...

The Survivor- Short story

THE SURVIVOR-CHAPTER 1 BY DR MAXX🎓* "Ronald enda unocherera mhamha vako mvura vanwe.Inzwa vari kungogomera kubva pawapinda paya!"NdiBaba Ronny vaingunosheedzera vari muimba yekutandarira vakaradzika mukadzi wavo pamakumbo uyo aiva aparara negomarara rechibereko. Ronald uyo aiva mukomana mukuru pamba apa aine nemakore gumi ekuberekwa,akatsveta zvaaita murumu make ndokunanga kukicheni uko akanouya nekomichi yemvura yaitonhorera.Baba Ronny vakapa mukadzi wavo mvura yekunwa.Yaitova hondo nekuti ivo Mai Ronny vanga vaane maronda mumukanwa aiva akatsvuka achirwadza kupfuura kundonyera dzoro pakona yewindo.Vhudzi ravo raiva ronyobvoka nyobvoka zvekuti raingodonha pese pese pavaigara.KuParirenyatwa kwavaimbova,madhokotera vaiva vazvitadza vakangorayira kuti vachingochengeterwe kumba nekuti gomarara rinodhura kurapa zvakare.Baba Ronny vakasvika pakurasikirwa nebasa ravo mushure mekunga vaparadza mari yese nekutora zvimbadzwa kuti varapise mbabvu yavo,asi zvose zvakauraya amai kasvava kachada kuyamwa.Mishonga yese yaidiwa kunyangwe zuva nezuva yaisheedzera zvekuuraya munhu chaizvo.Vakatengesa nemidziyo yemumba yose vakasara wava muRufaro chaimo asi zvakakona n'anga.VekuParirenyatwa vakanga vangopawo imwe pfungwa yekuti Mai Ronny vanorapirwa kuIndia kune zvikwapuro zvehutano,asi $80 000 yaidiwa yacho yaizobvepi izvo zvaiva zvakatooma nechekudhara kunga kurwarirwa usina mari.Iko kugara muchipatara zuva nezuva handi kunotodawo mari saka mai vaiva vatsva musana mwana atsva dumbu. Mhuri iyi yainzi yekwaMaramba ichigara kuChitungwiza Unit L.Baba naMai Maramba vaiva nevana vaviri,iye Ronaldo aiita Grade 5 panguva iyoyo nekahanzvadzi kake Joyce kaiva Grade 3 kaine makore masere panguva iyoyo. Vana vaiwanzoswera kuchikoro baba vachisweropepa amai zuva nezuva.Chokwadi varume vakadai vanoonekwa kamwe pagurumwandira revanhu.Murume uyu akanga atotora chidanho chemukoti kune mudzimai wake.Vainyatsoona kuti Mai Ronny vanwa mishonga yavo here uye kuti vageza pamwe nekudya zvakakwana here.Hapana kana hama yanga ichanhuhwapo nekuti ruzhinji rwunoda pane makeke,pane honye rwunosema.Naizvozvo murume mukuru aiona ndondo achiita kushaya nenguva yekutandarawo nevamwe varume zvikuru pavhiki mbiri dzazounzwa Mai Ronny kumba vachingorwara. Chainyanyorwadza ndechekuti gomarara riya raive ropararira nemuviri wese zuva nezuva mhuri yakatarisirawo kuti amai vapone.Hapana chinorwadza sekushingiririra pamurwere anoramba achingorwara asingapone. Nemusi uyu Mai Ronny vakatanga kuhotsira zvine simba vachirutsa zvinenge zvinyama zvine ropa,mushure mekunga vapedza kunwa mvura iya.Muviri wavo wakatanga kuzuzuma zvine mutsindo vakatanga kupindurika maziso.Mboni yakashaikwa maziso akasara akacheneruka.Izvi zvaiitika varere pamaoko emurume wavo ukuwo Ronny akangotarisa achibvunda nekutya.Joyce kaive zvako kumaraini kachitamba.Mumba makaita runyararo rwuya rwekumakuva chairwo pachingonzwikwa kuhotsira kwaMai Ronny. "Taura neni mukadzi wangu uri kunzwei?"NdiBaba Ronny vaingunobvunza chidokohori chavo misodzi yatojenga mumaziso.Mai Ronny vakangobengenuka kamwe chete ndokutangisa kundandamira,"Baba Ronny murume wangu,usare uchichengeta vana semachengetero avandiita aya.Zviri zvebasa usaore moyo unoriwana asi ndine urombo nekuti hurwere hwangu hwakakudzingisa basa.Washingaira kusvika kumagumo,asi ini ndaneta.Nyama yangu yaibva.Waiva neni mukufara nemukusuwa,rudo rwako harwuna kumboshanduka.Zvirambe zvakadaro Shava...."Mai Ronny vakazongohotsira kekupedzesera ndiye tsau tsau kwaakungoomera mumaoko emurume wavo.Baba Ronny vakaona kuti uku kwaitova kuenda vakatangisa kuhwihwidza naRonnywo akabatana navo.Pakachemwa zvinopisa tsitsi,Baba Ronny vakagukuchira mukadzi wavo apa Ronny achipfugama achichema.Murume mukuru akangozvibata nekuti akanga azoona kuti zvaisabuda kuti arambe achichema pamberi pemwana,nokudaro vakapukuta misodzi ndokuradzika mukadzi wavo pakapeti chaipo.Vakatora chichari ndokumufukidza muviri wese vachinyararidza mukorore wavo. Vakazofonera mapurisa pamwe nekuzivisa hama, shamwari nevavakidzani nezverufu rwemudzimai wavo.Zuva harina kudoka vanhu vatoungana .Upfu hukafambirwa rufu rwukatotanga.Nevaya vaiti,"Tichauya next week kuzovaona,"musi uyu vakatorara vakakomba zvoto zvenyama.Munhu anoudzwa nezveshoko reurwere otaura achiti anozouya munguva inotevera,haana kunaka chose nekuti neimwe nzira anenge achitoshuvira kuti munhu angorambe achingorwadzirwa. Mai Ronny vakaendeswa kumochari nemapurisa musi iwoyo chiri Chishanu.Havana kutomborara mumba nekuti vakavigwa mangwana acho makuseni.Chiremba akati vakanga voora saka hazvaibvira kuti vambochengetwe chengetwe. Nokudaro rufu rwavo yaingova gagaga pamwe nekugoviwa kwenhaka.Hama dzese dzakazotenderana kuti Baba Ronny vangosare vachichengeta vana vese vari vaviri,asi imwe hanzvadzi yavo yekwaMutare yainzi Tete Gutuza yakakumbira kuenda naJoyce kana kotoro yapera.Veukama vakazvitendera ndokuzooneka vonanga kwavo sare Baba Ronny nenhamo yavo.Vakapika pasi nekudenga kuti havaizofa vakaroora mumwe mukadzi nekuti Mai Ronny waiva wavapa zvese zvavaida muraramo yavo,kusanganisira kuvaitira vana........!!! *Ko Baba Ronny vachaita sei nevana zvepasisina amai??Ndiko kutanga kwehunherera kwaJoy naRonny ka?? REGAI TIONE KUTI CHAPTER 2 YAKATIGADZIRIREI!! [15/03 19:31] Doctor Maxx🎓: Watch out for chapter 5 😇 [10/02 12:58] Dr Maxx🎓: *THE SURVIVOR-CHAPTER 2 BY DR MAXX CHIMEDZA🎓* Hurwere hwamai Ronny hwakasiya murume wavo nemwana wavo vasina chekubata.Baba Ronny vakamiramira kuzama kuti vadzimai vavo vapone,asi nguva yake musiki yaakatara kana yakwana hakuna anoramba.Imba yavo ndochinhu chega chinobatika chavanga vasarirwa nacho."Ronny idoisa chikwangwani chemba kuitira kuti vanhu vanenge vachipfuura nenzira vanochiona!"NdiBaba Ronny vairayira mwana wavo. Hazvina kuvatorera nguva kuti vawane maroja 3 nokuda kwekuti mudzimai wavo aizivikanwa semunhu anogarisana nevamwe zvakanaka.*Tumagumbeze twavo twanga twasara vakaisa murumu imwe chete yekumashure yavaizoshandisa.Sekuzivawo kwenyu kamari kemaroja kashoma uye hakakwane kuti mari yechikoro ipapo zvese neyekudya.Nokudaro Baba vaRonny vakafunga kumisa dangwe ravo chikoro.Ronny haana kunyanya kubatikana nazvo sezvo aiona mamiriro akaita zvinhu pamba pavo.Murumu mavairara maisanzwika kana gonzo kupfakanyika nenhau yekuti maingove nhandare zvayo.Kuzoti mapete hatichataure, ndiwo ainge achagarirei zvawo. Baba Ronny vakafunga kunotsvaga basa kuti vakwanise kuchengeta jaya ravo rakabvisa humhandara wemudzimai wavo.Vakamuka rungwanani vakasiya vaoneka mwanakomana wavo vopinda mumasango kuti vandonovhima chingavararamise.Vakaenda kumanew stands vachitsvaka basa. Mumoyo vaingoti chamuka inyama chero vadzimu rawavapa vaizongotamba iri kurira. Vakadzengaira nemanew stands, murume mukuru nezuva iri dikita riri mwokocho muhuro zvose nekumeso.Vakukundikana nekutsvaga basa vave kuda kutodzokera ndipo pavakanoona pamba paive pachiburutswa mapipe ekusevenzesa pakuisa zvimbuzi zvepanze.Murume mukuru akanyemwerera akananga pagedhi repamba panga pave kubva rori."Vakuru vangu makadiiwo?ini ndoitwawo VaMaramba asi vazhinji vanonditi Shava nenhau yekugona kufitira zvimbuzi zvopanze"Vakataura vachiita semunhu anonyatsoziva basa rake.Mhuri yekwaMusonza yakatapirirwa nerurimi rwababa VaRonny ndokuvapa basa. Zuva parakazovira dzanga dzatove ngano kuudza munhu kuti apa paimbowaridzwa mhasa vanhu vachitandara.Chimbuzi changa chanyatsovakirirwa zvinonwisa mvura.VaMusonza vakagutsikana nebasa rainge rashandwa nababa vaRonny vakavapa mari yavo yaikwana $30 sekurangana kwavanga vaita."Shava munogona kutyaira here,ndiri kutsvaga mutyairi?"Vakabvunza vaMusonza vatapirirwa nekugwinya kwainge kwakaita Baba vaRonnie"Hongu mambo wangu ndine class two chaiyo ndakaitoreswa nemumwe murungu wandaishandira kumaprazi uko kwatairima soyabhinzi tichicheka fodya one time."Mhuri yekwaMusonza yakaseka nyambo dzaBaba Ronny. Baba Ronny vakasvika kumba kwavo ungori mufaro bedzi bedzi zvekuti kana Ronny akatombomira kufunga amai vake achida kuziva chainge chaunza nyemwerero pameso pababa vake.Kubva zvakashaya amai vake baba vake vaigara vakasuruvara saka Ronny ainge atova nechidokwa dokwa kuti anzwe kuti mukuru wake arikufarirei.Ronny akachimbidza kutsvagira baba vake mugomho wakabooka kuti vawane pekugara."Ronny mwanangu vadzimu vekwaShava havana kutisiya vanotida," vakadaro Baba Ronny vachinwa mvura yavanga vavigirwa nemwana wavo."Ndinoreva kuti ndawana basa rekutyaira Ronny ende ndiri kutotanga mangwana chaiye."Ronny akafara kupinda baba vake. Ainge ave kutofunga kuti aizokwanisa kudzokawo kuchikoro sevamwe vana."Oh 10 dhora iyo idonotenga mupunga nebhuroira kwaMaKumbe(tuckshop)".Chikomana chakamhanya kwaMakumbe mupfungwa muzere muto webhuroira ranga rataurwa. Pasina nguva Ronny anga adzoka kubva kunotenga mupunga nebhuroira.Chikafu chakabikwa zvemhando yepamusoro.Kuti titi kugona kubika here kana kuti inhomba here hameno.Chikafu chakadyiwa mumba vanhu vachironga kuti Baba Ronny vakahora vaizotengeyi nemari.Baba Ronny semunhu aiziva kuti basa rinochengetedzwa sei jongwe rakazorira vapedza kugadzira kuenda kubasa.Kwakatozochena VaMaramba vagara pamba paVaMusonza zvekuti mhuri yavo yakatomuka varipo.VaMusonza pavakatora bucket kuti vageze motokari vakakatyamadzwa vachiona dzose dzagezwa zvemhando yepamusoro.VaMusonza vakapinda mumba mavo ndokugeza kuti vandotaridza Shava basa ravachange vachiita.Pasina nguva dhara redumbu remari ranga ratopedza kugadzirira ndokubuda neBMW yavo. Motokari yakarohwa Baba Ronny vasingazive kwaiendwa. Vakazokaruka vakupinzwa muChicken Inn yepaJoina City."Ehh Shava murume akagwinya sewe haufaniri kurarama hupenyu wehwakumukwaku kani"Baba Ronny vakabvumira nemusoro asi mumusoro mavo vange vanonokerwa nekupiwa basa ravanga varairwa. VaMusonza vakaenderera mberi nenyaya yavo,"Ndoda kuti uve munhu anotungamira vakomana vangu pakutakura mbanje dzangu kubva kuNyamapanda kune purazi rangu,pa every load unohora $500."Baba Ronny havana kunyanya kufunga zvakawanda sezvo vanga vatorwa moyo nemari yavanga vavimbiswa.Vakabva vapuhwa bango rephone nemakeys eBMW yavanga vauya nayo.Pamusoro pazvo vakabva vaisirwa $1000 muaccount mavo yekuitira kana pane chaizonetsa vozoshandisa.Baba Ronny now became an innocent victim of circumstances beyond his control nekuda kwekutsvaga kurarama. Madhiri avo vaiita vachibudirira vasingambofungirwa nemapurisa.Vainge vave kutotengesa dzavo mbanje nerweseri.VaMaramba vanga vave kutoputawo gombi kuti vasanyanya kufunga zvakawanda maererano nebasa ravo. Kubva zvavakatanga kushanda havana kuzofunga pfungwa yekuti Ronny aende kuchikoro dzanga dzangovawo ndangariro kuti vakambotaurawo nezvazvo.Regai zvinzi mukufamba umu unotakurana netwakawanda, Baba Ronny vanga vave nekachikosoro kasingaperi.Apawo mari panga pave pamusha payo. Vemuraini ndivo vaiti vakachekeresa mudzimai wavo kuti vaite mari.Panomuka chakanaka chinouya nemubhadharo werunyeyo. Mwedzi mitatu yakapera vanhu vari mumudya ndirere. Aimbozvifungawo kuti nherera dzinodya dzichiguta ndiyani. Rimwe zuva vakomana vachitobva kuNyamapanda vari musprinter ravo samazuva ose ndipo pavakazopinda mupfumvu.Vachangobva patubhawa twuri paMrewa Centre munzira vachitevedza nzira pakangoerekana pasvika defender raiva nemapurisa aive akapakata zvombo mumaoko.Pakaita jarachara vanhu kutiza mapurisa ainge asvika.Baba Ronny semunhu aive asati amboona mapurisa akapakata zvombo uye akawanda kudaro vakabva vamira nokutya kufa.Nenguva idzodzo dzakanga dzatochena mumaoko avo.Sprinter ravo rakavhurudzwa ndokuwanikwa mune dzukwatsukwa remabhero embanje.Vakabva vangobatirwa panzvimbo kunga huku yanaiwa . Mavhiki maviri akazokwana Baba Ronny vakavharirwa kuRemand uye chikosoro chavo chainge chonyanya kudzimba.Mapurisa akambotanga achifunga kuti pamwe vari kuita zvedambe asi vakazoona kuti vakaita zvekutamba vangarasikirwe nemunhu ane nyaya yose yakakosha.Kubva pavakabatwa vaingoswera vachirohwa nemapurisa vachida kunzi vataure munhu wavaishandira, asi ivo vaisimbirira pakuti waive vangopuhwawo lift chete.Vakazovhurirwa nemusi weMonday ndokuendeswa kuParirenyatwa Hospital vakasvika nekutopuhwa mubhedha.Mangwana acho makuseni vaibvunda pamwe nokukosora ropa.Chakazongochayawo na12 dzemasikati Baba Ronny vakangoti bvara bvara tonho ndiye chisarayi mudye moga ndaenda kwamupfiganebwe.Uku ndiko kwakava kuenda kwavo kunova kwakaita mamwe mavambo enhamo pamusoro pevana vavo....!!!!!! Zvino Ronny achaita sei??Vabereki vese zvavasisipo apa mwana mudiki zvake??Kahanzvadzi kake hongu kai kakagarika kwaMutare ko iye Ronny??iii hameno tichazviona ikoko...... Thank you for your support ladies and gents.I love you more than myself!! Hit 0718 776 981 for feedbacks!! [10/02 12:58] Dr Maxx🎓: *THE SURVIVOR-CHAPTER 3 BY DR MAXX🎓* NeFriday iyoyo yazoshaya Baba Ronny kuri kuma12,zuva rakasaronhanzva makomo pamba pavo patozara nevaiuya kuzochema.Paiti hama,shamwari naVaMusonza vaivapowo zvekuti mbudzi mbiri dzakaiswa pamoto.Tete Gutuza vekwaMutare vakazosvika vachichema zvaipisa tsitsi vanhu vakavanyararidza nekuti yaivawo yatodeuka. Mangwana acho ndipo pavakazorara mumba ivo Baba Ronny.Paiva negurumwandira revanhu pachingotaurwa zvese zvese.Vamwe ndivo vaiti kuchekeresa kwavakaita mukadzi ndiko kwavaparadza,vamwe vachitiwo vakanga vasanganawo nechekapedzambudzi muzvikona imomo.Kwaingovawo kutaura kwevanhu parufu nekuti pese pafa munhu hapashaikwe muroyi.Musi weSunday ndipo pavakazovigwa kuUnit L Cemetery imomo muChitungwiza.Handi munhu aivapo,waitoti hameno gamba rashaya nekuti mukudealer kwaBaba Ronny vaisangana nemakoronyera akawanda.Zvinonzi inoguta musi wafa amai vayo,saka wese aiuya ainyaradza Ronny nekahanzvadzi kake netwekudya twunonaka naka.Kumakuva kwakazoitika mashura mushure mekunga vati nonoke kuendako.Bhokisi rakaramba kupinda muguva.Vaiti vakati wedzere kuchera poita dombo rinomisa bhokisi riya zviya zvine mashiripiti mukati.Vanhu vakaswera vaine pisha pisha iya kusvikira Mudhara Musonza ataramukira paguva riya vanhu vakutoimba "Ndimi makauraya".Baba Ronny vakatozovigwa kwasvipa vanhu vakavheneka nemalights emotokari.Vechivanhu ndivo vaingotiwo Baba Ronny vakafa nechigumbu chekusasikwa panogocha naiye Mudhara Musonza. Vanhu vakazoparadza vonanga kumamana avo sare vehukama chete pamba paya.Mangwana acho vakaenda kumubvumo ndiye nhaka gagaga zviya zvekumhanyira kudzimba dzavo.Paiva naSekuru vaRonny vaiva baba vababa vake avo vaigara kumusha kwaGutu,Tete Gutuza,vamwe tete Getty avo vaigara kuSouth Africa nababamudiki vake vaiva munin'ina wababa vake avo vaigara kuBindura kunonzi kuChipadze,paimba yebasa.Hapana chisvinu chaida kugovewa apa kunze kwemba yaBaba Ronny yakangonzi iri kusara nemaroja,uye kuti mari yaizobudiswa nembayo yaizobatsiridza pakuchengeta Ronny nehanzvadzi yake.Zvoreva kuti Tete Gutuza naivo Babamunini Hebert vekuBindura ndivo vaizoona nezveimba iya,sezvowo babamunini vari ivo vaizoita sarapavana waRonny kunyangwe zvazvo vaiva vasina kutenderana nemudzimai wavo uyo aisavapo.Varungu vanoti blood is thicker than water zvichidzidzisawo kuti munhu haafanirwe kusiya wehukama hwake kunyangwe zviome sei. Mukadzi waBabamunini Hebert haana kukwanisa kuuya parufu urwu nekuti aivawo afirwa navatete vake kuNorton uko.Nokudaro aizongosanganawo nemutoro mutsva uyu kana adzokawo.Ndufu idzi dzakaitikira pamwe chete zvekuti vaizongosanganawo kumba nenguva dzakafanana.Vanhu vakazoparadzana chiri Chipiri vomhanyira kumabasa avo.Ronny akakwira Honda Fit yababamunini vake vakananga kuBindura kuzotanga hupenyu hutsva.Vakasvika ari masikati chaiwo apa amainini vaya vanga vatosvikawo mangwanani acho.Babamunini vakapinda mumba vakagara pasi ndokupira nyaya yavo kumudzimai uyo akanyepera kunzwisisa zvenguva iyoyo nekuti mangwana acho chakafuma chiri chimoto.Mhuri iyi yaiva nevana vatatu vaiti Benson uyo aiva akaenzana naRonny ari Grade 5,akasiira mapatya aiva nemakore masere apa ari mukomana nemusikana.Mumwe wacho ainzi Brighton umwe achinzi Beauty.Imba yavo yaiva huru ine makamuri matatu ekurara zvekuti Ronny haaizonetseka nepekuvata.Iye aizongovata naBenson mune imwe kamuri zvichienderana.Vana vepamba apa vakatofarirawo mumwe wavo,baba wavo vakavarayira kuti vagarisane zvakanaka.Panguva iyoyo amainini vaitova zvavo mukicheni vachigadzirira kudya kwemasikati kwevanhu vese.Vese vakadya vakatandara semhuri imwe.Ronny akapembera paakanzwa kuti aizotsvagirwawo nzvimbo yechikoro pakaprimary kaiva pedyo nepamba apa. Vakazotandara zvekare manheru mushure mekunga vapedza kudya. Vatodzima malights vakutorara Ronny akanzwa babamunini namainini vake vachipopotedzana pamusana pake."Saka Baba Ben mune chokwadi chekuti munongounza kambavha aka kaisaenda kuchikoro pano zvisina permission yangu?"Ndimainini avo vaibvunza nenzwi rakashatirwa raiita kundengendesa imba yose."Mwana uyu hapana kwaaikwanisa kuenda.Tete vaizoomerwa nekuti munhu akaroorwawo plus vane mumwe mwana futi,zvaizobuda here mukadzi..."Babamuninini vakabva vadimurirwa vasati vazvitsigira."Ko asina kuroorwa ndiani?Tarirai muone kuoma kwakaita zvinhu apa ndipo pomoda kuzviomesesesa like this.Musangotipe unnecessary load imi mutikwanire."Mukadzi akavava achizungunisa imba yese nemabhomba emashoko.Babamuninini vakamiririrawo ropa ravo,"Mind you mari yese yemaroja iri kusvikira kuno zhinji yacho,kachidimbu kadiki kozoenda kwaMutare."Mainini vaya vakanzwikwa kudzikama nekuti vakanga vanzwa kuti mari yedzinenge five rooms yaizotumirwa kuBindura nemaroja. Kunyangwe zvazvo Ronny aiva mudiki,akakwanisa kuonawo kuti mukadzi uyu aiva nehutsinye nekuti akatanga kutaura zvakanaka nekuti paiva pataurwa zvemari.Nerimwe divi rakaratidzwa nemukadzi uyu haaitadza kuzongotambira mari iya achitogona kutadzisa Ronny kuti aende kuchikoro.Ronny akafarira kuti nhaurirano iyi yaiva yamupa rujeko rwehondo yaaizotarisana nayo.Akanyatsoona kuti paiva nemusiyano mukuru pakati pamainini ava naamai vake,regai vakuru vakati kusina mai hakuendwe. Akazongovatawo zviya zvekumanikidzira hope dzichiramba kubata.Vamwe vese vaiva vachizovata zvino dzangova ngonono imba yose.Mangwanani akaita kuvhurumutswa kwakachasvipa nguva dziye dzinochayisa varoyi.Gumbeze raaiva akafuga rakangowaranyurwa zviye zvine chisimba akatanga kugwagwadza nechando."Pano hapasi pababa vako Ronny!mai vakafa vaora tora bucket iri unoticherera mvura pakona apo pane chibhorani,"ndimainini vaya vaidai kuonyererwa apa waiva vano vanaku pachimiro nepachiso apa vakati rebei zvine upamhi.Vakabatanidzira huipi uhwu nekunyepera kutsvaira ruvanze apa vamwe vakacharara.Ronny akatsumwaira ndokupfeka mapata pata ake akananga kwazvakarehwa.Asati aenda akatanga adiridziswa mubindu remavheji umo maakashandisira mvura yaiva mumadhiramu maviri kusvika yese yapera.Akasiya gadheni riya rachiti chakwata ndokuchinoenda kunochera mvura iya.Azadza dhiramu rekutanga akabva aita mahwekwe nababamunini vake vachitomukawo kuti vagadzirire kuenda kubasa.Murume mukuru akabatikana nechiitiko ichi,asi akanyarara zvake nekuti Jezebel kana atonga nedemo kana satan chaiye haamumise.Vakapa Ronny mvura yekugeza yaidziya ivo ndokuzogeza mushure voenda naye kunomutsvagira nzvimbo yekudzidza.Havana kumbonetsekana nekuiwana nekuti vainwidzana naheadmaster wepachikoro ipapa.Vakatokumbira nguva paBindura Magistrate's Court pavaishanda semuchuchusi mukuru,kuti vanotengera Ronny mauniform zvese nemabhuku aidiwa.Ronny aizotanga chikoro Thursday yacho...... *End of Chapter 3 so watch out for Chapter 4* For feedbacks hit 0718 776 981 [10/02 12:58] Dr Maxx🎓: *THE SURVIVOR BY DR MAXX-CHAPTER 5* [16/03 21:29] Doctor Maxx🎓: 10/02 12:58] Dr Maxx🎓: *THE SURVIVOR-CHAPTER 4 BY DR MAXX* 12 O'Clock dzakasarochaya Ronny atotengerwa zvose uye nzvimbo yekugwazh yatovapo paChipadze Primary.Akabva aperekedzwa nababamunini vake avo vakamusiya pagedhi vachimhanyira kubasa kwavo kuBindura Magistrate's Court.Mwana aiva anhongerwa twese iyeye.Shangu akatengerwa mapair maviri emutupo unorema weToughees pamwezve nemapair matatu emasocks malong aya egrey.Pama uniforms hatichataure tikataura mungazoti tinonyepa in short it was complete apa ari mapair matatu.Akabva atengerwa zvekare bhegi idzva nema exercise books matsva.Zvaiva zvakarongeka semashelf emuSpar.Akazopinda mugedhi achiita kakuremerwa nakamukwende kake apa aizhinyirira nekuti baba vake vatsva vaiva vamuratidza rudo. Panguva iyi ari masikati mainini ndivo vega vaingova pamba sezvo vamwe vana vese vaitova kuchikoro.Nokudaro Ronny akananaira zvake