...

Alvin - Short Story

[23/03 18:22] Alvin: CLIFF BY MAXWELL CHIMEDZA:CHAPTER 1- Amai Chikudza vakapatika ndokukahadzika mushure mekunge vaona kuti vakavata pamubhedha muchipatara.Chakazonyanya kuvakandisa pfuti pasi ihama dzavo dzaiva dzakakomba mubhedha sevanhu vakaunganira muroyi apererwa nefuel yerusero ndokuedzerwa munharaunda.Kunyangwe zvazvo maziso avo aionera nechekure pekutanga, vakakwanisa kurangarira vabereki vavo,vanova Baba naAmai Mareya,hanzvadzi yavo Brian,vanin'ina vavo Tracy naJuliet.Sekuru vavo vanova hanzvadzi yaamai vavo vaivapowo.Vaivashevedza kuti Khule Garwe iro raiva zita ravo remadunhurirwa sezvo murume uyu aitsenga simbi yekuZisco Steel akaimedza kana agumbuka.Repachitupa vainzi Richard Gomo saka nenguva yakafanira vaidanidzirwa kuti Sekuru Richy.Rume iri raiva samusha ane vana vatatu,vakomana vaviri vanga vatoone mhuri dzavowo nemusikana mumwe chete aifunda mutemo paUZ.Tete Chipeneti vanga varipowo vachingochururudza misodzi kunga Zambezi muzhizha.Misodzi iyi yaiva zvino misanganiswa yechiratidzo chemafaro nechekusuwa.As you know generally tears can express various emotions.They can be that of happiness or that of sorrow-asi misodzi yavo panguva iyoyo yaimirira zvese izvozvo.Vachiri munzira kuenda kuchipatara vanhu vakapinda pachipinyangora chekuvanyararidza vachichema sechindumurwa chashaiswa rudo rwaamai.Waingovanzwa vachiti,"Trish mwana wehanzvadzi yangu wadirei kuzvivisira mumaoko emharadzi inonzi Satan?Shuwa ungasarudza kufira varume vasina direction kunga mhombwe dzepaGrowth Point?Inga ndiripo wani tete vako?Wakatadziswa nei kuuya kuzochemera mumaoko angu nhai chana chatete?Handi taizoonera pamwe sechuma chemuzukuru?Unofunga kuti pane pandaizokusiya here mwana wehanzvadzi yangu?Inga unozviziva kuti ndaikuchengeta kunga mwana akabva muwomb mangu even baba vako vaimbodya nyika rutivi.Nhasi ndipo powosarudza kuzvicherera guva neako maviri uchisiya mapudzi ako maviri asina mutariri womene kunga hukwana yaurayirwa sheche...."Baba Mareya pavakarangarira kuti mashoko ekuti "nyika rutivi"apfuura nemunzeve dzavo vakabva vakurumidza kudimburira hanzvadzi yavo isati yacrosser mamwe maboarder isina passport.Vaiziva kuti umwe wavo kana adumbirwa nehasha anogona kupfotsoka pakutaura kwake pakazoguma pamuka zvitunha zvakafa kare pakati pavo nemudzimai wavo,Amai Mareya.Vamareya vakanyaradza mwana waamai wavo vachiti,"Chinyararai Chuma,zvino tikachema kudai tisati tazvionera tega mbavha yeBocha zvingamera makumbo zvikafamba here?"Mashoko aya akataurwa nezwi rakanyoroverera uye richitapira serakagadzirwa kuChiredzi zvekuti rakakwanisa kunyararidza siChamakuvangu remhere rakanga robandangurwa naTete Chipeneti.Vakazosvika kuSt Annes Hospital vachifemera padenga nehasha misodzi yagwamba kumeso kwavo sematumbu anonoka kudyiwa nababa vanouya kumba mhuri yapinduka runomwe.Pane ino nguva Tete Chipeneti vanga vochema nerufaro nekuti mwana wehanzvadzi yavo aiva aratidza upenyu kuburikidza nekuhotsira kwaanga aita uko kwakazoita kuti amuke zvekuzoona vanga vakamukomba ava.Nerimwewo divi vaichema kuti mwana wehanzvadzi yavo aizorarama zvakanaka here kana achinge abuda muchipatara.Vachingokwanisa kuti bha maziso,Amai Chikudza vakangotanga nekubvunza kuti vana vavo Simon na Ellen vaivepi.Vakapindurwa nevabereki vavo kuti vakanga vari kuchikoro.Mukadzi mukuru akati arwutanga rwekuda kudzipura drip netsono dzaipinzisa mushonga wekuti apore,akabva adzikamiswa nehanzvadzi yake Brian,yakangomupa ziso raitaura zvizhinji,akazopedzisira achiti zvino tuzu achishaya pekutangira.In not time she had regained her senses ndokugarwa bumper negumbeze renyadzi.Pamberi paMwari chaipo kusara uri mupenyu wamboedza kuzviuraya zvinonyadzisa.Its common knowledge kuti life offers mamwe machallenges anokwanisa kuunza desperation kusvika pakuda kuzviuraya,asi ukadzikamisa pfungwa unoona kuti kurarama in its own capacity is more valuable than these earthly vanities.Lets say warasa mari yako yese yepay apa its the only amount that is separating you and poverty,woperererwa semosquito yabatwa ichinyepa kuti inorapa malaria.Vhara muromo wako wombanyidzira mhino dzako for just a minute only,suddenly you will feel an urge inobva mubody mako ichikuudza kuti,"To hell with your money,I want to live please tisiyei tirarame!!"Muviri unokuudza kudaro zvekuti unosarawo waane tariro yeraramo.Tete Chipeneti vachiona Amai Chikudza vakabengenuka vachifara semusikana apfimbwa nemukomana waairota.Vakati varwutanga rwiyo rwekuraira savatete vachigegedzera zvavo,"Tinoti Ebenezer Ishe vatisvitsva pano.Nxa mxm udambuke futi pfungwa dzako mwana waBenson,ndinokutsakatisa masikati machena,mupengo wemunhu kkkkkkkk."Mukadzi mukuru akanyemwerera zvakapenengura zisaka raaiva naro iro rainakisa chiso chake.Semunhu aibvawo kuhope huru,Amai Chikudza vakangonetsekawo nerufaro rwaiva rwoonekera pazviso zvevanhu vaiva muward mavo.Yaiva this top class private ward iyo inorapirwa hwirishingwi dzemuHarare.Amai Chikudza vakazokwanisawo kurondedzera tsava tsava yanga yovafugidza ravo vega.Vanhu vese vaiva muward umu vaingoziva nezvekasuicide note kaiva kanyorwa naAmai Chikudza vasati vadya nduru yegarwe iyo yakanga yavapinzisa muimba inovengwa nevazhinji.Katsamba aka kaiva kakanyorwa nemavara makuru kuti:NDASVADA NDURU YEGARWE NEKUTI BABA VASIMON VANDISHURA ZVEPASI PANO ZVINOTODA IYE MWARI AMENE KUTI ADEALE NAZVO EGA.Chipo musikana wavo webasa ndiye akafemerwaro ari kumaraini kwaairukwa magodi kuti pane chaakanganwa kumba.Mwanasikana aizvipinza mudare rake oga,agozviita magistrate pamwe nekuzviita musungwa achiti,"Ndadzima stove here?Ko door remicrowave rakavharika here?Ok ndakasuka ndiro dzezuro here?Ko mhamha vakangoerekana valander vakasvika zvakadaro handipinde muhot soup here?"Chokwadi musikana uyu aingonetsana nepfungwa dzake asi she was a perfectionist.She was this maid anga asina mamistakes asi musi uyu she felt like she left something chiri crucial kunyangwe zvazvo pashuwa anga aita zvese.Ari pakati pekupishana nepfungwa kudaro akazongoerekana ooneka shamwari yake Mavis yaimuruka achiti,"Shamwari Mavy sorry for the abrupt interruption,pane zvandakanganwa kugadzirisa kumba unozondipedzesa time time.Unoriziva basa redu iri kuti rinoda perfection in whatever you do.Regai ndimhanye asikana."Chipo aitotaura mashoko aya achitosimuka achizunza zunza zvivhudzi zvaive zvawira pamuviri wake paairukwa.Mavy akakangwa mate mukanwa nekuita kwemumwe wake akangokwanisa kuti,"Ibhoo chamhamha rega ndikubudise ndisare zvangu ndichiduster duster furniture mumba."Achingobudiswa pagedhi,Chipo akati gwigwigwi achikanda vakuru venhanho achiona sliding gate rakati haradada kushama.Achingoti pindikiti muyard akaita mahwekwe neRange Rover Sport 2015 Edition yaMadam Boss yakamira zvekuvharira mukova muhombe weziimba iri.Chakamutyora tyora mapfupa kuona madoor emotokari mbishi iyi akavhurika ose.Chipo akangwenda seaona chigoritoto apa onyara zvekuti kudai verandah raimedza vanhu aidai akarikumbira.Mwanasikana akagadzirisa gadzirisa hembe dzake ndokutanga kugaya mastatement ekuzonyepera mukuru wake.Akazongorovera moyo padombo ndookuti pindikiti muliving room munova makaona chisionekwi mhandara mubhawa.Chipo akakwetsura mhere achiona Amai vachiti pfau pfau kugwinha,writhing in pain.Mukadzi mukuru aingozvonyongoka achibuda ropa mumhino zvese nemunzeve apa furo zvaro hatichataure.Chipo akaringa ringa mumba achichema kudai ndokuona muhwezvwa hweropa raiva mupassage.Ndipo paakazoona ega kuti mai Simon vanga vazvikuvadzira mubedroom mavo nokudaro vakagwesha kubva ikoko kusvika vazongoti rabada mudining room.Chipo akapererwa akanga ogaya kuti nyaya yakadai ikangoenda kupolice aizoitwa chief suspect.Mwana wevanhu akazvipa zvibhakera zvitatu zvekwaManyuchi chaizvo achifunga kuti ari kurota.Akazobengenuka mushure mekunge aona kapepa kaibudikira nechemuhomwe yeblouse rewhite raiva rakapfekwa namai Simon.Akakurumidza kuvhomora kapepa kaya achiteta.Kapepa kaya kaiva kakanyorwa chikonzero chaita kuti boss vake vasarudze nzira yakakombama kudaro.She managed to gather her courage ndokubata pachipfuva chatenzi vake ndokunzwa kuti hana yavo ichirovera nechekure kure.Pakarepo akafonera dutavarwere iyo yakauya iri pfuti kuzonoponesa murwere kuchipatara.Achipedza izvozvo mwana akafonera hama dzose dzepedyo dzemukadzi achidzizivisa nezvehondo huru yavaiva vakanangisana navo.Chipo akazama kufonera VaChikudza avo vakabva vacutter phone yacho ipapo ipapo,zvikashocker Chipo.Hama dzose dzaAmai Chikudza dzakaungana pamba paSekuru Richy kuWaterfalls pakava nehurongwa hwekuti vatutirane muNissan Elgrand yaSekuru Richy,vakananga kuSt Annes Hospital iri muAvondale.Miraculously,mainsticts aChipo akanunura Madam Boss vake.Sometimes munhu kana uchingonzwa an urge to do something just go for it,you may never know that you can save a life out of it.Chipo akabva afunga tsaona yakamboitika kwaMutare kwaaibva,akaona njodzi iyoyo ichienderana nerombo rakanaka raakabvumidza kushanda naro muupenyu hwake.Tsaona iyi yakakonzerwa negonyeti rakadambuka mabrake richiri paChristmass Pass,mutyairi ndokuruma ndebvu achicontroller bedzi achiridza nehooter munguva imwe chete.Gonyeti rakadzika riri museve richipfuura nepaMutare General Hospital motokari dzichitsaukira parutivi.Rakatunhuka paMegawatt opposite Gullivers Night Club muna Robert Mugabe Street.Parakasvika pamutunhu wakakurisa unobatanidza Robert Mugabe naHebert Chitepo,gonyeti iri rakabva rapera simba ndokureverser richitsondora motokari dzaiva dzakamiswa.Motokari idzi dzakarakashwa netrailer rizere masaga embeu yechibage,dzikasiiwa ava masvingo eJericho.Fortunately,pamota dzese dzakarikitwa paisava neine vanhu asi Nissan Sunny yeblue yakapedzesera kuzhindwa ndiyo yakapotsa padiki diki yaita guva remukomana aimbovemo.Mukomana wechidiki uyu akanga auya nababa vake kuzowithdrawer mari kuCABS.Pavakapedza transaction yavo,baba vechikomana vakaenda kwaOK kunotsvaga fodya vachisiya mwana wavo akagara mumotokari.Mwana paakaona kuti baba vakuita bete rakawira mumukaka,akatevera baba vake.Achingopota paseri pebhanga ari munzira kuyambuka Hebert Chitepo,ndipo pakasara pachirikitwa motokari yavo negonyeti riya.Adzoka nababa vake ruzhinji rwakashamiswa nekuita kwevaviri ava.Vakatopemberera kuti Mwari avasunungura.Zvekuti kudai vaisava nedzinodhonza vaitotsamwira kuti motokari yavo yaparara ndava kune mipengo yevanhu inofunga kuti ma assets emulife ari more valuable than life itself!Chipo akazeya nyaya iyi akaona kuti Mwari vane simba rekununura kana tapinda mutsekwende.Haana zvake kuda kuenda kuchipatara kwaive kwaenda vamwe nekuti pamba paizosara pasina munhu,asi mumoyo make manga machenawo achizvitutumadza kuti pake aiva asakura akazunza.Zvino mai Simon vakati vorondedzera zvakavapusher kuti vade kuzviuraya.Mukadzi mukuru akatanga kupfikura asati adandaura nhunha dzake.Akangotanga achiti,"Baba Simon,iwewe Baba Simon wadirei kundisiya kudaro.Shuwa kufeeder small house apa now kumbouya nesorry zvayo."Khule Garwe pavakangonzwa kuti "small house" vakaviruka nehasha.Vakatanga kumhiza mhiza maoko maziso atotsvuka sevasvuta dzepaMalawi dzavanoti Lawez pachiRasta.Hanzvadzi dzavo ndidzo dzakavadzora zvekuti kudai vasina kudaro chokwadi mumwe aiitwa butcher pasina abattoir.Doctor Chibondokoto vakabva vapinda nemanurse avo maviri ndokutarisa mutenda wavo vakaona kuti atova nani zvekuti aigona kutobudiswa musi iwoyo.Doctor vakatsangurira munhu wese aivamo vachiti,"The primary problem behind this calamity is more psychological than medical.I am going to discharge her at around four this afternoon as I would be monitoring her periodically in between.Kazhinji stress ndiyo inotuma kuti arasike kusvika pakadai,saka ndinokumbirawo iye zvino kunemi Amai Chikudza kuti muudze hama dzenyu zvamasangana nazvo.Ndiyo first step to relieve this burden butmedically I will give you some anti-depressants to remedy the ailment quickly.You are so fortunate to escape death by a such whisker because the substance you ingested is extremely toxic.This is the first time in my thirty year medical career to witness such a shocking cure."Doctor vakagadzirisa magogorosi avo ndokuenderera mberi vachiti,"You will be fine and next time dont fall into mischief."Shasha iyi yaitaura ichinyemwerera zvayo izvo zvakaita kuti Amai Chikudza vadzorerewo nekafeint smile.Doctor havana kuzombopedza nguva varimo,vakangonyora nyora zvavaida ndiye hutu vachisiya chikwata chati nzeve kwangwa kugadzirira kuteerera zvaiva zvapinza mumwe wavo pamarumananzombe.Mai Simon vakatanga nekutsanangura kuenda kwavaiva vaita kumasowe nemurume wavo makuseni.Chijana chavo chasvika vakapfugama pamberi pamadzibaba Eria vakamirira tsanangudzo yavo.Madzibaba vakavhurira nekurova rova ndimi dzavo ndokuzopedzisira vachiti,"Ndiri kunyepa here kuti imi madzibaba maita zvekukikiritswa kuti musvike pano?"VaChikudza vakagutsurira musoro wave kunyara semukwasha awanikidzwa achichachura nyama yaambuya.Madzibaba Eria vakanangisa chiso chavo kuna mai Simon vakabvunza kuti,"Imi madzimai makarota hope dzakakusvotai nezuro manheru mukaratidzwa murandarume uyu achipakiswa ice cream nemumwe mukadzi wamusingazive vachiratidza kuti vari kumafuramhepo,ndiri kunyepa here madzimai?"Mai Simon vakashamisika nekunhonga tsono kwamadzibaba ava vakangoti,"Hongu ndizvozvo muranda washe,"nenzwi rizere nemisodzi mukati.VaChikudza vakaita sevabatwa neEbola bvavangoerekana vati,"Ndinokumbirawo kuti ndinozvibatsirawo paseri pechigwenzi icho?"Madzibaba vakatanga kuimba "Hero Betimaya" nemuridzo ndokubva vaita sevasina kunzwa chichemo chababa Simon.Mai Simon vakanga zvino vabata bhande remurume wavo kuti asaite misarinya.Madzibaba vakabairira vachiti,"Ee madzibaba pano pazambuko rinoera Eria Hakaka Hakaka,famba naye Reji.Madzibaba budisai kambudzi kenyu kephone kamuinako mushort renyu remukati?"Zvino sowe rese rakanga rachiti maziso jii kudrama remahara iri.VaChikudza vakabva vati,"Nhai munhu waShe hatikwanise kuuya pake pake here tigadzirise nyaya idzi."Apa vaitaura vakazvideredza nenzwi riri pasi pasi.Madzibaba vakasheedzera kuti munhu wese avanzwe nekuti vaipinda negejo muchechi vachinge vaona maziso evanhu.Vakati,"Aiwa munhu washe,mweya watofara kumuonai mauya makarumana kudai kuti nyaya iyoyo igadziriswe mese muri...."Havana kuzopedzisa muromo iwoyo vadimburirwa namai Simon vakati,"Iwe baba Sai buritsa rwumbudzi rwatwaurwa izvozvi vanamadzibaba vese vari pano vasati vakutorera zveganyabvu nxa!!"Baba Sai vakaringa ringa ndokuona hofori dzerume nemazuda adzo vakati ndinofirei? Chiriporipocho vakabva vagaya nyaya iya yemapurisa akaondotswa nemapostori kuBudiriro,vakati nechemumoyo,"Kana vanhu ava vachirakasha riot nemabaton sticks ayo ko ini zvangu civillian povo."Sowe rese rakatanga kusheedzera richiti,"Ngaabudise!! ngaabudise!!"Vakadzi vaivepo vaitsinhira netwuvoice twakatetepeswa nemachorus epamasowe zvichinzi,"Munonyanya kukara zviro nhasi Madzibaba Eria vakuwanikidzai."Chikwee chakatsudzurwa VaChikudza vangu takanga zvino tachiti shoyoyo kunga huku yanaiwa.Pakabva patovambwa nziyo yainzi,"Eria uri nhume yakatumwa kuzofumura pfambi dzevanhu...."Sowe rese rakadairira vanamadzibaba vachihon'era.Kuzovadaro,kkkkkkk Madzibaba Eria vakanga vodya zvino window repandege yemashanga yavakanga vakwidzwa nesowe iri.Vakanga vorova kajive kepakrawa vakabata tsvimbo yavo.Baba Simon pavakaona kuti akatoipa vakangoerekana vabudisa phone yavo izvo zvakanyararidza sowe rese.Madzibaba vakati,"Ipai mudzimai wenyu mbudzi iyoyo aende kumamessages azvionere ega."Mai Simon vakaita saizvozvo ndokuona message yakanzi Mai Dee kuinbox.Message iyi yakanga yakanzi,"Ko swty uri kuuya nguvai tizonotoresa Dee Birth kuMarket Square kusati kwazara nevanhu zvairi Friday kudai?"Achingopedza kuiverenga mukadzi mukuru akachema zvakapisa tsitsi.Madzimai aiva pasowe iri riri muSouthlea Park vakazoita besanwa rekunyararidza mumwe wavo vachiti,"Ndizvo zvinoita varume vese,hamudzizive here imbwa idzi?"Hameno kuti imbwa inorara pamubhedha mumwe chete nemunhu yakaita sei kkkkkkkkkkk??Baba Simon vakanga vachiti tsiki tsiki zvino.Madzibaba vakarova bhora mberi,"Phone iyi maane makore matatu muchiivigira mukadzi wenyu,muchiishandisa kuita mabasa erima.Munongoratidza hombe yenyu iyo kumudzimai wenyu iko kambudzi aka haakazive asi ndiko kamunoshandira vamwe vakadzi nako."Chokwadi ukakaonawo kaphone ikako hawaimbogaya kuti kaagent kegehena.Kaiva kano Samsung twuya twunoita week twusina kumbonanzva charger,kaiva kakatopera zvako makeypads.Uyu ndiwo wakava musi wekutanga kuona karabishi aka kuna mai Simon.Madzibaba vakazofinisher mai Simon paakavavhurira rimwe faira raiva pasi pemvura vachiti,"Izvozvi murume wenyu uyu akatengera vanyachide imba muKuwadzana,ndinoreva ivo vamaona muphone.Ndiko kwavari kutogara izvozvi mai Dee ivava and ndiko kunopota kuchisveerera bambo ava vachibatwa sekacheche paya pavanokuudzai kuti vabuda nebasa."Madzibaba vachingopedza kutaura,mai Simon vakabuda vari bullet pasowe iroro vachibararadza kuchema vakananga kumota yavo.Zviya zvekubvunza kundiso hunge uine kasvosve kenyaya.Mukadzi mukuru akatsika mafuta asina neshangu akananga pamusha peimwe n'anga inonzi Sekuru Gara yaigara kuHopley.Vakasvikowana nduru yegoko yavaida ndokunoidyira kumba kwavo kusvikira vazoonekwa naChipo vachizoendeswa kuchipatara.Hama dzavo dzichinzwa nyaya yakadai dzakabatwa nekuvenga mukwambo with a great passion.Zvekuti kudai vaizomuona achidyiwa neshumba chokwadi vaiwedzera chilli nesalt kuti shumba idzungudze musoro ichiimba manhanga kutapira nekunakirwa.Brian akangoti,"Chokwadi ungapinza hanzvadzi yangu yakanaka pakadai?"Uyu mubvunzo wakabvunzwa zvine mutsindo mukati and aiti kana atsamwawo aikunda garwe rabirwa mazai aro.Bhera revisiting hour rakazorira vakayambirwa nevemuchipatara kuti vaigona kumirira mumwe wavo panze kuitira paanozobudiswa kuma4.Vese vakarangana kuti vazogarire mai Simon sezvo 2 dzaiva dzatochaya.Mai Simon vakazobuditswa kuma4 pakaitwa hurongwa hwekuti vaende kunorara kumba kwevabereki vavo kuHatfield vachironga Plan B.Chifumi chamangwana ndipo pavaizoronga kusangana vose kuHatfield ikoko voita mubatirapamwe.Vana vaizosara vakatarirwa naChipo kumba kwavo kuGreendale izvo zvaisambonetsa nekuti vaiva vajairirana.Pakadzoka vana kubva kuchikoro Chipo akangovaudza kuti mhamha vaenda kwagogo nekuti gogo vari kurwara.Vana havana kupokana nazvo vakatanga kutonetsera Chipo nyaya yehomework yavaida kuzoita throughout the weekend.Madhara madhara hameno kwavakarara musi iwoyo......kkkkkkkkkkk Chii chichazobuda pameeting kuHatfield?Mubvunzo uyu uchapindurwa muchitsauko chinotevera icho chiri kuparurwa very soon 0738815539 Dr Maxx's Stories [23/03 18:22] Alvin: CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA:CHAPTER 6---------------Benz nhema yakatsikwa namai Simon vakananga kuEdith.Mumota umu maibandangurwa 'Murambinda' zvekuti vaviri ava vaidarirana kunyanya paya painoti,"Chikomba ndakuberekera....."Kadress kamai Simon kaiva kakakwinyika kumusoro kuburikidza nekugara kwavaiva vakaita zvekuti Cliff akagutsikana nekuona chete.Airamba akayeva zvidya zvamai Simon zvaiva zvakatsvuka apa zvichipenyerera zviine twumapundu pundu kunga ganda rehuku yakaundurwa.Vari kuzunguzika neMurambinda kudaro Cliff anga akuzvituka nechemukati,"Nxaa haa ndazomhanyawo apa.Haa pakadai apa kunyangwe zvikanzi vane AIDS zvine basa rei ndadya zvangu muchero wakadai.After all AIDS haiurayi,chinouraya rufu.Apa takungoendera zvedu chirango otherwise zvakadai hazvibvunzirwe.One has to report after duty."Cliff aitaura izvi achitonyemwerera zvakaonekwa namai Simon vakabva vati,"Ooo Cliff your smile inondinyunguditsa and your lips are so inviting."Cliff akapererwa nemashoko ndokungotsvoda mai Simon padama vachityaira zvavo.Benz yakazosvika pamarobots epaMbare Police Station ndokutendeuka ichinanga kuEdith.Gedhi repa Edith rinogara rakati haradada kuvhurika zvikuru kana iri nguva yebasa saka Benz yakangoita mufambanyore ichipinda muchivanze chekiriniki iyi.Panze paiva pazere madzimai aiva auya kuzoyeresa vana vavo.Vakoti pavakangoti baa kuona simbi yemota iyi chakava chipata pata pakiriniki iyi vachigadzirisa mhosvo nekuti vakanga vagaya kuti gurukota rezvehutano rauya kuzoona mashandiro avo,zvekuti kudai raizoona pakasaririra chokwadi paidzingwa munhu kkkkkkk.Apa chakanyanya kubata bata vanhu vese vaivepo ndeche kuti Benzi iyi yaisava nemanumber plates.Zvochiti nekuvaima kwayo vanhu vakangotenderana kuti madzimambo enyika anenge avatsika.Motokari ine tint munozviziva kuti inobhohwera nyaya yekuti ari kunze haaone zviri mukati asi ari mukati anoona zvese zviri kunze.Nokudaro Cliff namai Simon vaitoseka vachitoona zvavo besanwa ravakanga vakonzera panze.Zvochitiwo nekunonoka kubuda kwavakaita zvakabva zvatopa huremu hwakafanira.Vakati zvavo voda kubuda,mai Simon vakapfeka maboni boni matema tema,Cliff ndokugadzirisa kepisi yake zvekusada kuonekwa chiso.Mai Simon ndivo vakatanga kubudisa makumbo avo panze izvo zvakapetesa muswe yevakadzi vaivapo vaona mapumps avaiva vakapfeka.Vazhinji vaivepo vakada kuenzanisa avaiva vakapfeka naamai Simon ndokuona vega kuti ari kufamba netsoka ari nane kuvapfuura.Cliff akazodzika ndokufamba akabatana maoko namai Simon vanhu ndokuzonyevenuka zvavo vaonawo kuti vanenge vechidiki vashanyawo pakiriniki.Mupfekero waiva wakaita vaviri ava ndiwo waiita kuti varatidzike sevadiki vachiri kudanana vasati varoorana.Vanhu havana kuzova nemibvunzo yakawanda pavakaona vaviri ava vakananga kukamuri inoongororwa vanhu ropa.Vamwe ndivo vaingoti,"Mangezi aya izvozvi pari kurongwa zveroora nemuchato saka apa kuda kuziva pavamire.Chokwadi life inosiyana vamwe vachiita zvakadaro isu tichitizira nekamonarch kehembe dzanzwa negreen bar."Vamwe vechikuru ndivo vaidairira vachiti,"Vana ava vanovimbana shuwa.Imba yavo ichange yakasimba."Vanhu vese vaisaziva kuti shasha dzavari kureva dzine vana vaviri vaviri.Nhema dzikaputirwa nezvakanaka dzinoita sedzakachena.Vakazosvika pamusuwo wekamuri iyi ndokugogodza vakanzi vapinde.Vaviri vakapinda zvavo ndokupihwa zvavo pekugara nemurume mutsvuku aishanda imomo.Murume uyu aigara achisekerera uye aiva ajaira basa rake zvekuti munguva shoma shoma yanga yagara mai Simon naCliff vanga vatosununguka.Mushandi uyu akatanga nekuti,"Titambire vanhuwe maita zvakanaka matipawo basa nhasi kudai,kuno kunotyiwa nevazhinji kkkkkk.Ko macards ekumuchato aripi asi hamutide ikoko kani?"Murume uyu aitaura achiputika zvake nesetswa zvekuti mai Simon naCliff vakabva vatarisana ndokuseka zvavo.Cliff haana kuda kupedza nguva ndokuti,"Inga munofembera ndakutoda kugara nechimhomz changu full time pakitchen saka tauya for testing maiziva."Murume uya akati,"Izvo zvega,haa ndokubasa kwacho ka.Ndototanga nemika samudhara.Tambanudzai ruoko rwenyu titotange basa."Cliff akatambanudzira ruoko rwake rwerudyi kune murume uyu ndokubaiwa pachigunwe chihombe nekatsono kavanoshandisa kaya,ropa rake ndokusvetwa nekapipe kaya kavanoshandisa zvakare ndokudonhedzera pakakadhi kaya kane mitsetse miviri inoongorora yacho.Ropa raCliff rakayerera kudivi rimwe chete izvo zvinoratidza kuti raiva rakachena.Chijana chamai Simon chakasvika bvavatanga kubvunda ropa risati rafamba.Hapana asingazvizive kuti kuongororwa ropa kunongotyisa tyisa kunyangwe uchiziva kuti hauna chirwere.Mukadzi mukuru akazopombonoka aonawo kuti rake rakachenawo,ndokumbundira mudiwa wake vachipemberera zvavo.Murume mutsvuku akagamha mafaro aya nekuti,"Mobatana bhoo mumba umo.Hatidi kuzonzwa zvefight ka.Shuwa ndingakuputitsai nekuti zvinenge zvandisvota semunhu akatanga kukusimbisai kudaro."Vanhu vese vakaseka akava mafaro bedzi bedzi aya akaimbwa naBlessing Shumba.Mai Simon havaitana kurudunura homwe sebhobhiri reshinda.Vakavhura purse yavo ndokubuditsa $10 vachipa murume uya vachiti,"Oi mukoma mosara muchinwa drink.Gara zviya hatina kuzivana isu tinoitwa baba namai Maruta sevanhu vari munzira kupedza zveroorano kkkk,"vainyepa zvavo.Rume rakaita serichabvoora matenga machena ekamuri nemufaro zvikanzi,"Ini ndinoitwa Kamoto maita basa sistran."Cliff akagaya nezveka$10 kake kaaiva atambidzwa naMelford makuseni iwayo ndokutaura mumoyo make achiti,"Kana vamwe vachiti $10 ndeyedrink bedzi saka kana zvava zvefuel makoponi ega ega ka kwavari.Rwendo rwuno ndakazvibatira Beyonce wangu wemuZimbabwe."Vaviri vakaoneka ndokubuda zvavo panze voronga zverwendo rwavo.Nguva dzakanga dzava 10:35 mai Simon ndokuti,"Yaa wakaura waida kunditsvagira mhosva manje wazviruza kutanga now chitedzerera zvandinokurayira."Cliff akabata mai Simon ruoko vakananga kumotokari,"So what is the punishment honey,"aitaura achinyerekedza nyerekedza ruoko rwavo izvo zvakagwinhisa muviri wavo.Mai Simon vakanyatsonzwa kuti pana Cliff iHwange Power Station yega yega ndokuti,"Lets leave the car behind tiende koshopper for food.Then the rest uchangozvionerawo kumberi."Cliff akati,"This is Mbare ka tikadzoka mota pasina kana kuti yatokodorwa mavhiri or any other vital part unoita sei?"Mai Simon vakatanga vaseka zviya zvesvoto ndokuti,"Its under strict surveillance zvekuti any silly mistake maculprits anenge atotonhorerwa.Anyway let me ask this guy to oversee it,"Mai Simon vakanga voreva mukomana akanga akapfeka hovhorosi achidiridza maruva epakiriniki apa.Vakataurirana nekunzwisisana nemukomana uyu kuti vaizouya kotora motokari yavo kana vadzoka.Vaviri vakarezvana vakananga kwaOK.Cliff aisamboziva zvaida kunotengwa uye aisava neremuromo sezvo anga aiswa pasi peshamhu namai Simon.Vakapinda maOK Mbare ndokuenda kuya kunotengeswa zvinwiwa.Mai Simon vakasvikonhonga ma100% Pineapple Fruit Juice matatu avaiziva kuti anofarirwa naCliff.Vapedza vakaenda kumafiriji edoro ndokunhonga masix pack maviri emaRedds nezibhodhoro rimwe chete reStrawberry Lips raiita $25.Kabhasikiti kavo karongeka vakananga kutill ndokuona ose aine midungwe yakareba yekuti yaigona kuvadyira nguva varipo.Mai Simon vakaringa ringa ndokuti zano usandirege vakananga kumberi kwemumwe mudungwe wetill yekutanga.Vakaona imwe chembere yaiva nezvingwa zviviri zviya zvinoita 80cents.Vakaisvikira ndokuti,"Regai zvenyu kubhadhara amai.Manje zvapasina sugar yacho nemukaka tingatemure here asikana musadaro.Cliff may you please take 4kg dzesugar,matin two eRicoffy,margarine ari special acho,jam nemabox two eCremora uuye nazvo pano so far pane achiri kuchayirwa pamberi pedu.Usakanganwe crate rethose big eggs ekuIrivines andiri kuona ayo.Taane nzara ka tinoda kunobikirwa nagogo vevana vedu ava."Cliff akakurumidza kunotora iri trolley ndokunounganidza zvose kwenguva diki diki.Mbuya vakangoshamiswawo neshura ravanga vasangana naro mangwanani iwayo vakangoti nechemumoyo,"Mwari wangu mandibvira nepi.Inga minamato yangu yanzwikwa."Vari kupishana nemafaro kudai Cliff akabva asvikawo netrolley yaiva izere grocery ragogo ava.Vakabva vabatanidzira nezvavo ndokuchayisa zvose jana ravo rasvika.Zvinhu zvese zvakaita $62.Mai Simon vakangobudisa kaBenjamin katsva ndokutambidza till operator vachiti,"Sisi change yacho mopa mhamha vangu ava vanobatsirika kumba.Isu takutora zvedu tiende tiri kumashure kwenguva."Gogo vakangoeredza misodzi ndokukoka vaviri ava kuti vauyewo kuzomwa tea kumba kwavo kuMatererini Flats.Mai Simon vakangoti,"Dont worry Gogo.Endai munofeeder vazukuru,isu tiri kumhanya ndokusaka tadai.Kudai zvisizvo taitoswera tese nhasi,"vaitotaura vachipakira zvinhu zvavo mumapaper bag vobuda kunze kuti vaende.Gogo vakangodzungudza musoro wavo wavakunetsekawo kuti munana wakadai wakakomba shuwa.Chimwe chimukomana chemusombodhia chakasheedzera,"Muchapinzwa musatanism nekukara zvinhu gogaz."Kuzovadaro gogo vaya vanga vatosanduka.Chembere