ndichazvifambisa sei sezvo zvaizogona kumutsa tsuro yakazvirarira zvayo mugwenzi. Chihera zvavakapihwa nyaya iyi kuti vaiferefete,havana kuita nezvayo vari ivo mbune. Vakashandisa kamwe kachirauro kavo kainzi Laurah,ndofunga vakagaya kuti mbavha dzavaida hameno kana kuti mbavha yavaida yaiva ye2 Cents.Shuwa kundipa kamunhu kachangopinda pahutikitivha kasati kaziva kuti kunze kunei.Laurah wacho akatozvibatisa ega paanga akuuya kubank kwedu achidepositer mari on a daily basis.Iye aiti ane katable kake kemabhero kuSakubva ndokusaka aipota achiunza mari yaanenge 'ashanda' kubank.Kuma9 kwega kwega makuseni aisashaikwa patable pangu saka akatozvibatisa nekuti aifarira kuuyapo kuti ndimunyenge bedzi.Haaa skiri iri tanga tatoneta naro uye taiva tisina kupusa zvekudaro nekuti nemanetsere aiita cash mazuva iwayo,zvaisava nemusoro kuti uwane munhu anoiunza kubank kudaro mazuva ese.Ini sehove yaiva nedegree ndanga ndatogara ndazviona kuti chirauro ichi chakagumira Grade 1 pabreak musi wekutanga kwacho kudzidza,saka ndanga ndangomuteya kuti azvinyengese ndobva ndazomupa module rezera rake rine chidzidzo chekuti haaizombofa akada kuita muCID zvekare.Aifanirwa kuzodzokera ega pahuConstable nekuti type yedu iyi yaisakundwa kufunga nemunhu akapinda basa nemapress ups mazamo achinhanzva tara nxaa!Mazuva ekutanga akambouya achindikandira kasmile uye achipfeka zvakatsiga asi paakazoona kuti ndiri kunyanya kumusekerera anga akuminura kunga ane ngozi.Iye akazonyanya kuzviratidzawo weduwe nekutiwo ainyanyomira paline rainanga table yangu kunyangwe paine vanhu vakati wandei kupfuura vaiva pane mamwe malines evanhu vanenge vari mubank makare. Iyi yakava nguruve yakazvikanga nemafuta ayo zvekuti paakazouya mumwe musi akapfeka kamwe kasiketi keblack so haa ndakatapirirwa naye.Mwana uyu aiva akabatana kunga First Street naSpeke apa musi uyu akauya aine short hair yakaiswa tint akarova nekamwe katop kacho kachena zvichinyatsoenderana.Tint yacho yanga yakangoiswa pakabhibho kaaiva akagerwa kacho apa aiva nekachiuno kakapinda mukati zvekuti muswe wake wakabva wandibudira pachena zvandaiva ndisati ndamboona pasi pano.Ndakatombokanganwa kuti ndine mukadzi kumba ndakutofunga kumbodya chiblack beauty ichi.Haiwa apa ndaizopinda red robot(yeke),kana ndazongobatwawo netraffic police ndaizongoitonyora-ndiyoka Zimbabwe yacho akomana kkkkk.Zvisinei akasiya mari yake ndokuenda semazuva ese apa aifamba mubank mese achizunguza magaro zvechifinhu.Ini aaaa handingasiye zvakadaro ka ndozonzi murume,ndini uyo mudatabase medu ndokutora phone number yake ndikatanga kutochata naye paWhatsapp asi zvese zvataitaura zvaitoonekwa naTerminator,hameno kuti aimbozvifambisa sei?๐Ÿค” Takaita mazuva anenge matatu tichitaura tese ndikazoguma ndatenga imwe phone yandaingoshandisira specifically for her iyo yandaizoviga pasi peseat remotokari yangu kana ndasvika kumba.Haaa takambotanga tichiflirter imwe iya iya yepaWhatsapp dzamara ndazokanda shoko ndokubva ndatongopinda machena.Haaa uku kwaingova kugohwesa pagedhi pasina keeper nokudaro yaitova walkover sezvo matsotsi asingagerani.Umwe naumwe pakati pedu aiva akatoteyawo mumwe. Ndadiwa nebabie rangu iri ndakanyepera kusaonana naro kweabout 2 weeks ndichiriudza kuti ndakadzvanywa nebasa apa nofunga anga akutoudza vanhu vekubasa kwavo vanaChihera kuti chazotsvuka chikakwata.Chandaiziva chaiva ndechekuti panyaya yakadai CID inotozokuisa pakona pekuti haubude nekuti umboo hwese hunenge hwatii bvuu pachena.Ndava nyaya dzemitemo idzi dzinongoda evidence yakasvika zvikuru sei mava mudare,nokudaro vanhu ava vanoshanda vachiita zvekuunganidza umboo kusvika hwakwana zvinogutsa.Two weeks dziya dzichipera netwumazuva twunoraudzira ndakabva ndaronga date nebabie kuti ndimbodyewo gumbo rake saka takabooker day rese paChristmass Pass Hotel.Ndakanyatsosarudza nzvimbo iyi nekuti yaiva yakarerekera divi rekubase kwedu kuitira kuti chikabvondoka ndinenge ndiri covered. Ndini uyo ndaenda nebabie kuya ari makuseni apa aiva akapfeka kamwe kadress kegreen kekuti zvidya zvake zvese zvaiva panze pamwe chete nehalf yemazamo ake.Tichingopinda muya ndakabva ndatotanga kumubata bata pese pese kusvikira akufemera pamusoro.Ndakuda kudai akabva atotanga kujamuka kunga munhu akagarwa nemidzimu.Ini futi aaa woda kundirambira apa uri kuda kundinyudza futi saka ndakabva ndatobudisa pistol yangu kubva pasi pemubhedha iyo yaitova loaded nechekare ndokumuona atobudisawo yake achinditi,"You are under arrest."Ndakatotanga kuseka zvangu nekuti ndaiziva kuti pfuti yake ndaiva ndasoibvisa mabullets paaiva ambopfuura nemutoilet ndichangopinda.Aiva mutikitivha rudzii aiva akazungaira kudaro zvekufamba neni asina backup svinu?Shuwa kuda kutodzidzira basa pandiri kudaro.Saka paakaona ndichiramba kudzikisa pfuti yangu abva aedza kuda kundibaya neyake asi zvakabva zvaramba.Aona kuti zvaramba akabva ada kuedza zvekare kuzhakarara kuti vanhu vese vaiva apa vazvinzwe ini ndokubva ndasimudza piro yaiva pamubhedha ndokumuvhara nayo kumeso akarara pamubhedha kudaro zvekuti kadress kake kaya kakabva kakwinyikira zvekusvika muchiuno chake.Ini chance given ndokuiti shwee achipaparika ari pasi ipapo akatozoguma akubatirira nekunakirwa asi achifemeruka zviya zvekuzarirwa.Inini kuti ndibvise piro yacho ndanga ndakutya kuti aizobudisa sound ipi manje?Yekuchemerera nekunakirwa here kana kuti kutoridza zimhere rekubhinywa riya?Ndakazongoramba ndichimukwesha ndakamuvharira kudaro dzamara ndapedza naye.Ndichingobvisa piro iya kudai wanei hakusisina munhu,atova machira chete.Detective Laurah ava changa chatova chando.Ini dhuu ndokubata vakomana vekubase vakabva vauya ndokuita plan yekubudisa chitunha chaLaurah mukati umu,tikazonochinyika muacid.Aaaa nxaaa zvaizouya zvaitiona tiripo apa taigotyei nekuti paiva pakapedzisirwa kuitwa cabinet reshuffle nepresident,chimudhara chedu chiya chaimbova kuForeign Affairs changa chatova kuHome Affairs zvichireva kuti mapurisa ese anga ava pasi pacho.This is the law of the jungle ie survival of the fittest!!๐Ÿ’ช๐Ÿฝ *Tatenda* Haiwa ndanga ndapombonakawo ini.Nekuuraiwa kwanga kwakuitwa vanhu kwaMutare nemhondi idzi kudai ndaivako panguva iyoyo ndaisazopona.Ndakatombofeeler bad pandakambofunga kuti ndini honzeri yezvese izvi asizve this same system had killed my mother veduwe!Killing can not be justified nomatter the circumstances.Vanga vakuzvinyanya vanaMiddy ava and ndaitozviziva kuti ndivo zvavo.Zvisinei hupenyu hwanga hwakundifayira paHarare.Telma ndiye akamboti nonokei kubata nhumbu asi payakabata takazoenda kuscan yati tunhukei zvikanzi mune matwins mukati imomo.Hey sandi kufara kwakaita mukadzi wangu apa taidanana zvekuzoparadzaniswa nerufu chaizvo.Ndanga ndisingachade mumwe munhu muhupenyu hwangu nekuti paari ndipo pandaiva ndazoperera. Besides kundiratidza rudo kwaaita kwandiri,aindiwanirawo zvese zvandaida muhupengu hwangu,kusanganisira nekuchengeta hanzvadzi yangu.Takabatsirana kumakombi kuya dzikana taatone 10 iye Telma akazokwanisa kubvisa Berna paUZ ndokumukanda kuUniversity of Botswana uko akanopfuurira mberi nedegree rake reLaw sezvo aiva akasotema 15 Points paAs pake. Anga akutotyira security yemwana waamai vangu paChikomo apa nekuti anga ava kungoteverwa teverwa nemadzinyangwe aya vachingomubvunza bvunza twusina basa.Zvisinei,Telma ndiye anga akutoshandisa imwe mari yake yepension kuti Berna awane zvese zvaaida kuchikoro ikoko.Pamavacations aitouya nendege chaiyo,mmmm Telma Telma Telma ka,haa aiva atendeuka zvedi.Takati tagarisika zvedu takazoronga muchato wedu asi waida kuzoitwa uri a bit private pangorine hama neshamwari pamwe nemaclosest friends edu ikoko.Zviri zvechechi taipinda ZAOGA iya hombe yacho iri muWaterfalls makare pedyo nekamba yemapurisa.Takazongoshandura pfungwa dzedu ndokuzongokoka chechi yese kuti izouye pamuchato wedu.Naizvozvo chiziviso chemuchato uyu waizoitwa pakupera kwegore muri munaDecember,chakasheedzerwa muchechi kaviri pachishaya anoupikisa.Ndofunga munhu wese anozviziva kuti chiziviso chemuchato chinotosheedzerwa muchechi in most cases katatu vachati vachimiswa kumberi kwechechi,pachida kuonekwa kuti hapana anopikisa here.Naizvozvo muchato wedu wakaziviswa muchechi kaviri dzamara tazomirira kechitatu kwasara mwedzi wakazara kuti tizochate. Musi wechiziviso chekupedzesera iri Sunday as usual,Mufundisi Ngazimbi vakadzokororazve manzwi avo ekuzivisa vachipedzesera nekuti,"...kana paine anokwanisa kumisa svitsa tsvene iyi ngaazviratidze zvino pamberi pevanhu vese uye kana pasina hapo ngaabve anyarara nekusingaperi."Vanhu vakateya kuridza mhururu nemiridzo,main door rechechi rakabva rangoti bherengende apa muchechi makati kwaka kunyarara ndokubva tanzwa inzwi rechikadzi raiti,"Ehe ndiripo uye ndinokwanisa kumisa muchato uyu."Mukadzi uyu aitaura achitofambisa achiuya kumberi ari pakati paya pemabench achifamba pared carpet.Chechi yese yakati maziso ayo jii kwaari inini ndokunyatsobokonya achiuya kudai wanike ndiJudy apa anga atorina Shingi zvake vachitofamba vese.Saka ndakabva nda.... Haaa wakaita sei nhai shamwari? Kkkkkk end of chapter mapiece endege!!!! Watch out for chapter 17 [05/09 12:06] Terminator: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 17๐Ÿ–ค๐Ÿ’—๐Ÿ’“๐Ÿ’* *Judith* This was the first time in my life to be an official party spoiler.Zvandakaita musi uyu zvaipinzisa gehena pasina kutaurirana asi it was all out of desperation.Tatenda akatombogaya kuti zvimwe ari kunyikadzimu asi ndini zvangu ndanga ndatosvika panzvimbo apa ndiine mwana wake Shingi uyo anga atova munhu akukwanisa kuzvifambira pamwe nekutozvigezesawo,anga akangwarisa zvake mwana waTatenda uyu hameno kuti aiva akatodza ani.Haaa ende ndakanyatsobvoronga zvinhu,kuisa soda mumatemba naMwari.Vaizova vachati ava vanga vakamira vakatarisana kunga nyanga dzenyati vakatsigirwa nemufundisi wavo kumberi ikoko.Chechi yese yakaramba yakati zii kunyarara ini ndichisheedzera zvangu manzwi ekupikisa kuchata kwevaviri ava zviya zvechifinhu chaicho. Ndakati ndamira kumberi kuya apa vanhu vachiti maziso avo dzvoko ikoko sematarisire anoita matambudziko kumari kana uchinge wabva kuihora kupera kwemwedzi,ndakaona Tatenda akutsonya mufundisi vaya avo vaiva nezvindebvu zvinenge zvechikotora chembudzi.Ndichida kuedza kubatanidza shuma yazvo ndakazongoona ndasimudzwa mudenga zvese nemwana vangu tatakurwa nemamonya maviri aiva akapfeka twumamuscle tops tweblack nemabhachi esutu pamwe nemashades matema.Shuwa muchechi umu maitova nemafia zvekuti ndakashaya kana twusimba twekupfakanyika,twandaiva ndasarirwa natwo twakabva twawandira pamuromo wangu kunga pinjisi ndichiti,"I am her legitimate wife,uyu mwana wake hamusi kuona kuti vakafanana here.You bloody people,you worship in vain and muri kukurudzira chihure muchechi menyu to an extent yekuchatisa mhombwe idzi.Akasiya andidumper nemwana wake uyu kumba kwedu kwaMutare.NaMwari ndinopika naambuya vangu hamupinde denga imi masatanists!"Ndaitukirira zvangu ndichibudwa neni panze mamonya aya akatitwara achifambira pared carpet yakare.Ndakanzwa chechi yese yakuti,"Aaa aaaaa aaaaa!"Ndikatadza kunyatsoziva kuti vaisvororedza ini here kana vaisvororedza vachati pamusoro pemabhomba andaiva ndadonhedza pamberi pesangano iri.Ndatobudiswa kunze ndakazongonzwa nekure kure mufundisi vaya vakuti,"Haa never mind her,pane chakanaka hapashaikwe chakaipa.Muchato uyu uri kuzoenderera mberi through God's grace."Pavakapedza kutaura mashoko aya chechi yese yakaramba yakati zii kuratidza kuti yaisatenderana nezvaiva zvataurwa.I had aleady done the damage saka imi maidawo kuti ndiite sei pakadaro ini ndaiva nemwana waTatenda?Mashoko amufundisi aya aingovawo enyaradzo semunhu aida kuedza kuchengetedza chimiro chechechi yavo,asi haana zvaakazoshanda nekuti ndakazonyatsobva pachechi apa pane zhowe zhowe.Pakamuka Chimurenga chaicho zvandakanzwa nenzeve dzangu uye paiva nevanhu vakawanda,nofunga Zaoga yemurokesheni munongozivawo maunganidzire ayo.Semunhu aiva arwa semvumba ndakadzoka kumba kwatete vangu kuSunningdale 2 kwandanga ndakugara mazuva aya. A lot had happened in my life kusvika panguva iyi asi ndichaedza kumbokuudzai zvikuru zvacho zvakanyatsotambika.Lawrence ndaimuona semurume kwaye asi ndakazomuramba ndaona kuti chigevenga.Shuwa murume angahura zvekusvika pakuunzira mukadzi wake sicki mumba.Zvekare kanyaya kake kekuti aigaroramba kuti tifambire nyaya yekushaiwa mwana kwedu,kanga kava kundinyongosha.Zvedi zvese zvandaida pasi pano aindipa asi ndakazobengenuka mamwe mazuva ndakuonawo kuti mmmm mari yacho yakuzonyanya.Imagine kuti card rake rekubasa ndini ndaitogara naro richingopinda salary yake month in and month out asingambobvunze nezvaro,asi zvakangodaro aingouya nemazimari aityisa mumba.Sezvo zvichinzi Kufa kwemurume kubuda ura,ndaingotendawo kuti murume wangu ari kuitawo mamwe madhiri masvinu ayo aimuitisa mari.Pachokwadi chokwadi ndaisava nebasa nekuti mari yacho aiiwanepi asi pakuzondiunzira sicki apa haiwa aiva mahwani chaiwo.Iyo mari yekudya uchirwara inombonaka here asikana.Zvekare ndakachenjedzwa nerimwe novel rakambondipengesa iro rinonzi Cliff rakanyorwa naMaxwell Chimedza,iro raiva nemumwe murume ainzi Cliff akatanga kudanana nemumwe mukadzi wemunhu ane mari achiipiwa ozouya nayo kumba achitoraramisa mhuri yake nayo.Saka pandakazvamburwa nesicki iyi ndakatombogaya kuti ndiko kwazvakarekera-hameno ikoko.Vanoverenga manovel vese munogona kundipupurira kuti ukanyanyojaira kuverenga manovels unenge wakungofananidza every situation yemulife nezvaunenge waverenga munovel makare.Izvi ndizvo zvanga zvakuitika kwandiri apa sicki yacho yaisapera zvekumhanya.Chimwe changa chava kundirwadza ndechekuti ndanga ndaane TB yaisapera pera asi virus ndaiva ndisina zvangu.Zvemavirus ndaitongozvinzwirawo kumamemory card nekumacomputer ikoko kwete kwandiri kkk. Lawrence uyu zvaakandiunzira sicki ndakabva ndaapplier zvangu for divorce nekuti ndanga ndichagarirei.Iko kana kuda marriage kwacho kusvika pakuti ndaizoshivirira achizondiunzira nemukondaz chaiwo.Pandakamuramba haana kumboita nharo hameno kuti aiva aoma moyo kudaro sei,the Lawrence I knew from the beginning couldnt even hurt a fly.Haaa munhu kungochinja seweather kudaro kutozoguma yava climate inenge yatova firapo zvayo.Aaaa asikana even when he was saved with the divorce papers nelawyer rangu,kana kumboratidzawo even any modicum of remorse kusvika patakarambana chaipo ini ndichitora zvangu custody yemwana wangu.Ko ndaitadza nei iye aisava wake kunyangwe aimuda zvekusvika pakuti aitoda kusara naye.Ndakatomboshaya kuti nemhaka yei ndaiva nemunyama wevarume kudaro,asi ndaiva ndakadeketererwa nechembere dzemumusha kare kare kani?Mmmm Lawrence aiva major shareholder mukingdom of darkness nekuti ndichangobva kurambana naye akabva andivharisira basa randaiva ndakushanda riya paHillcrest College.Izvo zvaiti nzwisisikei uye zvakaita nyore kwaari nekuti ndiye aiva anditsvagira basa iri paya,asi akazondikanga mate mukanwa paakandifreezisira account yangu yekuFBC kwake ikoko apa yaiva nemasavings angu aiadder up to $28 000.Mari yangu iyi ndaingoichengeta kuitira chamangwana asi yakarova sekuseka sekutamba.Pandakada kuteverera nyaya yacho nelawyer rangu,Manager wepaFBC apa akabva abudisa mastatement enhema mudare airatidza kuti ndaisowithdrawer mari yangu kusvika yapera.Mastatements aya aitova nemadates zvese nemaaamounts zvaiva cooked up zvekuti dare rakapa kutenda kunyangwe rakatombohire maindependent bankers kuti vaongorore nezveissue iyi.Paiva pakarohwa Maths dzechokwadi chaidzo zvekuti nyaya yacho yakatozoguma yakusungirira ini ndikatozoguma ndabvisiswa fine yekuti ndaiva ndasvibisa zita raLawrence wacho zvese nekupedzera dare nguva.Salary yangu ndaisamboibata kana kamwe chete zvako nekuti Lawrence aiita zvese saka kutsakatiswa kwayo kwakandirwadza nekuti handina kumbotengawo kana mint zvaro neziya rangu iroro.Lawrence uyu haana kugumira ipapo hama dzangu,akabva abvarura maCertificates angu kusvikira ndazobvuma zvangu ndokudzoka kumba kwedu apa ndanga ndakurwara rwara. Ndichidzoka kumba kudai vabereki vangu vakandinzwirawo tsitsi semwana muparadzi asi masamba aiva asiyana nekuti ndanga ndatova mumwewo mukadzi mumba.Makambozvionawo here kuti vabereki vanokufarira uchiri mwana so usati waroorwa asi ukangoroorwa zvikuru sei wozodzoka pamba kudai unenge usisadiwe.Ndizvo zvandakasangana nazvo muhupenyu hwangu apa Lawrence for you zvekare akachinja matitle deeds emba yangu iya yekuArea 16,hameno madhiri aakaita kukanzuru naTown Clerk wepaCivics Centre,ndokuisa imba yangu iyo yaiva ne7 rooms muzita rake kwakuitengesa $10 000 only zvekundirwadzisa chaizvo.I presume kuti baba ava vaiva nemushonga bedzi nekuti vaisamhan'aririka.Pese pandaida kuteverera nyaya dzavo ndaidirwa rough nemapurisa kusvikira ndazodzoka zvangu kumba kwevabereki vangu apa Shingi akabva atombomira kuenda kuchikoro kwaanga akuenda nekuti ndanga ndisisina mari.Hongu vabereki vangu vaikwanisa kundibatsira ipapo asi kwaingovawo kutsvaga ruvara rwerurimi rwenyoka nekuti kwaitongova kuvaremedza kuri pachena. Ndakambogara zvimazuva zvine chitsama pamba pedu apa asi zvanga zvava zvekumanikidzira sekupfeka bhutsu isingakwane.Baba vangu vanga vakutoita kundinwira musombo vachindishaudha zuva nezuva dzamara ndazotaura natete vangu vekuSunningdale ava vakandikoka zvangu kuti ndizogare navo ndichiona kuti hupeyu hwakamira sei.Tete vangu ava vaiva nemwanakomana wavo uyo ainzi Kuku achiita basa rekutyaira imwe yekombi yaanaTatenda saka ndiye akazongondidurira zvese ndikazoenda kuchechi kwavo paya ndikasiya ndabvongonyodza serufu.I was so bitter handidi kunyepa kuti shuwa Tatenda akuenderwa nehupenyu ini ndichitambura kudai.Hameno kuti plan yangu yaizobudirira here asi Tatenda ndiyeka aiva akandibvoora ndikabuda ropa musi iwoyo ndichibatirira pamusana pake zvichirwadzirira pamwe chete nekunakirira.Aaaa please spare me veduwe maida kuti ndiitewo sei...nxaa? *Tatenda* Judy anenge anga ava kupenga chete!Munoti dzanga dzichirimo here?How could she kill the momentum like that?Aaa ndakashaya kuti akambosvika sei kuHarare kwacho at the first place.Nekudada kwaaiita kuya chii chaiva chamboitika?Munhu uyu aiva akandiudza magaramoyo musi uya waakandiramba asi musi uyu akava imbwa yakutodyaka marutsi ayo mxm๐Ÿคฎ! Shuwa kusiya adivider chechi zvake kunga curtain remumba meroja rinoroja one room iro rinoganhura bedroom area nekitchen and dining area. Kana neni ndakashaya shuma hazvo veduwe apa Telma anga akungochema.Just imagine the level of embarrassment she subjected us to and this scandal spread on social media like a veld fire in a typical Savannah Ecosystem.Ndanga ndakutombochizivawo ka chiRungu ichi sezvo ndakazodzidziswa naTelma uye panguva iyi ndanga ndakutoita kacourse keBusiness Management paSpeciss Academy rimwewo zitsvina rouya kuzozvidira mavhu.Pakamuka fight pachechi iyo yaiva pakati pevaitsigira mufundisi nevaisamutsigira,nomufunga church politics munoiziva.Musi uyu maGeneral Overseer akasheedzwa ese,Baba naMai Guti vakasheedzwawo zvekare pakagarwa kadare and both of us were excommunicated for good and our wedding was cancelled izvo zvakatanga kuita kuti tinetsane naTelma kumba.Musi iwoyo tichingosvika kumba tese apa tafamba munzira mese tisingataure tese Telma akazoti,"Tatenda what is the meaning of this?"Apa taiva takamira mukicheni ini ndokubva ndadududza ndichodzoka panze nenhendeshure nekuti ndaiziva kuti ava kana vagumbuka vanogona kungosimudza firiji nestove kamwe chete vonditema nazvo.Ndabuda zvangu panzepo apa door riya rakavhurika rese ndakabva ndati,"Sweety hapana kana chandiri kumboziva.I am still in a state of abject disbelief."Ndakaona akufamba famba mukitchen muya achitadza kufema nehasha ndokuti,"Usanyepere kutaura chiRungu chenhema apa.You guys munotozivana nekuti hazvimeke sense even to a dead person kuti iye Judy wako iyeye anouya pathird and final announcement just to spoil the broth.My question is pakati pese apa aimbova kupi?Its even clear that makataurirana kuti muzvidire mavhu on the 11th hour ndizvoka ka?"Aaaa kkkkk mibvunzo yacho yaisapindurika nekuti mundangariro dzake aitongopomera ini apa ndisina kana mhosva zvochiti nemamood swings emimba yaaiva nayo yakatova bata murefu bata mupfupi pamba apa. Takanetsana pakitchen paya dzamara dzazopinda mumba,panguva dzekurara tikarara kwake kwake.Pamazuva akazotevera anga angova mazvake mazvake dhanzi remapofu kusvikira azondikandira kasatchel kangu kaya panze zviya zvekutondidzinga apa kaiva kasina kana hembe kunyangwe dzandakatanga kuuya nadzo pekutanga nekuti akati ane mvumo yekudzipisa sezvo dzaimbowachwa nesipo yaaitenga zvese nekugara mumba make imomo dzisingabhadhare rent kkkkk.Asi vanhu vane nhumbu so.Ndakabva zvangu pamba apa ndichiti kudai ndaizoona Judy achidyiwa neshumba shuwa ndaizowedzera twuvinegar kuti shumba dzacho dzidzungudze misoro yadzo nekunakirwa.Handaimbofa ndakadzokererana nehanzvadzi yasatan iyi.Nada pachi....what,pedzesai mega kunga masnacks!! Ndakabuda zvangu ndokunogara kumba kweumwe hwindi wedu ainzi Madhobha uyo aigara kuMbare kumaJubheki.Taikenerana zvisingaite uye akanzwisisawo dambudziko rangu iri pachirume apa ndanga ndiine twumasororo mbijana muwallet mangu utwo twakatozopedzwa nerent yekwaigara Berna kuBotswana ikoko apa anga atosara nekupedza semester ichipererana nemari yayo iyo yaiva yakasobviswa nemuroora wake.Kwapera mazuva anenge mana ndichangobva kubvisira Berna uya mari yake yerent,I received a call from Kuwait nekuti ndizvo zvaiva zvakanyorwa pasi penumber yacho.Ndichingodaira number iya ndakanzwa inzwi raBerna asi rakanyura mumisodzi achiti,"Pleeease save me my brother....