akananga kudivi remba.Akambomira pane chimwe chikona achigaya kuti opinda nedivi ripi?rekukicheni kana rekumain verandah paiva neFrench Door?Pfungwa dzake dzakatomboenda kure bvaazobengenutswa neradio yemumba yakangotanga kubandaura 'Ndini Ndamubata' yaJah Prayzah.Akanzwa nepaaiva akamira pakuita nemahon'era ebass raibuditswa nezihome theatre raiva mumba umu.Mupfungwa dzake akangoti pamwe mainini vari kuita basa vachiridza ngoma kuti vavaraidzike saka akazongorovera moyo padombo achipendekera imba kuti anopinda nedoor rekuseri.Munhu kana uri nherera unenge uine kakutya kauinako kuti zvese zvaunoita zvinogona kungoonekwa zviri wrong.Kunyangwe zvakanaka unenge uchingogayira horror,saka ndizvo zvanga zvakugayira Ronny ipapo.Approach chaiyo yekuti asvike pamunhu ambomutamba rough makuseni,anga asina kana tsee.Akanzwa kuda kuzviitira paakaona door riya rakavharwa ndokugumirwa.Kuverandah kuya kwaityisa nekuti kwaiva nematiles aipenya aaiva amboshurirwa makuseni paya paaidiridza mugarden akambotsikapo nemapata pata aiva netwudhaka.Akabva atanga kugogodza low low dzamara akugogodza hard asi hapana akauya kuzomuvhurira.Aiziva zvake kuti mainini vaivamo asi vaisamunzwa nekuda kwevolume yeradio.Akazongogaya mamwe mashoko aigaroudzwa nababa vake kuti ashinge pane zvese zvaachaita muhupenyu.Ipapo akatanga kunzwa mazisimba aya akarehwa naVaMugabe pavaiti vari kuda kusvika kuzana nemazisimba iwayo.Akangoerekena avhura door riya ndiye pindikiti achitsika mupassage akunyatsonzwa Jah Prayzah uya aingova parepeat achirira munzeve dzake chaimo asi mainini haana kuvaona.Akabva anyahwaira akananga nechekudining. Achingoti pfee mudining wanei mainini vakakotamiswa pasofa nechimwe chimupfanha pachitambwa mutambo wevakuru vakaita kakumufuratira.Ronny akasticker akadaro kwechinguva.Mapendekete ake akabva angoita maporiji bhegi raaiva akabereka ndokutsvedza rega kubva paari richiti pasi pu.Kunyangwe zvazvo aiva mudiki aiziva yaitambika.Mazuvano kana kamwana kekucreche kanotokuitira yese yese kkkkk.Ronny akabokola zvake mainini vachizipirwa nerudo rwekuba apa aiva azotsveta paper bag rezvinhu zvake pasi.Akatozoita kunga chimudhori pakatendeuka vaviri ava vakuda kuchinja divi.Chimufana chaitanyanga mainini chakabva chabatwa nemagetsi chichiona Ronny ndokusvetuka zisofa riya chichimira kuseri kwaro apa chiri mupushu kunga Adam.French Door raiva rakavharwa saka chakabva chakomawo chakadaro. Mainini vakashaya pekunyara nenyadzi zvekuti kudai carpet yaimedza vanhu vaidai vakaikumbira kuti ivaite chikafu chavo musiwo.Apa vaiva vabatwa red handed.Vakangokwanisa kutora chicushion chepasofa ndokuvhara pahasha.Pakamboitwa kaminute pakanyararwa kusvikira mainini vazoti,"Iwe Ronny ukwane haunyare kundionera unoda kurara neni here huya ooo!"Vaitotaura vachisheedzera mumaximum volume imomo vachidhashanyara makumbo avo zvekuti Ronny akabva avhara meso ake nemaoko ake ndokumhanyira kuspare kwake akaputirwa nenyadzi.Mainini vakashandisa strategy iyi nekuti vainyara saka yanga yangova yese yese.Vakanyatsoona kuti Ronny uya wavaida kutamba rough aane upper hand manje nokudaro zano ranga ravapo ndiro riya rakarehwa nevakuru kuti kugona muchenjeri kumutakudza vana vake.Ronny chacho chaiva nemanzeve akati kwangwa zvekuti chaingooneka kuti chakangwara. Mainini vakamboita nguva vakagara pasofa riya vari musvo apa tsano vaya vanga vatozviitira weti vakaoma ipo paya vakangoti tumbi."Shamwari toita sei mfana uyu ationa mahwani aya."Vakadaro blaz vaya apa vachichururudza imwe weti ichierera nemakumbo.Mainini vaya vaiva vakatsikitsira ndokuzosimuka vachipaumba."Nxaa you messed up my carpet you fool apa wakutaura uchindidisturber ndichifunga plan yekuita get away with this mess." Vakadaro mainini vaya vachichenamira chimuhome defender chiya chaizviti Frank."Sorry shamwari sorry for disturbing funga plan zvako coz Mudhara Maramba akazviketa ndinobikirwa nyaya ndikapinda jeri kana macalendar 6 chaiwo."Akadaro Frank uya achidedera.Mainini vakabata muchiuno ndokuti,"Muchizvinyanya kuda kudya minda yevamwe now tarisa uone mawatipinza nxaa."Apa vaitaurira muvolume meradio imomo asi vainzwana sezvo vaiva panguva yakaoma.Kana munhu ari pamahwani chaiwo anogona kungofemera mumvura kkkkk."But ndiwe wandipinzira app kuti ndiuye kuzokufoshora beans and ndatomboramba asi wandiitisa nharo but now wakundirambira haaa ibhoo."Chakadaro Frank chichinyunyuta apa chichipedzesa kupfeka t shirt yacho."Shut up nxaa now listen to me carefully mufana uyu anofanirwa kufa enda unotenga mushonga wemakonzo kurank uko coz akachiputitsa tinopinda mugehena tiri panyika pano.Watenga drop it muletter box zvechiguy kuma5 ikoko inini ndozoita plan."Apa mainini vaizevezerera munzeve dzaFrank wacho zvekuti hapana mumwe akazvinzwa kunze kwavo vari vaviri. Ronny anga angosiyanawo nazvo atongobatwawo nehope akagara muspare muya afizuka zvekare nekuona mainini vake vakashama.Frank chakabva chabuda kunoita madhiri aya sarei namainini vakutsvaga kuti vangareasoner sei naRonny.Apa shiri yaiva yabvuta rekeni coz Ronny had an unpredictable face even though he was very young.Yanga iri type iya yekuti kuri kuAmerica aibikwa kuti aite muFBI achiri mudiki.Mainini vakapfeka bhoo bhoo ndokupinda muspare muya maiva naRonny.Vakamutsa ndokumutyisidzira zviya zviya zvekumupinza fear vachimuitira chiboss."Eee inzwaka Ronny mai vako nababa vako vakafa saka ini ndini ndatova muchengeti wako zvekuti ukada kupfachuka pane zvawaona nhasi unoita street kid rakacheka nyika.Babamunini vako havana say pamba pano nekuti ndini ndinotonga saka wotodzikama wazvinzwa?"Vaitaura vachimudhonza dhonza nzeve zvesvoto zviya kuita seichakwachuka.Ronny haana kana inzwi raakakwanisa kubudisa ipapo sezvo anga akungoyeredza misodzi nekuti mainini vaimutsunya nemafake nails avaiva navo zvekare.Akangogona kubvumira nemusoro kuti vakwanise kumusiya asi mumoyo make akadzimbikana kwazvo.Chaakakwanisa kuzvitsindikidza kurega kutaura nyaya iyoyo kuna babamunini vake nekuti haaiziva kuti hayaizopera sei.Kunyangwe zvazvo aiva nemakore gumi bedzi nyaya dzedomestic violence aingodzinzwirawo mumaraini achinzwa kuti mai nhingi vazorohwa and stuff kunyangwe zvazvo zvaisava nebasa naye. Chikamu ichi chapera mainini vakangosara vaine kaguilty conscience saka vakaona kuti zviri nane kuti varume vachifuridzira pana Ronny kunga gonzo.Vakamusiya paya vachienda kukitchen ndoo kumusheedza vachiisa chikafu chake mumicrowave.Ronny uya akauya ndokugariswa pachair yaiva pakitchen table yaivamo."Gara zvako udye apa mwanangu zviya zviya zvapera hantie."Vaitaura vachiisa plate yaive izere maspaghetti nemazichicken patable ndokuibhabhatidza nedrink reFanta raitonhorera.Ronny akazvindinya achingoti nemumoyo mwoyo chena wei bhinya kuperekedza mwana kucreche.Kubva makuseni ainge asati adya saka apa anga asina option kunyangwe zvazvo anga asisina chivimbo namainini ava.Intelligence paiva pamusha kumwana uyu zvekuti aigaya kunga chikhule.Apa mainini vanga vachimbotakudza muchenjedzi vana vake vakateya zikiller move ravo repoison pasupper.Ronny akangozvichengetera mudundundu achitya kuti aizogona kushaya pekugara kuri kuti audza babamunini vake madhiri aya vozonetsana namainini vake pakaitika zvimwe. Musi uyu vakaswera vese saamai nemwana kusvikira vamwe vazouya kuma3.VanaBenson vanga vaswera kuchikoro musi uyu sezvo kwaiva nemasports.5 dzichiti ngende chedu Frank chakabva chapinzira ninez app chichiti chatodropper masinhi mulettaz na10 to.Mainini vakangonyepera kubva paive nevana kuita sekunga vari kunonanura mbatya panze ndokunotora poison iya kubva muletter box kwakuiti pfee mubra mavo ndoku.... End of chapter [16/03 21:31] Doctor Maxx🎓: [10/02 12:58] Dr Maxx🎓: *THE SURVIVOR BY DR MAXX-CHAPTER 5* Mainini vakabva vadzokera mumba vakagarwa nemweya wasatan vachinyepera kusekerera kunga muroyi aona chitunha chisina kufushirwa zvakanaka.Vana vese vanga vapinda muspare vachibatsirwa home work naRonny kunga aienda kuchikoro.Ronald was a genius nekuti kugona kwake kwaisava normal zvaingovawo zvekuzvarwa nazvo.Mainini vaya vakabva vapinda mukicheni moyo wavo uzere mufaro nekuti vanga vakuda kurongedza Ronny.Vachingoisa mvura yesadza mukettle kuti vaifashaidze babamunini vakabva vapindira izvo zvakavashamisa kuti vanga vambokurumidza kuuya kudaro nemhaka yei.Babamunini vaipedza basa nahalf 4 asi matare avharwa vaimbosara vachibata chino nechocho sezvo vaiva muchuchisi mukuru,vozopedza kuma6 vachizosvika kumba kumahalf 6 ikoko.Babamunini vachingopinda mumba vairatidza kufara zvisingaite pachiso chavo zvekuti mainini vakambomira zvekubika vonzwa kuti murume wavo ari kuda kutii."Nhasi hatisi kuda kudyira pano tiri kunodyira kuchicken slice supper yedu so udza vana tiende."Vakadaro babamunini vaine mufaro wakawedzera sezvo vaiva vapinda rimwe dhiri pabasa ravo raiva ravawanisa mari. Pane mumwe murume aiva achinyeperwa nedzimwe hama dzake kuti akarepa kamwana kepanext door munongozivawo zvekuvengana mumhuri izvi.Musi uyu kudai akanorara kuRemand asi shamwari dzake dzakatonyora babamunini avo vakabva vavhiringa madhoketi kuti nyaya iyoyo iite kakushaya value.Padhiri iri vakawana musvo we$400 and shamwari dziya dzaiva nechivimbo chekuti nyaya iyi yaizotsikwa tsikwa yopera yakadaro.Ndokusaka babamunini vaipembera zvisingaite.Mainini havana kuudzwa zvese izvi vaitongoziva kuti ndiwo mugariro muwanano yavo saka havana kupikisana nemurume wavo.Vakangokokorodza vana vachivarayira kuti vapfeke bhutsu vaende kumboshandira mari dzamarema padhorobha ReBindura.Zvakavarwadzawo kuti hurongwa hwavo hwekuuraya Ronny hwanga hwati tsveyamei asi vakazozvisimbisa vachiti nemumoyo,"Husiku hurefu regai ndipfavire ngoma as long as ari kuratidza kuti haamboripudure zhet iri."Mumaziso avo vanga vakungoona Ronny sethreat muwanano yavo zvekuti zveChicken Slice izvi yanga ingori just a postponement,on the long run Ronny aifanirwa kutila come rain come thunder!!Chakambovakataza nxondo dzavo kukurumidza kuuya kwababamunini musi uyu asi vakangoisa pfungwa iyoyo kwakadaro. Vese vagadzirira vakabva vatora mabhachi avo vese sezvo kwanga kuine kachando kaifefetera zvaitosvora meso.Nenguva isipi vanga vatodonha paChicken Slice Bindura iya iri mudhorobha.KaHonda Fit kavo kakaenda kakazara nemhuri vachifara asi mainini vaifarira pamusoro mumoyo mavo muine godo.Vanga vakugayira next move.Pavakapinda muChicken Slice vakambofunga kunyongosha share yaRonny asi vakazongozvidzora vakugayira kuti zvikaenda neipapo vashandi vese vepaChicken Slice vaizopinda panyanga dzamushore.Vakambosendeka pfungwa iyoyo parutivi ndokubatsiridza kutakura order yavaiva vatenga kuti vagadzirire kudya vese nemhuri.Ivo vabereki vakatenga dziya dzema$5 vana vakapihwa dzema$3.50 plus maMinute Maid Pulp Mix avaifarira semhuri asi Ronny akatengerwa Petty Fanta iri 500ml yaaifarira.Vakadya vachifara semhuri kusvikira vapedza matumbu avo achiti rashu.Vapedza zveimomo vakabva vapinda muSpar ndokutenga grocery sezvo zvinhu zvaiva zvakuderera mumba.Vakazoenda kumba 8 dzachaya ndokusvitotandara mbijana ndokuzoparadzana vachinorara. Ronny akavata achifara nekuti mangwana acho aizoenda kuchikoro.Mainini havana kurara musi iwoyo vachigaya zano ravaizopinda naro mangwana panhau yekuuraya Ronny.Hope dzakazovaba kuma3 ikoko asi havana kurara kwavakazoita kusvinu sezvo alarm yavaiva vasetta ya5am yakabva yavamutsa kuti vagadzirire vaienda kubasa nevaienda kuchikoro.Mangwanani ivavo vakabva vagadzirira vana mascotched eggs nemaspaghetti aiva nemince izvo vaizotakura sembuva yekunosvusvura kuchikoro.Vakabva vaisa rat poison iya mumascotched eggs aRonny ndokunyatsomaka lunch yake kuti vasazoizanganise nedzevamwe.Vana vakazosaromutswa zvinhu zvese zvatova panzvimbo.Vakabva vageza ndokurova ziheavy breakfast raiva nebacon neliver vaina daddy vavo patafura.Mhuri iyi yaigara zvayo mughetto asi yairarama kalife kepaChando.Mushure mekumonzora breakfast vakabva vati rongondo kumotokari vachidzinganisana kuti umwe agare kumberi.Ronny akasarira zvake kumashure achiseka vamwe vake vairatidza bvepfe kunga vanga vatanga kuona motokari musi iwoyo. Babamunini Hebert vakadropper vana pagedhi rechikoro kumapast 7 ikoko kuti vamhanyire kubasa kwavo.Vamwe vana vese vakabva vati vai semheni kumhanya chaizvo vachimhanyira kupinda pachikoro sevanhu vaiva vajaira nzvimbo zviya.Ronny akananaira zvake izvo zvakapa babamunini vake kuti vamusheedze vasati varova pasi.Mukubwaira kweziso twumwe twanga twatotsakatika kuseri kweadmin block twatova kumaclass.Ronny achisvika akabva aisirwa $5 yema50 cents coins muhomwe yake yepachifuva iri yekurudyi, babamunini ndokuti,"Ndozokupa imwe next week mwanangu.Unenge uchidya dhora pazuva chengeta mari iyoyo usairase bye bye ndozokuona.Headmaster mufesi wangu ndakataura naye saka zvese correct mukati imomo.Handidi kunzwa record yemisarinya udzidze zvakanaka mwanangu."Ronny akasarotenda babamunini vakutovhara window ravo kuti vachiende.Vachingoenda akasara akamira achipererwa nerudo rwakadai.Akafarira kuti aiva nepillar rekuzembera naro sezvo riri dambudziko rinonyanyotarisana nenherera zhinji-kushaya a shoulder to cry on!! Akabva apinda mukati ndokunanga kuclass yaaiva apihwa 5B.Nguva aiva abata zvake.Mazuva aya kwanga kwakunyanyoitwa revision sezvo yaiva third term asi mudzidzisi waRonny nevamwe vana vaivamo vakashamisika nekuparticipator kwaRonny.Confidence dzaaiva anadzo dzaikunda ngoma kurira zvekuti mudzidzisi wake uyo ainzi Mrs Mwedziwandira vakati kanhama nazvo.Kunga anga atanga navo kubva gore richitanga nekuti pane imwe long division yaakavarovera zvekuti class yese yakaombera maoko.Nguva yeRME yakati yasvika Ronny akavarovera bhuku kunga akatomborarama naanaJesu.Mu5A memashasha maidzidza Benson maisambova nemunhu aidzorera ma10 out of 10 kunga Ronny.Type yaana Ronny ndiyo iya inobuda nema30 points paAdvanced Level. Nekuita uku Ronny akabva awana shamwari dzechikomana muclass imomo.Vakabva vamuisa mukateam kavo kehweshe ravaitamba pabreak.Ko ndiani asingade kuwadzana neshasha?Mrs Mwedzi vakabva vanyarara zvaRonny nekuti vaiziva kuti vakangoda kumupembedza pajekerere kana mustaff room vaizotorerwa mwana uyu oiswa muA.Vaidawo anovabuditsa shuga saka vakazvichengetera mudundundu mavo.Kune dzinonzi natural intelligence asi dzaRonny dzaiva dziri dzekuramwirwa neakafa guva rake rikavharwa necement yeLafarge kuti asabude. Siren yebreak ichingorira Ronny nechikwata chake vakabva vaenda kukaground kehandball kavaitambira chikumba.Paiva nezvikwata zvitatu zvaivapo saka paitanga kutanga zviviri chadyiwa chaibva chabuda kuti chinenge chiri panze chimbotambe.Nokudaro chikwata chaana Ronny chakambomirira zvimwe zviviri zviya zvichitatsurana.Ronny nevamwe vake vaiva vakamira nechepadivi pekanhandare kaya paakaona mumwe musikana nechekure akatsikitsira zviya zvinoratidza kuti aiva lonely uye obvious aiva ari kuchema.Zvakamushupa kuti koo how come vamwe vese vari kujibilika iye akangogara ega pasi.Twumwe twusina twanga twuchitotamba maflau asi kasikana aka kaiva kakazvigarira pako kega. Ndangariro dzaRonny dzakabva dzagaya kahanzvadzi kake kaya kainzi Joyce kanga kakugara natete vake vekwaMutare.Hameno zvakangoitika ipapo,Ronny akabva atotanga kufamba akananga paiva nekasikana kaya kaiva kakagara pachimwe chidombo asi kari kega vamwe vari kutambira nechepadivi.Ari munzira akatanga kungozviona kuti musikana uyu ane zvinenge zviri kumunetsa pada zvimwe inherera saiye.Chakamubata ndechekuti iye aifara panguva iyoyo asi musikana uyu aisafara.Chishuwo chake chaiva chekuti nherera dzese dzifare pasi pano.Akabva asvika ndokuita zvokuchonjomara zvine musikanzwa zviya achida kudongorera chiso chemusikana uya.Musikana uyu paakaona mumvuri pasi akaita kakukanuka ndokusimudza musoro achichema.Ronny haana kurova imbwa akaviga mupini akabva ati,"Ko sisi muri kuchemei?"Aitobvunza zvakanyevenuka asi zvine kahundururani mukati.Musikana uya uyo ainzi Hailey akabva awedzera kuchema izvo zvakaita kuti Ronny ati,"Iii handina kumbouya kuzokuchemedza pano.Ndatumwa naheadmaster kuti ndikusheedze ndiende newe ku office now pane zvavari kuda kukubvunza."Musikana uya akabva aoma misodzi iya kuti gwa nekuti aiziva kuti kwaDhuma kwaisadyiwa rinopisa akabva ati,"Une shuwa here nezvauri kutaura?"Ronny akabva agutsurira nemusoro izvo zvakaita kuti musikana uya asimuke mumoyo make achingoti hameno ikoko Vakatanga kufamba vese vachibva ipapo asi Ronny akatora direction yaisamboenda nekuoffice."Ko uri kuda kuenda neni kupi?Road inoenda kuoffice kwavo ndeiyi."Akanongedzera musikana uya achibvunza zvake, pachikoro kaivawo kareza zvekuti zvanga zvasangana.Nofunga level rematurity yeconversation yavo muri kungozvionerawo kuti paiva pasangana ngwambi. "Hololo ndanga ndichitotamba zvangu.Ndiri kuda kuziva kuti why uri kuchema?"Ronny akadaro achitambisa tambisa karurimi kake izvo zvakaita kuti Hailey asekerere.Brain dzaRonny dzaiva dzakudzwawo zvekare pamusana penhamo.Hailey ndipo paakatanga kuzotaura."Vanhu vemuclass medu mu6A vakandivenga shaa ipapo vatondibuditsa mubhora hanzi handigezi plus baba vangu vakafa ndinonhuhwa nhamo apa chikoro ndinovakunda ndokusaka vakandivenga.Ndizvo zvavandiudza...."Haana kuzopedzesa kutaura akuchema apa vaiva vakamira pasi pemumwe muti waiva kachinhambwe nepaiva pachitambira vana vese.Vamwe vanga vatori busy kuhlala bhora vamwe vakutosvusvura mbuva dzavo.Ronny akarwadzirwa nemanzwi akataura musikana uyu ndokuti,"Inini ndatotangawo kudzidza zvakanaka nhasi asi muclass medu vanditambira bhoo and ndavaratidza kuti ndiri shasha.Ndakatanga kugara kuno kuswera zuro handina vabereki vese ndinotochengetwa nababamunini vangu ko iwe unogara nani?"Kasikana kaya kakabva kaita kakupombonoka ndokuti,"Inini ndinogara naamai vangu vanongotengesawo kamusika apa tinoroja mukaroom kedu munaDhumaira umo muno muChipadze.Zvakaoma nezuro takatorara nenzara zvinhu zvakatiomera school fees ndinotobhadharirwa namadam vedu.Kuti ndizovati ndine nzara futi iii ndinonzwa kusvoda.Nhasi handisi kuziva kuti ndichadyei hihihi...."Akabva atanga kuchema zvinopisa tsitsi. Ronny akabva atora coin kubva muhomwe yake iya ndokutambidza Hailey achiti,"Oo chitora mari iyi wotenga mazepe shamwari ufanodya kana kuti wochengeta wozodya after school now mira ndimhanye ndinokutorera chikafu chekuti udye izvozvi."Ronny haana kumbopa musikana uya mukana wekutaura kana inzwi akabva arova touch akananga kwaiva neteam rake raaiva abatisa bag.Akasvika vatosarudza mumwe munhu pachinzvimbo chake ndokuzvomora bhegi rake paiva pakaunganidzwa mamwe mabag ese ndiye hwiii zipi ndokutora lunch box iya akananga kuna Hailey.Akasvikomutambidza lunch iya ndokuti,"Oo chienda unodya ndakuda kunotamba bhora nevamwe."Hailey akamboda kuramba asi aiva akakiiwa nenzara good size.Aigaroyambirwa naamai vake kuti asakumbire chikafu kana kungotambira tambira chikafu chevanhu nekuti satanism yaiva yarura mazuva iwayo muzvikoro.Izvozvo haana kuzombozvigarisa mungoto yake nekuti aiva aziya nenzara."Waita basa shamwari ndaigona kufenda shuwa iii waita basa."Hailey akatenda kunga munhu mukuru.Shuwa kuita mambodza emwana uri kana 8 years chaidzo unenge usati waswatanudzwa nenhamo.Nhamo inovhura brain ukadya munjonjo kaviri katatu brain dzako dzinotanga kukakata zvakanaka. "Saka 1 dzichichaya wondimirira pano ndikuperekedze kumba kwenyu ndoda kuona mhamha vako."Akadaro Ronny pachikuru achitotendeuka kuti aende.Apa aida kuti azivane naamai vaHailey kuitira kuti azoite madhiri navo efood kana zvasunga kumba nekuti yanga yatova garoziva kuti mainini vaitove nemahwani bedzi.Kudai vaiva nema2 taisheya.Chaifunga kani chiRonny ichi!!Apa changa chatoreader kuti chikatamba nevanhu vane same situation nacho chinohwina.Vakaparadzana paye Ronny achimhanyira kukaground kaye.Hailey akabva asara akangoti tumbi ashamiswa naRonny muGood Samaritan.Sezvo aiva aziva nenzara akabva avhura lunch iya ndokuona hii mune heavy menu.Akabva anzwa mazinzara eshumba 4 ipapo mushure mekunga hwema hwefood iya hwakwapaidza mhino dzake.Akabva atora scotched egg rimwe chete.Paakada kuriruma kudai siren yekupera kwebreak yakabva yatii hwiii.Pachikoro apa paityiwa zvinhu zviviri nevana zvinoti headmaster nesiren zvekuti payakangorira vana vese vakabva vatoti tara tara vachipukuta shena vamwe vachimhanyira mumaclass.Ronny akabva ajoinahwo chikwata chake.Hailey akabva akwidibira lunch iya ndokurongera kunodyira muclass pafive minutes dzainonoka kupinda madam muclass vachibva kustaff room kunonwa tea.Akaita chitsoka ndibereke akagukuchira lunch iya rute rwuri chakwata mukanwa ndoku...!! *Haiwa ndipei sando plz kkkk* Watch out for chapter 6!!