dzemuMbare dzinotofa ka nemunhu,"Ndizvo zvinokutuma kuti umwe kachasu makuseni seni ano.Unenge wakakweshwa nhova nehwahwa iwe ndizvo zvinorituma kuti ripfeke wardobe yese yebhero remashoti muchingorembedza mabhurugwa.Ndofunga hembe dzako dzese dzawakapfeka izvozvi dzikagezwa mvura ine tsvina yadzo inomutsa chitima chedhiziri chikatosvika kwaMutare.Horaiti kana ari masatanist akanaka anofeeder vasina nxaa usandibhohwe mwana wembwa isina muswe."Pakazoita mugadhi akabata gogo ava ndokuvanyararidza apa vanhu vakungoseka mukomana uya akunyara nekuti anga akururwa hembe dzese pajekerere. CLIFF anga atojairira katsika kamai Simon nenguva shoma shoma zvekuti haana kuratidza kushamiswa rwendo rwuno.Aitomirizika mirizika kuita semari yake iri kushanda.Munhu ukafambawo nemhene itawo semhene hapafanirwe kuonekwa musiyano.Matsotsi erudo aya akandundurudzana nemapaper bags avo akananga kuChicken Slice Mbare.Mai Simon vakabva vatenga ziChicken Slice re$5 riya rinenge rakagukuchira gomo remafresh chips pamwe nemipon'oro yemadrumsticks.Vakasvika ndokupinda zvavo mumusika wemichero chaiwo.Mai Simon vakasiyei,panoti maapple,bananas,mapineapple,magaka zvese nemaplum ndokuudza Cliff kuti vari kuda kunomugadzirira fruit salad kwavachaenda.Munozviziva kuti michero yakacheaper chose mumusika weMbare zvekuti zvese zvavakatenga zvakaita $6 bedzi.Mai Simon vakaburitsa ka$10 ndokupa mutengesi vachiti,"Keep change."Mutengesi akafara zvekubvunza nemutupo wamai Simon kuti anyatsotenda zvakazara.Vaviri vakazobuda mumusika uyu ndokunanga kuEdith.Vakasvika mota yavo yakachengetedzeka uye ichiratidza kuti yanga yambogezwa sezvo makuseni kwaiva nemhepo yaivhuvhuta ichisimudza guruva iro raisvibisa motokari.Mai Simon vakabatikana nekuita kwemukomana uyu wehovhurosi ndokumutambidza chi$20 izvo zvakaita kuti mukomana uyu avabatsire kuisa zvinhu zvavo muboot achizhinya zhinya seachatsemuka kumeso.Vakomana vekuMbare vanokushainisira bhutsu yako yakachena kare kuti uvape mari chete,vanoitsvaga nedemo rakapinza.Vaviri vakapinda muBenz yavo mushure mekunga vaonekana nemukomana uyu,kiriniki yese ikasara yakamira hoo.Mukomana uya akasara achivhairira vanhu zvanzi,"Aya ndomaboss kwete zvekanzuru zvekutinyima pay kunga tiri kuripa ngozi yekuMozambique nxaa,"vanhu vakasara zvavo vachiseka Benz yakananga paEngen Filling Station.Mai Simon vakazadza tank ravo nekoponi Cliff akaona ega kuti nezvake zvekumbotenga fuel nejerry can haaikwana apa.Pana mai Simon akaona kuti aisava nedoor kana window zvaro rinopinza mweya wekufema wakanaka wemahara.Cliff akatarisa padash board akaona kuti tank raguta zvekupfachukira zviya.Vapedza chikamu ichi mai Simon vakasimudza Benz vakananga kudivi rekudhorobha ndokuudza Cliff kuti vaida kumuendesa kuHunyani Hills iya iri kuLake Chivero.Cliff akasvitwa kudenga regumi nemashoko aya nekuti aiizivira paakamboenda kumuchato wasekuru wake,zvekuti inzvimbo inganofarirwa nenjiva dzerudo zvaivawo kuhope dzake.Aivawo manatsa mukanwa kurota chembere ichiyamwa.Akatanga achizvataudza ega achiti,"Uuumm hahaha haranga iyi ine mahwani.Kudai yaiva nematwo taisheya.Muchato chaiwo unotora mwedzi hobho uchirongwa kuti vanhu vaupemberere kunzvimbo yakadai.Zvino simbi iyi iri kuda kundifadza munzvimbo iyi zvayaronga kwemahours chete chete.Ndazozviona mari ndoo mukuru.Kana uine mari kana passport iya inonzi inotora six weeks kuti ibude,unoitora within ten minutes sechitupa.Regai tidye mari kuHarare kuti ndisu takauraya Jesu here?Hahahahaha."Vaviri vaidairirana 'Furuwa Furuwa'yairira mumota umu apa motokari ichimedza tara ichidzikisira naRotten Row ndiye tande naBulawayo Road mushure mekunga yambosvika pamarobots aya epaZanu PF Headquarters.Benz yakanyigwa chepakati mai Simon ndokuerekana vapinda nayo paHorizon Ivato Supermarket.Vakarayira Cliff kuti asare zvake ari mumota sezvo vaizokurumidza kudzoka.Mabasa aCliff munongomazivawo.Murume uyu shuwa kushanja kunga mwana wekucreche kudaro.Akavhura drawer redash board ndokuona zvimari zvakaparadzana zvirimo.Ma$50,ma$20,$10,madhora,mapondo nezvimabond kobiri.Cliff akaveverera chi$50 ndokuchipfonyera muhomwe make ndokunyepera kurara akatsamhira seat nemanhede.Mai Simon vakauya vakagukuchira zibhobhoro rechampagne raiita $75.Vakarikanda kuback seat ndokubuda zvavo vochiti tande nenzira.Hoyo paKuwadzana Roundabout ndiye pfuurei paSnake World.Nenguva isipi vanga vatosvika kuLake Chivero.Munzira mese mai Simon vaifarawo nekuti vakanga vaona kuti varatidza Cliff humari hwavo hwese kusvikira pachiyero chekuti vanga vamusunga nembariro.Zvese zvavaiva vaita musi uyu kwaida kuratidza Cliff kuti akaita zvekutamba anoenda kumakuva nekudya mari chete.MIGOVERA yega yega kuLake Chivero kunozara zvisingaite uye inzvimbo yakakura zvekuti unoona mhuri nevechidiki vachigocha nekutandara zvavo,asi tiri munzvimbo iyoyo kudivi rekuHunyani Hills hakusvikike zvechibharanzi.Kunyangwe kuitira muchato ikoko zvinotoda uine yakareba.Nokudaro vashandi vepalodge iyi pavakaona Benz ichiparker necheparukova vakamhanya mhanya kutambira vaenzi ava zvekuti zvinhu zvavo zvaiva muboot zvakatambirwa zvese zvikanotsvetwa mureception.Mai Simon vakabhadhara $200 yekuti vaswere naCliff panzvimbo iyi.Vakapihwa kamuri ine zimutepfetepfe remubhedha,kitchen yaivemo pamwe neen suite yaiva nematiles machena aipenya zvekuti munhu anogona kukweshera mazino ake pamberi pawo achitoona kuti anyatsochena here.Vakaendeserwa zvavo kukitchen ndokusara vakavata zvavo pazimubhedha riya.Vashandi vakauya vakagadzirisa room temperature yaidiwa nemaguests.Vaviri vakazosara ndokuerekana vagukuchirana,pasina nguva tsvodi dzakanga dzonaya miviri yose.Hazvina kutora nguva kuti hembe dziite murwi padivi remubhedha,vaviri vakuendesa kusingadzokwi.Ndiye Harare Bindura Harare Bindura,AMEN!!!Vakapedza zvavo ndokumbozororera vachiyemerana.Vakazosimudzana ndokuenda kushower uko vakanopisa mutambo zvakare vakamira zvavo mvura ichiyerera miviri yose.Vapedza vakazorana mafuta misana yose ndokuzopfeka zvakare mbatya dzavo voita sepasina chavaita kkkkk.Mai Simon vakaparadzana naCliff voenda kukitchen kungadzira zvekubika,Cliff achisara achona zvake bhora akazvambara pamubhedha achiseredzera nyama yaanga abva kudya kkkk.Mai Simon vakaona kuti vakanganwa kutenga yoghurt yekugadzirisa fruit salad nayo ndokufonera veroom service ava vakabva vauya nezigaba reMayo Strawberry Flavoured Yoghurt.Vakabva wavaraira kuti vagadzirirwe tafura yakaisvonaka yakatarisa mhenderekedzo yelake kuti vatandare zvavo naCliff.Vashandi vakakumbira kuna mai Simon vachiti,"Maam can we set the food for you?"Mai Simon ndokutanga vasekerera ndokuti,"No thanks I can manage.In fact I will do that coz its a private touch with my husband.What I can do for you two is to hand you over this tip for the best services rendered so far."Vakabva vatambidza vasikana vaya $50 yakabatana vakabva vaoneka pamwe nekutenda vachifara zvavo.Mai Simon vakasara vachidziisa Chicken Slice yavo mumicrowave pamwe nekugadzira fruit salad yavo.Vakabuda panze vachinowaridza jira jena patafura,vogadzika ndiro dzetwunonaka patafura iyi zvese nezvinwiwa zvacho.Musuwo waivabudisa kunze waiva kukitchen ikoko zvekuti Cliff aisatomboona catering yese iyi.Aiona zvake bhora pamwe nekugaya zvipande zvake kuti zvaizopera sei.Mumoyo make akanga onyara kuudza mai Simon nhamo dzake.Hongu aiziva kuti vaizomubatsira asi zvinongonyadzisawo kukumbira mari kumunhukadzi uri murume.Mukugara kwedu murume anozivikanwa sedhonza remhuri zvino kana dhonza rodhonzwa zvinenge zvatoipa.Cliff akazongiti aizoda kuona kwainowira tsvimbo nedohwe.MAI SIMON vakapedza kuronga tafura yavo ndokusheedza Cliff vakananga kunze.Vakatora zibhodhoro ravo rechampagne ndokukurura shangu,Cliff ndokupeta peta jean rake vakananga kulake kunoriputitsira ikoko.Champagne yakaputitswa namai Simon vaviri vachipemberera ungano yavo itsva iyi.Vakatanga kudzingirirana zvechikudo kudo vachikafinyana kafinyana vari mumahombekombe elake.Vaneta zvavo vakaenda kunogara patafura ndokutanga kudya machips nechicken zvaiva zviri mundiro dzakashongedzwa nemaruva erudo.Cliff akanyodzora nyama iyi vachipakisana zvavo.Vapedza zvavo vakadirirana Strawberry Lips mutwugirazi twavo twuya twakareba reba ndokurova kacheers,haiwa vaiita sevari kuhoneymoon.Six pack yemaRedds yakazovhurwa mai Simon ndokuvhundutswa nekunwa kwaCliff.Cliff aitomwira zviya zvekuti arionera pano,zvochiti nestress yezvipande munguva shoma shoma anga atogundurutsa maRedds mana.Cliff ainwira zvekutsvaga zviwindi.Mai Simon vakaona mumwe wavo kuti angazviparadza ndokuti,"Clifford uri kumhanyirei padoro rakawanda kudai.Cant you see kuti you can kill yourself zvoenda nepamwe." Cliff anga azvironga zvake kuti aone mapinzire enyaya ndokungoti,"Zvakaoma sweet.Burden yandiinayo mahwani.Ndinotenda nekundifadza kwawandiita but ndikadzoka kumba madebts akandigara bumper.Izvozvi ndiri kuda kutobudiswa mushop yandiri kurenta nenyaya yewaya bedzi apa kuchikoro kwemwana wangu vari kuda balance yavo."Mai Simon vakaita twuhasha twemazirudo twuya ndokupa Cliff kambama kakaya kane kakutsamwirira mukati vachiti,"Cliff you know what dont be stupid honey.Today you are smiling all the way uchienda kumba.Izvo zvitete izvo,I will sort you out takuenda now handina purse pandiri pano,wozondiyeuchidza takudzoka."Izvo mai Simon pane zvavanga vachiri kuda kubva kuna Cliff.Havana zvavo kujekesa pachena asi Cliff semunhu aiva akangwarangwanduka akaziva tsoro yacho ndokupindura mai Simon neziFrench Kiss riya rekutoda kumedzana ndimi.4:00 dzezuva rovira dzachaya vaviri vakasimuka ndokuenda kunonyatsopfeka kuti varove pasi.Vakasiya vaoneka zvakanaka ndokupaza tara vakananga kwakare kuHarare.Vafamba chinhambwe chakati kuti mai Simon vakatsaukira padivi penzira basa revakuru ndokutsva vakapfeka hembe kudaro seat remota rakaita kakurariswa.Hapana aiona huori hwaiva mukati nenyaya yetint.Vazipirana zvavo mai Simon vakabudisa $300 ndokutambidza Cliff.Cliff akafara zvekuda kupa mai Simon chimwe chikafu chenyama asi akatarisa nguva akaona dzacharika.Ne$360 muhomwe mukuru akaona ega kuti akaudza mai Ruth kuti "kucar sale"kuri kufaya havaimbozvipikisa nekuti umboo hunenge hwuripo ka.MuBenzi mairidzwa 'Disappear'yaWinky D,mai Simon vachiwainira vari paseat vachityaira zvavo.Ungazofunga kuti mukadzi ane thirty two years nevana vaviri here iyeye.Cliff akatumira Melford tsambambozha yekuti asvitse motokari pamukova nebasa nekuti iye anga akutosvika.Melford akaita saizvozvo ndokuenda zvake Cliff ava paservice station iya yepaCobacabana.Akakumbira kuti mai Simon vamudzikisire ipapo nekuti paiva nechinhambwe chihombe nekubasa kwake.Mai Simon vakaburutsa Cliff vakutoyerera misodzi yerudo vakutomusuwa nekuti Cliff aiva avasvitsa kwamvurayachekamakumbo kuya kwaisasvikwa nababa Simon.Vakatambanudzira Cliff ruoko rwavo rwaiva nekoponi refuel vachiti,"I will really miss you.Take it undifungewo naro until taronga next date.Nekuti kuparadzana newe kudai hongu zvinogona kuva zvezuva rimwe chete bedzi asi kanguva kandinenge ndisinewe ikaka ilifetime kwandiri.Take care and bye,"vaitaura mashoko aya vachitoerera misodzi kunga vafirwa nemunhu wavanodisisisa.Vakatsvoda chanza chaCliff ndokutsika mafuta vakananga kubasa kwavo apa Cliff achinangawo kwake kwaakasvikonosimudza mota yake akananga kwamai Ruru.Mumota mairira zvamo "Gumkum"yaSoulja Love hahahahahaha---------CLIFF KA CLIFF KA URI KUITA SEI SISTER YANGU MAI RURU ASI HEY WAKAOMA kkkkk.Watch out for Chapter 7 zvakunakidza manje lol and dont forge [23/03 18:22] Alvin: CLIFF BY MAXWELL CHIMEDZA:CHAPTER 5 CLIFF akasvika kumba kwake na6:30 madekwana iwaya.Akasvikotambirwa nemaoko maviri namai Ruru semazuva ose.MaFriday ose vaiziva kuti murume wavo aihudzasa saka havana kumbokakavara naye.Vakakwazisana netsvodi dzavo semazuva ese,mai Ruru ndokugadzika murume wavo pasofa ndokumuunzira Dragon Energy Drink kuti asanzwiswe hope nedoro nekuti vaida kumbokurukura.Vana vakauya ndokusweresa baba ndokudzokera kwavo kunotamba.Mai Ruru vakakurura bhutsu dzemurume wavo ndokukatanura button rimwe chete rekumusoro reshirt yavo kuti afefeterwe.Chiriporipocho Cliff anga atobengenutswa neDragon akukwanisa kugaya zvakajeka.Mai Ruru vakagara pamakumbo emurume wavo ndokuti,"Sweety nhasi landlord vauya vachivava zvekuti ndatozovanyengetedza kuti vapinde mumba.Unongovazivai wo kuti hadzina kukwanawo paya zvekuti kudai ndisina kusimba line rose raizviziva kuti ndizvo zviripo tikaswera toitwa party nenharaunda.Patapinda mumba tamboedza kukufonerai asi yaramba kuita through."Cliff akabva atorangarira kuti ambodzima phone yake ari kwaMai Mareya nguva iya yose yaakadya pamwe nekuzomwa doro,akabva abvunza achiti,"Saka vazotii?What was her final say?"Mai Ruru vakabata maoko emurume wavo ndokuti,"Vangoti vari kuda mari yavo chete.Ndizvo zvavataura,nothing much nothing less."Cliff akati,"Saka ndizvo chete zvavabvira kuDZ kwese uko?Kudai vada kuti kamanisa zviya zvekutibudisa ipapo ipapo taimugara mahara muno three months dzakakwana.Manje havana kukanda kana notice zvayo uku kungodawo zvavo mari.Vanofunga kuti tingagara muHarare mahara here.Nguva iyoyo yamaiedza kundifonera manga muchatovhiringa madhiri angu nekuti ndanga nditori pakati pedhiri ratozondibuditsira mari iyi."Cliff akataura mashoko aya achiratidza mai Ruru $210 yaanga asara nayo ndokuvatsanangurira kuti yaiva $230 asi anga angobvisa $20 yefuel chete.Mai Ruru vakakanuka ndokuti,"Iii nhasi washanda sweety.Ko rent yekubasa uchazvifambisa sei apa kuchikoro kwaRuth vakuda $50 iya yakasara.Unovaziva vepaTynwald Primary kuti kana voda mari yavo vanotodzingira pachiri pagedhi chaipo Monday chakatochaya apa munomu macho grocery roderera asi zvazvambodai tinomboti tambanukei."Cliff akaona pachena kuti dzaiva dzamumomotera.Chokwadi basa rake raiva rakaoma nekuti raisava nefixed salary saka dzaiva njuga furu mupaka.Unoziva kana uine muhoro waunotarisira kupera kwemwedzi you will be rest assured that basic necessities such as rent and food can be covered.Manje kana zviri zvekutengesa tengesa izvi kuunganidza mari yacho kusvika yabatana yoita chisvinu zvinotoda moyo wamai Mariya.Hazvizoshatiwo misi yose yemwedzi zvekuti pamwedzi wose haushaye zuva raunotorawo mari yakawanda wombopedza zvipande zvose-ndiwo mararamiro aiita Cliff.Mhuri yakanga yakurawo saka kuti agare muimba diki zvaisaitawo ndokusaka aitseketudzira pafour rooms ipapo.Cliff akazongoti,"Bvisai $150 yerent movapa mangwana.Vatumirei text nhasi muchivaudza kuti vauye kuzotora mari yavo mangwana.Imwe $60 yese yasara motenga zvese zvamuri kuda mumba muno."Aiwa baba Ruru ko rent yekushop kwedu tichaita sei?"Mai Ruru vakabvunzurudza.Cliff akapindura achiti,"Mai Ruth mari yatinodai kuwana iyi tikada kuiitira Maths sterek hapana chinobuda.Kutopedza nguva kumirira ndege paRoadport,nekuti kubudgeter masororo aya istress coz haimbofi yakakwana zvese zvatingada panguva imwe chete.The best way is to prioritise some urgent commitments then the rest zvinozozviita zvega.Remember tomorrow ndiri kutanga basa kucar sale,who knows that I can strike gold on my debut thereby settling all debts?Handi mapaona ka?"Mai Ruru vakangonyemwerera kuratidza kuti vanga vatyora tyorwa mapfupa nesweet tongue yemurume wavo.Mai Ruru vaiva vakasiyana nemamwe madzimai pakuti havaipa murume wavo unnecessary pressure zvikuru sei pazvinhu zvisipo.Kunyangwe zvinhu ari manyama amire nerongo,vaitaura vakapora zvisina bvepfepfe mukati zviya zvakasiyana nezviya zvekuti unonzwa murume akuzoti,"Okay mirai ndizvicheke cheke mundidye!"Mai Ruru vakazosimuka pamakumbo avaiva vakagara ndokutora phone yemurume wavo yaanga agadzika patafura votangisa rwiyo rwavo rwekutsvaga kuti hamuna mapete here muphone kkkkk.Vakafamba ndokumira nechekuseri kwetafura ndokudzika zvavo nemacontacts ndokuita mahwekwe nenumber yanga yakanzi 'Dubai Dealer'.Vakaenda kunoivhenekera kuWhatsapp ndokuona paine profile picture yechimuyellow bone chakapfeka an executive skirt yered neblouse racho risina maoko riri richena.Chisimbi ichi chaiva chakagara muhofisi mune midziyo yaioneka kuti yakatokwidzwa ndege kubva kuChando uko kwevemhino refu.Mai Ruru vakada kuzvienzanisa namadam ava asi pavakanyatsoongorora short weave yaiva pamusoro wavo,vakaona vega kuti kana kuita musikana webasa waamai ava vaisakwana.Mutsoka maamai ava maiva nestilleto yeblack iine hiri inenge chipikiri zvekuti mai Ruru vakaona vega kuti mukadzi uyu aiva akapfeka zvisi simple but zviri classy.Mai Ruru vakasungwa neshanje ipapo ipapo nekuti vanga vasina kumboona nhamba idzi kumashure ndokupatitsa Cliff anga akuvarairwa neTV,nemubvunzo waiti,"Koo Dubai Dealer ava ndevapi?"Cliff akakurumidza kuti,"Ndiye mudhara anenge achitibatsira kupinza mota dzatinenge tichitengesa kucar sale,"akadzikama zvake ndava ukaita zvepapazi chinotsvuka chikakwata.Mai Ruru vakabata chiuno chavo neruoko rweruboshwe ndokuti,"Mudhara anopfeka skirt aine make up kumeso?KuDubai kwaane number dzinotanga na+263?"Cliff akati,"Let me explain sweety.He is one of the local agents ndiye anozotiitira mapepa kuti mota dzipinde mumaoko edu tozotengesa tichiwana commission.Pamwe mukadzi wavaona mudzimai wemudhara iyeye nekuti kubva patatanga nyaya idzi hatina munhukadzi watasangana naye.Sorry I hadnt fully explain about our logistics to you."Mai Ruru vanga vakunyara nyara zvino nekuti vanga vaona kuti vatsvairwa nemashoko ndokuti,"You better explain hubby,"ndokutsveta phone pasi voswinger vakananga kukitchen.Apa zvipiko mazino ehuku,Cliff anga asaver nhamba dzamai Simon dzakanzi 'Dubai Dealer' iri nzira yekuda kurasisa matororo erudo rwekubira.Mhuri yakazosangana patafura ndokudya vasati vanamata ndokurara.Cliff namai Ruru vaisanyanyoda kutaura zvemitero yemba vari mubedroom nekuti vaikoshesa imba iyi.Vaingozviitawo nekure vakafarisa semusi uya wainyeperwa mai Ruru nezvekucar sale kkkkkkkkk. Zuva rakatevera Cliff akamuka makuseni seni semazuva ose ndokugeza zvake.Apedza kuuraya garwe akapfeka skin jean rake reblue rine mabvaru bvaru pamberi paro,t shirt chena yanga yakanyorwa kuti CLIFF MOTOR PARTS pamwe nekepisi yacho chena iri flat base yakanyorwawo mavara ivaya.Mutsoka aiva akadema Nike Air Max 2 yaakatenga $60 kubva kuvakomana vaya vechidiki vanotengesa zvipfeko paJoina City.Kana akapfeka kudai mai Ruru vaiita kukwata neshanje zvekuti mangwanani akadaro vaigare vakagukuchira phone yaCliff.Chokwadi mbatya idzi dzaimudema and they made him look like a teenager.Cliff akazomwa tea ndokuoneka akananga kubasa kwake.Saturday yoga yoga aishanda kusvika pakati pezuva ozoenda kunotandara zvake kumwe kana kunoona bhora.Ari munzira akapatitswa nekugwinha kwephone yake yaiva muhomwe.Akanzwa kurira kwayo kwenguva diki diki ndokuziva kuti iWhatsapp message alert.Nenguva iyoyo anga achiri nechemuWarren Park 1 ndokuburitsa phone yake achityaira neruoko rwumwe rwerudyi.Cliff akadzorera phone muhombodo make nekuti anga akutya kuti ingazomukanganisa kutyaira Altezza yake.Akazvivimbisa kuti aizopindura tsamba idzi agarisika mukahofisi kake.Mamessage nemacalls zvakatanga kunaya asi Cliff akaramba akaruma ndebvu nekuti munodzizivawo mota zvadzinoita mumigwagwa mikuru yemuHarare panguva iyoyo.Cliff akazosvika kubasa kwake na7:45 Melford atovako kare atombotengesa chino nechocho.Vaviri vakakwazisana,Cliff ndokunanga mukahofisi kake ndookuzvivhariramo.Akavhura Whatsapp yake ndokuona mutorododo wemamessage aibva kuna mai Simon.Mai Simon vaifona nekutumira mamessage aya vatori kubasa kwavo nekuti vaiwanzomukira rungwana ngwana kuti vaongorore kutengeswa kwetea parestaurant pavo.Dzimwe nguva vaitombobuda baba Simon vakacharara,dzimwewo nguva vaibudirana mota dzavo dzakarumana vozoparadzana yababa Simon yakananga kuhofisi yavo huru kuGraniteside munaKelvin South yamai Simon yakananga kuAvondale.Cliff akazogarisika pachigaro chake ndokugadzirira kupindura mamessage mushure mekunga anyatsomarava.Achiri munzira kudaro runhare rwake rwakazhamba kurira,mai Simon vanga vaita zvekufona zvakare.Cliff akatsvedzesa chegreen chekudairisa phone.Asati ati hello akabva anzwa inzwi remukadzi raivava richiti,"Cliff dont get me off my hinges.I have been trying your phone all along.Why werent you picking?Hantie by then wanga wabuda mumba?"Cliff akaziva kuti iri inzwi ramai Simon ndokuti,"Of course ndanga ndabuda but I was driving all along as well.Waida kuti ndife neaccident ndichizama kutaura newe Trish?"Mai Simon vakanyemwerera ndokuti,"Hazviite ka kuti babie wangu afe.Zvitori nane kuti ndifire iwe zvangu pane kufira baba Simon."Vaviri vakaseka zvavo Cliff ndokuti,"Ko wanga wakunditukirei paWhatsapp?""I thought you were caught up with something that could have disappeared with you ndikazokushaya,"mai Simon vakapindura nenzwi rakagadzirwa nenyuchi zvekuti Cliff akangoerekana ati,"Ok my dearest,"ndokunyarara kwekachinguva kusvikira mai Simonn vati,"So whatsapp for the day honey?Can we go out I feel like getting close to you?"Cliff akakatyamadzwa nekumhanya kwaamai ava ndokutaura nemumoyo achiti,"Speed iyi ndeyei?Uuummm kuti handipihwe muzvezve ipapa mhuri yangu ikasara ichikanga waya?"Nguva yese iyi anga akanyarara kwekachinguva kusvikira mai Simon vati,"Cliff are you there?"Vakutogaya kuti Cliff asiya runhare.Cliff akaita zvekupatikira ndokuti,"Ooo sorry I forgot to put you on hold.I was attending to some problems dzangouyawo abruptly ndiri kutaura newe.I have heard your request but first and foremost we must do something chiri critical for our underground love."Mai Simon ndokuti,"Chii sweety I can do anything for you.Kunyangwe ukati ndikuendesere huni kuzuva munguva yechando surely ndinokuendesera kuti uwane mushana.I can do that my heart."Shiri dzerudo idzi dzakamboseka,Cliff ndokuti,"We must be tested of HIV tizive patimire.Tinoda kuita zvinhu zvedu tichiziva kuti we are safe uye our kids our safe.Of course we can be unfair to our spouses but vana hatidi kuzovakuvadza and that we must do before we go out.Anyway uri kuda kundiendesepi?"Mai Simon vakatanga vaseka ndokuti,"Haaa yaaas Clifford uruda kundipumha huroyi rakacheka nyika kudai.Anyaways thats a good point saka totestirwa kupi kwacho honey?Zvekuti ndichakuendesepi is none of your business kkkkkkkk."Cliff akafara kunzwa mai Simon vachipindura kudaro nekuti aizviziva kuti ingava mari zvayo asi hainakidze kudya kana uri chigulani-icho ndicho chokwadi chinorwadza.Chimwe chakanyanya kufadza Cliff ndechekuti mai Simon havana kuratidza kuvhunduka pamusoro penyaya yekunoongororwa ropa chinova chiratidzo chekuti ropa ravo rakachena chete.Zvichakadaro aisadawo kuyera nyoka negavi iyo iripo.Aida kuzvionera pamhuno segombototo nekuti vamwe vanhu vari kurwara vachifamba mazuva ano-all that glitters is not gold.Akazopindura achiti,"Tinoenda kuEdith Opperman Clinic kuMbare kusingaite ziline revanhu tikurumidze kubatsirwa.Saka tozviita nguvai although waramba zvako kundiudza kwauri kuda kundiendesa kkkkkkk?"Mai Simon vakati,"I will come and pick you at 10 this morning and prepare for a long sweet day.Kuno ndichasara ndaudza manager vangu kuti ndaenda kuNational Foods kwenyu kuKambuzuma kunorenewer contract yesupply yeupfu.""Ok dont come in the vinicity of my workplace coz malookers hobho inoswera yazara paTwitter.Just meet me paOK Cameron.Ndichatodzika kubva kuno netsoka tosangana ikoko,"Cliff akataura akadzikama zvake nenzwi rizere nemazirudo.Mai Simon vakazopedzisira nekuti,"See you later.I promise you that I am going to treat you like a baby,"then she hang up leaving Cliff swimming in great awe.Cliff akasara achizvionera ega kuti apa paita zvebank chairo.Akaongorora phone yake ndokuona kuti ataura namai Simon kwemaminitsi gumi.Izvozvo zvega zvakamuudza kuti ari kutamba nemafinance industries emuHarare.10 dzakamunonokera kukwana,munongozivawo kuti kana munhu aine chaakamirira anonokerwa zvisingaite.9:30 dzakazoti dzakwana Cliff akapatika kubva kukahope kanga kambomubata akutorota achipakiswa keke namai Simon kumafura mhepo.Akanyemwerera ndokuisa phone yake muhomwe akananga mushop make chaimo maakaona Melford achitamba zvake magame palaptop yake.Achangosvika ndiye guga guga nemuroyi,Oga Ikechukwu landlord veshop yake vakabva vapinda ndokutobvunza mari yavo ipapo,"Cliff oo Chineke mee.Give me my moni ooo or else on Monday de puti somebodi in your stead,"chimuNigerian ichi chakaseka zvacho sezvachinongoita mazuva ose asi chaitoseka chichitoda mari yacho nekuti yanga yagarisawo.Cliff akati,"Oga is that the reason why you dont greet others ooo.Sorry Oga for the late commitment,but its tight Boss Ike you really know our plight.But by Monday dont bring another one.I beg oo I will pay you then.I promise that I will clear,"aitaura achifamba famba zvake."Ok my boi,see you then I am now taking my leave ooo,"Ikechukwu akagamha Cliff ndokuoneka zvake achipinda muCompressor yake ndokurova pasi.Cliff akasara achireya Oga vake naMelford,"Kamupengo aka kanofunga kuti mari inonhongwa muZimbabwe.Iko kanozviziva kuti hakatiitire zvedzungu nekuti muno hamusi mako.Manje ndichakapa kana ndava nayo.Waya iroro ndiro rakanofumira nehusiku kudai paweekend pano.Ndosaka kachifamba netsvimbo,twunonyanya kubata mushonga nxaa,"Cliff akapedza kutaura mashoko aya ndokurovana maoko naMelford vachiseka zvavo.Ipapo akatarisa chiringazuva chake ndokuona kuti dzanguvaira.Akarayira Melford achiti,"Mufana wami pamasales income awakarova nezuro nemangwanani anhasi,vhomora $30 uswere uchijamba chipisi.Ndiri kukusiira Altezza yangu tank rakaguta.Ini chingondisquare ka$10 ndiende kuzhet rinogona kundipinzisa machena.Usazodhibhe kuvhara business masikati wozorova marounds ako after then.Am I well understood?""Haa madhiri bhoo chibaba changu iii makanyanya ndapabata wanhu,"Melford akapindura achipemberera.Cliff akati,"Rega ndimhanye wangu.Ndingazolumwa nenguva ndiri pano.""Ibhoo chimudhara mofamba zhula,"Melford akataura.Cliff akaisa ka$10 kaya muhomwe kuitira kuti zvikazobondera kumberi asazopererwe kusvikira pakuzopfimba ambuya.Pane rwendo rwese rwaaifamba aitofamba nemari yemaemergencies parutivi.Cliff akabuda mushop na9:45.Akatsemura nhanho akananga muna Cameron.Akasvika paCopacabana ndokurova tsoka akananga kudivi rekwaOK.Na9:52 anga atosvika paOK pacho ndokubudisa phone yake ndokuona kuti mai Simon vanga vatumira message yekuti vari kuuya.Akatsamira madziro epaOK ndokutsikitsira kuti apindure message iyi.Akapindura achivaudza kuti anga atosvika.Message yake yakatosvika ikaverengwa nekuti Cliff akaona maticks ayo atova eblue asina haana kupindurwa nekuti mai Simon vanga vari kutyaira mota vakutosvika.Cliff akaramba zvake akatsikitsira achipindura zvake mamwewo mamessage.Akazosimudza musoro wake aona mumvuri wechimiro chakaurungana.Paakasimudza musoro kudai wanei ndimai Simon vakamira pamberi vachinhuhwirira zvakadzvanya mhino dzaCliff.Vanga vakapfeka kamwe kadress katema kaigumira pakakatangira apa kaine maruva matsvuku aiita sechaunganorwa nenyuchi ivo ari pahembe kudaro.Cliff akatarisa pahuro pamai Simon ndokuona pure gold necklace yaivaima zvaityisa.Akakangwa mate mukanwa nechimiro chamai Simon apa kutsoka vanga vakarova mapumps matsvuku ekwamberi aienderana nemaruva ekadress kacho.Cliff akati,"Oo Trish you caught me by surprise.You are so angelic,I wish you could fly me away to heaven.""Stop flattering me Clifford.Look tiri papublic lets hurry up tiende kunotandara zvedu.Nhasi I am all yours honey,"mai Simon vaitaura mashoko aya vachitotungamidza Cliff kumotokari yavo yavaiva vamisa nechepamberi.Cliff aifambira nechekumashure achiyeva hungwanda ngwanda hwamai Simon.Kana mahwindi aya anosheedzera "Mbare Mbare" vakaridza miridzo zvikashaya basa.Vakazosvika pamotokari yavo Cliff ndokuita seachafenda