๐Ÿ˜ญ"Voice rake raisounder like she was having sex apa painzwikwa manzwi echirume aiseka kubackground saka inini ndakabva nda..... Haaa musacheme please ๐Ÿง Kana makaverenga synopsis yebhuku iri you will understand that ndakati it will evoke pathos๐Ÿ˜ญ Kkkk end of chapter *watch out for chapter 18* [05/09 12:07] Terminator: *NDINOFA NEWE BY MAXX-CHAPTER 18๐Ÿ’“๐Ÿ’—๐Ÿ’๐Ÿ’š* *Bernadette* Sure I was being gang raped by five Arab men.Vaiita kundichinjanisa kunga zvipfeko zvemukati vachiita mataps aya anoitwa nemawrestlers in a tag team match.Pfungwa dzangu dzaidhonza kwazvo asi apa hameno kuti nemhaka yei ndakavairwa kusvika pakupinda panguva yakaoma kudai.Izvi zvakatanga pakudanana kwandakaita nemumwe mukomana ainzi Oscar pacampus pedu apa.He was a Zimbabwean as well achitoita zvake Accounting uye mazuva aakatanga kundikandira shoko ndakatomboti tana kuramba nekuti ndaisada kunyangadza muroora wangu Telma uyo aindiitira zvese kusvikira pakunditengera nebhurugwa remukati chairo.Woti uri kuchengetwa kudaro wozounzira vanhu chimimbamutekwa handie zvinotorwadzwa.Mwana wacho anozosheedzwa zita rekuti Degree nekuti ndizvo zvaunenge wakatoenderaka kuuniversity kwacho. Oscar uyu ainyepera kutambudzika tambudzika sezvandaiitawo asi ini ndaiva pachokwadi.Dzimwe nguva aitombondikumbira mafuta ekuzora chaizvo uye kana macereals ake akupera ndaichiona.Iniwo kwangu kana ndakaoverspender aibva andionawo netwucash kana nezvimwe zvikwanisiro zvinodiwa nevasikana vese.Iye aitozoenda kumaextremes zvekuti aisanyara kunditengera kunyangwe nemapads chaiwo.Chandakanyanya kuzomudira ndechekuti aisandikumbira kumbira muchero wepakati izvo zvakaita kuti ndimupe ruremekedzo rwunokunda rwegamba iro rinovigwa paHeroes Acre richiridzirwa yavo iya yavanoti 21 shots gun salute!! Zvino Oscar uyu akandipindukira iwo musi wandakafonerwa maMukoma Tatenda vachinditumira mari yerent paya zvese nekundiudza kuti vaiva vadzingwa pamba naTelma.Panguva dzavakandifonera ndaitova kwandaigara ndega uko kwaiva kachinhambwe kakati oo nemain campus.Mashoko avakandiudza akandipedza simba zvekuti musi iwoyo ndakabva ndaramba kuenda kumalectures nekuti ndakashaiwa tariro.Ndaona zvadaro ndakati zuva rakwira ndakaenda kunogara zvangu pane kamwe kabench kecement ako kaiva mustudy park yepacampus pedu.Ndakaenda ndiri ini zvangu pauzima ndokugarapo ndakabairira maearphones angu ndichiteerera zvangu *Ndinokuda Mweya Mutsvene* yaMinister Mahendere iyo yandakabva ndaisa parepeat ndichitsvagawo kuti pamwe ingasimudzirawo mweya wangu nekuti kumberi kwaiva kusina kumira mushe.Ndakagara zvangu kudaro ndakangoerekana ndanzwa maoko andanga ndakuzivisisa kwazvo avhara maziso angu ese ndokunzwa inzwi remuridzi wawo richiti,"Guess kuti ndiani?"Uyu aiva Oscar zvake asi akashamisika paakaona kuti handina kumbomupindura nekuti pese paaizviita ndaibva ndati,"Ndimi mukwasha wekumba kwedu,till death do us apart."Asi apa syllabus yaiva yashanduka nekuti paakazobvisa maoko ake aya akatozoona anyoroveswa nemisodzi yangu yandaiva ndakusvimha.Ndakatozowedzera kuchema paakauya kuzogara padivi pangu ipo pakabench kaya.Akabva akochekera ruoko rwake rwerudyi pamapfudzi angu ndokutanga kundipukuta misodzi yangu nemaoko ake achiti,"Sweety what is the problem?Tell me honey."Aitoratidza kubatikana kwazvo semunhu wandaifungira kuti aindida kwazvo saka ndakabva ndamuzarurira zvaiva kutsi kwemoyo wangu ndichiti,"Babie ndiri pamahwani,hanzvadzi yangu yakadzingwa pamba nemukadzi wayo uya Telma so this implies that tinogona kusazoonanazve pamwe nekuti ndinenge ndisisina munhu anokwanisa kundibhadharira mari yechikoro."Ndichipedza kutaura mashoko aya ndakaona bambo vakatsikitsira pasi vachiratidza kuti vari kugaya kurefu ndokuzosimudza zvavo musoro pava paya vachiti,"Dont worry bae I can make a plan."Achipedza kutaurawo divi rake ndakangoramba ndichichema zvakadaro nekuti ndaitoziva kuti kwaingova kusimbisa kwemunhu aiva asina zvaaigona kuita to salvage my predicament. Shuwa naMwari kusiira degree reLAW panzira nenhau yekushaiwa mari,zvinhu zvandaizofa ndichichema nazvo kwehupenyu hwese.Kushata kwazvowo pavarsity apa paisatambova nemagrants ekuti ndaikwanisa kudzidza nechikwereti uye kunyangwe kudai aivapo ndaisazoriwana grant racho zvekumhanya sezvo ndaiva muforeigner,process yacho yaitova nemunhu pasi.Pamazuva aya vacation yanga yatoswedera uye yaizova nehurefu hwe2 months asi mwedzi wekutanga ndaimbogara pacampus apa ndichiita magroup lessons nematutors edu then umwe mwedzi wechipiri ndiwo wandaizodzoka kumusha kuti ndimbonozorodza pfungwa ndozongodzokazve for the new semester.Izvi ndizvo zvimwe zvezvinhu zvandakaonesa mukono wangu uyu ndikazonzwa akuti,"Babie inini ndine matemporary business opportunities kuMiddle East chaiko,zvekuti ndinogona kukutambira front wowana something chekubata ikoko just for the next two months uone kuti unenge wakuzonetsa vanhu nemari dzemafees idzodzo here.You will make clean quick bucks in real time wodzoka kuno wasota twunhu twako pasina kushupa vanhu."Ndichinzwa dama iri misodzi yangu yakarova reverse yega ichidzoka mumaziso angu mayaiva yabva.Wakamboti wapererwa netariro pouya munhu anokuudza zvinofadza sezvizvi unobva wanzwa kufarisa zvekuti unenge wakutoona kunga watowana zvauri kushuwira zvacho ipapo ipapo,ndizvo zvandakasangana nazvo musi iwoyo.Zvochiti Oscar wacho aibva ataurawo achitoita nezvimagestures zvekuti ndakatanga kutoona ndatova muDubai ndichitsvaga mari zvakanakisisa."Aaa there are plenty of opportunities sweety and unogona kusarudza wega kwaunoda kuenda zvako because kuneDubai,Saudi Arabia and Kuwait etc apa mabasa acho anosanganisira ekushanda kana mumashops uchitengesa a variety of goods uchiwana mawages ako,wotounganidza zvako wozvibhadharira chikoro chako.How about that?"Ndakatoshaya kuti nemhaka yei Oscar wangu uyu akada Accounting as a career achisiya Law yandaiiita kana Political Science nekuti he had adept oratory skills.Ndakatozviona kunyangwe nepaakandinyenga kuti baba ava vane rurimi rwune masugar molecules asi chakazondishamisa ndechekuti vaibva vataura asi if kuDubai kwacho kunoendwa nekombi yecoin saka pandakabvunza nezvazvo vakabva vati,"Since I love you so much my love ndinogona kusacrificer mari yangu inini yegore rese kuti ndikuwanire ticket woenda.Zvemavisa processes hazvinetse izvo nekuti your visa will be processed for you nemunhu wacho anenge akuemployer.Vanhu vacho vatori desperate for employees and they love Africans in particular zvikuru sei vemuZimbabwe nekuti vanoti tinoshanda nesimba,mira uzvionere apa."Akabva abudisa tablet yake iyo yaiva mukanhava kake ndokubatidza wi-fi yayo kwakuenda kusite yacho yaiva nemaArab aitotsvaga vashandi. Zvedi Middle East yese yaitotsvaga vashandi uye paiva nemabasa akawanda kusanganisira nerekuva maid uchitopihwa $600 pakupera kwemwedzi. Inini ndakanakirwa ndichiona maphotos enzvimbo idzi ndikatoti kudai zvaibvira ndaitozogona kudzidzirako nekuti ndakatoonawo zvekare kuti mavarsity mazhinji eikoko anopa maforeign students maschola nemabursary.Ndichinakirwa zvangu ndichiscroller scroller tab yake iya ndakabva ndati,"Aa daddy ndinoda kuDubai ini kunenge kunofaya."Ndakataurira nemumhino ndichiyemerera ndikaona Oscar wacho akuzhinyura mushure ndokuti,"Aaa babie wakasara,Dubai yauri kurwarira iyi yachipiswa nevanhu vese.Hauzvionewo kana kunzwawo here kuti munhu wese akungoti Dubai Dubai kunyangwe newewe futi kkkkkk.Swty try paKuwait pane bag rese manje nekuti hapasati pawandirwa and nemadhiri eoil anofaiswapo nezvimasheick zvepo haa USA rinenge richitenderera zvelevel retower light chairo."Mmmm ndakanzwa manyuku nyuku ndichinzwa mashoko aya ndikabva ndamuudza kuti angobairire paKuwait pacho,tikabva tatonga kutotsvaga mabasa online ndikanakirwa nerimwe rekutengesa mapango emaI Phone mune imwe shop ndichipihwa zvangu $500 per week plus commission based on sales.Haa ndakashamisika nekuziva ziva zvinhu kwaOscar nekuti ndakatozoguma ndakutaura nemuridzi weshop yacho paSkype takagara pakabench kaya uye airatidza kuti ane mari kwazvo nekuti akabva andioffer ticket nevisa zvese achitoti nditouye ikoko mangwana acho nditotange basa kana zvichibvira. Mmmm iyi yaizova first time yangu kukwira ndege uye handina kuda kutanga ndaudza Mukoma Tatenda nekuti ndaitya kuti vaigona kuzondirambidza.Inini ndaitongoda kuzovarovawo nesurprise ndakavarairwa.Musi wakare zuva rakasaropinda munaamai varo,Oscar atondibatsira kuwana ticket riya nevisa racho izvo akanotora nyore nyore kuembassy kwacho pamwe nekuairport.Haa ndakatomboda kunyumwa kuti nemhaka yei zviri kuflowa kudaro asi handina kuzomboda kunetsekana nazvo maningi nekuti ndaitovawo panzara.Akatouyawo nezvakewo achiti ari kuda kundiperekedza kuti aite make sure kuti handisi kuzopinda mumaoko emabhinya here.Nokudaro mangwana kuchiedza takaenda kuairport ndokukwira ndege apa ndaitya sezvo kaiva kekutanga kuikwira,asi Oscar airatidza kusambotya izvo zvakabva zvandipa pfungwa yekuti anenge aiva atojaira kuikwira.Pfungwa iyoyo ndakazongoiti supfu kwakadaro ndakugaya kuti angatyei iye ari murume kudai.Zvagara mukomana wese anenge achida kunzi akashinga kana kuti akachenjera pamberi pemusikana wake kunyangwe zvichiratidza kuti zvakaoma.Zvisinei ndege yedu yakazosvika kuKuwait kuma5 ikoko zuva rakuda kutovira sezvo yaimbomhara mhara pano neapo ichitsveta vamwe munyika dzakasiyana siyana.Tichisvika paairport paya takachingurwa nemuArab uya who purpoted to be the own of that shop,Oscar ndokubva ati akumbopinda mutoilet ndiye kwakaenda imbwa ndiko kwakaenda tsuro.Pakarepo ndakatanga kufeeler kuti something is wrong kusvikira pandakazotungamirwa nemurume uya pamwe nemukadzi wake tichidzika pasi pasi peairport iya apo paiva nechimwe chibasement chaityisa.Ndichisvikamo kudai ndakaona muine mahundreds evasikana from different countries vanga vari weary vachichema vachiratidza kuti vaane nzara uye havana kana simba apa pachitoitwa mabids,vanhu vachitengeswa for slavery imagine in this era!Ndakashamisika kuona Middy๐Ÿ˜ฐari mukati imomo achitopa maorders.Paakandibvunza nezvaTatenda ndakamuchenamira nekuti ndaitodawo hanzvadzi yangu zvekuti ndaisada kunzwa kuti ashungurudzwe kana kuuraiwa.Ndakatarisa pafloor ndokuona twuzvipenga twemapassport evasikana vese vaiva umu,zvichiratidza kuti vaiva vamabvarurirwa vakatarisa.Vamwe vandangakatoona vachifiramo vaingouya vachimbikurwa nedzimwe hofori mitumbi yavo yotobudwa nayo zvamuchose. Middy aona kuti handisi kuco operator akabva andigarisa pangu ndega uye handichatonderi zvakazoitika kumberi nekuti ndichiri kungorangarira bedzi that time when I was being gang raped nemazirume five apa ndaitonzwa kuti I wasnt drugged at all,vachindipisa yeke Middy akatogara zvake pasofa imo mumba mandaireperwa ndichimbofenda ndichimuka iwe apa yaiva first time yangu.Ndipo pandakazomupa number dzaTatenda nekuti ndanga ndanzwa,ndikataura naye mwana waamai vangu zvekusvika pakucutter foni asina inzwi raakabudisa.Nofunga he was in a state of shock nekuti hey,Middy I surrender๐Ÿ™Œ๐Ÿผ *Tatenda* Ndakaita kunonzi kudedera nehasha ndichinzwa hanzvadzi yangu ichikwirwa nemabhinya aya.Paakapedza kutaura neni achikumbira kuti ndimubetsere,ndakazoona number dziya dzafona zvekare ndokunzwa inzwi rechikadzi rakati,"Hi swty uri kupi ndakusuwa shaa."Iri raitongova inzwi raMiddy nekuti ndairiziva zvangu saka apa ndakabva ndabatwa nehasha ndokumuti,"Wauri kuti swty ndiani iwe hure satan musatanyoko mwana wembwa nxaa!Why are you a coward zvekuti you involve my only sister in your shit.Now let me tell you kuti ndakunyararira zvakwana,izvozvi warepesa hanzvadzi yangu ikoko,akasadzoka kwandiri ari mupenyu that will be the end of your fucken dominance!"Maoko angu anga akuhuta nehasha ndichitarisira kuti I will get a similar response asi ndakaviruka zvekare pandakanzwa Middy uya akuti,"Tatenda I still love you babie and ndiri kuita zvese izvi out of love.Yes tete vangu ava vanodzoka asi only under one condition yekuti you will love me back again."Kkkkkk haaa yaas kune vanhu vakaoma pasi pano. Ndakatozoguma ndamedza firiji zvangu ndokunzwa akuti,"Kubva pekutanga paya handina kumbobvira ndada kuti ufe coz inini ndinotokuda.Hongu ndiri mutadzi asi I love you sweety."Ndakafemedzeka zvekare ndokuti,"Kudai waindida hawaitira hanzvadzi yangu zvakadaro."Ndakabva ndatanga kuchema pafoni ipapo neshungu nekuti Middy aitova nemoyo wenyoka chaiyo iyo inoruma chaisingadye.Ndakabatikana kwazvo ndokuzonzwa oti,"Tomorrow huya paHarare Int Airport na12 masikati utitambire natete vangu ava.I miss you babie."Mushure akabva acutter foni ini dhuu haiwa pfimbi iyi ndagarisa nayo kwazvo.Ndakabva ndabata roja rangu riya rekwaMutare iro ranga rakugara pamba pangu riri musoja zvaro.Ndakatenga mazibundles of joy angu ndokuriudza nyaya yese kusvika pandanga ndava rikatombondiblamer kuti nemhaka yei ndaiva ndakanonoka neinfo yakadaro.Parakazoongorora nezvekuurawa kwemapurisa chaiwo nechikundi ichi ndipo parakatozondinzwisisa.Dzvinyangwe iri rainzi Onward Makute rakabva rarara rabata KG6 iyo yakabva yatonosima vakomana veMilitary Intelligence paairport pakare.Mangwana acho achaida kutsva vakomana vacho vakabva vapfekera kunga vashandi vepaairport uye vaiva vakawanda nekuti vanga vakutoziva kuti vanhu vacho havasi vekuseka navo.Inini ndaitovapowo kuti ndizochingure ka hanzvadzi yangu.Ndakatosvika paaiport pacho kuma11 ndakamirira 12 dzacho kuti dzikwane apa ndanga ndatombotaura naMiddy wacho achitoti vasosimuka kudhara dhara.Ndiri paairport ipapo foni yangu yakabva yarira ndichitowaraidza zvangu nguva nechimwe chimagazine chandaiva ndichitolawa zvangu.Ndakaitarisa pascreen kudai wanei inew number ndokuslider zvangu chegreen chiya kuti ndidaire ndokunzwa a heavy Ndau accent zvichinzi,"Unodaro ngenyi iwewe Tatenda.."?Ini aaaa kkkkkkkkk... Guess who is back??๐Ÿ˜€๐Ÿ˜€๐Ÿ˜€ End of chapter lol kkkkkkk thanks for subscribing zvinonaka zvinodhura Watch out for chapter 19 [05/09 12:08] Terminator: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 19๐Ÿ–ค๐Ÿ’œ๐Ÿ’–๐Ÿ’—* *Detective Chihelele* "Unodaro ngenyi Tatenda iwewe?"Aya ndiwo mashoko andakatanga kumuudza pafoni ndisina kumbomuti Helo!"Paakandipindura achiratidza kushamisika chimwana chake chaitova mudumbu chakabva chatanga kundikike mundani,chinenge chaiva chafemerwa nekuti baba vacho vaiva muradius.Apa paisada Ndunge kuti zvitaridzwe pachena kuti nhumbu yaiva yake nekuti mazuva aya andakaisana naye,ndanga ndatomboone zvimazuva zvakati ooo ndisina kusangana nababa vekwangu.Panguva iyoyo ndaitovawo paairport ndiine vamwe vangu vekuCID tichibatsirana neveMID pakuti tibate vanaMiddy ava nechikwata chavo kuri kuti vaizomhara varipo vese.Nzvimbo yese iyi yaiva yasoswa zvakasimba zvekuti havaizopabuda kunyangwe zvematsurundundu chaizvo. Semunhu aiva pabasa,Tatenda akatadza kuziva kuti ndaiva papi chaizvo tiri paairport apa kusvikira ndazomuudza kuti ndaiva ndakagara mucontrol tower ndichiona zvangu yese yaitambika apa.Ndakamuona paakambobuda panze achidongorera dongorera mudenga ndokubva ndamupa thumbs up๐Ÿ‘๐Ÿปkuti ndiri tii.Kamutizire nekakusabatika kaakaita paya paakangotsakatika kakandipa pfungwa dzekuti ndidzike zvangu pasi paya timirire vanaMiddy vacho vese.Ndanga ndakutoda kumurindira kuti asatize tisati taonana nekuti ndiye aiva nenyaya yese.Takazosangana muchiwaiting room chiye chinenge chakagarwa nevanhu vanenge vachida kuchingura hama dzavo.Ndakaona Tatenda uya apererwa achindiona nhandi imi.Iye pachezvake akati mhaa aifunga kuti aizomboenda nepi nekuti Zimbabwe inyika diki yakasiyana neSouth Africa yekuti unogona kungotiza uchibva kuJoburg wakananga kuCape Town vanhu votofunga kuti hausisiri muSouth macho makare.Ndichiti guga guga nababa vemwana wandaiva ndakatakura ava ndakabva ndavatanga nekuti,"Manje chiona kwazvasvika handie kudai wakasondiudza paya pandaida kuziva nezvavanhu ava ingadai hanzvadzi yako isina kumbopinda panguva yakaoma kudai.Kuomera kwako kufunga kwakadhakwa munhu iwewe and unoita kunga pfungwa dzekuti uzvifungire pachezvako dzinotengeswa pablack market!"Ndakapedza muromo uyu ndakungoridza tsamwa kasingaperi ndikaona shasha yabata shaya kunga ruoko rwayo rwuchanamira pairi mushure ndokuti,"Maida kuti ndiite sei Chihera?Vanhu ava imhondi kana mazogara.I think you can see for yourself kuti kubva pandakatiza paya vakauraya vanhu vangani.Ok pavanhu vavakauraya paisava nemapurisa masvinu here?"Ndakabva ndati maziso boi boi mushure mekunga ndakacherechedza kuti vanhu vacho vaiva nehukama hwakasimba nasatan asi ndakati,"Haaa kudai wakandiudza in time hantie ingadai ndaane kapromotion now."Ndakabva ndakanda kasmile kekuvhara vhara kaya iye ndokuti,"Aaa chakakosha chii hupenyu hwenyu nekapromotion kamuri kutaura ikako?"Mubvunzo uyu ndakatadza kuupindura ndokunyepera kubaya baya foni yangu iye zviye zvekuti avarairwe uye zvakafamba nekuti murume uyu airatidzika kuva akaomerwa kwazvo pangu iyoyo. Ndaona kuti ndati tizei nyaya yacho ndakabva ndashandura nyaya ndokupinzawo imwe yakakora ndichiti,"Aa nemakorokoto ka nhai Baba aTombi."Ndakaona vakuru ava vachiratidzika kubhoekana vakabva vati,"Nxaa inguva yemakorokoto here ino iyi?Asi muri kuda kundikorokotedza pakuti hanzvadzi yangu yakarepwa nevarume five pasina protection?"Baba ava vanga vakatokwinya zvekuti ndanga ndatoona kuti vaigona kungondizodza mbama saka ndakatogara ndakavateya kuti vakada kuzviita pabench rataiva takagarisana ipapo,ndaizovadzivisa pachirume chaipo.Handina zvangu kuda kumupomhedzera pakugumbuka kwake since he was a deeply troubled man haa nekuti zvaaiva asangana nazvo zvaiva zvikukutu.Ndakambotanga ndagaya kuti ndimuudze here nyaya yenhumbu nekuti ndanga ndakutotyawo kuti inogona kumuita worse nyaya iyoyo.Zvisinei ndakazongorovera moyo padombo ndokuzoti,"Asi zvishandwa zvenyu hamusi kuzviona kani?"Ndakataura ndichinongedzera zinhumbu rake riya ndikaona shasha yasimuka ichiseka ndokubva yati,"Kkkkkk handina kuuya pano for your comedies Chihera.Pedzeranai nemurume we..."Muromo iwoyo handina kuzoupedza nekuti ndega yataiva takamirira from Dubai International Airport yakabva yasvika.Zvakatanga nekuziviswa paPA system iya yepaairport.Vanhu vataida vaiva vakazobva nekuDubai sezvo kuKuwait kwaiva kusina direct flight from there kusvika kuno.Takabva tabuda tese naTatenda uya takananga kunhandare apa vamwe vese vanga vatoita take cover zvikuru sei pavakazoona Middy wacho achidzika masteps endege naBerna vachitofamba vese kunga pasina kana dambudziko.I think Berna was coached kuti afambe sekunga paisava nedambudziko.Taiva takamira zvedu nechepamukova muhombe waizopindira vanhu apo ndakabatikana naBerna uyo aitofamba achikaminha izvo zvairatidza kuti aiva akashandwa pakuru nevakomana. Inini nechikwata changu chese kusanganisiraa nemasoja aiva paairport apa taiva tiine maearphones ekuti tainzwa phone conversation yaTatenda naMiddy.Kutaura kwese kwavakaita kubva makuseni taikuziva word by word saka chikwata changu chakabva chasunga jombo panguva iyo Middy akafonera Tatenda achiti,"You screwed up now ndiri kuda kutoti hanzvadzi yako ife.Inini ndanga ndatouyawo for love and iwe wakundiita set up manje hauna kungwara inini ndinofamba nemamonya."Panguva yaaitaura izvozvo ndakaona Berna avhomoka kubva paaifamba naMiddy sezvo aizvifambira,ndokutanga kumhanya iwe achiuya kwataiva.Semunhu aiva agarisa nebasa iri ndakabva ndatoona kuti paaiport apa patova pawarzone nekuti ndakazongoshamisika ndichiona mamwe maArab anga aburukawo ndege yakare vachiitawo sevaiva vega,vakubudisa zvombo zvinotyisa vachibva nechemukati sezvo vaiva vatombodarika nepataiva vachifambisa.Umwe wacho akabva abudisa pfuti akananga musoro waBerna ini ndokubva ndazvambarara pasi nezidumbu rangu pamwe chete nemuridzi waro.Ndakanyatsonzwa pfuti iya ichikokwa zvine ruzha zvese nekubva yaridzwa yakananga Berna asi ndakazongoona Berna uya asisiri panzvimbo.Ndakaringa ringa kudai ndokuona akatakurwa nemusoja uya ainzi Onward achiita zvekuroller naye pasi zvechigunman chaizvo dzamara vasvika kumapeto naye ndikazoona asimudzwawo nemumwe musoja ndokutakurwa achiendwa naye to a safer place.Onward uyu akasara akarara pasi paya achituhwina mudziva reropa zvikandiratidza kuti aiva abaiwa achida kuponesa Berna. Masoja nemapurisa ese aiva paairport apa ayo aisvika kuma50 akatadza kubata kana umwe wemacriminal aya.Ari saMiddy handina kumboona kuti aiva aenda nepi zvese nemamwe maArab ese aya.Chakandifadza ndechekuti Middy wacho ndanga ndakumuziva uye zvakatondipa shungu dzekuti nditeverere nezvake.Panzvimbo iyi ndaiva ndakatarisisa zihondo remhando yepamusoro asi Zhakata akaimba wani paya paakati,"Tarisiro hadzisi dzese dzinobuda,ndizvo zvinoita hupenyu!"Ndakafarawo zvekare nekuti Berna aiva adzoka ari mupenyu uye ndakabva ndaronga kuti aendeswe kuchipatara nguva ichipo.Ari saOnward handina kutomboziva kuti aizopona here nekuti akazongouya achitakurwa neambulance yekubasa kwake ndokuendwa naye pachipatara chepaKG6 kuti anorapwa akachengetedzwa. Nemamirire aiva aita zvinhu paaiport apa zuva rakacheka nyika,ndakazoshaya mukana wekuonana naTatenda kuti tipedze mwinyu mwinyu yedu.Kubasa kwangu vanga vakutoda report yekuti zvaiva zvafamba sei saka takangoti tichingobva pandandare iyi takabva tananga kuCID HQ iya yemuHarare nekuti ndipo pandaiva ndashandira ndichibva.Ndichisvikako nevamwe vangu ndakashamisika tichipihwa maletters for dismissal zvichinzi taiva tatadza basa.Tsamba idzi dzaitova nemaletter head ekuMinistry of Home Affairs zvekuti takatongoona tega kuti taisava nepekutangira kuri kuti taida kuzoappealer nezvekudzingwa uku.Izvi zvakandisiya ndakarembuka uye ndakashaya sense yazvo saka ndakazongodzoka zvangu kwaMutare kwangu,muswe wangu uri pakati pemakumbo angu.Aaa kubeni raifi yakaoma... *Tatenda* ZvaanaMiddy naanaChihera ndaiva ndisimborina basa nazvo nekuti hanzvadzi yangu yaiva yapona asi wacho aiva amuponesa aiva otoda kumufira chaizvo.Kudai mudhara ava vaizopona shuwa ndaizovapa hanzvadzi yangu kuti ive mukadzi wavo kunyangwe wechipiri.Nemamhanyire akaita maevents panzvimbo iyi handina kumboona kuti vaiva vabaiwa papi chaizvo.Musi uyu ndiwo wandakanyatsoona kuti Middy aindida kunyangwe zviite sei nekuti aidai akandibaisa nevanhu vake kudai ndisina basa kwaari. Berna zvaakazoendeswa kuAvenues Clinic akabva anosonwa kudzasi uku nekuti aiva akadhadurwa nemaArab aMiddy aya.Akazobuda muchipatara ichi kwapera week rese arimo.Ministry of Health ndiyo yakamurapisa mahara zvese nekumutsvagira munhu aizomutandadza kuti pfungwa dzake dzidzokedzane apa ndakabva ndatsvagawo two rooms dzekuroja muMbare muna3rd Street padzimba dziya dzakatarisana neHarare High.Mazuva aya ndanga ndakutyaira makombi evamwe vainzi Boss K's ndichirova Mbare-Copacabana.Nyaya yedu yakatekeshera Zimbabwe yese ndichireceiver mamessage nemari yaibva kune vanhu vaitinzwira tsitsi ndikatozoguma ndakublocker vamwe kuburikidza nekunyara nekuti zvinongomakisa nedzimwe nguva kuti uri able bodied asi voita like you a beggar.Pavanhu ava ndakabva ndangosiririswawo nevamwe vainzi Mai Chipo nekuti vakaratidza concern kwazvo zvisiri zvekuonyererwa nekuti vakatozoguma vakufona mangwanani,masikati nemanheru vachibvunza kuti hanzvadzi yangu yaiva sei.Pakutaura kwataiita takatozoguma tajairirana paWhatsapp kusvikira rimwe zuva ravakandifonera iri nzira yekuda kuclarifier imwe message yavaiva vandisendera paWhatsapp chat pedu.Vakafona neWhatsapp call vachiti,"Ufunge shamwari murume wangu anoshanda pane imwe oil company kuNigeria kunonzi kuDelta State kuya saka anouya kana ka1 pagore.Apa akasopedzisira kuuya munaMay and ndipo pandakapedzesera kukwirwa haaa zvakandiomera."Inzwi ravo rainzwika kushungurudzika kwazvo ini ndokuti,"Aa ko munotadza nei kunogara mese ikoko naChipo wenyu ?"Ndakatobvunzawo ndichiita kakusiririswa ivo ndokuti,"Aaa pari kunetsa dear nekuti ndine dual citizenship since I trace my original roots from Mozambique.Kuno kuChinhoyi kwandinogara inyaya yekuti kudhuze nekubasa kwangu kuChinhoyi Hospital.Hantie unozviziva kuti ndiri nurse ka?"Ndakabva ndatatanga ndaseka ndokuti,"Haa izvo makasondiudza kare mukatomboti you can help my sister with your health expertise if the need would rise.Aaa my other question is anokutumirai mari here murume wenyu uyu?"Network yakatomboda kutiza tiza bvavazoti,"Ee anotumira kwazvo kwete zvekutamba zvekuti ndiri kutovakisa stand yangu muChinhoyi muno.Manje manje ndinenge ndatopedza kubhadhara chikombi changu chisprinter che$16 000 ndochichipihwa,now kwangosara $2 400 bedzi kuti ndichipedzese.Kana ndavanacho ndochiisa paroad chondiunzira mari yekutenga kamota kadiki."Aaa amai ava vaitaurisa kwazvo ndikazongoguma ndakugutsirira ndichingovapawo chivimbo zvimwe zviya zviya zvekuti zvindibve.Pakupendera conversation yedu iyi vakabva vati,"Handei kunogeza shamwari?"Aka kakava kekutanga kunzwa mashoko aya kubva kwavari saka ini ndakabva ndati,"..........." Kkkkkk wakati kudini shamwari??? End of chapter Sorry for the later release basa mahwani nezuro handina kuzokwanisa kubatanidza.Anyways the struggle continues Watch out for chapter 20 [24/09 19:51] Dr Maxx๐ŸŽ“: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 20๐Ÿ’œ๐Ÿ–ค๐Ÿ’œ๐Ÿ–ค* *Tatenda* "Munozobuda chakanaka here mubath imomo."Ndakadaro zvangu ndichinzwika kunyarira nepafoni ndokubva vati,"Aaa hantie kungogeza chete tese here?Zvine basa rei izvozvo?"Haaa miedzo inouya iri murusero tagara tinoipepeta zvedu saka ndakabva ndati,"Mmmm hamunyare kuzondionera here mubath macho?"Ndakataura ndichida kuswededza nyaya yacho kwazvakarehwa ndokunzwa vakuti,"Aaa remember I am a nurse so I am used to these things even zvevanhu vandisingazive."Hey mataurire acho avaibva vaita zvaibva zvaita sekunga zviri kutoitika ipapo ipapo apa voice ravo huchest huchest.Inini ndakatoona kuti iopen check iyi apa ndanga ndaane zvimazuva ndisingadai nepamusana pestress zvekare kwete nekuti ndaishaiwa wekunyesvura nekuti kuMbare kwandaigara kwaitova nekumwe kunonzi kumagoshto kwekuti uine coin unoswera wagwinha gwinha nekunakirwa.Hey nyika yaipa ipi nema14 years chaiwo unovaona kumagoshto kwakare."Manje pachokwadi handizotadzi kuti gaa mubath imomo apa obvious munenge musina space yakakwana zvinozonakidza here manje asikana."Ndakanzwa vakubwibwinyika ndokutadza kana kunyara vachiti,"Aa ndinongobata tub ka kana sink toita zvinoitwa zvacho."Ini ndiye mmmm amai ava vari panzara shuwa nekuti pace yavaiva vari kutofamba nayo yaiva yekurovera bhora mberi.Hey ndakashaya kuti kuteverwa nevakadzi kudaro kwaiva kwakambobva nepi muraramo mangu.Shuwa kuita hupenyu hwekurarama ndakatenderedzwa nesimbi kunga mavhiri ewheelchair๐Ÿ˜€. Anyways,Mai Chipo vakazoenda kunogeza ndokudzoka kwapera dzinenge 15minutes tikapfuurira nemachats edu asi rwendo rwuno anga ava steamy!Ndakasenderwa album ravo rese remafoto apa aiva manheru eimwe Friday so ndokubva taronga kuti tionane Monday yacho kuti kana zvichibvira ndidzimure moto wanga wakupfuta kudzasi kwavo ikoko.Pakutaura kwatiita tese parunhare hapana chakasiiwa,kunyangwe nezvemukati zvakaita