🎓🎓🎓🎓🎓 [10/02 12:58] Dr Maxx🎓: *THE SURVIVOR BY DR MAXX-CHAPTER 6* Headmaster vakabva vangobudikira pane chimwe chicorner vachitozviendera zvavo kuoffice kwavo izvo zvakaita kuti vanhu vapinde mujaratara rekumhanya.Pakafambwa zvekuti vana vamwe vana vakasiya makumbo avo.Hailey aivawo pakati pevana vaimhanya ivavo uye akabva agukuchira lunch iya zviya zvekuti ndinofa nayo.Akatanga kunzvenga nzvenga vamwe vana setsuro iya iri kutandaniswa nemhembwe ichinzvenga nepakati pemiti.Ndiye akabva atangira vamwe vese kupinda muclass ndiye vhurei lunch iya.Akabva asiya zvemascotched eggs aya akugayira kumapindira palunch.Kaiziva budget kamwana ikako zvekuti coin riya rakaiva kapihwa naRonny kakabva kariita remuriwo wemanheru kunyangwe zvazvo paisava nehupfu.Hwaingovawo hupenyu hwehwakumukwaku.Hailey akabva atanga kukambura maspaghetti aya nefork yaiva irimo ichena iri yeplastic.Apedza, mascotched eggs aya akaramba achimupa kaappetite kekumarova.Akabva ati nemumoyo,"Regai ndimbodye one bedzi nekuti mmmm ari kunhuhwirira."Akabva aritora scotchy riya.Achida kungoriti n'a madam vakabva vapinda vachifambisa zviya zvisina kugadzikana mukati,semunhu uya ari kumashure kwebasa.Hailey akabva akakurumidza kuona madam vachipinda ndokudzorera scotchy riya mulunch makare zvekare ndokupukuta muromo wake uyo wanga wanyiminya nemafuta.Madam vakabva vakurumidza kuzviona uye sezvo vaifarira Hailey vakabva vati,"Hii vasikana Hailey ndipoo scotchy rawaisa mulunch iro." Hailey akabva azviziva kuti variona zvedi asi akabatwa nekakuvhiringika zvekuti akangoerekana atambidza madam vaya lunch box yese.Madam vakabva vatambira ndokugara zvavo panzvimbo yavo yaiva kumberi pedyo nepaigara group raana Hailey.Vakabva vatarira chiringazuva chavo ndokuona vega kuti dzaiva dzanguvaira zvekuti vakabva vatotangisa zvidzidzo zvavo ipapo lunch iya ingori patable.Hailey haana kuzomboita hanya nazvo sezvo anga avakuita zvekudzidza.1 o clock dzichiti ngende vana vese vakabva vabuda mukirasi kuti vachigadzirire kuenda kumba.Rimwewo group ndiro rakasara richiita zvekutsvaira asi Hailey aisava pagroup iri saka akabva abuda achimhanyira kunosangangana naRonny at that rendezvous. Madam wo vakabva vasheedzerwa kuemergence staff meeting uko kwaizopihwa vadzidzisi matext books matsva enew curriculum.Vakabva vabudawo vari ndege mushure mekunga vakiya musuwo weclass.Naizvozvo mascotchy engozi aya vakangomasiya arimo vachironga kuti vaizomarova kana vadzoka. Hailey akabva asvika pamuti uya ndokutoona Ronny atovapo kare akabata zvimapacket zviviri zvemaZimNaks zviya pamwe nemafreezits acho."Handei kumba kwenyu."Akadaro Ronny achitotungamira kunga aikuziva kumba kwacho apa anga atotambidza Hailey chipacket chimwe chemazepe pamwe nefreezit racho.Hailey akatanga kuseka Ronny ndokuti,"Haunyare Ronny kkkk unokuziva here kumba kwedu handei neuko."Apa aitaura achinongedzera ndokubva vatora imwe nzira yaizobuda nepakagedhi kadiki ichizosvika kumba kwaana Hailey.Kumbawo mainini vakarira mudumbu vachiona 1 dzatochaya pasina foni yavambopinzirwa yekuti Ronny afuga rake ega.Mukadzi mukuru akaritaira nemba yose achiita kudedera nehasha asi kwaingovawo kudzana kweane munzwa mugumbo-zviri pachena kuti vaive vadzva. Munzira,Ronny naHailey vaitisana nharo dzedzidzo zvekuti vaiita sevacharovana munzira.Vaiva vatojairana.Vanhu vaitongovaonawo munzira vaingoti vana ava vakupenga asi vazhinji vakavayemura kuti vaiitirana nharo dzine musoro.Zvinonetsa panguva ino kuona vana vakadaro vazhinji unotongovanzwa vachiti,"John Cena chibaba chaRandy Orton!"Hailey akazosvika naRonny pamba pavo pavairoja $40 pamwedzi.Ronny akatanga kuona kamusika kaiva panze kaiva netwudomasi netwuonions zvaitopisa tsitsi.Ipapo Hailey akasiya Ronny pasi pekamukotopeya kaiva padivi pegedhi ndokunanga mumba ndokuona amai vake vachibika cup imwe yerice nemachunks paka2 plate stove kavo.Hailey aingogara naamai vake vari vaviri sezvo aiva zai regondo apa Baba vake vaiva vakasoshaya makore matatu apfuura.Vakadhirikirwa nemugodhi paUnki Mine pavaishanda zvikarova zvakadaro.Pfuma yavo nemba yavo zvakabva zvabvutidzanwa nehama ndiye bvuru bvuru sare Mai Hailey vangova shirikadzi-dzvinyu risina kana gushe.Vamwewo elder vekuchechi kwavo kuAFM ndivo vakavanzwira tsitsi ndokuvatsvagira pekugara nekuvapa start yekuti vatange kamusika kavo.Nokudaro hupenyu hwavo hwaingova hwefeja feja zvekuti rent vaiibhadhara vatamba karound nedzimwewo shirikadzi dzavaitamba nadzo.Vaibva vasungirira kamari kacho kuti kaungane kazoite zvisvinu.Musi uyu wauya Ronny vanga vatoponeswa nemukadzi walandlord wavo uyo aiva avacherera cup imwe yerice nekuvapa chimutsimba chemachunks nehalf cup iya yesimbi yecooking oil.Vanga vatoitawo mhanza nekuti landlord vaisada kuzviona uye vaigara vakaongorora huwandu hwechikafu mumba umu izvo zvainyadzisa pamunhu hwemurume.Varume tisazoshusha kudaro-shuwa kukonorera sauti inoita 30cents per kg.Uone kubhawa type yakadai ndiyo inenge ichidheererwa nevamwe varume asi kumba inotadzisa mukadzi kufema nekugeresa mukadzi bvudzi hanzi ukazoiswa maextensions unozopfimbwa nevamwe-Bratishiti mhani!! "Kwanga kuri sei kuchikoro mwanangu?"Vakabvunza zvavo Mai Hailey vachinyemwerera sezvo vaizowana chekudya musiwo.Hailey akapindurawo nemufaro ndokutambidza amai vake coin riya ndokuti,"Oi mhamha motenga muriwo manheru ndapihwa nebrother yangu yekuchikoro."Mai Hailey vachiona izvi vakamboita kakuvhunduka ndokuramba kutambira mari iya vachiti,"Iwe Hailey ndakatii nekungotambira tambira mari dzevanhu ukwane iwe ucharepwa kana kupinzwa musatanism ndinogarokuudza kuti ugutsikane nezvatiinazvo."Vakadaro vachipaumba zvine hukasha zviya.Hailey akabva atanga kuchema."Asi mhamha kudai aiva musatanist hantie ndaidai ndatojoina here atondipa chikafu kuchikoro pabreak ndafa nenzara kana zvakadaro ndakufa zvangu ini...."Haana kuzopedza muromo iwoyo akutochema.Ipapa akazviitira maune nekuti aiziva kuti mai vake vaisada kumuona achisvimha misodzi.Vakabva vamugarisa paedge yemubhedha ndo kuti,"Munhu wacho unomuziva here uri serious here iwe?"Ipapo vanga vaita kakuderedza inzwi vakuchemawo."Ndauya naye atori panze apa ati ari kuda kukuonai."Akadaro Hailey achipukuta misodzi yanga yakuita macompetitions pamatama ake. Mai Hailey vakabva varayira kuti munhu uya apinde.Hailey akangomira pachikona chemba ndokuninira Ronny kuti auye uyo akabva atanga kufambisa zvine confidence akananga kwaaiva asheedzwa.Akasvika pamukova ndokuknocka apa Hailey anga asopinda akabva anzi apinde.Achingopinda Hailey akabva ati,"Mhamha ndiye munhu wacho uyu."Kkkkkk Mai Hailey vakambomira kupindura pindura machunks aya ndokutanga kuseka.Vaifunga kuti hameno zimunhu rairehwa vanei kaboy zvako kane innocent bt brilliant face.Vakaseka kwekanguva kuita kubuda nemisodzi zvekuti Ronny naHailey vakatarisanawo ndokutanga kubatsirana navo kuseka."Aaa iwe kkkk iwe Hailey usandiitire mafunnies wanzwa ndiye munhu wacho iyeye kkkk.Gara zvako apa mwanangu."Ronny akabva agara zvake pacorner yemubhedha sezvo paisava nepakugarira.Haileya akabva atanga kutsanangura kusananga kwavo kusvikira vasvika kumba.Ronny akabva arondedzera Mai Hailey hupenyu hwake hwose kusvikira paaiva.Mundangariro dzavo vakatanga kuona firimu raichemedza chose zvekuti vakatombokanganwa kuti vambobvaruka nesetswa misodzi yakutoyerera. "Haaa hameno munhu wandafunga kuti ari kutaurwa.Izvozvi chindinzwai mava vana vangu mese.Hailey uyu Ronny ihanzvadzi yako.Iwe Ronny unofanirwa kupota uchiuya pano kana mainini vako vakunetsa or vakunyima chikafu nekuti mai iya ndinoiziva inoshupa kana nekuchechi vanoshupa.Kana chikafu chiripo tinongodya zviripo"Vakadaro Mai Hailey vachitsindikidza pachikuru zvekuti Ronny akaita feel at home kunga ari mumhuri chaimo.Akanzwa rudo rwaamai vake chairwo.Mai Hailey havana kuzopokana necoin riya nekuti vaiziva kuti babamunini vaRonny vaiva nemari dzavo uye vaizivana pakugarisana kwavo.Vakabva vapfuurira mberi nekubika,vana ndokutangisa kubatsirana homework vachiitisana nharo kunga vanga vakasiirana zamo.Chikafu chaita vakadya semhuri mushure Mai Hailey ndokuzoti,"Iwe Hailey enda unosuka ndiro iwe Ronny enda kumba izvozvi mainini vako vanozonetseka kuti uripi sezvo waane mazuva mashoma uri kuno.Regai ndimbonogarira kamusika kangu kuti ndione kamari kekuti ndibvise round rangu repaweek ndr kushoterwa nepondo chaiyo apa zvinhu zviri kundiomera hazvisi kutengwa."Kunyangwe zvazvo vaitambura asi vaisazviratidza nekuti vaiva vaijaira nhamo.Vaitotaura vakasununguka uye naturally she was a talkative woman. Ronny aiva asimuka ipapo ndokurova rova chipfuva chake macoin aya ndokurira kuti kweche kweche.Akabva amatora ese ndokutambidza mhamha vake vatsva achiti,"Oi mhamha mari iyi ndaipihwa nababamunini makuseni kuti ndidye kuchikoro pazuva pazuva.Vati vanondipa imwe next week kana iyi yapera."Mai Hailey vakamboita kachinguva vakatuzurira chanza chaRonny chaiva nemari iya.Vakazongoitambira zviya zvekungoti chero zvazvaita ndokuti,"Saka uchaita sei unodyei kuchikoro kwacho mwanangu oo mari iyi unozofa nenzara."Vaitaura nenzwi rizere moyo wekubereka vachidzorera mari iya kunaRonny.Ronny akatanga kuramba nemapendekete ake achiti,"Aaa zvakashatei hantie ndaipa amai vangu here mari yacho kkk plus futi futi ndinorongedzerwa lunch everyday namainini saka musandityire hantie ka Hailey."Akadaro Ronny achitsonyana naHailey uyo aiva adzoka kotora kagreen bar kanga katova kareza chaiko,kuti akwanise kusuka ndiro.Hailey akangogutsurirawo nemusoro achiseka ndokubuda panze. Mai Hailey vakanakirwa nekuchenjera kwaRonny ndokutomboseka seka naye saamai nemwana.Kupinda kwaRonny pamba apa zvese nekutandarapo zvaiva mumeso echikwapuro chemakuhwa chainzi Mai Natty chaigara panext nepanaMai Hailey.Mukadzi uyu aiva bhurugwa nebhande namainini vaRonny zvekuti dot com rese raiva ratosvika kune mubi wavo.Nemafoto nemafoto ekupinda kwaRonny pamba apa aiva atosvika.Mainini vachinzwa izvi vakavira nehasha.Vanga vachiita zvekugara pasi zvino vakamirira kuti Ronny auya vaimuita mapiece piece nekumurova nekuti vanga vachizozviona kuti zvekumuuraya zvanga zvarambisisa.Kupotsa ka2 shuwa kwaisava kwekutamba nako zvekuti kana ivo vakazvionera kuti aya aitova makata kwaitongovawo kupedza nguva kudya soup nefork. Saka vakanga vogaya kungotamba Ronny rough nekuti vanga vazviudza mumoyo kuti,"Haa why should I stress myself nekamwana aka.Zvinhu zvaakaona hazvisi zvezera rake so haambofe akazvitaura now!"Nokudaro vanga voda kuitira Ronny hutsinye uye apa vanga vatomuwanira chikonzero. Kuchikoro kuya meeting yakazoti nonokei vadzidzisi vakurayirwa zvine chekuita nekuchengetedzwa kwemabook avaiva apihwa.Madam vaya vakazobva kustaff kumafour vachifambisa vakananga kuclass kwavo kuti vanotora bhegi ravo varove pasi.Vachingopinda vakabva vaita mahwekwe nelunch iya ndokuita mukaho nayo sezvo vanga vakurumwa nekanzara kekuma4 kaya nofunga munhu wese anokaziva.Vasati vaita kana chii vakabva vavhura lunch iya ndokutora scotchy rimwe chete kuti varidye.Richingosvika pamhino kudai vakabva vanzwa kahwema kekushisha sezvo kwaipisa uye mulunch muya maiva netwumusaridzirwa twemaonion aiva asararirira pamaspaghetti.Hapana asingazvizive kuti onion inokurumidza kukanganisa food.Madam ava vanga vagara zvavo vaine kadambudziko kemaulcer zvekuti vakabva vangorasa mascotchy pabin raiva panze vakuenda kumba.Lunch vakaigeza ndokuirongedza muhand bag mavo.NaMwari vaiva vapona!!Mary Jesus Joseph!! Ronny akuparadzana naMai Hailey paya akabva ati,"Ndichakuunzirai hupfu nekuti sisi vangu vandiudza kuti hamuna chekudya manheru pano."Zveshuwawo vaisava nepekutangira saka vakangogutsurira musoro nekuti vaitemba kuti zvaizobudirira sezvo Ronny chaiva nenjere dzakapinza.Raisava zano rakanaka asi kana uri munhamo you expect and accept anything.After all a beggar is not a chooser.Zvekare hantie Ronny anga ava mwana wavo-saka kana zvaizoipa vaigona kugara naye.Ronny chakabva chachekerera ndokusvika kumba paitova padhuze.Ndipo paakazoona kuti kumba kwavo kwaiva muline rekuseri kweranaHailey zvekuti zvaingoda 5 minutes kuti afambe. Akasvika pamba akabereka bag rake apa vamwe vana vachitamba muspare muya.Akatenderera nekuseri ndokunzwa mainini vari mushower vachiimbirira.Akabva ati chance given ndokunyahwaira sekiti akananga mukitchen makanokora hupfu kubva muchibucket chaigara padivi nekithen unity so.Yaiva Parlenta chaiyo kwete yefake.Akabva achera half yepaper bag ndokusunga ndokuti mubhegi rake pfee ndiye nyahwai zvakare achibuda panze.Achingoti nyengu panze ndiye chitsoka ndibereke akananga kunamhamha vake vatsva.Akatosvika vakagara naHailey pasi pemukotopeya uya ndokumbovarairwa varairwa achiita seari kuda kutenga something.Akabva azongovhura zip yebhegi ndokuti werere paper bag riya ndokuritambidza mhamha vake zvechiCIO chaizvo.Ivo vakangoritambira ndokuriisa pasi pekatable kemusika wavo ndokurifugidza nesaga chena raivapo.Mushure Ronny akabva atotsakatika akumhanyira kumba mumoyo achiti chamuka inyama. Mai Natty veZBC yemakuhwa department,Madziro Committee Chairlady vakazviona zvese.Vaiswera vachiteedza makuhwa emuraini zvekuti ziana rese waiva naro.Mumba mavo maiswera muine tsvina zvekuti waigona kuona masocks emurume wavo ari mupoto yesadza yakasvib yakabikirwa sadza nezuro.Nekuchechi chaiko vakamborambanisa mumwe mufundisi nemukadzi wake vabika rekuti mufundisi ari kudya vasikana vepraise and worship.Nekuita uku vakabva vapihwa zita rekuti Satellite Dish nekuti vaigona kukuudza kuti nezuro kwaMai Nhingi vadya chakati nechakati.Yese yakatambika pakati paRonny naMai Hailey panguva iyi vakabva vaibata asi apa zvinenge zvanga zvati korei vakati zve app zvingashupa.Vakabva vatotenga airtime ndokuita zvekufona vachiti,"....." *ok watch out for chapter 6!!😁😁* Kkkk lol sando ndaneta ndadzo hamunawo zvimwe zvinhu zvisiri sando zvekundipa kana kungondibhagura nechicaterpillar coz sando yaita diki!!!! 🎓🎓🎓🎓🎓🎓 [10/02 12:58] Dr Maxx🎓: *THE SURVIVOR BY DR MAXX-CHAPTER 7* "Hehehe sahwi inga zvakaoma.Mwana wako Ronny ari kubva kubuda izvezvi.Pane chiplastic cheblack chaatambidza Mai Hailey vakabva vachiviga pasi pesaga ravo riri pasi pemusika wavo mhanya sahwi."Yakadaro Madziro Committe iiine mufaro wekufarira kugona basa.Vaiita kufemera padenga kunga vanga vabva kukunda pamujaho wekupinda denga.Mainini vakadaira runhare urwu vari mubath muuya vatorine sipo muviri wese.Vakaita zvekusheedzera Benson kuti avasvitsire foni iyoyo ivo ndokuidaira vakaita kuibata nemaoko akanyorova.Mainini pavakanzwa manzwi aya vakabatwa nekakuvhiringika kuti mwana uyu aiva akaita sei.Vachingopedzawo kugeza,vachingoti budei so ndiye dhuma dhuma naRonny atori zvake mupenyu apa akaita kunonzi kutota neziya.Ipapo mainini vaiva vakamonera tauro ndokuita nguva vakatarisana naRonny kunga shumba mbiri dzakatarisa nyama imwe chete. "Inga matova ndimi baba vepano Mukoma Ronny ko muri kubvepi nenguva dzino?"Mubvunzo uyo wakavhiringa Ronny zvekuti akatanga kuti,"Nda- nda nda nda!"Hapana zvaakazoda kutsanangura zvakawanda apihwa gwenya rembama rekuti akabva aona maplanets ese ari musolar system.Neinonzi Jupiter iya akabva aiona ipapo.Akasvikondonyera kona yake yehuma pamadziro emupassage yekare.Door rebathroom raiva pedyo nedoor rekuseri rekupinda naro zvekuti uchingobuda kubva mubath waibva watongokurumidza kubva wabuda panze.Ronny akabva angoti rapata ari pasi ipapo ropa ndokutanga kumhanyidzana richibuda mumhino dzake.Ipapo akabva abatwa nehasha ndokusimuka ropa richichururuka kubva mumhino ndokuti,"Ndinovaudza daddy."Akataura nenzwi rizere nehasha neshungu zvese.Mainini vakatanga vasekera svoto ndokuti,"Aaa kkkk iwe mwana wehure rakafa rakudyiwa nehonye unofunga kuti babamunini vako vangasekerera dzungu rawava kutoratidza ne2 days idzodzi.Wauri kuti baba ndiani hantie vako vakafira mbanje kunga dzaisatora mushe!"Vakadzvova zvavo mainini vachigadzirisa tauro riya ravaiva vakasunga.Ronny akanzwa chibundu chagara pahuro pake ndokudumbirwa nehasha pamusana pemakobvu nematete aaiva adonhedzerwa namainini vake.Haana zvaakada kuzotaura uye mainini havana kuziva kuti zvainzi zviri kuda kuudzwa baba ndezvipi.Iye Ronny ndiye ega aiziva asi apa akazozvidzora nekuti anga azviona kuti kwaiva kutaura kwehasha-ndizvo zviya zvaaiziva kuti zvaigona kuti vaviri ava vaparadzane iye ozoita kana street badu. Mainini vakabva vasiya varova zitsamwa riya ziMai Azuka Trademark ndokumhanyira mubedroom mavo kunopfeka.Kupfeka kwacho kwaingova kwe2 minutes nekuti vaida kunopedzera Mai Hailey.Ronny akasara achinhongawo bag rake paye ndokubuda pasink yepanze achigeza ropa riya.Mainini vakangomusiya varipo ndokurova nhanho svinu vakananga kwaMai Hailey.Vaiva vangorova kabum shot nechimwe chit-shirt chakangodaro daro chiri chiloose fitting.Pamusoro pekabum shot kaya vakabva vasunga zambiya ravo rered for danger raiva nemavara mavara matema.Chiriporipocho vanga vatosvika paMai Hailey.Vakasvikovhura gedhi riya zvine chisimba ndokumira pamberi pemusika waMai Hailey zviya zvekuti hapana zvaunondiita.Ipapo nguva dzanga dzava kuma4 ikoko."Kwakanaka here vasikana kwomomira pamberi pemisika yedu makaita kufuta kudaro?"Mai Hailey vakabvunza vatoita kagumbuka nekudukupiswa kwavaiva vaitwa namainini.Mainini vakatanga varova kachikwee kechiNdini kaya ndokuti,"Kunganaka sei imi makutuma mwana wekumba kwedu kuti abe zvinhu mumba ndipei zvinhu zvaakupai mupaper bag reblack raauya naro.Handina zvizhinji zvandiri kuda kutaura nemi asi ndinongodawo kuti mundipe paper bag iroro."Mai Hailey vakagumirwa zvekuti pfungwa dzavo dzakambomira kushanda.Vakabatwa nedzutswa renyadzi zvekuti vakabva vafunga kureurira asi munozivawo wani kuti kufa kweshirikadzi kubuda ura🙌🏻Ivo vaiziva kuti mujenya wamainini waiva wabata asi vakabva vashaya kuti information yese iyi iri accurate vaiva vaiwanepi?Vakabva vatongoziva kuti hakuna mumwe-Office yaSatellite Dish yaiva yabata masai sai 100percent signal vakabva vangoti,"Mmm handisi kunzwisisa zvamuri kutaura vasikana mungagone zvenyu kuenda nekuti makutovharira macustomer angu kuti asatenge.Mainini vakabva vatanga vaseka zvekunga vacharutsa mapapu ndokuti,"Kkkkk itwo twumadomasi twakasvava itwotwo nditwo twamunoda kundinyinurira pano.Haa vamwe vanhu munonhuhwa nhamo zvinosemesa now ndiri kukupai minute bedzi kuti mubudise zvamapihwa naRonny."Mainini vakanga vakusheedzera nenzwi riri pamusoro zvino. Mai Hailey vaiva vachochwa hasha zvino.Mashoko amainini ekushora kabhindauko kavo akavarwadza.Vakatanga kuyeredza misodzi yeshungu ndokuti,"Hupenyu hunosiyana Mai Benny iwe unowana asi ini handiwane so madini kundisiya nenhamo yangu."Mainini vakabva vatanga kukwidza magiya ndokuti,"Handisi social welfare ini yekuti shirikadzi dzemuZimbabwe dzinondiudza zvekushaya kwadzo.Why are you running away from the topic ndipei ka zvamapihwa naRonny."Izvo zvakanzwikwa nani Mai Hailey vakaramba vakaomesa gotsi apa Mai Natty vaya vaiva neDegree of Mass Communication ravaiva vakawana PaUniversity of Rokesheni,vaiva zvavo zvakadya getsi nerimwe corner rehwindo reimba yavo vachiona zvese.Mukadzi uyu aigona kumira nekuteya nzvimbo dzaaiziva kuti dzaimuwanisa dot com rese!! Mainini vaona Mai Hailey vati tana kuramba vakabva vasimudza kamusika kaya ndokukandira pasi.Vaiziva kuti paper bag riya raiva pasi pechimwe chisaga chaiva charehwa neMadziro Committe zvekuti vakabva vachiona chiri pachena.Panguva iyoyo Mai Hailey vaiva vangoshama muromo nekukahadzika zvekuti mumukanwa mavo maigona kutopinda madzetse matatu akatambiramo akaneta.Mainini vakabva vawedzera kupinda nebhaibheri munight club zvino.Vakabva vafugura saga riya ndokuona zvedi pane paper bag reblack riya.Vakarisimudza nechimbichimbi ndokunzwa kutepfenyuka vakabva vangobata kuti hupfu hwaivamo.Vakabva vangobvarura chiplastic chiya nenzara dzavo ndokudira hupfu hwese pamusoro waMai Hailey avo vakabva vasara vakacheneruka kumeso kunga mugayisi.Madziro Committe ichiona izvi ikati haaa apa hapachada zveCCTV UNDERCOVER RECORDING.Yakabva yatobata nemamwe mastations ayo zvekuti nenguva isipi pamba apa panga patounganwa.Mainini vachiona vanhu vaungana vakabva vabvisa kaZambia kaya ndokutambidza Madziro Committe sarei nekabum shot.Vakabva vanzwa kumera zenze ndokuregedzera mbama imwe chete kunaMai Hailey avo vakabva vaona ngirozi chaiyo pamusana pehupfu hwaiva huri kumeso kwavo.Chisina kuzivikanwa namainini ndechekuti Mai Hailey vaiva vakaguta nebp kuburikidza nemakobvu nematete avaiva vavaudza before.Mainini vakazongoona vagarwa nechibhakera