aona mhando yemota yacho.Yaiva ino Mercedes Benz EClass 2015 Limited Edition dziya dzinofamba nemadhara ane masoseji pazasi pegotsi.Yanga iri pautomatic apa iine tint nemeg zvekwamai Mberi.Mai Simon vakaona kuti Cliff akanga ashamiswa neshura iri ndokuti,"This is just a piece of me.I have plenty of expensive toys in my garage.Hop in babie lets go."Mai Simon vaitaura izvi vatovhura madoor emota kare kare neremote yepamakey.Vaviri vakaazokwira motokari vakananga kuEdith kuMbare!!!!!!!!!!!!!!!! Zvichafamba sei kuEdith ikoko??Iii hameno zvaCliff ndazvitadzawo ini-watch out for chapter 6 as the Dr develops his plot.Dont forget to like my facebook page in Dr Maxx's Stories!!!!!!!!!!! [23/03 18:22] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA:CHAPTER 8-------------------* Muvhuro wakati wasvika Cliff akaperekedza Ruth mwana wake kuchikoro aina mai Ruru parutivi rwake achityaira.Mumotokari iyi aiva mafaro ega ega.Vakasvika kuTynwald ikoko iye ndokupfuurira zvake akananga kukachitoro kake mudhorobha.Mai Ruru vakasara vachibhadhara chikwereti chemwana chechikoro ndokuzodzokera kumba nemakombi.Kamunin'ina kaRuth kanga kasoenda kucreche makuseni seni.Mai Ruth vakasvika zvavo kumba ndokutanga kupukuta pukuta midziyo yemumba pamwe nekupedzesa basa remumba ravaiva vambosiira panzira.Wava kupedzisa zvavo vakanzwa musuwo uchigogodzwa apa 9 dzaiva dzachaya.Vakavhura musuwo ndokuona pane shamwari yavo yavanga vaane mazuva matatu vasina kuiona.Mai Percy vaiva shamwari yavo vari muvakidzani wavo wavaidisisa nekuti wainzwana.Kana Cliff aiva akatendera mai Ruru kuti vatambe zvavo namai Percy nekuti akatomboita nguva yekuongorora hunhu hwavo akaona vari bhiridha chaiye, munhu anovaka."Titambire vasikana madai kutikuta makuseni ano,"ndimai Ruru avo vaitambira mumwe wavo nemaoko maviri."Indava kurova?"mai Ruru vakawedzera."Munotambirei zvenyu vasikana.Takafamba musi weFriday tichienda kumusha kwaMutare kunoona hanzvadzi yababa Percy isiri kunzwa mushe,"mai Percy vaitaura vachitopinda zvavo mumba nemumwe wavo ndokugara zvavo pasofa.Mai Ruru vakaratidza kakukahadzika,"Iii vasikana bvamatadza kana kupfuura nekuno zvetwo seconds hadzo muchindiudza?Kana kutumira message zvayo.Makatadza nei mai mwana?"Mai Percy vakapindura,"Zvakaoma shamwari it happened so fast.Ndiregererewo ndakatokanganwa apa kumba kwacho hakuna magetsi.Apa hurwere hwacho mahwani kamari kese keround kakaperera ikoko."Mai Percy vaitaura vachisiririsa misodzi yatojenga mumaziso izvo zvakaita kuti mai Ruru vabatikane."Ok vasikana handei mukitchen tigadzire tea tichitandara zvedu,"mai Ruru vakashandura nyaya vaviri ndokunanga kukitchen.Mai Percy vakasvikogara pakitchen chair uko mai Ruru vachiisa zvavo mukaka chaiwo muketero netwumvura twushoma.Mai Percy vakatangisa kutaura,"Hey vasikana makatobvisa maAngels aya matova neBrazilian su?Apa kadress aka kadesigner ka?"Mai Ruru vakaseka zvavo ndokuti,"Zvababa Ruru zvinotedzererwa here vasikana.Mazuvano wavakushanda kucar sale kweimwe shamwari yavo and kuri kufamba I dont want to lie to you shamwari.Ndichataura navo kuti varongerewo baba Percy pekubata batawo ikoko,sezvo makamboti vaane 3months no salary kuRoddens Security kwavo ikoko."Mai Ruru vakataura zvine kakufaririra mukati nekuti hapana angatadza kufara makumbo ake ese akanyura muupfu kusvika kumabvi."Haa munenge magonesesesa vasikana nekuti ndanzwa nekuita breadwinner ivo baba varipo.Munoti twumabhindauko twatinoswerera twunotisvitsepi,"Mai Percy vakatsinhira.Svutugadzike yakati yaita mai Ruru vakawaridza jira patafura kuitira kuti pasawane chinorasikira patafura pomene.Vakabudisa komichi mbiri ndokuisa sliced Bakers Inn Bread patafura ipapo.Vakatora madomasi matsvuku tsvuku akaita kakuomarara pamwe nemaking onions ndokuzvichekerera pakati pechingwa nemazai aya anenge akaita zvekungosandurwa kaviri mupani.Tomato Sauce nemayonaisse iya inonzi Crosse and Blackwell zvakadonhedzerwawo pakati pezvingwa ipapo.Mukomichi dzesvutugadzike makagara maiswa mukaka weMilo nemaJacobs granules acho zvekuti pakazowedzerwa mukaka uya waiva muketero,svutugadzike yakava hobvu iya inotyora chipunu.Mai Percy vakaona vega kuti mumwe wavo agara tatata vakati voigusvura svutugadzike.Vakaita kutsagada zvidimbu zvisere zvechingwa ndokuzvibhabhatidza nekomichi mbiri dzesvutugadzike.Vakadzi ava vaiita kuseka zvavo vachifara uye mai Percy vakanzwa vega kucar sale kwababa Ruru kwakadirwa shuga.ZVINONZI aguta haaoneke asi mai Percy vakatooneka iro dumbu rachiti rashu zvino ndokuti,"Haiwa maita basa vasikana.Breakfast menu yanhasi hausati wamboisota,zviri kufaya zvekwamai Fayai zviya.Taidai tagara kudai kusiri kuti ndasiya ndakanyika hembe mudhishi apa mvura iri kunetsa ndinogona kutosvika yaenda."Mai Ruru vakataura,"Ok vasikana kana mangopedza munodzoka totamba futi.Dish rakajuicwa full bouquet saka tinoita kufa navo maAfrican Movies malatest mai mwana."Mai Ruru vaitaura vakananga kubedroom kwavo kwavakanotora bar resipo,2kg yesugar,10 kg yeupfu nemapati maviri emamacarroni.Vakauya nazvo mukitchen makare ndokutora nemafuta anga asara muchibhodhoro chavanga uchitoshandisa chi2 litre,ndokupa zvese kuna mai Percy vachiti,"Moonawo yekutamba vasikana kumba uko.I know zvakaoma but handikusiye coz unombondijegawo kana zvakaoma.Vanoti kutsva kwendebvu varume vanodzimurana manje isu zvatisina ndebvu tinodzimurana nemutoo uyu kkkkkk."Vakadzi vakaseka zvavo vakutobuda mai Percy ndokuti,"Hii vasikana ndanga ndisina kumboona kuti extension yenyu iri kuglower like that makasprayer chii?Isu tanzwa nemagodi vasikana."Mai Ruru vakapindura,"zvamai Percy vasikana.IOlive Oil Hair Spray iyi inoita $3 bedzi kumashops uko."Vakarovana zvavo maoko vachiseka ndokuparadzana pagedhi mushure mekunga mai Percy vaudza mai Ruru kuti vachavaunzira mufushwa wemunyemba pavachadzoka kepiri vapedza kuwacha.*UKUWO* John ndiye anga achipihwa basa rekutakura Martha nemotokari kubva kuEastlea kuenda kuUZ.Basa iroro akatoritanga Muvhuro uyoyo.Rekutakura 'muzukuru' washefu neLexus yavo yemetallic blue latest futi.Mangwanani ngwanani iwaya John anga atorayirwa nababa Simon nemessage kuti aite basa iroro.Baba Simon vakazviita mai Simon vakacharara bvavaidzimira zvavo kuWhatsapp ikoko.Naizvozvo John akafumira kurova nhetserwa achibva kwaairoja kuSunningdale 1 akananga kubasa kuGraniteside kunotora motokari iyoyo akananga kuEastlea kumba kwechibhebhi chashefu.John akasvika kuma7 ndokugogodza zvake akanzi apinde.Martha anga achangobva kumuka akapfeka kanight dress kepink kamuonazvirimukati chaiko.Akakumbira John kuti amumirire achigeza,Jonzo ndokubvumira zvadzo apa dzichinyara nyara asi dzanga dzatorwa moyo.Murume wese anotanga azipirwa nechimiro chemukadzi kana chemusikana.Zvikuru kana musikana iyeye ari tsvarakadenga yepameso moyo wemurume unenge watoenda kure.Zvekuti musikana ane moyo wakanaka inenge yatovawo Advanced Level yavanoti iya added advantage asi O Level ndiyo inotanga yaongororwa nemurume wese kkkkkk.John akasara achinyepedzera kuona zvake nhau dzaibuda paFrance 24 apa pfungwa dzake dzakanga dzatova chigayo chaitogaya zvacho chibage chinonzi Martha.Martha aigezera zvake mu en suite make bvaazobuda achinhuhwirira akachena senyoka zvake mwana wevanhu.Akanga akapfeka kamwe kadress kasina maoko kari katsvuku apa kari kapfupi pfuti ungati idress top rega zvaro.Tsoka dzakanga dzakademwa nemamwe mapumps matema ekuDubai chaiwo.Martha akabva agukuchira nekapurse kacho katsvuku ndokutambidza John bhegi rake relaptop achinozvitarisa pagirazi kekupedzesera.Pese paipesuka pesuka Martha mumba umu John anga achibokola bokola achirwera rute kunga bere raona nyama yakaora.Vakazonwa tea vese ndokubuda zvavo vakangana kuUZ.John ndiye akatanga kudenha Martha kuburikidza nekuridza kambo kaya kaKiller T kane mashoko anoti,"Asi kugeza vanogeza vakahwanda,asi vanozofamba panze vakashama." Martha akanyatsonzwa kuti ndiye ari kuridzirwa chuni iri.Pane dzimwe nguva dzekuti mushumiri waMwari achiparidza muchechi anogona kungoparidza nezvekuipa kwemakuhwa iwe uri gurukota remakuhwa,unonyatsonzwa wega kuti ndiwe unenge wanzi dyoo panyama nhete nepfumo rakatsvuka.Kuti usimuke uchiti,"Hey munhu waMwari mandibata bata panhongonya,"hazviite nekuti muchechi munenge makazara vanhu.Unongodunduwirira mukati mako uye kunyangwe wabuda muchechi hauudze munhu,unozvisota wega.Iyi ndiyo mhando yepfungwa yanga yogaya Martha.Iye ega akanga onyara bvaazongobata John neyekuti,"John please please I dont like how you are staring at me.Ziso rako zvarichandipedza pano.You must know your boundaries,uri mushandi wasekuru vangu period.Tiri kunzwanana here?"Zvechokwadiwo John aiita kuchekerera neziso achiyeva chimiro chaMartha zvekuti kudai aisava nyanzvi pakutyaira aidai akabondera motokari dzevanhu musi iwoyo.John akazongoti,"Ziso harina muganhu Martha."Akataura zviya zvisina hanya achitosekerera sekerera zviya zviya zvisina nyadzi mukati.Martha akanyatsozviona ndokuti,"Whats so funny about it.Izvozvi wava kungonditenderedza.Why uri kuenda nekure.Ndatopara mhosva ndakuudza kuti lecture rangu riri kutanga na9.Kukurumidza kudai panewo zvimwe zvatinenge tichida kuitawo."John akabva achingura Martha,"Maybe inyaya yekuti hamusati mapfura nekuno before.Mucity centre zvikuru munaSamora munenge mune jam isingatangike,so I have to agonise.Kudai zvaibvira waiona wega kuti kudai tapfuura nemutown taizononoka pane kuti kudai tanga tauya nemuno munaEnterprise.Martha akangoti,"Ok"zviya zvekuti zvimubve ndokutarisa zvake kudivi akafinyama kumeso apa Jonzo dzaiva dzarebesa zvadzo rwendo nemaune kuti dziwanewo mukana wakati kuti wekunyengerera Martha kusvika dzadiwa.Kana munhabvu chaimo unofanirwa kuwana mikana yakati kuti ine musoro kuti uzogohwese.Migwagwa mikuru yese yemuHarare inonetsa kufamba nemota munguva idzodzo asi Martha haana kuzvibatisisa nekuti zvinonetsa kuitirana nharo nemunhu anofamba nemota nguva dzose.Chiremba akakuudza kuti piritsi riya rinorapa mudumbu medhongi kana muchirwadza rinorapa futi musoro wako kana uchitema ungazviramba iwe?John akaona kuti akwanisa kunyararidza nharo dzaMartha ndokuti,"But kunditsamwira zvako but uri heavy simbi shamwari.Kudai zvaibvira taingoita vazukuru vababa Simon tiri two unopaona sei?"Martha akaona kwanga kwava kuenda nenyaya ndokungoti,"Iwe whats your story uri kudei John?"Martha akataura zvine kamutsindo zvine twuhasha mukati.John ndokuti,"Martha ndinokuda ini eish wakanaka.Nguva yese iyi ndaisazviona coz ndaishaiwa mukana wekunyatsosasana newe."Martha akasekerera svoto zviya zvekuderedza John ndokuti,"John I would rather kiss a toilet seat than falling for you.Nevanonzwa kuti ndiri kudanana nemushandi wasekuru vangu akagumira form four yaasina kuzonyora ashayirwa mari yeregistration.Hehehehe kikikiki regai tiseke zvedu isu!"John akabatwa batwa nemashoko aya asi sezvo vakuru vakati kure kwegava ndokusina mutsubvu akasimbirira,"But Martha kudai manakire awakaita pachiso ariwo manakire akaita moyo wako especially towards panyaya yangu iyi,shuwa zvaizofamba."John aitaura akapfavirira sedonje rekuGokwe bvaasangana nemashoko akaomarara semubhedha wemapuranga usina mattress,"Ukwane iwe wazvinzwa.Idiot,you are not even worthy to be reported to kuna kulez vangu.Zvakangofanana nekudzwanya kasvosve nezichidhinha.Blatant cowardice,keep on loving your current girlfriend and kana atori serious ngaauye aite musikana wangu webasa kumba kwangu,"Martha akabairira zvake.Ipapo vakanga vosvika John ndokuti,"Kusanyora kwandakaita hazvireve kuti ndiri dofo uye musikana wangu haapfeke sepfambi achienda kuchikoro kune gurumwandira revanhu vakawanda."John akazvitaura atogumbuka apa Martha akudzika zvake ndokuti,"Whatever!uchangoramba uri driver wangu.Rombe remubhonzo chaimo mxm.Akataura mahwendefa aya achidzika zvake ndokusiya arovera musuwo wemotokari wekumberi ikoko.Akadzoka zvakare ndokutora laptop yake yaiva kubackseat.John akasara achiona ega kuti aya aiva makata egomo chaiwo.Nyangwe zvazvo aiva nemusikana wake aimuda chose pana Martha anga atorwa moyo asi miedzo yake yaiva yarovera pamadziro.Semunhu aisada kukundwa aida kuona kwaizovira tsvimbo nedohwe.Akarova motokari akananga kuGraniteside hasha dzakamugara pahuma.Achisvika baba Simon vakatozviona kuti John akafizuka ndokuti,"Hindava mfana kufuma kudhinhihwa kudaro asi ninez wakubuka kani lol?"John akatanga asekerera zviya zvekuvhara marwadzo ndokuti,"Mudhara makakura kare asi maita kureheaser slang yamasasa iyi kani kkkk?Anyway ndauya ndakagarwa matunduru nebike relispo zvandifizura vanenge vachida mari nepasingaite even usina fault chibaba.So ndoo zvandifinhura mudhara."Baba Simon vakagutsikana zvavo nekuti madhara ematumbu havanei nezvisina mari kana simbi mukati vakati,"Ibhoo mfanami unogona zvako kuenda kukabase kako now nekuti ndiri busy pane madeals ekunze andiri kubatanidza pano.""Ibho mudhara,"John akataura achisimuka mushure mekunga avaudza kuti afamba zvakanaka naMartha.John akaenda kukakamuri kake kaiva kunze kwebuilding yese ndokusvikozviwisira pakachigaro kaivemo ndokutanga kueredza misodzi mushure mekunga arangarira mapara aanga audzwa naMartha."Ndinotofanirwa kuona kuti anodanana nani chaiye kuti andiseme kudaro.Inga takangofananawo wani tinoraramiswa naboss Sai.Otherwise pa25 years dzangu dzandararama pano pasi handisati ndamborwadziswa kusvika pakadai.Akasandibvuma ini ndafirira kudai them I must find another alternative yekudealer naye good size."John aitaura ega zvake nechemumoyo misodzi yehasha ichingochururuka.Kuudzwa chokwadi chemuhupenyu hwako nenzira yekutukwa zvinorwadza kukunda marwadzo ezino munguva yechando.VASIKANA nevakadzi vari muzvikoro nemumabasa havanetse kubata vanhu wavanodanana navo.Unongomunyangira nguva dzekudya kwemasikati kuti uone kuti anomutengera kana kuti anowanzomutengera chikafu ndiani.Kana achizvitengera ega zvake hapana hapo dambudziko.Nokudaro ndizvo zvaida kunyatsoonekwa naJohn kuti Martha ari kudanana nani.Naizvozvo akakumbira baba Simon kuti ambowaye waye panze achinoona shamwari yake yaishanda paNash Paints imomo mumugwagwa wemuzinda wababa Simon,asi kuri nechekumberi tava kutosvika paKelvin Corner.John akasvikonoona mufesi wake Bradley aiva salesman paNash Paints ipapo.Vaviri vakabvunzana mufaro John ndokuzoti,"Hey tsano ndipeiwo bike renyu pane zhet randiri kuda kupinda kuma1.Ndapedza zvangu ndinodzoka zvangu before 3,ndionewo shamwari."Bradley akatanga kutaura zvake ari kuseri kwecounter,"Ibhoo mani torai zvenyu rakasungirirwa pamuti uri pedyo nekamba kagadhi ipo pagedhi apo.Asi ndikauya ndichikumbira Benz pagrifaz pako unosunga play wani kkkkkkk""Kikikiki zvasiyana nemudhudhudhu wako uyo ka unoti iwe.Manje mota dzine varidzi.Chipanga akaimba wani kuti kudzipakata handi kunzi ridza.Ok kana zvakadaro ndipe zitruck redelivery iro ndinoitisa madhiri angu naro."Vaviri vakabva vati bvuu kuseka zviya zvekuvhundutsa makonzo akahwanda.Aiona kuita kwevarume ava ainyatsogutsikana kuti vaipindirana chaizvo,sesmall house nechikomba.John akazoti,"Ok ndanga ndauya kuzoplacer order bedzi kana zvikati zvakwana ndichauya kuzotora bike racho."Bradley akatsinhira,"Ibhoo toona mauya gen'a."John akabuda zvake odzokera kwake.1245 dzemasikati dzakwana John akakumbira baba Simon kuti ambobude zvake kunodyira lunch yake kuMbare,izvo aida kubatanidzira nedhiri rake rekunofeya feya Martha.John anga aane pfungwa yekuti aifanirwa kutobvumwa kana kuti akarambwa zvake aitofanirwa kuva nechekutsivisa.Akazonotora mudhudhudhu ndokuudhiriritsa naCripps.Akanorova zitsima resadza nematemba zvefive bond kuMagaba kuMbare nekuti aiziva kuti basa raaida kuita raitoda tsima chaiyo yesadza,riya rine mubvuri musvinu.Apedza akapinda mudhorobha ndiye tande naSam Nujoma kusvikira asvika paChikomo.Sezvineiwo achiri kure nechepakamukwidzwa kaya kepaMt Pleasant High akaona Martha achipesuka pesuka akananga kumba kuya kwaaimbogara neshamwari dzake.Martha anga achitofambirawo chekudya ikoko nekuti madzisahwira ake aida kuzotanga kufunda na2 nekuti mangwanani ese vaisava nezvidzidzo.Izvi zvakasvota John nekuti haana mukomana waakaona achifamba naMartha nekudaro akaita kakupererwa nepekutangira akambofunga kukanda mapfumo pasi.Semunhu aiva nenharo dzinokwatisa mazondo akaibva,akangoteremuka nemudhudhudhu wake ndiye tsvii pachiteshi chemakombi ekuUZ.Akamira panzvimbo pekuti aiona gedhe repamba pakapinda Martha asi ari nechekure.John aidawo kuzomhan'arira Martha kudai aizomuona aine mukomana kunyangwe vachifamba zvavo bedzi aitoda kuwedzera twuRoyco panyaya sekuti amuona achitobatwa batwa kuti zvityise.IZVO zvakapinda Martha akanoona shamwari dzake dzichitozhambawo nzara dzisina pekutangira dzichiti pavakaparadzana hapana chakambosara.Kamwe kacho kanonzi Rosy kaiva kadhimoni bedzi pachezvako kakati katanga kunyunyuta,"Vasikana mapinda machena makutidropper.Wakabuda wakumhanya mhanya ka,kana kai zvako kawakazosiya now we are languishing in a househould famine.If you tryna set us up you will suffer the consequences.Kana Hi zvayo here vasikana musadaro inga tinosonerana zvigamba zvedu wani as sisters."Kanzenza aka kaitotaura kachimhiza mhiza maoko kakabata bata kachiuno kako pamwe nekutsetura mate ayo aimhara kumeso kwaMartha umwe wake Kundai achigutsurira.Martha akaona ega kuti pakatoipa panotoda vakuru vanofamba naJesu ndokungoti,"Chill down friends zvakazongoitika nespeed.Ndanga ndatouyawo ndichitsvaga lunch hope you guys had coo...."Asati apedza kutaura muromo iwoyo Kundai akatanga kumubata pahuma nekuseri kweruoko zviya zvinoitwa kacheche kana mai vako vachida kuona kuti hakusi kurwara here.Kundai akati,"Hausi kutirwarira here iwe waiidya here lunch kudai tazvibika waona tsoka yangu iyi yakanunira mafuta.Unoda kuti timire pamusoro peJoina City tisina kupfeka toita zvekushaura kuti hatina chekudya muno?In short hamuna kana anything chekudya."Kundai akataura akafizuka apa achibata muchiuno zvino achitambisa gumbo rimwe chete rerudyi zviya zvinozunguza zimuviri rake rese.Martha akaona kuti yakwira mutarara ndokufonera baba Simon achivaudza kuti vasikana vari kuda chekudya.Anga asati amboona hama dzake idzi dziine kumeso kunenge kwembada hadzi yabirwa vana vayo.Nguva yese yaiitika zvinhu zvese izvi John aiva akamira zvake paye achisvuta zvake maShumba Maheu ake akamirira tsoro yake.Maziso ake haana kumbobva kumugwagwa iwoyo zvekuti papera imwe nguva ine chitsama akazongoona Hilux yaBoss Sai ichikunguruka naMt Pleasant Drive ichinomirira nechekukona iya pane T Junction ine mugwagwa uya unobva nechekudhorobha wakananga kuVianona nemamwe masabhabha.Nenguva isipi akaona Martha obuda akananga kudivi kwaiva nebaba Simon ndokusvikotipindikiti bvayasimudzwa yakananga nechekudhorobha.John akati kata pamudhudhudhu wake ndokuurevha achitevera nechekumashure.Ari kutevera kudaro akangonzwa munzeve dzake maane mahun'a hun'a ekuti hakuna sekuru nemuzukuru vangatamba nemutoo wakadaro.John aida kuzoona kuti motokari iyi yaizomirirepi.Mumota imomo baba Simon naMartha vakatanga kukurukura zvavo."Saka mainini since kwenyu zvakarongeka kwangosara maid bedzi ari kudiwa ikoko,now totengera vamwe venyu grocery sezvo vasina pekutangira munopaona sei?"Baba Simon vakabvunza chidokohori chavo.Martha akarwadzirwa nekuti chikafu nezvimwewo zvemumba zvaizotengwa zvaizowanda nendava yekuti zvaiva zvevanhu vaviri,akarayira baba Simon achiti,"Daddy I cant continue nezvinhu zvandakambovhura zviri kumba,you know I am the boss' lady.Get me a new grocery zviri kuflat zvese tinozvipa vasikana.Now ndakutongawo sezvamakaita paya pamakanditandandisa all of a sudden."Apa Martha aitaura achitsvanzvadzira tsvanzvadzira chidya chababa Simon zvekuti murume mukuru akamerera muviri wese kunyangwe zvazvo kwaipisa.Vakazongoti,"Your wish is my command your Highness.My local Princess Diana,Eternal Duccess."Martha kakafara chaizvo,baba Simon bvavaridza zvavo,"You are my bread when I am hungry,"classic iya yaDon Williams.Izvo John riri kungofemera mugotsi richida kungoona kuti zviri kuenda nepapi.Hilux yakazongoti pindikiti mucar park yepanaFife Avenue Spar,John ndokusungirira chimudhudhudhu chake pamuti waiva kumhiri kwerwizi.Akapfeka chimwe chiwork suit cheblue chiine magirisi matema nengowani nhema iri yeshinda akaideredza zvekuvhara huma nechikamu chipfupi chemaziso.PaSpar iyi panotengwa nembambo dzemuHarare zvekuti unongoona nevarungu vachipesana nematrolley imomo.Baba Simon vakatora matrolley maviri vachiteedza masherufu ese vachinhonga kese kanodiwa.Ukaona nepanotengwa nemabattery eremote unobva waziva kuti pane vanotamba iya yavanoti impulse buying kuCommerce.Izvo mutapi wedu wenhau Jonzo aitotora zvake mifananidzo negear refoni yake.MaSamsung emazuvano akutengeswa nechiwachi chacho chekuti unogona kuchishandisa sefoni kunyangwe foni iri kumba.Nokudaro John ainanura mifananidzo yese iyi.Zvakanakirawo kagear aka nezvekuti hapana anombozviona kuti uri kumutora mifananidzo.Zvasiyana nekusimudza foni woti tya tya tya sezvinoitwa pamuchato zviya,neaka kungonanura churu chemifananidzo uchiita seuri kutarisa zvako nguva.Vanhu vanodanana vanongooneka nemafambiro avo zvekuti Martha aifamba akati kwati nababa Simon,anenge akanganisa kuona aitofunga kuti munhu mumwe chete.John aida kuzonyatsogarapasi achibatanidza tsoro dzacho.Baba Simon vakatenga nebank card ravo paswiping machine ndokubuda zvavo panze vakati uyo trolley yake uyo trolley yake.John akangochaisa reza dzaakanyepera kutenga ndokupendekera pendekera nepakati pemotokari dzaiva mucar park achinanura zvake mifananidzo.Baba Simon naMartha vakatanga kudya matake away emahadiyakadiyasi nemastondido avaiva vatenga muSpar mushure mekunga varongedza mikwende yavo kuback seat.Zvese izvi zvaingotorwa bedzi naJohn uyo akatanga atenda midzimu yake nekuti mahwindo emota yababa Simon ainyatsoonesa zviri mukati kunyangwe aiva akavharwa.Vari murudo vanofarisa semwana wesmall house,vanongotsvodana kana pajekerere.Izvi ndizvo zvaiita baba Simon naMartha,John achingorongedza mugaba.Apedza akanosunungura mudhudhudhu ndiye hutu kuGraniteside kwaakasvikotambidza mudhudhudhu uyu kumuridzi wavo.Apedza akanozvivharira mukakamuri kake akaisa maearphones munzeve nekuti ainyatsogaya kana akabitirirwa nzeve dzake nemhanzi.Akavhurira mifananidzo iya mufoni chaimo ndokudeleter yese yese yaaisada ndokusiya mishanu chete kusanganisira imwe yaipakisana verudo vaya chinhindi chehuku.Murume akambofunga kuenda nemifananidzo iyi kuH Metro opihwa chi$50 chebasa.Akabva ambotsveta pfungwa iyoyo kwakadaro ndokubatanidza batanidza ndangariro dzake ndokuona kuti aiitwa zobha nababa Simon.Kumashure zvinhu zvese zvaiitika nechimbi chimbi zvekuti aisakwanisa kuona muswe kana musoro wazvo.Zvino anga apenyerwa kuti zvokwadi baba Simon naMartha vaiva murudo."Why did he give her special treatment?Kana vese vari vazukuru vamudhara nei Martha akaiswa kuflat ega ava vachisara.Hoo ok kanofarisa zvako zvanzi girlfriend yangu inogona kuuya kuzoita musikana wako webasa.Kkkkkk katinya wrong button pfeve isinganyare.Kanozviruza rwendo rwuno kamutakati sewage yemunhu.But iye mudhara anowanza coz dzimwe nguva anombononotsa pay achiti zvakaoma iye achifeeder dzimwe mboko so,"John dzaitaura zvadzo dzanyatsogutsikana kuti chokwadi vaviri ava dzaiva shiri dzerudo zvomene.Anga achizogarisika zvino akateya bhomba rekutumira mifananidzo iyoyo kunamai Simon.Mai Simon aivafarira nekuti aitomboenda through iwo kana zvemuhoro zvakashupa ivo vomira vomira kuti apihwe mari yake.Hameno kuti vanhu vane mari refu vakamboita sei.Vanotorwadzirwa nekubhadhara munhu wavakashandisa vanotoona seloss kana kuti kupfumisa munhu iyeye neimwe nzira.Apa ngavafanane kuda zvibhebhi ungati vakazvarwa nemunhu mumwe chete.John haaziva zvake kuti mai Simon vanga vafa kare zvekuti yakanga yakuda kutambwa naJonzo kwanga kwangovawo kungourayawo chitunha.Akazoronga kutumira mifananidzo iyoyo neWhatsapp uye zvaizogonawo kunyatofaisa madhiri amai Simon nekuti vanenge vaane zvekuzvitsigira nazvo zvine chitsama kuri kuti chekwavo chingangoputika..................!!!! *Ok takuda kuona zvino kuti nyaya yemapicture ichaenda nekupi pamwe nekuti mai Ruru vachafayirwa nehupenyu kusvika papi..