semaguru nematumbu takataura nezvazvo.Uye ndinofanirwa kutaura sezvazviri kuti musanetseke pakutsvaga maV11 for future evidence use.Weekend yese yakapera tatova murudo,Sunday yacho bvavafona kuma4 zuva rodoka apa mazuva iwayo ndakabva ndamboburukira kombi yangu kune mumwe hwindi wandaishanda naye kuti andibatire gap nekuti ndanga ndanakirwa naMai Chipo ini.Zvekuti vakamboroorwa izvo zvakazombofungwa nani zvese izvozvo."Saka tomorrow tisati tasangana ndiri kutanga kuenda paMoneyGram yepaJoina iya ndonotora mari yangu ndozoichinja into bond notes makuseni acho.Saka ndapedza tozoonana then so tosangana nguvai babie?"Vakadaro pafoni paya nekavoice kavo kaya ini ndokuti,"Ok haa tobatana na1 coz paita emergency meeting yekubasa kwangu iyo iri kutanga kuma11 so by 1 tinenge tapedza ndozokwira kombi tosangana mutown.Iri kuitirwa kuno kuMbare saka tichingopedza nezvayo ndouya kutown ikoko and hazvinditorere ten minutes ndinenge ndatosvikako sezvo Mbare netown zvakabatana."Ndakazongonzwa vakuti,"Ok Ok babie,"pafoni pakare ndikabva ndatoziva kuti ndoita kunyan'anya naro gore rino.Ndichipedza kutaura navo ndakabva ndabata mumwe mufesi wangu ainzi Gono uyo aishandira pamalodge ari munaMbirimi kumaBeatrice Cottage makare muMbare akabva andiudza kuti mabase ese ari bhoo uye aisazombova busy sezvo yaizova Monday.Nekuti haaa ukaita munyama yekuda kupoacher mabase aya paweekend specifically Saturday neSunday yacho unozviruza nekuti maroom ese anenge akamanga.Mazuva iwayo unoona mhando nemhando dzevanhu vamwe vacho vanotonyadzisa kutaura nezvavo sezvo vaine zvinzvimbo kana kuti zvigaro zvinoremekedzwa munyika.Zvinoti madhara aya aya ematumbu asingakwanise kuona tsoka dzavo kunyangwe vakamira,ndinoreva vaya vane masoseji kugotsi,vanenge vachitopinda vachibuda netwumasweet 16 mumalodge iwaya. Ndapedza kutaura naGono uya achisimbisa masinhi ndakabva ndamborova twumarounds muma4th sezvo ndaida kupa Berna mukana wekuti adzidzise vapfanha vake vemaextra lessons mumba akadzikama.Mwana waamai vangu uyu aitsemura gwazh zvekuti ndaitoda kuti apfuurire mberi nechikoro chake kuBotswana kuya kunyangwe paiva pasisina hope yekuti zvichaitika.Zvaitondirwadza kumuona achishungurudzika kudai apa yaiva nguva yevacation.Zvisinei ndiri muna4th muya ndakatomboona mumwe mufesi wangu ainzi Kodza uyo aiita basa rekugadzira mairon ndikabva ndatora iron yangu yaaiva asota ndokumusiira chipondo chebasa.Ndakudzoka apa kwasviba Mai Chipo vakabva vapinzira foni vachiti,"Ndambonzwa uchiti kune malodge ikoko anoita mari?"Ini dhuu aa ndiwo mukana wekutomborovawo twumacoin saka ndakabva ndati,"Haaa its $10 per hour babie."Apa ndichitoziva zvangu kuti i$5 bedzi ivo ndokuti,"Why are they so cheap kudaro?Anyways I will cater for that swty."Ndakangosekawo imwe iyaya ndikatomborova kachipiyaniso kekutenda midzimu yekwangu yaigorindiwanisa majackpot akachipa kwazvo.Ndasvika kumba ndazorara pava paya,Mai Chipo vakatanga kutondinetsera kuti vaitoda night neni asi ndakavarambira ndichivaudza kuti Berna aisafanirwa kurara ega mumba nekuti aitya kwazvo.Pavakangonzwa nezvaBerna vakabva vapeta muswe wavo ndokubva vasiyana nenyaya yacho. Musi uyu wakandinonokera kuedza uye murume wese anokwanisa kundipupurira kuti kana wapromiswa zviinhu zviya uchzviida zvako haurare zvekumhanya.Nokudaro mangwana kuchingoedza ndakafara kwazvo Mai Chipo pavakandikoka kuti ndidye kavakati kastarter navo vasati vauya apa kwaitova kuma6 makuseni asi zuva ratobuda kare.Vakaita kusenda nekapic kaiva nebowl racho ndikangoti *tiri kuuya๐Ÿƒ๐Ÿปโ€โ™‚* ndichimhanyira kunogeza zvangu.Takaparadzana zvenguva iyoyo vachitoti vakunogeza ini ndichinogezawo bvavazondifonera vapedza kugeza vachiti vakutochinja vozoenda kumakombi aiuya kuno.Hey zvanga zvakatooma nekuti vaindiudza every detail rezvese zvavaiita and I felt loved then.Inini ndakangotiwo ndichipedza kugeza ndokurova kacasual kangu mutsoka ndakatsikirira maRebook angu andaiva ndakambounzirwa naBerna pane imwe vacation.Ndakabva ndaenda paNjere ndokumbosheedzera makombi nemafesi angu zviya zvekufambisa nguva,Mai Chipo bvavazofona kuma11 vachiti vatova paline remari kuMoneyGram ini ndokuita yandaiva ndichiita kusvikira nguva dzemeeting dzakwana ndikabva ndagara paKadoma peimwe kombi yemufesi wangu iyo yakandisvitsa munaMunyanda St umo maiva nemba yaboss vangu yaishandawo zvekare sebackyard garage remakombi edu. Meeting yacho yakatanga kumahalf 11 sezvo ivo Boss K's vakanonoka kuuya. Murume uyu aitongoda formality nepayaisakwana,shuwa,nekuti hazvina musoro kuti aipedza nguva achitigarisa pasi iri riri business remakombi ko kuzoti kudai kwaiva kana kuaviation industry vaitoswera zuva rese nesuka nekuti haaa mudhara uyu akandibhohwa zvekuti ndakatomboda kusimuka ndichimupa gwati.1 dziya dzakachaya achingotaurisa apa babie ranga rakungofona ndichingoricutter ndichirisimbisa kuti ndakutouya.Chaindibhohwa ndechekuti makombi ekumaraini kwebabie rangu aizogumisira kufamba kuma4 zvekuti aizoshaya kwekuenda kuri kuti 4 idzodzo dzaizochaya achiri muHarare.Haaa ndakaita sendichamukwichura mudhara uyu pahuro achingotaura nezvimwe zvisina musoro apa aiva akaomera zvekuti hatina kana kumbonwa mvura chaiyo pamusangano uyu.2 dzichiti pfee ndipo paakazonditsunhura zvekuti paakangopa mashoko ekuti meeting yapera handina kuda kuzombonzwa zvekupenga kana kumirira vamwe.Ndakabva ndabuda ndiri bara ndakananga pane kamwe kashade kevamwe vainzi Mai Junior vaiita basa rekutengesa sadza.Vakabva vatotanga kuronga ronga ndiro dzavo kuti vandipakurire sezvo ndaidyirapo mazuva ese kazhinji ndiine kombi yebasa asi musi uyu vakashamisika ndichiti,"Haa sadza musandisote ndipei pondo cash ndiri kuda kukwira kombi paitika kaemergency mutown."Vakatarisa chiso changu vakatoona kuti ndakamira negumbo rimwe sejongwe ndokundipa zvimadhora zviya zviviri zvesimbi ini ndokutocharika ndichiita Cashout Transfer ye$2.40 muAgent Account yavo sezvo vaiita zvekare zveEcocash vachiponda vanhu ma20%. Ndakaita kunonzi kubhururuka ndakananga munaMazorodze paStar FM paya bvandambomirapo kwechinguva nekuti makombi ese aiuya apa aiuya akazara.Pakazongoitawo imwe yaibva kuZengeza ndikabva ndabhadhara 50cents panhu pandinosikwira ma25cents nekuti ndanga ndakutofarisa.Ndini uyo mutownaz apa babie ranga rakuti raane nguva rakandimirira muChicken Inn iya iri panaCorner Bank/Chinhoyi St.Kombi ichisvika paMarket Square ndakabva ndazosangana nebabie paGulf apa rakanga rakaita kunonzi kufuta nehasha richidikitira muviri wese sezvo kwaipisa.Ndakarisofta dzamara takwira kombi yaienda kuGlen Norah iyo yakazotisvitsa paStar FM zvekare ndokupinda munaMbirimi.Tichisvika pamalodge aya takapihwa room yedu yaiva yakanaka babie bvarandirayira kuti nditore mari yelodge yacho mupurse maro ndokuona purse yacho ichitadza kufema nemabond aivamo.Ndakangovhomora mapondo four aivamo nezvimacoin zviviri zvimadhora zviya kuti ikwane ndokubuda zvangu panze ndichitwonya imwe five then imwe yacho bvandaipa Gono vakabva vasekerera nekuti aiva mashura kuona munhu anobvisa five yakakwana pakati peweek kudai.Ndichidzoka kudai haa simbi yaitova mucheek asi yakaramba yeke pekutanga ndikangoti ese machena mazai ehanga ndichidya haranga yamambo ava vaiva kuNigeria.Mmmmm ndakakwesha Mai Chipo ava handidi kukunyeperai hama dzangu apa hey she looked hot vari naked.Ukavaona vachifamba vakapfeka hembe unotongoti zvipiko magaro enyoka,asi ukavaona vakafunurwa kudai unoita seuchapinda mavari kakawandisa semapindire anoita 1 muna 2million tichishandisa concept yedivision.Aaa vanga vaane nguva zvedi nekuti mmmm ndakanakirwa kunga ndichapinda mavari zvekare nemuviri wangu wese kkkkkk.Haa tichipedza kusakura ndima yekutanga takabva tambogara tichitaura nyaya dzamara ndazongoti,"Mmm babie tinozodya time dzevanhu pano vakazoti vakuda mari yerimwe awa zvozokuomera." Apa inini ndaiva ndakatoleza zvangu mubirthday suit asi panguva iyoyo ivo vanga vakangopfeka bra nechivharangozi.Vacchinzwa izvi vakabva vati,"Tora imwe mari uvape dont worry."Ini ndokusimuka paya ndokuvhovhonora ten mari mushure ndokupfeka hembe dzangu ndokunopa Gono pondo ndichitwonyazve imwe 8 ndichiti,"Haaa babie ranakirwa neni mukati umo chibaba saka ndakuwedzera imwe pondo iyi tityore chimwe chihour."Ndakatoona Gono vaya vachitambira mari iya vachiizhinyurira zviya zvekusimbisa level racho ini ndokudzokera mukati makare ndichirova kastep kechimhene nekuti ndaiita sekunga ndini ndiri kubudisa mari yacho.Haaa pechipiri ndakapinda yakadaro hama dzangu handikunyeperei uye ndakasiya Mai Chipo ava wava First Lady in my Republic of Kunakirwa. Haa tichipedza takangotyora zvenguva shoma apa 4 dziya dzakabva dzakwana vakazofonera imwe married cousin yavo iyo yaigara kuKuwadzana vachiikumbira kuti vasangane nayo mutown kuti vazonorara kumba kwayo ikabva yabvuma.Naizvozvo takazobuda kumapast 4 ikoko ndokuvaperekedza kusvika mutown.Tichisvika cousin yavo iya yakabva yavafonera ichitoti iri pane chimwe chishop chiri opposite Chicken Slice Mbuya Nehanda saka takabva tafamba tichiendapo tese apa ndaisatomboda kuonana natsano vaya sezvo zvaizogona kumutsa chimoto apa ivo Mai Chipo vacho vanga vasingachade kusiyana neni munongozivawo zvinoitwa nevanhukadzi kana vanakirwa nemunhu.Nguya yacho yaiva yepeak hour saka panzvimbo iyi paiva nevanhu vakawandisa kwazvo asi ndakatarisa tarisa ndokuona cousin yavo yakatomira kumhiri kwedu ichiedza kufona kuti inyatsoona kuti Mai Chipo vacho vaiva papi.Hameno kuti chakaita kuti ndione murume uyu asati ationa chii nekuti pandakazonyatsotarisisa ndakatoona ari Honest zvake uya wekupurazi kwaMiddy.Ndaona saizvozvo ndakabva ndaoneka Mai Chipo zvavasina kunzwisisa ndokutsakatikira mugurumwandira ndakananga kuCopacabana... *Mai Chipo* Aaa Tatenda uyu ndakamufarira weduwe uye akandisvitsa pamwongo nekuti ndaiva munhamo chaiyo.Shuwa kugarira paguyo sembwa ndichigarira murume anouya kamwe chete pagore.Zvino zvatakasangana kudai akabva acampaigner zvekuti musi watakaparadzana uyu ndichizoenda kwaHonest mwana wababamukuru vangu,ndakasarosvikako ndakutoudzana naTatenda wacho mashoko erudo akadzama. Aaa takazochovha zvimaweeks tichidanana dzamara azondichemera pamusana pehanzvadzi yake ini ndokumira zvangu kutenga motokari sezvo sprinter riya ndakazoguma ndava naro.Mari yese yaibva kusprinter riya iro rairova Harare-Nyamapanda ndanga ndakuiunganidza ndobhadharira Tete Berna mari yavo yekuchikoro kuBotswana nekuti hanzvadzi yavo yaiva yakandikoshera.Tatenda ndiye akatozoguma akudriver sprinter riya akaita semushandi wangu ini ndichitoziva zvangu zvese. Zvino rimwe week rataizova free tese takambofunga kunotetena finance tiri paVic Falls.Ndakanyatsobooker kweweek rese paElephant Hills Hotel iya iri paโญโญโญโญโญpekuti unenge uchingokweshana mashoulders nevarungu mukati imomo. Tazoendako uye takati tagarapo kwemazuva maviri bedzi Baba Chipo vakabva vafona makuseni sezvavaingoita mazuva ese ini ndokuti,"Aa tamuka zvedu zvakanaka kuno kuri right daddy.Hameno kuti mamuka sei ikoko imimi baba amwana?"Panguva iyoyo ndanga ndakatomonera zvangu chitauro chichena ndichingobva kumuka apa Tatenda aiva akatozvambarara zvake pamubhedha achibaya baya foni yake achinzwa zvese zvataitaura sezvo foni yangu yaiva paloud.NdakazonzwaBaba Chipo vaya vakugeza pahuro pavo mushure ndokuti,"Kuno kuri right vasikana ko vari sei babamunini vangu ikoko kuhotera kwamuri?"Ndichinzwa izvi ndakabva nda.... Makaita sei nhai Mai Chipo? End of chapter kkkkk Watch out for chapter 21 [24/09 19:51] Dr Maxx๐ŸŽ“: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 21๐Ÿ–ค๐Ÿ’œ๐Ÿ’—๐Ÿ’œ* *Tatenda* "Babamunini vapi vamunorevawo imi Baba Chipo?Ndakasotii netsika yenyu yekudhakwa muboora iyoyo?Shuwa nekunyika isiri yenyu modhakwa kudaro after all makuseni kudaro kuraiwo imi kkkk."Vakabva vadaro Mai Chipo vachitaura pafoni ipapo vachifamba famba,vachinditambisiririra karurimi kavo zviya zvekutsonya zviya.Panguva iyoyo vaitotaura vachiseka sekunga paisava nenyaya svinu asi chiso chavo chakazoshanduka Baba Chipo vaya vati,"Aaa hantie maane two full nights muri mese navo muElephant Hills unofunga kuti handisi kuzviziva kani?"Ndakaona Mai Chipo vaya vaerekana vagara padressing table apa vakaita zvekumanikidzira kugara kwacho zvekuti mahips avo akabva aita zvekuungana ipapo twuziya bvatwatanga kusinina pahuma pavo nepangu vachibva vati,"Its not what you think sweety so let me expl..."Havana kuzopedza muromo iwoyo vadimurirwa panzira naBaba Chipo vaya avo vaitotaura zvavo vakadzikamira vachiti,"Explain?Uri kuda kutsanangura chii ipapo?Shuwa ndingashande basa riri risky pedyo nesea iwe wodya mari yangu uchiita zvemavacations nemaboysfriends ako.I want to teach you a lesson you bitch!!"Vakazopedzesera vaita zvekusheedzera nehasha zvekuti ini ndakatonzwa mudumbu mangu makudairirawo ndokubva ndasimuka ndakananga kuwardrobe uko ndakanovhovhonora rimwe jean rangu ritema raiva nemabvaru bvaru pamberi paro pamwe net-shirt yangu yeblue yaiva yakanyorwa kunzi Nike pamberi payo zvekare. Ndakazvipfeka kunga ndaiva ndakabairirwa patransformer yepaHwange Power Station zvekuti Mai Chipo pavakazopedza kunetsana nemurume wavo pafoni ndanga ndatomira nekachikunwe kamwe kuti ndirove pasi nekuti mukati umu manga makupisa zvisingaite.Baba Chipo vacho vaitotaura kunga vaitova nesu mukamuri mataiva imomo.Pandakangozvibata bedzi ndakabva ndatoona kuti kutiza kuri nane panguva iyoyo apa ndanga ndatovhiringika.Takabatsirana kutsvaga masurveillance camera muroom umu naMai Chipo vaya asi takangoona machira chete.Semunhu aiva nekaruzivo kemafoni ndakambotarisa kuti mafoni edu haasi pasi peany tracking system here,asi hapana chandakaona izvo zvakatipinza musnow tese.Inini ndanga ndatopfeka zvekuti ndirove pasi zvangu asi ndakambomiswa naMai Chipo avo vakati,"Aaaa kkkkk do you think kuti kuri safe here kunze uko?Hantie wazvinzwawo vachiti isusu taane two nights tiri muno.Who knows zvimwe vatori pano apa iwewe ndipo pauri kuda kutobuda pakadaro mmmm pakaipa."Ndakabva ndambogara kumapeto kwemubhedha ndichikwenya dzoro rangu mushure ndokuti,"Shaa hapana kusiri kufa nekuti tatoonekwa kare saka zviri nane kuti nditize zvangu now.Zviuya zviri mberi dear."Ndakaona Mai Chipo vaya vachiratidza kuti vapererwa,rurimi rwavo ndokuita serwaiva rwakasungwa mbiradzakondo vakabva vamhanya mhanya ndokutora purse yavo.Vakabva vaivhura ndokunditambidza $200US vachiti,"Ok kana neni ndatopererwawo sweety kkkk pamwe tiri kutoonekwa now aa hameno.Zvowoita ka chibuda ubve pano now,chinouya chinoona ini kkk."Vakadaro zvavo Mai Chipo vachiseka nhamo kunga rugare apa vachitaura nenzwi rechicomrade ini ndokutambira mari iya ndokuoneka ndichirova pasi. Chakandishamisa ndechekuti handina kana kumbosangana nedambudziko kubva pahotera apa kusvikira mudhorobha reVi Falls umo ndakazokwira rimwe Greyhound raitofamba zvaro kunga hybrid yerwaivhi nekamba.Ndakasimuka kubva muVic Falls umu nguva dzichiti 0935AM ndokubairira zvangu maearphones angu munzeve ndichiteerera zvangu Old School Hip Hop yaTupac.Ndati chovhei anenge maawa matatu ndirimo ndakanzwa Tupac uya amira kurira iri call yaChihera yaiva yapinda ndokutotanga vachiti,"Tatenda ndakasoti undifonere paya ukazoita sei?Kubeni ndiri kuda kubhuye newe nendaa yemwana wako nditori muHarare now iwewe uripi dhiya?"Ndakamboita kachinguva ndakanyarara ndichifunga zvekunyepa ndikazoti,"Muri sei Chihera?"Ndakadaro zvangu maune ndichida kuedza kutiza nyaya yaiva pachena ivo ndokuti," Ndiri right hangu dhiya saka watii nenyaya yedu uye where are you now?"Ndakashaya kana nechekupindura apa uone nyaya yacho yaaida kuti titaure nezvayo yaisava nyaya yekutamba nhodo kana pada nayo saka semunhu aiva agumirwa ndakazongoti,"Ndiri kusvika manje manje muHarare topedza nyaya yacho."Ndakazovharisa call iyi ndichivachenamira kudaro,munhu wepi anoda kuuya netwunyaya twunofizura ini ndiri murufuse kudaro.Ivowo Chihera vacho vaiva natwawo shuwa ungachengete nhumbu iri controversial kudaro,aaa nxa mxm vakadii vakasoibvisa kare semunhu agara ane mari dzake pane kuda kutisokosa nezvisina basa.Vaona kuti ndavavharira panze vakamboedza kufona kashanu kese ndisingadaire zvangu ndikatozoguma ndarestricta number dzavo nekuti vanga vakutonditadzisa kunzwa Tupac wangu.Ndati garei garei ndakaona vapinzira ziessay remessage kuWhatsapp kwangu vachindituka zvekuti ndakatomboda kumisa bhazi kuti ndimborutse mashoko makukutu andaiva ndapukurirwa naChihera pafoni.Zvimwe zvacho zvandakatukwa hazvitaurwe pane vanhu and every word ravaishandisa raiva nehudzamu hwekuti waiti ukadzamisa pfungwa waiona seuri kurohwa pamoyo nezisando rine zvipikiri.Nyaya yainyanyonetsa ipapo yavakadzokerera kanenge kanomwe muchituko chavo ndeyekuti ndaiva ndakavadzingisa basa nepamusana pekuti vaida kushanda nyaya dzangu.Vanga vakanyora nemamwe mavhoko ekuti ndakatomboshandisa dictionary remufoni mangu kuti ndione kuti anorevei.Ndipo pandakabva ndazivawo kuti *nincompoop* zvinoreva kuti zibenzi remunhu.Ndakagarisika mubhazi imomo apa maiva nefree wi-fi,ndakaongorora message iyi ndikaona kuti yaiva yekundidenha kuti ndiite hasha ndozoguma ndataura navo bedzi saka ndakabva ndavablocker zvese paWhatsapp nepamweya.Ndanga ndisingachade kutandadza zigadzi iri nekuti matambudziko angu anga akutoita gumi pazana uye ndini ndaizokuvara nekumaoffloader ndega kunga rori riya rinonzi tipper. Nekunanaira kwaiita bhazi iri ndakazosvika pazuva rakatevera kuma4 makuseni seni.Ndakaita rombo rakanaka nekuti rakabva rasvikira paMbare Rank apo paitova pedyo pedyo nepamba pedu.Ndichingodzika kudai ndakabva ndatomhanya kumba kuya uko ndakatosvika mukadzi walandlord achitoita zvake duty rekuzora Cobra paslab iyo yaiva yakatenderedza pamba apa pese.Zvaitoratidza kuti amai ava vaiva vasobvirira kare nebasa ravaiva vachiita iri nekuti vanga vatosarirwa nekanzvimbo kadiki diki kuti vapedze basa ravo.Vachindiona vakabva vagomera vachisimuka vachiswatanura musana wavo apa maoko avo ese akazara cobra.Amai Mumu ava vaiva vechidiki zvekuti ndakatombonakirwa neminyatso yavo yanga yakadhindikira pachifuva chavo apa vanga vakapfeka chibaggy t-shirt chered chekurarisa,kudzasi vaiva vakasunga tauro rekuberekesa mwana wavo apa bvudzi ravo raiva rakapfonyedzerwa mune chimwe chipulling socks checoffee brown chavaiva vakapfeka.Mazuva aya,murume wavo aishanda panight kuPepsi iya iri munaMazorodze ndikabva ndatombogaya kurova chiraid asi ndakazorasa pfungwa iyoyo kwakadaro patakamhoresana mushure vakati,"Ndine tsamba yenyu yakauya nemapurisa nezuro and hatina kumboivhura itori muenvelope mayo,regai ndinoitora."Takabva tatoparadzana ipapo ivo vachipinda mumba mavo ini ndichifamba ndichinopinda mangu.Vakazouya papera kachinguva ndokundigogodzera ini ndokuvarayira kuti vapinde zvavo mumba mumba,ivo kana kumbonyarawo veduwee. Haaa inini ndaiva nezviwindi hama dzangu nekuti ndakabva ndatombosiya zvetsamba iya ndokuvajumha kiss vakavarairwa apa vanga vasina kana chii mukatii,ndiye pfee Bindura-Harare,Bindura-Harare,Bindura-Harare apa ndanga ndakaita zvekuvagarisa pamakumbo tiri paedge pemubhedha dzamara tapedza apa kaingova kaquick counter attack.Haaa hama dzangu musangaone vakadzi vachipesuka pesuka mumigwagwa umu,vazhinji vacho vanenge vatori panzara nekuti haiwa Mai Mumu vakandishamisa apa.Varume sakurai mapurazi enyu mudzimba umu,vanaTatenda vazere.Zviri nane kuti usaroora kana usingakwanise mutambo wacho nekuti hey vakadzi vanoukoshesa kwazvo.Inini pachezvangu ndairarama life yemucimena chaiyo uye ndaiva ndazozvinyanya.Ndichipedza naMai Chipo paya vakabva vatobuda apa kwanga kwakuita kuchiita kakuchenerera mashambanzou achipera. Ndakatozovanzwa vachinyepera kuimbirira panze vachiita basa ravo vachifaririra ndikatozozvitutumadza nekuti ndaiva ndaponesawo mweya waMwari dhuze vanga vaane kana mwedzi mitatu chaiyo vasina kumbosvitswa kudenga rechinomwe naBaba Mumu.Asi ii hameno zvevakadzi vechidiki vemazuvano izvi hazvinzwisisike nekuti Baba Mumu vaisaenda panight kakawanda wanda.Haaa inini ndanga ndakuitawo zvinobhowa,kungoti pese pese ndapinda ende ndaiva nelucky risingaite nekuti pamagame angu ese andaitamba handina kumbobvira ndarohwa kana nesicki kana yekungoswinyiwa bedzi.Zvisinei chikamu ichi chati hwaa ndakabva ndapinda pachikamu chetsamba iya yekupolice.Ndisati ndaivhura ndakatoona chidhindo chepaMbare Police chiri pamusoro payo ndikatomborohwa nehana iya yekuti chava chii zvee. Ndakaivhura ndokuiverenga kudai wanike itsamba yaindiraira kuti ndiende kumapurisa kwacho kuti ndizotarisane nezvenyaya yemaintenance asi mutsamba umu hamuna kujekeswa kuti yaimbova maintenance yaani chaizvo.Ndakaanalyser ndikaona ndega kuti mapurisa acho anenge anga atova nezvimazuva achinditsvaga zvekuti panguva iyoyo hope dzese dzakatomboti hwaa apa ndaiva ndakadzikoka kubva ndichiri mubhazi muya.Nokudaro 8 dzakasvika pakuchaya ndakavhura maziso angu kunga mahazards emotokari,ndokuzoenda zvangu paMbare Police paya apo ndakasvika nekutobvisiswa bhutsu mushure ndokutokandwa mumacells.Cell randakandwa mariri nderiya rinonzi rinonetsa nezvipoko paMbare Police pakare apa ndini ndega ndaivamo panguva iyoyo.Pakazotanga kuuya vamwe vari ma1 1 apa zuva rati kwirei,ndipo pandakazosheedzwa ndichijekeserwa kuti ndaiva ndasungwa nenyaya yekusabhadhara maintenance yevana vangu vaviri Shingirai nemumwe akanzi anonzi Tonderai uyo wandaisatomboziva apa pamapepa pacho Judy aiva akatopa statement rekuti ndaiva ndakatoita mwana iyeye naye.Kkkkkkk vakadzi imboko dzimwe nguva hama dzangu,ndakatombolachuka nesetswa mucharge office muya ndichitorwa mastatements ndichitogaya kuti pamwe ndiri kurota zvekuti ndichigere kuzomuka zvangu.Mastatement angu atorwa ndakabva ndatombovharirwazve mukati asi ndakabva ndazivisa vanaBaba Mumu parunhare kuti ndizvo zvaivapo vakabva vauya vese nemukadzi wavo vachindipa sadza nePfuko Maheu aya ari muchigubhu chichena,ndikangonwa maheu bedzi nekuti sadza riya nemazitye zvakatadza kudzika pahuro nekuti ndanga ndisiri kuziva kuti kumberi kunei. Nyaya iyi yakarohwa mudenga mudenga zvekuti after lunch yakabva yapinda seinitial matter mudare repaMbare Police pakare,muchuchusi ndokutondipomera mhosva yekuti ndanga ndaane dzinenge 14months ndisingabhadhare mari yemaintenance yevana vangu iyo yanga yatova nearrear yaikwana iyo kuita $2800 sezvo zvainzi ndaifanirwa kubvisa $200 pamwedzi wega wega pavana ava vese.Ndakatsika madziro nezveyaTonderai uya asi ndakanzwikwa nani?Zvaitoita kunga Judy wacho aiva arara nevarume vese vaishanda padare apa kuti ndikomererwe kudaro.Ndakatomboda kuzvipukunyutsa ndichiti,"Changamire wangu gwaro rwemaintenance yevana ava ndariona nhasi uye kare kese aka ndaisamboziva nezvaro.Zvekuti aimbova mukadzi wangu uyu akamboenda kucivil court achifambira nezvazvo handizvizive ini ndatotanga kutozvinzwawo nhasi asi ndiri kuona sezvisina kunakirawo kudivi rangu."Ndakadaro ndichichema chema asi Changamire vacho vakabva vasvisvina chiRungu chavo muturikiri wavo ndokuti,"Asi gwaro iri makuriziva zvenyu ka?"Pandakangobvuma kuti ndairiziva ndakabva ndatozvisungirira ipapo ndikazodemba demba nedare dzamara randinzwirawo tsitsi ndokundipa mavhiki matatu bedzi ekuti nditsvage mari iyoyo apa Judy aiva akatomirawo mudare imomo achindikomerera,akaonda apa ganda rake rese rakazara zvimadzvanga madzvanga zvitema zvichiratidza kuti anenge aiva akatomborohwa nedenda reherpes muviri wese. Nyaya yangu yakazoguma kutongwa musi iwoyo ndapihwa free bail asi ndakarairwa kuti ndizviratidze kumapurisa kaviri pavhiki,pamavhiki aya matatu as part of my bail conditions.Mari iyoyo ndaizoionepi apa ndanga ndisingachashande,kwaBoss K's kuya ndakasiya ndavatuka ndichifarisa nesprinter raMai Chipo manje ivo vanga vasingachabatike apa mumba manga musisina chekubata ukuwo Berna ari kutoyemawo nekoko.Ndiye munhu wandaifanirwa kusasiya iyeye nekuti kumavarsity uku vanasikana vari kunyengerwa chibox chemaCorn Flakes nevanhu vasina tsitsi.Naizvozvo ndanga ndakuloader makombi paNjere ndichiti twandinenge ndawana ndotwuunganidza ndotumira zvangu mwana waamai vangu.Handina kumbobvira ndamuudza mamirire ezvinhu kuno nekuti ndaigona kuzokanganisa kudzidza kwake saka pese pataitaura pafoni ndaiita sekunga zvese zviri mugwara. Zuva redare parakasvika ndaisava kana necent zvaro randaiva ndaraiser saka the magistrate had no choice but to throw me behind bars for 4 effective months paChikurubi Farm Prison zvichinzi Mushonga wengozi kuiripa-Mushonga wemaintenance kuibhadhara!!!!!!