chekumatsengaapple ndiye pasi pu.Mai Hailey vaiva vakanda chechirume chaicho zvekuti nehasha dzavanga vaiva nadzo vanga vakutoda kuuraya chaiko.Mainini pavakati warawashu kusimuka vachida kudzorera vakabva vanzi zhezhewu zhezhewu zvimwe zviviri ndiye negotsi futi.Vakabva vagarwa matunduru ndokutanga kutsondwa zvechibhubhubhu.Haaa kuzodaro Madziro Committe yese yakabva yatoshifta magoal posts ndokutanga kukuza Mai Hailey vachisvororodza mainini.Vakazvindinywa zvibhakera zvizere huturu hwenhamo nehasha.Vakapihwa zvekushungurira chaizvo zvekuti face yese yakasara yava butcher.Kudai pasina kuzoita vamwe amai vechikuru vakazorandutsira, chokwadi tese pano tingadai titori kunyaradzo yamainini.Mainini vakabva vabvinza ruoko rwaamai vaya nehasha ndokubvuta zambia riya ndiye touch vakananga kumba vachiperekedzwa nekusvororedzwa nevanhu! Mai Hailey vakazoperekedzwa mumba mavo vakavira nehasha zvekuti musi uyu havana kudya.Lucky enough yeround iya vakazobvisa nekuti vaiva vainayo iya yavaiva vapihwa naRonny.Mainini vakazosvika kumba ndokuzvitova tova vachibika.Zvefight waitongovawo mugariro asi musi uyu vakasangana nazvo.Chakanyanya kuvarwadza inyaya yekuti vanhu vavaitemba navo pamakuhwa vakazovarasisa.Chokwadi munhu ireza inocheka kwese.Zvekushungurudza Ronny vakaona atori makata zvekuti vakatombofunga kuzvisendeka parutivi vachitsvaga imwe nzira nenguva inotevera.Nenguva iyoyo vachibika vanga vogaya kutamba Mai Hailey rough.Kuzvibhakera vaiva vasakadzwa saka mangwana acho vakafunga zvekunoona Mai Mufundisi wekuchechi kwavo wavainzwanana navo too bad kupfuura Madziro Committee.Vaida kuronga kuti vanyadzise Mai Hailey pamberi pechechi-kuvanyadzisa zvemhando yepamusoro chaizvo zvekuti vaibva vabuda vega chechi yacho.Vakapedzaa kubika kwese vakuimbirira nemufaro kuti at least wavana imwe plan. Babamunini vakangosvika nenguva dzavo dzemazuva ese ndokuona madzvanga dzvanga aiva kumeso kwemukadzi wavo asi havana kuda kubvunzwa.Vaitotyawo kudirwa mushonga saka vakangosekerawo mumoyo kuti nhasi zvinenge zvaiwana ngwarati.Ukaona shuwa murume asisina basa newelfare yemukadzi wake panenge paoma zvino.Mudzimba umo please keep the love burning kunyangwe mai vakarohwa kumakuhwa give her emotional support wovatsiura uchivaonesa kuipa kwakaita makuhwa.Manje mumba iyi yaingovawo pano nepapo asi pachokwadi chaipo kwanga kwangovawo kusakara kwaro dova serisakambodyiwa nyodzo.Babamunini vaigorayambira mainini kuti vasaende kudzimba dzevanhu asi kwaingovawo kuudza dombo zvaro risina hupenyu.Nokudaro vakasvika pachinhambwe chekusiyawo zvakadaro-hameno kwaizowirawo tsvimbi nedohwe.Vakazorara time time vese nevana. Makuseni acho mainini vakagadzirira vekubasa nevekuchikoro ndokutanga kutoita basa ravo remumba makuseni iwayo kuti vazokurumidze kunoona shamwari yavo yepamoyo-Mai Mufundisi!Vamwe vachienda kumabasa nekuchikoro vakasara vachiduster duster mumba.9 dzichichaya vanga vatosvika paAFM yemuChipadze imomo ndokuona Mai Mufundisi vachibatsirana nemusikana wavo webasa kuyanika hembe pamawashing lines aiva muyard memba yavo."Titambire kani vasikana eee kwakanaka here kwamauya makuseni ano hehehehehe hiii huya shaaa."Vakadaro Mai Mufundisi vachitambanudza maoko avo kuti vambundire mubi wavo.Vakabva vambundira mumwe wavo,Mai Mufundisi ndokusheedzera kuti,"Iwe Joy(musikana webasa)mira zvekuyanika izvo unotigadzirira tea tinwe nemunin'ina wangu kuseri kugarden uko!"Joy uya akangotsveta zvaaita ndokuti,"Ehoi mhamha!"Ndokunanga kukitchen kunga aiva akabairirwa pamagetsi nekuti aiziva kuti mhamha vacho vaidya magaka mambishi ane chilli. Vaviri vakabva vatonogara kugarden kuya nyaya ndokutanga kutsva.Vainzwanana zvisingabviri asi kwete munaJesu asi mumabasa aSatan.Nyaya dzakatanga kutsva ipapo mainini ndokumboti,"Aaa sisi ndakarohwa neshirikadzi iyi yakuda kundiitira dzungu.Ipapo ndaiva ndaenda kunoitsiura kuti irege kutuma Ronny mwana wababamukuru vedu vaya vekufira mbanje vaye.Manje zvandauya pano I want you to help me to fix her." Mai Mufundisi vakamborova kachikwee ndokuti,"Haaa izvo zvitete izvo tiri kuda kuirongera kaSunday.Ndinongosheedza kaboyfriend kangu kaya panguva yeconfession paya konyepa kuti kaiva muaffair naMai Hailey chechi yese ichinzwa.Koti now kakuda kureurira,how far is it for a deal?"Haaa mainini vakangosekerera vachidzungudza musoro ndokuti,"Hii and munoronga sisi ko wenyu mutom boy ari sei ini ndr patyt now ndakaonekwa nemwana iyeye Ronny ndiri kutoshandwa mudining medu,mukati hakana mushonga here kamwana aka kanongogara kari paadvantage against me?"Mainini vakabvunza vazere nekushamisika.Mai Mufundisi vakatomboseka ndokuti,"Haa siyana nako kamwana ako uri kuona kupotsa kavakaita ka for now siyana nako but later find a way to get rid of him because he is a possible future threat.Kufa kwemunhu hakudi chiroverove haisi huku ka kkkk anyways wangu mutomboy ndiri kumubata bhoo hii Newlarman isimbi shamwari anonyatsondisiya ndaibva nayo kwete zvamufundisi vako ava vapera basa.Vakungoita sechijongwe chine gwirikwiti.Pano pano heee maverse maverse ndinonakirwa nemaverse here ini regai ndinakirwe zvangu nekampfanha kangu.Plus kanonditeerera uye kanobata maappointments nenguva hahahahaha."Vese vakabva vabatsirana kuseka ndokunwa tea iya iyo yanga yasouya kare nokuti vanga vaane nguva vachikurukura. Sunday yacho vaiva vanyatsoiteya nekuti elder vaya vaibetsera Mai Ronny vaiva vasipo vaenda KuMusina kunohoarder mbatya dzekutengesa.Naizvozvo Mai Hailey vaizoshaya wekuzemberana naye. Mainini vakazoenda kumba kuma12 chaiko zuva richirova mhanza dzevanhu dzichipfungaira hutsi.Friday yacho yakapera zvakanaka kwakuzoti Saturday vakaswereswa nababa mudhorobha semhuri.Sunday ichitongoti pfee vakabva va.... *Ok watch out for chapter 8!!!!* [16/03 21:38] Doctor Maxx🎓: [12/02 09:27] ‪+263 71 259 0100‬: *THE SURVIVOR BY DR MAXX-CHAPTER 8* Musi weSunday uyu mhuri yekwaMaramba yakafumogeza yese ndokurova mbatya dzemberi.Ronny akabva apihwa dzimwe mbatya dzaBenson dzaaikwana dzikamudema kunga dzake.Mainini ndivo vaiva vazvironga izvozvo nemhaka yekuti vaida kufadza Ronny zvenhema.Breakfast yakarohwa iya yemhando yemazuva ose ndokuzodonhera paAFM dzichiti 0945am.Nenguva iyoyo panga patozara zvekuti vamwe vanga vakutopindira panze paiva neOverflow.Pastor Ngazimbi vaibatira pasangano iri vaipfuta moto pavhangeri.Vaiti vachiparidza bedzi vanhu vaichema uye vazhinji vaibva vakanda zvipo zvekuti muchechi maibva maita upside down chaiyo.Chavaiva vasina kupihwa mukadzi haiwa mapudzi aiva awira kusina hari. Kunyangwe pazare sei pachechi apa,mhuri yekwaMaramba hayaishairwa pekugara.Vaitogara vese nevana vavo kumachair ekumberi just before masofa amufundisi.Musi uyu Mai Ronny vakanosangana naMai Mufundisi kubackstage.Hameno zvakazevezeranwa ikoko dzamara vakubvumirana nemisoro ikoko.Mushure vakazoparadzana chechi yakuda kutanga na10 apa babamunini vanga vatogara zvavo kare.Service yatanga pakamboitwa twakawanda wanda dzamara nguva iya yeconfession yakwana. MC wacho kaiva kamwe kamudhara karefu katete kainzi Nyariri.Kakabva katungamira chita chese parwiyo rwenyasha ndokusheedzera Mai Mufundisi kuti vatungamire paConfession Time.Mai Mufundisi vachisimuka kudai vanhu vese vakasimukawo iri nzira yekuvaremekedza.Kunyanya vakadzi vakasimuka nekuti vaitya kuzoshurwa musi weChina.Wainzwa zvakunzi,"Heee vanamai nhingi hamusimukire vana mhamha kana vachida kutaura ndoo kusaka varume venyu vachizodanana netwusikana."Zvaamai ava haiwa zvaitoda kufukunura akavaroya.Vakabva vatambidzwa microphone paya ndokushaura; *Makanaka Jesu* *Haleluya* *Tinotenda Jesu* *Haleluya Hemeni* Chechi yese yakaita mahon'era mushure ndokuti,"Pamusoroi Mufundisi,maelders,masection and cell leaders nevana vese vesangano.Ndinokutendai nekuuya kwamaita muimba yaMwari now yava nguva yekureurira zvitadzo zvedu.Saka ndinokumbirawo mumwe namumwe ari paari ipapo anamate munamato wekureurira zvitadzo zvake achirevesa panaMwari.Kana paine vane zviri kunyanya kurema makasununguka kuuya pano kumberi mureurire pamberi pesangano rese Mwari akuitirei nyasha.Haleluya!!"Chechi yese yakabva yasheedzera Zihemeni! riya rekuti satan akambonzwa kafever.Mushure chechi yese yakaita maungira evanhu vaichema panaMwari.Chokwadi pakanamatwa,10minutes dzakagunduruka vamwe vakaita nekubuda misodzi.Painamatwa pese apa Mai Mufundisi,mainini naJose kachikomba kamai mufundisi vaiva vakasvinura zvavo vachitsonyana maziso.Danho iri rapera vaya vaida kureurira pamberi pechita vakauya kumberi.Pakauya vanenge vashanu kusanganisira naiye Jose wacho aivapowo pachikundi ichi. .Vamwe 4 vaya vakapedza kupira nyaya yavo kuvanhu.Vaive nenyaya dzakasiyana siyana dzimwe dzaisiririsa asi mufundisi akavakumikidza kuna Mwari zvikafamba negwara rakanaka.Mic yakazopihwa Jose ndokutanga dzatsvaira pahuro ndokuti,"Ndinokutendai vanhu vaMwari nemukana uno wamandipa kuti nditaure chokwadi pamberi paMwari.Inini ndinoitwa Joseph Kudiwa ndinogara muno muChipadze and kuno kuchechi ndinongouya pano neapo asi haisiriyo nyaya yandiinayo.Yandanyatsosimukira yacho kuti Tenzi vandichenure inogona kukushamisai asi ndiwo mamirire azvakaita.Pari zvino ndinokumbirawo Mai Tangirai kuti vasimuke vauye kuno kumberi.Vazhinji tinovaziva saMai Hailey ndevamwe vatobata navo pano."Ipapo akambomira kutaura achimirira kuti Mai Hailey vaya vauye avo vakabva vasimuka zvinyoronyoro vakasunga kadhuku kavo seshirikadzi.Munongozivawo kufamba kwemunhu akatariswa nemaziso hobho kuya.Unoita seuchadonha asi Mai Hailey vakazvishingisa dzamara vasvika papulpit paiva naMukoma Jose.Vaitovawo murima rakapetwa runa.Vakabva vamira nechepadivi vakarereka musoro wavo zviya zvekunyaririra zvine karuremekedzo.Mukoma Jose vakabva vatsonyana naMai Mufundisi zvisina kumboonekwa nevanhu vese ndoo kuti,"Maita basa mauya ndinotenda asi today ndiri kuda kuti chechi yese izive kuti we have been having an intimate affair kubva pakafa murume wenyu.Ndimi makatondimanikidza ndikatombokuudzai kuti ndinokuonai saamai vangu uye ndiri mwana imi mukatoti ndikakurambai munozvisungirira.Chokwadi vanhu vaMwari ndakagumirea kunga muroyi ayedzerwa but I had no choice but to fall for you.Chazoita kuti ndizvidure inhau yekuti manga makundimanikidza kuti ndikuitisei mimba.Vatenderi vadiwa ndizvo zvaiitika for the past three years but the bible says the truth shall set you free so by saying this ndiri kunzwa kurerukirwa.Ndisingade kupedza nguva kumubiki weservice neiwaya ndinongoti ndiwo mazhinji handiwedzere kana kutapudza ndatenda."Mai Hailey vakangoita chimudhori vakamira pamberi ipapo.Chechi yese yakazongoita ziHAA riya rekuvanyarira nekuti Jose aiva adedemura achiita nekusiririsa zvekuti hapana munhu wese aivamo akazvitenda.Kana zvadai zvaiva zvoreva kuti Mai Hailey waizoiswa pasi peshamhu.Vakashaya kana shoko rimwe zvaro rekuzvidefender naro asi kungoyeredza misodzi yeshungu.Uku kwaiva kukururwa hembe pamberi pevanhu vese.Pakamboita kachinguva vanhu vachihon'era kumachair kwavo dzamara mufundisi vazosimuka ndokuti,"Eee this is a shocking issue iyi ino..."Havana kupedza muromo iwoyo vaona Mai Hailey vasimudza chipulpit chiya chaiva pamberi apa chaiva chegirazi.Ivo vanga vatozviziva kuti yaiva setup bedzi between mainini naMai Mufundisi.Vakabva vachipotsera zvine simba chakananga Mai Mufundisi zvekuti kudai vasinga kunzvenga vaidai vakabvuraudzwa nacho.Chakakandwa zvine simba zvekuti macorner acho akabvarura leather sofa raiva rigere Mai Mufundisi naMufundisi. Zvadaro vakabva vangobva pastage paya ndokunhonga kabhegi kavo ndiye nangei kuSunday School kunotora Hailey.Vakaratidza zvavo hugamba but it was too late the damage had already been done.Almost vanhu 800 vakaattender service iyi vakava nechokwadi chekuti Mai Hailey vaidyiwa naJose.Mai Mufundisi vakabva vasara vachishora Mai Hailey zvekuti chechi yese yakabva yawavenga."Jesu akati kana ruoko rwuchikutadzisa rutyore usare zvako usina nekuti rwunopinzisa muviri wese mugehena rwukaramba rwakabatana nemuviri.Ndizvo zvakafanana nemhombwe iyi nofunga maonawo kamuitiro kayo violence ndoo pamusha.Saka tafara kuti since tiri body of Christ imwe part yabva kuti kereke yaMwari isare iri dzvene.Haleluya!"Haa unozodei vakapemberera Mai Mufundisi chechi yese ikabatana navo. Service yakazopfuurira mberi zvipo zvikazokandwa.Kuma1 ikoko vanhu vakazopararira vonanga kudzimba dzavo nyaya yaMai Hailey ingori patop.Vamwe vashoma vaivadefender asi vamwe ndivo vaivakomerera-zvakangodaro Mwari ndiye aiziva zvake chokwadi chese.Mainini vakazoonana naMai Mufundisi vakapanana heavy sando.Musi uyu Jose chakapihwa waya via Ecocash naMai Mufundisi rekuti chaiva chagona basa.Mainini vakazoenda kumba nemhuri vachifara kunga benzi ranhonga pembe."Hii Baba Benny kwanga kuri sei kuchechi?"Vakabvunza zvavo mainini vachifara zvisingaite apa vanga vatova kumba vachitandara mudining masikati.Babamunini vakangoti,"Kwanga kuri bhoo the service was a blessing."Vakangotaurawo zvine kakushatiriswa maningi neyaiva yatambwa Mai Hailey.Mainini vakabva vaona kuti vangatangisa zvimwe ndokusiyana nenyaya iyoyo vachimhanyira kuti vanobika sezvo maSunday mazhinji magetsi ainetsa pamaraini apa zvikuru sei kuma4 ikoko.Zuva iri rakazopera zvakana naka apa mainini vaingofara zvisingatsangurike.Vakasvika pakufarisa zvekuisira Ronny mapiece matatu enyama panguva yekudya. Mangwana acho vana vakaenda kuchikoro zvakanaka.Mainini vakabva vambosendeka pfungwa yekuda kuisira Ronny poison.Vakatanga kumubata bhoo zvekuti week iri akanzwa sekunga anabiological mother.Monday yacho babamunini vakabva vamupamha chimwe chi5 nekuti vakafarira kafake bond kavaiva vaona pakati paRonny namainini.Ronny achisvika kuchikoro akabva apa mari iya kunaHailey kuti anopa mhamha vake.Vaviri ava vanga vakuonekwa vari vaviri pabreak kana palunch.Ronny anga akutoenda nemaspoon maviri kuchikoro kuitira kuti paanooda kudya paya aibva adyawo naHailey kubva mulunch imwe chete.Hukama hwavo hwakabva hwasimba ipapo sehanzvadzi nehanzvadzi asi pavhiki iri Ronny haana kumbotsika kumba kwaanaHailey nekuti aitya kuti zvaizomutsa mutauro.Mukirasi vaikwapura zvekuti huya uzonzwa zvekuti mudzidzisi waRonny vakatozoona zviri nane kuti chikoro chijambise Ronny aende zvake mugrade 7 gore rinotevera achizobatana naHailey uyo aiva grade 6 panguva iyoyo.Hameno kuti chikoro chaizozvitora sei. Friday yeweek iyi yaiva civvies day apa Hailey aiva asina chekupfeka semugariro.Aingovawo nekadhirezi kake kamwe chete kakasefeka zvekuti kanga kangosarawo kuita chikorobho.Vaviri ava vakasangana iri Thursday vakuenda kumba."Ronny mangwana usatakure zvako imwe spoon nekuti handisi kuuya kuchikoro."Akadaro Hailey misodzi yatojenga mumaziso.Ronny akabva amira vese ndokumira ndokubva ati,"Ko why asi hauna mari yecivvies kani."Hailey akabva abata muchiuno ndokuti,"Yecivvies madam vanondibvisira but handina hembe shamwari ndikauya nekadhirezi kangu kandasarirwa nako hapana kudzidza kwandinozoita nekuti vamwe vese vanenge vakundifara vachinditi Mbuya Hailey wekadhirezi."Ipapo akabva atotanga kuyeredza misodzi.Ronny akaona kuti pakaminama ndokuti,"Ok usazvinetse mangwana huya kuchikoro usarege ndinotsvaga zvekuita shamwari usacheme."Apa aitaura achibhabhadzira Hailey zvekuti kudai maizviona maitombosekawo kuti twuvanhu utwu ka kkkk.Hailey akangogutsurirawo musoro aane chivimbo chekuti zvinofaya bedzi mangwana.Vakazoparadzana vakuda kusvika kudzimba dzavo. Ronny akabva amhanyira kumba.Akasvika vamwe vana vatovako kusanganisira Benson asi mainini vanga vamboenda kumagirosa kumbonotsvaga kapork kavanga vaane mazuva vasingadye.Vamwe vana vaitambira panze izvo zvakapa Ronny mukana wekupinda muspare mematwins ndokuraura kamwe kadesigner red floral dress kaBeauty zvese natwumapumps twacho twaimatcher.Akabva azviisa pasi pemattress yepamubhedha paaivata naBenson. Mangwana akazonzwa Beauty akuchema kuseni ashaya kadhirezi kaya.Baba vacho ndivo vakazoti,"Chinyarara mwanangu ndichakutengera rimwe nhasi."Ndipo pakazoperera sarungano yacho nekuti mai ivavo vaiyema zvinorutsisa.Mainini vakagwedebedza pese vakashaya kadhirezi kaya.Vakavhuruvhaya mawardrobe ese kadhirezi kakati makandiisepi.Pakuenda kuchikoro Ronny akabva azokasveerera ndokukaisa mubhegi make zvese nemapumps acho.Aitemba kuti pachikoro pavo paiva pakawandiwa zvekuti hawaisangana nemunhu wekuziva zvekumhanya.Akanosangana naHailey pasi pemuti uya ndokumutambidza kadhirezi kaya zvese neshangu dzacho.Hailey akashamisika zvomene ndokuti,"Hii warionepi rakanaka kudai hiii iwe Ronny ndiudze."Ronny aivawo zvake akamira negumbo rimwe ndokuti,"Iwe pfeka wakanyarara enda unobvisa kadhende kako ako uite munhu kwaye."Vakabva vaparadzana ipapo mushure mekunga vamboseka kwekachinguva.Hailey akabva ananga kutoilet ndokurova kadhirezi kaya achingobuda ndiye dhuma dhuma naBeauty padoor chaipo retoilet.Beauty akaita sechizombi akatarisa Hailey ndookuti dress riya dzvii nekaoko kake.Akabva atanga kuchema achiti,"...." *Kkkkkk haaagh I am fond of child characters and I am proud that I have become an expert in bringing about the best in them!!* Enjoy guys.. Keep the comments coming Sorry for the late release Tomorrow ndichaedza kubura zvikamu zviviri.. Asante Sana *Watch out for chapter 9* [12/02 09:27] ‪+263 71 259 0100‬: *THE SURVIVOR BY DR MAXX-CHAPTER 9* "Iwe kumura dhirezii rangu uri mbavha wariona kupi!"Kakabvunza kaBeauty kakutoyerera misodzi.Hailey akabva apererwa akashaya kuti oita sei apa twumwe twuvana twaiva twatoungana.Semunhu aiva nenjere dzakati pinzei akabva ati,"Asi wakavharisa shop kani pawakatenga dhirezi rauri kureva iroro and iwewe kufunga kwako ndingaritora sei kumba kwenyu?"Nemashoko iwaya bedzi Beauty akabva atanga kunyara nyara uye vamwe vana vakabva vatanga kumosvororedza.Akabva ashaikwa panzvimbo achitiza achizhinya zhinya akananga kuclass kwake.Hailey akabva anzwa kurerukirwa ndokumodella zvake akananga kuclass.Musi uyu class yese yakamubigger kuti aiva akachena.Ronny ndiye aiva aita zvese nekuti aisada kuona Hailey achishungurudzika. Bhero rebreak richiti ngende Hailey akasanga naRonny pasi pemuti uya pavaidyira.Ronny akabva atambidza Hailey chispoon kuti adyewo rice raiva mulunch.Maivawo nesoseji imwe chete yavakamedurirana ndokunwidzana Orange Crush yaiva muchibottle drink chimwe chete,vaiti umwe akanwa umwe onwawo.Vari pakati pekuzipirwa Hailey ndipo paakazoti,"Haaa shamwari Ronny wakundipinza muna taisireva.Ko hauna kundiudza nei kuti dress nderaBeauty andichemera makuseni paandiona ndakaripfeka ndichibuda mutoilet.Iii usazodaro Ronny and ndanyara asi ndazomuvhara vhara."Ronny aiva amira kumbodya ipapo ndokutanga kuseka."Hoo seka zvako asi hazvina kunaka ndiri kutotyira kuti nyaya iyoyo ichasvika kumba zvikazonyadzisa maningi."Ronny akabva amira kudya ndokusimuka achiti,"Shamwari isusu ndisu manumber 1 pano pachikoro.Zvandava kuita ka iwe chisara uchidya nditsvage Beauty wacho ndiite kuti akanganwe kuti wambonetsana naye."Hailey akangogutsurirawo musoro zviya zvekuti itai tione bambo.Ronny akabva paya ndokutsvaga Beauty ndokumuona achitotamba zvake nedzimwe shamwari dzake.Akabva amutora ndoo kumuti,"Handei ndinokutengera machocolates shamwari."Haa kuzomudaro Beauty akaita seachabata denga.Vakasvika paiva netwumusika ndokutengerwa twunonaka naka twese twaisanganisira macandy cakes nezvimwewo zvimazadzadama.Mwana akakanganwa kuti aimbova nekastress kehembe yake aputirwa naRonny.Break rese rakazopera achifara.Chakanyanyofarira Beauty ndechekuti kunyangwe Benson aiva asina kumbomubata zvakadaro.Zuva iri rakaisa chidhindo mumoyo make zvekuti ndipo paakanyatsotanga kufarira Ronny.Break richipera paya vakaparadzana Ronny ndokunotora lunch yake kubva kunaHailey.Vese vakazonopfuurira mberi nezvidzidzo zvavo asi pakuenda kumba Ronny akatipana naHailey kuti aende naBeauty achimufonyora fonyora brain dzake.Beauty kakasarosvika kumba kachipembedza Ronny.Nyaya yese yakanzi bvuu kuna mainini avo vakabva vasheedza Ronny uyo anga akuchinja muspare make. "Nhai Ronny mari yawadyisa Beauty waiwana kupi?"Mainini vakabvunza mubvunzo uyu zvine kafault finding element.Pa$5 yaaiva akapihwa nababamunini musi weMonday,Ronny aiva akadzorerwa $2 naMai Hailey nekuti vakati aizosarirwa asi pekutangira-waingovawo moyo wekubereka.Ronny akabva atofunga zvekunyepa ipapo nekuti aisada kuti mainini vazive kuti aipihwa mari yekunodya kuchikoro nababamunini pamusoro pazvo achirongedzerwa lunch.Akabva anyatsomira zvake zvakanaka ndokuti,"Ndakunda vanhu vese paMaths Revision yaitwa nhasi hapana kana chandatadza saka madam vabva vandipa $2 yacho ndikati better ndidye nehama mutorwa ane hanganwa."Kkkkk mainini vakaoma mate mukanwa nemanzwi akabuditswa nemwana uyu.Vakapihwa mhinduro yekuti kana naivo vakanzwa mabhonzo avo kurembuka ndoo kungosiyawo zvakadaro vachibuda vachienda.Beauty haana kuzombotaura zvekare nezvedress riya kunyangwe pakauya baba vake husiku.Ronny akazotora dress racho mangwana kuchikoro pabreak ndokuzonoriviga muwashen basket imwe yaiva yakatombovhundunyurwa namainini vachiri tsvaga.Vakazongorionawo manheru iwayo vakagutsikana kuti pekutanga paya vaiva vachiritsvaga vaine pressure-mabasa aRonny!! Mwedzi yakafamba Ronny achikwapura chikoro zvekuti mbiri yake yakasvika kunaHeadmaster vaya.Gore rakatevera racho vakamujambisa ndokumupinza muGrade 7À.Apa Hailey aiva mu7B uye mai vake vanga vasingachaendi kuchechi vachingodaro darowo nekamusika kavo.Hailey naRonny vaitatsurana kwazvo pakudzidza zvekuti mumwe aitokundwa nechibodzwa chimwe chete ochema zveshungu zviya.Mazuva akapindana akava mwedzi dzamara vanyore bvunzo dzavo dzeGrade 7.Vese vakabva vadzendemura ma4 units.Mai Hailey vaiva vakasungirira kamari kekuti Hailey atangisewo Form 1 nevamwe.Vese vakawanirwa nzvimbo paChipadze High ndokupihwa maclass akasiyana.Ronny akapinda mu1A1 yaaitwa maSciences uyuwo Hailey ndokupinda mu1A2 maiitwa maArts.Mainini ndivo vakabatsira kuti Ronny awane nzvimbo vakamira mira kazvo semweya wetsvina nekuti vaida kwazvo kuvhomora imwe mari pamari iya yerent yemba yaaiva akasiirwa nababa vake.Babamunini vaisambova nepressure nazvo vaingoti as long as zviri kufamba.Ronny akatengerwa nemablazer nemablazer zvese nemacounter books jahwi akatanga secondary yake zvakanakisisa pasina kana dambudziko.Mainini vaiva vakachasendeka pfungwa yekumuuraya nekuti vanga vakungoona kuti haasi kutaurira babamunini nezvemadhiri aya uye nguva yaiva yaenda zvekare zvekuti zvanga zvakuita kakushaya value.Vaiva vakazoteya mamwe mazuva nekuti vaiona sekunga Ronny aiva akuvatadzisa kuita chihure chavo chavaida zvisingaite.Kune rimwe divi Hailey aisava nezvekakwana kunyangwe zvazvo mai vake vaiva vamira mira kwazvo. Uniform aingova neskirt neblouse.Mutsoka aipfeka bhutsu dzaaipfeka kubva achiri 6 idzo dzanga dzaparara sole yese iyi dzichipinza mvura zvekuti masocks aisara ari rwizi apa munongoizivawo season yekunaya iyi.Mabook nemacovers anga asina zvakakwana zvekuti akatojegwa naRonny uyo ainyepera babamunini vake kuti kuchikoro kuri kudiwa mamwe mabook nemacovers.Vaitotenga muchihwande vakatarisa zvavo kudivi. Vhiki rekuvhurwa kwezvikoro rakatanga zvakanaka vana vaisava nezvakakwana vakanzi vaifanirwa kuva nazvo by Monday next week.Mai Hailey vakambokiya kiya asi week riya rakasvika pakupera pasina kana tsuro zvayo yavakambomutaa mumasango.Musi weFriday headmaster akatosheedzera iri assembly yekuudza vana kuti vasauye zvavo kuchikoro kana vasina mauniform nemabook akakwana.Mabook aHailey aiva akwaniswa naRonny asi pauniform apa paikunda ngoma kurira.Mai Hailey vakamboedza kubata vamwe tete vaHailey vaiva kuJoza asi vakatovarafura mukadzi mukuru akagumirwa kunga hura hwechembere.Ipapo yanga yatova Sunday makuseni,Sunday iyoyo yakatosvika pakuti dhaa ndokuudza Hailey kuti angoende kuchikoro mangwana azozvionere kwaizowira tsvimbo nedohwe.Vaingoti nemumoyo chikuru kudzidza vasingazive kuti headmaster vacho vaipfuta moto. Monday yacho kwakafuma kuine kachando kaya kekuvhundutsira kunaya kwemvura.Hailey akabva apfeka juzi rake raaipfeka kuprimary remaroon raipesana nereblue raidiwa kuHigh.Paisava neyekutamba chokwadi.Akasangana naRonny uyo akabva amunzwira tsitsi ndokumukururira juzi rake iye ndookusara achigwagwadza.Chakamubvunza mutupo chando asi akashingirira.Vapinda muchikoro headmaster vakatanga kufamba class by class vachitsvaga vasina complete uniform apa Hailey aisava netie.Shoko rakasvika kumaclass ese kuti headmaster varikufamba vachipunisher vana vasina zvakakwana.Dzaipomera vana kuti havasi kutaura kumba pamusoro pezvinodiwa kuchikoro.Nokudaro Ronny akabva abuda muclass achiri makuseni iwaya ndokuenda kuclass kwaanaHailey uko akanomupa neck tie yake iye ndoo kusara asina.Mumaziso ake aiona Hailey saJoy hanzvadzi yake yeropa.Hailey akasara achisunga tie iya ndokutorova nejuzi riya kakaita kacomplete kari nane.Ronny dzakasara dziri pamhene dzisina uniform yakakwana. Pakanzi vese vasina zvakakwana vasimuke iye nevamwe vasikana vaviri ndivo vakasimuka.Headmaster akabudisa chitambo chemagetsi ndokuzvambura vasikana vaya kumusana.Ronny akahwipurwa kashanu kumagaro uko ndokusara kuine maline maline.Zvapera akabva anotakuriswa zvidhina nebhara achizvibvisa kuseri kweadmin block achizviendesa kwaiva nechimwe chisango chaida kuvakirwa maScience Lab matsva emaA Level.Ronny aisekwa nevamwe vana achipusha bhara riya up and down.Akaita dzinenge four trips chando chichimusota saizi inokwana.Akatozozororera pabreak achinopa Hailey chimwe chikafu chake uye aisamboratidza kutsamwa.Zvaichemdza.Headmaster ava raitovawo zimuwar vet riri zicousin rasatan nekuti maabuse aaiitira vana hapana kwaaisvika zvaingoperera pachikoro ipapo.Lucky enough mangwana acho Mai Elder vaya vakazotengera Hailey complete set yeuniform out of the blue zvekuti Mai Hailey vakaita zvekurara pasi nedumbu vachivatenda kunyangwe zvazvo Hailey asina kumbotaura zvaiva zvasangaa naRonny pamusana pake.Chikamu ichochi chakazodzimurwa nemutoo iwoyo. Mazuva akambochovha zvichifamba zvakadaro. Umwewo mukadzi aiva nemurume wake aiva PaBindura Remand akamushanyira achida kumupa fodya,maputi nezvimwewo zvikwanisiro zvinodiwa kana munhu ari mukati.Murume wacho anga avharirwa mucustody neimwe nyaya yaainzi akaba madiamond pacompany yaaisenzera yeMasaraneyi Diamonds yaiva muBindura imomo.Mukadzi uyu ndiye aiva achengeteswa ngoda idzi saka murume wacho akarambira dare pamhaka iyoyo zvekuti dare rakaona zvakakodzera kuti atongwe achibva kuprisons.Akavharirwa iri Friday saka Monday yacho ndiyo yazoenda mukadzi iyeye netwunhu twaaida kumupa.Mazuva iwayo pajeri iri paiva pamboitika kariot kevasungwa vainyunyuta pamusana pemabatirwe avaiva vachiitwa pajeri apa zvekuti vasungwa vese vakambozama kupaza jeri vakatadza nokudaro vese vaiva vaiswa pasi peshamhu-hapana aiwana chikafu chekunze for about two weeks.Madhiri anga atongovapo kudya sadza nebeans 3 dzaipakurirwa munhu mazuva ese.Mukadzi uya akapererwa achinzwa izvozvo.Akabva angopihwa mukana wekuti ataure nemurume wake apa misodzi ingori mokoto pamatama.Mumwewo mujerigadhi wechikadzi ndiye akazomuonawo akuenda akamunzwirwa tsitsi.Akabva asvika paari ndokuti,"Mmm ndabatikana asikana zvinowanikwa.Kana muchida kuti vawane chikafu chekunze endai munoona vanonzi vaMaramba PP muhombe wepaBindura Courts ndiye anozivana nawarden wepano zvekuti munenge makungosiyira stuff yemurume wenyu kunawarden uya zvese zvoita bhoo.Musaende imi direct and muwanirewo VaMaramba yedrink bedzi zvese zvinofamba negwara."Mukadzi iyeye akabva ipapo achifara.Aiziva kuti kunyangwe zvazvo kubuda kwemurume wake kwaishupa,asi apa aiwanawo chekudya nekuti akabatikana kwazvo nekuonda kwaaiva atoita ne2 days bedzi dzaaiva agara mukati. Mukadzi uya achingobuda pachiprison complex akabva atokwira kago faster ndiye pfee mutown.Akabva asvika pamacourts ndoo kuratidzwa hofisi yaChief Prosecutor Maramba avo vaitosvuta zvavo coffee pachiboss. Mukadzi uya akapira nyaya yake kunababamunini avo vanga vakutonakirwa naye nekuti cleavage yake yaiva yakaitwa exposed pamusana pekatop kaaiva akapfeka.Babamunini vanga vaane mazuva vasingambosevi muriwo.Mainini vaigona kungoita mamoods vorara vakapfeka jean vakarisunga nebhande kunga vari kuda kupinda mumine.Naizvozvo babamunini vakabva vati,"Aa hazvinetse ndinongofonera Mundondo mumwe wangu kutongosvikira kuoffice kwake madhiri otofamba."Mukadzi uya akanyemwerera zvine hope zviya ndokutambidza babamunini chi$20 chedrink.Babamunini vakaramba mari iya vachiti,"Ngatiitei pachikuru amai mondipawo purazi renyu iro ndiseve madhiri ofaya."Apa vaiva vazere neruchiva vasisina kana nyadzi zvekuti mukadzi uya akaomerwa akadaroa.Hameno kuti babamunini vaiva vapindwa neyi."Ko first name yenyu munonzi ani?"Vakabvunza babamunini vatogara pacorner chaipo petable pari parutivi nemukadzi uya."Ndinonzi Telma vakuru kana kuti Mai Jones iii yamava kuda kutanga iyi haiite coz I am a married woman handina kumbobvira ndacheater murume wangu even tichiri mukomana nemusikana.Hazviite please."Vairambirira Mai Jones,vakuda kutoyeredza misodzi.Babamunini vakabva vamira ndokubata muchiuno ndokuti,"Ok saka zvinoita kuti murume wenyu adye sadza nespinach ine mazongororo inenge isina kugezwa uye nekuitwa murume nevamwe varume.Itai semunhu mukuru imi ndinogona kutoita kuti abude futi kungoti hamuzive huremu hwevanhu vamunenge muchitaura navo.By now hamusati maziva kuti why that lady referred me to you.Ipapa mukada kuita dzungu munonyura zvese nemurume wenyu ndapedza nemi."Babamunini vanga vachipfeka face yasatan zvino zvochitiwo Mai Jones vacho yaivawo ngirozi isina mapapiro.Vaiva vakashepeka zvekuti chair yavaiva vakagara yaiva yakaita kufashukira nemasinhi kunga rwizi rwakazarisa.Tingangoblamer zvedu babamunini asi apa murume wese aibondera zvochiti nepaint futi amaiwee chaiva chino chioriginal yellow bone!Malips avo aiva attractive zvekuti waigona kungoyerekana wavamwaya kiss musina kutaurirana. Mai Jones vakaona kuti zvingapinde musango shuwa ndokutendera kuti babamunini vadye nerifa.Haaa hameno tingati ilove sacrifice here asi vakashandwa heavy nekuti babamunini vanga vaane zvimazuva vasina kumbopinda muJorodhani. Vapedza muhofisi imomo,babamunini vakabva vafonera VaMundondo warden uya uyo aiva sahwira hwavo.Vakabva vavazivisa nezvemadhiri aivapo.Mukadzi uya akazobuda achinyara zvaaida zvaiva zvafamba akatora katundu kake ndookunanga straight kuoffice yaVaMundondo avo vakangotambira zvinhu zviya ndokuzviisa mukalocker kavo.Pamagedhi vakangosiiwa vachipinda nekuti vaishandapo vaiva varairwa nemukuru kuti vavasiye vachipinda.Danho iri rakafamba zvakanaka zvinhu zviya zvikazosvika kumuridzi,mukadzi uya ndookuzoenda zvake kumba kwake. Zvakasara babamunini paya vakabva vamborara pakadesk kavo.Vakazomuka kuti vanogadzirira kuenda kudare kunobata bata imwe nyaya yavaiva vakasiira panzira nezuro.Vakabva vapfuura nekuimba huru kuti vanorasa mvura nekuti vanga vaita kakukiiwa.Vakabva vapindamo,vachingovhura zipi kudai wanei nhengo wakandiisepi.Vakambofunga kuti vari kurota ka ndokumbozvidhonza ndebvu dzavo nesimba vakanzwa dziri kutorwadza.Haaa vakabva vaenda pakasink kaivemo ndokukwinyira maoko ebhachi ravo resutu ndokugeza kumeso vachiti pamwe vachaona zvakanaka wanei ngoma ndiyo ndiyo-kuwana ruware chairwo zero zero pasisina kana chii zvacho.Vakabva vabuda muya ndooku.... *Ko maswera sei sei?.* *Mahwani atanga!!* *Watch out for chapter 10 tonigh [16/03 21:41] Doctor Maxx🎓: [12/02 09:27] ‪+263 71 259 0100‬: *THE SURVIVOR BY DR MAXX-CHAPTER 10* 🔥🔥🔥 Babamunini vakabva vabuda mutoilet muya ndokudzokera kuhofisi kwavo apa kudare vanga vatomirirwa.Vanga vakugaya kuti mafunnies asi chaitova chokwadi-zvombo zvehondo zvaiva zvatsakatika.Chakavashamisa ndechekuti vaisanzwa kana kapain zvaitoita as if zviri normal.Vakatarisa futi vachida kuita make sure ndokuona ngoma ndiyo ndiyo,vakabva vaseka.Munoziva kuti pane nguva dzekuti munhu anotombozviseka dziya kana azvipinza panguva yakaoma,ndiko kuseka kwakaita babamunini ikoko.Vakabva vatozvitora sezviri right ndokutakura kabriefcase kavo kemafiles vakananga mudare.Vakabva vaita nharo ndokunotarisa zvekare kutoilet vachigaya kuti pamwe pane minana yaJesu yaitika.Vakavhura zvekare zipi iya wanei hapana hapana.Vakabva vafunga zvekunomira pamberi perimwe mirror raivamo kuti vaone kuti ndivo here chaizvo vachabudamo.Vachingoti mireipo vakabva vaona nhengo yavo yakaita kurembera pahuma apa zvese nezvombo zvayo zvese zvakakwana.Vakabata bata pahuma wanei zvedi iripo.Murume mukuru ndipo paakatanga kupindwa nekutya.Vakabva vangoshingira kuenda kudare asi chakavashamisa ndechekuti hapana chavakambonzwa kubva kuvanhu zvoreva kuti mashiripiti aya vaisangana navo vega.Vakatoita basa ravo vakapedza zvakanaka ndokudzokera kutoilet kwakare. Vakaona pahuma paya pasisina chinhu zvese nemutrouse musina futi.Vakashaya kuti voudza kana ani zvaminama kudai.Kuti vaudze mainini kumba zvekare waitowavo mutunhu uzere nemago.Vakatadza kuudza kunyangwe mumwe mudhara wechikuru wavaishanda naye.Kumba vakazoenda semazuva ese asi stress yaisazivana pavari.Kusarwadzirwa kwakaramba kuchivatemesa musoro-vaingoti how come pasina kana pain?Nechinoda madzandecho vakapihwa warm reception namainini avo vaiva vaswera vachichochwa naMai Mufundisi kuChina nenhau yekubata murume zvakanaka mubedroom.Musi uyu mainini vanga vari mumood yebasa zvekuti mubedroom makatanga hondo pavanga vakuda kupindana."Makuita zvemagirlfriends ka Baba Ben mava kuti makaneta.Munogoneta sei imi maiva maane mazuva musiri kurara neni.Twumainterpreter twuya twamoshanda natwo twusina kupfeka twakupedzai simba ka kkkk Haaa vanhurume so ndakutadzai."Babamunini vanga vava pamarumanzombe zvino ndokuti,"Aaa hantie mazuva ese aya unondisungira play saka nhasi its pay back time."Vakabva vangowaranyura zigumbeze raiva pamubhedha ndokurimbikura vakananga kudining uko vakarara husiku ihwohwo.Mainini vakangosara vakati kanhama nazvo ndokurova zvavo dollar sign.Babamunini vakazvigonyesa pasofa vakarota hope dzinotyisa.Vakarota nhengo yavo iri mune chimwe chihari ichikwatiswa.Hari iyi yaiva yakakombwa nemazirume aiva akasvipa kuti tsva akapendwa kumeso.Vachiona izvi vakabva vapatika live ndokuona zvakare nhengo wakandiisepi.Kuchiedza vakamuka nguva chaidzo dzebasa asi musi uyu vaisada kutaura nemunhu.Zvochitiwo namainini vaiva vakachaisa muromo mumhuno saka panga pakaoma sedombo.Babamunini vakangozviitira twunhu twavo,breakfast havana kurova uye vakasiya vana vavanosimbotakura nemota vachivaendesa kuchikoro-aitova mashura padunhu.Vakatsika mota zvekuti nenguva isipi vanga vatosvika kubasa.Havana kumbomhoresa munhu ndokulogger in vachizoti ngori muoffice mavo.Vakabva vagara pachair yavo yebasa ndokuvhura zipi yavo wane mapirizvonyongo.Vakaona paane zisango revhudzi rine twuimvi apa nhengo pasina.Vakabva vapindwa nechando vakati kuzviuraya kuri nane.Vakamboda kunyora suicide note vakaona zvichizovanyadzisa kunyangwe vari muguva. Babamunini vakabva vavhomora bhande ravo ndoo kuzviti shwee pahuro.Vakabva vatsika patable pavo ndookusungirira rimwe side rebhande pane chimwe chifan chiya chinotenderera muceiling.Vakabva vangozvirembedza vachibuda furo nemunzeve zvese ndiye pindu pindu maziso ndiye chisarai. Uku kwanga kwava kuenda hama dzangu.Babamunini vanga vatofuga ravo vega.Nguva dzavo dzebasa dzakakwana vamwe vavo ndokuvamirira kudare wanei hakuna munhu.Pakatozotumwa mumwe musikana aiva muturikiri kuti anovatarisa kuoffice kwavo.Maihwe akasvika dzamira nemhuru ndokuscreamer zvakavhundutsa vanhu vese vaiva padare apa.Business came to a halt vanhu vese vaziva zvaivapo.Mainini pavakasvitsirwa shoko nemapurisa vakafenda katatu.Vakatadza kuzvinzwisisa,vakatanga kuzvishora pamusana pekunetsana kwavaiva vakaita nababamunini manheru apfuura.Nevanawo vanaRonny vakabatikana.Matwins ndiwo anga achiri murima sezvo vaiva vachine hudiki asi Ronny naBenson vakanyatsoziva mamirire acho.Kunyanya Ronny akachema chaizvo panga pakufushirwa babamunini musi wavakavigwa.Iye ndiye aiziva nhamo yaaizotarisana nayo. Nhamo yakapera zvinogoveka zvikagoverwa.Imba yakasara mumaoko amainini sezvo paiva nevana uye nekuti she was legally married to babamunini.Ndivo vakabva vaitwa sarapavana vaizofanirwa kuchengeta Ronny futi nevamwe vose.Paisava neoption zvekuti Ronny akabva angoziva kuti azopinda mukanwa mamupere. Kunyangwe zvakaoma kudaro iye aingozvisimbisa kuti ndisurvivor bedzi.Mainini vachingobva kuchema murume wavo vakabva vati chance given ndokutanga kutamba Ronny rough.Vaiti kumunyima chikafu,kumurovera kanyaya kasina basa nekumutuka magaramoyo.Ronny aizoponera kwaana Hailey zvikuru sei panyaya dzekudya idzi.Mumwe musi akabira mainini vake $20 pamari yavaiva vapihwa yechema ndokunopa Mai Hailey mari iyoyo kuti vavandudze business ravo.Vakabva vatanga kutengesa majipe avaikanga nemoto panzepo. Mazuva akachovhana mwedzi ikapindana nhamo ikatanga kunhuhwa pamba pamainini.Twumari twese twaiva twazopera zvino zvekuti vanga vakudya kana kamwe chete pazuva.Zvochitiwo mainini vaivawo broiler chairo raiva rajaira kufeedwa nemurume rakagara,saka vana vakadya nhoko dzezvironda.Mudzimba umo ngatishandei vasikana kunyangwe tiri muwanano nekuti rufu ndimadzongonyodze ini dr handidi kukuonai muchizokudza vana nehupfu hwemubasin hwabva kumaraini!Chinhu chega chine musoro chakagonekwa namainini kusatengesa imba,haa ipapo vakagonesa.Vakangoisa maroja matatu kuti ashandise mamwe maroom ivo ndokusarirwa nedining nekitchen.Twumari twaimbouya asi pane vana 4 against munhukadzi mumwe chete kwaingovawo kurimira makudo.Mainini vakahoarder mafreezits ndokupota vachipa vana vese kuti vatengese kurank kana vabva kuchikoro.Ronny aipihwa 100 chaiwo asi vamwe vese vaipihwa 20 20 bedzi.Vana vaiti vakasatengesa ese vairohwa kunga imbwa yabatwa ichichachura nyama.Kunyanya Ronny aitozoponeswa nerimwe roja ravo rechirume avo vainzi Baba Dencel. Ronny semunhu aiva akachenjeresa anga akuita basa rekuovercharger mafreezits ake omaita 15c instead of 10c omatengesera vanhu vanenge vakumhanyidzana nemabhazi vaya vanenge vava papressure.Akabatikana nevamwe vake vanga vasina kumbobvira vakasangana nehupenyu hwakaoma kudai before.Nokudaro Ronny akabva atanga katsika kekutora mafreezits avo ese ovatengesera nekuti ainyanyobatikana naBeauty uyo aingochema kunyangwe ari murank maiva makazara vanhu.Mainini vakazongogara vachitora mari iya yerent yaRonny vachidya nekachikomba kavo kaya Ronny akasvika pakushairwa mari yeschool fees.Akatozoponeswa nevamwe teacher veBiology vakaona potential iri maari vakatanga kumubhadharira chikoro. Kurank Ronny anga avakuzivikanwa zvekuti mafreezits ese combined aimatengesa within 30minutes.Aibva agarisa vamwe vake pasi peimwe shade yaiva murank achivatengera madoughnuts nemadrink zvekuti vaizoenda kumba vakazvimbirwa kunga vane mimba.Akabva avakohomedza kuti vasaudze mhamha zvekuti aizovaudza aizozviruza.Saka vamwe vana vese vakasvika pakujaira izvozvo.Kamari kekubasa kwababamunini kaimbopotawo kachivajega asi zvaingovawo zvematandanyadzi. Rimwe zuva Ronny achitengesa mafreezits murank mushure mekunga abva kuchikoro akabva aona.... Ok! *Watch out for chapter 11*vakagonesa.Vakangoisa maroja matatu kuti ashandise mamwe maroom ivo ndokusarirwa nedining nekitchen.Twumari twaimbouya asi pane vana 4 against munhukadzi mumwe chete kwaingovawo kurimira makudo.Mainini vakahoarder mafreezits ndokupota vachipa vana vese kuti vatengese kurank kana vabva kuchikoro.Ronny aipihwa 100 chaiwo asi vamwe vese vaipihwa 20 20 bedzi.Vana vaiti vakasatengesa ese vairohwa kunga imbwa yabatwa ichichachura nyama.Kunyanya Ronny aitozoponeswa nerimwe roja ravo rechirume avo vainzi Baba Dencel. Ronny semunhu aiva akachenjeresa anga akuita basa rekuovercharger mafreezits ake omaita 15c instead of 10c omatengesera vanhu vanenge vakumhanyidzana nemabhazi vaya vanenge vava papressure.Akabatikana nevamwe vake vanga vasina kumbobvira vakasangana nehupenyu hwakaoma kudai before.Nokudaro Ronny akabva atanga katsika kekutora mafreezits avo ese ovatengesera nekuti ainyanyobatikana naBeauty uyo aingochema kunyangwe ari murank maiva makazara vanhu.Mainini vakazongogara vachitora mari iya yerent yaRonny vachidya nekachikomba kavo kaya Ronny akasvika pakushairwa mari yeschool fees.Akatozoponeswa nevamwe teacher veBiology vakaona potential iri maari vakatanga kumubhadharira chikoro. Kurank Ronny anga avakuzivikanwa zvekuti mafreezits ese combined aimatengesa within 30minutes.Aibva agarisa vamwe vake pasi peimwe shade yaiva murank achivatengera madoughnuts nemadrink zvekuti vaizoenda kumba vakazvimbirwa kunga vane mimba.Akabva avakohomedza kuti vasaudze mhamha zvekuti aizovaudza aizozviruza.Saka vamwe vana vese vakasvika pakujaira izvozvo.Kamari kekubasa kwababamunini kaimbopotawo kachivajega asi zvaingovawo zvematandanyadzi. Rimwe zuva Ronny achitengesa mafreezits murank mushure mekunga abva kuchikoro akabva aona.... Ok! *Watch out for chapter 11* [16/03 21:42] Doctor Maxx🎓: *THE SURVIVOR BY DR MAXX-CHAPTER 11* Ronny akati achitengesa mafreezits murank akatanga kufunga kuti ari kukanganisa pakuona kwake.Akaringa ringa