*Watch out for chapter 9 coming soon [23/03 18:22] Alvin: CLIFF BY MAXWELL CHIMEDZA:CHAPTER 4 Musi iwoyo Cliff akachaisa basa kuma3.Akatambidza Melford mari yekombi ndokusiya akiya misuwo yake akananga kuShe 'n' He kunotenga mabraids emudzimai wake.Apedza izvozvo akapfuura nekwaMudhomboyi Butchery muMbare achitenga muriwo wake wekumba.Rume rakatenga 4kg dzenyama yenguruve nekuti musi iwoyo kubasa kwakafamba.Akatsika mafuta akananga kwake kuKambuzuma kwakatambirwa nenyemwerero yemukadzi wake mai Ruth,achangosvika pamusuwo.Mai Ruth vakatsvoda vekwawo nechepahuro apo izvo zvakatekenyedza Cliff ndokuti,"Maswera sei Daddy.I really really missed you throughout the day.Come and have a rest my babie,"mai Ruth vaitaura vachikurura jacket remurume wavo vachinomugadzika pasofa akatandavara makumbo.Vakabvisa bhutsu dzemurume wavo zvese nemasocks ndokumugadzikira kagirazi ke100% Orange Juice yaitonhorera.Vakomana kune vakadzi vanobata varume sekasvava.Cliff aitoita kuyemera mukadzi wake.Chaiva chakanakirawo mai Cliff ndechekuti vaigutsikana nezviripo.Mukadzi uyu aiva akaraiyirwa natete vake naizvozvo aitevera gwara rakanaka.Kudai aizoziva yaizotsva kutsi kwake chokwadi zvamai Simon zvitete sevasikana vaya vanoita zvekumodella,mukadzi uyu aizvitsikisa nechitima nekuti kwaanga abva naCliff kurea.Cliff aiedzawo nepaanogona napo kufadza mukadzi wake.Mazuva ose aiuya akagukuchira chekunopa mukadzi wake.Kunyangwe akauya nemachisi chaiwo mai Ruth vaitotenda nemutupo chaiwo.Cliff akazosheedzera achiti,"Mai Ruru torai muriwo nemabraids enyu zvandakanganwa mumoto."Mai Ruru vakangoti,"Ehoi Shewe!"Ndokubuda mukitchen vakananga panze paiva nemota yemurume wavo.Mukadzi akadzoka ndokuzviwisira pamakumbo emurume wake achitenda zvaipisa tsitsi nekuti akanga achona necarpet yaiva mumusoro make.Cliff akangoti,"Come on now wify.Stop this your exaggeration stuff,tibikirei tidye isu nevana tizokuudzai machena atava kuda kupinda."Mai Ruth vakasimuka zvavo vachimanikidzira kunyemwerera iri nzira yekuda kuvhara misodzi yerufaro yakanga yatojenga mumaziso avo.Vakazovhara vhara nekutora phone yemurume wavo vachiita maroutine 'scan' avo emazuva ese.Phone yaivhenekwa zvemhando yekwamberi uye pakaonekwa nhamba dzisingatendeseki dzaibva dzafiritwa ipapo ipapo.Iri ibasa ravaiva vajaira zvekuti hazvaivatorera nguva 'kuscanner' phone yababa Ruru vachida kuona kuti haina 'mavirus' here kkkkkkk.Mai Ruth vakenda kunobika vachisiya Cliff achiona zvake mahighlights ebhora.Vana vaiva muspare mavo vachitamba.Vakazouya vachisweresa baba vavo ndokudzoka zvakare kunotamba.Mhuri yese yakazoungana patafura chikafu chaibva,ndokudya zvavo vachitandadzana semazuva ose.Vapedza kudya vakamboona Generations ndokuzonamata voparadzana kunovata.Cliff aiva nemakore makumi matatu,mai Ruth vaine makore makumi maviri nemanomwe.Vana vavo vaiva vakasiyana nemakore maviri,mukuru ari Ruth aiva nemakore manomwe achiteverwa nemunin'ina wake Esnath.Baba naAmai Choto vakazonogeza vese ndokuzonovata pamusoro pemagumbeze vachida kuzeya iri mugango.Cliff akatanga nekuti,"Mai bhoyi rwendo rwuno chiri kwedu,"achinyemwerera zvake.Mai Ruth vakatanga kusagarisika vatomirira mashoko erugare aya negumbo rimwe.Cliff akaenderera mberi ndokunyatsoti dyo nhema dzake achiti,"Brian akuda kuti ndimubatsire kucar sale kwake saka Melford anenge owanzoshanda ari ega kushop.Akawana a lucrative deal from this Arab guy in Dubai ari kuda kupota achimupa mota dzekutengesa week in and week out.Thats why he asked for my hand nekuti adminstrative wise zvaizomuremera ari ega.So kutanga this Saturday ndipo pari kupinda first batch remota idzi dziri very very quick pamarket.Takuda kunyika gumbo mushuga.How about it sweety?"Mai Ruru vakascreamer nerufaro nekuti hapana mukadzi asingade development yemurume wake ndokuti,"Baba Ruru shuwa Mwari ngaakudzwe.Mwari atirangarirawo now I am pretty sure kuti hatichatombotambudzikiri mari yechikoro neyerent sometimes.Asi ndinokumbirawo nemoyo wese kuti kana zvabhadhara usatikanganwe.Kwete kuzoreba muswe uchizotandadzana naana mainini uko,wazvinzwa here?"Cliff akaita kakukahadzika nemanzwi akakomba aya ndokungoti,"Okay sweety I will always try my best."Cliff akabva atsvoda mukadzi wake zviya zvekuvhara vhara nyaya yanga yakuda kutoenda nekumwe.Vaviri ava vakazoitana magood night ndokuvata zvavo. MANGWANA acho Brian akanoshanyira hanzvadzi yake mai Simon kurestaurant kwavo muAvondale.It was this upmarket restaurant that even offered some Chinese dishes.Parestaurant iyi paitoshanda nemaChina chaiwo uye paidhura zvekuti ndiro imwe chete yesadza nenyama yaiita $3.Mhene chete ndidzo dzaiuya kunodyira ipapo.Kana pakutaurwa zvemhene zvinoreva zvakare kuti neveganda chena vaikwanawo ipapo.Brian akashanya iri nguva yetea kuma10 makuseni sezvo kubasa kwake kwaisava busy.Akasiira minyonho yake ichitengeswa nemurume aishandira padivi pake.Achisvika akananga kuhofisi kwamai Simon uko akavasvikira vachibaya baya laptop yavo.Vaviri vakabvunzana mufaro vachiseka zvavo sevana vanyamunhu.Ukada kuongorora muupenyu hanzvadzi nehanzvadzi dzinofarirana kupfuura madzikoma nemadzinin'ina.Mai Simon vakasheedzera,"Clara please hurry up netwo machocolate flavoured Cappuccinos nemascones aya!Ndiri kuda kudya nababa vangu muno!"mai Simon vairemekedza hanzvadzi yavo kusvika pakuiti baba.Nenguva isipi Clara akapinda nezvakarehwa zvakagadzwa mutray chena yaipenya zvaitosvora meso.Clara akabuda vaviri ava ndokutanga zvavo kuvhiya chidembo.Icho hachidi pajekerere ka kana mune madziro ane mazhewe.Amai Chikudza vakavhara musiwo kuti dhwa ndookuti kiringijo kukiya.Vakavharawo fafitera zvakare kuti wireless isafambise mashoko.Ivo vaizviziva kuti kana Brian auya kuseni kudai panenge paine hono,iya mombe yekuti kana muchida kuiuraya nedemo motoipaza kamwe chete yofa nekuti kungoitadza chete panotungwa munhu.Mai Simon vakatanga nekuti,"Tipei tinzwe daddy,pane yamabata here vahanzvadzi?"Brian akamwauka meso nekunyemwerera ndokuti,"Haa mawhites sistran,honaiwo zvandaona chimhamha,"aitaura izvozvo achiratidza mai Simon profile picture yaCliff.Mai Simon vakanyungudika ipapo ipapo.Vakabva vatonyurira Cliff khonapo khonapo.Mukadzi mukuru akatanga kuzvituka kuti nei asina kumbowana rume rakanaka kudaro vachizvienzanisawo nekunaka kwavaiva vakaiita.Mai Simon vakasvuta svutugadzike yavo ndokugadzika komichi pasi vachiti,"Ooo this is majestic stuff.So is he willing to co operate and did you explain the terms and conditions to him?kkkkkk"Brian akapindura achiti,"I convinced him sisi after a long struggle.Apparently,he is married.Ane kasmall family kake anongokiya kiyawo mukati umu."Mai Sai vakati,"Married?Really! Iko kamwana aka,zvaane baby face wani.Anyways ndagara ndatova mumadhiri kare.Kubuda ka now is just like telling water not to be wet.After all there is no way I can trust a husband who has been cheating for a lengthy while.Dont play with three years.Who knows maybe more than that nxaa.Deal sealed chimudhara."Brian akagegedzera ndokuti,"So tichaona Friday kuti tichazvisimbisa how kuden pane vanhu vese.On that day ndipo pamuchapanana maphone numbers chotsva.Now hazviite coz imba yacho inotoparara ka isati yavakwa."Mai Simon vakaseka sevacharutsa mapapu ndokungoti,"Mukwane daddy,"vaitotaura vachitora chikwama chavo ndokubudisa ka$50 katsva ndokutambidza Brian vachiti,"Chibatai neapa Soko motengawo fuel nekutengerawo zvana zvatete chingwa kumba uko."Brian akatambira mari iyi achisekerera,vaviri ava ndokuonekana Brian odzoka kwake mai Sai vachisara muhofisi yavo.Picture yaCliff haina kubuda mundangariro dzavo,zvekuti vakanga vakutogaya kuroora Cliff vari ivo.Vakatapirirwa nestaira vakaswera zuva rese vachifara munhu wavasati vaona,kuzoti pakumuona haiwa hameno.Chimwe chainyanya kuvafadza ndechekuti nyaya iyi yaiva nerutsigiro rwemhuri yavo zvekuti kudai zvaizobondera vaizowana rutsigiro rwakakwana zvakare.Chakaipa kuti munhu aite hurongwa hwake ari dungamunhu nekuti kana zvazooma vehukama vanongoti,"Tatotangawo kuzvinzwa nyamusi." MUSI wedare rechipiri wakati wasvika,hama dzose dzakaungana zvakare paVaMareya kuzopedzisa zvavaiva vatanga.Rwendo rwuno vakanga vakati wandei nemunhu mumwe chete anova Cliff.Dare iri rakatanga na1 masikati uye harina kunetsa kukokorodza sezvo neFriday vazhinji vanenge vasina mabasa akawanda.Cliff akauya ari mumota maBrian akapfekawo zvakatsiga.Aiva akapfeka slim fit trousers rake reblue,Italian shoes dzake dzeblack dzaipenya kunga dzapolishwa kuMorris Depot neshirt yake yewhite yakaiswa mupono waicheka nhunzi.Pakapinda vamwe vese mumba Cliff akasara akagara zvake mumota.Akanga arairwa naBrian kuti agare ari online kuti azosenderwe Whatsapp message yekumusheedza kuti apinde mumba.Musi uyu Brian ndiye akavhurira musangano mushure mekunga vanhu vese vakwazisana.Akatangidza achiti,"Kuungana kwataita pano tese kunoratidza unity of purpose pertaining the issue at hand.Mukwasha mutsva tava naye.Inini ndinoda zvinhu zviri official so let me call him now."Brian akabudisa ziSamsung S7 rake ndokuenda kuWhatsapp kwaakanyorera Cliff message yekuti apinde.Cliff akaiona zvake ndokunanga pamusuwo wegirazi apo paakasvikogogodza ndokunzi apinde.Akapinda ndokumira akataridwa nemeso evanhu vese vaivamo.Brian ndiye akazoti,"Garai pasi mukwambo you are more than welcome."Ipapo vanhu vese vakabva vaseka Cliff ndokusekererawo zvake akananga pasofa raaiva asiirwa.Mbuya Mareya yaivawo mhando isina kukwana,vakabva vazevezera munzeve dzamai Simon kuti vanotorera Cliff chokudya.Mai Simon vakasimuka zvinyoro nyoro vakasunga zambia ravo raiva rakati mbambamba vakananga kukitchen.Cliff akaramba akayeva ngirozi isina mapapiro iyi ndokuzongotsikitsira mushure mekunge aona vanhu vese vaiva vachiona zvaaiyeva.Mukwasha akaramba akatsikitsira kusvikira aona dhishi riya rinogezerwa maoko riri pamberi pake.Akazongoerekana akutogezeswa maoko,vanhu vese ndokuombera vachipururudza.Mai Simon vaiita izvi vakapfugama apa vakapfeka kamwe kadress top kepink kekuti Cliff aiona zviri kuZambia iye ari muno muZimbabwe.Chipfuva chaamai ava chaiteya chichipenyerera zvekuhedhutsa kana pastor vaane makore makumi mashanu vari pabasa rehushumiri.Cliff akaswededzerwa tafura yaiva yagadzika ndiro dzegirazi dzaiva dzakazara nefive course meal.Akanyara kuti ndiye aiva ega ari kuda kudya asi akazobengenukawo akuona chikafu chakawanda chakuuya nemusikana webasa kuti vanhu vese vadye.Akangoti nemumoyo,"Hey this is a first priviledge,how official ooo my Jesus!"Mundiro maCliff maiva nemacarroni,mixed vegetable soup nezinhindi reroasted pork nyama yaaifarira.Imwe ndiro yaiva nemaplums emuseredzero.Semunhu aifarirawo kudya Cliff dzakasekerera dzaona pamberi padzo paiswa 100%Pineapple Juice yaibva mufiriji.Zvese izvi zvaiva zvarongwa muWhatsapp Group rekwaMareya.Amai Mareya vakatuma musikana webasa kure kuti vasare vachizokurukura pasina kutyira kuti zvingazorasikira nepamwe.Vanhu vese vakazotanga kudya mushure maCliff.Vari pakudya kudaro sekuru Richy vakarwutangidza vachiti,"Iyi yachata kare.Ini sasekuru ndinokubatanidzai,mukwasha you look so descent.Uri descent crook."Vanhu vese vakaumburuka pasi nekuseka,baba Mareya ndokusekererawo vachiti,"Iwe Trisha handidi kunzwa kuti wamukumbira kana airtime zvayo nekuti unozobhururutsa shiri yedu.You must take care of this guy because he is a life saver,"Brian akavadimurira nekuti,"Veduwee lets be official akomana.Uyu anonzi Cliff Choto,he is a good friend of mine and I am 200% sure kuti he can do this job."Vanhu vese vaingoseka kuratidza rufaro.Vedu Tete Chipeneti vakati,"Inga mukwasha you are so handsome.I think kana wakaonana naBrian face to face before,akakuudza maererano nezviri kudiwa.Iwewe you are going to be rewarded handsomely for the best services rendered.Iwewe your duty is to offer her love and affection she would be yearning for.IHarare iyi my son,tit for tat is a fair play."Vanhu vese vaingoseka uye pakazoshaikwa akazombobvunzisisa Cliff nezveupenyu hwake nekuti vanhu vakanga vakafarisa.Cliff namai Simon vakazonzi vapanane nhamba dzenhare uku kukava kutanga kwerudo rwavo rwepasi pevhu.Surely,it was love at first sight kutokunda Romeo naJully.Tete Chipeneti ndivo vakazoumburudza vanhu nekuti,"Cliff muzaya unatotsvagirawo vana mainini vako ava varume vanenge iwewe nekuti vari kugarisanawo neshato dzevarume mumba."Nenguva isipi mabhodhoro edoro anga atowaridzwa patafura namai Simon avo vakazooneka vomhanyira kunochayisa basa dzichiti 2:30 masikati iwayo.Vanhu vese vakasara vaiva zvidhakwa kunze kwamai Mareya nemukadzi wasekuru Garwe vaitomwawo masoft drinks.Tete Chipeneti vanga vakambanya huro yequart reCastle,ungazogaya kuti ndivo here murwere wediabetes.Cliff akangoona akukandirwa zvipo zvemari.Akambotanga achanyara asi akazoinhonga ndokuipfonyera muhomwe yakaunyanidzwa kudaro.Mafaro akazopera kuma5 vanhu vese voparadzana vakararadza zvekusaziva mazita avo.Cliff aisadhakwa zvekumhanya kunyangwe zvazvo aiva German Tanker.Akasveerera ndokunogara mumota yaBrian achiverenga mazakwatira emari aya.Akatanga kuimba kambo kaya kaJah Prayzah naDiamond Platinum kanonzi,"Ukazunza mazakwatira watora mari,"kambo kacho kakakwenenzverwa zvekuti kunyangwe usingakade kana kuti wakavenga vakakaimba ungoerekana wakaimba chete.Cliff akadzokorora adzokorora kuverenga mari iyi ndokunyatsogutsikana kuti i$230.Murume mukuru akagaya kuti ari kurota ndokunyatsofara aona kuti akuzonopedza chipande chake cherent yemunaOctober.Mwedzi waNovember wakanga watofamba mitunhu zvekuti landlord vakana vakutodya magaka akaora.Munongovazivawo malandlord vanorarama nemarentals kunga kanzuru.Brian akazouya kumotokari ndokudzoka vese mumba vooneka vamwe vose vasati vanovharisa kumabasa avo.Cliff akazoenda kumba kwake mushure mekunga adira petrol ye$20 mutank rake ndokunanga kumba kwake huri pahuma achidandaura "Ndini uya uya"yaSoulja Love............... Mai Ruru hanzvadzi yangu asikana,chii chichaitika kutsi kwavo??Ok Chapter 5 will answer that just watch the space!!!Like my facebook page:Dr Maxx's Stories....... Dr Maxx's Stories [23/03 18:22] Alvin: CLIFF BY MAXWELL CHIMEDZA:CHAPTER 3 Chifumi cheMugovera baba Simon namai Dee vakavamba hondo yemashoko,yaitoda vafire brigade kuti vaidzimure.Baba Simon vakatsamwiswa nekusaisirwa mvura yekugeza sezvavanosiitirwa mazuva ose.Murume mukuru akaenda zvake kunogeza neinotonhora.Hapana pakuzoda kuzora mafuta ndipo pakatanga nyaka nyaka yese.Vachingunobva kunogeza vakawana mai Dee vakachavata zvavo.Vakangoridza tsamwa ndokukweva gumbo ramai Dee zviya zvekudenha munhu akazvirarira zvake.Mai Dee vakabva vakwarakwanyuka ndokuunyanidza chiso chavo kunga vari kuona chinhu chakaora ndokuti,"Iwe Simon unondimutsirei husiku huno,asi unofunga kuti ndinoroya kani sekakadzi kako kanodanana nemapostori nxa!"Vachinzwa makunun'unu aya,baba Simon vakarumanisa meno avo nehasha vachiti,"Kudanana newe kucheka making onions,honestly kunoburitsisa misodzi kunga vix.Mukadzi wangu waunodai kukomerera ari pano here?Usaite semunhu akambotsvira mumba door rakavhurika.Kuti utambarare serunyemba kudai handi ndini? Waiizivira kupi Lux iwe wanga wanzwa nekugeza muviri neElangeni Green Bar kunga ndiro dzeparufu.I dont want to say much iwe chigure iwe,ndipe mafuta ndizore mboko haram yemunhu!!"Chihera vakangoti,"Pano hapasi paVaseline panoitwa zvepetroleum jelly.Usada kundiitira chibhuru bhuru ka iwe wakazungaira samai vako vaichemera kusonerwa weave ivo vaine airport yezuda.Vamwe vashandi vako vese unovashandisa uchivapa muhoro asi inini saChihera unondihoresa ndakagara zvangu nesele yangu iyi yausingagoni kushandisa.Unengewo kajongwe kane gwirikwiti,hapana chisvinu chaunoita."Hapa na asingazvizive kuti varume havadi kudzikisirwa panhau dzakadai saka baba Simon vakadzorera ipapo ipapo vachiti,"Eviden ce yekuratidza kuti ndiri murume ndiDee wazvinzwa and kudai asipo handaimboramba ndichikikiritsana newe kudai."Baba Dee vakataura manzwi aya vakutoyerera misodzi yehasha.Chihera vaigona zvavo kunyon'ora zvinopinda mumwongo chaimo vakati,"Kudai waisada kuita mwana neni wairovaka imbwa wakaviga mupini."Izvi zvakafizura baba Simon vakabva vabuda mumba nehasha ndokusiya varovera musuwo zvine simba.Vakadzoka mumba zvakare sezvo vanga vakanganwa runhare rwavo pekutanga.Vakab uda panze zvekare ndokufonera mukomana aivashandira ainzi John.Vakaraira John kuti anotora motokari yavo yerudzi rweMercedes Benz X5 kubva kumba kwavo kuGreendale.Nen guva isipi John anga atosvika nemunyonho weBenz waipenya zvaityisa.Baba John vakakurura tauro ravaiva vakamonera ndokupfeka track suit,t shirt nemapatapata mutsoka.Iyo shena yekusazora mafuta ungati ibakayawo rakaumburudzwa muupfu.Chokwadi munhu akaita mari asina kurongeka anoitwa muranda nepfungwa dzake.Pane vakataura vachiti pfungwa shoma dzinoparadza tenzi wadzo nebasa semurume anotsiga saga rechibage pamusoro wake iye achisunda bhara risina chinhu.Izvi ndizvo zvanga zvazonyatsoita upenyu hwababa Dee.Unotoshaya kuti vaizvipinzirei muchoto kudai?Murume mukuru akaperekedzwa naJohn kumba kwake akagara zvake kumashure.Irwo ruoko pashaya ungati zvakangozvarwa zvakadaro.Vakasvitswa kumba kwavo ndokukwazisana naChipo pasina zvizhinji zvavakataura pekutanga.Vana vaive vakacharara zvavo sezvo yaiva Saturday.Baba Simon vakatangidzazve kugeza nekuti ganda ravo rakanga roparuka paruka kunga regwama.Vakapedza kugeza ndokuraira John kuti achienda zvake vasati vazora Nivea For Men yavo yavaiva vamboshangaiswa naChihera.Vapedza zvose vakapfeka dzimwewo mbatya vakasheedza Chipo ndokubvunza vachiti,"Mai Sai varipi?"Chipo akangoti,"Vari kwagogo vaSai."ndokunyarara zvake.Gukurume rakatanga kuzvikinditsa nemibvunzo,"Hakusi kutotiza here uku?Ndava tsvimborume ka ini? Zvinonyadzisa ka izvi?"Vakangoerekana vatorwa nehope pasofa pavaiva vakagara ndokurota mai Simon vari kumhiri kwerwizi rwakazara makarwe vachiti,"Bye bye"vachiratidza nemaoko avo zvakare.Nenguva isipi baba Simon vakangoona vakumedzwa nenyika.Vakazopepuka votonyura chimwiri chese kwasara musoro bedzi panze,pamberi pavo pakamira zimunhu rakagukuchira zifoshoro richida kuvapaza zidzoro ravo.Chipo aiona zvake firimu remahara iri bvaasanganidzan nemaziso ababa Simon pavakapepuka.Murume aidikitira zvengozi zviya,Chipo akazongovhara vhara nekuti,"Ndokuisirai tea here baba?"Baba Sai vakapindura vachiti,"No problem mainini ndakaguta.I just need to rest.I will notify you kana ndoda kudya."Vakangosimuka pavaiva vakagara ndokunanga mubedroom kunonyatsozorora.Panguva iyoyo vakarara hope dzeumambo dzisina madzikirira.Vak azomutswa nevana vavo atova masikati.Munongozivawo kuti vana vadiki havanei nezvizhinji ndosaka mambo Jesu vakati regai vauye kwavari.Vana ava vakaswera vachitamba nababa vavo kusvikira varara manheru.Uyu wakava musi wekutanga kuna baba Sai kurara dollar sign vasina gumbeze rine maziso kana mhino. Mangwana acho iri Sunday mai Simon vakagadzirira kudzoka kumba.Chipo aiva atovapa guhwa rekuti nezuro wacho baba Simon vakarara mumba vachiratidza kushushikana.Nyaya iyi payakazeiwa paWhatsapp Group rekwaMareya zvaingonzi,"Itsitsi dzei bhinya kuperekedza mwana kucreche."Hapana anga achada kudzokera kumashure nehurongwa hwakanga hwapihwa pavakapedzesera kusangana.Tete Chipeneti vakarayira mai Sai kuti vanobata murume wavo zvakanaka voratidza kumuregerera pakuvatadzira kwaakavaita,vari munzira yekunogadzira chimbambaira chavo chaizoputikira muvhu.Amai Sai vaingosenda twumaemoji twekuseka kuratidza kufarira dhende iri. Mangwanani acho eSunday baba Sai vakazvishingisa ndokufonera ambuya wavo vachida kunzwa nezvamai Sai.Murume wese angapaparika sehuku yachekwa musoro asi pamukadzi wake wekubig house nedzimwe nguva dzakafanira anotombopetawo muswe.Runhare rwakatambirwa nenzwi raizivikanwa chose nababa Simon.Vakangoit awo rombo rakanaka kuti runhare rwaambuya vavo rwakanga rwuna mai Sai.Mai Sai vakachingura call iyi vachiti,"How are you Samaita,I really really really miss you!Ndiri kuuya kumba.Ndakuregerera murume wangu.Tiakaparadzana vana vanozotambura.I have forgiven you my hubby,zvinhu zvese zvinotauriranwa muhupenyu."Mai Sai vakataura nenzwi rakaumburudzwa muglucose zvekuti baba Sai vakapererwa nemhinduro vakangoti,"Thanks sweety.I will be waiting for you."Vakapedza kutaura uku,baba Simon ndokuzviwisira pamubhedha vachinyemwerera sepfambi yaratidzwa corner yepondo.Vakangoti nechemumoyo,"Vakadzi tinovatamba nebhora isu.Aiti anoendepi iyeye.Chidembo tamba tamba muswe ndakabata.Kwasara vanozviti Chihera,ndinoda kuvapinza muforo."Murume mukuru akazhinyura asingazive kuti rwendo rwuno aizotambwa nyowani kuHarare.Nerimw ewo divi,mai Simon vakarovama maoko naamai vavo pavakapedza kutaura nababa Simon kuratidza kufamba zvakanaka kwehurongwa hwavo.Chokwadiwo hupenyu hunosekesa,paun oda kukaurisa munhu waunodheerera mazuva ose unogona kusaziva kuti naiyewo ari kuda kukuisa musaga.Mai Simon vakakwira makombi avo ndokusvika kuGreendale kwavakasvikotam birwa netsvodi vasati vapinda nemumba.Nevanawo vakafara kuona amai vadzoka uye nekuonawo baba vanosombopaparika varipowo.Chipo akanzi arege zvake kugadzirira vaviri ava breakfast nekuti mai Simon vaida kugadzira ivo vamene.Vaviri ava vakaswera vachirezvana zvekuti baba Simon vakashaya mukana wekunyatsokumbira ruregerero face to face.Vakatongoonawo vega kuti mhou yadzoka mudanga haifurufushwe.Manheru acho they had a candle light dinner mubindu ravo.Vakadyisana mundiro imwe chete.Izvi zvaiva zvasorongwa namai Simon nekuti vakanga vatogaya kuti kudai vaizodya mundiro dzakasiyana baba Simon vaigona kufungira kuti vangaisirwe poison kana vapepe vemupfuhwira.Vapedza kudya vakageza vose ndokuzonorara saAdam naEve vakagumbatirana kunga munhu mumwe chete.Nechemumoyo baba Simon vaingoti tsvatu waro ukuwo mai Simon vachiti toko waro.Vakarara vakadaro usiku ihwohwo!! Mangwana acho uri Muvhuro,Brian aiva akagara muhofisi yecar sale yake iri munaSeke Road achitarisa macontacts ari muphone make.Apa aitsvaga shamwari yake inoshandika nayo padhiri rekumba kwavo iri.Brian akaita mahwekwe necontact yaCliff bvaangonyemwerera.Cliff aiva shamwari yake yaaiona pano neapo vachinzwisisana.Vaviri ava vainzwisisana zvekunwidzana chikari.Cliff aiva samusha ane vana vaviri nemukadzi wake mumwe.Airoja makamuri mana kuKambuzuma uye aiva nekachitoro kake kemaparts emota munaKaguvi mudhorobha reHarare.Pazvinenge zvakadzorawo aienda ne$35 to $50 pazuva,asi kana zvakaoma aienda kana ne$10 kana kutoshandira lunch chete.Nokudaro hupenyu hwaCliff hwaingovawo hwekungodaro daro asi zvino akanga atarisana nejackpot.Repachitupa ainzi Clifford Choto zvakare akanga azivana naBrian kuburikidza nekuramba vachidealer vose pane zvine chekuita nemotokari.Kana Brian aine mota yaaida kutengesa asi iine part isiri kushanda nomazvo abva anoiwana kuna Cliff achipinza mumwe wake machena.Hushamwari hwavo hwakabva hwasimbiswa nekuti vese vaiva vatsigiri veDynamos nekudaro vaiona bhora vese muRufaro kana Dembare iri pamusha.Mhuri dzavo dzakanga dzozivanawo paane hukama hwakasimba kupfuura nzou inoenda kugym.Pachimiro Cliff aiva murefu aine mbambo dzaiita sedzichabvarura hembe.Chiso chake chaiva chakaisvonaka sechamambo Sauro vemubhaibheri.Murume uyu anga akarimirana muganhu negarwe nekuti aigeza samare.Hongu zvaimbooma muhupenyu asi Cliff aizvichenesa nekuonekerawo pane vamwe.Kuzoti akaparker Altezza yake yewhite akaitsamira unogutsika shuwa kuti paita zvaboss.Waiti ukamuona hawaimbogaya kuti ane vana vaviri nekuti aitatidzika kuva mudiki nguva dzose.Zviya zvekuti doro rinosakadza vanhu dzaiva ngano dzechembere kwaari.Wainzwa achiganza achiti,"Ukarimwa usingagezi unoratidzika sechigunduru.Aaa rinotengwa nemari iri saka rinodawo kugeza zvakare."Aitaura mashoko aya akatodzipa zvake quart reCastle zvakare musi iwoyo unobva watoziva kuti nhasi zvakadzora.Chik onzero chihombe chakaita kuti Brian asarudze Cliff padhiri iri chaiva chekuti Cliff aiva munhu akachenjera uye akadzikama semukwasha ari kuombera vamwene.Apa hapasi kurehwa kudzikama kwehunhu hwakanaka kuya asi kwekugona kuchengetedzs zvinhu mumoyo zvisingazorasike.Zvakare pamadhiri ose avakaita vari vaviri hapana kana rimwe chete zvaro rakabondera.Naizvozvo vaviri ava vainzwana. Brian akazofonera Cliff achida kumurayira nezvedhiri ravaida kuputitsa iri.Mukoma Brian vaitenderera tenderera muhofisi yavo vari pachigaro chiya chine mavhiri ndokutaura naCliff vachiti,"Eee chibaba chenyuchi ngatimixe palunch kuChicken Slice Mbare pane big zhet randiri kuda kukupinza.This time unoparara nebag hupenyu hwako hwese kkkkkkkkkk."Cliff akapindhra asiri kunyatsonzwisisa kwaida kuzosvika nyaya akangoti,"Haa mudhara mazhets zhula tsano.Apa ndine dzimwe simbi dzakabva paDurban apa zvimwe ndidzo dzauri kuda kundipinzisa machena nadzo pakati pemwedzi kudai.Unengewo unoroteswa kuti kunze kuri kupisa saka haa mahwani."Brian akangoseka parunhare ndokuti,"Usada kufarisa ndakakutii nenyaya yako yekunditu tsano.Wochiita zvandakuudza usapedze nguva nxaa."Vaviri vakaseka zvavo kusvikira Brian azogura runhare.Cliff akapedza mangwanani ose akapembenuka.Aiziva kuti kana Brian ataura zvemazhets imari yega yega.Mukomana aishandira Clifd ainzi Melford aingonyemwererawo achina boss vake vachidai kupembera. One bells dzemasikati dzakati dzochaya,Cliff akatsika Altezza yake akananga kuMbare kwaiva kwarehwa.Akakwa nisa kuparker motokari yake pamba peimwe shamwari yake yainzi Kudzi yaigara kumaShort Lines muMbare makare.Akazoped zisa karwendo rwake netsoka ndokusvikarana panzvimbo naBrian.Achiri munzira ndipo paakazorangarira kuti nhasi kwaiva kwakambomira sei zvaita kuti vasangane nemutoo wakadai.Mamwe madhiri aisoperera munaKaguvi nekucar sale asi musi iwoyo masamba anga asiyana.Cliff akazongoti chauya chauya mafambire ebenzi.Vaviri ava vakasarudza divi raiva rakahwanda kuti vazeye nyaya yavo.Brian akatenga naShumba Slicer maviri nemasoft drinks avo.Vanyatsogarisika uye vagutsikana kuti hapana Madziro Committee,Brian akangotanga nekubvunza Cliff achiti," Unoketa sistran yangu yepaGreenaz here?"Cliff akagutsurira musoro wake waigara wakazudurwa asi aiva nekakushamisika kuti zvehanzvadzi yaBrian zvanga zvabva nepi.Brian akaenderera mberi achiti,"Shaa Friday vakamwa poison vakaponera kuchipatara after she had discovered that her husband is having an illicit affaira nechimwewo chikweshe chekuKuwadzana.Can you imagine Cliff kuti tsaga vaya vanozviti Boss Sai vakatotengera chigevenga ichi den.So my poor sister is so heartbroken vatori parevenge mode as we speak.Iwewe mfana Cliff I want you to be part of the plot.Big zhet wangu wafa nemari wangu."Brian akasiya nyaya yakarembera zvekuti Cliff akazobvunza achiti,"Saka munoda kuti ndiite sei blaz?"Brian akanyemwerera ndokuti,"Mhuri yedu yakanditendera kuti timutsvagire chikomba kuti asazode kuzviuraya futi.Murume achitsikisa dzake mukadzi achitsikisa dzakewo."Cliff akaita seachasvipa nyama yaiva yakazara mumukanwa make iyo yaaidya Brian achitaura.Akazoona kuti zvaizonyadzisa munopindwa neruzhinji ndokuti,"This is ridiculous.I have never seen zvakadaro before.Saka makatsvaga here gomba racho?"Brian akaseka zvakanzwikwa kwose ndokuti,"Ndiwe"achiizevezera.Cliff akatsika madziro asi nenyaya yekuti akanga aona mupata weiya yakaurayisa Jesu akabvunza achiti,"Hazvibatwi here nhai tsano?"Cliff akabvunza achinyaririra so.Brian akati,"Kuhura kwemurume kunokurumidza kubatika pane kwemukadzi.Do you really know kuti mukadzi can cheat kusvika palevel rekuti anokuchengetesa vana vechikomba for the rest of your life ozoreurira akufa."Vavira vakaita sevachaungana pasi petafura yavaidyira vari,nekuseka.Cliff akati,"Koo kuside kwangu melaz yangu haigayire here shaa coz malevels etype iyi handisati ndambomhanya navo?"Brian akatanga aseka ndokuti,"Unenge uchibata mari saka avo vanovharwa nemasinhi bedzi.Mombe yemudanga inofara chaizvo kana ichiunzwirwa huswa mudanga imomo.Gara watovatipa kuti wabatana neni kumazhets emota kuitira kuti mugodhi wemari woputika wasabvunzisisa kwayabca nekuti vanenge vakuziva masystem acho."Cliff akafarawo nedhende iri nekuti panoti mari pakaoma regai maShurugwi adhedhe munhu dumbu ndokusvina matumbu ake vachida ngoda raaiva amedza.Brian akaona kuti mumwe wake akabira ndokumuratidza profile picture ramai Simon.Cliff akamedzera mate ndokutaurira mumoyo achiti,"Ummmm paita chimhamha apa alongside finance maihwe toirova isu vetwumacar parts vemota chaidzo dzinotsika vakati wawawa!"Chiri mumoyo chiri muninga,Brian kudai akanzwa kurasa muromo uku aigona kungovharisa madhiri achoasi nyaya yaizomumomotera nekuti Cliff was secretly recording their conversation for future use kkkkkk.Brian akati,"I dont want her to die.Itsa basa rako,job description uchaipihwa on Friday vemhuri vese varipo for official purposes nekuti ungazogaya kuti ndezvemumusoro mangu.Iyi iplan ine chindindo chamudhara wangu saka usakwate hausi sadza."Cliff akagutsurira musoro mumaziso akungoona madollar signs nekuti aiziva vanaChikudza ndivo vana Harare vacho.Vaviri ava vakazoparadzana lunch yapera ndokuonekana,mumwe achienda kwake mumwewo kwakewo............... Ko Cliff achanyatsozvifambisa sei??kkkkkkk lol Watch out for chapter 4!!! [23/03 18:22] Alvin: CLIFF BY MAXWELL CHIMEDZA:CHAPTER 2 Madekwana eFriday iyoyo mai Simon vakakumbira nharembozha yaamai wavo kuti vataure naChipo.Runhare rwavo rwakangotambirwa ipapo ipapo nekuti Chipo aiva akatobata phone yake achitaura paWhatsapp 'nababa' wekwake.Chipo akadaira phone nekukurumidza hana yake yatova mumaoko kare ndokuti,"Maswera sei gogo aSai kwakanaka here?"Mai Simon vakatanga vagegedzera zviya zvemunhu anenge achida kurerutsa mamiriro ezvinhu anenge akaoma,ndokuti,"Maswera sei vasikana ndatokumbirawo phone yagogo vaSai kuti nditaure newe ndinzwe mamiriro ekumba now now."Achinzwa inzwi remukuru wake,Chipo akakwakuka kubva pamubhedha paaiva akarara zviya zvine kakuvhundukira kane saga redzungu mukati.Chisikana chakascreamer chichiti,"Shuwa ndimi here mhamha manaya kudai.Mwari ngaakudzwe nekusingaperi peri.Apparently,everything is well under control here.I have already secured the place and madoor emotokari yenyu ndasovhara kuma6 uye phone yenyu yaivemo ndatoitora,ndinayo kutaura kudai.Yatosvika pakupedzwa moto nababa vanga vachimbofona.I just ignored those calls nekuti ndatya kupinda mudanga risiri rangu.Fortunately,havana kumbopinzira kuphone yangu and havana kumbotsikawo pano kubva paya pamabuda makuseni."Amai Chikudza vakaona kuti vakaramba vakanyarara chisikana ichi chaizongoerekana chorebesa munamato svutugadzike ichipora.Vakaona vega kuti kutaura kwemusikana uyu kwaiva nemafaro ega ega mukati nekuti zvinofadzawo kuti boss vako vapona panjodzi huru.Vakachingura mutorododo wemashoko emusikana uyu vachiti,"Thanks my dear for being equally responsible and may God bless you for your life saving exploits.You are so naughty ko ndiwe here wandirapa zvowoti ndanaya kudai?"Amai Chikudza vakataura mashoko aya ndokuaperekedza nesetswa.Hawaimbofungira kuti munhu amborwara mhotsakufa.Chipo akapindura achiti,"Mhamha musadaro kkkkk your voice is really sounding lively.I am so glad that you are back on track now."Mwanasikana uyu aitsvanzvadzira tsvanzvadzira ChiRungu sezvo aiva akapfuurawo nepamukova wechikoro kunyangwe zvazvo