๐Ÿคฆ๐Ÿผโ€โ™‚ *Mai Chipo* Paya paya ndakazotenderana naTatenda kuti aende zvake although it was a half-hearted decision.Ndakazosara ndega ndichishushikana ndikazoenda kunogeza ndokuita awa rese ndakazvinyudza mutub kusvikira mafuro aivamo akutodziiswa nebody temperature yangu.Pandakazobuda ndakanopfeka hembe mukati muya ndokugadzirira zvangu kuti ndinoona mhuka kugame park kuti zvimwe ndifurwe nemhepo.Saka ndazobuda kudaro ndakaendako kugame park kuya wanike pamain gate repo paitoshanda mumwe mufesi ainzi Prince Taungwa uyo aitova shamwari yaBaba Chipo.Vaiva vakasodzidza vese from Form 1 to Form 6 paChinhoyi High vakazoparadzana nekuda kwemacareer akasiyana avakazosarudza pamunhu ega ega.Izvi zvaireva kuti ndaiwanzoona Prince kana Baba Chipo vari kuno uye aisashandira panzvimbo imwe chete zvekuti waiti ukanzwa kuti mwedzi wakati vari kushandira kuGonarezhou umwe wacho unogona kuzonzwa kuti vakushandira kuHwange National Park.Zvino apa ndanga ndangoonana naye paVic Falls pakare uye semunhu aiva akangwarisa ndakabva ndaziva kuti ndiye aiva akaleakisa paper rekuti ndaiva nemunhu wandaiva naye muapartment mangu. Ndakamunyika muSta Soft dzamara azodura zvese achitoti ari kurwadzirwa nekubata kwandiri kuita sahwira wake ndikabva ndamuonesawo divi rangu.Inini ndaisadawo kurasikirwa nemarriage yangu uye zvese zvandaiva ndasangana nazvo musi uyu zvaiva zvakonzerwa nekuti ndaiva ndakakanganwa mumwe muteuro wangu wandaifamba nawo pese pese uri mukajira kegreen.Ndakaita lucky rekuti Prince wacho haana kumbobvira atumira video evidence kana picture evidence yegame rangu naTatenda saka ndanga ndakuda kumunyengerera kuti audze murume wangu kuti aitamba zvake paakamudza madhiri acho.Ndaifanirwa kuchera rimwe gomba kuti ndivhare rimwe gomba saka ndakazotoguma ndapa Prince wacho sinhi musango imomo maiva nemhuka asi pandakapedza Baba Chipo vakabva vafona futi vachiti,"Aaa you have done it again nefriend yangu."Iiii ini ooooo apa Prince uya akati achingopedza neni akabva angotsakatika achidzokera pabasa pake sarei ndega musango muya ndichishushikana kwazvo zvese nekutya.Ndiri mupisha pisha iya ndakanzwa mitsindo ine simba ichitinhira kugotsi kwangu ndokuti tendeu kudai ndiye mahwekwe nemukono wechipembere wakachaja uchiuya kwandiri ini ndokuvhara meso angu nemaoko angu chikabva cha...... Chakaita sei nhai chiblaz ichi๐Ÿฆ End of chapter Thanks for paying Watch out for chapter 22 [24/09 19:52] Dr Maxx๐ŸŽ“: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 23๐Ÿ’–๐Ÿ–ค๐Ÿ’—๐Ÿ’œ* *Chihera* Musashamisike nekushaikwa kwetitle yekuti Detective pazita rangu nekuti basa rangu rakatondiperera peya madhongi ane nyanga achikuma.Zvino ndanga ndachiti tende kugara pamba pemurume wangu mutsva ende munhu wese aifanirwa kutondiguta onwira mvura nekuti type yedu iyi ukangokaruka waimedza bedzi hairutsike zvekurumba.Ndisuka vanaChihera vacho simbi dzinodya dzimwe simbi."Titambirei vekucollege inga madzoko ende madzoka masimba kunenge kwaifaya bedzi."Ndakadaro zvangu ndichinombundira Tatenda wangu,ko ndaitadza iye aiva baba vechisikana changu kunyangwe zvazvo ndaiva ndakamutsvaira ne10 good years.Tatenda akaramba akati tuzu ndikaita sendaiva ndakambundira chitsiga chemuti nekuti pachokwadi munhu wese wese aishamisika bedzi akaona zvaiitika ipapo.Nofunga akatombogaya kuti ari kurota asi akashaya shuma yazvo paakatondiona ndakumuita feel at home ndichimutambidza chimwana chake chandaiva ndamboradzika pasi ndichimumbundira.Ndakaona akachitarisa chobva chasekerera apa chakafanana nesu tese sezvo chaiva nemuromo wezasi wangu pamwe nemuromo wekumusoro wababa vacho.Ndinonzi Chihera ka ini nenzeve ndanga ndatochibooresa chiri chidiki kudaro zvekuti musi iwoyo chaitova netwumitsvairo pamaburi enzeve dzacho kuitira kuti dzivhurikire."You need some rest dear tozotaura later."Ndakadaro ndichimupa kiss yepadama mushure ndokusheedzera musikana wangu webasa kuti auye kuzondibatsira kudzumburudza hembe dzandaiwacha. Ndakaona shewe vachidzungudza musoro vachiparadzana neni vakananga mumba ini ndokuvahakachura vasati vatombokwira masteps aya ndichiti,"No no no baba mwana mumba mangu handidi tsvina.Bvisai matakkies enyu ayo nofunga muri kuona kuti matiles ega ega aya ende anorwadza kukorobha."Ndakatanga kutongera chitororo saChihera uye hapana asingazive kuti mumba maChihera hamupindwe kunga mutoilet yepabhawa peya.Tatenda wacho akabva ateerera ndokukurura bhutsu dzake pamwe nemasocks acho mushure ndokutanga kukwidza masteps achipinda mumba.Achingoti pfee mupassage umo mandaiva ndakaisisa mamirror pamadziro ese,ndakabva ndamusheedza kuti ndimuti,"Eee Baba Bhoyi monoonawoka baba venyu vari mubedroom vakaunzwa pano kuswera zuro vachinzi vakangotakurwawo nevanhu vakavanzwira tsitsi kuBotswana kwavaiva.Vakavaunza pano vakangondiudza kuti vakasiiwa nemukadzi wavaigara naye ikoko vakurwara.In fact zvinonzi mukadzi iye akaita zvekuvatiza achivasiya vachiorera mumba dzamara pakazoita manext door akanzwawo tsitsi akazoronga nevamwewo vaivaziva ndokuvaunza pano."Ndakambovhiringidzwa naLeah wangu anga akuchema ndokutanga kumusvusvudzira mushure ndokuti,"Saka pavakaunzwa pacho ndakaenda navo kuSakubva Infectious vakanzi vane chancroid iyo yanga yakutoparira nemumuviri wavo wese vakabva vapihwa mubhedha then mangwana acho anova zuro vakabva vafuma vari nane tikabva tanzi tiende zvavo navo kumba vanonairako.Vane course yemapills acho yavari kutodita saka pavanoipedzerawo vanofanirwa kugwinyazve."Ndakaona Baba Leah vangu ava vakugutsirira musoro kuratidza kuti vanga vakuzvitenda mbijana mbijana dzamara vazotendeuka vachipinda mumba umo vakanoona baba vavo mubedroom mavo apa ndaiva ndakavatsvagira personal nurse aid wavo pamwe naDr Raramai my personal physician avo vanga vakutopota vachiuya kuzomaira murwere wavo ndichivapa chavo cheuviri kunyangwe vaitema zvavo parefu nekuti pese pavaiuya vaindirova chi$50 chisina basa.Mari yainetsa kwazvo mazuva iwayo uye ndanga ndakutokiya kiya kuti ndiiwane asi mhuri yaanaTatenda ndanga ndakuida kwazvo,hameno kuti why nekuti naTete Berna ndakabva ndapfuurira zvekare kuvabhadharira mari yavo yechikoro kuBotswana kwavaifunda.Vanga vanzwa nekucarrer mamodule kuburikidza nekumira mira kudzidza kwavaimboita. Vazhinji venyu ndiri kuzviziva kuti muri kuda kumbonzwa kuti zvakambofamba sei chaizvo kuti ndisvike pandanga ndava apa muraramo yangu.Amaiwee hehehe regai nditange ndaseka kkkkkk!Pandakadzingwa basa paya ndakabva ndanyimwa zvese nemabenefits angu kusanganisira nepension izvi zvakazondibhohwa kwazvo apa ndakanga ndatoziva kuti the responsible minister worked in cahoots naanaMiddy.Chakandibhohwa kwazvo above all ndechekuti wangu murume saMathema raivawo dununu rinosvota.Shuwa kushungurudzwa kwese kwandakaitwa uku harina kana kumbondimiririrawo.Kunyangwe pandakaenda kumatare ndichikwidziridza nyaya yangu since it was an unfair dismissal,ivo havana kana kumboti bufu.Imagine munhu ane influence yakadaro kubva apeta maoko kudaro kusvika pachinhambwe chekuti vaitondisimbisa kuti ndisiyane nazvo sezvo vaizondichengeta asi vaisaziva kuti I dont live his life.One man for himself and God for us all.Ko kudai vaizofa ndaizoraramawo sei ndiri shirikadzi,zvagara hupenyu hwacho hwaiva hwasiyana nehwekare hwekuti samusha ndivo vanobhidhairikira vega mhuri kunze uko mukadzi akagara achingoti maoko bububu mushure mekuunzirwa zvinhu nemurume.Ndanga ndisingambode hupenyu ihwohwo,after all basa rehutikitivha ndakaripinda ndichirida kwete nekubatirwa grenade.How can an army brigadier of his mould fold his hands whilst I was being tormented by the govt like that?Why was he docile towards my plight to an extent yekuti even pandakada kuita zvangu zveteaching yega ndakavharirwa maavenues ese naMinister vaya.Mmmm apa ndaitoiti nharo kiringindi nenhumbu yangu nekuti I was losing patience nxa,shuwa munhu akashandira nyika kubva kuliberation struggle kusvika kuDRC kuma90s otadzawo kana kuhon'era munzeve dzaPresident chaidzo ndisunungurwewo.Haaa takatanga kunetsana zvisingaite nezvenyaya yacho dzamara ndazovaudza kuti ndakatakura mwana asiri wavo iri nzira yekuvarwadzisa bedzi apa ndanga ndatoigofa kuti ndiwane pekubuda napo nekuti musha uyu wanga wakundibhohwa uye zvagara ndiri chimufree spirit saka ndaisada kunyongoshwa zvisina nemusoro wese."Your statement has done justice to the whole problem.Obvious mimba iyi wakaiwana pachibasa chauri kuchemera kuti ndikuitire plan yekuti uchiwane back.Now handichada and I am filing my divorce papers tomorrow."Haaa ndakangoti nechemukati *Dzawira mutswanda hadzichanetsi kuhorera* ende vaiva vagona kwazvo kuteverera legal route zvekuti pasina week tanga tatorambana.Inini ndaisada zvekuzosweroendesana kumatare nemboko iyi saka ndakangoisiira imba yayo ndokutakurisa zvangu zisefa remari yangu raiva mumba umu ndakarinangisa kumba kwevabereki vangu kuYeovil pedyo neChikanga. Sefa iyi yairema kwazvo iri yemhando yeindustrial apa yaiva yakagukuchira $30 000 cash asi yakazangana maBond nemaUSA.Nemari yakadaro mungati ndanga ndisina pekutangira here? Zvandakaenda kumba kwevabereki vangu ndakangogarako zvekumanikidzira uye nenyaya yekutaurisa kwangu vanga vakutondipomedzera kuti ndini ndaiva ndaramba murume ndega.Nyaya yacho yakazokora muto pavakazonditi ndakuvanyadzisa sezvo vamwe vanin'ina vangu vatatu vechidiki vaiva vakatoroorwa vese vari kudzimba dzavo vakagarisika apa inini ndakungodzoka kumba sereturn soldier ndakura kudaro.Zvochiti nhumbu pamusoro pacho it was punishment plus good move ndipo pandakazoti dhuu ndega sezvo ndaiva ndisina shamwari kunyangwe yeplastic zvayo,saka ndakazoronga kutizira muridzi wenhumbu.Hongu mungaseka kuti ndanga ndakupenga here asi maida kuti ndiendepi?Mazuva acho Tatenda akabva agojwa kuChikurubi nenyaya dzake dzestonyeni ndikabva ndaenda kumba kwavo ndokutaurirana nemusoja uya wairojapo apa anga aane zvimwedzi zvinenge zviviri zvitatu asingabvise rent.Ndakamushootira mamovie ndikavava zvekukarobvisa hembe dzese ndofamba ndiri mubirthday suit apa anga akufamba nemacrutches kuburikidza nekubaiwa kwaakaitwa paya achichengetedza Berna.Vanhu vakaungana pambapo ndikapfuta chimoto zvekuti akatombogaya kuti pane pandakatsika dzamara azobvuma kurova zvake pasi ini sarei ipapo ndokutanga kukwenenzvera imba yaanaTatenda iyo yaiva isina kuzoitwa mafinal touches naMiddy uya aidanana naTatenda kareko.Ndakazvibatanidza batanidza zvese uye nekubvunza bvunza kwandaiita Tete Berna pafoni,nyaya dzacho dzese dzakabva dzandiendera pachena sesure yembudzi.Ndini uyo ndapendesa imba zvese nekuliner mamwe magetsi aiva asiri kufamba nemazvo pamwe nekuvakisa durawall zvese nekuisisa sliding gate.Yakatoita imba yekumadale dale apa iri mughetto panze ndobva ndaisa chishade cheNoah yangu iyo yandaiwazoshandisa pakutakura mabhero angu ehembe andanga ndakufaisa from Beira to Manica or Mutare ndiri supplier.Ndakatozotsvaga vakomana vaviri vanga vakundiitira basa rangu especially pandaiva ndakorewa nemimba ndichinyanyoda bed rest.Semunhu welife yepamusoro ndakabva ndatsvagawo ka namaid wangu uyo wandaibvisisa nzara dzangu zuva nezuva ndakagara zvangu padzofa rangu releather tsoka dzangu dzakati nenga pakastool ndichiita kuchinjaniswa nzara zvese nekudzipenderwa on a daily basis.Nhumbu yangu yaishusha veduwee asi ndanga ndachipombonoka zvino.Sometimes mulife unofanirwa kurarama zvinoendera nezvaunoda iwewe zvekuti if living in a hut makes you happy,just do it like Nike๐Ÿ‘๐Ÿป!!Ndanga ndachimira kuti Tatenda adzoke asi ari mukati imomo ndakaita madhiri naChiparaushe who was my erstwhile classmate tiri maForm 6 paSt Dominics pandakadzidza.Ndini ndaimupa mari yekuti awanire Tatenda zvese zvaaida zvekuti kudai makamuona paakabuda maitomboshuwira kupinda mujeri muchifunga kuti mune mafihlongo. $300 iya yaakapihwa naChiparaushe kuti awane pekutangira yaitongova yangu. Tatenda akasvika pakuzvigamuchira kuti ndizvo zvavapo zvikuru sei patanga takugara tese pamba pavo apa.Ndaitova nehurongwa hwekuti twangu twese twukabatana tobva zvedu pamba pababa vake ava totsvaga pedu saka takatanga kubatsirana kusimudza bhindauko rangu remabhero uye raifamba izvo zvakaita kuti ndikwanise kuwana mari yekuvhura kaprivate college kangu kane night school makare muDangamvura.Changamire vekumusoro vakanzwawo kurira kwedu tikabva tawana nzvimbo yekuitira basa iri pachechi yeMethodist in Zimbabwe iya yekuC.Tatenda ndakabva ndamudzimika ipapo saprincipal inini ndikabva ndanyurura maveteran teachers emuDangamvura zvekuti chikoro chakasimba semvumba pasina nguva yakareba chichirarama nekuti kotoro yatakatanga kushanda ichipera tanga tatoone vana vanokwana iwo kuita 400 tichibata Form 1 to 6 zvakasimba.Kupengereka zvangu asi mari ndinotsvaga kunga ndatemerwa nyora.Zichikwereti riya remaintenance yaShingi ndakazoribhadhara rava half sezvo ndakatsvaga gweta rakakwanisa kupatsanura Shingi uya naTonde rikafumura kuti Tonde wacho aisava mwana waTatenda.Zvapera izvozvo Tatenda anga akuzosungirwa kubvisa $100 chete yekumaintainer Shingi wake hupenyu hwedu hwukaendeka huri chamunyurududu chaicho.$100 imari yekuti taikwanisa kuipambara toiwana mumazuva matatu bedzi.Mwana wedu akatozoguma akusara nemusikana wedu webasa tichibatsirana kuchikoro nemurume wangu,ini ndichitsika zvangu Literature In English yepaAdvanced Level zvekuti takatora mari mazuva iwayo.College yedu yakaita mbiri dzikana yakubuda mumanewspaper apa takazoguma tawana stand iya kuArea 3 tichiiservicer zvedu mbijana mbijana.Ndakazotanga kuiservicer zvechimbichimbi mushure mekunga Baba vaTatenda vanga vakuda zvekundifongoresa,kana ndimiwo?Kanga kavafit kamudhara aka kana kumbonyarawo,nyambisirwa ndizvo zvakaiva koorera kuBotswana kachigara nehure apa kaitoti hee hee handisi wezera remwana wako chi chi chi?Hee ita mukadzi wangu kkkkk.Mwana wavo handina kumbobvira ndamuudza nezvazvo nekuti ndaitya kuti zvaigona kuzovapesanisa kusvika muguva.Ini eee baba ava uone ndini ndaitombobvisa madhodhi avo vazviitira nekurwara kwavaiita kuya.Vamwe vanhu vakaoma peya..! *Tatenda* Hanzi ane benzi nderake rikadzana unopururudza.Ndaiva naro shuwa benzi rangu asi raiva rakarongeka.ZvaChihera vasikana,pamwe zvaifuma zvakakwidza pamwe zvofuma zvakanyorovera ndichiitirwa yese inotambika.Haa asi zvimwe nezvimwe ndaiva mujeri kkkk,kana kuChikurubi kuya kunenge kwaiva nane nekuti zviya zvekuti varume vese hee vanohura hazvina kumbobvira zvashanda panaChihera nekuti ndaiti ndikada kuita kana kabhebhi zvaibva zvabatwa kunga vakafemerwa votoenda kumba kwekababie kacho vokashura pamberi pevabereki vako.Pandakazviitirwa kaviri chete ndakabva ndakanda mapfumo muvhu zvekuti ndakaguma ndava murume anoteerera.Of course approach yavo yaiva yakaita yechigandanga but for the first time in my life I became self disciplined,ndikavawo neself control uye ndanga ndisingacharote nezvegumbo mumba gumbo kunze.Chihera gave me hope uye ndanga ndisichade kuvashaya uye vanga vaine pfungwa dzemari nekuti vanga vakurongazve kuti tivhure nursery nepre-school mugore raizotevera riya ratakavhura college.Ndakafarira kuti zvipande zvangu zvemaintance zvanga zvava covered uye hapana chandaishaiwa mulife mangu zvekuti kana muwallet mangu musina mari maitova ne$600 chaiyo.Chihera vanga vasondida kubva ndiri mujeri dzikana pandazodzoka kumba,musi uya wekutanga vakandigezesa mutub ndokuzoenda neni kunogerwa musoro zve$10 mutown,ndikaiswa baravara remari. Zvino imwe Friday,Chihera vakanobatsira umwe mushandi wavo wemabhero uyo ainzi Courage sezvo umwe wacho waaishanda naye ainzi Kranos aiva amboenda kunoona amai vake vairwara kumusha kwavo kwaChigodora.Inini ndakasara zvangu pacollege ndichiziva zvangu kuti kumabhero ikoko Chihera vaikwana kwana sezvo vaiva vakaita kajack of all trades.Zvino vari kuManica vachihodhesa mabhero avo ehembe vanonzi vakadya rimwe bhuru mango ravakatochekerana naCourage vakatombonetsana nekuti ivo vaida divi raiva nemhodzi kuti vazosare vachiisvisvina.Courage akandiudza kuti vakatogeza mango iyoyo vasati vaidya asi zvakandishamisa nekuti Chihera vakabva vabatwa necholera and yekuMozambique inenge iine twuEbola mukati zvekuti uchinge wangobatwa nayo bedzi ipapo ipapo unenge watova half dead,Courage haana kutombobatwa nayo.Ndakatozofonerwa kuma3 ndakupedza basa ndichiudzwa kuti Chihera vangu vatopihwa mubhedha kuMurambi Clinic.Patakaenda kunovaona nababa vangu,ivo Chihera vakabva vakumbira kuti vaonane neni bedzi muexecutive ward mawaiva vega.Vachindiona kudai chiso chavo chakatanga kupenya zvinotyisa zviya hameno zvimwe misodzi yanga yatoita kuzara kumeso kwavo kwese.Vakabva vandibata ruoko rwangu zvine simba ndokushama muromo wavo vachiti,"Tatenda murume wangu ndakusiira zvinhu zvese and please take care of our daughter Leah."Ndakashamisika ndichinzwa vachigwinha gwinha vakabata ruoko rwangu rwuya ndokuzongoti zii vakavhura maziso apa vakanditarisa ini ndokubva nda..... Iiiii wakabva waita sei shamwari? ๐Ÿ˜ฐ๐Ÿ˜ฐ End of chapter *Watch out for chapter 24* [24/09 11:26] Terminator: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 24๐Ÿ’–๐Ÿ’—๐Ÿ’œ๐Ÿ–ค* *Chihera* Ndaiva ndisati ndamboona murume achichema kudaro asi musi uyu ndakapa kutenda nekuti pandakanyepera kuzviomesa sebiltong,Tatenda akaridza zimhere rekuti ndakatomboda kuseka.Panguva iyoyo ndanga ndavakuita zviri nane sezvo ndaiva ndanyigwa rimwe zijekiseni rakambondirarisa kweawa rese ndikazomuka panguva dzakauya Tatenda wacho nababa vake.Kana ndimiwo mungaonawo ndiri mhando yekufa here kana makanditarisa?kkkk ndiri bonga chairo ndine 9 lives sekiti,mungatofa mese muchindisiya ndiripo.Pandakaona Tatenda wangu uyu akuchema zvekuda kutofawo neni ndakabva ndanyepera kuhotsira hotsira semunhu arambwa kunyikadzimu ndikaona shefu vachimhanyira kubaya chimwe chibutton chered icho chaiva cheemeregency chiri pedyo nemubhedha wangu nechekudivi randaiisa musoro. Achingochitinya kamwe chete bedzi muward mangu makabva mazara manurse jahwi pamwe nemadoctor matatu,kusanganisira Dr Raramai vaivapowo.Ndakatanga kuboira maziso ndichikosorerawozve kuti zvityise Dr vangu ndokumwaya mubvunzo kuna Tatenda vachiti,"VaMuswera chii chaitika?"Mubvunzo uyu waiva wakavakoshera sezvo vaizowana pekutangira panhau dzetreatment kuri kuti vanzwawo imwe version naTatenda.Tatenda akatanga apukuta misodzi yake iyo yanga yakutoti mokoto ndokuti,"Mai Leah vangogwinha gwinha ipapa vakabata ruoko rwangu ndokubva vati zii ndikabva ndangoonawo sekufa.Saka pandazotanga kuchema ndipo pavapembenuka.Zvedi glory be to God vanzwa misodzi yangu nekuti ndanga ndapotsa ndaita humburukwa pachena chena ipapo."Munhu wese aiva muward umu akabva ati bvuu nesetswa kusanganisira naiye nyakutaura wacho,ini ndokubva ndakanda kanyemwerero kangu kaidiwa naTatenda kwazvo sezvo ndaibva ndabuda twukomba twepamatama angu ese.Ndakaita zvekumanikidzira kunyemwerera kwacho nekuti ndaiva ndiri kurwadziwa.Marangagwanda angu ese aiva azara nechiveve zvekuti ndaitorwadzirwa kana nekuvhurisa maziziso angu chaizvo.Ndakaona Tatenda akutarisa tarisa pasi kasingaperi nofunga anga akunyara vamwe vanga vari muward makare sezvo Dr Raramai vanga vatiintroducer tese kwavari.Zvaingoonekwa nemaziso chaiwo kuti ndaiva muhombe kwaari asi apa ndakaona kuti he felt bad.After all zvaiva nebasa rei navo sekunga taidya sadza rekumba kwavo.Kudai pakaita akada kubudirwa ipapo ndaimupinza muforo nekuti munomazivaka manurse emuZimbabwe kuti haabvire nekuwanza pamwe nekutsvinyira tsvinyira vamwe zvikuru sei vari pabasa pavo,vanotowana chekudyisa lunch vachiseredzera nemaair pie kana kuti nemutakura wavanenge vauya navo kubva kumba uri mulunch box.Kamwe kanurse kaigadzirisa gadzirisa drip rangu ndiko kakambotarisa tarisa Tatenda wangu neziso riya raiti,"Unoidii chembere iyi,huyai kwatiri imi dzedzi makaneta makaremerwa tiikupei zororo."Aaa mwana iyeye kana kumbonyara iko kupesuka pesuka pamberi pevanhu vese nemazigaro asiri ezera rako,pulling socks yakati nama nama negumbo iri.Pandakaona Tatenda achidyira zvese nekumedzera mate ndakangomupa ziso rekuti kudai zvaibvira aisvipa zvake mate iwayo.Aizviziva kuti yaizova nyaya kumba kudai aizoramba akati takarasima nekamusikana aka.Panguva yese iyi mamwe manurse nemadoctor maviri vanga vatobuda,sarei Dr Raramai vari panyanga vachinyora nyora zvisingaoneke pachikadhi changu.Mushure mekunga vapedza vakasimudza musoro wavo ndokuti,"Hey Mrs Muswera you are very lucky and I would like to thank Courage for getting you down here in a jiffy,otherwise maidai mava chando.Mr Muswera dont worry she will be fine,maseizures bedzi avaita and they are common for a cholera patient.As for Courage tamuisa kune imwe room saka vamwe vangu vari kumuongorora kuti vazomudzivirire against the bacteria nekuti maimmune systems evanhu vanosiyana.Thus,after three days I think vanenge vava right.Tinenge tichionawo kuti vari kuresponder sei kumedication yatiri kuvapa."Vakatsanangura zvavo mazvikokota ava zvekuti waibva wagutsikana kuti vaiziva zvavanoita.Baba vaTatenda vakazouyawo vachindiona and I didnt like how he looked at me.Shuwa kurwera rute pamuroora kudaro,kana kumbondinyarawo kuti ndiri kurwara.Ndakanyepera kunga ndisina kuzviona zvangu kuti vasunungukewo asi ndaiva ndisisina kugarisika muhana mangu varimo kudai zvekuti pavakazobuda nemwana wavo ndakambofurwa nemhepo.Ndakafarawo kunzwa kuti Courage haana kumbobatwa necholera iyi nekuti ndaida kuti adzoke pabasa as soon as inini ndichingobudiswa. Zvisinei ndakazochovha week rese rakazara ndiri muchipatara ichi sezvo ndakazorohwa nekaflue kandisina kunzwisisa,Dr vangu vakati ndaimbofanirwa kumboti garei mukati imomo kusvikira ndagwinya.Tatenda aiuya pamavisiting times ese uye zvaindifadza achindiudza kuti basa raifamba kwazvo uye mari yaipinda kunga yakabhejerwa.Pandakatanga kurwara paya ndakanga ndarayira Tatenda kuti aendese musikana wedu webasa Lucy kumba kwavo,Leah oenda kwagogo vake kuYeovil sezvo ndaisatruster murume wangu zvese nebaba vake.Fanika vari baba vake ndaisambovachenesa kana nepaduku pese nekuti yaiva reza yemurume,ndokusaka ranga roda kufira pakati kuBotswana kkkk.Ini ndagara ndiri munhu asingatolerate nonsense saka ndakatofonera tete vaLucy vacho vaaigara navo tisati takugara naye,kuti ndinzwe kuti asvika kumba kwavo kumaHobhouse here.Pavakangobvuma kuti asvika ndipo pandakapombonokawo izvo zvakandibatsira kuti ndiite kakurumidza kunaya nekuti kurwara uine stress kunoendesa kwamupfiganebwe. Pandakazobuda muchipatara ndakambochovha vhiki rese ndiri pamba ndichipedzesa course yemapiritsi andaiva ndapihwa.Haiwa zvekugara muchipatara kunga thermometer zvaisvota saka pandakazonyatsogwinya ndakatenda Mwari kwazvo.Kuratidza kuti ndakafarira kuponeswa kwandaiva ndaitwa naMwari ndakanopa magirosari paOld Mutare Children's Home.Ndakapa zvinhu zvaiva nehukoshwa hwe$5000 zvekuti ndakatombosara ndakaita kakubroker Tatenda akada kuti pwetere pwetere ndikabva ndamupa mutombo wainderana nesaizi yake akabva ati mbombombo kudzikama.Yaiva mari yake here yaaida kukonorera,handi boxer short raaiva akapfeka panguva iyoyo raiva rakatengwa nemari yangu.Kudai vasiri baba vakarandutsira musi iwoyo ndaidai ndakamuudza magaramoyo ekuti aikungura kuti kudai asina kuzvarwa zvake.Munhu wepi ane moyo wakaoma kudaro nxaa? Chandaifarira Tatenda ndechekuti haaitsamwa zvinoenda kure saka musi wakare takazoswera takutaura tese zvekare.Zvino mumwe musi wakwakafuma kuchiratidza kuti kuri kuda kupisa kwazvo apa iri Thursday,ndakabva ndapfeka kamwe kadress kangu kapfupi ndikabva ndakazadza nemaassets angu.Inini ndaiva chifree spirit saka ndaisava nzenza sezvaingafunga vamwe vese.Mazuva acho ndanga ndakushandira muoffice saka ndakaona zvisina pressure kuti ndipfeke kadhirezi ikako ako kaiva nemitsara mitsara yezebra.Ndini ndakatangira Tatenda kugeza akacharara ndikatozomumutsa ndapedza kugeza ndakuda kuchinja.Akabva amuka ndokunogeza.Achipedza kugeza akabva adzoka mubedroom akasungirira zitauro redu reblue kudzasi ndokumuona anditi ndee ndichirova zvangu podings dzangu ndakagara padressing table.Nemaziflesh andaiva navo mazikumbo angu ese akabva ati yaka yaka pakachair kaya kedressing table ndokunzwa shewe vachiti,"Mai Leah where are you going with such a revealing dress?"Inzwi rake raiva rizere kutonga asi ndakapfuurira