mativi ese ndokuona vanhu vachitoita zvinhu zvavo vamwe vachimhanyira kumakombi nekumabhazi.Aiva aona mari yaiva yakawandisa iri pasi ndokuinhonga chop chop kwakuipfonyera muchihomwe mechiside pocket chaaiva akadema.Akabva amira kutengesa mafreezits ipapo ndokunohwandira kutoilet uko akanoverenga mari iya muchihwande.Aka iona iri $500 yaiva yakazangana mafive bond nemaUSA ane chitsama.Akabva abuda muya ndokuudza vanaBenson kuti vaende zvavo kumba mushure mekunga avatengera heavy menu yechikafu.Akabva atengera Beauty chimwe chislice chekeke revanilla ndokuvaudza kuti vachiende zvavo sezvo aizosara achitengesa mafreezits aya.Nemari yaaiva anhonga akatoti Mwaari mandibvira nepi,yaivawo yadonhedzwa nemumwe mukadzi aida kuenda kuJoza from Bindura via Harare.Paakaidonhesa akabva anorara kumba akapfeka bhutsu zvikarova zvakadaro kkk.Vakuru vakati kushata kwezvimwe kunaka kwezvimwe saka Ronny aiva apinda machena-Nhamo yemumwe hairamwirwe sadza. Ronny akambovheta vheta mari akatoiona kuti ndeyedi.Akabva arasa mafreezits aya mune chimwe chibin ndokuisa ten mari yamainini paside.Achipedza kudaro akabva apinda mune chimwe chirestaurant ndokutenga zvake coke yake kwakubhara 4 achiisvuta kunga anga apedza nhamo dzese.Kudai makamuona musi iwoyo maitomboseka zvekukanganwa nhamo dzenyu dzemuZimbabwe.Vanhu vaipinda mukarestaurant aka vaitongobuda vachidzungudza musoro.Ronny anga aane kufunga kwemunhu ane 30 years chaidzo.Coke yacho yaidzvutwa pachimhene.Dzakabva dzabata homwe iya dzikanzwa mari iya ichitodaira kuti ndiri pano.Vanhu vaitomuonawo nevamwe vanga vakagara pane mamwe matable vaitoti hameno kuti kamwana aka kaimbofungei,ny amba kaitofunga kurefu.Akabva afunga kabhindauko kaizogara kachiita kuti mari iyoyo igare ichibuda zvekare aiva ambonzwa nemahun'a hun'a ekuti teacher vaya veBiology vaimubhadharira school fees,vari kuda kutransfer.Nokudaro aida kuitwa zvakarehwa netsumo iya yekuti mvura yebambara tiza ichada kuturuka.Akabva atosimuka ipapo ipapo ndokusiya drink riya riri muhalf pachiboss ndokunanga kwaMai Hailey ane plan yake yakanakisisa. Akatosvika vachitengesa machips avo asi musi uyu zvaiva zvakadhakwa zvaisafamba.Vaiva vakatotsimbirirwa nestress."Aaa mhomz muri sei ndaane ken'ani chimbondisotaiwo nefoodaz."Akadaro Ronny achisvika pamusika waMai Hailey.Mutauro wake waiva waita kakusadharara zvino nenhau yekuswerokweshana nemahwindi murank.Ipapo Hailey aiva zvake kuchikoro."Iwe Ronny undikwanire ndine zera newe here zvaunondiudza so kkk mwana uyu akomana.Manje mhamha havana chekudya mwanangu mungorine chingwa chasara mumba umo chisina kana sugar yekuchinwisa tea.Enda unotora papushing tray udye ungafende nenzara.Pano hapasi kufamba ndipo patakatoteya"Vakadaro Mai Hailey nenzwi rizere moyo wekubereka misodzi yatoita kakujenga mumaziso avo.Ronny akabva akurumidza kuzviona ndookuti,"Oi mari iyi moita something mombocover zvisimo muden."Akavatambidza $10 ivo ndokutambira,vaiziva kuti Ronny ndewemadhiri emurank saka vakatotambira mari iya vakafaranuka.".Manje uri kuuya pano uchichema nzara ko wadini kungotenga sadza redhora nemari iyoyo ukwane iwe.Next time ukauya pano netwunyaya twako twusina basa ndokurova."Vakadaro Mai Hailey vachisikiza Ronny nembama zviya zvekutamba.Ronny akabva anzvenga ndokuti,"Mhamha iii musadaro."Achinyepera kuchema ndokuenderera mberi achiti,"Mhamha tombomira zvekutamba nyaya yandiinayo ihombe pano inotoda takagarisika tiri mumba handei izvozvi."Mai Hailey vakangozviona kuti paiva nenyaya shuwa ndokuti,"ZvaRonny vakomana regai ndisimuke."Vakabva vazvitamura vachisimuka,vaviri ndokupinda mumba. Vachangogarisikamo Ronny akabva avhovhonora zitsumbu riya remari ndoo kuriti bvuu pamubhedha.Mai Hailey vakabva vavhunduka zviya zvekuvhura maziso kunga mahazards emota.Mukadzi mukuru akati netu nazvo ndokuti,"Ronny wa-wa-waionepi mari yese iyoyo.Hausi kubira vanhu here murank umo."Mukadzi mukuru akataura azere nekutya nekuti zvediwo mari iyoyo yaiva yakawandisa zvekuti yaisatarisirwa kuti ionekwe iine munhu ane 12 year chete.Ronny chakabva chasimuka zvacho ndokuzviswatanu dza swatanudza kunga zvinoita vakomana vaya vekugym ndokuti,"Aaa chokwadi mhamha mari iyi ndainhonga pasi murank musandiudze zvesatanism nekuti ingadai ndatozvimba dumbu so."Mai Hailey vakabva vangoseka zviya zvekubvisa kutya asi mukati mavo hana yairova kunga engine yechigayo chedhirizi.Vakatozodzikama vaona kuti chikomana ichi chinenge chiri kurevesa nekuti kudai iri yekurasirira ingadai isina kumbowandisa kudaro.Vakatozonyevenuka pavakarangarira kuti murank munonhongeka mari kakawandisa nekuti vanhu vazhinji vanofambamo vanenge vari kumashure nenguva pamwe nemikwende hobho hobho.Mazuva avaimbotengesamo vasati varoorwa vakatombonhonga imwewo mari yakawandisa.Pavakangopindwa nepfungwa idzodzo vakabva vati,"Ok mainhonga mari iyi baba saka munoda kuti tiite sei?"Vaitobvunza sekunga vari kutaura nemunhu wezera ravo.Ronny akabva agara pasi ndokuti,"Ndiri kuda kuti mari iyi irambe ichitenderera saka ngativhurei tuckshop as soon as possible toizadza.Maprofits ayo tomashandisa kucover zvakawanda kusanganisira maschools fees aanaBenson nekuti mainini havasi kutembeka nekufamba kwenguva." Haaa Mai Hailey vakabva vasimuka ndokumbundira Ronny."Mwana iwe ka une pfungwa chaizvo tuckshop iyi tinogona kuivhurira pano regai ndibva ndaona baba vepano nekuti varipo ndivakumbire zvikaramba tinoita imwe plan."Vaitotaura kudaro vachitopfeka mapata pata avo kuti vaende Ronny ndokuti,"Aa kunyangwe zvikaramba since tiine mari tinongotsvaga kumwe kwekuroja musanyengerere vanhu."Mainini vakabva vabuda vachiseka zvavo ndokupinda mushure mumba malandalord. Musi uyu vakashamisika kuona landlord vaya vari mugood spirit zvekuti vakabva vadirirwa kajuicer.Vakatokanwa vachitarisa kuti hakana masea divers here mukati.Landlord vaipembera zvisingaite nekuti kucompany kwavo vaiva vapihwa salary yavo yesix months kamwe chete,vaitoronga zvekutenga motokari nemukadzi wavo panguva iya yakapinda Mai Hailey.Mai Hailey vakapira nyaya yavo kuna landlord.Vakanyepa kuti kamari kaiva kabva kubasa kwaBaba Hailey.Landlord vaya avo vainzi Baba Tinashe vakabva vafarira zano iroro ndokuvimbisa Mai Hailey kuti vaizovabatsira kuvaka sezvo vaizvigona.Tuckshop yacho yaizovakwa secabin yemapuranga.Vakabva vabatsira Mai Hailey neimwe firiji yavo yavaisashandisa Capri Deep Freezer ikabva yanofeeliswa gas musi iwoyo.Baba Tinashe vakabva vavimbisa Mai Hailey kuti havaizoshushwa nekanzuru sezvo kuri iko kwavaishanda saka madhiri ese aiva bhoo.Mai Hailey vakabuda muswe wavo uri mudenga vachisekerera kunga vachatsemuka kumeso. Vakasvika Hailey atodzoka vakaita kakushamiswa nekakuvhunduka kakaita vaviri ava panguva dzavakapinda.Mai Hailey pavakapinda mumba malandlord Hailey akasara achisvikawo neimwe nyaya yaakapira kunaRonny."Can you imagine Ronny mumwe mukomana muForm 5 atosvika neni pagedhi apa achindiudza kuti heee ndaibva ndokundiudza futi kuti anondida."Hailey akataura manzwi aya aine kushungurudzika kukuru.Iko kaiva kalimbanawo kaHailey kacho,at 13 anga aane kaback view kaigona kuparadza mamarriage evanhu uye nemabudding breast anga achangotanga kubuda plus kababie face kane twukomba pamatama.Ipapo Ronny akabva atsakatikirwa nechimweya chehubrother-sister nekuti anga akunakirwa naHailey.Zvimwe zvinhu zvaaiona murank zvanga zvakumucorruptor nxondo dzake.Aiona mahwindi achisota zvimbuya zvemusika mumabhazi zuva rakacheka nyika.Naizvozvo nyaya yemuform 5 uya yakamusvota apawo Hailey anga ava papuberty maaasets ake akuupgrader-chaiva chihigh breed zvekuti paform 3 chaipo chaitogona kuzodzingisa mateacher basa.Ronny anga akutogayira yekugara adya sezvo VaMashakadza vakati,"Gara wadya mwanangu magetsi anoenda aya!"Akabva atanga kuyeva fanta yezvidya zvaHailey paaiva akagara paedge yemubhedha vachikurukura.Makumbo aHailey aiva netwupundu pundu so kunga twuya twunowanikwa pahuku yakaundurwa.Ronny akati better aite zvekutenderera panguva idzodzo ndokuti,"Haaa siyana nezvevakomana shamwari uchiri mudiki.Next time pakauya anenge akunetsa bedzi muudze kuti inini Ronny ndiri mukomana wako.Akada kunetsesesa ndomupa mabhutsu."Akadaro Ronny achikika kika mumhepo apa Hailey aiva atorohwa nesweet tongue akutoseka seka.Ndiyo time yakabva yapinda Mai Hailey vachizoshamiswa nekuvhunduka kwakaita vaviri ava.Mai Hailey vakabva vapira nyaya yese kunaRonny uyo akabva avasiira mari yese ndokurova pasi achifara.Musi uyu aiziva kuti aizonyimwa sadza bedzi nekuti aiva anonoka kuuya saka akatanga apfuura nekurank ndokurindinya jeda muponesi akaenda kumba akufufutirwa.Akasvikopa mainini katen kavo ndokubva wangonyararawo yekudya iyi vachiti vamupunisher,kudai vaikwanisa kupinda mudumbu make panguva iyoyo vaigona kuita hasha dzemurova kusvika ava mapisi pisi.Vasaiva kuti chakatanga ndicho hakachenjedza,Ronny anga atova nebrain dzechimakuruwani. Mangwana acho Ronny akaenda kuchikoro bho bho. Akasiya audza mainini cash talk yekunyepa kuti vanhu kurank vari kupopota nenyaya yekushandisa vana vese,hanzi yatova child abuse.Nokudaro Ronny akavolunteer kuti atengese mafreezits ega zvake sezvo airwadzirwa nekusajaira nhamo kwevamwe vake.Mainini vakazvibvumira nekuti vanga vakutya kuimbirwa toi toi nevanhu vemuBindura pamusana pechild abuse and ukarasa muswe vanokuimbira zvedi.Ronny anga akutsikisa dzepachikuru saka anga asingachade zvekuswerondend eredzana nezvipfana kutanga musi iwoyo.KwaMai Hailey tuckshop yakaswera yamira nekuti already pakamiswa maboards ayo four paiva neslub kare.Magetsi akabva atorwa kubva mumain house ndokuiswamo.Vakaseera vachihoarder stuff yese from zvinhu zvidiki zvakaita semamint up to zvinhu zvihomwe zvakaita sema10kgs ehupfu.Zuva rese iri vakaswera vachirongedza rongedza mashelf ese zvekuti mangwana pavatovhura zvakatotanga zvakabaka.Vanhu vazhinji vemuraini vakafarira kuita kwaMai Hailey uku vachiti ishirikadzi ine musoro.Satellite Dish akamboda kutaura taura navo achida kuteya kuzokwereta mazai,ndokubva apuhwa shangu yake yakananga ndokutanga kuparadzira rekuti Mai Hailey vakatanga tuckshop nemari yekuhura.Vaizvitendawo vashoma ndevamwe vaisavawo nepfungwa dzakati kwesere sedzamainini asi vazhinji vaiziva hunhu hwMai Hailey vaiziva kuti maoko ava akachena.Tuckshop iyi yakaita mukurumbira paraini iri zvekuti waitonzwa vana amai vachituma vana vachiti,"Endai unotenga chingwa kwaMai Hailey uko ndiko kunowanikwa chiri fresh bedzi."Zvakatanga kuita kakurongeka.Ronny akaona kuti mainini vake vakutadza kubhadharira vamwe vana school fees ndookunovanyepera kuti pane madonor akufamba kuchikoro vari kubatsira nherera nemaschool fees.Vakabva vaita madhiri naMai Hailey ndokushandisa elder vaya kuti vabhadhare ivo mari yeschool fees yevamwe vana vachishandisa rimwewo zita mari ichibva zvayo kutuckshop kuya.Mainini vaizongoonawo ava mareceipt bedzi achiuya.Semunhu aiva asina hanya nevana havana kumboda kuzvitracer vaingoti hameno ikoko.Ronny anga akungotengesa mafreezits zvebhaizi asi pamberi paMwari chaipo kutuckshop kwaifaya. Materm akapindana Benson akasvikawo pakupinda form 1.Ronny naMai Hailey vakapfuurira mberi nemadhiri avo ndokupinza Benson kusecondary paChipadze zvekare aine zvinhu zvakakwana.Mainini vaingoti chero zvazvaita hameno kuti waiva munhu akaita sei,chero zviri kufamba ndiyo yaingova slogan yavo.Apa Ronny vaingomubata rough zvakadaro asi zvaiva zvati dzikirei nekuti dzimwe nguva Ronny aivapindura rough pamwe nekuvatyisidzira kuvarova nekuti anga akukura kurawo aane kabase mbijana kkkk.Aiti akati,"Hey!"Mainini vaitombopinda fear kkkkkk. Makore akafambawo dzamara Hailey naRonny vatova maform four.Vaviri ava vaingoonekwa vari vese kunyangwe vaiita masubjects akasiyana siyana.Panguva iyoyo uye nekakukurawo mbijana,Ronny anga akuchinyatsoda Hailey zvekuda kuzomuroora in future.Munongozivawo kainfatuation kaya,anga ava obsessed Ronny zvekuti aipindwa nechando kana akasaona Hailey.Hailey hapanawo zvaaifungira aingoti pachine hubrother nehusister asingatozive kuti Ronny ari kumugayira horror.Mamwe mafesiwo anga akutya kumusvikira nekuti vaitya Ronny zvisingaite vainzwa vachiti,"Mmm magetsi babie iro nderaRonny anoswera murank nemahwindi munorohwa mukafa."kkk Ronny anga akupota achiti kana apedza kutengesa mafreezits ake ombosheedzera pamabhazi sahwindi.Kana kwava kuma5 ikoko oenda paden.Aisvokushupana namainini nenyaya yekunonoka iyoyo asi vaizodzikama vapihwa mari yavo yakakwana.Dzimwe nguva asingade zvekutengesa mafreezits aya aingomarasa osheedzera mabhazi owana kamari ozonoipa mainini vake. Rimwe zuva akati akugadzirira kuenda achiverenga macoins ake kuti azonopa mamwe kuna mainini,mvura yakatanga kunaya.Ipapo aiva akagara muchimwe chishade cheparank chiya apa paopposite pake paiva pakagara vamwe amai vaitengesa madrinks nemabuns ipapo.Vakabva vamusheedzera vachida kuti iye avabatsire kutakura zvinhu zvavo kusvika kumba kwavo mvura isati yanayisa sezvo paiva padhuze.Ronny haana kuzomboverenga macoin aya.Akabva angomandonyera muhomwe yake ndokunanga panamhomz vaya achifambisa.Kugara nekugara aivanzwira shuga munongozivawo zimweya rinongopinda mateenager riya, varume vese munoriziva randiri kureva ipapo.Riya rekuti uri chimuteenager unenge uchingoshuvira kudya kana rimwe zimadam repachikoro penyu dziri pfungwa dzechimwana mwana asi dziri dzekupenga.Ndidzo pfungwa dzaiva naRonny panaamai ava.Vaiva vakabatana amai ivavo kunyangwe zvavo vaiva nevana vaviri.Maassets avaiva navo aiva priceless.Vaiva nemazamo aiita seasina kumboyamwa zvekuti Ronny akafambira kumashure kwavo paya pavaimhanyira kumba.Vaigara pamalines aiva kuseri kwerank zvekuti nenguva isipi vanga vatosvika.Murume wavo aiva muguard aishanda panight zvekuti panguva iyoyo anga achangobva kuenda kubasa uye aiva asiya makeys eparoom yaivaroja ari muchivase chemaruva chaiva nechekugedhi.Zvisina kuzivikanwa naRonny ndezvekuti amai ava vanga vaane mwedzi chaiwo vasina kumbopinda muJerusarema.Murume wavo aisarara aripo uye aiswera akarara adzoka apa ivo vari kurank zvavo.Akabva angotsvetawo chimwe chiplastic chaanga akavabatira ndokurova U Turn kuti aende achida kutotizawo mvura yanga yakuwanda.Mai vaya avo vainzi Mai Terry (Terry wacho aidzidzira kumusha)vakabva vamuti,"Ko iwe uri kuda kumhanyirepi nekuri kunaya uku.Uri kuda kuti ndizotukwe namainini vako ndakurwarisa neflue.Pinda mumba izvozvi nxaa!"Vakanyepera kuita kakupopota izvo zvakaita kuti Ronny ati tucha tucha achipandamo akatakura zvimwe zvinhu zviya zvaaiva ambobatiswa kuti atakure.Karoom kaamai ava kaiva kakaloader zvekuti maishaikwa pekugara mumba umu.Nokudaro Ronny akabva agara pacorner yemubhedha akuita kakugwagwadza nechando."Uri kuona kuti waizoitwa party nechando ukwane iwe."Vakataura amai vaya vachibvisa chiapron chavaiva vakapfeka pamusoro pedress ravaiva vakapfeka.Ronny akazoona aikaka mashura haisi apron bedzi nedress riya rakabva rabviswa akatarisa iye ndokutsikira zvake zvekusada kuona.Akaramba akatsikitsira kudaro kusvikira akurwadzirwa nemutsipa ndokuzosimudza musoro wake wanei amai vaya vamire pamberi pake. Pfungwa dzaRonny dzakambomira kushanda ipapo aona Mai Terry vaairwarira mundangariro dzake,vari mutwi.Kaautomatic love connection munongokazivawo zvakanoita Ronny akabva amira paya zvekuenzana naMai Terry sezvo vaiva vakaita vapfupi ndokutangana kunyudzana navo makiss enzara aya.Ipapo mvura yainaya yaiva yagasa asi pamarata pachinzwika twupfunhambuya.Mai Terry vakabva vasunungura bhande remwana mushure mekunga vabvisa t shirt yaaiva akapfeka.Pavakada kuti vamurayire kuti aende pamubhedha vakanzwa ziknock riya rechipurisa padoor ndoku.... *Kkkkk handina chekutaura* Watch out for chapter 12!! [16/03 21:42] Doctor Maxx🎓: *THE SURVIVOR BY DR MAXX-CHAPTER 12* Mai Terry semuridzi wemba vakanyatsonzwa kuti yaisava knock yekutamba nayo apa panguva iyoyo vanga vatova mupushu.Ronny akamboda kujamba nepahwindo akaona paine maziburglar bars aitoda vanaChidhumo kuti ava pazamure.Mai Terry vanga vachipererwa zvino ndokuzoti,"Ndiani!"Zvine kakutyisidzira mukati.Ipapo Ronny aiva azviunganidza pachimwe chicorner chaiva pedyo newashing basket yaiva yakati maku nembatya dzakasviba dzevhiki mbiri."NdiBaba Terry nditambidze foni yangu kurumidza ndaikangwa iri pamusoro peTV apo."Rakahon'era inzwi rechirume panze paya.Mai Terry vakabva vazvipombera nerimwe zitauro reblue ndokuvhura kahwangaridzwa kedoor ndokusvitsa foni iyi kumurume wavo.Achingoitambira pakabva pangonzwikwa kurira kweblack mutanda wake akutorova pasi sezvo aiva asiiwa nenguva.Mai Terry vakavhara musuwo uya ndokutura zibefu rekunga vachapera mweya kunga vhiri raponja.Vakabva vangoti rabada pamubhedha vachipa Ronny masign ekuti auye kozunza mutaka.Ronny chakabva chasvikira hembe dzacho ndokupfeka zvemufirimu chaizvo ndiye door bherengende akananga kwamainini vake apa kwanga kwutosviba.Mai Terry vakangosarawo vakaoma mate mukanwa nazvo ndokuzobika bika zvavo vachizorara later.Ronny aiva apona apa nekuti Mai Terry vaiva mubhazi.She was a carrier zvekuti Ronny aitapukirwa nacho akasiya sadza.Ipapo Mwari vakamurwira nekuti hapana murume aitadza kupinda panaMai Terry.Yotova chenjedzo kuvarume vese kuti all that glitters is not gold,unogona kumhanya nemakarimwaka wozorwara uchichaya manyoket emukondaz.Apa unenge wakutinetsa"Hee ndipeiwo banana rakagochwa hee ndipeiwo coke yakakangwa."Ukamhwarwa nenhunzi woti,"Ndiani anditsikise nemombe uyo!"Ipapo unenge waibviswa nacho chakapedza mbudzi saka musangojaire chiSabhuku Vhurazipi- munoenda! Kukurukura hungwe wapotswa,Ronny aiva apona nepaburi retsono akabva achera kakomba ndokusvipa mate kuti ptu kuti imbwa inhonge.Akapika pasi nekudenga kuti haachazochiva zvakare.Kana ada kuratidza rudo from that day anenge akungoratidza kunaHailey bedzi .Mwana iyeye aiva amupengesa.Akasvika kumba Shabanie yakadzora mwando ndokuzvindikitwa namainini nenyaya yekunonoka.Ipapo vaiva vakachaja nekuti vaitova neBP dzavo dzekuchitwa nekablaz kavo.Ronny anga asingachangendengi vaitomurova achivapindura rough.Vakazomurega avaudza kuti akunovamhan'arira kumapurisa.Akaz orara zvake atonhorerwa.Mangwana acho kwaiva necivvies kuchikoro saka akabva arova mamwe matracks suits ake eAdidas Three Leaf ari eblack and white.Akabva amamechesa nematennis acho ndokubhabhatidza kadressing aka neflat base ndokubuda ari chimunigga chepaStates.Maininivakazongoona adzipfeka ndokushaya kana remuromo.Kutaur isa kuya hunge zvakamira bho.Akabva abuda naBenson uyo aiva akapfeka dziri nanewo ndokunanga kuchikoro.Vakuda kutosvika pagedhi rechikoro Ronny akaona kumashure kwemumwe musikana kwakamisa pfungwa dzake kushanda.Mwana iyeye aive nechituro chinenge chaMai Jones chaicho chiya chekuti mwana aitogona kugara oita madanha aripo.Pakangotanga kuwanda vana iye ndokunzvenga Benson kuti anobata musikana uya wanei ndiHailey.Eish!Akabva atobata ruoko rwake ipapo zvekuti mamwe maUpper anga akumugayira horror vakabva vatotaramuka.Bhegi remabhuku aHailey raiva rakagarisika pamuswe wake.Ronny akabva atora bhegi riya ndokuribereka achifambira kumashure mbijana kuti aone fresh ZimAsset yaHailey.Hailey aiva akapfeka kamwe kadress kepink nemapumps acho aienderena nako paruvara.Hungwandangwanda hwaigarovharwa neuniform yaaigara akapfeka.Hailey ainge achiri kufunga kuti Ronny is a brother naizvozvo aiva akachasara this time kwanga kwaane BVR.Vakazoparadzana vakavimbisana kuonana pabreak then after break kwaizova negig pachikoro apa raizoitwa muswere wese.Ronny achingopinda muclass akangonzwa munhu wese achimupa sando kunyanya mababie vakatotanga kuitirana nharo dzekuda kutamba naye ega mugigi.Haa mucheno aiva akaroverera kwete zvechitsaga.Hailey paakapindawo muclass aiva avhiringika pfungwa nekutariswa kwaaitwa naRonny.Akanyatsoona ega kuti ziso rakadai harisisiri rekubrother nehusister asi akazongoti pfungwa yacho supfu kwakadaro akupihwawo sando nemaclassmates ake.Break rakazosvika maspeaker achitobatidzwa muhall mavo.Richingopera almost the whole school yakapinda mudhanzi.Ronny akangobatana naHailey ndokupinda vese.Makatambwa,mukawainwa mukashekwa zvinoshekwa munongozivawo vana vemazuvano ava vakakweshwa nhova nepeturu.Hailey aiva asina kuzvijaira zvekupinda mudhanzi izvi zvekuti zvakambomunetsa pakutamba.Akatozopinzwa muchuni naRonny dzamara akumuwainira achitedzerera zvaaiona zvichiitwawo nevamwe.Ronny akabva abatirirwa muchiuno umo achiita kakubairira so haa mafaro aiva akatsikwa chepakati.Pakabva paiswa chimwe chiclassic chaana Dolly Parton chekare ,Dj Vinny vaiva vakabaka moto musi iwoyo.Hall yese yakabva yangooneka