akazoshairwa mari yekupfuurira mberi nefundo yake.Chikonzero chihombe chaaidira mai Simon ndechekuti vakanga vamuvimbisa kuzomuendesa kuAdvanced Level mugore raitevera.Ndokusaka Chipo akamira mira semweya wetsvina ari ega kuti afonere ambulance izotore vatenzi vake vanorapiswa.Aiziva kuti kushaika kwaAmai Chikudza ndiko kwaivawo kuzoparara kwekuenderera mberi nedzidzo yake.Muna mai Simon aiva aona mwari wake wepasi pano naizvozvo aisada kuti vatambudzike nekuti vaimuratidza rudo kutopfuura vanin'ina wavo wavakasheya navo chibereko.Mai Simon vakati,"Shamwari ndazoponera kuchipatara.Now ndiri kumba kwedu kuHatfield.Mhamha vandirambidza kurara ikoko unongozivawo mweya wekubereka zvaunoita.Never mind about that bastard who calls himself Mr Chikudza.Ko riripo here zimbiti iri?"Amai vakabvunza ndokuridza zitsamwa riya rekwamai Azuka rakaita serichatsemura mouthpiece yephone yavaishandisa pamwe neearpiece yephone yaChipo.Chipo akatozvinzwa nepaphone chaipo kuti BP yemuchembere yatoshooter ndokukurumidza kuti,"Mhamha matokanganwa here kuti ndambokuudzai kuti havana kumbosvika kuno.Ngatifarei nekuti your kids are safe with me kuno.Vatorara now maidai mataura navo.You need a rest mom dont worry ndizvo zvinoita upenyu.Life is full of ups and down vaya vakagadzira see-saw vanga vazviona izvozvo.Mhamha zvinoita musatye."Mai Simon vakashamiswa nekuti havaitarisira kuti mwana ane 17 years ataure mashoko aya anonzi naAmai Chisamba "mashoko makukutu."Vakapeta muswe wavo ndokuti,"Ewoni Mai Chisamba kkkkk shuwa chatsvuka chikakwata.Waita basa neinformation yawandipa.Take care of my sweet babies.If anything happens or if you hear any sinister movements within our yard just raise the alarm by pressing the emergency button that can alert the whole neighbourhood.Kana kungo apper phone ino,wazvinzwa?Chirara bho munin'ina wangu."Chipo akati,"Ndazvinzwa chimhamha changu good night.Musakangwe kunwa mapills amapihwa mazvinzwa?"Amai Chikudza vakaseka chose ndokuti,"Iwe ukwane unengewo kaprophetess wazviziva sei kuti ndapihwa mapills kuchipatara?Tirarirei uko kana kuti mutitaurire naanababamunini vedu vasati vagayira kuti mavakutsikiswa mamwe maedition."Chipo akatangawo aseka ndokuti,"Maita basa amai chizororai dont forget zvandakurairai kkkkkkkk."Achipedza kutaura izvi akabva acutter phone ndokuendera mberi achichatta nehombarume yake.Amai Chikudza vakatenda Chipo nechemumoyo nekuti aiva avayeuchidza kuti vanwe mapiritsi apa vakanga vatozvikanganwa.Vakangoti,"Chipo ka?Inga zvakaoma.Nobody lives like an island.Mwari ave newe uwanikwe neanokuda kwete Pomona Dumping Site yandiinayo."Vaitaura mashoko aya vachinotambidza amai wavo phone yavo avo vakanga vachitozeya nyaya yemukunda wavo nemurume wavo mubedroom mavo.Mai Simon vakaonekana nevabereki wavo ndokunwa mapiritsi ayo akavabatisa nehope.Nenguva isipi vakanga votorova ngonono. Kune rimwewo divi muHarare makare baba Simon vanoonekwa vakarara pamakumbo amai Dee kuma9 manheru.Vaviri ava vanosogara vachiyemerana asi musi uyu mumba maipisa kupfuura hot season yekugehena.Hongu baba Simon vakanga vakavata pamakumbo amai Dee asi chemusi uyu chaitoda VaChidyausiku vaya vekuSupreme Court kuti chiderere.Mai Dee vakavava vachiti,"Simon inonsense ipi yawandiitira nhasi.How could you fail to sacrifice just some few hours for your own son kuti awane birth rakewo aonekwewo semunhu pane vanhu kwete saMatsangaise asina identity?I texted you makuseni seni and you never replied apa ndipo pavakusvika kuma2 masikati uchifamba one two one two munhu washefu ane mota six.Macalls angu aisaita through,what kind of rubbish is this,huh tell me,bastard tell me.Ndaswera ndichisekwa nevanhu vemuraini vakuona uchidzika kombi yecoin shuwa.Ndiitire serious wazvinzwa nxaa!"Mai Dee vairudunuka zvavo vachidhokonya achikomba nechikunwe chavo chaiva nefake nail yaibaya sekumberi kwebanga.Baba Simon vakashaya angle rekutanga naro ndokungoti,"Honey its a long story.Now I am so tired I really need to rest.We have plenty of time in this world to put our house in order."Mai Dee vachinzwa izvi forogonya yavo yakabva yatokwira ndokuti,"Dont trivialise this issue Simon,what are you trying to hide for me.Handi pekutanga wakanditsvaga kuti undiite painkiller kana wanetsana nekabete kaunogara nako and you paid me with everything I needed in my life.Asi chitarisa ka kuti zvinoda maintenance zvinhu izvi and you are the maintenance."Mai Dee vakaenderera mberi,munongovazivawo kuti vakadzi vakangodaro daro kana vodya mazimbe anopisa vanoita sevachadya nembaura yacho ine marasha iwayo.Vakarudunuka vachiti,"Pano hapararike kana usina kundijekesera zvaitika nhasi or else unoenda kumba kwako izvozvi.Pano panoti ini,dont mess naChihera ndasiyana nembwanana yaunogara nayo inokujaidza kunga imbwa inofeedwa nemukaka natenzi wayo."Baba Simon vakabatikana nemagaramoyo akanga oputitswa naMai Dee.Vakaonawo kuti vakaedza kuita zvechibhanditi panyaya iyi,ivo ndivo vaizonyura pachena chena.Mwana aiva atsva dumbu mai vatsva musana kwavari,saka apa vaitofanirwa kunakisa divi rimwe chete zvaro kuti vawanewo a slight breathing space.Murume mukuru akatsanangura kunyadziiswa kwaaiva aitwa kumasowe namadzibaba Eria kuzosvika pakusiiwa nemukadzi wake pamwe nekuzopisirwa kambudzi kake nemapostori mushure mekunge kasara kakandwa pasi namai Simon voenda.Musi uyu baba Simon vakabva pasowe iri vachisvereredzwa ndokuzokwira makombi vakananga kuKuwadzana.Vakatadza kuenda nekwavo kuGreendale nemhaka yekuti vakanga vongofunga kuti kwabereka mbada,saka vakazonoswera kwaamugirlfriend uko kwavakaswera vakaisirwa muromo mumhino kuzosvikira pakuzoradzikwa pamakumbo iri nzira yekunyengererwa kuti vadure zvose zvaivanetsa.Vakomana small house ine mwana nechikomba inotongera chitororo.Mai Dee vachinzwa tsananguro iyi vakaseka zvesvoto zviya ndokuti,"Why do you venerate that bitch.Tarisa uone kunyadziswa kwawaitwa nembiri yauinayo hazvishamise kuona nyaya iyoyo yatova muH Metro tomorrow.You are well established Simon,kuramba uchigara nekakadzi kako aka kuwaster time kudya soup nefork.Saka watotadziswa kutora birth remwana wako nekusarongeka kwako...."Mai Dee havana kupedza muromo iwoyo nekuti baba Simon vanga vatobva pamakumbo ndokumira kwakadaro uko vachitarisa mai Dee neziziso riya rakati,"Wakuenderera manje musatanyoko iwe."Mai Dee havana kumbokendenga ndokuti,"Tigarirei pasi tironge zvekugara tese full time pane kuchochomeswa nevanhu vasina chiyamuro pasi pano."Baba Dee vakanga vachifuta zvino nemashoko epfambi yavo.Zvokwadiwo mai Dee vakanga vorasa muromo nekuti vakanga vakawana zvakawanda kubva kuna baba Simon zvikuru seven roomed house iyoyo yavaigara.Pane munhu angada kupa gonye kuhove yaabata here?Apa kuwedzera munyu pachironda,Dee wacho aisambova mwana wababa Simon.Kwaingovawo kutambiswa bhora risina mweya kuHarare.Nhoroondo yaBaba Dee yairatidza kuti munhu akakura achitambudzika saka pavakaita mari vachibatsirwa nemukadzi wavo,vakatanga kurasa muswe.KumaAvenues vaiita kuvachinjanisa sehembe,kuzoti twana twechikoro zvaitoda Ndunge wepaChipinge kuti ashopere namai Dee vekuvagezera mwana wakava vahosi vepfambi dzavo dzese.Pane vanotaura vachiti,"Mwari akakupa pfuma,Satan anokupa small house."Vanhu ivava vanenge vakaparura mashoko aya vakanangana nababa dee chete kkkkkkkkk.Mudzimai wavo aivimba navo kwemakore gumi ewanano yavo kuzogumira pascandal rekumasowe.Naizvozvo murume uyu panguva ino akanga ava panguva yaChimbetu.Baba Dee vakangoerekana voti,"Wakufarisa imbwa yemunhu.Wabuda ka mahips nemari yangu wakutaura poison.Hanzvadzi yasatan nxaa."Amai Dee vakangoseka zvekare ndokuti,"Ungandidii ini hanzvadzi yababa Tencen."nechemumoyo bvavazvambarara zvavo pamubhedha.Baba Simon vakangoridza tsamwa ndokuzviwisira pazileather sofa reblack raiva mubedroom umu vachiridza tsamwa kusvika vabatwa nehope.Uyu ndivo wakava musi wekutanga kuvaviri ava kurara pakasiyana vatsamwisana.Hamenowo zvazvaishura........... Musi wedare wakati zvino wasvika vehukama vakaungana pamba paVaMareya kuti vaponde chiva changa chapinda mumusha.Nezuro wacho Sekuru Richy vakazoperekedza umwe naumwe kumba kwake mushure mekunge vabva kuchipatara namai Simon vachizoenda navo kuHatfield.Kwaiti Brian aigara kuWarren Park 1,Tracy aiva akaroorwa achigara kuEastlea naJuliet aiva akaroorwa zvakare achigara kuMsasa Park pedyo nekuGreendale kwaiva nedare guru.Tete Chipeneti dzakagadaira nemateya adzo dzichipinda muyard mehanzvadzi yadzo dzichibva zvadzo kwadzo kuHoughton Park.Musi uyu Sekuru Richy vakabva kwavo kuWaterfalls nemudzimai wavo kuti vaonere pamwe chuma chemuzukuru.Dare iri rakatanga na10 makuseni zvakare harina kunetsa kukokorodza nekuti vaimbova vatsinhira hurongwa hwaro muWhatsapp Group ravo manheru anezuro.Mbuya Mareya vakabva vatuma musikana wavo webasa kure nekuti hazvaibvira kuti avepo nekuti it was an inner circle family issue.Main agenda yedare iri vanova mai Simon vaivapo zvavo uye vairatidza kubwinya pachiso kunyangwe zvazvo aikwanisa kuvaongorora nomazvo aiona kuti mukadzi uyu ane zviri kumunetsa.Semukuru panhaurwa iyi,VaMareya ndivo vakachair vakatanga nekubvunza mufaro kune vese aivamo akati tekeshe pamasofa aiva muliving room umu.Vakazosvika pavainyatsoda vachiti,"Taungana pano kuti tigadzirise nyaya yemukunda wangu uyu Trish akapotsa azviuraya nezuro mushure mekunga abata chokwadi chekuti murume wake ari kudya nyika rutivi nemumwe mudzimai."Musharukwa uyu aona zvino vanhu vese varatidza kuteereresa akapeta peta maoko eshirt yaaiva akapfeka ndokunyatsogarisika zvakanaka ndokuenderera mberi achiti,"Saka pano tauya for a way forward.You know kuti we are a family,chakuvadza umwe wedu chakuvadza vese.So mainly tiri kuda pfungwa imwe chete yatichafamba nayo kusvikira tawana light at the end of the tunnel.Saka ngachitsve."Vachingopedza kutaura mashoko aya,Sekuru Richy vakabva vatobvunza mai Simon kuti,"Mune chokwadi chomene here kuti murume wenyu ari kudya nyika rutivi nevamwewo?"Mai Simon vakati,"Hongu sekuru vangu!"zviya zvine confidence mukati.Mbuya Gomo mukadzi waSekuru Richy vaiva mudzidzisi paSunningdale Primary School vakawedzera mumwe mubvunzo vachiti,"To what extent do you trust that white garment prophet kuti anotaura chokwadi?"Amai Chikudza vakapindura zvavo zvakanyorovera vachiti,"Actually this was my first time at that shrine.I was referred to it by my friend Amai Mwale after I had divulged my dream to her through an early morning Whatsapp chat with her.Baba Sai ndakatovabata huro kuti tiende kumasowe ikoko.Ndakazongovaponda nestatement rekuti ndarota kuti someone is bound to cast a bad spell upon our businesses zvekuti taizogara mudish.Ndipo pavakazongobvuma kuenda then goal posts shifted tatopfugamiswa namadzibaba.Simon akatanga kuactor weird zvekuti I smelt a rat nekuti madzibaba vakanga vovafumura.Pakavhundunyurwa chokwadi chese havana kumbopokana nazvo.In fact vanga vakunyara.Ndakazongobvapo nehasha apo pandakazonomwa poison ndichivasiya varipo.I just couldnt stomach it.Simon ndakatanga kudanana naye asina kana minibrief.Ndakamutsigira pese paaita course yake yekugadzirwa mota paHarare Poly kusvika aane zidumbu kudai asi nhasi akutengera mahure ake dzimba apa inini ndisiri entitled to any of our major properties except Ford Ranger iri muzita rangu.I have been so angelic to him in the name of love but he opted to treat me like that.We own five low density houses that are dotted around the capital,butcheries,bottles stores,nemakombi hobho and zvese zviri muzita rake but I dont give a damn nekuti ndinongoti ndezvemurudo.Everything is being done under the name of love.Nezuro ndakamumwira poison inini kana kumbouya kuchipatara nesorry zvayo.Ndakataura naChipo yesternight paphone yamhamha manheru akati baba Sai havana kumbodzoka kumba.Ha inini zvangu ka......" Mai Simon vakazongopedzisira vochema asi muzongozongo wenyaya vanga vadedemura zvakajekera munhu wese aivamo.Pakanga pakudiwa masuggestions chete to map the way forward.Amai vavo ndivo vakazongoti,"Saka mhuri yako uchiri kuida here?"Tracy kaigara kakadengezera dengu redzungu kakahachukira mubvunzo uya kunga wako kachiti,"Siyanai nazvo sisi zvevarume zvinonetsa.Ini nditori munzira kusiya wangu nekuti ndatonetawo.Zvenyu zvitete izvo wangu anotofonerwa obuda panze otaura nevanhu vake.Ukamubvunza anokuudza kuti maprofessional calls from private business aliies.Tinongonzwawo zvichinzi marriage is not a bed of roses asi ndazonyanyawo kurima paruware.Kungogomerawo tiripo sezvinotaurwa and kuti urambe uchinetsa vana tete vakatoroorwawo imwewo chapter inewo maverse ayo mambishi.Ini ndinoti garai mabuda sisi.There is life after this..."Tete Chipeneti vakati kwanyamu kusimuka izvo zvakadimura nhunha dzaTracy vakati,"Iwe Tracy usati kana uchiondeswa nekamuBocha kako kusara mapfupa kudai woregera zvakare uchionzwa nepfungwa kudai.Trish haana Chater 5:11 uyu saka akasiya murume anobuda ari empty handed plus stress yekuhurirwa haiwa angasatokukunda pakuonda here.Hatiitwe marema nevanhu kuHarare ka.Hongu restaurant ari kurunner but its too little than all the assets combined.Imi vakadzi munoda attention zvimwe zvinodiwa hazvo hatirambe,ndogap ratinoda kucover apa.Shuwa mungaende nenyika modzoka nayo futi saTocky.Never ngapaitwe plan apa vanhu ngavagare mudzimba dzavo.Ndapedza ini."Tete vakabva vagara zvavo ndokutora katauro kavo kakanyorova kavaifamba nako ndokupukuta ziya raiva roteuka kubva pachiso chavo.Vatete ava vakangoti vapedza zvavo asi pane point yavaiva vadenha nemaune kuti vanhu vabude nefinal decision.Munhu wese aiva mumba umu akasara aine chitsvambe.Brian aiva akanyarara paitaurwa pese apa uye anozivikanwa mumhuri iyi nenhau yeuchenjeri hwake akangoerekana oti,"I cant live to see my sisters vachida kufa kudai.At least vakaonawo a modicum of peace of mind vanofaranukawo.Haa shuwa vanhu vangazounganira rufu rwemunhu afira murume.Aiwa tinenge tazvishoresa saheadmaster anoreporter for duty kuna schoool groundsman.Zvandafunga pano with compliments to pfungwa isina kuzojekeswa natete,zvingakukatyamadzai asi its the only way out of this mess.Imi sisi Trish tichatikutsvagirai chikomba chinokupedzai stress.Murume achitamba magame ake uko imi muchitambawo enyu asi muri mumba mumwe chete.Musafe makafunga kuti varume vanochinja kunyangwe vanyadziswe sei.Shiri ine muririro wayo haiuregi.Especially ropa richapisa kudai vanotoendera mberi.This is my decision take it or leave it."Mumba makaita runyararo rwekumakuva umwe naumwe ari muongororo yake.Baba vemusha vakabreaker silence yi vachiti,"Asiwo zvinganyadzisa zvikazikanwa nenyika kuti ndizvo zvavapo asi I second this thought due to its potentially life saving ability.On paper Trish uyu akafa anoshoterwa ndisu ivo hapana chinovabaya.But these cards must be played close the chest because we cant afford to bring our family name into disrepute."Vese vanga vambovhiringwa nepfungwa yaBrian iyi vakangobatikana nepekuti umwe wavo kuri kuti akafa ndivo vaizorasikirwa.Iyi yakanga yava chauya chauya.Chinoda madzandecho muridzi wenyaya akatambira pfungwa iyi nekuti akanga aine pfungwa yerevenge.Akataura achiti,"Haiwa murume anokurerutsira ndima anongodiwawoso.Handidi zvekufa ini.Ndinoda kupona."Vanhu vese vakati bvu kuseka baba ndokupendera vachiti,"Iwe Brian ndiwe wauya nepfungwa yako iyi saka ndiwe uchatsvagira hanzvadzi yako chikomba chacho.Am I understood?"Brian akagutsurira zidzoro rake kuratidza kutenderana nazvo.Vakazoronga kuti vaifanirwa kuchengetedza secret iyi yemhuri until further notice uye nekuti mai Simon vaizovata zvakare pamba pevabereki vavo vozoenda kwavo mangwana acho- vachizoita vhiki rose vachironga nyaya yechikomba muchihwande.Meeting yakazopedzwa natete vakanga voraira vanhu nezvemaporofita emazuvano.Tete vakati,"Prophecy can be accurate but the source of that prophecy can be satanic.Muchenjerere kuitwa carried away nazvo nekuti vanoona zvechokwadi asi vanowanazoshandisa mweya yakaipa."Vanhu vakaombera maoko voonekana vakuzomirira chikamu chinotevera.Ko munamato wekuparadzana?Ipo panganamatwa pane vanoronga bhomba rakadai????? kkkkkkkkkkkkkkkk lol Regai tizoone kuti mai Simon vachatsvagirwa chikomba here??Watch out for chapter 3!!! [23/03 18:23] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA:CHAPTER 9* *Jonso*:Munofara here mhamha?? *Mai Chikudza*:Ndinofara kana uchifarawo mwanangu *Jonso*:Ari sei mabasa mhamha? *Mai Chikudza*:Zviri nane tiri kungodaro.Indava kurova kunga kuseri kwewardrobe,vakomana hamuchada vana mhamha and ndinozviziva kuti kana zvadai unenge wakuda mukaka kkkkkkkk *Jonzo*:Zvamhamha vakomana hapana kuyamwa apa.Kane paine chanetsa ndinongoti gagaga wani kkkkkk.Pane zvandiri kuda zvangu kubvunza? *Mai Chikudza*:I am all ears(Vakabva vaisa kaemoji kaya kenzeve) *Jonso*:Munewo muzukuru anonzi Martha here anofunda paUZ?? *Mai Chikudza*:Kwakanaka here mwanangu?Kana kwaana Baba Simon hakuna munhu akadaro *Jonso*:Ndizvoo hazvo saka for the meatym regai ndikutumirei mapics ake naBoss Chiks muonewo kuti vanganzi sekuru nemuzaya here..... NdiJohn uyo aitaura naMai Simon paWhatsapp ndokubva atumira mapics aya kwavari.Mai Simon vakangotumira twumaemoji twuya twunenge twakavhura maziso zviya zvekushamisika.Havana kuzoda kuzoenderera mberi nekutaura naJohn.Vakamutenda nechiBenjamin chavakatumira neEcocash ipapo ipapo.Vakarayira John kuti adelete mamessage iwaya.Ivo vakabva vanama mamessage yese ndokumatumira mugroup ravo remhuri yekwaMareya.Baba Simon vakananairwa nanairwa mugroup imomo vanhu vese vachingoti vari kuti vakuenderera.Tete Chipeneti ndivo vakazosekesa vanhu nenyaya yavo yekuita awa rese vachinyora vozotumira zvisina basa.Vakangoti,"Ngoma ngoma ndiyo naCliff iyeye."Haasi makkkkk nemalol akakandwa ipapo raiva group remapenzi shuwa.Mai Simon vaisekawo asi pachokwadi Baba Simon vanga vavabhohwa kunyangwe zvazvo vaiva vasisavade.Zvinozivikanwa nevazhinji kuti munhu wauine mwana naye kunyangwe mukarambana unenge uchine kamusariridzwa kegodo kwaari.Vanhu vese vakavarayira kuti vadzikame zvavo voita sepasina chavari kuziva pamwe nekurasa mifananidzo yacho vamwe vochengeta zvavo kuitira chamangwana.Musi uyu Mai Simon havana kumboonana naCliff apa Baba Simon vatoonana zvavo nekanzenza kavo zvakavafizura kusvika mumwongo.Vakangokwanisa kukwazisa Cliff paWhatsapp ndookumuvimbisa kuzoonana naye mangwana acho nekuti vaidawo kumutengera grocery serakatengerwa Martha naBaba Simon. Nguva dzeruvhunzavaeni dzakati dzakwana Baba Simon vakazoenda kumba kwavo vakasvika Mai Simon vatovako zvavo kare.Mai Simon havana kumboratidza sepane zvavari kuziva apa Baba Simon vachivhara vhara zvavo,zviya zvekuwanza rudo kuti vasafungirwe kuti vari kutsikisa dzimwe.Vakatorara zvakanaka usiku ihwohwo asi mai Simon vakanga voda Cliff zvakapfurikidzisa.Vakangoerekena voimba nziyo iya yaTendai Manatsa naSelmor Mutukudzi ine mashoko anoti,"As long as ndichifema,ndichakupa rudo rwangu."Vaiimba zvavo vakavharirira maziso vachiona mufananidzo wavo naCliff vari kuHunyani kuya kwakaimbwa naMukadota.Baba Simon dzaitozhinya dziri nechepadivi dzakakochekera gumbo nechepadumbu pemukadzi dzichiti nemudundundu,"Ndakapenga ini ndipei maragada,"dzichigaya kuti dziri pamberi idzo dzisiri kuziva kuti dzine nyoka mugumbeze. Chifumi chemangwana vaviri vakaparadzana umwe naumwe akananga kubasa kwake.Baba Simon vakati vasvika zvavo kwavo vakaona vasina basa rakawanda ndokumbopinda zvavo paWhatsapp vachida kutaura nehama neshamwari.Mukudaro vakabva vasangana neprofile pic yaMai Simon.Pfungwa dzavo dzakavajekesera kuti mukadzi wavo ashanduka.Ivo mai Simon vakanga vominura zvengozi zviye zvekuti vaonekwe kuri kuda kungofadza Cliff bedzi chete.Paprofile pic vaiva vakapfeka kamwe kaskirt kachena neblouse dzvuku,zvaipindirana uye zvaibuditsa kuurungana kwemukadzi wavo.Murume akaenzanisa Martha namai Simon akaona ega kuti vaitodhonzerana kunyangwe zvazvo umwe wacho aine vana vaviri.Kuburikidza nemufananidzo uyu vakaona Trish musikana kwete mai Simon vemutambo wekumasowe.Chokwadi zvekushanduka kwekupfeka kwaMai Simon vaiva vachizviona asi vainyatsoshaya mukana wekukurukura nezvazvo uye vaitya kuti mai Simon vaizogona kungotanga kuvatongesa nenyaya yevasikana vavo.Imwe pfungwa yakavati pamwe vakupfeka zvekuti ivo baba Simon vasatsvage vamwe vakadzi asi vakairamba pfungwa iyoyo nekuti vaviri ava vaisaswera vese.Vakangotanga kunyumwa nyumwa shanje dzikavabata nekuti hapana asingazive kuti hapana mbavha inoda kubirwa.Iye wacho anoita zvekupinda pinda haade kupindirwa pindirwa.Vakangokwenya mhanza yavo ndookungozvisimbisa pakuti vachazobvunzurudza mai Simon nenyaya yekupfeka kwavo kwavanga vakuita mazuva iwaya."Of course ndakatadza but ndakabvisawo pfuma ka.I have official powers over her.Surely I will use that position to ask her about this mess,after all vanofanirwa kuva vandiregerera up to now.Handichade kugara ndiri pasi pekunyara ini.Ndiri jongwe futi ka,"vaitaura zvavo vega vachizvisimbisa.Baba Simon vakazongokanda pfungwa iyoyo kwakadaro votanga zvavo kupindura mae-mails avo ebasa. Ukuwo mai Simon vakanga vosuwa Cliff sekuseri kwegotsi ravo.Nezuro waiva vangomuvimbisa kuti vaida kuonana naye Chipiri asi kwekumuonera ndiko kwaivanetsa sezvo basa raiva rakavadzvanya pakati pevhiki kudaro.Vaiti vakafunga Cliff vainzwa ropa ravo kuti nyau nyau sevari kufambwa nemajuru muviri wese.Mukadzi uyu aiva nemano mano aya akaimbwa naDoctor Love kuti,"Mano mano emuroyi kunyepera kutya dzvinyu iye akasungirira nyoka muchiuno."Nendava yekuda Cliff chete vakamuudza kuti anotsvaga regalia yekuTelone,ouya seari kuda kugadzirisa landline yemuhofisi mavo.Izvi zvagara zvaiva zvitete kuna Cliff zvochitiwo aiva necustomer yake yaishanda kuTelone,tsoro yacho yakabva yatobuda bhobho.Akabva aibata parunhare ndokuunzirwa golf t shirt nekepisi zvakanyorwa kunzi Telone zvese.Akaita kuunzirwa kubasa kwake ndokutozvipfeka mushure mekunga audza Melford kuti anga atongozvipihwawo semunhu wavaitengeserana naye zvakanaka.Cliff akazongooneka Melford achiti aigona kusadzoka pachine nguva nekuti aizviziva kuti kana kuri kuti aizobuda kuenda kure namai Simon chokwadi aizononoka kudzoka.Mai Simon vakanga vatoudza vashandi vavo kuti pane mushandi wekuTelone aizouya kuzogadzira landline yavo.Cliff akasimudza Altezza yake akananga kuAvondale ndokunoimisa mucar park yeparestaurent pamai Simon.Manager wamai Simon uyo ainzi Lesley akatomboshamisika kuti sei mushandi wekuTelone achizofamba nemotokari isiri yebasa. Cliff akatsanangura kuti motokari dzese dzebasa dzaiva dzaenda kuservice saka iye aiva atodirirwa mafuta nekambani kuti ashandise motokari yake.Sezvo anga anzi nemukuru wake azosiye Cliff achipinda akaita saizvozvo.Cliff ndokuperekedzwa zvadzo kuhofisi yamai Simon dzakatakura kabhegi kaya kanenge kanhava kanofamba nevanhu vanogadzira mafoni.Achingopinda akabva anyevera mai Simon kuti vaudze manager wavo kuti pambodzimwe magetsi zvemaminitsi anokwana kuita gumi "vachigadzirisa"zvavo landline iya yadai kushupa.Vaona magetsi adzimwa vakavhara zvavo musuwo ndiye kochekera kunga vatanga kuzivana musi iwoyo.Mugwazo mupfupi pfupi uye wekubirira haude kurebesa.Saka yakangova hwesu hwesu hwesu mumaminitsi mashoma iwaya vakanga vatogara pasi vachisekerera vakatarisana mumaziso vasingataure asi nechemumoyo vachiti,"Zvekuba zvinonaka!"Mai Simon vakazosheedza manager wavo vachimurayirwa kuti achibatidze magetsi uyo akabva atuma vasikana vaishanda pasi pake kuti vaunzire Cliff chekudya.Akaunzirwa potato and egg salad pamwe nebeef burger akazvipura achitenda ivo vachitendawo kuti agadzira "runhare" rwemukuru wavo.Yakati yakwana zvino nguva yekuti Cliff achiende akati,"Sweety ndakuda kuenda tozoonana kana waronga kamwe kafunny date.""Ewoni matechnicians ekuTelone kkkkkkk,"ndimai Simon avo vaitotaura vachinogara pamakumbo aCliff.Vakabva vanyatsomutarisisa mumaziso ndokumutsangangurira zvakanga zvaitwa nababa Simon. "Shaa Cliff hatingakundwe nevanhu ava.I am going to buy you that bumper hamper as well and ndiri kuda kutonokutengera nemota yako iyoyo.Mai Simon vakabva vazobuda vakadungamidzana naCliff.Vanhu vakangoti kuperekedzanawo,mai Simon ndokunyeurira Lesley kuti ivo vaifanirwa kunogadzirisa mamwe mapepa efoni kuTelone saka vakanga vasina chekuita asi kutongoenda nemushandi iyeye anova Cliff.Vakazopinda muAltezza bvayatsikwa yakananga kuMsasa uko kwanga kwarairwa Cliff kuti aende namai Simon.Mota yakati yava paCresta Lodge Msasa iyo yakanangisana neEconet,mai Simon ndipo pavakazoudza Cliff kuti vaida kuti vaende kuLetombo Spar iya iri munaMutare Road.Vakati vasvika ipapo,vakadzika vakabatana maoko.Girosari rakatengwa rakazadza ngoro nhatu.Mai Simon vaitenga zvehasha.Hapana chakasara nemadomasi emo anodhura akatengwawo.Boot remota yaCliff rakaita kurembera motokari ikaita kunga ichaparuka mashocks.Apa kumba kwake girosari raitoshaya pekufema napo zvekuti uku kwakanga kwangovawo kuwedzera gumi pazana.Koo aigozviitawo sei mwana wevaridzi iye aingonzi anhonge chese chaaida.Zvinhu zvese izvi zvakaitika kwenguva pfupi zvekuti nenguva isipi vakanga vatodzokera kudhorobha.Mai Simon vakakumbira kuti vaburutsirwe paTelone,Cliff ndokuzoenda zvake kubasa kwake.Ivo vakabva vafonera Lesley kuti auye kuzovatora nemotokari yebasa kuti asazofungire kuti pane imwe yavaitsikisa.Vakazotorwa ndokudzoka kunopedzesa basa ravo.Zvakasvika Cliff pabasa pake akabva angonanga kukahofisi kake ndookuzvivhariramo achironga tsoro yekuti angazvifambisa sei zvinhu zvaiva zvatengwa izvi.Cliff akanyatsoowana nguva yekugaya nekuti Melford aitova name name nebasa.Kuti aende netuckshop yese yegirosari achinoudza mai Ruru kuti anga azvitenga aitoitwa rema nekuti zvese zvinodiwa mumba vakanga vagara vainazvo.Cliff akazoronga kunopa zvinhu zvese izvozvo kuna tezvara vake kuChitungwiza.Aigobvei ipo pasina kumboshanda kana bond rake.Nekudaro nguva dzekuchaisa dzakati dzakwana akazoenda zvake kumba ndokutambirwa semazuva ese. Agarisika akati,"Mai Ruru tomorrow morning tinofanirwa kuenda kwaanagogo vaRuru tinovapa grocery randauya naro riri mumota.Ndangozvigayawo ndiri kubasa kuti mudhara vari kutambudzika nekuwana kapension kavo saka stuff yandauya nayo inogona kuvabatsira."Mai Ruru vakapemberera mushure mekunga vatapirirwa nemanyautsamukanwa aya.Vakati,"Thats caring if you murume wangu.Varume vashoma vanozviita izvi swty.Saka hamurasikirwe nenguva yebasa here mangwana acho tikaenda tese."Mai Ruru vakatobvuma vatogara pamakumbo aCliff.Cliff akatsvoda mai Ruru padama ndokutanga kutambisa ruoko rwavo achiti,"Dont worry Brian will cover up and anonzwisisa,after all hatisi kuswera ikoko.Kungotsveta zvinhu tonyepedzera kutandara zvetwo to three hours then tozodzoka zvedu.After all ndine surprise yako.Ndiri unique kunga fingerprint ndinofadza mukadzi wangu chiri chimidweek special!"Vaviri vakambundirana nemufaro ndokuzovata vakagumbatirana.Mangwanani vakabatsirana kudzorera zvinhu zvese zviya mumota ndokuperekedza Ruru kuchikoro.Cliff aiita kutenderera neAltezza,iyo nhamo yepeturu anga akuinzwira kuhope dzemadzikirira chaidzo.Vabva kuTynwald ndiye tande kuChitungwisa L kwaigara vabereki vamai Ruru.Vakatambirwa nemakuwerere sezvo hukama igasva hunozadziswa nechepasi pemhino.Cliff akaita kunga ari kutangisa kuroora patsva nehuwandu hwezvinhu zvaakasiira vaakaroorera.Sekuru Kachidza vaiva tezvara vake vakangoti,"Washuma mwanangu nekundirangarira.Ramba uchichengeta mhuri yako uye zviri kuratidza kuti zvava kufamba mazuvano watishamisa mukwambo.Iko kusambofona kungoerekana mati pfacha.Mbuya vaRuru madzionaka hope dzandakarota dzadudzirwa nhasi ka?"Harahwa iyi yakataura manzwi aya chiso chayo chakati bha nemufaro,Gogo vaRuru vakati,"Zvipiko madzikirira enyu iwaya!"Vanhu