mberi nekuisa lipstick yangu ndichizvitarisa tarisa paglass ndokuti,"Ndiri kuenda kubasa neweka ka murume wangu as usual.Is there any problem my love?"Ndakabva ndanyatsotendeutsa mutsipa wangu kuti nditarisane naBaba Leah vangu ava vakabva vati,"Wakatanga rinhi kupfeka like a bitch kudaro.Kurumidza bvisa dress iroro upfeke zvakatsiga!"Pandakanzwa inzwi rekuti bitch,forogonya yangu yakabva yakwira mutarara ndokubva ndati,"Ndazova hure nhasi manje nekuti ndapfeka dress randinoda?After all hantie tinosheya office uye tinoswera tese saka dambudziko rako riri pakuti chii chaipo nhai Tatenda?"Ndakatombira kuzora lipstick yandanga ndichizora ndakufemedzeka nehasha.Zvakandishamisa kuti hasha dzaanga ava nadzo panguva iyoyo aiva ambodzihodha kupi chaiko?Ndakakurumidza kumhanyira kuti pamwe ane kamainini kamunyongosha asi zvakadaro aisafanirwa kupedzera hasha dzake pandiri.Ndichida kuedza kubatanidza nyaya yacho ndakabva ndapihwa mucheka wembama zvekuti makeup yangu yese yandaiva ndamboita kumeso kwangu yakaparara.Twumwe twuface powder twakabva twapinda mumaziso angu akabva atanga kuchururuka misodzi ega.Ndakamapukuta nekuseri kweruoko rwangu rwerudyi ndokusimuka ndiri chibhebhenenga ndichisimudza chichair chiya chepadressing table kuti ndimuparadze nacho.Iye akakurumidza kuzviona kuti angafa ndokubva ati maoko angu dzvi ini ndichiti,"Baba Leah wandiroverei?Hee zvinoroverwa munhu izvozvo here?"Anenge akatoona kuti aisapabuda saka ndakazongoona ndakandwa zikiss rekuti ndakashaya kuti rabva nepi zichair riya ndiye ngondo ngondo kwakadaro sezvo bedroom yedu yaiva hombe.Mmmm ndakabatwa batwa zvandisina kunzwisisa vasikana imi apa ndaisava nechinhu mukati ndokuzongonzwa yati pfee mushure mekunga andiwisira pamubhedha,ndikapondwa nayo zvekuti ndakapa kutenda.Tichipedza takabva tabuda zvedu takananga kubasa apa ndakabva ndabvumidzwa kupfeka kadhirezi kaya nofunga aiva masorry asi hmmm asikana ndakanakirwa.Regai ndikuudzei chokwadi ndichiti ichi ndicho chimwe chikonzero nei ndaisada kusiya Tatenda,nekuti mmmm mwana aitapira zvake iyeye zvekuti ndaiti ndakamumbundira so ndainzwa kunga ndakagukuchira 90kgs dzesaga reshuga.Baba vanenge vakatinzwawo tichinetsana mubedroom medu,ndokubva vabvunza nezvazvo tichibuda tikabva taseka zvedu Tatenda achivaudza kuti taiita chikudo kudo.Takangovasiyawo vachiverenga Herald ravo panze isu tichienda kubasa uko takaswera tichirovana stonyeni muoffice medu.Tatenda aiva neshanje dzaishura nekuti musi iwoyo haana kumbonditendera kuti ndibude panze kuti ndionekwewo nevamwe.Vataishanda navo vazhinji vakatombofunga kuti handipo asi Tatenda aitovaudza kuti ndaiva ndakabatikana nebasa mukati imomo. Mazuva akachovhana akava mwedzi imba yedu iya yekuArea 3 ichivakwa zvayo padiki padiki.Ndisu taizova vekutanga kuisisa swimming pool pamba murokesheni apa tanga taane makombi edu 7 airova City-Dangamvura.Taisada kumhanyira kuenda kuzogara tega sezvo taiva nepataimboiti seya takamirira kuti Maths dzese dzibalance.Hongu ini ndanga ndakufamba nebhora nerweseri kuburikidza nekutya kubhinywa naBaba Tatenda asi zvaisambova muhurongwa hwedu.Zvino imwe Saturday Tatenda akanobatsira vakomana vedu vemabhero kuita basa sezvo vaiva vakawandirwa.Taiva netsika yekuti umwe wedu aimbobatsira vakomana ava kana basa rakati wandei saka panguva iyi chijana changa chava kunaTatenda.Friday yacho ndakabva ndapa Lucy weekend off,zvichireva kuti ndaizosara nababa weekend yacho yese.Pamazuva aiva apfuura baba ava vanga vakuratidza kunga vanga vakugayawo zviri nane nekuti vanga vakundiremekedzawo vasingandikumbire chepakati.Izvi ndizvo zvakaita kuti ndisatye kusara navo zvikandipawo simba rekuti ndiendese Lucy kuoff.Manje masikati eSaturday yacho vakandivinga mukicheni ndichigadzirira kudya kwemasikati apa muzukuru wavo Leah aiva akati nenga kumusana kwangu.Ndakati ndiri pasink ndichigeza madomasi andaida kuzocheka,ndakanzwa sele yangu yakusombonywa ini ndiye tendeu wanei vakuru ava vakatodzikisira kachikabudura kavo vakatogadzirira kubaya ini simudzei poto yemaspaghetti yaiva pagas stove ndokuona vati shoyoyo vachikumbira ruregerero vakatarisa mazihips angu.Ndakavasikiza kamwe chete bvavadonherwa netwumvura twaipisa twakabva mupoto umu pakarepo ndikashaya kuti munhu aenda nepi nekuti ndakazodzosera poto iya pasisina munhu.Hameno kuti vakaita zvekutsakatika here handichaziva,asi ndakangonzwa mitsindo yakangoti dhi dhi dhi ichibuda panze.Aaaa ndiri Chihera ka ini handidi zvekujairirwa setwudhori twepaWhatsapp twunongoshandiswa kana neakagumira Grade 0.Chandaiva ndakatsidza pasi nekudenga chaiva chekuti ndaisambofa ndakaudza Tatenda kuti ndizvo zviri kundiita baba vake nekuti ndaitotyawo kurambwa naye nekuti varume vari kunetsaka mazuvano kkkkkk..! *Tatenda* Ungaita sei varume kana pasina yekutamba,unotozoguma wajaira.Ndakasvika pakujaira mupengo wangu kusvikira ndakuita ndichimudheererawo pano neapo.Chihera ava vakazondigura kunorira mumwe musi wavakazondovhurira door kuma1 vachida zvavo,ndanonoka kubva kwaDhunza paBoka paya uko ndaiva ndaenda kunoona bhora.Dish raiva rakajuicwer kusvika kwarinoperera naivo Chihera venyu ava,asi munongozivawo kuti varume vanongoda kuonera bhora kubhawa vachiitisana nharo.Saka pakapera bhora racho ndakatomboita chinenge chiawa chese ndichiitisana nharo nemabhururu angu maviri aigara kumaOwnership zvekuti ndakatovasvitsa kumba kwavo tichikakavara dzamara ndazodzoka kumba ndega uko ndakasvika na11PM.Ndakagogodza ndigogodza apa baba vaiva vakarara hope dzekudhakwa sezvo vaiva vaswera vachihudzasa zvavo naMudhara Nyabunze.Chihera ndiye aitova last hope yangu panguva iyoyo asi akatozondivhurira gonhi racho panguva dziya dzinofamba varoyi kwachiti dii.Lucy nofunga akatombonzwa kugogodza kwangu uku asi aizovhura door racho akamira saani ipo paiva naChihera.Nofunga aiva atombotemerwa masummary ezera rake nekuti mwana iyeye ndaitombomunzwira tsitsi nekuti Chihera vaiva nepamuromo paiva pakaramba kuitwa airport nenhunzi.Inini ndini ndega ndaigona kuvadzikamisa bedzi ndokunge ndavapa mutombo๐Ÿ†๐Ÿ˜†๐Ÿ˜†.Ndiwo aiva magariro acho naChihera ava. Makuseni acho emusi wakare wandazovhurirwa door later naChihera,ivo Chihera vakafumoenda kuMoza kunobatsirana basa nevakomana.Saka ndakasara pamba namudhara vangu apa yaiva Saturday zvekare,Lucy atori muroom make naLeah vachitamba vese. Daddy vanga vakatogara zvavo panze vachiverenga bepa ravo zvavaingoita mazuva ese.Ini ndaiva ndakamira zvangu paverandah ndichishama n'ai zvese nekuzvitamura tamura maoko angu inzwi rangu rakashoshoma kuburikidza nenharo dzebhora dzandaiita nemasahwira angu aya madekwana apfuura.Ndakaona daddy vadzikisira bepa ravo riya ndokuita zvokundidongorera nepamusoro paro vakabva vatanga kubvaruka nesetswa.Zvakandinetsa kuti mudhara uyu nei abva andiseka kudaro saka ndakabva ndaenda paaiva ndokuzvityora ndichiti,"Mamuka sei baba?"Vakabva vapeta bepa ravo riya ndokurikanda pasi kwakutanga vaseka mushure ndokuti,"Kkkkk mamuka sei mainini?"Haaa ndakashaya kuti zvabva nepi ndikabva ndaramba ndakanyarara vakabva vadzokererazve kuti,"Ndati mamuka sei mainini?Hantie uri kutongwa nemukadzi here iwewe.Nezuro wanga wakutorariswa panze.Ndaiva ndakatodhakwa zvangu asi ndakanzwa zvese zvakaitika kusvikira pawakazovhurirwa door uchitukwa kunga mwana mudiki."Kubva pandakagarisana nababa vangu pamba pedu apa tiina Chihera,vaiva vasati vambotaura zvakadaro.Ndakashaya kuti zvabva nepi ndikabatikana kwazvo vakuwedzera sauti pachironda vachiti,"Zvagara mukadzi uyu haasi wezera rako mwana wangu saka mvura yebambara tiza ichaturuka.Inini sababa vako rega ndi..."Havana kuzopedza muromo iwoyo nekuti pane akabva atinya intercom kuratidza kuti aitova pagedhi.Ndakabva ndabva paiva nababa vangu ava ndokuenda kugedhi kuya.Ndichisvikako ndakavhura kagedhi kadiki ndokuburitsa musoro wangu bedzi panze wanei Middy akatosunga dhuku zvese nezambia sekamuroora apa akakombwa nevakadzi vaviri vechikuru dumbu riri uko ini aaa.... Aaa kuita sei??kkkkkkkkk Nxa nxa nxa end of chapter Mapiece endege Watch out for chapter 25 [24/09 11:26] Terminator: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 25๐Ÿ’–๐Ÿ’—๐Ÿ’œ๐Ÿ–ค* *Tatenda* Umwe wevakadzi vaviri vaya vaiva naMiddy akabva ati,"Munofara here ndipo panogara Tatenda Muswera here pano?"Ndakatadza kana kushama muromo kuti ndipindure mubvunzo uyu.Vanhu vacho vese vari vatatu kusanganisira naMiddy wacho vaitoratidzika kuva vachisiririsa kwazvo sekunga vaigara kumusha kwavairarama nekuchera makurwe.Iko kupfeka kwacho ungati ndivanaJohn come late to town.Ndakatarisa Middy ari ega pauzima ndokuona akarereka musoro wake parutivi zvichibva zvaratidza kunga ndaiva ndakamboramba nhumbu yaaiva akatakura. Ndatopererwawo ndipo pandakazobvuma kuti ndini Tatenda,umwe mukadzi uya bvaatambanudza ruoko rwake rweruboshwe kuti ndimuchingamidze ini ndokuisa zvangu maoko angu ese muhomwe dzekashoti kandaiva ndakapfeka sezvo ndaiva ndichibva kumuka ndichine kadzungu kehope.Makamboonepi munhu mukuru kudaro anomhoresa munhu neleft hand.Panguva iyoyo ndipo pandakabva ndaziva kuti pachioma zvino uye ndakazopinda mutsekwende paakazonditambanudzira ruoko rwake rwerudyi ndikabva ndaona katatoo kebutterfly paruoko irworo.Katatoo aka kaiva kachidhindo kaidhindwa mushandi wese wemuchikundi chaMiddy.Ndaona kuti hapana pandaizobuda napo nekuti vanhu ava dzaiva mhondi ndakabva ndamhoresa mukadzi uya asi ndichingobata ruoko rwake kudai cheni dzakabva dzanzi kereketye zvekuti pasina kana maseconds maviri maoko angu ese aiva atochena."Babaa huyai kuno now!"Ndakashamatata zvekunga ndichaparuka mapapu angu uye ivo daddy vanenge vakatonzwa kuti kugedhi uku kwaiva kusisina kumira zvakanaka.Ndakanyatsonzwa mitsindo yavo ichiuya nechekugedhi apa pfuti yakanongedzwa pahuma pangu nemukadzi uya aiva naMiddy.Vasati vasvika ndakakaruka ndaona chimwe chiHiace cheblue chisina manumber plates chatosvika panze pegedhi redu paya.Vakadzi vaviri vaya vaiva vakakomba Middy vakabva vanditakura sekapepa ndokundikanda muchikombi ichi chandareva apa mukati macho maiva musina maseat.Ndakakandwa kunga chisaga chechibage zvekuti ndakasvikondonyera pacarpet yaiva pafloor yemo zvekuti kudai maiva nehard surface ndaitsemuka musoro diko.Muchikombi umu maitova zvamo nevarume vana vaiva vakapfeka mamasks,vaviri vavo ndokubatsirana kundisunga mbiridzakondo nechimwe chitambo chandisina kumboona kuti chakamira sei.Sliding door rechikombi ichi rakabva ranzi hwiii-ndi kuvharwa apa kombi yacho yaiva yakachamira asi ichitinhira zvayo yakagadzirira kutinha pasi kana varidzi vayo vawana zvese zvavaida.Kombi yacho yakachamira kudaro ndakanzwa mapara epfuti hombe achirira panze ndokunzwa baba vangu vachiridza zimhere panze ndikabva ndatoziva kuti vanenge vazosangana nerufu rwavo manje.Ndakaita hasha ndikatanga kuzvonyongoka senyoka ndiri pasi ipapo ndichitadza kubudisa shungu dzangu dzese nemuromo sezvo muromo wangu waiva wazosungwa nechimwe chitape chitema.Shaya dzangu idzi dzaitotadza kusimuka,nofunga vanga vatopombera chitape chacho chese pamuromo wangu.Pakurimbinyuka kwandaiita ndiri pasi kudaro ndakazoguma ndakurovera rovera kumadziro ekombi iyi dzimara yapfutidzwa sechitundumuseremusere ichienda kwandaisaziva.Middy nevamwe vakadzi vaviri vaya vanga vasokwira kumashure kwataiva vachiseka seka zvavo sezvo vaiva vapedza kuroya.Mukadzi uyu aiva nemoyo wakashata kunga Masvingo Road apa chaaivavarira ndakachishaiwa.Hantie mapurisa acho aiva akasotadza kumubata saka iye aiva achimbodei chaizvo kana ndimiwo?Shuwa kungoita hutsinye husina kana nemusoro wese,ipapo baba vangu vanenge vanga vatokikiswa bhaketi nemhondi idzi.Mukati mechikombi ichi maiva makatovharwa zvekuti ndaisaona kuti kumberi kwacho kwaiva kugere ani.Ndaida kuziva kuti aitekenya kombi yacho ndiani asi izvozvo zvakaonekwa nani sezvo ndaiva ndazoitwa blindfolded nechimwe chijira chitema zvekuti ndakaguma ndakuona rima rega rega kusvikira pakuti kunyangwe mavisions ndaisamaona zvekumhanya. Haaa kombi yakarohwa uye yaipfuura pamaroadblocks ese zvisina kana nyanisi.Ndaingonzwa mutyairi achihumana nemapurisa kana kombi iya yamira,pasina nguva ozopihwa mvumo yekuti apfuurire zvake nerwendo rwake.Takati tafamba tafamba ndakazonzwa kombi iya yakugomera nemakata ndikabva ndaziva kuti tasvika paChristmass Pass saka zvanga zvatova pachena kuti tanga takuenda kupurazi riya tese.Hongu ndaiva murume zvangu asi ndaitya zvisingaite hama dzangu.Vanhu ava vaisava nesanctity of human life,vaisaremekedza kukosha kweraramo yemunhu.Kwavari kufa kwemunhu kwaiva kwakafanana nekufa kwebete rangoitawo munyama wekupondwa nepata pata richinanaira nemadziro.Ko nemhaka yei ndakaita munyama wekusangana nevanhu vakadaro ini ndaiva munhu aiva asina hutsinye.Hutsinye hwangu hwaiva pakupaza mabhurugwa evakadzi,haa iyo ndaisairambira kunyangwe ndaizoitongerwa searmed robbery.Zvino iyi yaanaMiddy yaiva yakafanana nemapata pata aiva awira vasina zvigunwe,haiwa ndaisazvikwanisa apa vanhu vacho vaitoseka vachiita twunhu twavo.Ndini uyo ndasvikwa neni papurazi paya.Ndakatanga nekunzwa kukuma kwemombe tichiri pagedhi ndikabva ndaziva kuti tasvika pamuzinda wasatan.Kombi yakatinhwa zvekupfumbura mhute zviya ndikazodzikwa neni mubasement ndanzwa nekukachidzwa netujiho kana kuti twukatondo twakapinda nepamaburi emota.Ndichidzikwa neni kudai ndakabva ndasunungurwa bho bho ndokugadzikwa pachair yaiva mumain wall muya mavaiwanzoitira mameetings avo apa pamberi pangu paine zidesk risina kana chinhu.Chikwata chese chakabva chandiunganira,Lawrence ndokugara pakona yedesk rakare achinyemwerera zvekundisvotesa chaizvo.Ndakabitirirwa nehasha asi kwaingovawo kukuvarira mukati setambo yekenduru."Eee babamukuru welcome back."Akadaro Lawrence achiseka vamwe vese ndokubva vabatirana naye pakundiseka.Ndakapupira nehasha ndokubva ndamusvipira kumeso iye ndokusimuka zvake zvakanakisisa kunga panga paine zvisina kuitika.Akabva abuda achinogeza kumeso kwake nevakadzi vaya vaviri ndikazoona pava paya kuti vaisambova vakadzi asi kuti vaiva varume vaiva vakapfekera kunga vakadzi.Ndipo pandakazobatanidza ndikarangarira kuti kamukandirwo kandaiva ndaitwa mukombi muya kaisava kechikadzi.Kkkkk ndaiva ndakandwa kunga foshoro isina kutakura mavhu.Pakamboita kachinguva timu timu iyi ichitenderera tenderera mukati muya bvavazodzoka zvekare vaanaTerminator uyo akangosvika nekuti,"Saka toita sei naye mufesi uyu?"Maurice akabva anditarisa apa Middy aiva akatogara zvake pachair yake ari nechekure achinzwa zvese zvataitaura zvese asingambope kana comment."This time hapana kwaanoenda uyu so the best way kuti iwewe Terminator umudzidzise nezveIT kuitira kuti asabude panze nekuti akangobuda panze chete anozotinetsa.Ndizvoka boss?"Akakanda mubvunzo uyu achitarisa Middy uyo akabva asimuka achiita kakugomera semunhu aiva akazvitakura kunyangwe zvazvo ndaisaziva kuti yaiva mimba yaani.Akabata bata musana wake mushure ndokuti,"Yaaa thats a pleasant delegation of a duty from you Maurice.Hapana asingazvizive muno kuti I love Tatenda so much.At least akuziva kuti we are untouchable.Maybe Mwari ndiye ega angatigona asi ndokunge aburuka kubva kudenga opedzerana nesu pano."Vese vakabva vati bvuu kuseka kunga panga pataurwa zvisvinu.Vachipedza kulachuka zvavo ndakabva ndageza pahuro pangu ndokuti,"So muri kuti ndichagara pano pasi forever.What about my wife and daughter?Dont you have consience,you have shit for your hearts nxa mxm!"Idzi dzanga dzava hasha dzehwiza asi ndakatozoti shoyoyo kunga huku yanaiwa Middy paakati,"You mean your wife Chihera?Kkkkk hantie anozviita muhard manje college yenyu tapisa saka hameno kuti imba yenyu yamuri kuvaka kuArea 3 muchaipedza nei?"Inzwi rake raiva rakaputirwa neshanje ndikabva ndajekerwa nepfungwa yekuti aisatomboda zvekuti ndigarisane naChihera.Ipapo ndakatanga kuyeredza misodzi yeshungu nekuti ndaiziva kuti Chihera aizogona kutambudzika nemwana ari panze ipapo.Vanhu ava vakazondisiya ndabvuma zvangu kuti vanorema kukunda simbi dzemugym pavakandiratidza mafoto emadota ecollege yedu.Vaiva vakatopisa nezichechi riya zvekare ndikabva ndati netu nazvo. Vakabva vandiratidza maV11 ekuhacker kwavaiva vaita joint financial account yedu naChihera yekuCABS iyo yaibhadhara mabhiridha edu zvese nekutenga building material.Vakaikokota yese zvekusiya isina kana cent ndikanyatsobvuma kuti zviya zvinobuda mumaaction movies ekuHollywood zvinoexista.Mmmm kana mazogara Terminator aiva akanyanya hama dzangu.Kudai kusiri kuti aishandisa njere dzake zvisizvo aidai akanzwa nekukomwa nesando dzandaizomupa musi iwoyo.Ukaonawo uchiri kuitisana nharo nemhuka dzakadai brain dzako dzinenge dzaakokai,ndakasvika pakutambira kuti ndizvo zvatovapo ndokutochovha mwedzi wese kuti dhaa ndichidzidziswa zvecomputer naTerminator.Zvakaoma๐Ÿคฆ๐Ÿผโ€โ™‚ *Chihera* Yakapinda call ndichidhindisa passport yangu paboarder tichiri kuZimbabwean side apa vakomana vandaishanda navo vaiva kumashure kwangu pamudungwe wacho."Baba venyu vabaiwa nepfuti kuno kumba dzokai apa Tatenda angotorwa nevanhu vacho ivavo,hatisi kutomboziva kuti aendwa naye kupi."Ava vaiva Mai Nyabunze vaiva vandifonera vachitadza kunyatsotaura sezvo vanga vachichema.Pavakafona ipapo tichizotaura,passport yangu yaiva ichitodhindwa zvekuti ndakangoisiyawo padesk remushandi iyeye aindidhindira ndiye chipoko round ndakananga kumba kwedu.VanaCourage ndakatongovaudza kuti vasare vachifayisa basa nekuti inini kana ndada zvemari handinei nekuti kwafiwa.Ndini uyo ndakati hayei taxi paboarder ipapo iyo yakandisvitsa kumba pasina kana 30 minutes.Ndiri munzira ndakagurwa kunorira necall yamufundisi wepaMethodist uyo akafona achindiudza kuti college yedu yaiva yapiswa madeko pamwe chete nechechi zvekuti vaiva vatomboedza kundibata parunhare asi vaiva vatadza nekuti foni yangu yaiva yakadzima.YaTatenda yaiva yakadzima zvekare uye ndini ndaiva nayo nekuti ndaiva ndakamutorera makuseni seni aya aakanonoka kubva kubhawa.Ndanga ndakutogaya kuti zvimwe pane kwaiva kwaendwa uye ndaiva ndiine katsika kekuti kana ndichifamba handaiwanzobatidza foni yangu asi makuseni aya hameno kuti chii chakambondisunda kuti ndiibatidze paboarder paya. Ndakasarosvitswa kumba ndakafashukira nehasha uye 6th sense yangu yakandiudza kuti hakuna vamwe vanga vazviita izvi kunze kwaana Middy.Manje rwendo rwuno ndaifa naye bedzi anga akajaidzwa namai vake vaipfekedzena nduhwe nababa vake.Ndichisvika pamba pedu kudai ndakaona pasingapindike kuburikidza negurumwandira revanhu vaivapo apa munongozivawo maambulance emuZimbabwe ayo anozouya munhu atofa kare.Mamwe acho anenge atopera mashocks zvekuti anogona kutopedzesa murwere munzira.Baba ndivo vanga vakaunganirwa asi vaiva vari nechemukati megedhi apa muyard medu maiva makazara nevanhu kusanganisira vekuma2 Rooms nekumaN vaivapowo.Vamwe ndivo vanga vakaita setwushoko vakati karamata pamusoro pedurawall yedu izvo zvakaita kuti ndivashure vakabuda vese panze ndikasara ndiri ini,Mudhara Nyabunze nemukadzi wavo takakomba baba avo vaingofemera pamusoro zvinotyisa vakavhara maziso.Riri ropa hatichataure asi vakaita rombo rakanaka rekuti vaiva vabaiwa makumbo bedzi.Ambulance yekanzuru yacho yaitonzi haina fuel izvo zvakandituma kuti ndibate EMRAS iyo yakauya iri ndege ndokutakura baba ichivaendesa kuMutare General Hospital.Hameno kuti chii chakaita kuti ndivaendese ikoko pane kuti ndivaendese kuprivate kwangu kuya kuMurambi.Kubva musi uyu ndakatanga kupindwa zvekare nemweya wechidhikaz uyo wandaiva ndasosiya paya pandakadzingwa basa.Pakuita kwaana Middy ndakangoona kuti zvaiva zvekufinhura bedzi nekuti vakamedza mari yedu yaiva mujoint account.Zvisinei personal account yangu yaiva iri loaded asi vakambondideredza nekuti mazuva aya avakatipisira college yedu aiva emasalaries evashandi vedu saka ndakabva ndavagovanisa twavo kuti pasaite kanondifemera mugotsi kachida mari yako zvikuru sei ndakuranda mbavha dzangu kudai.Chokwadi aida kuzondinetsera kamari kake aizoita collateral damage nekuti ndanga ndava mucheeky. Pa2 weeks dzakagara baba muchipatara until vazoita nane,ndakatanga chirongwa chekulooser weight kuti body yangu ichinje shape yayo nekuti ndaida kurasisa vavengi.I had a huge and distinct frame which was so imposing now ndanga ndakuda kuzviondorotsa ndopinda zvangu mubatle field ndega.Naizvozvo ndakatanga kurova mountain run mugomo riya reManicaland Provincial Heroes Acre.Kana diet yangu ndakabva ndashandura zvekuti I did away with fatty stuff.Nyaya yekushaikwa kwaTatenda in movie style yakatosiyawo mapurisa asina kana simba,mapolice station akatozoguma akukandirana nyoka mhenyu vekuCentral vachiti vekuDangamvura ngavaite nezvayo nekuti nyaya yacho yaiva yaitikira kuDangamvura,kkkkk apa vekuDangamvura vaiti vekuCentral vaifanirwa kuiitawo sezvo vaizviti vakapenga uye nekuti vaishandira mudhorobha saka vaifanirwa kubuditswa huCentral hwacho.Makakatanwa aya akatozoguma aita kuti nyaya yacho iraswe mubhini izvo zvakaita kuti ndikwinye madzokono angu ndiipedzere ndega.Ndanga ndiine kapistol kangu kandaiva ndakaviga mubedroom medu pekuti Tatenda aiva asina kumbobvira akaona.Mumwe musi akapotsa akaona uye kakadai kakamushandira musi iwoyo nekuti taiva tanetsana tikachinjana mashoko anorema.Zvisinei I missed Baba Leah so much and dzimwe dzenguva ndaitombogaya kuti ndaisazovaona face to face kunga gotsi rangu.Chisuwo ichi chakaita kuti ndishande nesimba kusvikira pakazobudiswa baba muchipatara vapedza 15 days varimo asi vakazobuda vakugara pawheelchair nekuti vaiva vadamburwa makumbo ese nechepamabvi apa sezvo vaiva vakagoverwa mapara mutsapfu dzavo dzese.Haiwa Middy anga azozvinyanya nekuti Tatenda wangu hameno zvaanga akutoita naye kwavaiva ikoko.Inini ndaisava munhu anobuditsa buditsa misodzi saka pese pandaichema paiva nechirevo nekuti ndaiti pese pandaifunga Tatenda misodzi yangu yaibuda yega so.Shungu dzangu dzanga dzakuperera pakuchengeta baba vake avo vandanga ndakuitira zvese from kuvagezesa chaiko to kuvafeeder chikafu zvikuru sei kana nurse vavo vandaiva ndavatsvagira asipo.Iye nurse wacho anga akuita maon and off akanyanya nekuti zvaisava nyore kuchengeta munhu aiva necondition seyadaddy iyi.Zvino rimwe zuva ndakati ndichigadzira breakfast mukitchen ndinaLucy ,Leah achitotamba zvake pasi baba vakandisheedza vakagara zvavo mudining pawheelchair yavo vachiona TV apa kwaiva kuma9.Ndichisvika ndakabva ndapfugamawozve semuroora vakabva vati,"Sorry zvako muroora wangu pane zvese zvandaikuitira.Kana vamwene vako kudai vari vapenyu havaimbondiitira zvauri kundiitira izvi."Ndakabatikana nemashoko ababa ava ndikabva ndati,"Dont mention daddy thats my duty as your muroora peya."Ndakabva ndamonyorora chirungu ichi neaccent yangu yechiNdau ivo ndokuti,"Mwanangu ndaneta nekukuremedza ini.Chisara zvakanaka uchengete muzukuru wangu azokurewo to be a responsible wife for someone sewe so."Vachipedza kutaura mashoko aya vakabva vandikandira kasmile ndikashamisika vati musoro wavo tseya ukabva waita kunga wadambuka so mumuromo mavo ndokutanga kupupa furo vachigwinha gwinha kunga vanga vabatwa nemagetsi ndiye bye bye muroora,vanga vanwa chipepa chese chemaIbuprofen aivambonwa musi wazvinenge zvakakwidza.Ndakazongochionawo chiri mufront pocket yeshirt yavaiva vakapfeka ini ndiye mhere kwetsu iyo yakaunganidza raini rese rwukatova rufu rwemazuva matatu. Baba vakazovigwa paDangamvura Cemetery nepolicy yangu yekuNyaradzo izvo zvakandirwadza nekuti Tatenda aisavapo.Munhu wese aitongogaya kuti pamwe akatourawa nendusvi idzi.Zvekuchema daddy zvichingopera ndanga ndachidzikira kwazvo uye ndanga ndava flexible zvekuti kana mazhaba ndanga ndakusimudza.Tatenda anga akasombondiudza nezvekupurazi kuya kwaanaMiddy saka ndakabva ndatsvaga kabakkie kangu kuti ndiendeko semunhu ari kuda kuhodha mbatatisi nokudaro ndakabva ndachinja hairstyle yangu ndoku.... Ndokuita sei nhai Chihera? End of chapter Kkkkkkk hohoho hakuendwe zvedzungu kwauri kuda kuenda uko kkkkkkk Watch out for chapter 26 [24/09 11:28] Terminator: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 26๐Ÿ’–๐Ÿ’—๐Ÿ’˜๐Ÿ’œ* *Chihera* Kwapera mazuva matatu taviga daddy ndakabva ndaenda kune chimwe chibarber chaiva kuZimunya.Mamoves angu ese aiva angwarisa kusvikira pakuti ndakasiya mabarber ese aiva muDangamvura ndiye takarasima nechimwe chibarber chaiva kuZimunya ikoko.Ndakakwira kombi iyo yakandidzikisa palink road ari makuseni eChitatu