vana vari vaviri vaviri vachiita sevari kutamba madances epamuchato.Ronny ndipo paakatarisa mumaziso chaimo maHailey.Hameno zvakangoitikawo ipapo maziso avo akabva ati gedye gedye apa achitsvuka zvino nerudo.Hana dzavo dzaiva dzaroverana kunga maunlike poles emagnet.Vakabva vambundirana sezvaiva zvakaita vamwe asi zvavo zvaiva zviya zve0 centimetres apart.Hailey aiva asati ambonzwa ropa rake richimhanya kudaro.Akabva anzwa netsinga dzekuzvitsitsinho zvake dzichikwevana .Ipapo mwana aiva akoneswa brain naRonny ava kungomirira kuti audzwe zvinoudzwa munhu zvacho zvekuti paakazongoudzwa kuti,"I love you ."Akabva avhara chiso chake nechest yaRonny ndokutotesa t-shirt yaiva akapfeka nemisodzi yerudo.Haa mwana aiva atambwa tambwa naye naRonny zvekuti aiva aitiswa weak nemamwe mabatirwe aaitwa pavaitamba.Ndipo paakanyatsoziva kuti kune chinhu chinonzi rudo.Akazodairirawo kuti aida Ronny but it was already too late aiva atonyura mudziva rerudo kare. Pakapera dhanzi vakandundurudzana vakananga kumba vakutovimbisana yekuda kutoroorana nekuchata musi iwoyo kkkk.Munongozivawo love yefirst day inoita sekunga maane makore nemakore muchidanana especially muri mateenager so munoita kunonzi kuparara kwerudo.Kunyang we zvazvo zvaiita sepuppy love asi vaviri ava vanga vatova murudo rwechokwadi.Vachisvika kumba kwaana Hailey amai vavo vakabva vavapa chikafu sevana apa kwanga kwaita kakusviba.Vanga vasingachazive kuti panga paane zvafuture husband and wife.Ronny akazoenda kumba kwavo kwati tsva akasimudzana zvekare namainini vake.Wanga watova mugariro. January wese akati dhaa dzamara February apindira.Ronny akaronga naHailey kuti vaende kuHarare chaiko for Valentine.Love yacho yaiva yevanhu vane dzinodhonza zvekuti hurongwa hwavo hwaiva hwepachikuru.Vakangonyepera mai vavo kuti vari kuenda kuchikoro for weekend studies ivo ndokufumira kuenda zvavo kuHarare nekombi.Vakatoenda vakadema mauniform avakazochinjira kuHarare.Vakabva vapindira Cappuccino pane chimwe chicafe chiri paEastgate.Ronny aiziva Harare zvakapindana nekuti aimbouya nababa vake paya pavaiita madhiri avo.Vapedza zvemo vakabva vaenda pane kamwe kashop kaitengeswa maruva zvekuti Ronny akabva atengera Hailey chimwe chirose chainhuwirira zvaivharira mhino dzake nerudo.Akabva atengerwa nelingerie yered pamwe nekadress kacho.Ronny aiva azviverenga pagoogle musi waakambopinda mucomputer lab yepachikoro.Akanyatsotedzerera zvese zvaakaverenga zvekuti Hailey akabva anzwa kudiwa kusvika mumwongo.Vapedza zvekare vakazoenda kuLong Cheng Plaza for lunch ndokuzodzoka kuStekinekor for movies mutown.They rounded up their day nekutenga maice creams paCreamy Inn iya iri opposite Joina City.Ipapo vanga vatopfeka mauniforms avo ndokucrosser Nyerere vachinopinda mune imwe kombi yaiva pamushika shika uri opposite Post Office ndiye hutu vakananga kuBindura. Homwe yaRonny yaiva yakanuna sezvo aiva akaswera achifayisa makombi nezuro wacho.Vakasvika kumba dziri kumapast 4 ikoko ndokutambirwa naamai vavo zvakanaka vachingoti vana zvavo kkkkk.Vaiva vavimbisina kungoirova pasi pevhu zvekuti kana vekuchikoro vaisazviziva kuti paiva nemadhiri akakomba kudaro.Mwedzi yakapfekana pfekana zvekare zvekusvika kunaana May ikoko. Rimwe zuva mainini vakaomerwa pamba zvekushaiwa kana salt chaiyo.Vanga vangosarirwa necup yeupfu chaiyo iyo yavanga vakuchida kuti at least vakurungure vana bota asi paisava neshuga chaiyo.Musi iwoyo ndiwo wavakanyatsonzwa kurwadza kwehushirikadzi.Vaimboseka Mai Hailey asi vakabva vaenda kutuckshop kwavo vachikumbira shuga iya zvaipisa tsitsi.Vakasvikonopira nyaya yavo kwavari avo vakabva vasiririswa nevana kwete naivo mainini bedzi vachiti,"Apa ndanyara vana kwete imi hamuna basa chiendai monovabikira izvozvi."Vakabva vatambidza mainini 2kg yese vakavaudza kuti haisi yechikwereti.Mainini vakangotendawo misodzi yatojenga mumaziso.Vakatanga kunanaira zvavo vachienda neshungu.Vakabaikana nekuzara kwaiva kwakaita shopu yaMai Hailey.Maiva netwese twunodiwa mumba twavaishaya.Vak atanga kugaya pava pavairasa chikafu mumabhini.Vakazotoita mazistress pavakarangarira kuti Mai Mufundisi havachawadzani navo kuburikidza nehushirikadzi hwavo.Vaivafarira pavaibhadhara chegumi chakapetwa kashanu murume wavo achiri mupenyu zvino vanga vachadei padzvinyu risina kana gushe.Hanzi pachirungu Birds of the same plumage zoom at the same proximity.Mainini vakachema munzira mese vachikungura kushanduka kwaiva kwaita hupenyu hwavo-vakamokot edza misodzi yeshungu. Vachisvika kumba vakaona aikaka Satellite Dish aiva atolander.Vanga vakutamba vese nekuti kana wakutambura hazvigone kuti ushainire vanhu.Hama dzangu love each other in good times and bad times alike because with the blink of an eye God can convert you mansions into slums.Hazvitorere Mwari even a second kuti akureduce to a mere person kana ukada kufarisa.Anototuma satan chaiye kuti akugadzirire saizi(Romans 1vs22ff and 2 Thessalonians 2vs8 muchidzika nayo).Satellite aiva aona yese yaiva yatambika patuckshop ndokubhubhuruka nemikoto kuti atangire mainini avaudze yanga yavapo mudariro.Vakabva vazopinda vese mumba ndokuzeya yaiva mudariro. "Unoona shamwari kukonorerwa kwawaitwa shuga iya nekamukadzi kaya hakuite kakufarisa manje.Kakanganwa chezuro nehope."Akadaro Dish achimhiza mhiza maoko nekuti aiti achitaura nemitezo yese yemuviri wake yaibva yazunguzika kunga iri kutotaurawo.Mainini vakangodzungudzawo musoro ndokuti,"Hii zvakaoma sahwi and ndaitwa mwana shuwa."Dish akabva ati henaro ndokutanga kutaura iya yekunyimwa mazai akatanga kuchocha mainini nehasha aane dzimwe pfungwa dzakaipa pamusoro petuckshop yavo.Vakadzi vese ava vanga vaane jealous asi mainini vanga vasingade zvekuparadza vaida kungoramba zvavo vachikuvarira mukati setambo yekunduru.Satellite Dish akabva avadhokonya zvekare ndokuti,"Ngatitsvagei vakomana vanoipaza vagare mudish tisaswere kushainirwa pasina."Mainini vakakahadzika ndokuti,"........" End of chapter. *Watch out for chapter 13* [16/03 21:42] Doctor Maxx🎓: *THE SURVIVOR BY DR MAXX-CHAPTER 13* THANKS FOR THE BDAY WISHES TO THOSE WHO HAVENT GRASPED IT I TURNED 24 YDAY!! "I dont think its a good idea shamwari tadii tangosiyana nazvo."Vakadaro mainini vachinzwa twutsitsi.Ipapa vaiva vapa dama rakanaka asi Dish zvaaiva Chandagwinyira akaramba achikwichidzirwa kuti ikore muto."Sahwi indava kupfava so remember katakada aka kakapaziwa obvious pane zvichabiwamo zvinozotengeseka necheap price towanao something utengewo hupfu mumba mako.Hauone here kuti zvine musoro."Dish akarutsa zvake mashoko aya azere nemweya weshaisano.Mainini vakazongoguma vati tuzu.Hongu vaiva nemoyo wakaoma asi apa she was caught between hard surfaces.Kuti vafambirane nepfungwa dzaDish vaida asi kwete nemoyo wese asi zviri half hearted.Yaingova 50 50 zvekuti vakazongobvumirawo imwe iya iya yeunder pressure.Dish aitoda zvekunyudza chaizvo saka naizvozvo akazoparadzana namainini ndokunanga pane chimwe chibottle store.Akanowana mamwe magevha ainzi Evaro naMagodo,vaichovha zvavo njuga ndokuronga navo kuti vapaze tuckshop yaMai Hailey manheru iwaya.Simbi yanga iri kutoda zvekukwapurwa ichapisa. Vakomana ava vaiva vakaita kakuvharika nekuti vakaudzwa naDish kuti vaizopihwa muhoro wavo mushure mekunga vagona basa.Vakabva vahire karori kerudzi rweCanter panguva iyoyo vakamirira kupedza mission yavo madekwana acho.Dish akabva aenda zvake kumba kwake muswe uri mudenga.Akasendera mainini message yekuti dhiri rakutofamba ivo ndokungopindura ne zviya zvekungoti zvivabve.Dish akazviona kuti mumwe wake aisafarira hurongwa uhwu asi apa yaiva yatsika dope saka yaiva yatomwa- panga pasisina kudzokera shure sekuyerera kwerwizi.Hanzi kana wadenha mangwiro wotokwinya. Musi wakare patuckshop paMai Hailey pakafamba zvinoshura.Vakabata kamari kari nane kaikwana iko kuita $200 iri yeprofit bedzi.Vaitovawo murima pamusoro pebongozozo ravaiva vagayirwa nemuvakidzani wavo wepedyo pedyo.Musi uyu zvekare vakati nonoke kurara.Semazuva ose mutuckshop mairara musina munhu nekuti yaiva nechemukati megedhi uye pagedhi pavo paiva nemacheni ekuti ukada kuribata raiita mazikweche kweche aya ane ruzha.Vakomona vakauya kuma1am nekarori kavo.Vaicommuni cator naDish paWhatsapp uyo aiva adrugger murume wake musadza kuti asaone yaitambika husiku mukadzi wake achirasa hunhu nevamwe varume paWhatsapp.Evaro nemumwe wake vakasvika ndokumisa karori kavo zvinyoro nyoro.Kunze kwaiva kwakati zii kuine kamhepo kaifefetera zvaitosvora maziso.Evaro akabva abudisa zvombo zvake zvehondo ndokushandisa pinjisi kukatanura fence.Hapana chavakanzwa chakambopfakany ika.Vakabva vavhura ziburi zihombe pafence paya ndoo kuti pfori kupinda ndokunanga pamusuwo wetakada.Vakashandisa bolt cutter kuti vapazamure door ndokugainer entrance.Tuckshop yaiva yakazara nestock iyoyo.Mumaraini umu maisamboitwa zvekubiwa saka musi uyu chakava chishamiso.Evaro naMagodo vakabva vatuta zvinhu zvese kusanganisira nefridge iya.Vakangosiya zvimanigga balls zvechifinhu ndokuzosiyawo door riya rakati haradada.Vapedza vakabva vatumira Dish message yekuti vapedza basa uye vakudawo chavo cheuviri.Dish akabva avavimbisa kuti achavapa mangwana kwakachena.Panguva iyoyo varume havana kupokana naye.Vakabva vangotsika chepakati ndokuenda kune rimwe base ravo raiva kumanew stands uko kwavaichengetesa zvinhu mune chimwe chimba chaiva chisati chapedza kuvakwa. Dish akapembera chaizvo uye nemoyo wake wedombo aida zvekare kuvhara vakomana ava.Mai Hailey vaigara vakasetta alarm yavo ya5am.Vaibva vamukirana netruck rekuLobels iro raivasiira chingwa makuseni iwayo kuti vazotengese.Alarm ichingorira vakashamisika pachiita kachinguva vasina kunzwa kutinhira kwetruck racho.Vakabva vangoti nechemumoyo pamwe raitawo break down.Vakatarisa Hailey ndokutoona akadzipfodora zvake achisekerera kuhope sezvo airota achikiswa kiswa muhuro naRonny.Mai Hailey vakabva vasunga zambia ravo nedhuku ndokupfeka chimwe chipolo neck chavo chered ndokupendekera imba vakananga kutuckshop.Vachingoti tuckshop iya baa vakabva vaona hezvo mashura paguta.Door retuckshop raiva rakati haradada.Vakaswedera pedyo ndokuona aikaka pakatoipa seface yasatan mutuckshop maiva makokotwa zvese masara muri muGwanzura Stadium.Vakapukuta meso avo ndokuona inga ndezvedi,vakazvitsunya vakanzwa kuti eish zviri kutorwadza.Dish aitodongorera zvake necorner yewindow rake repabedroom achiita kudonha masiriri nekuseka.Mai Hailey vakasvika pakuona kuti zvokwadi vaiva varozvwa ndokuti zeya zeya ndiye rii pasi dhi negotsi kwakufenda. Kudai pasina Mai Tinashe vakavaona pavanga vakutsvaira ruvanze haiwa ingadai vakatisiya tichingotaurisa mumagroup kudai.Mai Tinashe avo vaiva mukadzi walandlord wavo vaiva nurse aid by profession kunyangwe zvazvo vaisaenda kubasa,vakabva vavaita mouth to mouth resuscitation ndokuzoti maziso boi boi vachiregainer masenses avo ndokutanga kuchema sechana chitoko izvo zvakapisa tsitsi.Ndipo pazvakazozivikanwa naMai Tinashe avo vakavasimudza kuti vapinde mumba ndokupira nyaya iyi kunaBaba Tinashe.Baba Tinashe vaiva munhu ane kakuzhandukira ndokuti,"Iwe Mai Tinashe ndipe foni yangu iri paheadboard ndifonere Gariromo aite follow up yenyaya iyi!"Gariromo airehwa uyu aiva shamwari yavo ari muDetective paBindura Central.Mai Hailey vakakurumidza kuzvibata ndokuti,"Musasvike ikoko hanzvadzi(vaiitana hanzvadzi nehanzvadzi)inini ndinorwirwa naMwari wangu.Whoever azviita izvi will pay for it."Vakabva vangosimuka nehasha ndokunanga kumba kwavo uko vakanomutsa Hailey ndokutanga kunamata.Ivo vaiziva kuti munamato hauna power asi chine power ndiMwari wacho anopindura minamato.Hailey akabva aziva nyaya iripo ndokubva vatanga kubatsirana kunamata.Kazhinji vaiti vakatanga kunamata waitofunga kuti vakumhanya mushini.Kunamata kwavaiita uku kwakavhundutsa Satellite Dish zvekuti masaisai ake akamborasa signal.Akatadza kana kugarisika.Akabva avamirira kuti vapedze zvekunamata kuti avataudze.Vachi ngobuda mumba mavo vaiva vakapfeka face yembada hadzi yaiva yabirwa vana vayo zvekuti Dish akabva aona ega kuti vaisatangika-waitongovawo mutunhu uzere nemago.Akabva angosiyawo zvakadaro! Vanhu vemuraini vakarwadzirwa nekupaziwa kwetuckshop iyi asi paisava neyekutamba sezvo ivo Mai Hailey vairamba kuti patorwe matanho akaita sekupira nyaya yacho kumapurisa.Zveshuwawo kwaingovawo kuteya nzou neriva nekuti hazvaidzosa zvinhu zvavo ipapo ipapo tichishandisa business thinking- business rinoda yavanoti pachiRungu consistence.Vamwe ndivo vaivapa yambiro yekumboedza maporofita enguwo tsvuku asi ivo vakatsika madziro vachiti vaizorwirwa naMwari wavo.Nokudaro vanhu vakangosiyawo zvakadaro.Ronny wo paakazvinzwa akabatikana kusvika mubhonzo chaimo.Zvaiva zvazoomera pakuti week razvaitika ndiro raiva nedeadline yekuti varegeste masubjects avaida kunyora kuZimsec.$200 iya ndiyo yega yaivaparadzanisa nenhamo.Remangwana ravo ranga risina kujeka.Ronny naHailey sezvo vaiva magenius vaiita 15 subjects apiece zvekuti paida mari inokwana iyo kuita $225 kuti umwe wavo bedzi anyore masubjects ese aaiita nekuti subject rimwe chete raiita $15 for registration.Ronny out of love akabva asacrificer kuti Hailey anyore zvake 15 subjects.Mai Hailey vakamboedza kumunyengetedza kuti vaderedze huwandu hwemasubjects vasheye zviri equal asi Ronny chakatsika madziro semunhu aiva aperera pana Hailey.Akabva atonosheedzera makombi zvakasimba zvekuti nemazuva maviri aiva atopper ka$25 kaya kaidiwa kuti iite $225.Friday iyo yaiva deadline Mai Hailey vakabva vanoregister 15 masubjects aHailey asi vaine moyo wairemerwa pamusana peramangwana aRonny.Ronny wacho aitoti,"Mhamha Hailey is my sister saka kupasser kwake kupasser kwangu.Ngatisad zingirire tsuro mbiri after all ndakambojambira grade so I am still young to write even next year.Musandityire mhamha."Mashoko aya akasekesa Mai Hailey avo vakabva varega kubatikana nazvo.Vakatombofunga kuti hameno kamudhara kaiva kakutaura kari munaRonny.Kunyangwe zvazvo hupenyu hwavo hwaingova hwekuchema Ronny aivapa mufaro pano neapo.Pakupedzisira Ronny akabva azorega kuenda kuchikoro nekuti paisave nechekuendera iye aisazonyora.Tea cher vaya vaimbomujega vaiva vakushandira kwaMutare saka anga atova manyama amire nerongo.Ronny akasiya chikoro nekuti aida Hailey zvakapfurikidzisa. Mazuva ese aya Dish ainzvenga vakomana vaya vaakatuma pakupaza tuckshop yaMai Hailey.Vakachovha zvimazuva vachibvunza mari yavo asi Dish aingonzvenga nzvenga.Iye anga achada kutaura navo sei iye aiva apedza mabasa ake eshaisano.Vakomana vakatanga kuzeya nyaya iyoyo vachirova zvako mbanje muchimwe chitangwena chavairoja makare muChipadze.Kunyangwe zvazvo vaiva vaine kakuzungaira kusvika pakuitiswa nemukadzi,Evaro chaiva nepfungwa dzinoti dhonzei sezvo aiva akamboshanda nembavha dzepaHarare.Aka tanva arova mapuru matatu echamba ndokuti,"Haa wangu bhoo masinhi ese takachapurisa kumakorokoza uko but mhomz iyi yaiva yakati promisa pakuru asi now yakutaura zvatsuro nagudo so inini ndagaya kuti tivaite rough semubhedha wemapuranga."Kutaura kwaakaita uku kwakapinza mumwe wake muchuni ndokubva atiwo,"Haa but muri kusasa jahman isusu ndisu takaratidza chibhambi patakapindira ziheavy mishani iri tisina kumbopihwa mbichana.So zvamurimi mudhara topaita sei?"Evaro akabva adzima chamba chiya netsoka yake sezvo changa chakupisa minwe yake nekupera."Ngaiite iuye kuno now itipe mari yedu ikaramba tinonotora masinhi kumba kwayo inozopinzwa busy nemugen'a wayo."Akadaro Evaro asingaseke vakomana ndokupanana sando. Pakarepo foni yakabva yasvitswa kunaDish uyo akabva azvitaramutsa kuba pabroadcast yemakuhwa paanga achitoita basa.Dish akatanga kurova zvimastatement zvake zvechitsotsi tsotsi asi varume vakaramba vakaruma ndebvu.Akatozoona kuti vaiva vari serious pavakati ivo vakuda kutora property yemumba make kuti vasote chipande. Ipapo akabva anogeza ndokupfeka kamwe kaskirt nekatop zvakangodaro.Shape aiva nayo zvake kunyangwe zvazvo zvaaitaura zvaiva zvisina shape.Chaiva chiblack beauty.Akabva anosvika kuchitangwena chevakomana ndokuti,"Ii vakomana ndiko kwazvasvika here ikoko ndapota hangu musadaro."Akabva atanga kuchema Evaro ndokuti,"Kana usina mari yedu tipe masinhi ako tirove izvozvi zvipererane."Aitaura achiziva kuti aiva nenhomba pamwe nemumwe wake.Akabva aenderera mberi achiti,"Ukada kuzviita muguy topudura zhet rese ukavharirwa kana kungoisvitwa kumurume wako."Nokudaro Dish akapinzwa chando nemanzwi aya zvekuti akabva angorega maguruvha aya achimuchinjanisa pamutambo wevakuru.Varume vakamutsimbirira zviya zvekukaurisa apa they never protected vachichinjana vari vaviri.Vapedza vakamurova vachimutuka iye ndokubuda achitadza nekufamba kunga munhu anga atanga kuzviita musi iwoyo.Zvaisiririsa pamberi paMwari. Akaita mazuva matatu akauna una.Broadcasting Co Operation yake yakamboita shut down in those three days.Akazonyatsowacha paakatanga kutushuka zvironda pakati pemakumbo apa,zvaasina kuziva kuti zvaiva zvabva nepi.Aiva arohwa nezisicki repaMozambique zvekuti mangwana acho akafuma akamera zvinenge zvimacabbage kunga zvicauliflower. Rimwe zuva racho takatevera honye dzine misoro mitema dzakatanga kutanyanga kudzasi ikoko ndipo paakabva a.... Eish ndanzwa ropa rangu kuti zhrr lol Ok isu tinonyora sezvazviri without fear or favour kuti mudzidze.I write to teach! Mondiregererawo this week kubasa kuri tight nenhau yemasports but will always try my best.. *Watch out for chapter 14* [16/03 21:42] Doctor Maxx🎓: *THE SURVIVOR BY DR MAXX-CHAPTER 14* Dishi akaona ega kuti angaorere mumba.Akangoitawo rombo rakanaka pakuti murume wake aiuya kumba akadhakwa mazuva ese zvekuti kudai aiuya ari sober Dish aipinzwa pachipinyangora.Mazuva matatu ese aya akapera achingoyuwira zvekuti kana hembe dzanga dzakumutonhesa apa muviri wese wanga wakudairira nemarwadzo.Anga akuswera akadhashanyara makumbo pasofa achitanyangura honye one by one.Pazuva retatu ndipo paakaona kuti angatofa ndokufamba zvake akananga kuChipadze Poly Clinic ari masikati kuchipisa.Aifamba akati rimwe gumbo uko rimwe gumbo uko dzamara asvika.Achingosvika akati rabada pachiwaiting bench chaivapo hurwa ndokutanga kuyerera rwuchidzika negumbo rake.Akatozobatsirwa nemanurse avo vakamuradzika pakamubhedha kaiva mukati.Ipapo akanga asichagoni kana kutaura zvekuti paakabvunzwa kuti aisimbirwa neyi aingonhongedza kudzasi nemasign.Nurse vacho vaiva paduty vachimuti baa pairehwa pacho vakanzwa kuda kurutsa moyo wavo.Basa riya haritenderwe kusema ka asi apa pasaiva nezvekuita.Lucky enough mazuva aya paiva nevePSI vairapa zvirwere zvepabonde pachena saka ndivo vakabva vapihwa murwere. Vakabva vaenda naye kukatent kavo ndokumuradzika pakamubhedha kaivamo kuti vamuongorore.Type yesicki yakadai yaiva isina kujairika zvekuti Dr Gordon avo vaiva murungu vari vePSI,vakashaya shuma yazvo.Vakatesta for syphillis,gonor rhoea,chancroid zvese negernital herpes asi zvese zvaingobuda manegative.Ipapo Dish aingoyuvira zvekutadza kutaura.Dr vaya vakangodzungudza musoro ndokuti,"This is a non existant case of an STI maybe a sangoma can a cure this.I have washed my hands like Pilate because I havent seen something of this nature in my life before."Vaitaura vachiita kudongorera nemaziso avo pamusoro pemagirazi avaiva vakapfeka.Dish akangokwanisa kutaura achiramba bedzi paakaudzwa kuti murume wake kana dzimwewo hama dzake dzaifanirwa kuziviswa pamusana pedenda iri raiva ramuzvambura.Iye akatsika madziro kusvikira pakutaura kuti aida kuzvionera ega.Nharo dzacho akomana nepa nhovo here kkkk. Clinic yakabva yaronga zvayo kuti Dish aendeswe kuBindura Hospital.Kudai manurse epaclinic iyi aiva nemakuhwa saiye zvingadayi zvakatozivikanwa Chipadze yese-ivo vaichengetedza maethics ebasa.Vakangokw anisa kumubaya zvimajekiseni achiyuwira.Jeki seni resicki rinorwadza kukunda kuzvara zvekuti Dish akaita seachareurira zvitadzo zvake zvese kkkk.Akuda kutoendeswa kuchipatara nyaya yedenda rake yakabva yasvika kunaSister In Charge veipapo avo vakabva vamisa veambulance kuti vasamuendese.Sister In Charge ava vaiva vechikuru zvekuti vaiva ne56 uye vaiva neexperience kwazvo.Vakaongorora Dish ndokuona mhando yesicki yake yakafanana neyavakamboona kuMozambique about 10years ago,mazuva avakambotumwa nehurumende for a health outreach kuMoza kwakare.Kunyangwe zvazvo panga paane decade vakamboiona asi havana kuikangwa nekuti haikanganwike.Sicki iyi inorapika asi neimwe nzira yechivanhu inoshamisa.Sister vaya vakabva vatumira vamwe vasikana kuti vanotenga kalean meat kanyama kari soft kari kebeef.Nenguva isipi vaiva vadzoka nayo.Dr Gordon vaida