vese ndoo kuti bvu kuseka zvakatinhira imba yese.Vakazomwa svutugadzike vese semhuri Cliff ndokuzooneka mushure mekunga avaudza kuti ari kuda kudzoka kubasa.Gogo vaRuru vakataura vachinyaririra sezvo vaitaura nemukwambo,"Manje hamuna kumanikidzira kuuya here here shewe.Kudai iri hwikendi taidai taswera zvino zvamatikuta pakati kudai zvakatooma mwanangu."Cliff akati,"Ndatoita zvakumanikidza shuwa nekuti most probably paweekend ndinogona kutsvedza tsvedza saka vazukuru vanogona kuuya zvavo zvekare musi weSaturday moswera muchitamba.Basa randava naro mazuvano rinondidyira nguva yakati ooo kutopukunyuka kudai inyasha dzaShe."Ambuya vakagutsikana kuti vane mukwasha akangwara uye anogona kutaura zvisingaite vakazongogamhwa naSekuru Ruru vakati,"Imi kutaurisa muchanonotsa mwana wangu ndikatadza kuzounzirwa Milo yandanga ndisingachazive iyi.Ndosaka vachikurambidzai nekunamata chaiko kuruwadzano nekuti hamupedze.Mwari anoita seachadzika kubva kudenga kuti atambire zvikumbiro zvangu face to face."Cliff namai Ruru vaiziva matambiro evaviri ava nokudaro vaitoseka nekuti vazvijaira nechekare.Vakazooneka zvavo mushure mekunga Cliff avasiira $50 yaakati vozotenga muriwo nayo.Iyo yakatambirwa nagogo vaRuru vakabva vaisungirira padhuku ravo.Mudhara Kachidza dzakabva dzati,"Unondipa ndichinje mari iyoyo.Ndikatenga zvibuku zvangu zvangu zviviri inochinjika,hauzonetseki pakutenga muriwo nekuti inenge yapatsanurika.Gogo vaRuru vakaseka ndokuti,"Hazvinetsi baba ndichangonotenga ndega zvibuku zvacho manje manje ava vaenda.Hamunyare kuda kutodhakwa pane mukwasha.Kkkkkk itsitsi dzei bhinya kuperekedza mwana kucreche,Chenji ndotsvaga ndega.Imi kukupai ipapa kuisungirira ka pagumbo regarwe hadzi rakabirwa mazai aro."Vese vakaputika zvakare nekuseka,kahupenyu kavo kaiva kamutambo zvako.Cliff akazocharika nechigagairwa chake hoyo tande naSeke Road vakananga mudhorobha reHarare dzatova 10 dzemakuseni.Vakasvika paJet yemuna First Street ndokuita mai Simon Part 2.Akangorayira mai Simon kuti vatore zvese zvavanoda,aiva asati amboitira mai Ruru zvakadai.Aigarotsidzira kuti zvikamufambira muhupenyu aizofadza mai Ruru zvakapfurikidzisa.Nokudaro mai Ruru vakachitenda kuti murume wavo airevesa.Cliff akavazevezera munzeve achiti,"Honey hembe dzese dziri kumba pisa kana kupa mumwe munhu waunodisisa.We are starting a new lease of life.Now tora every hembe yawada madesigner ega ega,vana ndichatorera paweekend."Idzo bhutsu vakatora mhando dzese kubva kumapumps kusvika kugogo.Majump suits,maskin jean nemaboob tube hameno ikoko,zvaingokumbwa.Mai Ruru vaifunga kuti vari kurota hope dzemasikati.Jet vaingoionera pamachannel eTV ekuSouth Africa ichishambadza hembe dzitsva.Zvino rwendo rwuno vakanga vatorimo muchitoro chacho. Vatora zvese zvavaida Cliff akabhadhara necash yaikwana kuita $200.Vakabva vabuda zvavo mai Ruru vakaona sevakundwa nemweya werudo vakati,"Baba Ruru ndinewo mari iri muchigaba changu chekumba chipiggy bank.Saka handei tinoitora ndinokutengeraiwo hembe baba amwana."Mai Ruru vaitaura vakarereka musoro zvaipisa tsitsi zvekuti Cliff akabatikana pakuti ari kufadza mukadzi wake nemari yabva kune mumwewo mukadzi.Akachemera mukati zvaitoda kuti amedze hengechefu ipukute misodzi yanga yava pamoyo wake.Akazongoisa pfungwa iyoyo padivi ndokunyararidza mukadzi wake achiti,"Dont worry bae chengeta mari iyoyo ndeyako.Now I am now keeping my promises.Hop in tiende kumwe."Mai Ruru vakanyemwerera mota ikarohwa yakananga kuShe 'n' Saloon uko kwavakanoiswa imwe weave itsva yavakatosvika ichisonererwawo vana Evermore Sandati vaya vanoverenga nhau.Nzara dzakaiswawo vakazororera zvavo.Vakabva vatorwa maselfie navo.Cliff anga avasvitsa kudenga denga kuya kwakaimbwa naWinky D.Zvapera zveimomo vaviri vakazoparadzana mai Ruru vonanga kumba Cliff onanga kubasa.Kwapera rinenge awa rose mai Ruru vakatumira message yekutenda murume wavo kuburikidza nekumufadza kwaanga aita.Ichingobva kupinda message iyoyo mai Simon vakapinzawo yavo yavairayira Cliff kuti vachazoonana naye Friday nekuti vaizobatikana pakati ipapo.Asi mangwanani eFriday iyoyo hameno zvakaitika kumba kwavo zvakapotsa zvavauraya....... Zvii izvozvo.Vana mai Simon ndivo vachafa here!!! Thanks for your support!! Dont [23/03 18:23] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA:CHAPTER 10* Musi weChishanu Mai Simon vakaita maminitsi makumi matatu vakagara padressing table vachizvishongedza kumeso kwavo.Baba Simon vakaenda kunogeza ndokudzoka mukadzi wavo achiri kupoda poda kumeso.Mai Simon vakanga vakaita kutosunga nechiso kutaridza kuti vaiva vakabatikana kwazvo nezvavaiva vachiita.Baba Simon vakasvika pakutopedza kupfeka sutu yavo mukadzi wavo achiri kungozviringa ringa,panguva iyoyo akanga akugadzirisa mabhatani eblouse raaive akapfeka, kasingaperi.Pfungwa dzaMai Simon dzaitova kuna Cliff zvekuti vaisatomboda kukanganisirwa zuva iri nematakanana aBaba Simon.Vaisatombodza zvemisarara vanga vakatochaja nechekare.Hasha dziya dzinoitwa nembwa yakasungirirwa,ndidzo dzavaiva vainadzo.Dziya dzekuti ikasunungurwa inobvambura bvambura munhu kumusiya ava minzi.Ipapowo ndipo paiva pakarongwa naBaba Simon kuti vabvunze nezvekupfeka kwaMai Simon.Vakatanga nekuti,"Hey Mai Simon zvakwana mukadzi wangu.Chinguri wabvirira ipapo your fashion taste mazuvano haisi yamai vemumba.Ndinokurayira kuti ubvise hembe idzodzo izvozvi,upfeke dzakatsiga."Baba Simon vakataura vakataura vachifamba famba zviya zvine kakutonga mukati nenzwi rakapfavirira asi riine huremu.Mai Simon vakakurumidza kuzviona kuti zuva ravo ringangokanganisika ndokutora foni yavo ndiye maearphones ndoo munzeve ndokuimbirira vachiroverera dressing table.Vanga vogaya kuti Baba Simon vachangofizuka vobuda zvavo voenda vozoonana pane chimwe chikamu,asi rume rakaramba rakaruma ndebvu ndokubvisa maearphones aya.Kuzodaro,Mai Simon vakavirukira Baba Simon zvavasati vakambovaitira,"Please Baba Sai murume wangu,you cant leave me ndichipedza kupfeka woda kundibvisisa now.Itime dzekudiscusser twumaissues itwu twematissue here? Tozozviona palater,ndiri kufambirana nenguva.After all I am always locked up in my office all day long.I am a busy person and I dont have time for the outside worldly nonsense yamuri kugaira!!"Mai Simon vakataura nenzwi riri padenga denga vasina kana hanya vachiita kubvunza nehasha.Baba Simon vakati,"Ko hasha ndedzei uye kurudunuka kwese uku unenge une zvauri kuita.Hantie kugara awa rese uchipoda kutaridza kuti nguva ichipo,saka chakurwadza kuti uchinje apa chii? Honestly,of late your fashion taste wont make any dollars coz it doesnt make cents.Just respect me honey I beg uchinje swty."Mai Simon vaidaka kuonekera sebhebhi pamwe nekunyatsonhuhwiririra Cliff saka vakarwisa kuti vabude pachikirimbani ichi,"Simon magirlfriends ako wapedza here kumaudza kuti vasatore varume vevanhu,than kumukira kuti takarasima nematrivial affairs?"Ukaona vakaroorana vakusheedzerana kuti iwe iwe pamwe nemazita epachitupa neimwe nzira panenge paipa.Baba Simon vakaona kuti vabaiwa panyama nhete ndokushandisa chisimba chepanyama ndiye muchezura wembama kwa padama paMai Simon vachiti,"How disrespectful,ndakakuroora ini.You are under my order bratishiti,mwana wekuhohwa asina kurayirwa."Vaitaura ziso riri panze rakatsvuka kukunda mhiripiri tsvuku.Mai Simon vakatanga kuhwihwidza,"Saka wakandiroora kuti uzondihurire here?"Vaitaura nenzwi rizere misodzi vachiita kakundandamira kaya kanoitwa nemunhu anenge achichema zveshungu."Zvevanhu wawavakutaura zviri kupinda papi.Vari muno here?I need answers?"Baba Simon vakabvunzurudza vakagumbuka. "Vanogova muno sei ivo vari kunze muchitengerana magrocery kunze uko asi unofunga kuti ndakatsva focus kani.Uraya zvako Simon!"Chipo musikana wavo webasa aizvinzwa zvese izvi,akavharidzira vana vavo kuti vasazvinzwe dzamara pakuvakwidza kombi yekuchikoro yaivatorera pagedhi,vasina kumbozvinzwa.Baba Simon dzakabhoekana nenharo dzaMai Simon pamwe nechokwadi chavanga vakunanaira,dzikavhara nekusimudza rambi riya repadivi pemubhedha riya rinopedzisira kudzimwa kana vanhu vakurara,ndokufangura Mai Simon naro pahuma.Mai Simon vakangozhamba kamwe chete ndokuti pasi puu ropa ndokutanga kuti tsa tsa tsa kubuda pahuma ipapa sezvinoita rehuku yachekwa musoro."Unoda kuita competition neni manje?"Baba Simon vakasimudza briefcase yavo ndokubuda vonanga kubasa vakaputirwa negore rehasha.Munguva yekuponda munhu unenge uchine hasha,asi kana papera chinguva unoona wega kuti wapara mhosva hombe.Hazvina kuzivikanwa naBaba Simon izvozvo.Vakachaya Hilux ndiye tande kubasa kwavo,vasiya mukadzi achitandadza. CHIPO akamhanya nekafirst aid kit kemumba asikana.Ndokukurumidza kuvhara paibuda ropa nechidimbu chihombe chedonje raivamo.Paiva pangotsemuka mbijana asi ropa rinofarisa,rinobva rabuda zvekuda kutopera rose.Akasimudza Mai Simon ndokuvazendamisa nemubhedha ndokurayira kuti vabatirire chidonje ichocho achinotsvaga mvura yekugeza ropa.Vakaita saizvozvo iye ndokuzouya nemvura yacho iri mukabhaketi kadiki.Akageza kachironda kaya kusvikira ropa robuda shoma shoma.Apedza akatora Betadine ndokuzorera ipapo asati apanama kaElastoplast.Akasimudza Mai Simon ndokuvaradzika pamubhedha vakaita kakutsigira musana wavo nemutsago. Akatora maIbuprofen maviri ndokuvapa nemvura yacho yekunwa zvavo.Akavasiya vachiteerera muviri ndokumbokorobha zvake mubedroom umu kusvikira machena zvakare.Kwapera maminitsi gumi Chipo akazoenda kunaMai Simon avo vakangotanga kuyeredza misodzi vaona Chipo."Waita zvako Chipo nerudo rwako ndaidai ndafa apa.Mwari akuitire zvakanaka,chimira ndizvigadzirise zvakare ndiende kubasa I will be fine,"vaitaura zvavo vakadumbirwa neshungu.Chipo akarwadzirwa naMai Simon ndokuti,"I think munofanirwa kuzorora just for today.Mongopa maerrants kumaworkers ari kubasa.Ndiri kutaura kudaro nekuti musoro unogona kungotema mukatadza kuzoshanda zvakanaka."Chipo aitaura nenzwi rizere nengoni asi zvakanzwika nani.Mai Simon vaitozvinzwira kuti vakangoona Cliff chokwadi vaibva vatopona nekudaro vakaoma musoro,"Dont worry Chipo my dear.Nhasi waita kanurse kangu chaiko kkkkkk.Ndinongotora mapills ndoenda navo kana zvashata ndozonwa."Apa vaitaura vachiseka seka zviye zvekuvhara vhara marwadzo iri nzira yekuti varatidze Chipo kuti vaiva vakunzwa zviri nane.Chipo akaona kuti Mai Simon ndiChandagwinyira chaiye ndokuzongoti,"Ok endai zvenyu mhamha asi kana zvarwadza dont hesitate to call me and dont forget kuzonwa matablets acho."Mai Simon vakatenda Chipo ndokusimuka zvavo vakutangidza kugadzirisa make up yavo yanga yakanganiswa nemutakati anonzi Baba Simon. Zvekabhandeji havana kumbozvikendenga ipapo vakapodazve zveshungu ndokuchinja hembe dzavaiva vakambopfeka ndokupfeka dzimwe dzaiva dzakatozvipengerawo.Vakarova kamwe kambambamba katema kaiva kakanamirana neganda.Kumusoro vakabva vatsemura nekadress top kacho kegreen nemapush acho matema patsoka.Tsiye dzese idzi dzakapendwa,hameno vanonzi vana Black Opal vacho vakangangozorwawo kumeso.Vakabva vazvipfapfaidza Eeste Lauder yavakatenga pavakamboenda kuDurban nebasa munguva yaiva yapfura.Vakangotora foni yavo ndokusiya handbag vasina kana kumbodya.Chipo akangoshamiswawo nekupfeka kwaMai Simon zvikamukanga mate mukanwa asi chekuita paiva pasina.Akangokwanisa kuti,"Iii ende makachena."Zviya zvekuti musandipfuure Jesu.Mai Simon vakati,"Thanks my dear,"vachimutambidza $50.Chipo akakatyamadzwa nekuita uku akati,"Ko ndeyei iyi nhai mhamha?"Mai Simon vakati,"You can use it over the weekend.Mangwana wobuda out nevana.I have some issues saka ndinogona kusabatika pano zvemazuva."Chipo akangoti,"Ehwoni mhamha."Ko aizoda kubvunza zvakawanda wanda sei iyo homwe yake yatosimba.Uye kubvunzisisa kunoitwa kana munhu apihwa $1 chete,zvino kana wapihwa yakati ooo iyo chikuru kungokwidibira gaba rako.Ivo Mai Simon vaiziva simba remari saka vakangorova Chipo nemunyati iwoyo.Vakazooneka kekupedzisira ndokutora ziRange Rover ravo vakananga kubasa kwavo kuAvondale.Munzira vaingoridza tsamwa vachiita kudedera neshungu izvo zvakaita kuti varove motokari zvehasha kusvikira vasvika kuAvondale.Vakasvika ndokukwazisana nevashandi vavo vachitofambisa vachienda kuhofisi kwavo.Aingova magood morning avaipindura nenzwi rimwe chete zvavaisamboita mazuva ese.Vagara muhofisi mavo vakambogaya kuvhurira Baba Simon dhoketi reDomestic Violence,asi vakazongoti pfungwa iyoyo supfu kwakadaro.Vakazvitora selfie rechiso chavo chaive nekabhandeji ndokutumira Cliff.Cliff aivawo muhofisi make ndokuita zvekufona.Isati yapedza kuti ngr ngr,akatambirwa nenzwi raMai Simon rizere nemisodzi.Vakangotanga kuchema zvaipisa tsitsi,ndokutaura kuti varohwa naBaba Simon.Cliff akatoona kuti zvaatova mariro ndokuti,"Baby if you keep on weeping,you will never meet me today.I am ther to make you happy,manje kana wakundichemera zvinoreva kuti I am of no use to you."Mai Simon vaka vakanyatsonzwa kuti Cliff anga ari kutorevesa ndokuti,"Ndanyarara Sweety,sorry honey.Tichabuda zvedu weekend yese tinofurwa nemhepo.This time I am going to treat you like an emperor."Zvekufamba zvaifarirwa naCliff ndokuti,"Hauchaone manje,regai nditonotsvaga guchu rangu remusana."Mai Simon ndiye bvuu kuseka.Mariro ese aya akapedzesera ava mafaro.Musoro uya waitema wakabva wangoti hwaa,Cliff aiva Paracetamol chaiyo kuna Mai Simon.Vakapedza zvavo kutaura umwe naumwe achiita kabasa kake,Mai Simon vachironga nezveweekend naCliff.Kwapera nguva ine chitsama,Mai Simon vakazhambatata vari muhofisi mavo vachisheedza Lesley.Lesley akapinda hana yake iri mumaoko izvo zvakaonekwa naMai Simon vakabva vazvidzora nekuti vakanga vaona kuti vanga vakuda kushungurira vanhu vasina mhaka.Zvekuti kudai Cliff aisava online paya pavamutumira message,chokwadi paidzingwa munhu basa asina chaapara.Lesley apinda vakazoti,"Dont fear sir,I just had a terrible morning.Sorry for acting like that,manga muchatopinda mucrossfire.Anyways haisiriyo agenda yandakusheedzera,how much do you have mumabooks ako?""$3500 cash madam,"Lesley akapindura zvake atodekara. Mai Simon vakanyemwerera ndokuti,"Ok may you please hand it over to me.You wont see me for the whole weekend,pane mafamily affairs andiri kuda kugadzirisa.Saka today contact bank redu woita make sure kuti vanhu vawana masalaries avo nhasi without failure."Vaitaura vachitenderedza tenderedza maziso zviya zvekuti ndini boss.Lesley akanyemwerera zviya zvekutsemuka chiso.Akabuda ndokudzoka nemari yacho yaiva ma$50 ega ega.Mai Simon vakagarisika zvavo pasi ndokuzvirongera kuti vaizoenda naCliff kuTroutbeck Inn kuInyanga.Vakaona svomhu dzavo dzichinyatsobuda ndokuseka zviya zvakanzwikwa nevashandi vavo avo vakangoti,"BP yadzika shuwa!" Vakatumira mapics avo mugroup remhuri yekwawo,Brian naSekuru Garwe vakavava zvekuita kunga vachabuda nepafoni.Vanhu vese vakangovarayira kuti vambosuduruke nekuti vaigona kutorohwa zverufu chairwo,mhotsakufa.Nokudaro vakabva vanyeurira munhu wese kuti vaida kuenda kuInyanga naCliff.Tete Chipeneti vakati,"Nematonhorore akunoita pfuurai nekwangu muchitora magumbeze kkkkk.Mukwambo angu angafa mukatiambira zvimwe."Pakasekwa kwete zvekutamba.Mai Simon vakazoronga zvekusangana naCliff kuma12 kune kamwe kaguest house kanonzi Teezers Lodge kari kuBelvedere.12 dziya dzakwana,Mai Simon vakaoneka vashandi vavo ndokuvashuwira weekend yakanaka.Vakasangana naCliff ikoko kuBelvedere voronga nezverwendo rwavo. Ukuwo,Baba Simon vakanga vogaya kuti vazviitirei.Vakazvishora kusvika mumwongo chaimo,ndokusimudza motokari vakananga kumba kwavo kuGreendale.Vaifunga kuti nemarovere avaiva vaita Mai Simon,vaiva vatadza kutoenda nekubasa.Vakada kumboita zvekufona vakaona vega kuti nyaya dzakadai dzinotoda vachionana panyama.Vaida kuzokumbira ruregerero asi vakashamiswa vaudzwa naChipo kuti Mai Simon vaenda kubasa.Vakabva vasimudza Hilux zvakare ndokupfuura nepamwe pachitoro paitengeswa zvipo zverudo munaNelson Mandela mudhorobha.Vakatenga maruva erudo akaputirwa nekadhi racho dzvuku raiva nechiso chemukadzi akanaka aiyeredza misodzi.Vakanyora mashoko eruregerero mukadhi imomo,zvese ndokuzviisa mukabhegi kacho kaiva nenyeredzi dzesirivha dzaipenya zvisingaite.Vapedza vakaitsemura ngoro yemoto vakananga kuAvondale.Vari munzira vakadzosa ndangariro dzavo munguva iya yavakazotanga kugarisana semurume nemukadzi vachirara pasi kunga carpet.Ivo Baba Simon vakaona kuti vari kubata mukadzi wavo senhapwa mushure mekunga vaenzanisa kudiwa kwavaiitwa kare naMai Simon kunyangwe zvaiva zvakambooma.Vakasvika parestaurant paya ndokuudzwa kuti Mai Simon vaisavapo kunyangwe zvazvo waimbovapo.Vakaita nharo ndokupinda muhofisi yaMai Simon vavhura nemaspare keys ndokuona machira chete.Vakakanda kabhegi kaya pasi ndokutanga kufamba famba muhofisi muya vachiedza kuchaira mukadzi wavo runhare.Ipapowo Mai Simon vaiva vakadzima runhare rwavo nekuti vakanga vachimboonesana makotsi naCliff. Baba Simon vakangobuda vachifambisa vanhu vakangovatarisa.Vakasvikogara mumotokari yavo vachibatwa neshanje zvino.Vakabva vagaya kuti Mai Simon vaiva kwevabereki wavo bedzi kuHatfield,zvikavapenyera mupfungwa dzavo.Manje kuti vaendeko kwaingovawo kutakura mombe,mbudzi iri hata jongwe riri hengechefu.Kana gomo reNyanga ranga rava kachuru pane iri ravaiva vazvifungira.Nemapopotero aiita Mudhara Mareya,Baba Simon vakaona vachizotsengwa tsengwa.Vakazvisimbisa neye kuti vaizonyarwa semukwasha asi painetsa nokuti kutaura kwevanhu ava vese hakuna kuzombobvira kwanaka kubva panyaka nyaka iya yakatangira kuMasowe. Nendava yekuti Baba Simon vanga varwadzirwa nekuda Mai Simon,vakatsika mafuta ndiye tande kuHatfield vachiridza zvavo nziyo dzechitendero dziya dzeruregerero.Vaida kuzokumbira ruregerero kumudzimai wavo pamberi pevabereki vake.Kwaivawo kukama mbada vakasunga makumbo ayo nerovambira yakadhinhihwa.Vakanyepedzera kudzvuta twuViceroy kuti vatande nyadzi dzose,vakaona zvichitobuda zvinonzi zviya zviwindi zveZed.Vachingosvika vakaridza huta vakamisa motokari yavo panze.Vakazonyatsobuda ndokuridza intercom nekuti pavakaridza huta hapana akauya kuzovavhurira.Pasina nguva,Mudhara Mareya dzakauya kugedhi dzakapfeka zvadzo kashoti kepamba katsvuku net shirt yacho chena isina maoko.Dzakavhura kagedhi kadiki wanei panze pane mukwambo.Baba Simon vakada kukwazisa vakanzi,"Asi wauya kupedzisa mwana wangu kani kutoita kutevera kudai kuda kuita make sure kuti afa ka?"Baba Simon vakadedera vanzwa mashoko aya ndokungoti,"I am sorry dad thats why ndanga ndauya kuzokumbira ruregerero muripo mese."Vaitaura vakazvirereka zidzoro ravo ungati munhu kwaye.Mudhara Mareya aitoziva yese yaitambika uye nekutoti Baba Simon vainge vari kutodzinganisana zvavo nemhepo vakangosheedzera kuti,"Munofudza dzinokamirwa KuChinhoyi tsano!"Aitaura achitsatisa twumate kumeso kwaBaba Simon ndokungoerekana avhara gedhi rake ndokupinda mumba make maakatora demo achida kutema tema Baba Simon.Chokwadi vaiva vadya nduru kunga chimugunduru. Baba Simon pavakaona gedhi rangovharwa vakabva vagaya kuti vari kuda kuvhurirwa gedhi rese kuti vapinde nemota yavo mukati.Mashoko emombe dzekuChinhoyi vakatadza kumabata kuti aimbonyatsorevei,vakatomaona sedimikira rinotoda bhobhojani hombe kuti irigwejenure.Kwapera anenge maminitsi maviri vakaona gedhi rese rakuvhurwa asi airivhura aiva nechemukati uye airivhura akahwanda naro.Rachiti haradada Baba Simon vakangoona demo raipenya riri mumaoko atezvara wavo ndokuona kuti gehena rakutovasvikira.Vakangotendeuka ndiye gudu gudu kucharika nezidumbu ravo,VaMareya vakaita kufemera mugotsi mavo.Baba Simon vakaona kuti vangatoparara chitsitsinho chavo chakaita kugudura gotsi ravo,kuri kutiza nehupenyu hwavo.Mudhara Mareya akaona kuti asiiwa ndokusheedzera,"Hauna kungwara mfana,hantie wasiya mota yako ndiri kuda kuipaza!"Izvo zvakanzwikwa nani ivo Baba Simon vanga vatokwira kombi yaizovasvitsa kubasa kwavo,hura huri mumaoko. Mudhara Mareya akasara achijobvora mavhiri ekumberi nedemo.Mweya wese wakati pfarara pfarara kubuda ndokungosara yati fototo.Vakaita kudhadhamura kat-shirt kaya ndokupaza mawind screen ese ikarira alarm vakavhura bonnet ndokubvisa materminals epabattery bvayasara yachiti zii.Zvakaitika kwenguva shoma shoma zvekuti kudai kwaiva kurokesheni ingadai patoti zvii nevanhu.Musi uyu Baba Simon vakaswera vakazvivharira muhofisi mavo vakaudza vashandi vavo kuti kana paizoita aivada vaifanirwa kumuudza kuti vaisavapo.Vakatya zvavasati vamboita muhupenyu hwavo uye vaiziva kuti Mudhara Mareya waiva muwarvet,vaitouraya zvichirova.Kana kuri kunzi vaingazoda kumisidzana navo pazvibhakera zvaisamboita zvachose sezvo vaiva mukwasha,nokudaro vakanga vakaruza kwose.4 dzakwana vakafonera veBreakdown ndokuvarayira kero yekwaiva nemotokari yavo.Vaitozviziva chete kuti motokari yashandirwa naMadzibaba Mareya vanoshandira nembiya yedemo.Yakasvikonondundurudzwa kusvikira kwakare kuGraniteside.Havana kana wavakamboudza pabasa nezvebongozozo iri,vakangozvifundumwarira.Vaida kuzoona iye wacho aizovabvunza vopedzerana naye!!!!! Mudhara Mareya anobhebha veduwe hey!! Chapter 10 done toonana p [23/03 18:23] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA:CHAPTER 11* Mai Simon naCliff vanogara zvavo pamubhedha voronga zverwendo rwavo.Vaipindirana pakuenda ikoko kuInyanga,asi pakamuendero ndipo pavaipokana.Mai Simon vaida kuti vangoite chimhukutira chekuenda Cliff asina kumboonekawo Mai Ruru.Izvozvo ndizvo zvakarambwa naCliff vaviri vakaita sevacharovana nekuti Mai Simon vakanga vonzwira Cliff shanje."Babie ndinongoenda ndichitora a few clothes ndooneka zvakarongeka.Consider tomorrow nekuti mazhets edu aya akabatwa zvinozotiipira."Cliff akataura akatarisa mumaziso chaimo maMai Simon apa akavabata muchiuno.Mai Simon vakadzimaidzwa nekupfavirira kwaCliff ndokuti,"Anyways usazorambirire uri ikoko and our plan again is tiende separately tosangana kumberi to avoid potential bust ups.Iwe unotungamira neAltezza yako ini ndotevera neRange yangu.Let us be cautious as you once advised me.Nyika ine maziso swty."Cliff akafara achinzwa mashoko aya ndokutsvoda Mai Simon nechepahuro apa.Cliff akaoneka achisiya Mai Simon iye onanga kumba kwake kunooneka mukadzi wake.Akanga atopihwa ka$50 kasina basa naMai Simon kekusvikonovhara Mai Ruru nako.Akasvika kumba kwake ndokusiya mota iri kunze kwegedhi achinyepera kufemereka femereka zviya zvinoitwa nemunhu anonokerwa.Achingoti bherengende musuwo akaona Mai Ruru vakarara pasofa TV yakabaka muchibuda African Movie,zviya zvinoratidza kuti vanga vabvutwawo nehope vachiona chivhitivhiti.Cliff akasvikopatitsa Mai Simon netsvodi yepamuromo iyo yakabva yavamutsa ipapo ipapo.Vakatanga kupukuta kumeso kwavo kuti vanyatsogutsikana kuti vachiri kurota here kana kuti chatova chokwadi.Vakazonyatsoona kuti zvavari Baba Ruru nhai ndokuvambundira nomufaro."Ko maswera sei daddy,indava kukurumidza kudzoka kudai?"NdiMai Ruru avo vaibvunza zvavo vachigara pamakumbo aCliff.Meso avo airatidza kuva emunhu ashamiswa nezvaive zvichiitika.Cliff haana kuda kupedza nguva.Akati dedemu dedemu zvese zvaaida achiti,"Ndaswera zvangu mai bhoi,asi basa ndiro radai kundidzvanya.Nhasi ndiri kuda kutobuda manje manje and for the first time zveweekende yese.Togona kunoonana Sunday chaiyo,..."Cliff asati apedza kutaura,chiso chaMai Ruru changa chachiti una una mushure mekunga vanzwa nezveweekend yese izvi.Vakabvunza Cliff,"Koo kwakanaka here zviri kufamba sei Baba Ruru?"Cliff akatanga atsvaira huro yake ndokuti,"Pane matourists ari kuInyanga uko vakaona one of our cars pawebsite yedu,Audi 8 latest so vakatokanda initial deposit muaccount yedu now vakuda kuendeserwa mota yacho vachinondipa imwe cash yacho balance yasara.Deal rikaita complete mai mwanaka?Shuwa musi weMonday tinofambira mapepa estand toitawo malandlord kkkkk."Mai Ruru havana kugutsikana ndokuti,"Kana mati muri kunotsveta motokari bedzi,zvinokutorerai the whole weekend sei?" Cliff aiziva kuti Mai Ruru kuti vaivawo vakachenjeresa kukunda nyoka asi iye sechigevenga haaizobvuma kuvisirwa pasi nemukadzi waakaroora."Mai Ruth vanhu ava vanodawo kutesta mota.From what they said through mae-mails,vaiti vanotomboda Saturday yese vachitesta mota yacho ndiinavo kumakomo ikoko.Nhasi ndichasvika late saka kungovata madeals otsva tomorrow kwakajeka.Deposit yavakatumira ndeyekufanobatira motokari nekuti yakacheaper uye iri pademand.Madhiri akanzi adhakwa tinongovadzorera mari yavo."Cliff akatsanangura zvekuti kana munhu asinganzwe aizvinzwa asi Mai Ruru vakaomesa ngoto yavo."Tione e-mail yacho handi foni yenyu munayo ipapo?"Mai Ruru vakarayira vatomira kwakadaro uko.Mukadzi uyu ainyumwa zvinotoshatirisa.Cliff akatanga kuerera twuziya pamhino ndokuzongoti,"Aaa nhai Mai Ruru vaitaura naBrian inini ndaingoratidzwawo tiri pabasa."Mai Ruru vakangoti,"Huhu!"vachitora foni yavo yaiva pachaja ndokubvuta foni yaCliff kuti asazotipire Brian kuti chabhiridha pasina zvidhina.Mai Ruru vaitova nenhamba dzaBrian ndokuisimudza vasingatombonyare.Ko ndiani anganyara munhu waanorara naye mugumbeze?"Halo Brian,Baba Ruru vari kuda kuendepi?"Ipapo Cliff akabatwa nekaEbola mudumbu mukati gru gru ndokuti,"Nhasi zvangu Brian achadhomoka zvikaoma."Aitaura nemumoyo,asi nemhaka yekuti Brian aiziva chikiribidi chese kuburikidza nemachats emugroup ravo remhuri nokudaro akadavira zvine ungwaru."Muri sei Mai Ruth udzai Baba Ruru kuti kana vakanonoka ndakuenda zvangu ndega nekuti nguva dziri kutonanzva makomo,"ndiBrian uyo akabva abatisa Mai Ruru pasi.Ivo vaingazobuda nepai vaita kumbanyidzirwa nevarume vaviri."Ok ndaida kunyatsonzwisisa zvangu nekuti varume munofarisa,"Mai Ruru vakataura nenzwi rizere nekunyara apa vachitarisa Cliff vakaona atosuruvara.Brian akazovati,"Musagaye horror gulez tiri kumboita zvebasa."Aitoseka zvake,vaviri vakapedza kutaura sare Mai Ruru vonyengerera Cliff.Cliff akanyepera kufundumwara imo mumoyo muchiita kufashaira nemafaro.Mai Ruru vakarongedzera Cliff twumbatya vonyara nyara kunga mukwasha adonhera pamberi paambuya.Vakatora katravelling bäg kacho ndokukatsveta patafura ndokunyengerera zvavi Baba Ruru vakagara pamakumbo avo.Vaiva vakarayirwa natete vavo kuti murume haafanirwe kubuda mumba akagumbuka.Cliff akazomanikidzira kunyemwerera ndokuvapa $50 iya ooneka akananga kwazvakarehwa.Uku ndiko kuitiswa chaiko.Mai Ruru vakasara zvavo vakasununguka, neka$50 aka vaizogona kuenda kumafuramhepo nevana vavo.Zvekuti motokari yaifanirwa kusara kana Cliff aizoenda neyaitengeswa yacho havana kumbozviisa mumusoro. Achangosimudza mota,Cliff akabata Mai Simon parunhare achida kunzwa nezveurongwa.Akarayirwa kuti anozadza tengi rese achishandisa achishandisa koponi.Cliff akaenda pane imwe service station iri paWarren Park Shops ndokuona kuti koponi riya raiva rapera.Aona kudaro uye achiri pamutsetse akafonera Mai Simon avo vakabva vamukandira $150 neEcocash.Akatenga mafuta aaida ndokuzoita Cash Out ye $60 yekufambisawo nayo.Ipapo kwakanga kwatova kumahalf one masikati.Akazorayirwa naMai Simon kuti atungamire zvake ivo vachisara vachiunganidza pamwe nekurongedza zvinhu kuti vazotevere.Cliff akapfuura nepaChicken Slice iri munaMbuya Nehanda ndokutenga zvake ziShumba Slicer rake pamwe nePetty Fant yacho.Apedza akatsika mafuta ndiye tande naSamora hoyo kuMsasa ndiye name name naMutare Road.Asvika paMabvuku Turn off ndipo pakazofona Mai Simon vachimuudza kuti wava kutevera.Mota idzi dzaifamba dzakaparadzana nemakiromita matatu zvekuti hapana aingambogayira kuti dziri dzese.Mai Simon vakafona zvakare vachida kuziva kuti Cliff aiziva Inyanga Turn off iya yepaRusape here.Cliff akati,"Handisati ndambofamba nayo babie saka ndikasvika paRusape chaipo,wochienda mberi."Cliff akamira zvake paRusape ndokupaka motokari iye ndokugara pakahwanda achiona zvake motokari yaMai Simon ichikwidza nemugwagwa