ichocho ndokubva ndapisa kajogo ndakananga kuZimunya kwakare.Zvehundururani zvaiva muDNA yangu zvekuti kudai ndaizombodonater ropa aripihwa aigona kutora kahunhu kangu kechitsotsi tsotsi aka.Ndakasvika kuZimunya ndokuita zvangu semunhu wemo ndichichingamidza munhu wese wandaisangana naye .Ndaiti ndikakwazisana nemunhu nemuromo ndaibva ndamupa nekasmile kacho kemubhasera zvekuti aivhiringika vhiringika pfungwa dzake kusvikira pakuti anenge ofunga kuti pamwe anondiziva. Ndini uyo ndasvika pabarber pandaiva ndasarudza apo painzi paGhetto.Ghetto wacho ndakamukumbira kuti afurire bvudzi rangu to the lowest level,ozogera mumaside umu kosara kari kabhibho kekurasisa vavengi.Achipedza kundigera ndakabva ndamupa dhora rake rebasa ndokuoneka zvangu apa pandaigerwa pese ndaipisa nyaya naye kunga taizivana nechekare.Chete vageri vese munongovaziva kuti vanokutaudza taudza uye vazhinji vacho vane nyambo dzinokudhonza kuti mangwana uzouye kuzogerwazve navo.Zvekare panguva yese yandaigerwa radio yaGhetto yaiva yakachunwa kuStar FM tichitonzwa zvedu mumhanzi uye mubarber umu maiva nezispeaker zimutsemuranzeve riya.Panguva yandanga ndakuda kuenda ndichigumha gumha twumwe twubvudzi twaiva twarasikira pat-shirt yangu zvese nekuzvitarisa tarisa pamirror kuti ndava bhoo here,ngoma yenews dza9AM yabva yarira apa ndanga ndakuda kuenda asi hameno kuti chakandimisa chii. Mubarber umu maiva nemabhururu maviri aGhetto wacho ayo aitotamba zvavo tsoro yezvigwingwiri vachitukana tukana nekunyombana sezvinoita vanhu vachitamba tsoro.Ghetto achiturika tambo yechigero chake pane kamwe kachipikiri kaiva nechepadenga ndakanzwa oti,"Imi nyararai apo tiri kuda kunzwa news isu.Indava vapfanha imimi muchiita semakasiirana zamo.Aaa ndatotadza kutaura ipapo nekunetsana kwamunoita uku hamungaite type yekusiirana zamo kwacho nekuti rimwe rinotoramba naro!"Vakomana vaya vakabva vambomira kutamba tsoro iya vachiseka zvavo izvo zvairatidza kuti chisekedzani chavo ichi chaiva chevanhu vaiva vajairana umwe wavo aiva akaita mutsvuku akabva ati,"Haa but blaz musadaro ndanga ndakuda kutopedza mupfanha uyu,asi pane nyaya iri kupisa kani?"Inini ndaiva ndamira zvangu nechepadoor ndichinyepera kusekerera,Ghetto ndokuti,"Aaa munoziva nyaya dzipi imi muchifumotamba zvinjaka izvi.Nyaya yandakateya iyi ndangoionawo paWhatsapp asi handisati ndagutsikana kuti ndeyedi here saka mi..."Haana kuzopedza muromo iwoyo nekuti nyaya yaaireva yakabva yapinda mudariro.Nyaya iyi yaiva yekuti President vanga vafunga kutrimmer maministries ehurumende,kutomaderedza kubva pa33 kusvika pa20 saka zvanga zvoreva kuti pane vaigona kuita munyama wekurasikirwa nebasa.Ndichingonzwa kachidimbu kenhau idzi ndakabva ndatooneka zvangu sarei chikwata ichi chiitisana nharo dzepolitics mubarber imomo.Ndichingoti ibvei zvishoma pabarber apa ndakabva ndabairira maearphones munzeve dzangu ndokufamba ndichienda kwaikwirirwa makombi nekuti ndaiva ndanetawo semunhu wenyama.Ndakatosvikawo pane kombi yanga yakuda kutozvizarirawo ndokubva taizadza nevamwe amai vaiva vakabereka kacheche kumusana kwavo.Ivo vakabva vagara nechemukati paseat rekumberi riya riri nechekumashure kweradriver ini ndokugara zvangu padoor chaipo ndichifemerana nahwindi.Inini ndaigona kufunga zvakadzama kwazvo kana ndichinzwa mumhanzi saka maearphones andaiva ndakaisa munzeve panguva iyoyo akandibatsira kwazvo pakuti ndibatanidze nhau dzandaiva ndanzwa dziya.Ndakanyatsogumisa volume yephone yangu ndokuzvipinza munyika yendangariro.Kana ndava panguva iyi ndaaiita sendisiri panzvimbo yauri kundiona ndiri.Waigona kutouya wondipa mbama chaiyo ndoramba ndakati tuzu zvekuti ndaitozobengenuka pava paya.Munhu aigona kundiburitsa mutrance iyi ndiTatenda bedzi uyo anga atojaira katsika kekuti akandiona ndakadaro aibva andivinga otanga kusombonya minyatso yangu zvekuti ndaibva ndapera simba.Mukati mupfanha uyu anga asina PHD In Romance here zvese neMasters In Kisses nekuti rudo rwaaindipa so,rwandisiya ndapera simba kunga ndarohwa nezvishiri zvemukomboni. Musi uyu hurongwa hwangu hwaiva hwekuti ndikapedza zvekugerwa musoro ndozonoona Masaraneyi kuti andipe Mazda BT50 yake kuitira madhiri aya ekupurazi raanaMiddy.Masaranyei uyu was my former colleague paCentral asi ainyanyoshandira kuDrugs and Narcotics,tichikenerana semukombe nechirongo uye aigara kuFairbridge Park nemhuri yake.Zvino hurongwa hwese uhwu ndakabva ndambounanika pawaya yendangariro dzangu ndokuupega nehoko yekuti ndaizohudzokerera zvangu kana chikamu chandanga ndada kupindana nacho chapera.Ndaiva ndakatoronga kuti ndiende kupurazi kuya mangwana acho asi ndakabva ndazvimira sezvandareva nekuti president vanenge vanga vauya nenhau yakanaka kwazvo.Sezvo ndaiva ndanzwa kachidimbu kenhau idzi ndisina kuzonzwa mukati kati mayo,ndakabva ndaenda paFacebook Page reZTV News ndokuona post yandaida itori pamusoro vanhu vachimwaya sando kunapresident nekuti haiwa maminister akawanda anga achijobora mari yenyika zhinji.Ndakazviverengera ndega ndokubva ndaona kuti president vaizoannouncer makurukota avaida aya muvhiki raizotevera uri Muvhuro wacho.Ipapo ndipo pandaida kuzotangira nyaya yangu nekuti ndaida kutangawo ndaona kuti Minister Chigure vaya vekundidzingisa basa vaizopapona here apa.Nenhau dzavo dzehuori dzaiva dzamboshoropodzwa napresident nechibhende,handaifunga kuti vaizopona.Kombi yakazosvika mutown ndaane pfungwa dzitsva dzekuda kuziva kwaizowira tsvimbo nedohwe.Zvese zvaizoitika kuvakuru ava zvaizova nechirevo zvikuru sei takatarisa hurongwa hwangu hwekunotatsurana naMiddy.Zvandakasvika mutown ndakabva ndasangana naanaCourage ndichida kungonzwa zvangu kuti basa riri kufamba sei vakatsinhira kuti ose machena mazai ehanga izvo zvakandibudira pachena kuti zvese zviri kufamba.Pandakazoparadzana navo vachidzoka zvavo kuMoza,ini ndakabva ndamboenda kumba kuti ndiswere nemwana wangu asi ndaisada kumuona kunyanya pasina baba vake kudai zvaindirwadza semukadzi anoita miscarriage after so many years achishaya mbereko.Nevertheless,ndakangoshingirirawo sezvo panga pasina yekutamba uye ndanga ndaane zvimazuva zvakati kuti ndisingaswere naye.Chaimbonditadzisa kudya ndechekuti ndaisava nechokwadi chekuti Tatenda wacho aiva mupenyu here.Ndipo paindinetsa ipapo nekuti ndaigona kuzongofira mafufu segonzo,ndashingirira nekugerwa nezvandisingade ndichiitira munhu wandaisazoonazve. Mazuva haatane havo kufamba saka Monday iya yakazoti pfee,vakuru ndokutipa cabinet yavo itsva iya yaitova nezviso zvitsva,VaChigure vedu vaya ndokuzviruza sezvo vakaitwa Governor weMidlands kudii woye hameno ikoko zvichireva kuti matomu aya avaiita dambe navo aiva atopihwa kamwe kachitofu kainzi Silingwani kaitoratidza kuti kane bvepfe nebasa.Izvi zvakanga zvoreva kuti vanaMiddy vanga vava vulnerable manje zvikabva zvandipa chivimbo chekuti ndivashanyire pamuzinda wavo ndisingatye kuti kunze kunei.Kuswera mangwana acho new cabinet yakabva yagadzwa zviri pamutemo asi pasina mazuva maviri yagadzwa kudaro,VaSilangwani vakasangana netsaona isinganzwisisike munaEnterprise Road vachienda kumba kwavo kuHighlands vapedza basa,vakabva vafira ipapo ipapo pakakudubukira Benz yavo pedyo neDavid Livingstone Primary.Tsaona iyi yakashamisa nyika yese apa ini ndakabva ndaziva zvangu vanhu vaiva vazviita zvikandiwedzera hasha dzekuti ndizonopedzera vanhu ava.Ari saMiddy ndaida kumufunura ganda rake ari mupenyu.Mukadzi waVaSilingwani uyo aiva wechidiki akabva atosara nevana vavo vaviri vaivawo vadiki izvo zvakawedzera hasha dzangu.Papera mazuva anenge matatu ndakabva ndaenda kumba kwaMasaraneyi uyo aitova paoff ndokupihwa motokari yake pamberi pemukadzi wake kuitira chamangwana.Chete Mai Masaraneyi vacho vaindiziva uye vaiva mukadzi akarongeka kunga mashelf emuBorne Marche.Zvandakapihwa motokari iyi ari masikati ndakabva ndaenda nayo kumba ikarara pamba pedu apa chimiro changu chaiva chashanduka nekuti vanaMiddy havana kumbobvira vandiranda.Pamwe vaitofunga kuti mumwewo munhu anga akugara pamba apa vasingatozive kuti ndini zvangu Chihelex.Ndakavarova nemunyati nekuti vaifunga kuti ndichangoita zviri pachena chena zvekuti kana pamba pachiitika zvinotyisa kudai panenge pasisagarike saka zvaitova pachena kuti ndakatotiza pakatsakatika Tatenda zvese nekubaiwa kwababa vake,izvo huye bodo tsvoo I just disfigured myself and ndanga ndakugara ndiri scruffy zvekuti waiti ukarasa mvura yako pafloor waigona kundinhonga wondikorobhesa.Lucy anga akufunga kuti ndanga ndakupengeswa nekushaikwa kwaTatenda nekuti ndaiti ndikambotanga kutaura ndega aibva ataramukira pandiri. Ganda rangu ranga rava repfumbu,hutsvuku hwese hwapedzwa nemamwe mafuta so andanga ndakuzora.Handikupei zita rawo nekuti munokara zviro kunga paperbag.Ndini uyo mangwana acho ndakafumobata jongwe muromo ndokupfutsa BT50 iya ndakananga kuOld Mutare uko kwaiva nepurazi racho.Ndakasvikako nguva dzichiti 7 makuseni ndokutosiiwa ndichipinda pagedhi zvakanakisisa.Mamwe macustomer hobho nemarori ekuChicken Slice aitovapo panzvimbo apa,vashandi veko vachitenga mapotatoes ebasa.Paivawo nemadzimai ematengu airwirana kutenga mapotatoes akawanda pasi pechimwe chishade chaaiva akarongerwa kuita madutu dutu achizoyerwa pachikero kana munhu oda kutenga.Vanhu vese vaiva panzvimbo apa vaitaura vese vachiseka izvo zvakandiratidza kuti vaiva vakajairana uye vanhu vaionana nguva zvinji papurazi apa.Inini ndini ndaitova zambiringamunyemba zvekare pandakaringa ringa panzvimbo yese iyi hapana clue yandakamboona yakandiratidza kuti pangaita downstairs inosvitsa muunderground basement macho.Ndakatanga kushora Tatenda kuti zvimwe akatamba nepfungwa dzangu nekuti panguva iyoyo hapana airatidza kuti aiva horomori.Ndaiva nyanzvi chaiyo pakutarisa zviso zvevanhu ndobva ndatobata hunhu hwavo,asi haaa vashandi vese vepapurazi apa zvikuru sei vekumapotatoes ava,vairatidza kuva vanhu vasina mhaka kuburikidza nezviso zvavo.Ndakatombofunga kuti ndarasika dzamara ndazotengeserwa mapotatoes aya andaida kkkk.Kuzoenda nekabakkie kani?Kkkk pane pandaizoenda nako kasina kuzara here,kaine mapocket maviri bedzi kkkkkk.Ndakatozoguma ndakazadza nemapotatoes ndokubva ndabva papurazi apa ndakananga kuMusika Wehuku uko ndakanomachekeresa necheap price akapera mudenga mudenga kunga mvura mugwenga.Ndasarirwa nemapocket maviri vamwe amai vakabva vauya ndokunditambidza mari sezvo vaida kutenga,ndokuti,"Aaa sister asi makutengesera kuno futi kani?"6th sense yangu yakabva yaita basa rayo ini ndokuti,"Yes dear takupota tichitengesera kuno.Torai zvenyu mapotatoes enyu ndikurumidze zvangu kudzoka kubasa."Mukadzi uya akabva ambikura mapockets aya maviri ndokumatsiga panhova yake apa asina hata ndokuti,"Aaa shuwa sister fambisai basa.Mondifarisirawo munin'ina wangu Rukudzo momuudza kuti ndiri kuuya ikoko kuswera mangwana."Ini ndiye,"Ehoi," ndichifamba ndichipinda mumotokari umo ndakambogara ndichirovanisa pfungwa dzangu. Haaa I was indeed a human computer ipapo nekuti ndakajoinidza ndikaona kuti purazi raMiddy raiproducer mhando imwe yemapotatoes isina vamwe nekuti mukadzi uyu akanga andiona sekunga nditori mushandi wepo. Zvese zvanga zvakuitika kubva ipapo zvanga zvakundipa chiedza pazvese zvandanga ndakutsvaga.Rukudzo aiva arehwa uyu ndaiva ndakamboudzwa nezvake naTatenda.Aiva akandiudza nezvese zvekuti Rukudzo uyu aitogara pafarm house yepapurazi apa izvo zvakandipa shungu dzekuti ndidzokepo madeko.Chakambondishamisa ndechekuti Rukudzo wacho handina kumboona pandaiva ndatenga mapotatoes aya.Ndaidai ndambonzwawo nezvake paisheedzana sheedzana vashandi vacho asi handina kana.Ndakadzosera kabakkie kumba apa mumazuva aya mapurisa anga akuwaya waya kumaraini kwedu zvakasimba kunyangwe nemasikati saka kusvika kwaanaMiddy kwedu uku kwaiva kwazovaomera.Ndakazobva pamba madekwana kuma7 ndokukwira kombi iyo yakandisvitsa mutown umo ndakazokwira lift yaienda kuHarare ikazonditsveta paturn off yekupurazi kuya.Ndakafamba zvangu netsoka dzamara ndasvika pedyo negedhi guru repapurazi apa wanei pakasoswa nemadzvinyangwe asingaverengeki aiva akabata pfuti nembwa zvese.Kwaiva nerima kwazvo asi my eyesight was very excellent nekuti ndaiona zvese zvaiitika apa ndaihwanda hwanda nemakwenzi kuti vasandione.Zisearch light ravo paraimboiti gaa ndaibva ndarara nedumbu.Mmmm Tatenda ndaimuda kani,muri kuda kuti ndikuudzei ndakamira pamusoro pechikomo here ndisina kupfeka.....!๐Ÿ˜ฐ *Tatenda* Ndakachovhaka zvimazuva zvine chitsama ndiri pasi apa ndikatozoguma ndakuziva chombaz zvakaipa asi mmm Terminator aiva kamwari chaiko.Pandaiva ndakuziva ziva ndakamboda kuedza kuita chitsotsi chekuhacker system ravo rese ndoritumira kana kumapurisa asi ndakazvitadza.Vanhu ava vanenge vaitamba nemishonga bedzi.Hongu ndaigara pasi apa asi pfungwa dzangu dzaisavapo,ndaifunga Chihera nemwana wangu izvo zvaindibudisa misodzi pane vamwe vobva vandiseka.Middy anga atorine zinhumbu rake raiva nababa vandaisaziva akatozoguma akurasa muromo achiti inini ndini ndaiva muridzi wemwana uyu.Hapana chandaishaya pasi apa,chingava chekudya kana chekupfeka asi rusununguko bedzi ndirwo rwaishaikwa. Zvino rimwe zuva takati tapedza kudya kwemanheru tese Lawrence anenge aida kundisvotesa bedzi saka akabva ada kutanga nyaya achiti,"Imi Chihera variko here timboite kuti vauye kuno vaone murume wavo?"Vanhu vese vakabva vati bvuu kuseka sare ini ndichikuvarira mukati nedzukatsukwa reshungu.Maurice anenge anga akuda kutenga nyaya yacho asi haana kuzokwanisa kuitenga nekuti takashamisika tese tichinzwa inzwi rechikadzi rakabva kuseri kwemadrums eacid richiti,"Ndiri pano ini Chihera and ndauya kuzotora murume wangu wamuri kushandisa muno."Tese takatendeukira kumadrums kuya kusanganisira naMiddy wanike Chihera vachibudikira ikoko apa vaiva vadzikira kwazvo zvekuti kudai risiri inzwi ravo randakabata apa,haa ndaisamboziva kuti ndivo.Pakarepo munhu wese aivamo kunze kwangu,akabva ati kereketye kereketye pfuti achinongedza Chihera avo vanga vakunanaira vachiswedera pedyo nesu vakabata chiC4 detonator.Maweapons nemabombs ndanga ndakumaziva nekuti ndaiswera nemabhanditi.Chihera vakabva vamira nechepakati ndokuti,"Any fuck up from yall I will blow this shit out toputikirwa tese so you have to behave!"Vakaita zvekushamatata ndokuona munhu wese achitsveta chombo chake pasi nekuti Chihera vangu ava vaiva vakapfeka chiso chebasa ndokubva va.... Vakaita sei Chihera? Guns and Roses๐ŸŒน๐Ÿ”ซ End of chapter Pakaipa Watch out for chapter 27 [24/09 11:29] Terminator: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 27๐Ÿ’—๐Ÿ’–๐Ÿ’œ๐Ÿ–ค* *Chihera* Ndini Mutsikapanotinhira,monyakadzi ndinotakura mombe mbudzi iri hata,jongwe riri hengechefu.Zviya zvekuti they kill people for fun hazvina kushanda pazvikati izvozvo nekuti ndanga ndisina kuuya kuzotandara neimbwa idzi.Zvagara ukada kutandadzana nemiswe iyi unogara uri kumashure.Kupinda kwangu kwese vanenge vakakuona asi havana kuziva kuti ndini zvangu sezvo ndakapinda feya feya ndakapfeka dhirezi raRukudzo.Zviwindi zvandakaita musi uyu zvaiva nemakuva mazhinji pasi nekuti kufema chaiko pamupata werufu pakadai zvinotoda nyasha dzisingatsanangurike.Mboko dzese dzaiva mukati umu dzakadzikama kunga makonzo aona kiti ichiwaya waya pamba.Pakambochovha twumaminitsi twushoma vanhu vakati zii pachingonzwika hana dzavo dzaiibvisa manhanga kusvikira Middy azoti,"What do you want here?"Akatobvunza kunga ari kubvunza mushandi wake ini ndokunyatsofamba kwakugara pakona yetable yaivamo ndichizvinzwa apa C4 riri zete muchanza changu ndokuzoti,"I want to collect what belongs to me now."Ndaitotaura ndakapombonoka ndichiziva zvangu kuti hapana zvavaimbondiita nekuti ndanga ndagara ndapinza kutya kukuru mavari kare kare.Pasi apa paitoratidza kuti paisapindika nyore sepakati pemakumbo epfambi saka vese vaivamo vaitokwata,ndanga ndatova bhagura nepsychological defeat kare.Munoti zviwindi zvangu zvanga zvichiri zvega here zvekusvika pakutsvinyira vanhu pamuzinda wavo kudai."Ok chinzwaka my sister Chihera.Lets make a de..."Ndakabva ndamugwajura Middy asati ataura sewage dzake ndichiti,"Ndipe Tatenda ndiende naye now because your failure to do so at this juncture is tantamount to jeorpadise all your illicit operations.Am I understood?"Ndakaona achitsonya Lawrence nekona yeziso uyo akabva asimuka ndokubuda mataiva achinopinda mune chimwe chiroom chandisina kunzwisisa kuti ndechei.Ndakazomuona achibudamo achidhonza zitravelling suitcase nemavhiri aro ndokuzoritakura achiriti dzii patable pakare.Akarivhura wanike rakaita kulayer nemawaya emaUSA iye Middy ndokuti,"You can take it my lovely sister then woenda zvako naTatenda wacho asi please dont sell out our base."Dzakatotaurawo dzichisiririsa kani dzakarereka musoro parutivi ini ndichitoziva zvangu kuti hapana nezviripo apa.Middy aiva munhu asina chimuko kunga bhucha risina nyama. "Mwana wangu akutoita seasina baba saka mukangondipa Tatenda wangu uyu handifunge kuti ndingazoda kuzonzwa nezvenyu futi."Vanhu vese vaiva mukati umu vakanditarisa vachinyemwerera apa panguva yese iyi Tatenda anga akangotsikitsira musoro wake patable ipapo achingonzwa yese yataisasa asi asingatione.Mmmm mazuva iwayo pfungwa dzangu dzaiita kunga dzevanhu vashanu nekuti pachiitiko ichi Middy akatozondipa Tatenda wacho pasina kupokana.Vamwe vese vakabva vanzi vaende kumadepartments avo tikasara tichipanana mahug asi sezvo zvichinzi Chiri mumoyo chiri muninga ndanga ndotoronga kuti ndikabuda apa ndaizodzoka kumarecovery.Bhegi rangu remari handina kurisiya ini nekuti haiwa kana munhu akafa aizogona kundiseka kuti ndiri bharanzi kuri kuti ndaizosiya mazakwatira akadaro.Ndichitaura kudai mungazoti ndiri kunyepa nekuti takazoperekedzwa naMiddy nemota yake kusvika kuturn off nekuti iye nevanhu vake vanenge vanga vakutya kuti zvimwe ndanga ndauya neback up yakasimba panze.Tasvika paturn off paya hatina kumbogara nekuti takabva tawanawo imwe kombi yaitobva kwaRusape iyo yakazotisvitsa mutown kwapera dzinenge 20 minutes bedzi.10 dzakasarochaya tava kumba asi patakasvika takaona BT50 yaMasaraneyi yatokodorwa mavhiri ayo ese yatoita kakugara pasi kudai.Ndakakurumidza kuona kuti panenge paita vakuru vanofamba nasatan ndokunovhura bonnet wanike hamusisina battery nezvimwewo zvimaparts zvidiki diki zvandakatadza kubata ipapo.Ndakasheedzera Lucy ndakamira panzepo naBaba Leah iye ndokuuya zvake achidhanaira apa akabata Leah mumaoko uyo aitoratidza kuti anenge anga akuda kurara.Achisvika ndakamuhakachura ndichiti,"Waionaka Whatsapp yako yausingade kusiya netwukomana twako twusina basa.Hezvo motokari yevaridzi yabiiwa mavhiri uripo pano.Maguta kushanda pano imi handiti ka?"Ndakamubvunza ndatogumbuka ndokuzodzorwa na Baba Leah avo vakabva vati,"Maybe anga arara sezvo time dzati endei please dont give her unnecessary pressure."Ndichinzwa inzwi raTatenda wangu uyu forogonya yangu yakabva yadzikira pakarepo ndokusiya nezvemota iya nekuti ndaida kuzozvimukira mangwana.Lucy akasara achikwazisana naTatenda ini ndichizvuva zvangu zisuitcase riya ndichipinda naro mumba apa Leah akabva anyatsobatwa nehope akatakurwa naLucy wacho,musoro wake wakarereka papfudzi rake.Sandi kurema kwaraiita ikoko ende vamwe vanhu vane moyo yeruware shuwa.Diko taitambudzika cash kubank vamwe vaine mari yakadaro pasi penyika.Maiwee mari yaiva yakawanda zvayo iyoyo zvekuti taizopedza husiku hwese tichiiverenga naTatenda.Paakazouya kubedroom ndakabva ndagadzika zisuitcase riya pamubhedha ndokunyatsorivhura mushure ndokutora zibrick rimwe chete remari yekare.Ndichiribata kudai ndakaona maoko angu akutozara zviink zvaibva pamari yacho ndikabva ndaziva kuti yaiva yefake yese.Takabva tabatsirana kuseka naTatenda uye pakati pedu hapana akazombotaura nezvazvo dzamara ndazovhara zibhegi riya ndichiridza tsamwa,kudzungudza musoro zvese nekuseka.Ndakarikandira kwakadaro ndokutanga kukisana naTatenda uyo akandidya muromo wese nekuti anenge anga ava panzara.Tiri pakati pekukisana kudaro akabva ambomira ndokuti,"Aaa but Chihera imimi mazosvika sei mubasement muya?Asi mava chipoko kani?"Panguva iyoyo iye anga akaita zvekugara paedge pemubhedha kuri kudivi rataiisira tsoka dzedu ini ndakagara zvangu pazvidya zvake ndakamonyeredza makumbo angu kusvikira kumusana wake wese.Haaa Tatenda peya ipapo anga akaita kunonzi kugukuchira muswe wangu sezvo waiva usina kupedzwa wese netraining yangu iya.Muswe uyu wakaita nharo dzamara chiuno changu chaita kakupinda mukati iwo ndokuti fashukirei to the nearest kuputitsa hembe dzandaipfeka apa wanga wachiita kakuomerera mbijana pamusana pekumhanya kuya kwandanga ndakuita."Aaa babie ndichikuudza kuti ndinokuda unondirambira.Ngatirarei pamubhedha ndikuudze zvese zvaitika sweeety.Tatenda ndiye akabva atanga kuzviradzika pamubhedha ini ndokuuya kuzovata pachipfuva chake mushure ndokumurondedzera yaiva yatambika yese. Pandaihwanda nezvikwenzi paya ndichinzvenga kuvhenekwa nezisearch light,ndakazongoitaawo rombo rakanaka nekuti mumugwagwa mukuru waizosvika pagedhi guru repurazi makabva mangonyukawo kamwe kaCanter kairatidzika kuti kaiva kakaremerwa nezvinhu zvakaiva kakatakura.Ipapo ndipo pandakaita zvinofa zvakadaro nekuti ndakaongorora ndikaona kumberi kwako kuti kwaingova nadriver pamwe nemumwe wake aiva akagara paseat repadivi.Kunanaira kwekarori aka ndiko kwakaita kuti ndikakwire nyore nyore murima imomo ndokukwana kwana kumashure kwako uko ndakanotambirwa nechimunhuwi chembanje dzaiva dzakawanda chose.Zvisinei munhuwi wadzo hauna kumbondikataza sezvo ndaimbodzirova kana ndakadhinhiwa zvangu kkkkkk.KaCanter kaya kakapinda pagedhi zvakanakisisa apa ndakazvambarara kumashure ikoko kkkk.Kachisvika uye kachida kuoffloader ndakabva ndasvotoka ndiye tande kufarm house ndichihwanda hwanda nemadziro.Haiwa pamuzinda uyu paisava nesecurity yakanyatsotii oo kunyanya mukati mandanga ndava umu.Pagedhi ndipo panenge paiva pakaoma chose asi ndakapapfuura zvakapfava sedonje.Zvandakasvika pafarm house ndakabva ndapindira Rukudzo mubedroom make ndokumutyisidzira nepfuti isina mapara akabva andipa dhirezi rake ega mushure ndokundiratidza mumwe mukova waiva mumba make imomo uyo waisvitsa mubasement.Ndakasiya ndamurova nechepanzeve apa nekuseri kweruoko akabva ati tasa.Ndaiziva zvangu kuti aisafa ndokuzodzika zvangu nemasteps ainanga mubasement muya.Vese vandaipfuudzana navo mubasement vaitogaya kuti ndini Rukudzo apa ndanga ndazopendekera imwe woolen hat yeblue yaaiva andipa.Ndakazozviga kuseri kwemadrums eacid andaiva ndamboudzwa nezvavo naTatenda asati agombirwa zvekupindwa naye mukati umu.Izvi ndizvo zvaiva zvaitika kusvikira pandakazobukira paya vachida zvavo kunyomba Tatenda.Pekutanga ndaiva nehurongwa hwekumubudisa vasingazvizive asi ndakabatikana kwazvo nekumutsvinyira kwavaimuita panguva iyoyo ndikati zviri nane kuti ndimufire kana zvichiita.C4 ndaiva naro zvisiri zvekunyepedzera ende zvekuti ndakarionepi hazvinei nemi izvozvo.Chingozivai kuti ndini Chihera chakakwana bedzi kkkk!Tatenda akandibudisira misodzi achinzwa tsananguration yangu iyi ini ndokumunyaradza nekuti zvaisabuda pamberi pangu nhai munhu wemurume."Saka unofunga kuti vachine chekuita nesu here vanhu ava?"Akandibvunza Tatenda achinyerekedza nyerekedza mapfudzi angu nekumberi kwezvikunwe zvake ndokunzwa muviri wangu uchidairira kuti zhrrr ini ndokuti,"Yes vachiri kuda nezvedu vanhu ava.Hauna kuona miedzo yavatiitira pamotokari yevaridzi here.Anyways ndanga ndisimborina basa stereki nemadhiri avo asi iwewe zvandava newe kudai chinouya chinowana tiri tese.Pauri ndipo pandiri mwaa."Ndakabva ndatendeuka ndokumupa tsvodi yaaifarira kwavo yepamuromo.Akabva anyemwerera mushure ndokurara zvedu dzehumambo. Mangwana acho ndakaendesa motokari yaMasaraneyi kugarage raEvaro kuYeovil uko yakanofitirwa kese kaiva katokodorwa nevakomana vaMiddy ikabva yadzoka muform.Ndisingade kupedza kana nguva musi iwoyo ndakabva ndadzosera motokari yevaridzi yatoone dzimwe simbi nemavhiri matsva asi handina kuvaudza kuti pane zvaiva zvaitika.Mazuva akambochovhana mhepo dzakati zii kumabhero kwedu kukatanga kufaya nekuti ini naTatenda tanga takubatsirana nevakomana.Takatozoguma tavhura table yedu hombe paSakubva Musika apo tanga takuswera zvedu tichiruka mari.Pava paya cash yakatanga kunetsa chose mumabank apa kuFBC kwaanaLawrence vanga vakupa vanhu ma$10 per day iri nzira yekutora advantage of the situation.Ini dhuu ndakaudza Baba Leah kuti ndakuda kupedzera vanaMiddy once and for all nekuti ndanga ndakuona sekunga ndivo vari kuita kuti vanhu vari muZimbabwe vatambudzike kudai.Ko vamwe vanga vakaita saanaMiddy vaisabatwa hantie vaingodya zvakapfava sehonye vamwe vese vachikwangwaya naizvozvo rimwe zuva ndakabva ndaronga kuenda kuHarare kuti ndinoona Minister Of Home Affairs mutsva kuti andibatsirewo pane zvandaida kuronga.Tatenda handina kumbomuudza zvandaida kuronga zvacho nekuti aitya kunga aiva mukadzi.Ndakangomuudza kuti ndiri kuda kunoona Minister bedzi akagaya kuti ndaida kuvaonera madhiri ekuti ndidzoke kubasa asi haiwa ndanga ndisisina moyo wazvo zvekushandira nyika maningi izvi.Minister vacho vatsva ava vainzi Honourable Mhiripiri vanga vapinda panyanga kuburikidza nekufa kwaVaSilingwani sezvo vaiva mutevedzeri vavo,thus,he was automatically his natural replacement.Vanga vakuchengetedzwa kunga president asi mangwana acho ndakavaendera paMukwati Building kuHarare apo vaisevenzera vaine hofisi yavo yebasa ipapo. Ndakasvikapo kuma11 makuseni ndokuudza vepareception kuti ndaiva nepersonal business navo vakabva vandibvumidza kuti ndikwidze zvangu ku11th Floor kwavo mushure mekunga vafonerwa vakapa mvumo yekuti ndiuyeko.Ndini uyo pfee muelevator iyo yakandisvitsa kwavo chaiko uko ndakatosvika vachitorova zvavo maputi enzungu.Vakuru ava vaiva vakasununguka zvavo apa vaisada kuzviratidza kunga munhu wepamusoro soro.Ndaiva ndakapfeka zvangu rimwe dress rangu reblue riri reformal apa short hair usadheerere.Tapedza kubvunzana hupenyu ivo vakabva vati,"Ooo madam what really brings you here because your audacity in this regard really boggles my mind."Zvediwo tsoro dzangu idzi dzaiva dzechidzvinyangwe asi ndakabva ndati,"Its a very long story honourable but still I am fortunate enough by virtue of your hosting me here,I think you will remedy my plight."Ndakaona dzichikanda kanyemwerero kekunakirwa nechiRungu changu chepaHavard ndokubva dzati,"Your command of the Queen's Language is just out of this world.Kkkk regai titaure nechedu ndichiti ko tikaenda kulunch tese nhasi mondiudza zvese pasina kumanikana panenge pakaipa here?"Ndakakwenya kwenya huma yangu ndokupindura ndichiti,"There is no problem Honourable."Ndanga ndatoona kwanga koningisa nyaya yacho asi ndaida kuzongoona kwaizowira tsvimbo nedohwe.Ndini Chihera Ojazi ka ini kana kwapresident ndaitokusvika bedzi!!