kuona zvaida kuitwa apa saka vakabva vakomba mubhedha waiva urere Dish.Zvekuti hee zvinonyadzisa nekuti pane varume zvinoitwa uye kutaurwa nekuti unenge usiri kurwadzirwa,mwanasikana akarwadzirwa chaizvo anogona kukurura hembe dzake pamberi pababa vake.Ndizvo zvakaita Dish ipapo honye ndokuzara pamubhedha uya mushure mekunga avhura makumbo ake.Vamwe vese vanga vachipfeka mamask zvino sezvo Dish anga akubuda kamwe kahwema kekutoora ari mupenyu.Sister vaya vakabva vatora nyama iya ndokuipfekera kudzasi kuya izvo zvakaita kuti honye dziya dziungane pairi ndokutanga kuidya.Dish akabva ambonzwa zviri nane.Vakabva vamupamhazve mamwe majekiseni ari basic for STIs ndokumupa mapiritsi ekunonwa kumba.Akatozobva paclinic apa akutonzwa zviri nane-zvediwo aiva apona.Sister vaya vakakatyamadza Dr Gordon zvekuti vakabva vatorawo kainnovation aka kuti vanokaratidza dzimwe hama dzavo dziri kuAmerica kwavaiva vabva. Dish akasvinonwa mamwe mapiritsi ndokumbovata.Vana vake vese vaviri vanga vakugara nagogo vavo kuChinhoyi ndokusaka aiswerera makuhwa asi apa aiva apfidza.Mapiritsi aya akamurarisa pasofa remudining zvekuti nguva dzaanosibika manheru dzakakwana akachangorara apa card rake rekuclinic raingova pakacoffee table kaivamo,paakanga arisiya. Madekwana aya akapinda panguva yaChimbetu nekuti murume wake akasvika ari sober nekuti aiva anzwa nekupihwa mawarning kubasa kuburikidza nekurara rara kwaaita pabasa.Akasvika shasha yakatopfodora zvayo dzekacheche ndokumbozama kumumutsa asi akarara arere.Akabva aenda kuno tarisa mapoto kukicheni kwakutoona akasvipa aine kahwema kaya kekurara asina kusukwa.Murume mukuru akaita kudedera nehasha.Akabva apinda mudining makare ndokubatawo card raDish riya.Yowee akariverenga wanei mudzimai wavo atori pachirongwa chemapiritsi esicki chatotanga musi iwoyo.Dish akabva amutswa nemuchezura wembama zvekuti akabva angoti simu ndiye tumbi kumira nechekoko."Mai Tadiwa ndicho chii ichochi?"Akafanza kunga rovambira murume mukuru.Akatanga kufamba famba nedining yose achiti,"Ndomukira mazuva ese ndichienda kubasa kuti urarame life iri bhoo asi chaunogona kundiitira maboyfriends nekungowaster mari uchingorukiswa musoro after 2 days!Now listen to me and listen very careful iwe mwana wembwa.Uri kupacker twako now uchienda kumba kwenyu handina chekutaura newe and no negotiations on that!"Baba Tadiwa vakabva vabatidza Everest yavo ndokuipfungaidzira mumba imomo zviya zvekuti muno ndemangu.Ipapo Dish aiva achingoti tuzu kumira kunga chistatue chakapusa. Akaita seasiri kunzwa zvaiva zvarehwa dzamara akachidzwa nehutsi hwefodya.Ndipo paakazobengenuka ndokupesanisa ake maviri akananga kubedroom.Baba Tadiwa vacho vakabva vazvikanda pasofa vachigaya kurefu.Vakatenda Mwari kuti vaiva vasina kunamwa nesicki iyoyo.Dish zvaakapinda mubedroom akabva atora kamonarch kake ndokurongedza twuhembe twake misodzi iri mokoto pamatama.Akabva atobuda ndokuenda kwatete vake avo vaigara KuChitungwiza.A katambirwa zvakanaka apa tete vaya vaiva shirikadzi.Akavapira nyaya yake akambonzi ambogare zvimazuva vachironga imwe plan. Ukuwo Ronny naHailey vakaramba vachipisa rudo rwavo rwepasi pemvura.Ronny anga apindwa nechihwindi nechijega zvekusada kudzoka kuchikoro chaiko.Hamenowo kuti mweya iwoyo wakambobva nepi chaizvo.Umwe hwindi hwekuGlen Norah akatsvagirwa basa riri decent namukoma vake paCoca Cola rekuti aingoverenga macrates aibuda bedzi,asi akaomesa gotsi kuramba achida kungosheedzera Copa Cabana.Iyi ndiyo pfungwa yaiva yagara Ronny.Kwaisavawo kuda kwake as such asi rudo rwake kuna Hailey rwaiva rwazodzama semakomo uye zvese nekusimba kupfuura rufu.Mai Hailey vakamboda kumunyengetedza kuti adzoke kuchikoro asi kwaingovawo kuteya nzou neriva.Anga asingachade.Twumari aitwubata zvakanakisisa nekuti anga akuita zvekare chimatunge chekutakurira vanhu mabhegi mumusika kuti achipihwa zvimacoin.Aiung anidza macoin aya zvese nekusheedzera makombi oiisa muEcocash kana yawanda otenga hupfu kumba kwavo nekubhadharisa Hailey school fees zvese nekumutengera stationery.Kumba mainini vanga vakushandisa mari yaRonny yerent kubhadharira vamwe vana vese school fees imwe yacho vodya nezvikomba mumba musina kana masamba.Ronny haana kumboita hanya nazvo aitofarira kuti at least vari kubhadharira vamwe vana chikoro.In one way or the other ndiye anga atova breadwinner kunyangwe zvazvo mainini vaingoshora shora. Mwedzi yakafamba kusvikira Hailey azonyora O Level yake.Hapana kana ani pasi pezuva aimbogayira kuti vaviri ava vaiva murudo.Munhu wese aitongovaona sehanzvadzi nehanzvadzi.Imwewo Saturday vaviri vakakwira gomo reCathredal yeZaoga ndokuzvitinya imomo kuti vapanane rudo.Mazuva aya Hailey aiva apedza kunyora amirira maresults ake saka vanga vakuwana nguva yakati wandei vari vese.Mugomo imomo vakahwanda nemazimiti aivamo uye vaiva panzvimbo yekuti vaisaonekwa ipapo ndipo pavakatanga kutaura zvine musoro zvakati dzamei."Ronny for how long should we continue like this.Cant you see kuti kuudza mhamha nguva ichiripo kuri nane here pane kuti vazozvibatire vega?"Hailey akabvunza ruva rake akagara pamakumbo aro.Ronny akaita kakutsikitsira musoro ndokuti,"For the meantime hazviite coz we are young even pakutoita relationship yedu iyi misikanzwa chaiyo.At least wava Form 5 tinogona kungovaudza kkkk how far?"Vaviri vakamboseka zvakabhururutsa shiri dzaiva dzakamhara mumiti yaiva yakavakomba. Hailey akabva angosiyawo pfungwa iyoyo kwakadaro sezvo yanga itori non starter.Pachokwadi amai vake vaisatendera makunakuna akadaro asi ndizvo zvanga zvitoripo."Ndanzwa uchiti uchazovaudza ndava Form 5 ko iwe unenge wava Form ani?"Akabvunza zvake Hailey achinyemwerera.Ronny akabva aita kakuvhundukira kenhema nekuti nyaya yekudzoka kuchikoro kwake yaimusvota akabva angoti,"Ndichaenda kana iwe wapedza chikoro.You see mari iri kunetsa saka handikwanise kuti tese tiende kuchikoro asi iwe ndiwe wakandikoshera izvozvi ndiri kutounganidza mari yako yeA Level uchatanga uine complete school uniform I promise you that.Kana wazofundawo ukazoshanda unozondidzidzisawokumberi ikoko and I know time iyoyo ichasvika."Nema shoko aya Ronny aiva atopedza kutaura.Akazviona kuti rudo urwu rwaiva rwabata bata Hailey ndokuchinja zvake nyaya."Saka Mai Maramba munoda kuti tizoite vana vangani?"Hailey akabva atanga kuseka zviya zvekunakirwa ndokuti,"Ndinoda one chete ndomupa zita rekuti Ronny nekuti anenge akangwarisa kunga baba vake."Vese vakabva vaseka vakabvumbamirana Ronny ndokuzoti,"Une license here coz you are driving me crazy uchandiitisa accident yerudo."Hahaha Hailey akabva anzwa kudiwa uye zvediwo aidiwa zvakapfurikidza mwero. Vakagara imomo matenga akatanga kushanduka zviya zvekuda kudonhedza misodzi yawo.Mwaka wekunaya kwayo wanga watosvika saka yaigona kungoturuka pakare.Vaviri vakaona kuti kungangonaya ndokudzika gomo riya vakabatana maoko vachimhanya.Vaiva vakananga kumba kwaanaHailey. Musi uyu Mai Hailey vanga vatori kumusangano wemaclub eshirikadzi saka vaviri vakangosvika nekupinda mumba.Vachingoti garei mvura yakabva yatanga kunaya zvine simba.Yaiva yakanyatsokoka nekuti kwaiva kwaswera kuine kazuva.Nguva dzanga dziri kuma3 ikoko uye Mai Hailey vaizouya kuma5 ikoko.Mumba makatanga kupinda kachando kaya kanouya kana kuchinaya.Kachando aka kakabva kakuchidzira rudo zvekuti vaviri vakabva vatanga kutsvodana.Ronny aiva akaita zvekugara pacorner yemubhedha akaisa Hailey pakati pemakumbo ake.Nechop chop aiva atobvisa katop kaaiva akapfeka kumusoro atosara nebra.Ronny akaita wire paakaona kutsepeteka kweskin yaHailey zvekuti akatanga kudzika nemuviri wake wese nemakiss dzamara asvika paguvhu achiita zvekunanzvirira nekumberi kwerurimi rwake.Hailey anga achibata musoro waRonny zvino akufemera padenga.This was a point of no return.Mvura yanga yaderera pakunaya saka Ronny akabva abata mupendero wekaskirt kaiva kakapfeka Hailey.Paakada kuti akurure kudai door rakabva rangoti bherengende kuvhurika wanei....kkkk kkkkkkkkk *Watch out for Chapter 15!* [16/03 21:42] Doctor Maxx🎓: *THE SURVIVOR BY DR MAXX-CHAPTER 15* Kubhenengurwa kwedoor kwakaita kuti vaviri ava vaparadzane zvemucinema chaizvo.Kuvhurika kwaro kwakabva kwaita kuti Hailey aende kuseri kwaro zvekuti Ronny akangosarawo akagara pacorner iya akangoti tuzu."Aaa ndiwe mwanangu Ronny ngatimhanyei tinotora machira edecor andasiya kugedhi uko asati anaiwa!"NdiMai Hailey vaingunosheedzera vakamira pamusuwo mushure mekunga vangokanda nhanho imwe chete bedzi kuti vapinde mumba.Zvekare vakataura zvine kakunonokerwa zviye.Machira edecor aya aiva ekuclub kwavo saka ndivo vaiva vapihwa mutoro wekumachengeta.Nenguva iyoyo vaiva vasiiwa nekarori kwavaiva vahaya kuti kavasvitse kumba.Ronny akabva angosvetukirawo panze vaviri ndokufambisa vakananga kugedhi kuya kunobatsirana pakutakura chibhegi chaiva chizere machira aya.Hailey akabva asara achipfeka top yake ndokufema katatu achisekerera kupona kwaaiva aita.Humhandara hwake hwaiva hwapona zvekare.Mai Hailey vakazopinda mumba naRonny nekamukwende kavo ndokugara.Papera kanguva vakabva vasota katea vatatu ndokunwa semhuri dzamara kwakuita kakusvipa. Hailey ndiye akazoperekedza Ronny kumba kwavo.Vachingobuda pagedhi so vakabva vatanga kubvaruka nekuseka."Hii but swty haa tapona haiwa shamwari zviripo apa kungovaudza chokwadi zviuya zviri mberi."Akasasa zvake Hailey chiso chake chizere nyemwerero yerudo iya ine kakunyaririra.Ronny akabva asekawo imwe iya iya ndokuti,"Haa but une point babie let me see kuti maresults akabuda ndoipira sei nyaya yacho."Kukurukura hunge wapotswa hehehehe vaviri ava vanga vakutaura zvavo mushure mekunga vapona nehwakumukwaku segunguwo.Nyaya yacho yaiva yakakomba pakuti kunyangwe vanonoke sei vaifanirwa kuzoitaura saka waitovawo mutunhu uzere nemago kare.Apa vakazongoparadzana vachiti vaida kuzoona kuti vangapaita sei in the future. Mubairo wezvivi rufu uye Chivi chinodya mwene wacho.Tete Dish vakazviuraya nemushonga wemakonzo mushure mekunga varamba vachikohomedzeswa natete vavo kuti vareurire zvitadzo zvavo kuvanhu vese vavakatadzirwa nemhuri dzese dzavakaparadza,kuti vawane peace of mind.Vakaita mazuva vachiyambirwa izvozvo asi vaingobvumira pasurface asi paunderground vakaomesa moyo.Vakazongoo nekwawo vakafa vakagara pamakitchen chairs aiva mukitchen matete.Vakatoonekwa nemusikana webasa uyo akazviona adzoka kubva kumashops kwaanga aenda kunotenga chingwa chemangwana sezvo aisada zvekuzofamba makuseni.Musikana uyu ndiye akazozivisa hama dzese nezvekushaya kwaDish saka ndipo pakaperera sarungano rwake.Akafira mafufu segonzo izvo zvakaita kuti broadcast company yake ivharwe nekusingaperi kkkkk.Ngaisiye matambo! Ronny naHailey vakaramba vachirovera yavo muvhu.Mwedzi yakadyarana dzamara maresults aHailey abuda.Mwana aiva neshavi rekugona iyeye.Ndiye akabva abata record yeMash Central yese nekuti akabura 12malangwanda ne3 Bs.3 maB iwaya akatomuchemedza nekuti aitoda kuti aite maA.Ronny akapembera zvekuti akaronga kaprivate party kavo vari two.Ndipo paakabva apfekedza Hailey kaengagement ring rudo rwukabhebha. Hailey akabva awanirwa nzvimbo pakare paChipadze High ndokupindira A Level necomplete school uniform courtesy of Mukoma Ronny vedu.Mai vake vakatengawo mabook one two asi zvaingova zvekiya kiya.Hailey akabva aiswa muclass yemaArts umo akanotora combination yeDivinity, History neLiterature zvichireva kuti she was an attorney in the making.Ronny akarova mahustles epachirume chaiwo kusvikira pakutengera Hailey mapersonal copies ematext books ese aidiwa.Aa unozodei pamunhu anogona kare oita maresources akakwana-kuuraya svosve nechidhina chaiko.Hailey had a comfortable Advanced Level zvekuti hazvina kushamisa vanhu paakazvambura 15 points.Ukuwo Joy hanzvadzi yaRonny zvaifambawo bhobho kuden kwatete saka zvaiva zvarongeka.Chan ga chakunyanyonetsa panguva iyoyo ndechekuti mainini vanga vakunyanyoparadza mari yese kusvikira vana vasingachaendi kuchikoro.Vana vese vari vatatu vakasvika pakugara kumba vachiita basa rekufeeder zvikomba zvavo nemari yese yerent.Tete Gutuza kwaMutare vaitofungawo kuti zvinhu zviri kufamba asi zvaitova manyama amire nerongo. Kupasa kwaHailey kwakafadza amai vake vakatenda Ronny zvaiyeredza misodzi.Hepano pakuda kuenda kuvarsity yakava heya heya akati Sulu.Uku hakuna feja feja ka istraight madhiri.Mari yekuapplyer $20 havana kumboishaiwa uye vakabva vatowana nzvimbo yacho yeLaw pachikomo chefundo cheUZ.Mafees akabva atopihwa deadline kuti abhadharwe asi makunun'unu aidiwa akatokandisa kana Ronny mapfumo pasi.Paidiwa mari yaikwana iyo kuita $1200 for a comfortable academic start apa panguva iyoyo paisava kana netse.Besides mari iyoyo paidawo laptop nefoni svinu zvekare nemari yepaside yekuprintisa maassignment.Mai Hailey vakambomira mira kutsvaga vemascholarship asi vazhinji vacho vaingoti vari kubatsira vavagara vainavo pachirongwa kubva kusecondary naizvozvo Hailey aisakwana ipapo kunyangwe aiva akazvambura kuchikoro kwazvo.Kunonoka kubhadhara kwavo kwaizoita kuti varasikirwe nenzvimbo izvo zvakadya moyo waHailey kusara mwana apera pera. Ronny akaona kuti zvibudirire paitoda an extra hustle pamusoro pechikoronyera chaiita murank.Akabva atsvaga basa rechigadhi paTrojan Mine ndokuriwana nekuti akazivana namanager wepo uyo aimbowadzana nababamunini vake.Kunyangwe zvazvo yaiva two months contract yenight duty yairwadza kwazvo,half a loaf was better than nothing.Salary yacho yaingova $250 pamwedzi zvekuti pamwedzi miviri yaizoita $500 zvichireva kuti yaisakwana kuti abhadharire Hailey mari yechikoro.Zvekare mazuva iwayo kurank kwakatanga kushupa nekanzuru yaiti yakuda kuchenesa town naizvozvo mari yakatanga kunetsa kuwana from that side.Target yemari yaaida nenguva yaiva yasara kuti aibhadhare zvaisaenderana.Kwaiva kwasara mwedzi miviri nehafu kuti deadline isvike saka paitoda munana chaiwo kuti kathaza point kabatike.Mai Hailey vakamboedza kusimudzira kamusika nekusimbirira kumaclub avo asi zvekuvarsity aiva makata egomo diko.Masikati vanga vakuswera naRonny vachibatsirana pamusika manheru Ronny ozoenda zvake panight duty.Mainini vakamboda kutaurisa nezvazvo vakaguma vakutukwa nevanhu vemuraini. Ronny akarova chiweek ari pabasa uye ndiye aishandira pahasha pekuti aiita masecurity checks ese pagedhi paibuda napo gold rakunotengeswa riri mumota.Varidzi vecompany ndivo vaiva vakamuisa ipapo nekuti aiva mutsva uye airatidzikawo kunga akavimbika.Rimwewo zuva akabva asheedzwa naSales Manager uyo aibuda nemota yainotengesa pure gold rabva mumill kunaanaFidelity.Murume uyu ainzi Semwayo airwadzirwa kwazvo nekutakura hupfumi iye achihora mari shoma.Akabva agaya zano nemumwe supervisor wake rekuti vabewo rimwe goridhe vaite mari asi madhiri aisatambika Ronny asingazvizive since ariye aishandira panhongonya pacho.Murume uyu paakashedza Ronny akabva amutipira kuti asangane naye kumba kwake kuShashi kumadale dale eikoko kuBindura.Vakap aradzana murume uyu achichayisa Ronny achisara pabasa. Mangwana acho Ronny akaenda kumba kwemurume uya ndokutambirwa bho bho.Vakabva varova zibreakfast rekwaMai Mberi.Semwayo uyu aitanga basa masikati chaiwo kuma1 ikoko achipedza kuma7 manheru.Aishandira pachiboss chaipo.Zvekudya nekunwa zvapera Semwayo akabva atungamira Ronny kuti vanogara muorchard make umo maitova nemagarden chairs netable yacho.Maitova nekaprivacy kaya kairatidza kuti munoroveka madhiri.Semwayo akabva atanga kupira nyaya yake kunaRonny."Unoziva ka mfanami ukarara mulife unofa uchitambura ndakusheedza pano kuti tiite plan."Akataura zvake akadzikamira ndokumbodzvuta kajuice kaiva pamberi pake ndokuenderera mberi achiti,"Mfana unoziva kuti paunoshanda pakanuna sei?"Ronny chakabva chanyemwerera ndokuti,"Aaa tinongoona muchingobuda naro asi inini ndinenge ndichiita basa rangu zvangu handinei nazvo izvozvo."Mudhara Semwayo dzakabva dzasimuka ndokuita zvekugara patable chaipo dzakatarisa Ronny."Tarisa pahuma pangu mfana."Akarayira Ronny kuti adaro uyo akabva apatarisa achishamisika kuti chava chiizve chava kuda kuitika."Kkk usavhunduke mufana ndiri kuda kuti ubatisise zvandiri kuda kukubvunza pano.Firstly,unoionawo sei nyaya yekuti iwewe unohora mari shoma pane yaunoona tichibuda nayo uchiisignira uri under loss control?"Ronny akambovhiringika nekureba kwemubvunzo uyo.Mushure mekunga aubatanidza akabva ati,"Aaa kkkkk zvinhu zvinongorwadzawo semunhu mutema kuona mazigold ane mari achingobuda iwe usina zvekuita nazvo.Zvakangofanana nekuona zvinhu zviri worthy kuomberera maoko iwe usina maoko acho."Semwayo chakabva chaseka nechivoice chacho chaiva chakazhezhera mushure ndokuti,"Haa wakavhurika brain mfana.Chinzwaka iri pano mfanami tiri kuda kuita madhiri paya.Kubva nhasi supervisor wedu uya anonzi Mukundwa achange achironga kuti tibudise gold rakati wandei pane rauchazosignira iwewe kuti rabuda.So pese pazvinoitika izvozvi unowana chi$30 chako cheuviri mfana how far mfana.Usakwate hapana waunenge uchibira nekuti its a natural resource yakasikwa naMwari asi vanhu vane bvepfe ndivo vanozongoti hee ndezvedu hee ndezvedu."Ronny akambotsikitsira musoro achigaya kuti oita sei.Mundangariro dzake akatanga kuona misodzi yaHailey uyo aivavarira kwazvo kuti aende kuvarsity.Naizv ozvo Ronny akabva atenderana nemadhiri aya.Chaasina kuziva ndechekuti aiva atambiswa front nekuti varume ava,Semwayo naMukundwa vaizowana mari yakawandisa kupfuura Ronny uye kuti kudai chaizochaya vaizogezera mhosva kunaRonny. Izvozvo zvese zvakambozivikanwa nani nekuti Ronny akanga akutoona semhinduro kuminamato yake yekuda kufadza Hailey.Kubva musi iwoyo akatanga kutofayisa madhiri zuva nezuva achiunganidza mari yake.Akabva avhura CBZ account iyo yakalinka neEcocash account yake achiiunganidzira mari.Aizviita secretly kusvikira abhadharira Hailey matuition fees zvese neyeResidence yacho.Kwakati kwasara zuva rimwe chete kuti deadline isvike Ronny akaenda kumba kwaanaHailey kuma6 makuseni achangochayisa kubasa.Kumba kwavo ndiye anga atova breadwinner ukuwo kwaana Hailey,Mai Hailey ndivo vanga vakukiya kiya.Akasvika Hailey akatorara pamakumbo aaMai vake maziso akaita kuzvimba sezvo aiva arara achichema neshungu.Mai vake vaitoyeredzawo misodzi vatopererwa zvino.Nemaomero aiva akaita zvinhu vanga vatotsvagira Hailey basa remumba kune mumwe mukadzi wavaiita naye zvemaclub emadecor.Panguva iyoyo Ronny aiva atorine mabank statements aipa confirmation yekubhadharira Hailey mari yechikoro zvese neyepekugara.Akatarisa amai nemwana akaona vachichema ndokuti vhomo mapepa aya ndiye pamubhedha bvu achitaurisa,"Hee musatambe nesu isu kuBindura kuno tiri mahustlers kukunda zvimwe zvibaba check mastatements ayo."Mai Hailey vakangopukuta kumeso ndokutora rimwe remapepa acho.Vakatarisa tarisa ndokuona aizve fully paid tuitions plus accommodation kuSwinton Hostel.Mukadzi mukuru akasvetuka ndokutanga kuchema zvakapisa tsitsi.Hailey akaverengawo mashura aya ndokutenda kuti Ronny aiva arwa kurwa kwakanaka.Vaviri vakabva vambundirana pamberi paamai vavo asi amai vakangotiwo rudo rwabrother nasister havana kuona karuoko kaRonny kakasveerera garo raHailey muhug imomo kkkkkk.Makafarw a kani mumba imomo and it was kept as a secret sezvo vanhu vemuraini vanga vakuvafara. Zuva rati budei Ronny akabva anochinja uniform iya ndokurova zvake kacasual kake mushure ndokusiira mainini mari yechingwa.Akabva ademandwa neyemazai yacho kunga yaitova mhosva.Apedza akabva ananga kwaanaHailey ndokupinda naye mudhorobha reBindura vari vese naamai vacho.Akanomutengera monarch itsva uye nehembe nebhutsu dzacho zviri zvitsva ndokumutengerawo zvekare zvese nefoni yacho yerudzi rweSamsung Note 3.Sezvo mari yaiva yati dererei akabva amutengera a very good second hand Dell laptop kubva pavakomana vamwe vaaizivana navo mutown imomo.Laptop iyoyo yaiva ichiri mugood condition kunyangwe zvazvo yaiva second hand. 2 dzakazochaya vatodzoka kumba.Zvinhu zvese zvaidiwa naHailey zvanga zvatova panzvimbo zvekuti paizoitwa a week orientation paUZ aitomira mirawo pamamonya ipapo.Mai Hailey vakatenda Ronny kusvikira vakumutenda nemisodzi.Iye akazobuda nguva dzake dzekueda kubasa dzakukwana.Akas vikonopfeka uniform yake ndokurova tuck in yekwabhoo bhoo.Achingobuda pagedhi akabva ati dhuma dhuma nevarume vaviri vaiva vakapfeka mahovhorosi eblue ekubasa kwavo.Varume ava vaiva vakatorova nemahelmet aya ane chitorch pahuma zvakaratidza kuti vaishanda mumugodhi.Ronny haana kuvaziva asi akangofungirawo kuti obvious vanoshanda vese asi akazoshamisika paaka... Paakaita sei?kkkkk lol Kkkkk *Toonana pachapter 16!*

Post Comments(0)

Leave a reply

Login to Comment