wekuInyanga.Akabva atoona nzira yacho zvekuti mushure memaminitsi anokwan kuita mashanu akanga otevera. Kwapera rinenge awa rese akatanga kuona makomo nemasango akati zvii ndokubva atoziva kuti vasvika paTroutbeck Inn.Aingotevera mumashure memota yaMai Simon kusvikira vasvika pacar park yepo.Vese vakabva vaburuka ndokumbundirana zvekusatoda kusiyana. Mai Simon vakati,"I really missed you honey."Cliff akatanga aseka ndokuti,"Dont exaggerate ok.We were chatting on the phone along the way."Vese vakaseka vachifamba vakananga mureception.Apa kwakanga kwachiti zvii dzava kumahalf five ikoko rodoka.Mureception macho maiva nematiles matema nemachena aivaima zvinotyisa.Nemutonhorero unoita kuInyanga maAir Conditioners aiva ari tii imomo zvekuti wese aivamo aidziirwa.Kuseri kwecounter kwaiva kwakagara simbi dzina dzaingonyemwerera zvekuti unongonzwa kuti apa watambirwa.Mai Simon vakatenga two nights dzaiita $400 apa vaiva vakagumbatirana naCliff pamberi pevasikana ivava.Vakapihwa challet in en-suite ine masink netub zvegoridhe chairo.Mbatya dzavo dzaiva dzatorongedzwawo patsva.Rwendo rwuno vakaramba self service nekuti Mai Simon vaida kungova naCliff nguva dzose.Vasati vaita chino nechipi vakapinda mushower vese.Vapedza vakagara zvavo mujacuzzi yaiva muoutdoor bathroom yaiva yakatenderedzwa nemakenduru akaenzana uye achipfutirana pamwe.Vaitambidzana zvavo kagirazi keRussian Wine vakaita kunyura mumafuro.Chokwadi unokanganwa nhamo dzese dzepasi pano. "I really missed such an experience in my life honey."NdiMai Simon avo vaitaura vakatarisa Cliff vachinyemwerera zvinokunda pfambi yaratidzwa kona yepondo.Cliff akanzwa kunga aderedzwa makore,akatanga kunzwa sejaya ndokuti,"Hey thanks for showing me this great love bae.You are such a darling.Pasina iwe ndiri butcher risina nyama."Vakangombundirana mumafuro imomo ndiye kwakaenda imbwa ndiko kwakaenda tsuro.Vapedza zvemo vakabuda zvavo vogadzirira kudya kwemanheru.Vakapfeka majasi matsvuku anodziya uye akafanana ndokugara patafura yaiva nerambi raipfuta zvakanyorovera.Chikafu chakaunzwa vari patafura yaiva panze ipapo vakapakisana vachiita kunyemudzana nhindi dzenyama.Uku Mai Ruru vakangoti kunguma kumba,Shewe vachiparadzwa nerudo rwemari. Vakazonorara vakagumbatirana.Kutovata dzeumambo chaidzo.Mangwanani acho Cliff ndiye akakurumidza kumuka kuri kuma6.Akanyahwaira ndokuenda ega kukitchen kwaakanogadzirira Mai Simon zibedroom breakfast remhando yepamusoro.Akagadzira ega mascrambled eggs,beacon netoasted bread bvaazvirongera mutray zvese nesvutugadzike hobvu yaipisa zvekuroya chando.Apedza akadzoka kubedroom kuya akanosvika Mai Simon vakadzipfodora.Akavanyerekedza muhuro umo nekumberi kwezvikunwe zvake,vakaerekana vaita zvekuvhumukira vachisheedzera kuti,"Cliff!!"vachiita kakuda kutiza.Cliff akabva avambundira nesimba ivo vakabva vapfavirira kunga donje."Jesus is it a dream?"Mai Simon vakabvunza vachitsukuta tsukuta kumeso kuti vanyatsopombonoka.Cliff akasekerera achivasendeka paheadboard zviya zvakadzikamira sezvinoitwa karusvava kari kuradzikwa kuti karare."Asi wanga urundirota kani swty?Anyways here is your breakfast."NdiCliffwo uyo aidai kuyemedza Mai Simon,ivo vakatambira zvavo tray iya ndokuigadzika pamakumbo avo vachifara zvisingaite.Vakadya vose ndokunogeza.Vapedza Cliff akapomberera Mai Simon zitauro zichena ndokuvatakura kuti avazore mafuta muviri wese.8 dzakasara kuchaya vatopfeka magolf t-shirt machena nemakepisi acho akanyorwa kunzi Troutbeck Inn vonanga kugolf course kunotamba golf.Vakaswera vachitandadzana nevamwewo varungu ikoko,vakazomboenda kunoona mhuka nekuwaya waya vari muorchard yemaapple.Vakazopedza zuva iri vakakomba chimbini muimba huru yekutandara yepaTroutbeck Inn,Cliff akaita kakuraririra pamakumbo aMai Simon achidhonzwa dhonzwa twundebvu.Foni dzaiva dzakadzimwa nguva yese iyi nekuti pakadai hapadi zvemadhisinyongoro.Vakazorara vachironga zvekudzoka mangwana acho.Chokwadi pavaviri ava rudo rwanga rwapfungaira zvekusada kuregana seputty nefafitera. Mangwana acho iri Svondo vakazooneka rungwana ngwana vonanga Harare.Pa$3500 cash iya yaiva naMai Simon pekutanga vaiva vasarirwa ne$2000 iyo yavakabva vapa Cliff yose vachimutenda nebasa guru raaiva avaitira.Cliff akaziva kuti tikiti rafamba zvekare akagaya kuti zvaperera ipapo.Motokari dzakatsikwa zvekare zvekuti 9 dzekuseni dzakachaya vatova paRuva voronga kuti voparadzana sei.Mai Simon vakamhanyira kubasa kwavo vachisiya Cliff ari paSpay Bay.Vakasvikonokora $1500 cash ndokunopa Cliff zvakare.Ipapo ndipo pavakazoparadzana ivo vonanga kuvabereki kwavo kuHatfield,Cliff onanga kwaMai Ruru homwe iine mahumunya.Aiva necash svinu ka,ndiani aitadza kutenda kuti ari kufayisa madhiri emota padhorobh.Akatsika Altezza achiridza Takangodaro yaKiller T. Musi uyu Mai Ruru havana nekutoenda kuchechi vakamirira madzoko ehombarume yavo.Chokwadiwo masango anga aita machena kuna hombarume Cliff.Mai Ruru vakanzwa bhera reAltezza kumapast 10 ikoko vakaziva kuti Baba Ruru vasvika.Vakagadzirisa tauro ravaiva vakasunga vonanga kugedhi kwavakanorivhura wanei ndiBaba Ruru.Chokwadi mukadzi akanzwa ropa kutiza tiza kuita seatanga kuvaona musi iwoyo.Kushaya Baba Ruru kwehusiku humwe chete hwaitova hupenyu hwese kwavari.Vakambundirana Mai Ruru ndokuzotakura kabhegi kembatya vakananga mumba.Vana Ruruwo vakauya kuzombundikira makumbo adaddy.Vakagara muimba yekutandarira Mai Ruru ndokutaura vachinyemwerera,"Ko maapples angu ari kupi.Shuwa bvamauyawo musina kana one zvaro?"Cliff akaona kuti mubvunzo uyu waigona kuzowira nepamwe ndokuti,"Aaa sorry swty ndakauya nebox rese chairo but ndakanganwa kucar sale.Ndichatumira munhu kuti asvike naro kuno."Mai Ruru vakasekerera asi munoziva kuti vakadzi vane nharozve,"You better do it Ok.And watosimba swty netwo days idzi shuwa.Chii chakusimbisa kudai chisiri rwudo rwangu babie?"Hana yaCliff yakangobamuka kamwe chete kunga ngoma yeZion bvaangoti,"Ndanga ndiine maboss ekuchando so they were so happy nemota yedu and they spoiled me.Mmmm I enjoyed honey.I wish you were there!"Mai Ruru vakachema zviya zvine kakuyemerera ndokuti,"Swty please usandinzwise moyo kkkkk and according to what you are saying zviri pachena kuti wakazoenda wega which is risky.Koo kudai wakauraiwa ndaizosara ndichichengetwa nani?"Cliff akatanga aseka ndokuti,"ZvaMai Ruru akomana.By now hausati wanyatsogutsikana kuti ndiri murume here ini?Wakanganwa mbavha two dziya dzandakazhaka dzapinda muno,ndozotya twurungudunhu twuri munyika munoti isusu manje.Honey as long as muri muno muZimbabwe ndingatotya mumvuri wangu bedzi."Mai Ruru vakagegedzera vakambundira murume wavo nekuti aivawo Gringo chaiye panyambo.Cliff akazongoti wee kubudisa zidzutswa rese riya remari ndokuriti dzii patafura.Mai Ruru vakangoridza mhere yekushamisika ndokutanga kudedera.Cliff akatozovabata akavasimbisa nekuti vaigona kutofa chaiko nekufarira budiriro iyi mumba mavo.Cliff akavarayira kuti vanomugadzirira breakfast kuti awane mukana wekutumira shamwari yake iya inonzi Kudzi inogara muMbare.Aida kuti Kudzi iyeye atenge bhokisi remaapple mumusika ouya naro ikoko kuKambuzuma kuti madhiri ake atendeseke.Mai Ruru vachingopinda mukicheni iye akabva atotumira message iya kuna Kudzi uyo akabva ati akutouya sezvo aigara pedyo nemusika.Akabva amutumira $15 yacho paEcocash imwe yacho ikava "keep change".Mai Ruru vachigadzira zvavo kudya,Cliff achiona zvake cricket paTV ukuwo Kudzai ari munzira chokwadi zvaiva zvakadzora.Mai Ruru vapedza vogadzika zvekudya patafura,Cliff akavaudza kuti akunotora maapple aya kubus stop nekuti aiva akwidzwa kombi.Iye aisada kuti Mai Ruru vaone zvese izvi nekuti aitya kuti vanozonyumwa.Akasvikonotora maapple aya chinyararire ndokuuya navo kumba izvo zvakafadza Mai Ruru,vakazodya vese nemhuri vachifara.Vapedza,Cliff akaverengesa Mai Ruru mari yese iya vakagutsikana kuti chokwadi murume uyu ari kuita basa zvomene.Musi uyu mhuri yakanotandarira kuShang-rila Restaurant iri pedyo neChisipite vachidyidzana nemaChina ikoko.Haiwa pakatetenwa finance!!!!!!!!! *Watch out for Chapter 12 Dr Maxx aka Lyrical Surgeon munyori mukuru..!!!!!!!!!!! NDAPOTA ZVANGU MUSAZONYEPE KUNGA CLIFF LIKE MY FACEBOOK PAGE [23/03 18:35] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA:CHAPTER 14* MAI SIMON havana kuzopedzisa manzwi aya voti hoo kuridza mabhosvo ekurutsa.Vakazoita zvekupfugama padivi ndokutomboita kanguva vachirutsa.Cliff akabata muchiuno achidzungudza musoro.Mai Simon vapedza kurutsa vakasimuka apa maziso akaita semadomasi kuri kutsvuka ikoko.Cliff akabva avatarisa mumaziso ndokuti,"Muri kuedza kundiudza kuti mune nhumbu here imimi?"Akabvunza zviya zvine kakutya apa akatarisa Mai Simon mumaziso chaimo."I am not implying,assuming or trying to say asi the truth is ndine nhumbu and you are responsible."Mai Simon vakatsemura manzwi aya akabva abairira pamoyo waCliff kunga pfumo rakatsvukiswa nemoto.Chokwadi nhumbu inotyora ukama.Cliff akatanga kutaura achifamba famba ndokuti,"So now waitosippa zvako doro apa uchiziva kuti you are pregnant,asi uruda kuuraya mwana wacho kani?Ko yaane nguva yakareba sei mimba yacho?"Mai Simon vakaona kuti kutaura taura kunganetsa ndokubva vabudisa kaPregnancy Test Kit kubva mubra mavo kaiva kakatorecorder malines maviri pamwe netsamba yekwachiremba yairatidza kuti waiva nepamuviri pane mwedzi umwe chete.Cliff akanzwa mudumbu make makurira nekutya.Kudai Mai Simon vaiva small house iya yekuti inongogarawo mu1 room zviri nane,manje vaitovawo mukadzi wemunhu kunga Mai Ruru kkkk.Cliff akatoona ega kuti apa rwendo rwuno azozviwanza ndokungoramba akati tuzu.Mai Simon vakaturika maoko avo pamapfudzi aCliff ndokumutarisa nechiso chakasvava."Apa ndambonwa kuti ndiedze kubvisa stress neguilty conscience.Anyways zvatoitika handishaye plan dont worry."Cliff akanzwa kusvotwa nemanzwi aya akagumbukira Mai Simon achiti,"At your age hauzive macontraceptives wakakwana here iwe?Now take a good look at it now.This relationship was meant to be casual.You are so careless nxaa.Apa you slept with your husband futi kumba kwenyu.Muzanganiswa ka mwana uyu,paachazvarwa anofanirwa kuchekwa nepakati ini ndotora half yangu murume wako otorawo half yake."Mai Simon vakaseka kunyangwe zvazvo Cliff akataura asingaseki.Iko kuzongodawo kuramba mimba yadzo pachena chena kani.Apa chimwana chacho changa chichatanga kuumbika mudumbu,kuzorutsisawo mhamha vacho nekuti chinenge changa chanzwa kuti daddy vacho vari padhuze.Mai Simon pavakaseka zviya zvesvoto,Cliff akadumbirwa nehasha akaita seachavakwamura mucheka wayo mbama.Akazongozvidzora aona kuti pane makata enyaya hazvaigadzirisa kana chinhu ipapa ndokuzoti,"Ko kana iri yemurume wako?"Mai Simon vakaseka futi ndokupindura vachiti,"Ndaitonwa mamorning after whenever I would sleep with him,but pese pandaisangana newe ndaingosiyawo zvakadaro.Pandakatanga kuzonzwa mapreg symptoms in the past weeks ndipo pandakazosarudza kuti ndinoongororwa.Cliff akadzungudza musoro zviya zvemunhu agariswa mudhishi kunga LNB ndokuti,"Please,I never planned with you zvese izvi.Wakuda kundimakisa manje.Ndiri munzira kuplanner nezvemuchato nemukadzi wangu.Tiri kuda kutochata pamberi pechita iwe ndipo paunouya nemafunnies ako aya.You have the money why dont you abort it!!!"Cliff akazopedzesera kutaura achisheedzeresa nehasha zvekuti shiri dzaiva dziri mumiti yaiva yakavakomberedza dzakati dzvamu kubhururuka dzichitiza ruzha urwu.Mai Simon vakaseka zvekare ndokuti,"Aaa ndogobvisirei mimba isina baba.Moreover,when I attempted to do that pane yaSimon ndakambopotsa ndafa despite kuti yanga iine some few weeks old.Cliff kubva pandakakuona I regretted why I fell for Baba Simon at the first place.Honestly speaking I let you impregnate me kuti kana paine chinozoitika in the future,lets say unogona kufa ndinozosara ndine chekukufunga nacho in the form of this child." Vakatotaura vachifugura dumbu ravo vachiri rova rova zvekuti Cliff akabva aona chimutsetse chitema chiya chinowanikwa pazasi peguvhu kuvakadzi vane mimba.Ichocho aichiziva nekuti vakambochiona chiina Mai Ruru,vaine mimba yaRuru.Apa Cliff anga arohwa chekuseri.Pamwewo mwana aizoita mukomana waaitarisirawo,asi mutakuri wemimba yacho aisaita.Kudai vaiva Mai Ruruzve zvaiva nani."Saka pane here wavakamboudza nezvemimba iyi?"Cliff akabvunza akasuruvara.Mai Simon vakanyemwerera ndokuti,"I havent revealed it to anyone except you.Imika sababa wemwana ndimika munofanirwa kutanga kuziva."Vakadzi vane pamuviri hameno kuti vakaita sei.Kutaura kwaiita Mai Simon kwainyon'ora Cliff,asi nekuti munhu aivawo nemukadzi ainyatsoziva mamood swings emukadzi kana aine pamuviri.Hongu Mai Simon vaiva nemari yekugona kuchengeta mwana aizozvarwa vari vega,asi Cliff sababa aidawo kuzoonanawo nemwana wake.Zvaizobuda nemutoo upi iye aine mhuri kare.Cliff akatanga kugaya kurefu akaona zvichigona kuzomuitisa rombe.Akanyatsoona kuti Mai Simon vaiva vakazvironga uye hapana zvavaikwanisa kuzoita.Vanotaura vanoti kugunun'una kwemukadzi kunoparadza murume,saka Cliff aifanirwa kuvhara bako iri raiva rabuda nyoka zvisati zvaenda nepamwe.Zvakare nyaya iya yemupfuhwira kunyangwe zvazvo yaiva yakaipa,yaizoshaya basa kuri kuti Mai Ruru vaizoziva mhenyu iyi.Zvekuti aida kuchata naMai Ruru hazvina kumboiswa mumusoro izvo naMai Simon vakabva vati,"That one ndeyekumba kwako,I am even rich to an extent of funding your wedding,but currently we have a hot potato in our midst yemwana wako uyu."Cliff akabva anyepera kupfugama ndokutsvoda nhumbu iya zviya zvekuti nyaya imboita kakupera.Akaramba akatsvoda nechepaguvhu kusvikira Mai Simon vakupuruzira musoro wake.Akasimuka vakambundirana,asi chokwadi chaivapo ndechekuti Cliff aiva achivhiringika zvino.Akakungura hunhu hwake hwaiva hwapeperetswa nemhepo dzeupenyu pamusana pemari,asi hapana zvaaizviitawo iyo yaiva yatsika dope. Vakazobvumirana kuti nhumbu iyi yaitofanogezerwa Baba Simon vachironga zvimwe zvekuita.Nokudaro Rudo rwavo rwaifanirwa kuramba ruchitsva kunyangwe zvazvo Cliff anga akumboda kuramba.Pfungwa yekuramba akaiti supfu kwakadaro nekuti rudo rwavo rwaiva rwakasunganidzwa nemari uye vanhu vane mari vane simba rekuita zvese zvese kana ukada kuvafizura. Kudai aizoramba Mai Simon aizoromboka,ofinhurwa nekuenderwa kumaintenance kana kutsveterwa mwana achangobva kuzvarwa pamusuwo wake pamba paanogara nemukadzi wake chaiye.Ko ihwo hupenyu hwaanga akurarama nemba yaanga akuvakisa zvaizoenderera sei mberi iwo mugodhi waizovharika.Cliff akadzamisa pfungwa akaona kuti apa aizoparara akada kuita chipaparadzungu. Vakazobuda muchisango chiya ndokusvika Kudzai naTracy vakachagara paya vachitandara zviya zvinoratidza kuti vaiva vapindirana.Vati garei garei vachitandara vakazoonekana vachiparadzana.Hapana aisava nemhuri pahuna hwavo.Cliff akatakurana naKudzi wake uyo anga akutodanana naTracy nenguva diki diki iyoyo.Mai Simon vakatakuranawo nemunin'ina wavo vachimuperekedza kumba kwake kuMsasa ivo kuti vazopfuurire kuenda kumba kwavo kuGreendale. Cliff akapfuura nemuMbare umo maakanotsveta Kudzi iye onanga kuKambuzuma.Akatsika Altezza yake naLytton zvekuti pasina nguva anga atosvika kumba kwake.Paakasvika akashamisika kuona Tete Anna vaya vari mumba.Akabva atokwira mutarara ndokunanga kubedroom kwake akafuta sechiva apa nenguva iyoyo Mai Ruru vaitobika zvazvo.Zvochiti nestrees yemimba apa nekuuyawo kwatete vaya akanyatsozara nehasha.Ivo tete vaya kana kumboita hanya nazvo,vanga vauyawo kuzokumbira ruregerero.Mai Ruru pavakabuda mukicheni vakabva vaudzwa natete vaya kuti Cliff auya akapinda mubedroom asina kuvamhoresa.Mai Ruru vakanyara zvisingaite ndokuenda kubedroom kuya.Vachingopinda vakabva vatambirwa nemubvunzo kunga mari kupera kwemwedzi."Ko kawitch aka kari kudei pano? Ndakuregerera mangwanani ano chaiwo asi munotoda kunditonga pano.This means you still want to fix me hantie?"Mai Ruru vakabva vapfugama ndokubata Cliff nekuti vaiziva kuti kana achaja kudai paizvarwa mwana asina vhudzi aine mazino eze akakwana mukanwa."Its not the case Baba Ruth,she came to apologise please understand her.Kudai aiva mumwe munhu hantie aingoramba ari kumba kwake,"Mai Ruru vakanyatsotaura nenzwi raisekenyedza Cliff.Cliff akadzikamira zvake ndokungotiwo,"But satete vaifanirwa kubudawo nemabetter waya to solve ingava nyaya ipi.Ok ndavanzwisisa."Mai Ruru vakambundirana nemurume wavo.Chakadzora Cliff apa ndechekuti tete ava vaiva varatidza hushingi nekuzvininipisa,nekuti vanhu vemhanga mhanga havaishinga kuzozviwanisa mukana wekukumbira ruregerero.Cliff akazobuda vakakumbirana ruregerero.Tete vaya vanga vatouya nemaQuarts vakanwidzana mumba imomo vachifara,ungati ndivo here vanga vambokonana.Cliff aihudzasira svoto apa aiti akangogaya nezvenyaya yenhumbu aibva ahupomba kuti asazofungisise.Tete vaya vakazorara pamba apa musi uyu vakararadza. UKUWO Mai Simon vakazonyengetedzwa naTracy uya kuti avasvitse kumba kwake chaiko.Vakasvika kuMsasa kuya zuva ravakupinda muna amai varo. Motokari yakanyatsopinda mukati chaimo mushure mekunga Tracy akashandisa remote yegedhi kuti arivhure.Ichifamba kupinda mukati vakaona Kelvin murume waTracy akagarirwa pamakumbo nepfambi iya.Iye Kelvin akanyatsoona kuti imotokari yaMai Simon ndokuonyererwa achitsvoda musikana uya aiva akapira vanaMai Simon gotsi,vagere muvharanda imomo uye maiva memwenje waiva wakati bhaaa.Vakazosarodzika mumota Tracy uya akungochema zvinopisa tsitsi.Akademba nhamo yake yekusaita mwana. Mai Simon munongovazivawo kuti kana vatsamwa vanoita yese yese,chegore riya vakatidhudhudzira chanduru chagoko kkkk.Vakaswedera pedyo ndokuti,"Babamunini Kevy makufarisa manje,kurumidzai muparadzane now ndisati ndakuonesai moto pano!"Kelvin uya akaramba akainyudza kisi pamusikana uya.Zviya zvekuti handidi kushushwa nengomwa ndizvo zvaakazviitira.Mai Simon vakabva vanyatsopinda muvharanda muya ndokuzvuva chigaro chaiva chakagarirwa nevaviri ava.Vakabva vari zvuu ndiye rongondo rongondo pasi nemanhede.Munozivawo simba remunhu akatsamwa zvarinoita.Mai Simon vakabva vasimudza chigaro chiya kuti vazvindikite vaviri ava wanei musikana wacho ndiLaurah aivashandira parestaurant pavo.Laurah uya aiva mwana wehanzvadzi yeshamwari yavo iya yainzi Mai Mwale.Anga akasopedzawo A Level yake gore rakapera saka apa aishanda kuti awane mari yekuenderera kuvarsity.Basa aiva atsvagirwa naMai Mwale akabviswa kuGuruve kwaaidzura ndowe,kuti auyewo kudhorobha apa ndipo paava kuita zvevarume vevanhu.Mai Simon vakaita kupera simba nehasha.Vakadedera zvekuti maoko avo akatadza kubata chair iya ikazongodonha yega pasi.Vakamhanyira kumota kwavo ndokudzoka nepurse yavo.Vakasvika ndokuburitsa $400 yavakabva vakanda pamakumbo emusikana uya.Kelvin akangoti warawashu kusimuka akananga kumba zviya zvekusakendenga, uyo Tracy aiva achingoti tuzu achishaya kuti zvamira waani waani. Laurah uya anga achizviunganidza pachikona chevharanda mabhonzo ake achinzwikwa kurovana rovana nekubvunda."Tichibva pano I am driving you to your flat then you pack your shit wodzoka kumusha kwenyu.Mai Mwale ndisahwira wangu ndinozomuudza watoenda.Tora mari iyi ndosalary yako even usati wapedza mwedzi wacho.At 19 you are sleeping over nevarume vevanhu,how stupid???Uri kushayei iwe,hantie rent ndokubhadharira futi and you decide to pay me by betraying my sister."Mai Simon vakadya magaka akaora apa vachiita kudhokonya dhokonya huma yaLaurah uya.Iye akatoshamisikawo achiona vakatsvuka meso kudaro.Aigarovaziva vachisekerera,asi apa masamba aiva asiyana."I am sorry aunt,please give me an opportunity to exp....,"You will explain kumbudzi nenguruve kumusha kwavakabva uko",Mai Simon vakadimurira Laurah uya achidhonzwa nenzeve vakananga kumota kuya.Mai Simon vakaoneka Tracy uya ndokusimudza motomari yavo vakananga kuflat kuya vachingopopota."You bring my business into disrepute Laurah!Individuals of your caliber are not welcome at all costs.Apa magame auri kutamba apa zvikazoipa isusu ndisu tinoblemwa ka.A stitch in time saves nine,hatidi zvinozotishupa tomorrow.Hausati wakuda progress mulife mako saka chimbodzokera zvako kumusha." Mai Simon vaingopopota dzamara vasvika kuflat racho raiva kumaAvenues emuna Selous.Laurah aitogara zvake ega,achiuya kuzotorwa nekudzoswa nekombi yebasa mazuva ose.Nezuro wacho aivawo ajutwa naKelvin mudhorobha.VanaKelvin vaiflashaka mari dzavo dzekumigodhi yegoridhe nekudaro hove yese yaitodyira. Mai Simon vaida kungoona kuti asvika kumba here ndokusaka vaiva vamuperekedza uye nekuona kuti arara arongedza katundu kake here."Tomorrow usauye zvako kubasa kwangu and by 7am I will be here ndiri kuda kuona waenda ndinoda kuswera ndaisa zvangu mumwe munhu muno."Mai Simon vaitaura vachifamba famba asi Laurah uya akaramba akangovati tuzu akavatarisa."Iwe ita zvandataura now ndiri kuda kuenda kumba watondidelayer nenyaya yetwukumbo twako twusina tsika."Mai Simon vanga vachitsamwisisa zvino.Laurah uya akangoseka kuita seanopenga ndokutarisa Mai Simon ndokuti,"Fine ndinodzoka zvangu kumba kwedu,asi zivaiwo kuti tese tiri mahure.Ini ndikatova nani ndichiri musikana pane imi chembere ine vana vaviri inovharirana nechikomba pabasa payo ptu munosemesa amai imi."Laurah akapopotawo nekuti hapana munhu anoda kunzi ipfambi kunyangwe ari pfambi kkkk.Mai Simon vakaita sevaondomokerwa negomo.Laurah akavabaya panorwadza moyo paya pakaimbwa neGafa naTuku vakati,"Uri kuti mupengo iwe?"Vakataura nenzwi rakaneta neta apa vachipererwa nemashoko aLaurah aya. Laurah uya akabva aswedera pedyo navo ndokubatidza foni yake achivaratidza image yavo vari muhofisi yavo naCliff vasina kupfeka.Mai Simon vakangoshama muromo wavo ndiye pasi dhii negotsi maziso avo akatanga kupinduruka pinduruka.Vakabva vangoti zii......😳 *Watch out for chapter 15 hohohoho* Dont forget to like my page:Dr Maxx's Stories [23/03 18:35] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA:CHAPTER 15* Laurah akatanga kuseka Mai Simon vanga vachiti kunguma vasingapfakanyike.Akatanga kufamba famba mumba umu zviya zvekuti ndaorora benzi rangu.Mai Simon vaya vakangoramba vakati fototo pasi paya."Nxaa vanozviidza ndivo vega vanaHarare.Manje apa agona mumwe ndiani manje?"Laurah aitotaura ari pameso chaipo paMai Simon vaiva vakafenda.Akatosimuka zvake ndokuridza tsamwa achinochinja hembe.Akadzoka akangoona Mai Simon vakangoti zii.Ipapo akatanga kunzwa kupindwa nechando nekuti anga aona kuti vakufemera nechekure kure.Akamboedza kuvazunguza vakaramba vakati mwiro.Apa zvaitozonzi ndiye auraya munhu saka akati zano nderipi ndokukoponora mabhatani eblouse raiva rakapfeka Mai Simon kuti vapindwe nemhepo.Akabva atora chicoushin chepasofa ndokuvafefetedzera mweya wekuti pamwe vangatange kufema zvakanaka.Zvese izvi zvakaramba aiita seaiitira zvake chitunha.Akazonotora bhaketi rese remvura ndokuriti kupa pavari vakabva vapatika zvedzungu zviya zviya.Laurah akafarira kuti zvaiva zvafamba ndokutangazve kutsoropodza Mai Simon."Motoona zvekuita nenyaya iyi tete isati yapararira semoto wemusango!"Laurah akasvotesa zvake apa akamira zvake Mai Simon vakangoti kuzuzu pasi vachifemera pamusoro kunga ndere semunhuwo anga apona murutsva.Mai Simon vakanyepera kunga vasina kuzvinzwa ndokuti tseya kutsamira sofa raiva mumba umu kuti vawane pekutangira."Chii chauri kuti ndione zvekuita manje?"Vakabvunza zviya zvine kakushamisirira mukati.Laurah akapwatika nesetswa ndokuti,"Kkkkkk musada kundinyinurira pano asi matokanganwa chanhasi nekufenda kani?"Akadaro achivaratidza pikicha iya zvekare achizhinyurira chifinhu.Mai Simon vakabva vatorangarira chaiva chavafendesa.Vakatarisisa vakaona kuti Laurah aiva asina kubata foni iya zvakasimba.Vakabva vaibvuta nechisimba vaviri ndokutanga kurwisirana foni iya.Mukukikiritsana imomo Mai Simon vakabva vazamurira muchezura wembama kunaLaurah uyo akabva ati zee zee ndiye pasi puu ropa ndokutanga kumhanyidzana kumhino dzake.Zvaiva naCliff mukati ka izvi saka Mai Simon vaisaita mafanizi.Laurah akada kusimuka paya bvaagarwa matunduru zvekuti akatadza kupfakanyika. "Even mukatora foni iyoyo hazvina basa coz that image has gone a bit viral.Vanhu vese vepabasa vaanaro.In a few days time chinenge chatoputika."Laurah akavhaira zvake ari pasi ipapo akaita kutarisa Mai Simon mumaziso chaimo.Mai Simon vakasekererawo svoto ndokuti,"Ini handisi bharanzi sewe wakazoziva magetsi nenyaya yebasa,isu takamaziva nekuti takazvarirwa muno.Kudai wakapa vanhu hawaimboroverana neni foni iyoyo!In life again you must learn to mind your own business."Laurah akaona kuti Mai Simon vaiva vamupomhodza nechokwadi chavaiva vareva apa ndokubva akumbira ruregerero.Mai Simon vakaona kuti mwana uyu aiva asina kunaka chose zvekuti aigona kuva nesimba rekutodanana naBaba Simon chaivo,ashandisa pikicha iyoyo.Nokudaro akanyepera kuregerera Laurah uya vakavhura foni yake iya wanei mutorine nevideo futi ndokudeleter zvese. Laurah akazoreurira kuti aiva akatora foto iri ndechepahwangwaridza pefafitera musi waainhonga mapepa kuseri kwerestaurant.Musi uyu munhu aiita basa iroro aiva asina kuuya.Mai Simon havana kuda kuzobvunzisisa zvakawanda wanda nekuti vanga vaona kuti Laurah aivawo nedzungu renhoko dzembudzi.Havana zvavo kumuchenesa chose nekuti vaiziva kuti aigona kuva akasaver pikicha iyi kana mumamemory card aisavapo panguva iyi.Saka nyaya yanga yavapo yaiva yekudealer naiye Laurah kuti azive kuti Harare ina vanaHarare vayo.Mai Simon vaida kudzorerawo humiliation yavaiva vasangana nayo mumba umu."Ok $400 iya wotengawo zvimwe zvinhu zvaunoda semusikana meaning pay yako chaiyo ichangouya.In fact uchatanga a new post tomorrow as our new Marketing Manager zvoreva kuti unenge wava mu9 waya.Lets forget zvaitika tiite move forward.Tomorrow ndinouya kuzokutora pano ndoenda newe kubasa tapfuura nekuclinic."Mai Simon vakanyika munhu wavo muSta Soft zvekuti chiso chake chakafaranuka nekuti panoti bond aipada mwana iyeye.Kunga akakweshwa nhova ne2 bond.Apa Laurah anga azungaira zvakaipisisa.Kudai akangoviga foni paya pakafenda Mai Simon zvino rwendo rwuno aiva arongerwa dhende naMai Simon. Vaviri vakazoguma vonzwanana kusvikira pakuti Mai Simon vakatobvunza chekudya mumba umu vakanzi hachimo ndokutoseka zvavo.Dutu ranyatsooserera vakazooneka zvavo apa 8 dzaiva dzatochaya kwatosvipa.Vakatsika mafuta vakasvika kumba Baba Simon vasati vauya.Imba iyi yanga yangovawo yezita mufunge.Pakazouya Baba Simon,Mai Simon havana kuda kubvunza bvunza rudo rwukatotsva.Mai Simon vakazoudza Baba Simon nezvenhumbu,murume mukuru akaita seachamera mapapiro nekufara."Sweety mwana ari kuda cheese chete now."Mai Simon vaitoyemera zvavo pakati pahwo husiku.Murume ndiye ndunduru ndunduru kukicheni ndokuuya necheese iya.Mai Simon vakadya cheese iya mushure ndokurutsa.Baba Simon vakanyatsoona kuti chakabaya chikatyokera saka vaingoita zvese zvavairairwa naMai Simon.Ndiko ka kufudza mombe dzinokamirwa Bindura sezvakarehwa naMudhara Mareya."Honey musana wangu urupisa ndiri kuda massage,"Mai Simon vaiyemerera,Baba Simon vachingoita zvese.Mai Simon vakarara husiku hwese vari pachipfuva chaBaba Simon. Nerimwewo divi muHarare makare Cliff anoonekwa akavata naMai Ruru mumagumbeze apa akararadza zvake.Mai Ruru vaiziva kuti murume wavo aidurura mazirudo kana akadhakwa.Cliff aisava nemarambadoro zvake.Haairasa muromo kunyangwe hwakamukurira.Akamutsa Mai Ruru pakati pahwo husiku ndokuvaudza huchi hwemashoko."Mai Ruth ndakumutsa now nekuti I have a huge surprise for you."Cliff akatanga zvake nyaya yake achidaro izvo zvakabva zvaita kuti Mai Ruru vabatidze light vanzwe hutapi tapi uhwu.Mazuva iwaya waiziva kuti Cliff kana ati ane nyaya yaitova inofadza chete chete nekuti bhegi raiva rakadira.Cliff akasimuka zvake achidzedzereka dzedzereka ndokuti,"Mukadzi wangu wakabva neni kure so I have I have