๐Ÿ˜‹ *Tatenda* Haa Chihera vakandibura murufuse.Vanhu ava vanga vakundibrainwasher zvekuti kudai ndakaita kana gore ndiinavo ndaidai ndiri nhinhi nazvino.Hongu Judy aindida mazuva aya kare kare asi mmmm level raChihera ranga rakapfurikidza mwero.Wakambodiwa nemunhu zvekuti unotombomubvunza kuti asi wakupenga kani nekuti hey zviwindi zvakaita Chihera pakundibura mubasement zvaiva zvisiri zvega.Aaa takatozomborova zvimazuva tiri pamba pedu kumaP uye mabhero edu akatanga kuputika asi kushaikwa kwecash kwakamboti dzorei basa redu kumashure. I think ndicho chikonzero why Chihera vakazoenda kuHarare kunoona Minister Of Home Affairs vatsva.Nofunga aida kutaura navo kuti vamudzosere pabasa nekuti nekuonawo kwangu ndanga ndakugaya kuti zvimwe Chihera vangu ava vanenge vanga vasisaone zvemabhero izvi zviine future.Nokudaro vanga vakuda kudzoka kubasa ravo raiva ragara riine a guaranteed income kwete dzimwe njuga dzataimbotamba kumabhero.Pfungwa dzangu idzodzo ndidzo dzakaita kuti ndizotsigire zvangu pfungwa yekuti vaende zvavo kunoona gurukota racho.Musi wacho wavakaenda ndakasara ndega patable pedu.Ava masikati kuma1 ndakanzwa foni yangu ichivibrator kwenguva refu iri muhomwe yejean rangu randaiva ndakapfeka.Ndakabva ndaziva kuti icall saka ndakabva ndapinza ruoko rwangu muhomwe ndoku... Wakaita sei Tee?? Kkkkkk end of chapter Chehusiku tichinyora nevaroyi๐Ÿ˜† *Watch out for chapter 28* [24/09 11:34] Terminator: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 28๐Ÿ’–๐Ÿ’œ๐Ÿ–ค๐Ÿ‘„* *Tatenda* Foni yacho yakabva yacutter yega ini ndokutarisa zvangu kuti ndiani aiva andifungawo wanei ndiBerna hanzvadzi yangu yaitemura paUB.Handina kunyatsonzwisisa kuti aiva andibhipa here kana kuti ndini zvangu ndanga ndanonoka kudaira foni yacho.Ndisingapedzi nguva ndakabva ndatenga airtime yepondo ndichishandisa Ecocash nekuti kufona kunze kunoti dhurei uye ndaiziva kuti kana tete ava kana vafona panenge pachida kutombotaurwa zvakati oo.Ndini uyo ndazofona ndokubva yangodairwa ipapo ipapo zvikabva zvandiratidza kuti foni yacho yaiva yakatobatwa mumaoko.Takatanga nekubvunzana hupenyu parunhare ipapo iye Berna ndokuzopira nyaya yake achiti,"Mukoma ndakabirwawo laptop yangu muroom mangu apa ndimo mune basa rangu rese saka ndiri kukumbirawo kuti kana zvichibvira mundiwanirewo imwe even second hand will do nekuti ndiri pamarumananzombe bro,manje manje tinenge takutoda kunyora mafinal exams."Ndichinzwa mashoko aya ndakambokwenya chirebvu changu icho chaiva chafukidzwa netwundebvu twaidiwa naChihera zvisingaite mushure ndokuti,"Hooo ok tete,saka muroora wenyu makamuudza here?"Ndakadaro ndichisairira nyaya kwazvakarehwa iye ndokubwibwinyika zvake semusikana akandirwa shoko rerudo nemukomana waagara achitoda,achinzwika kunyarira pafoni Berna uyu ndokuzoti," Kkkk aaa ndiri kunyara kuvaudza ini Chihera pamwe vangazonditi ndiri careless."Ndakabva ndasekawo naye ndokuti,"Haaa dont worry havambodaro hantie vagara vanongokuitira zvese saka she can help futi dont worry."Ndakadaro ndichitembawo namambokadzi vangu. Chihera vaimira mira kwazvo semusambangwena uye vaisada kuona mhuri yedu iine kana paduku duku zvapo panoshoreka."Saka unoreva kuti wakarasikirwa nemadocuments ako ese aiva mulepaz imomo and yakabiiwa when lepaz yacho?"Ndakamukandira mubvunzo mwana waamai vangu ndichibata bata zvangu mamwe mabhachi aiva akaturikwa patable pedu ipapo kuti ndisavarairwe pabasa iye ndokuti,"Fortunately magwaro angu ese ndakamaviga kuGoogle Drive account kwangu saka kuri kuti ndawana laptop now newifi yagara iri pachena pachikoro pedu pano,I can easily retrieve them ndofambira mberi nebasa.Zvakaitika ndezvekuti kuswera zuro pane mbavha dzakatofamba dzichipinda mumaroom edu dzichitora mavaluable items and mauniversity authorities are suspecting kuti they worked in cahoots with the security personells nekuti pane magadhi akatovharirwa kutaura kuno in connection with the losses.Izvi zvakatoitika in broad daylight and they targeted marooms emastudents aiva kumalectures."Ndakafarira kuti akabva arudunura zvese sebhobhiri reshinda ndokumurayira kuti abate muroora wake parunhare asinganyare.Nokudaro akatevedzera saizvozvo akatozoswera ava nebrand new HP yaiva neRAM hombe kwazvo.Paakafonera Chihera achivaudza vakabva vamutumira maUSA neWestern Union ayo aakabva achinja kuita maPula ndokuzvitengera laptop iya.Mazuva aya taisava nemari yakawanda mumba asi Chihelele vakatosacrificer mari yacho kuti tete wavo vawane laptop.Madire avaiita Berna aitombondisvota asi ndakadzidzawo kuti muraramo kana uine mukana wekubatsira chitobatsira kwazvo uchagona nekuti mangwana unogona kuzodawo rubatsiro then munhu wavakabatsira uya anogona kuzokubatsirawo nekuti hupenyu ivhiri.Chihera vaigara vachindiudza kuti Berna aizotichengetawo kana takura izvo zvaibva zvaita kuti ndiseke kwazvo.Mmmm handisati ndamboona rudo rwakadaro pasi pano.Berna akazondifonera achinditenda kuburikidza naChihera ndikazomusiya akuchema pafoni mushure mekunga ndamuudza kuti Chihera vari kuda kuzomuitira zigraduation ceremony rinodonhedza musika.Vaitotamba rimwe round nemamwe madzimai,vachichengeta mari yacho just for that occassion. Ini ndakazokumuka kubasa panguva dzeruvhunzavaeni ndokuenda kumba uko ndakasvika kumahalf 6.Panguva yese iyi ndaitotaura naChihera paApp avo vaitoti vava munzira kudzoka kumba.Vanga vangoenda kuHarare zvemusi iwoyo.Mai Leah vangu ava vakazosvika kumba kuma8 tatopedza kudya asi chiso chavo chaiva chisina kujairika musi iwoyo.Pavakaisirwa chikafu chavo vakatorova zvakanakisisa ndokubva tazonovata kuma9 ikoko.Ndanga ndakuziva kuti kana Chihera vasiri kufara fara pane zvinenge zvichivanetsa kwazvo.Zvino kana zvakadai vaisamboda kubvunzwa kuti chii chiri kutora nzvimbo nekuti waigona kubva wadirwa mushonga wekuti waibva wapora ipapo ipapo.Manje ndaiva ndakatovateya kuti vature mutoro waivaremera uyu.Tamboti seya mumagudza ndakazonzwa voti,"Baba Leah ndaona minister nhasi ende ndafara kuti havasi kutomboziva nezvaanaMiddy saka inini ndafunga kutora nyaya iyi ndiise mumaoko angu.Chinouya chinowana ndiripo,we cant afford to leave vanaMiddy ava nevamwe vachiita zvavanoda ivo iyo nyika yakasunama kudai ivo vachidya nyika rutivi."Ndakaona Mai Leah vakuyeredza vega misodzi zvavaisamboita.Chihera ava was an iron lady zvekuti misodzi yavo yaiyera kukunda makomo ekuNyanga.Vaiti vakanetsana nemunhu vakaguma vaburitsa misodzi munhu iyeye aisangana nemaminimini kwaaienda.Pamwe aigona kungoita munyama wekushaiwa mari yake or something chingori weird saka pavakataura manzwi aya ndakamirira zvangu kuti vatushure bundu riri pamoyo pavo kusvikira paserera.Ndakanzwa vakugeza pahuro pavo mushure ndokuti,"Chimbofunga iwewe maurairwo akaita mhamha vedu nababamunini Jojo tongosiya vanhu ava vachipaparika kunze uko.Never!Not in my existance this time Middy haapabude."Ipapo ndipo pandakapindirawo ndichiti,"So how are you going to deal with her?Remember vanhu ava vari dangerous kukunda ingwe hadzi yabirwa vana vayo."Ndakatobvunzawo ndichida kunzwisisa kuti vaida kuitsika hwai ivo ndokuti,"Ukanyatsoziva how and why ndakakupindirai mubasement paya ndipo pauchanyatsoona kuti kana ndada zvangu I will deal with them.Do you want to join this ship?"Ndakakwenya mhanza yangu ndokuti,"Mmmm as for me handichada kana kunzwa nezvevanhu ava.Hantie pamakanditora paya makabvumirana kuti havachazotitevere futi saka ngatisiyane navo shamwari,otherwise tingamutse zvakarara tozopedzesera tava patight kunga Willom."Chihera vakabva vasimuka vakapfeka nightie ravo raionesa zviri mukati apa riri repink.Vakabva vamira nechepahwindo vakapeta maoko avo uye vakandipira musana wavo ndokubva vati,"Ndinongokuda zvakadaro nekutya kwako murume wangu.Let me enlighten you on the fact that vanhu ava kuti zii hakusi kuti mapenzi.Vane zvavakatotirongera imo mubasement mavo muya hona."Chihera vakabva vatora foni yavo yaiva padressing table ndokundiratidza imwe message yavaiva vasenderwa naMiddy iri yemusambo wekutyisidzira ndikabva ndaziva kuti ndiko kwaiva kwabva kugumbuka kwese. Ndakadzokorodza ndadzokorodza kuverenga message iya mushure ndokuti,"So muri kuda kunyatsoita sei Mai Leah?"Chihera vacho vakabva vadzoka pahwindo paya ndokuti,"Since usiri kuda kundibatsira zvako kkkk I will ask someone kuti andibatsire.Iwewe unozopota uchitibatsirawo pano neapo nekuti wakambogara pasi ipo paya saka une imwe info yauinayo yaunogona kutibatsira nayo."Ndakashaya kana chekutaura pavakandiudza izvi ndokubva ndafukidza musoro wangu nemaoko angu ese apa ndazorara pamusoro pemagudza ndakaita kakutsamira piro nemusana wangu.Ndakadaro zvangu Chihera vakabva vatora foni yavo zvekare ndokufonera mumwe mukadzi wavaimboshanda naye ainzi Siwawa.Vaingova neprofessional friendship nekuti Chihera vaisada zvemapersonal friendships,hameno kuti nemhaka yei vaidaro.Vakadzi ava vakatotanga kutaura vese pafoni asi ndaizvinzwa zvangu zvese.Zvavakataura pekutanga ndizvo zvandisina kunyatsonzwa sezvo pfungwa dzangu dzanga dzavhiringika mbijana saka ndakazonzwa Siwawa wacho paakati,"Mazuvano ndiri paleave yetwo months saka wanga wati tiite sei manje?"Inzwi rake rainzwika kuti iye aiva muNdebele akakwana uye Shona yake yacho yainzwika kuti yaiva yakanyura muaccent yechiNdebele.Zvakadaro vaviri ava vainzwanana kwazvo naizvozvo ndakazonzwa Chihera voti,"Aaa lokuzeni kana zvakadaro wouya kuno kana mangwana chaiwo nelaptop yako tiite basa randiri kuda kuti undibatsire."Vakabva vabvumirana pafoni ipapo,Chihera bvavazoicutter vapedza kutaura.Vakabva vatendeukira kwandiri vachinyemwerera zvekuti twukomba twavo twepamatama twakabva twadzama ndokuti,"So sweety our helper is coming tomorrow.ZvaSiwawa asikana kkkkkk ipapa haana murume apa vana vake vese vaviri vatori kuboarding,sandi kudhakwa kunoita munhu iyeye.Takatrainer tese chipurisa paRoss Camp kuBulawayo ndichiri musikana.Kudai kusiri kuti basa rakatiparadzanisa iye achinoshandira kuBulawayo ini ndichishandira kuno haiwa ingadai tiri vanabuda ndibudewo vakasimba chose."Akabva ambomira kutaura achidzokera mumagumbeze makare ndokubva aita zvekurara pachipfuva changu ini ndokuti,"Aaa you said haana murume ko akaendepi?"Vakatanga vagegedzera ndokuti,"kkkkkk aaa aiti akanetsana nemurume aimukinditsa zvekuti vanhu vaitozopaza door kuti vanunure dzivo racho,baba vakati aa ndingapera pano bvavaramba mukadzi vari ivo nekuti vanga vakutya kuti vaizogona kufa.Munhu uyu anenge ane shavi rechirume bedzi nekuti aitoti kana globe ratsva waimuona achirireplacer nescrewdriver samusha varipo vakatarisa so kana neshamwari dzavo.Mazuva aakasotizira bvaamboendeswa kumusha kwemurume wake kuGokwe zvinonzi akabva adzoswa agarako kwemazuva maviri bedzi mushure mekunga atema bakwa rese rehuni nedemo risina kumbopinza zvikasiya vamwene vake vaoma mate mukanwa.Nofunga vakangoti haiwa hatingapone pano ndokufonera murume wacho kuti auye atore zvake mukwende wake sezvo aiva amusiya kuti ambotambe chiroora iye ari kumarimuka."Chihera havana kuzonyatsopedzesa nyaya iyi zvakanaka nekuti takatombobuda mumagembeze tese tichiseka kwazvo kkkkk.Mabayo agutsikana ndipo patakadzokazve mumagumbeze Chihera ndokuti,"Saka since ndakaona kuti vanaMiddy vanonyanyohwina nenhau yekuti vanoshandisa computer intelligence yakasimba thats why I have roped in Siwawa uyu kuti zvipedzerane.Iye ane Masters In IT raakaita paUniversity of Oregon mazuva ayo hurumende yakambopa mapurisa magrants ekufunda zvavanoda kunyika dzavanoda.So haaa vanaTerminator vaya vapfanha chaiwo nekuti zvinhu zvese zvinoda computer kumapurisa anosota Siwawa uyu."Chihera vakanyatsotaura vachitutumadza Siwawa wacho ini ndokuti,"Kkkk Terminator munomuziva mushe here imi?Chihera vakabva vabuditsa chihalf chemuviri wavo kunze kwemagumbeze mushure ndokuti,"Terminator hantie waiti ane 8 points akaitira degree rake reIT paUZ saka unofunga kuti angakunda Siwawa ane Masters repachando manje?"Ndakatadza kupindura mubvunzo uyu asi ndakazoupindurwa zvakakwana pakauya Siwawa wacho mangwana masikati akandivharira mascam accounts aanaMiddy.Musi uyu takatorovha kubasa nekuti taida kutambira muenzi wedu uyu.Achisvika ndipo paakaudzwa nyaya yacho yese naMiddy ndokubva atanga kudambura dambura zvikiribidi zvese zvaanaMiddy achishandisa Apple Laptop yake bedzi.Inini ndaimupawo information yandaiziva ongodzanya dzvanya palepaz yake zvotofamba. Kwakasarodoka nhau dzekutsva kwepurazi raanaMiddy dzatotekeshera Zimbabwe yose. Siwawa aiva abata basa guru nekuti vanhu ava vaiva vadimburirwa kwavaiva vakasimbira.Chimwe chinhu chikuru chakaita kuti vanaMiddy vafondoke sezvizvi ndechekuti Minister vaua vaivatsigira vaiva vasisina matomu.Shuwa kana nguva yaMwari yakwana hapana anopikisa.VanaTerminator vaiita zvekunyudza vanhu mari through zvimwe zvimaemail messages zvekuti vaivimbisa munhu mari yakawanda asi vaimuti atange atumira kana $500 kuti aiwane voinyudza munhu ozhamba,asi rwendo rwuno vanenge vanga vorova scotched earth policy vabvuraudzwa naSiwawa with just a click of a button.Chihera vachingonzwa zvekutsva kwepurazi vakabva vafonera Central Police kuti iwane army back up vovhara the whole boarder kuti vanhu ava vasabude nekuti kuMozambique ndiko kwavaizotizira bedzi sezvo kuri pedyo pedyo neMutare.Kudivi rechekuHarare vakabva vavharirwa nebattalion yese yepaGrand Reef saka yanga yangova nyama iri kukangwa mupoto isina hutiziro.Nzvimbo dzese idzi dzasoswa,chikwata ichi hachina kumbobatika dzamara Chihera naSiwawa vaita zviwindi zvekuenda kupurazi kuya vachindiudza kufamba kwavo kwese parunhare.Zvinonzi vakasvikapo ndokuona kuti mabuildings ese aiva pamusoro ndiwo aiva atsva bedzi chikwata chese ndokuzvitinya mubasement makare.Mmmm vanga vakaoma vanhu ava nekuti hameno kuti vaimbofema sei nechiutsi changa chakutonga panzvimbo iyi.Chihera naSiwawa vakabva vakokorodza masoja ese aya aiva asosa kuboarder nekuGrand Reef ndokutsindira basement rakare madhimoni ese aya akabatwa zvakapfava kunga kucheka majarini nebanga rinopisa.Minister Chigaba,Middy,Terminator naMaurice vaivapowo pavanhu ava uye vanga vati duwa duwa.ZvimaArab zvavo zviya ndizvo zvakamboda kuridza ridza pfuti zvikabaiwa magaro nemagunners aivapo dzamara zvati shoyoyo kunga huku dzanaiwa.Ndakazoendakowo ndanzwa kuti vanhu vaya vabatwa.Ndichisvika ndakasiririswa nevanhu ava vanga vaita zvekugariswa pasi vachirohwa nezvimwe zvimbomha ropa richibuda zvinotyisa.Ndakatozobata Chihera vakutsika Middy huro apa anga agara achitoshinyira zvake nemimba yanga yamukurira.Ndichingobata Chihera kudai,Middy akabva abudisa chimwe chiokapi vanhu vese vakatarisa ndokuzvidhobvonyora dumbu rake nechepamoyo apa ndiye chisarai,masoja akatanga kukika kika chitunha chake vachichisvipira mate.Vamwe vese vakasara vakakumbwa ndokukandwa muchiDong Feng chemasoja mushure ndokuvharirwa ku3 Brigade kujeri remasoja hanzi rinonzi DB here or something.President vakabva vabhururutsa maYellow Barreta avo ndokubatsiridza vakomana vepa3 Brigade kuchengetedza mboko idzi.Pachikundi chaanaMiddy ichi,Lawrence haana kubatika.Kana vamwe vake pavakabvunzwa vakatopindurawo zvairatidza kuti vaisaziva kwaaiva atizira.Rukudzo ndiye akangosvisungirirawo mumba make apa Terminator anga akukumbira kuti asiiwe achisiririsa nekuti pese paaidaro aibva agadzwa jombo mushaya umu. Husiku uhwu hwakapera Chihera naSiwawa vachipihwa sando nezvipikiri neZimbabwe yese zvekuti mangwana acho President vakabva vatumira private jet kuti rivatakure zvekuvasvitsa kustate house.Mutungamiri wenyika haana kuzengurira pakamhara mharekadzi idzi,vakabva vatoita Chihera Minister Of Home Affairs,Mhiripiri ndokubva aitwa deputy kkkkk.Siwawa neface yake yebasa akabva anzi kuchisoja ndiko kwake chaiko saka akabva aitwa Minister Of Defence.Vanovenga vakamboti pamunondo pamusasa asi kana vakuru vataura hapana anozvimisa.Kutaurisa pakadai zvaiva zvakafanana nekuita noise kumakuva nekutiwo president vacho vaitova ahead kunga ndivo vaiendesa huni kuzuva vamwe vese vakarara.Izvi zvanga zvoreva kuti ndanga ndatova murume waminister ka ini.Takabva tapihwa zimusvisvininga remba kuBorrowdale Brooke plus state security,tobva tatoita official next door yaPhillip Chiyangwa.Mmmm Mwari ariko veduwe.From ndowe to chocolate๐Ÿซ๐Ÿซ๐Ÿซ๐Ÿซ๐Ÿซ. *Honourable Chihera* Pandakaenda kunoona Minister Mhiripiri paya ndainyatsoda kuziva kuti vaiva nelink naanaMiddy here.Ndakavavhara vhara nenyaya yangu yekunyimwa pension vakandinzwira tsitsi uye vanga vakutoda kudya bhinzi yangu zvekuti musi uya vakabva vandipa $10 000 iyo yandakazobvisa mbijana yayo ndichitengera Tete Berna laptop.Baba ava vaiva vakadzungaira apa vaitoratidza kuti vaiva vakaibva nemuzvezve nekuti kuseri kwenzeve dzavo kwaiva nemaJehovah Ndouyako.Ndakangobvawo kuHarare ndavavhara vhara kuti ndichavapa stonyeni kuri kuti vazogadzirisa nyaya yangu yandaiva ndavavhara nayo.Zvisinei ndakanyudza vanaMiddy ndega naSiwawa wangu tikabva takwidziridzwa kwazvo nehurumende. Heish ndisati ndatanga basa rangu idzva iri ndakabva ndapihwa leave ye1 month with full benefits,ndikasarudza kuenda kuHawaii naBaba Leah kuti timboone Orange Sunset yeko nekuti kunyangwe pandakambogara kuAmerica handina kumbobvira ndaiona nenhau yekudzidza kwaiva kwakandidzvanya.Takati tagarako kwemazuva anenge matatu bedzi,Judy akabva afonera Tatenda achimuudza kuti Shingi atori kuGomo panguva iyoyo uye akuda kutourawa neappendicitis saka paidiwa $3 000 kuti aitwe operation saka ndakabva nda.... Makabva maita sei nhai Chihera?? Kkkkk end of chapter Season 2 Loading Watch out for the penultimate chapter Asante Sana [24/09 11:39] Terminator: *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 29๐Ÿ‘„๐Ÿ’‹๐Ÿ‘„๐Ÿ’‹* *Honourable Chihera* Musashamisikezve peya nekuchinja chinja kwematitle angu.Ndakambonzi Detective Chihera,ndikambova Chihera bedzi asi panguva iyi ndanga ndava Honourable Chihera ende mudare reparliament vaizondiguta zvekuti vaifanirwa kuzonwira mvura nekuti failure to do so vaizodzipwa to death.Ndiri gogoya rakaguta nemazistarch ka ini bhasopo lo inja! Tatenda zvaakafonerwa naJudy pamusaka pekurwara kwemwana ndakanzwa ondibvunza kuti,"Saka toita sei nhai Mai Leah nenyaya iyi?"Panguva yaakafona taitofamba zvedu kubeach takabatana maoko ndichiita make sure kuti chidya chake chiri kuita chichigunzviwa nehip rangu."This means we have to break this vacation now tonoona mwana nekuti hapana choice.Hatingapedze mwedzi wese tiri kuno mwana achitambura kumusha."Ndakadaro zvangu ndichitonzwira Shingi uyu tsitsi asi baba vake vakabva vasuruvara ipapo nenhau yekuti Hawaii yaiva yavapinda mumwongo saka vakabva vati,"Hazviite here kuti titumire mari yacho ikoko or to assign someone to do it tifurwe nemhepo zvedu tiri kuno."Ndakakurumidza kuzviona kuti baba ava havasisina basa nemwana wavo zvachose,rudo rwavo kwaari rwaiva rwatonhora saka zvaiva zvakaipa izvozvo nekuti mwana aiva asina mhaka.Hanzi naDehwa,"Vana vangu handidi navo mhosva dzangu hadzinei navo!"Nokudaro ndakatsiura Tatenda ndichiti,"Remember I am a now a public figure saka tikasaenda it will damage my reputation."Ndaifanirwa kubva ndamugadzirisa ipapo saka ndakawedzeredza ndichiti,"Kwauri zvakakurerukira asi kwandiri handidi kusvibisirwa zita rangu nekuti mwana uyu akasangana nezvaanosangana nazvo tisina kumbobvira tanomuona there becomes the problem.Remember mapoliticians kunyika kwedu vanongozorwa paint yeblack vese saka tikasaenda,mwana lets say akashaya,usazoshamisike pakufamba ziana rekuti takamuchekeresa."Ndakatsindikidza nemashoko aya ndisisaseke izvo zvakaita kuti apore sebota rakacheche.Aona kuti hapana paaizobuda napo ndakazivisa president nezvenhau iyi avo vakabva vatitumira jet kuti tikurumidze kusvika. Mangwana acho takamhara muHarare kuma3 dzemasikati ndokunanga kuGomo kuya uko takasvika Judy akagara padivi pemubhedha wemwana achichema zvekugumirwa zviya.Vanoziva kupaediatrics kwepaGomo vanogona kutenderana neni kuti hakudiwe mamwe mavisitors asiri baba vemwana ari muchipatara saka ndizvo zvezvimwe zvaichemedza Judy sezvo aisava nemurume nekuti waaimbova naye wacho anga ava wangu.Kkkkk hakusi kuti ndiri kuganza nazvo asi pachokwadi chaipo ndaisada kuona munhukadzi aishungurudzika.Mufoni mangu ndaitova neWhatsapp Group rangu raiva nemasingle mothers and widows vandaipa mari yavaisadzosa voitenderedza vachiita mabhizinesi akasiyana siyana vachitoraramisa mhuri dzavo zvichitofamba.Izvi ndaitozviita kunyangwe ndisati ndava minister zvekuti pandanga ndava minister apa malevels acho anga atokwirira kwazvo.Ndakabatikana kwazvo Judy paakandiudza kuti chikafu chaaipihwa muchipatara umu chaisamuitira ndikabva ndatumira one of my aides kuti anotenga chicken and chips zviri kudziya mutown.Vakaenda vari two naRonny izvo zvakaita kuti ndisare zvangu ndichitaura naJudy wacho pachikadzi.Pane dzimwe nyaya dzisingade paine varume nofunga munozviziva apa Judy anga anzwa nekurova makabada nesadza mukati imomo pamazuva mashoma aiva aradzikwa Shingi mukati imomo.Ndakatarisa Shingi wacho ndokuona aperezeka zvekuti kudai aizofamba akaita zvaaiva akaita ipapo aitoda kufamba akabereka satchel ine matombo kuti asatorwe nemhepo.Mwana aimbova madhafinya zvake iyeye asi apa appendicitis yaiva yamushanda dzamara aota.Ndakatombogaya pfungwa dzekuti ndimutransfer ndichimuendesa to any of the up town hospitals asi ndakanakirwa zvangu nemamedical services emuchipatara ichi ndokubva ndarasa pfungwa iyoyo kwakadaro.Hongu zvipatara zvizhinji zvehurumende zvakadhakwa asi chipatara chevana chepaGomo chinorunner zviri professional,manurse acho kuminura zvavo asi haiwa vane moyo mukuru nebasa ravo๐Ÿ‘. "Saka mune kwamuri kushandawo here Mai Shingi?"Ndakamubvunza zvangu Judy uyu takagarisana pakabench kaiva padivi pemubhedha wemwana uyo aiva akanyigwa tsono dzemishonga nemadrip pamaoko ake ese."Yaa pane kamwe kacollege kanonzi Collins College kandiri kushandira ndiri.Mmmmm zvakaoma asikana takasopedzesera kupihwa masalary edu last term apa patakaipihwa pacho yaitova half."Ndakafemedzeka nehasha ndichinzwa tsvina idzi kusvikira ndaita zvekumira ndokuti,"College yacho iri kupi iyoyo inobata vanhu senhapwa so?Cant imagine kuti in this era tichine modern slavery."Ndakaona Judy akuyeredza misodzi achiti,"Iri kuSunningadale kwatinogara ikoko.Zvakaoma Sisi Chihera."Ndakabva ndadzoka zvangu kuzogarisana naye pakabench kaya ndokuti,"I am going to deal with them tomorrow.Just give me their adress ndonovapedzera mangwana."Akabva aidedemura nemusoro ndichiichengeta zvangu muMemo Application yefoni yangu.Takazokurukura kurukura dzimwe ndikaona ndega kuti mukadzi uyu ari kutambura kwazvo.Moyo wangu wakaita sewaparuka ndichinzwa nhunha dzake.VanaTatenda vakazouya nemafihlongo Judy akafara kwazvo apa ndakabva ndaenda kuaccounts dept ndokubhadhara musvo we$3000 neswipe-iyi ndiwo mari yaidiwa kuti Shingi avhiiwe. Zvapera takazonorora zvedu kumba kwatova kuma5 tasiya Shingi uya akutoendeswa kutheathre.Judy akazotifonera kuma9 achitiudza kuti the operation was successful asi vaizombogara muchipatara kwemamwe mazuva anenge matatu bedzi kusvikira mwana anyatsogwinya.Takarara zvakanaka mushure mekunga tanzwa mashoko aya apa ndaitova zvangu paleave saka ndaiva nenguva yakakwana yekuvhurumutsa matsotsi ekuSunningdale aya.Makuseni acho ndakagara ndaudza zvangu Tatenda kuti afanoona mwana kuGomo ini ndichienda zvangu kuSunningdale kuya,nokudaro,takaparadzana makuseni iwayo umwe naumwe achienda kwake uye ini ndaisada kufamba ndakarindirwa kunga ndaiva mbavha nokudaro ndakaraira kuti maguard angu asare.Musi uyu ndakatorova zvangu rimwe dress rangu raiva nezvimaruva iro raiva rakatsiga zvekuti vanhu ava vaizofungira kuti pamwe ndiri mubereki auya kuzobhadhara school fees yemwana wake kana kuti auya kuzotsvagira mwana wake nzvimbo yekudza.Izvozvo ndaiva ndazviitira maune nekuti ndaida kuvapinda vakavararairwa.Sometimes kupfeka kwako kunogona kurasisa vavengi vagofunga kuti une imwewo agenda izvo uri kuda kuvaratidza nyika yakanaka.Sezvo ndakaenda ari makuseni ndakasvikako vana vari paassembly vachitoimba zvavo national anthem ndokunopinda mureception umo maiva nekakadzi kaiva nechiso chakasauka pamwe nemagodi mumusoro izvo zvakandiratidza kuti kaishandiswawo mahara kunga kaiva kakapara ngozi yekuuraya amai vako.Kachindiona kakashaya pekubata sezvo kaiva katondiziva apa ndini ndakava muenzi wekutanga kupinda mureception umu musi iwoyo.Tapedza kukwazisana apa iye aiva asisina kugadzikana asi semunhu aiva pabasa akazoti,"Ko ndokubatsirai nei amai?"Ndakamuona akutambisa tambisa Eversharp yaaiva akabata ini ndokuti,"Sunungukai zvenyu amainini ndiri kuda kuona zvangu principal,kwakanaka zvakwo musatye zvenyu."Ipapo akanyepera kukanda kanyemwerero kekuda kubvisa kutya ndokuti,"Ndivo vari kutaura paassembly now saka assembly ichingopera vanobva vatopinda muoffice mavo ndotokuperekedzai ikoko."Chikoro ichi chaiva chemacabin emapuranga kunze kwereception neoffice yaprincipal vacho zvaiva zviri zvedurawall.Pakazoepera assembly yacho ndakabva ndazoenda kuoffice kwaprincipal kuya ndega nekuti musikana uya wepareception uyo ainzi Trish anga akuwandirwa nevabereki nevana vaiuya vachibhadhara mari dzeschool fees kwaari.Ndakaongorora ndikaona kuti aitoita mabasa maviri apa,rekutambira vaenzi zvese nekuvabursar izvo zvakandizvimbisa nehasha kusvikira pakuti ndakambofunga kudzvinya huro yaprincipal vacho ndichangosvika. Pandakazopinda muoffice muya mushure mekunga ndagogodza ndikanzi ndipinde,ndakaona vakuru ava vachitorova zvavo tea nemagwinya ayo avakabva vaviga pasi pedesk ravo ndakagara zvangu pachair yaiva yakatarisana neyavaiva vakagarira.Murume mukuru akatanga kusagadzikana apa aiva nerino zimhanza raisvika nekumugero kwemagaro ake kkkkk.Hapana anga asingachandizive muZimbabwe.Ndaona kuti shiri iyi yazvibatisa yega ndakabva ndati,"Maane mwedzi mingani musingabhadhare vanhu pano?"Mr Chitsvimbo ava vakabva vatanga kuti pamunondo pamusasa uye chakabva chanyanya kuomesa mamiriro ezvinhu panguva iyoyo ndechekuti taiva tisina kumbokwazisana.Mhinduro dzavakandipa hadzina kumbondigutsa kusvikira ndati futi,"Muridzi wepano ndiani?Is it you or you work under someone?"Dzakabva dzakwenya zimhanza radzo nechekugotsi uku ndokuti,"Ndini muridzi wepano,inzwaika shefu ndinogona kungokuonaiwo nepakuru kuti nyaya iyi iserere."Dzakadaro dzichivhura drawer repadesk padzo ndokubuditsa chisumbu chema5 Bond aya epepa ini ndokuchiramba ndichiti," Remember you are talking with the Minister Of Home Affairs.Ndinoziva sei kana uchida kunditrapper pozofamba vhangeri rekuti ndine huori?Iwewe uri kundinyepera kuti ndiwe muridzi wepano ndiudze now ndisati ndafonera mapurisa azare pano."Vakuru ava vakabva varuma ndebvu dzavo ndokuramba vachiti,"I can even show you mapapers anoprover kuti ndini muridzi wepano."Ndakabva ndasimuka ndokubata muchiuno changu mushure ndokuti,"How come uri kuti ndiwe muridzi wepano apa hauhoresi vanhu?Mari yacho unomboindesepi nekuti ndaona paassembly apo pakazara nevana and iwewe wakapfeka shirt yakasefeka collar so,hausi kuona kuti uri kutondiita benzi here?"Haaa mibvunzo iyi yaiva yakaoma sekumedza bhonzo renyama yemombe yaiva yakakwegura dzamara vakuru ava vazobvuma kuti vaisava ivo muridzi wechikoro ichi.Takambokikiritsanazve vakuramba kundiudza muridzi wacho dzamara vazofumura kuti aiva Lawrence asi panguva iyoyo Lawrence wacho anga akugara kuSouth Africa achingotumirwa mari yake bedzi via Mukuru.Sir ava vakandiudzazve zvekuti vaityisidzirwa naLawrence wacho nerufu kuri kuti vaimbobvunza mari yavo.Vakandiudzazve kuti pane mudzidzisi akamboshandapo akazongotsakatika sedowa kana zuva richinge rabuda mushure mekunga ada kukura musoro kuburikidza nenyaya dzemari idzodzo.Mr ava vakabva vatanga kuchema vachindiudza zvese nekuti mukadzi wavo aitova nenhumbu ine 3 months apa isina kunyoreswa kuclinic.Ndakaita sendichaputika nehasha ndokukumbira number dzaLawrence wacho vakati havana sezvo aivafonera akaviga number dzacho.Ndakavarayira kuti vandiratidze call history yavo ndikabva ndasendera madetails acho ese kunaSiwawa.Pasina nguva akabva anditumira back number chaidzo dzaitova necode yekuJoza ndikabva ndatofona ipapo ipapo ndichiti,"Lawrence uri sei college yako ndatora kuno ndakutoipa Judy ende ndiri kutokuona now kwauri uye nezvauri kuita hantie uri kukwenya twurasta twako nekushamisika.Ko wakazoiswa malocks when munhu wabank teller?"Ndakamunzwa achishama na'i pafoni ipapo ndokubva ndaicutter apa ndaiva ndakavigawo number dzangu.Inzwi rangu akabva ariziva nekuti tichingopedza kutaura tese akabva atanga kusendera principal ava mamessages ekuvatyisidzira kuWhatsapp ini ndokuvatorera foni iya bvandamusendera zidictionary remessage mushure ndokumupinza mujeri,kumublocker.Chakandirwadzazve ndechekuti college iyi yaiva itori registered neMinistry Of Primary and Secondary Edu uye yaiva iri registered muzita raVaChitsvimbo ava,naizvozvo,ndaizofanirwa kupfuura nekumaoffices kwacho ndichinozvishandura.Nyamukapa ndiye aiva gurukota racho apa taiva takasodzidza tese kuprimary saka zvaisazonetsa. Ndakazobva pacollege apa ndaita kuti mateachers ese aivapo apihwe twavo kunyangwe netwekare twacho.Mari yaivapo yaiita zvekuunganidzwa Lawrence ozoitumirwa kamwe chete yawanda saka hapana akashaiwa yake nekuti pachikoro ichi paiva nevana 600 umwe naumwe wavo achibvisa $25 pamwedzi.Ndakasiya ndaudza principal ava kuti ndichadzoka nenew admin,mhanza yavo ikasara ichitoikira nemafaro.Patsvagurudzo yandakaita ndega ndakaona kuti college iyi inenge yaiva yakavhurwa nechekare vanaMiddy vachipo uye vamwe vacho vanga vanzwa nekuiswa kumanyowa vari kuremand.Ndichibva apa ndakabva ndananga kumaoffices edzidzo acho ndokuonana naNyamukapa uyo akabva andisotera zvese.Hazvina kumbotora kana thirty minutes nekuti maoffice makuru makuru aiva asangana.Ndichibva apa ndakabva ndarova cross country ndakanga kuGomo uko ndakasvika Shingi achiswatanura swatanura makumbo ake mupassage ega ndokubva andimhanyira achiti," Mhamha mhamha mhamha!"Izvi zvakaita kuti ndiyeredze misodzi yangu ndichimumbundira bvatazofamba tese tichidzoka kuward kwake uko ndakasvika Tatenda naJudy vachikurukura zvavo.Ndakatambidza Judy mapepa aya ndichiti,"This is for you Mai Shingi."Vakaverenga kamwe chete bedzi ndokutanga kuyeredza misodzi yekudzamirwa takambundirana.Pava paya takazoparadzana ini ndichienda zvangu kumba naTatenda,Mai Shingi vachisara zvavo nemwana wavo.Tiri munzira kudzoka kumba ndakabvunza Tatenda kuti,"Ko manga muri kumbotaura dzipi naMai Shingi tisipo zvedu isu kkkkk?"Ndakatobvunza zvangu ndichiseka iye ndokubva atanga kusekesa kutondikunda bvandabvunza ndava yacho yasaka aseke kudaro iye ndokuti,"Kkkkkkk hanzi ndichiri kukuda Baba Shingi,can you imagine inini manje kuita sekafolder kaya kepacomputer kanonzi kaRecycle Bin.By the way kacompany kaya kanorecycler waste kachiriko here?I think ndiko kaanofanirwa kudanana nako not me."Ndakabva ndaseka asi ndakazomuti,"You know what Baba Leah?Handidi kuona zvangu mumwe mukadzi achishungurudzika sezviri kuita Middy izvi."Ndakaona Tatenda akusekera svoto ndokuzoti,"Nxaa haa akambofarisa munhu uyu leave her like that anyatsodzidza kuti life haisi yake bedzi."Inini ndakangosekerawo mumoyo ndokumuti,"Its like patiri kuenda kuchipatara tese kudai achitiona tichidanana zvinobva zvaita like tiri kumusvotesa hauzvionewo here.Inini ndafunga zvangu kukusiya kuti utorane naye for the sake of Shingi.Handina zvangu pressure ini usandityire."Tatenda akabva ambomisa motokari parutivi penzira ndokunditi,"Are you out of your mind?"Kaiva kekutanga kumunzwa achindiudza mashoko aya asi hapana zvaakabatsira nekuti I had already made up my mind towards that issue.Hongu to many zvaisava nesense asi ndizvo zvandaiva ndasarudza.Ndiho huChihera hwacho ihwohwo hwekungoita zvamusingade zvacho.Asvotwa nazvo ngaarutse๐Ÿคฎ.Handiraramire vanhu ka ini! Tatenda akashingirira zvake kutyaira motokari kusvikira tasvika kumba uko akandichemera akapfugama asi mvura yeguchu yaiva yatorasika.Kwandiri yaiva decision yakaoma kwazvo asi I now wanted Judy to be happy saka paakazobuda muchipatara nemwana,vaviri ava,Tatenda naJudy,ndakabva ndavapa imba yangu iya yekuArea 3 zvamuchose.Kushamisa kwazvo ndakazoona pava paya kuti ndanga ndaane pamwe pamuviri paTatenda ukuwo Brigadier Mathema vanga vakundinetsa nekoko.Hapana asingazvizive kuti vanhu vanozivikanwa kwazvo vanoda kugarisana chose,saka ndakaona kuti ndipo paiva pazoteya vakuru ava kuti tiite kaceleb kacouple kunga tiri kuCalifornia.Kkkkk manje memory card rendangariro dzangu raiva rakasodeleter chisekuru ichi kare kare saka chazolumila!Chakatombouya through president chichizama noto chikabva chaudzwa kuti chipedzerane neni feya feya.Haaa nxaaa chinopenga!!๐Ÿ˜„ *Judy* Iiii vasikana ndiitewo makorokoto,inga haatengeswi! Eee original hubby kudzoka kudaro kunga munhu wechikwereti.Zvakabva zvabuda pachena kuti we were meant to be together.Ndinoda kuvatenda Chihera ava ende vanhu vakadai pasi pano havaoneke zvachose.Rudo rwavakandiratidza rwaiva rwakadzama kwazvo.Vakabva vanditsvagira nebasa paMutare Boys High apa Shingi anga akudzidza paMutare Junior takugara zvedu kuArea 3.Tatenda ndiye akamboramba kuacceptor change asi akazoimedza aona kuti hapana yekutamba. Makombi ese aya akabva aita edu plus college yekuSunningadale yanga yava yangu ndakutotumirwawo mari yangu in the comfort of my home.Takati tagara tagara Telma akazouyawo kumba kwedu mumwe musi achiti.... Kedha vaidei futi nxaa? Kkkkkkkk end of chapter Season 2 loading Marwadzirwa ka shame๐Ÿ˜ฐ๐Ÿ˜ฐ๐Ÿ˜† Watch out for the final chapter!! *NDINOFA NEWE BY DR MAXX-CHAPTER 30๐Ÿ’–๐Ÿ’—๐Ÿ’—๐Ÿ–ค๐Ÿ’œ* *finale* *Tatenda* "Halo Baba Shingi svikai kuno kumba there is an urgent matter now!"NdiMai Shingi ava vaindifonera ndiri kubasa apa ndaiva ndabva kumba zvakanaka naka.Chaiva chii zvekare chaiva chanyuka kunga howa?"Kwakanaka here babie kuri kuita kuti usagadzikane kudaro?"Ndakatovabvunza zvangu ndanzwa kuti inzwi ravo raiva richitotambira mudenga mudenga kunga raiva kutraining yeairforce.Ivo vakangonditi ndiuye kumba bedzi ndizvionere apa ndaisada kukanganiswa program dzangu dzemusi iwoyo sezvo yaiva Saturday.Ndaiva nehurongwa hwekuti ndikachaisa pabasa kuma11 makuseni ndozoenda zvangu kunoswerera mabhora kumba kwaEvaro kuDarlington tichigocha zvedu nemamwe mafesi edu.Mazuva aya ndanga ndaane garage rangu remakombi pane kamwe kastand kandaiva ndatenga kaiva kakanangisana neMutare Board and Paper Mills.Ndakabva ndatora Evaro kuti ave chief mechanic wangu saka paservice yemakombi angu ese ndaiva covered.Iye ndakamupawo mukana mukuru kwazvo wekuti asotowe motokari dzaaizvitsvagira mari yacho otora zvake.Muchinda uyu ndaimufarira nekuti aindibatsira kana ndakuda kutenga motokari kunze kwenyika.Aizivana kwazvo netimu timu repaBeitbridge Boarder Post saka makombi andaidawo aisvika kuno ungori mufambanyore.Mazuva aya aitonditsikisira yekuti ndipinze zibhazi zihombe riri paYutong tozoriisa paroute yeMutare-Bulawayo,taishanda tese tichinzwana saka pandakati ndafonerwa kumba makuseni aya akabva ati,"Aaa chibaba hamuzive here kuti vakadzi vanonetsa apa nhasi tine plan yekuspakwa paden naanaGode.Hamuzoti nyaa here ikoko?"Mubvunzo wacho waiva wemunhu aisada kurasikirwa nemafaro nekuti aiziva kuti kana ndiripo mafaro anenge akatsikwa chepakati."Haaa kuti zvisanetse handei tese ndozohwandawo newe kana vakada kundidelayer,vakadzi unovaziva iwe."Ndakadaro ndichirova rova bendekete rake semunhu wandaiva ndajairana naye iye ndokuzobva pandiri achinobvisa chihovhorosi chake chebasa mushure mekunga avhara tool box yake achinoivharira muchigarage mayairara iri.Zvadaro akabva angozvipukuta pukuta yechibhachura imwe iya iya ndokubva agarira Benz S63 yangu ini ndiri padivi pake,akabva anyiga gumbo mutank takananga paDivhera. Ndisu uyo pfee paDangamvura tichidandaura *Finhu Finhu* yaWinky D apa motokari yacho yaiva nepersonalised number plate yaiva yakanyorwa kunzi Boss TMan.Tichisvika kumba ndakabva ndarayira Evaro kuti asare zvake panze nemotokari ini ndokupinda zvangu mukati ndichifambisa.Ndakapfuura nepaswimming pool ndikaona Shingi achitotambira zvake mumvura natsano vangu,Sekuru Liberty,avo vaiva hanzvadzi yaMai Shingi iya yaiva Form 6 mazuva aya aya andakavhurumutswa namudhara vavo ndichidya sadza naMai Shingi panze paya kkkkkk.Zvekuuya kwavo pamba apa ndaiva ndisiri kuzviziva asi ndakangofungidzira kuti vaiva vangouyawo kuzotiona musi iwoyo sezvo taiva kumaraini kumwe chete naambuya vangu.Mazuva aya vaiva vakatogara zvavo pamba kunyangwe zvazvo vaiva vaane zvimakore zvine chitsama vapedza degree ravo reEconomics paUZ.Tezvara vangu vanga vakunyara kuti vandipire dambudziko ratsano vangu ava saka ndakasongosiyawo zvakadaro sezvo ndaiva ndichingomirirawo kuuya kwavo vachizokumbira kuti ndivawanire pekumbodai dai vachibatanidza svomhu dzeraramo yavo.Vakuru vacho vanenge vaitonetsawo nekuti vakatombopihwa gap rekudzidzisa pacollege yehanzvadzi yavo vakaramba vachiti vanoda basa remuoffice.Mmmm ndaiva ndisati ndamboona munhu akadaro,muZimbabwe yakaoma kudaro munhu otoramba zvake basa kudaro apa vaizorojerwa zvekare nehanzvadzi yavo ikoko asi vakaramba.Ndaiziva zvangu kuti vaitonditemba nenhau yekuti ndaiva nemikoto mikuru yemashefu emaMutare zvekuti vaiswera vawana zvisvinu zvavaishuwira asi ndaiva ndakamirira kuti vazouye kwandiri nechikumbiro chavo.Kwandiri kwanga kwangova kudzvanya dzvanya mabhatani maviri matatu bedzi munhu oswera ava kutounzirwa tea ari muoffice make akagara pachair ine mavhiri.Manje apa ndakangovasimudzirawo ruoko ndichipinda mumba sezvo ndaiva kumashure nenguva. Ndichipinda mumba kudai ndakaona Telma akadzimika tende rake kuti dzii achitorova zvake kakeke nekajuice zvaaiva aisirwa naMai Shingi.Vaiva vakatogara vese kunga vanga vaane zvimazuva vachizivana apa matwins angu aya Marlon naMeegan vanga vakutotamba vese mudining makare kunga vanga vaane mazuva vachitambiramo.Matwins aya aiva mukomana nemusikana apa vaiva vatoti kurei zvekusatopfeka mapamper kkkkk.Ndakaramba ndakamira ndakabata zvangu muchiuno dzamara Mai Shingi vazoti,"Garai zvenyu pasi Baba 2.Ko indava kunonoka kudzoka kudai?"Ndakatanga kusisina twuziya pahuma pangu apa ndokuti,"Whats going on muno?"Mai Shingi vakabva vapeta maoko avo ndokuti,"Without wasting your time nofunga munhu uyu unomuziva and vana ava ndevenyu mese.Paauya pano haana kuda kumboita zvenoise neni thats why masvika takagarisana kudai.The issue iripo ndeyekuti she is saying that atouya kuzogara newe pano as husband and wife.From her tone I can sense that I am out of this equation."Panguva yese yavaitaura iyi ndaiva ndakati tuzu asi ndichinzwa zvese zvavaitaura apa Telma wacho aiva akatodekara achiratidza kuti she is here to stay.Hameno kuti mweya rudzii waiva wakamugara uye aiva ashayei kuti amanikidzire pakadaro.Ndakapererwa nenyaya iyi dzamara ndabuditsa foni yangu ndokusendera Chihera message avo vasina kutamba nenguva ndokubva vafonera Telma wacho ipapo ipapo vasingazengurire vachiti,"I am giving you five minutes to get out of that house.Usavhiringe marriage yevanhu.Kana uchida mari taura nesu tikutsvagire basa rekuti ushande uiwane and zviri zvevana muridzi wavo is capable enough to maintain them,for you own information the civil court is open for business,endako ubatsirwe kwete kuda kunyongosha vanhu."Telma achinzwa izvi akabva angoti simu ndokusiya aridza tsamwa sekunga anoroya.Pasina nguva akabva abuda nevana vake apa vaiva vasina kana mabhegi.Hameno kuti vaiti vairi kuenda kupi.Chihera vaiva nemukanwa maiva makafanana nemaoko emastreet money changers nekuti vaisasa cash talk.Telma akadzokera kwaaiva abva izvo zvakasiya Mai Shingi vari mudenga rechinomwe.Ndeupi mukadzi angada kusheya murume waakadzorerwa nemumwe mukadzi zvakadaro. Pakarepo ndakabva ndaoneka zvangu kuti ndichidzokere kudhorobha,Mai Shingi ndokundibata muchiuno vachiti,"Swty kani ukaenda futi unozononoka kudzoka."Ndakabva ndatoziva kuti zvatanga ndokuti,"Babie please understand me.Ukatodaro unenge wakutondinonotsa apa ndina Evaro panze apo akatondimirira.Mai Shingi pavakangonzwa kuti *Evaro* bedzi vakabva vati,"Aaaaa iko kahure kaya.Mukati kune chisvinu chichabuda here kwamuri kuenda here ikoko and makatanga kufamba mese kudai when?"Mai Shingi vaiziva kahunhu kaEvaro kekufugura muswe.Countless times vakamuona kugarage achivharira mabhebhi akasiyana siyana mumota saka ndakabva ndati,"Shaaa I am now mature zvaunoziva iwe dont worry ndinotomudzora ndini."Ndakaona mukadzi wangu achidzungudza musoro mushure ndokuti,"Never hazviite muri kuzoenda mese naLiberty kwamuri kuenda ikoko.Makuda kutondijairira vanhu imi maguta kunyarwa."Ndaitogaya kuti idambe wanike Mai Shingi vakabva vatosheedzera Tsano Liberty nepahwindo vachivaraira kuti vapfeke mbatya dzavo mushure vozoenda nesu.Ndaona zvadai ndakabva ndaenda zvangu kumotokari iya yaiva panze kuti tinovamirirako zvedu ndokusvika Evaro akaita zvekugarira bonnet nechidimbu chemagaro ake akaita kakumira so,smile iri uko achiita seachaparara chiso chake nekusekerera. Ndichingobatana naye ipapo ndakabva ndamupira mamirire aiva akaita nyaya akabva asanotipira Gode pafoni kuti atoronge zvimastatement zvekuzopambura tsano ava kana tapindira townaz.Kutsva kwendebvu varume vanodzimurana. Zvapera izvi Evaro akazoramba achinyemwerera ini ndokuti,"Kwakanaka here kwamuri kumwaura face kudaro?"Chakabva chapeta maoko acho ndokuti,"Ndiani wenyu boss abuda muden menyu manje manje aine madon maviri?"Evaro aitodonha rute achitaura nekuti anenge aiva apenyerwa last number."Haaa chimupfanha chaMai Shingi chinogara paguta chakangouya kuden kwavo for a weekend.Wanga watii?"Ndakadaro zvangu ndichitonyepa iye ndokusunga mananda achiti,"Chakakandwa kitchen here nekuti ndaona chine madon saka ndakubvunzai kuitira kuti ndisamhanye nemakarimwa."Haa Evaro aiita kufara kani zvekuti pese paaitaura ndaibva ndaona nemazino ake ekumatadza ini ndokuti,"Haa chimuM 1 icho chakatofirwa nemurume last year uyo akaita accident ari mukombi achienda kubasa."Haaa mashoko angu aya akabva akwichidzira moto wanga watovapo ndokunzwa Evaro chakuti,"Haaa ndokusaka mhani eishi!Chandipa madigits acho saka ndinogona kupinda machena.Babamukuri muri sei?"Kkkkk changa chakutondiita babamukuru wacho saka ndakabva ndazoti,"Tsano vari kusvika manje manje eee kwete kuzodhomoka ka kuti wanakirwa nehanzvadzi yavo tichidzoka kutown."Ndakaona chichigutsurira musoro wacho kuratidza kuti chaiva chanzwisisa.Pasina nguva tsano vaya vakabva vapindira ndokubva tadzokera kutown kwakare. Tichisvika paSpar Evaro akabva amisa motokari sezvo taiva taona Gode achiuya nechekuMeikles Park achibira Hebert Chitepo achiuya kwataiva.Inini ndaiva ndakagara naEvaro kumberi,tsanoz vakakwana kwana kuback seat.Gode akasvika ndokundipa sando tese asi akamhoresa tsano vangu zvine hunhu akatovapfugamira sezvo aiva munhu wenyambo.Mushure mekusimbisana Gode uya akazoti,"Guys ndimi mainetsekana netime dzichatambwa El Classio.According to Central African Time bhora racho riri kuzotanga nahalf 9 so panozochayawo 12 midnight rinenge rapera."Aitaura achititsonya nekona yeziso zvataiona naEvaro ini ndokutendeukira kunatsano ndichiti,"Hey sorry baba nofunga muri kungozvinzwira saka kuti tizogare nemi kusvika nguva dzaakadaro I think its unfair to you.But zvandingaita now ndezvekuti mundimirire muNandos umu ndimborove marounds then after kana an hour ndodzoka ndichizokudzoserai kumba.Evaro hauna five mari here yakachinjika upe chimudhara changu ichi chilumewo something chinonaka mukati imomo."Ndakaona Tsano Liberty vachifinyama finyama kumeso zviya zvekusada kuenda kusvikira Evaro azobudisa chitsapo chemakobiri achivapa.Vachingochitambira kudai vakabva vatobuda ndokuenda kuNandos ndikatovaona vachipindamo isu ndiye hutu takananga kumba kwaEvaro."Haaa tsanoz yako inenge mukadzi chete.Ipapo kuda kufeya kuti zviri kufamba sei kuti izoudze sistran yayo."Akadaro Gode achitowanza zvake ini ndokuti,"Kkkkk manje handisi kuzodzoka kuzoitora.Ichabatsirana nevashandi veimomo kumenya mapotatoes nekuundura ngeke.Ngaitochengetedze kamari kataipa nekuti ikaita zvechitsaga tsaga imomo inorohwa memagongi anoshanda emo.Aaa rimwe gore ndakazombopukutwa ka50 mari pasina kana2 minutes ndanyurura kababie keimomo ndikapotsa ndadzoka kumba nedzaAdam."Kkkkk takabva tabatsirana kuseka dzamara tasvika kumba kwaEvaro uko takangosvika nekupfutidza moto pabraai stand tichigadzirira gochi gochi.Ndakazofonera tsano vaya ndichivaudza kuti handichauye kuzovatora,asi pasina kana 1 minute ndavafonera Mai Shingi vakabva vandifonera vachindishaudhira kuti ndaiva ndasiirei hanzvadzi yavo kkkk.Aaa vakadzi vakomana apa musi wakare Chihera vakabva vafonawo vachiti vandisuwa zvese nekundiudza kuti vane nhumbu yangu.Mxm nonsense..๐Ÿคฆ๐Ÿผโ€โ™‚ *Berna* I am indeed a product of grace and Jesus is the raw material.Chihera is the most important person in my life.Ndakazosvika pakupedza degree rangu after such a long struggle apa ndakazoriwana riri first class despite kumbotakura takura kwandaiita.Kumamoot competition vamwe vangu vaitemba neni and I was going to be the best lawyer on the land.Nyaya yekurepwa kwandaiva ndakaitwa gore riya yakandipa shungu dzekuti ndisiye zvehugweta ndiite zvangu mutongi.Manje zvaida experience yemakore mashanu ndichipractiser selawyer kana PP asi kuburikidza naChihera ndakangobairirwa patsono kamwe chete. Graduation yandakazoitirwa naChihera kumba kwamukoma vangu kuArea 3 yaiva nemakuva pasi.Imagine kuhayirwa Zahara wandaifarira all the way from South Africa kuti azouye kuzotandadza vanhu pachiitiko ichi.Chihera vaiva vasina kuputsa chitsidzo chavo.Zvisinei graduation ichipera ndakatanga kushanda ndiri pasi pemapapiro evamwe regional magistrate vainzi VaMatimba avo vaitonga nyaya yechikwata chaanaMiddy.Ndaitogara padivi pavo vachitonga nyaya yacho inini ndichidzidzirawo zvekutonga izvi ndiri padivi pavo saka vakomana ava vaifanirwa kugojwa nomatter what.Ndiwo mamirire aiva aitawo hupenyu hwangu pangu iyoyo.Nyaya yacho yakatora mwedzi yakati ooo ichingoitwa further remand ndikasvika pakuroorwa zvese nekuchata neimwe shasha kkkkk ndichazokuudzai nezvayo kumberi ikoko.Asante Sana..๐Ÿ˜† Kkkkkkkkkkkk End of chapter End of season Thanks for being with us in the First Season.Season 2 is calling you all! Watch out for Season 2!!

Post Comments(0)

Leave a reply

Login to Comment