to respect that.Now next month imba yava pafoundation ndiri kupedzesa pfuma kuden kwenyu then zvafamba bhoo by April tinochata muchato unovhundutsa chero vakafa kare."Mai Ruru vakambogaya kuti pamwe kutaura kweararadza asi vakatozogutsikana vaziva kuti Cliff aingotaura chokwadi kunyangwe akadhakwa Chaingosiyana kamutauriro asi mashoko aisashanduka.Mai Ruru vakangokwanisa kuscreamer kamwe chete zvekuti tete vaya vakatomboita kakupatika ndokuzongodzokera kuhope nenhau yekutsikirirwa nemhamba. Mukukura kwavo vese vaigarorota vakapfeka renda jena.Zvino ranga ratofemera mugotsi.Vakashaya kana neremuromo vakangogumbatira Cliff vachichema.Vakapfidza matadzo ese kusanganisira kuisira murume wavo mupfuhwira vachiti,"Clifford you are my everything.Sorry for everything.Wazadzisa zvishuwo zvangu sweety."Mai Ruru vakayeredza misodzi yekufara apa Cliff achingosekerera zvake.Zvakamubata batawo asi chekuita paiva pasina.Aitofanirwa kuchata chete kuti aratidze Mai Simon kuti airevesa,aine pfungwa yekuti pamwe ivo Mai Simon vaizovawo neimwewo pfungwa pamusoro penhumbu iya.Cliff naMai Ruru vakazovata uri mufaro chete chete. Mangwana acho kubasa kwaMai Simon,Laurah akabva apihwa hofisi yake itsva nekuti ndiye aiva ava Marketing Manager mutsva.Hazvina kunyanyomutsa muromo pabasa nekuti Marketing Manager aimbovapo aiva oshandira kuMhondoro kwaiva nemugodhi weplatinum waBaba Simon.Chinzvimbo ichi ndicho changa chakumboshandiswa naMai Simon panguva yese iyi nokudaro hachina kunyanya kutaudza pachakapihwa iye Laurah.Vashandi vese vakaunganidzwa vakaudzwa nezvezvitsva zvanga zvavapo.Vamwe vakatenderana nazvo,asi vamwe ndivo vaingokuvarira mukati negodo kunga cooler box vachiti paiva pashanda hukama nekuti Laurah aiva muzukuru weshamwari yaboss.Mai Simon vaida kupedzera Laurah atambarara zvake sorunyemba patsono paaive aiswa. Munhu akadai vaisambomuda pabasa pavo saka vaida kubva vangomuitira zvinogara zvakadaro.Hunhu hwaBaba Simon ndihwo hwaiva hwashandura mukadzi uyu.Mukukura kwavo vaitorwadzirwa nekuuraya nhunzi chaiyo.Regai vamwe vati wanano inodzidzisa chisoja kutopfuura kwavanoti kuInkomo Barracks kwacho.Unogona kupindamo uri munhu kwaye ukaguma wava chigevenga chaicho.Mai Simon vanga vaane pfungwa dzechibhanditi pazvese zvavanga vakuita.Laurah aiva avadheerera kusvika mumwongo chaimo zvekuti vaida kumuswatanudza.Rwendo rwuno vakabva varega tsika yavo yekuunza Cliff pabasa. Musi weChina panguva yelunch vakaenda kuflat raLaurah nenjumba yemari yaikwana kuita $4000 iri mapini ega ega.Hazvina kuvanetsa kupinda mumba umu nekuti vaiva nemaspare keys ayo sezvo vaiva palease agreement nevaridzi vembayo.Pfuti iyi vakaironga voga kuitira kuti pasaite angangogona kukanganisa.Hapana akavaona vachipinda mumba umu sezvo kumaraini aya vangu nevanhu vanongozvitambira yavo vega.Zvasiyana nekujecha kwekuti kukabhururuka shiri chaiyo vanhu vakaungana,vanenge vachida kutoziva kuti shiri iyoyo yabvepi,yadyei uye kuti iri kuendepi.Mai Simon vakapinda vakaboora sofa ndokupfonyera mari iya mushure ndokudzokera zvavo.Chakanyanya kuti vaomese moyo kudaro ithreat yaiye Laurah yaizogona kuvarambanisa naCliff uye kuvanyadzisa pamberi penyika yese.Vadzoka kubasa vakanyatsosiya zuva rese richipera apa havana kumboudza kana ani nezvenyaya iyi.Vari saMai Mwale hubhururu hwacho hwemakore hwaisva wapera nekuti muzukuru wavo aiva apinda negejo muchechi.Mangwana acho iri Friday,Mai Simon vakaunganidza vashandi vavo vese muhofisi mavo vachivabvunza nezvemari iya.Restaurant yakatombovharwa chidembo ichi chichivhiiwa.Ivo vashandi vakapupura pachena kuti hapana zvavaiziva nezvayo."Manje ndipo pane part of your cash salaries ipapo.This is a secure place hapana munhu angazosvika muno muoffice mangu besides you.If you dont give me this money now muri kuzonovharirwa mese."Mai Simon vakadaro vachinyepedzera kupopota.Vakomana kurwira rudo zvakunoita ka.Vashandi vese vakaramba vachingoti havana chavaiziva.Mai Simon vaitaura vachifamba famba vakabata muchiuno apa vachiita kunyepera kudedera netwuhasha twenhema ndokuti,"Yesterday I left my door open palunch coz I got off in a jiffy.So my billion dollar question here is,hapana akasara achipinda muno here in my absence?"Vanhu vese vakaramba vakati ziro kusvikira kamwe kamusikana kaishanda kukicheni kainzi Millicent kakati,"Of course Laurah ndakamuona kumapast 1 achibudamo.We bumped into each other in the passage ndichibva zvangu kutoilet asi aisava nechaakabata."Milli akataura seari kukomerera Laurah asi apa akandendemura chokwadi chake chese.Zvediwo Laurah akapinda muoffice achitotsvaga Mai Simon kuti vamutambidze mamwe mapepa ebasa aakanga akambovapa Chitatu kuti vasigne.Laurah paakabvunzwa haana kuita nharo.Hana yaMai Simon yakabva yatibvuka nemufaro kuti mujenya wavo waiva vadonongedza chaipo.Vakabva vatongofonera CID yepaCentral kuti iuye pabasa pavo.Pakasvika mamwe matikitivha echidiki aiva akarova zvavo mbatya dzechizvino zvino.Vakangobvunza kuti pane aifungirwa here zvikangonzi ndiLaurah uya nekuti akaonekwa achipinda muhofisi mashefu ivo vasimo.Vakomana havana kunonoka ndokuchenesa Laurah uyo aiva atovhiringidzwa nezvaiitika.Akamboda kuti,"Tete tete tete!"kuna Mai Simon vakabva vatongotsakatika pameso pake vatopaka mangwiro vakutoda musoro wake mundiro sewaGoriati.Mai Simon vakangosiya vakomana vaya vachienda naLaurah.Vaizongongofonerwa for any latest developments. Laurah akasvika paCentral paya.Akabva abvisiswa bhutsu dziya,jewellery nebra ndokukandwa kuseri kwecounter.Mapurisa aya aiva auya naye akabva atotsakatika sare otorwawo nekamwe kaConstable.Akatungamirirwa pakuenda kune chimwe chirumu chaiva pasi.Muzirumu iri maiva nezitafura pamwe nehofori dzerume mbiri dzaiva dzakapfeka hwozhembwe dzemasutu.Mazirume aya aitotamba zvavo tsoro.Pavakaona Laurah aunzwa nekamuConstable kaye vakabva vati,"Aaa Chaipa waita bhoo vatiunzira nyama kuchiri kuseni kuno hanziiko apa?"Rimwe remazirume aya raiva dema dema racho riine mazindebvu ekwaRick Ross rakanyinura richirova zvaro tafura iya richitaura."Aa mudhara tete venyu ava vasketa four gida pagriffaz pavo.Mombonzwawo side restory yavo kuti vaiisepi mari?"Kamupurisa kaya kakataura kachitobuda kachienda.Laurah paakanzwa kutaura kwevanhu akabva atongogaya kuti apa hapana kana nyaya.Aitofunga kuti kwaizongovawo kubvunzwa mibvunzo ino neino ozoregedzwa.Aiva asati ambopinda mumaoko emapurisa saka aiva akatodekarawo zvake.Kumusha aiva akakura vachiudzwa kuti mapurisa vanhu vanongobatsira vanhu chete chete manje apa haana kuziva rimwe divi remapurisa raaiva anangisana naro. "Imi ambuya ko mari iripi?"Rakabvunza zirume riya."Handina kumbotora mari ini vakuru vangu.Muoffice mavo ndakapinda hongu handisi kuramba asi ndakatoona vasimo ndikabuda zvangu."Laurah akapindura akadekara.Munozivawo confidence dzinenge dziine munhu asina mhosva dziya."Hoho saka makaona vasimo mukati better munyaradze mari ka?"Rakabvunza zvekare zimutikitivha riya."Aaa nhai imi ndakuudzai wani kuti hapana chandakatora and muri kungoramba muchindibvunza the same question over and over again nxaaa kuda kungoti ndingobvume mhosva yandisina kupara nxa mxm."Laurah akanyunyuta atogumbuka zvino.Akabva akangotambidzwa Dabuka rembama yakazadza dama rose ichibatanidzira mazino ekumatadza nekuseri kwenzeve.Nzeve yake yakatanga kuti nyiii kunga nyenze.Mazino ake akatanga kubuda ropa.Zviya zvekuti misodzi inobuda unenge usati warohwa. Achiri kukwenya dama riya rekurudyi akajumhwa yekuruboshwe ndiye pasi puu mututu ukachibuda zvino."Hatisisu takaba newe mari isusu wazvinzwa.Uri kutichenamira pano pabasa pedu manje.Do you know kuti unofira mumaoko edu aya kunga wachi?"Rume riya rakagwauta apa ratobvisa tie pamwe nekupeta peta maoko eshirt yaro.Ipapo Laurah akachururudza weti akaikwetsura mhere ari pasi ipapo.Maroverwo aaiva aitwa apa ndeevarume chaivo.Akabva atsikwa huro nefour corner yaipenya kuti anyarare iye ndokuti zii asingapfakanyike apa achingopfikuka neshungu.Akabvunzwazve nezvemari iya asi aingoti iye aisaziva nezvayo.Akangoerekana light radzimwa ndokuzvindwa nemboma dzaaisaona akarara pasi ipapo.Light rakabatidzwa futi akabvunzwa akaramba futi.Nemaroverwo avaiva vamuita achingoramba mhosva vakasvika pakuona kuti anenge aisava nemhosva,asi sevanhu vaishanda nengaka nguva nenguva vakakanga munhu wavo zvekare kusvikira aibva. Laurah akazopombwa pasi petsoka pakaita kutoikira kunga mhanza yaMwazha.Ropa rakaita kudunduvirira pasi petsoka paya iye akaramba akaomesa gotsi.Unoziva ukaroverwa yausina kutsikisa unoparara neshungu.Mumoyo make akamboda kupomera Mai Simon asi iye akaona kuti akazvitsvagira munyama wake ega paakapinda muhofisi muya.Ndipo paimukomerera ipapo zvekuti paairohwa apa aikungura chaiiva akapindiramo."$4000 is a lot of money.Now mari iripi tete?"Rume riya rakabvunza zvekare rakaunyanidza chiso kunga saga riri kunanautswa nemoto.Laurah akanga asisagone kutaura nehasha pamwe nemarwadzo saka akangodzungudza musoro zviya zvekuratidza kuti anga achiri kungoramba.Rume riya rakabva ramwararira twuconcrete twudiki pasi ipapo kubva mune kamwe kabhaketi ndokurayira Laurah kuti atsike pamusoro patwo.Laurah uya asikana akasimuka ndokutsika.Akanzwa seari kuchekwa chekwa nemapanga pasi petsoka ndokuerekana azongoti,"Hongu ndi- ndi-ndi- ni ndakatora mari."Apa miromo yaitadza kutaura chaizvo nekuzvimba.Akangobvuma zviya zvekuti asarambe achishungurudzwa apa misodzi yeshungu yakatiza maziso ake.Rume riya rakabva rasekerera ndokuti,"Unofunga kuti unosvikepi nechibhanditi mwana akadaro.Saka mari iri kumba here mainini?"Laurah akangogutsirira musoro zviya zvekuti hameno ikoko.Akabva aiswa dzemumaoko nedzemumakumbo ndokuendwa naye kuflat kwakare. Vakamuzvuzvurudza nemasteps apa achitotambudzika kuakwira.Vakasvika ndookubheregedza musuwo.Laurah uya akabvunzwa zvekare akachitadza kutaura paiva nemari.Ipapo akarohwa kunga shato yasvada mbudzi yaida kudyiwa paChristmass.Varume vaya vaimurovera nyaya yekuti vaiva vamupedzera nguva.Timu riya rinokupinda pasingauraye.Vaimurova nemboma aita kakufenda vomudira mvura asi hapana chaakazotaura.Anga achiti zii zvino akuremerwa nekusimudza muromo wake.Harare yanga yadirwa sauti shuwa.Matikitivha aiva nesearch warranty yaiva nechidhindo chaMember in Charge wavo saka vakaonyerera nekusecha imba iya yese.Vakakwadabura nekapeti chaiyo vakasiya imba iri up side down.Vakazobvoora masofa ese ndokuona mari iya irimo.Zvoreva kuti basa ravo vaiva vaita.Vakaita Laurah wekumbikura kunga chisaga chine marara ndokumukanda mumota ndiye hutu kuCentral kwavakanomuvharira muchitokisi...... Mai Simon has become more daring [23/03 18:35] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA:CHAPTER 16* Laurah akadzoswa kuCentral achitadza nekumira.Paitoda zvechipatara chaicho kuti ave munhu kwaye zvekare.Akazokumbira mapurisa kuti vafonere tete vake Mai Mwale kuti vauye kuzonzwawo nezvenyaya iyi.Tete ava vaigara kuCranborne uye vaiva neBoutique yaiva munaRobert Mugabe paEastgate saka havana kumbononoka kusvika.Vakasvika ndokushamisika kuona Laurah achibudiswa kubva muchitokisi akaita kutsakara nekurohwa.Mai Mwale vakaikwetsura mhere iya yekushamisika.Laurah uya aitadza kana kutaura nekumira kwese.Mapurisa akazotsanangura nyaya yese kunaMai Mwale.Ivo havana kuzomirira kuti vateerere nyaya yese nekuti ipapo ipapo vakabva vaparadza tara neJeep Cherokee yavo vakananga kuAvondale.Vakatobuda paCentral ipapo vachiita sedzadambuka.Vakasvikopaka motokari yavo pabasa pasahwira ndokupinda mukati.Vashandi vepo vaivaziva saka vakatokwazisana navo zvakanaka ivo vachitopfuurira mberi vakananga kuhofisi kwaMai Simon.Vamwe ndivo vakaonawo dikita ravaiva vainaro vakaziva kuti ndokusaka Marco Sibanda akaimba kuti Pane Nyaya.Lunch yakanga ichangobva kupera saka Mai Simon vaitopindura zvavo mae-mails ebasa pamwe nekusasa naCliff paWhatsapp panguva imwe cheteyo.Mai Mwale vaiva vakashuta nehasha ndokusvikonoka musuwo kunga ZIMUPURISA RINOKARA PORRIDGE ZRP.Mai Simon vakati,"Come in kwakanaka here kwamuchaita semuchapaza door rangu!"Vaitosheedzera vaine kakufizuka nekuti zimugogodzwa iri raiva raita kakuvakangaidza basa ravo.Mai Mwale vakati pfori kupinda muromo,rurimi nemazino avo zvese zviri mumhuno yavo. "Titambire kani vasikana mambouya kwedu!"Mai Simon vakataura vachisimuka vachinyemwerera vachiuya kwaiva kwakamira Mai Mwale apa vachida kuvambundira semazuva ese.Pavakada kundandamira maoko avo vakabva vasundidzirwa naMai Mwale nechepachipfuva apa ndokuti pakapeti gwedere.Mai Mwale vaisataura pavaiita minana yese iyi chiso chavo chakaita kunonzi kurema kunga nzvimbo inoitirwa musangano nevaroyi.Mai Simon vari pasi kudaro vakatadza kunyatsonzwisisa kuti ndivo here Mai Mwale shamwari yavo yemakore.Vakabva vatokurumidza kuziva chaiva chagumbura mumwe wavo kusvikira pakadaro.Pamakore ese anenge makumi maviri ehushamwari hwavo havana kumbobvira vapesana kusvikira pakadaro.Aya anga atova manenji sekuona nyoka yakasunga dhuku.Mai Mwale vaiita kugeda geda meno zvaitonzwikwa kunyangwe nezvitunha zviri mumochari.Apa vaiva chidhuzha chiso chavo chaisatarisika kana kamwe chete zvako nekuti changa chaita sezirasha rimwe chete riri kupfuta moto.Mai Simon vakangosimuka pakanyararwa kudaro ndokugadzirisa blouse ravo raiva rakakanganiswa pavadonhedzwa paya.Vakabva vapendekera tafura yavo ndokudzokerazve pabasa ravo.Apa vakangoratidzawo Mai Mwale vaya kuti chiita ka zvaunoda kuita tione kwazvinoperera.Mamimiriro ezvinhu apa akanga asisiri ekunhanzvana pasi petsoka.Iko kunetsana kweshamwari dzine mukurumbira kunopisa kupfuura chirimo chekugehena. "So Mai Simon nazvino you dont understand kuti Laurah muzukuru wakowo futi.Of course ndainzwa nyaya kupolice and mari yaonekwa mumba make,I dont care whether it was planted or not.The bottom line here is she is wrong,but that was not the best route you took munin'ina wangu.Nyaya iyi yaigona kungogadziriswa at family level.Tomutsiura remember mwana ka uyu anotodawo our guidance especially achikura kudai."NdiMai Mwale avo vaiita kutaura vachimhizura mhizura maoko avo.Mai Simon vaitoona Laurah atova chipingaidzo pahusahwira hwavo hwemakore naMai Mwale nokudaro akabva ati,"Sisi garai pasi titaure makadzikama.Mukaramba muri in such a state I wont buy your issues dzamauya nadzo."Vakataura nenzira iya yekuda kuzvichenesa vachida kungoratidza kuti Laurah ndiye muparazvongo.Mai Mwale vakagara zvavo pasi.Samai veruwadzano vakaita kakuzvidzora ndokugarisika zvavo kuti vanyatsonzwa divi raMai Simon racho."You said Laurah mwana??How is she still a child iye achirara nemurume waTracy kuMsasa uku usiku hwese.Kana achidai angatadza sei kurara naVaMwale chaiwo?"Mai Simon vakabvunzurudza vachiita kutarisa Mai Mwale nepamusoro pemaspecks avaiva vakapfeka.Mai Mwale vakakosorera zviya zvekuchenesa pahuro ndokuti,"Even if it can be the case did you ever consult me?Why were you so selfish on this?Bring some sense here dear.Pamaissues ekumba kwako iwewe unondiconsulter wani,nhasi ava Laurah then you want to take matters into your own hands.Now apondwa kafiramberi and hapana chauri kuziva ipapa!"Mai Mwale vaitaura nenzwi rizere nemisodzi.Maroverwo acho aiva akaitwa Laurah ainzwisa ngoni. Mai Simon vakatadza kana kutaura ipapo nekunyara.Vakatozoponeswa nemapurisa akavafonera achivaudza nezvekuwanikwa kwemari mumba maLaurah.Vakaisa foni paloud kuti Mai Mwale vanzwewo ndokubva vaudza mapurisa kuti vawithdrawe nyaya yacho sezvo mari yavo yaiva yaonekwa.Nechemumoyo vaitopemberera vachiziva kuti Laurah apihwa mukombe wake unoenderana naye.Mai Mwale vakaramba vachingonyunyuta."Mazuvano you are avoiding me.Hazvina hazvo mhosva,but remember chese chaungaita unozopinda busy chete.Wandibhohwa and uri kuratidza kuti hausi kuda kunzwisisisa.Laurah ndewekumba kwedu and akashaya anolooser ndisu.You wont lose anything thats why wamupondesa.Vaitorebenutsa zvavo mashoko nehasha uye apa vaitaura vachitosimuka kuti vaende.Mai Simon vakaona kuti hushamwari hwava kungendengeka zvekuda kutowira pasi,asi vakanga vasingachakendengi nekuti Cliff shamwari yavo yepamoyo akanga akatogara mumoyo mavo ari roja rinenge landlord so risingabhadhare rent.Zvaana Mai Mwale izvi yakanga yangovawo imwe nyaya.Hongu vaizivana kunyangwe Cliff asati auya,asi rudo rwaCliff rwanga rwakutodzima zvose.Rwizi rwerudo harwuedze nemakumbo ese,unoyerera masikati machena.Mai Simon vakatoona Mai Mwale vachitobuda vakagumbuka zvochiti nekamimba kavo vakarasa muromo vachiti,"Murayire chizukuru chenyu chingatibrokesa pano.Nemanetsere ari kuita cash aya I no longer care about this friendship.Ndinongotarisirwa kuti ndiite zvakanaka chete kunyangwe zvichizondishatira.Ngaamboshande kuBoutique kwenyu ikoko!"Ipapo Mai Mwale vanga vakutobuda ndokudzoka ndokutanga vaseka ndokuti,"Kkkkkkk iwewe usataure zvekubroker pano nekuti iwewe ndiwe wakatobroker brain.Your own house is in shambles.Murume wako ari kuhura neuko iwewe nekoko.Imba yemahumbwe shuwa.Ndamboda kusataurisa zvangu at first hautsiurike.I wondered why you were avoiding me these days until ndazoudzwa nemurume wangu kuti waiva nechikomba kuMargolis musi uno uyu.Thats why usiri kuuya kuchechi futi mazuvano.Zvivi zviri kukuita party!"Mai Mwale vaiita kutaura pakuru pakuru nekuti vaiva vakagumbuka.Mai Simon vakaoma mate mukanwa.Kusara muri muSahara chaimo ndokuzotandawo nyadzi vachiti,"Vaimbotsvagei kuMargolis kwacho hantie vaitohurawo.Vakatondiona vakati ndaifanirwa kudanana navo kuti vasanditengese."Apa vakataurawo sesvana svitoko.Munozivawo kutaura kuya kwemunhu aiswa pachikona.Mai Mwale vakasekera svoto ndokuti,"Ini handina kupusa sewe unosiya murume achitengera small house imba.I know all my husband's movements.I thought you were a friend all along.Hausati waziva by now kuti Mr Mwale is a vet.Pavakakuonai vainge vauya kuzovheneka mhuka dzepagame park paya and vanofamba naassistant uyo anoita make sure kuti havaite zvemisarinya here vari pabasa."Mai Mwale vakabva vatongobuda ipapo ndokusiya vabherengedza musuwo.Mai Simon vakada kumboti,"Sister sister sister!"Semasheedzero avanosiita Mai Mwale mazuva ese asi sister vaya vakati mufana wakandiisepi.Vakaramba vakatoomesa gotsi apa vachiziva kuti vasiya vapisa musha.Mai Simon vakasara vachiti kwakwashara zvino.Vakakungura kuti zvaiva nani vaiva vakasoudza Mai Simon nezvenyaya yaCliff pamwe zvaiita nani.Manje apa Mai Mwale vanga vaita zvekuzviziva nemakuhwa saka apa pakanga pakaoma.Vakaona vega kuti Laurah aiva atanga zvese izvi zvekuti kudai asina kuita yake yemipikicha iya zvimwe rimwe zuva Mai Simon vaizongoonana naMai Mwale vozeya nyaya yaCliff. Zvino nyaya yanga yakombama.Mai Simon vakadzimbwa nestress zvino.Vakamboda kuzvivaraidza nekupfanya pfanya laptop iye asi zvikunwe zvavo zvanga zvoita sematanda kuri kurema.Vakazongokotsira patafura ipapo nenyaya yekushaiwa pekutangira.Mai Mwale vakasvika paCentral paya ndokubuditsisa Laurah uyo anga ava kutombotaurawo nekuti aiva amboita kakurapiwa muchitokisi imomo.Kumusoro kwese kwaiita kubanda zviri nane,asi pasi petsoka ndipo pakaita kuti vatore nguva ndefu kuti vasvike kumota.Mai Mwale vakabva vanotora mbatya dzaLaurah kuflat kuya ndokumuradzika kumba kwavo kuti vambofanopedzesa basa.Vakamusiya ari mumaoko emusikana wavo webasa.Paya Mai Simon havana kuzovata zvakaenda kure.Vakabva vapatika kwapera kanguva kadiki diki nekuti pakadai hadzibate zvekumhanya.Vakaona kuti vaiva varesva pakuwithdrawer nyaya iya.Vanga vazviitawo vaine confusion nekuti vanga vasina kumbobvira vafungira kuti Mai Mwale vangapfuta kudaro.Vachiri mudzungu kudaro vakangosimuka ndiye hutu vakananga kuCentral kuti vanozama dzimwe nzira dzekukomerera Laurah.Vakatosvika dhoketi renyaya iyoyo rabvarurwa mapurisa akavatsanangurira pachena kuti vakutoda zvekuvatambisira nguva yavo.Vakamboda kuedza kutaurirana nemapurisa aiita nyaya yacho asi zvakakona makanika motokari yakafa ichida kugadzirwa.Apa vakanyatsoona kuti varuza kwese nekuti Laurah aiva nerimwe dot com mbishi aiva atobuda apa hushamwari hwavo naMwai Mwale hwanga hwatopera.Vakapeta muswe wavo ndokuenda kumba kwavo kuGreendale kwavakasvikonozvipinza mumagumbeze.Havana kana ani wavakaudza zvake nezvenyaya iyi. Cliff akati achibva kubasa akaona Baba Percy vari mumba make.Asati avakwazisa akabva atoziva nyaya yavaiva vafambira.Mai Ruru vakambenge vamuudza kuti Baba Percy vaida basa asi panga paane kanguva kandefu.Saka Cliff aifanirwa kuratidzika kuti anaro basa racho nekuti nguva yaanga avimbisawo yaiva yarebesa zvino.Iye ndiye ega aiziva kuti aiva paspoon feeding paMai Simon.Akaona ega kuti apa paida kufungwa.Akasapa Baba Percy basa aizofungirwa kuti pamwe vaiita zvekuba mari.Nekudaro Cliff akakwazisana naBaba Percy ndokutombotandarawo navo kuitira kuti awane mukana wekufunga kuti angapabuda sei.Mai Ruru vakatozovaunzira chikafu,Baba Percy vakadya zviya zvekuti ndachionera pano.Vakanyatsotaridza kuti vaiva nenzara yemabhinya matatu.Shuwa kudya hove zvese nemasahwa ayo.Cliff akatongoonawo ega kuti mhuri yemusharukwa uyu iri pamarumananzombe kana mukuru wayo achidya kunga mbudzi yadambura kudaro.Cliff akamboda kuseka vari pakati pekudya asi akazongoona zvisina hunhu.Chikuru chaaifairwa kuita apa kubatsira mumwe wake uyu sezvaakanga avimbisa.Cliff akadya sadza musoro wake uchiita seuchatsemuka nekufunga kuti oita zvekudini nehondo iyi.Zvekupa murume uyu basa aiva akazvivimbisa,asi akazvitaura akafarisa semunhu aiva aane twumari.Munozivawo kuti munhu anyepera kuita twumari anogona kungovimbisa amai vake kuti achavatengera imba,asi iye achitadza kuvatengera matommy chaiwo.Apa kashopu kake kaingoda munhu mumwe chete .Kaye kaiva kadiki uye Melford aivapowo.Cliff ndipo paakaona kuti mari yese yaaipihwa naMai Simon yaitoda kuinvestwa.Zvokwadi imba aivakisa asi yaizoda kuramba iripoka imba iyoyo.Kunyangwe zvakadaro akaona kuti zvinhu zvaisada husiku humwe kuti zviitike.Vakati vapedza kudya ndokudzikisira volume yeTV Cliff ndokuti,"Ko mune mapepa here mukoma ndione pekukupfekerai kana mangwana chaiwo?"Akabvunza achida kuwana chikonzero chekupomera kuti Baba Percy vashaye basa vachiziva zvavarishaira.Akabva apera simba paakaudzwa naBaba Percy kuti vane 7 O Levels.Cliff akaona kuti zvabondera pa ndokuzongoti,"Ok mouya tomorrow kuma7 kuseni ndiende nemi.Musauye zvenyu nemapepa."Apa Cliff aida kuvata achizeya kuti angazvifambisa sei.Baba Percy vanga vatouya akatokanganwa nezvazvo zvekare yaisava nyaya yekuita dambe nayo.Cliff akazongoti,"Mai Ruru torai some food stuffs mupantry muvape,vawane pekutangira."Mai Ruru vakatozviita vachimhanya mhanya nekuti vaiziva kuti Mai Percy bhururu wavo ndiye anga akubatsirwa ipapo.Vakatozviziva kuti Mai Percy vakanga vakunyara kuuya vachikumbira chikafu nekuti vaigarobatsirwa naivo Mai Ruru mazuva iwayo.Vakafara zvisingaite kuti Cliff aiva avasunungura.Baba Percy vakaita kuzvambarara pasi vachitenda mumwe wavo,Cliff ndokuvasimudza achivarambidza kuita saizvozvo.Baba Percy vanga vasiya kumba kusina chisvinu chekubata zvekuti pavakatodzika vakasvika sadza richikwata pamoto,mukadzi wavo akabata shaya nekuti paisava nehupfu hwekurikodza.Vaitobika nemoto nekuti magetsi avo ekujusa aiva apera.Ivo Mai Percy vaitoda kuzoenda kwaMai Ruru kunokumbira zviya zvekunga vazogumirwa. Vakaita sevachabhururuka pavakaona Baba Percy vachipinda negrocery alongside kangeke kakafreezer.Izvo Cliff aiva avapa kuti vatende kuti anogona kuvabatsira.Mai Percy pavakazoudzwa nezvebasa raiva ragogodza pamusuwo wavo wakafara sechindumurwa chapihwa Stumbo rachaichemera.Musi uyu pamba apa pakararwa pachinamatwa,Cliff achitoonekwa sekamwari kepasi kkkkk.Zvaingonzi Mwari onaiwo muranda wenyu wamakazodza Baba Ruru-chepasi pemhuno chakaom shuwa. Ukuwo Baba Ruru vakarara vachinyengetedzwa naMai Ruru kuti vawanire Baba Percy basa.Cliff akatozovata aane hurongwa hwaaizoshandisa mangwana pamusoro penyaya iyi.Baba Percy vaya vakaita kufumira kunga vari kuenda kumubvumo.Na6:30 vanga vatovapo.Cliff akatonwa tea navo ndokuenda navo kukashopu kake.Vakasvika Melford asati auya ndokutanga kudzidzisa Baba Percy nezvebasa iri.Vakavanyorera mitengo yese yemaspare parts pasi.Melford achingouya akabva angoudzwa kuti kubva musi iwoyo anofanirwa kunogara pastand iya yaCliff yekuMalbereign achiirindira.Imba iyi yanga yatova pafoundation nenguva pfupi pfupi iyoyo apa panga patombovakwa two rooms dziye dzedurawall dzaifanochengeterwa zvinhu zvaishandiswa nemabhiridha pakuvaka.Apa Melford akafarira move iri nekuti aiziva kuti aisazobhadhara rent.Cliff akazohaya karori,Melford akabva atotakurirwa zvinhu zvake kubva kuMbare kwaaigara.Melford akafara kani nekuti aizovharirira zvisimbi zvake pasina aizomunyongosha.Cliff akati apedza nyaya dzese idzi akabva anotora Mai Ruru kuti vamboone mufundisi vachironga nyaya iyi yemuchato.Ipapo kana kudai zvaizobvira vaitoda kuti muchato wacho uziviswe mangwana acho iri Sunday muchechi,asi pavakasvika pachechi yeAFM yekuKambuzuma ikoko apo paigara mufundisi uya vakaona.........!!😄 End of Chapter 16 Mufundisi vakatiiko?? *ZvaCliff ndazvitadzwo ini* Like my facebook page:Dr Maxx's Stories Edit · Delete Dr Maxx's Stories [23/03 18:35] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA:CHAPTER 12* Mangwana acho uri Muvhuro Cliff akaenda kunotsvaga stand naMai Ruru mushure mekunga vasiya vana vavo pazvikoro zvavo.Vakaenda paTown House chaipo nekuti muHarare maiva marura nemakoronyera emastands.Zvakavaitira nyore nekuti Cliff aiva neimwe shamwari yake yainzi Cleopas yaishanda pakanzuru ipapo.Vakawanda stand svinu kuWestgate nechekuseri kweMarlbereign.Stand iyoyo yaiva yakachipa ichiita $15 000 uye raiva zino zimunda vakabva vatobvisa $3000 sedeposit zvoreva kuti vaizopedzesa imwe $12 000 yacho vachibvisa ma$1000 pamwedzi wega wega kusvikira gore rese rapera.Vakazonoongorora stand yacho nemaplanners ekanzuru vakagutsikana nayo.Mai Ruru vakazodzoka kumba nekombi,Cliff achienda zvake kubasa kwake.Pese apa aiva akadzima zvake foni kuitira zvipande zvake.Paakazobatidza ava kubasa akaona atumirwa message yekuti hama dzaBaba Simon dzaida kuzouya kumba kwevabereki vaMai Simon kuzovakumbirira kuti vadzoke.Cliff akangosekawo zviya zvekuti ngavapedzerane ikoko. Nezuro wacho Baba Simon vakaenda kunopira nyaya yavo kuna tete vavo vaigara kuNorton.Vakavatsanangurira zvese zvekuti vaida kupondwa natezvara vavo.Tete Chikukwa ava vaive vakatoroorwawo vakatsiura Baba Simon kuti varege tsika yekurova mukadzi nekuti yaiva nejeri mukati.Baba Simon vaingogutsurira musoro kusvikira vazokumbira tete vavo kuti vanovakumbirira Mai Simon kuti vadzoke kumba."Iwe mwana waJefferson unoda kundipondesawo right?"Tete Chikukwa vakatobvunza zvavo vachiseka.VaChikukwa vakatosekawo,asi vakazobvuma kuita basa iri nekuti vaiziva kuti Baba Simon vaibudisa mari kwete zvekutamba.Ko ndiani asingade mari kunyangwe ainayo kare? Nokudaro VaChikukwa vakatobva vafonera VaMareya achivaudza kuti vari kuuya mushure mekunga vaudzwa kutu vaizoisirwa fuel mumotokari yavo,yekuzobva kuNorton kusvikira kuHatfield.Baba Simon vakaramba kuzoenda navo mangwana acho nekuti Mudhara Mareya aiva avanzwisa mudumbu.Baba Simon vakazooneka vakananga kuflat raMartha riya kwavaiva vachirara mazuva iwaya. Zvekufona kwaVaChikukwa zvakaswera zvatoshambadzwa pagroup rekwaMareya pakatoitwa hurongwa hwekuti Brian naTete Chipeneti vatambe nenyaya iyoyo Monday yacho.Tete Chikukwa nemurume wavo vakazoenda kuHatfield kuya vatopihwa $400 yekunovhara mahwani nayo.Vakasvika kuma10 ikoko ari makuseni apa Mai Simon vaiva vatoenda kubasa kwavo.Baba Simon dzaiva dzatsva moyo nekuda kuonawo chimoko chadzo,asi vaizovaona kana Chimurenga chekuHatfield chapera.Tete Chikukwa vakasvika vakavhurirwa gedhi zvakanaka nemusikana webasa,Nissa Sylphy yavo ikatopinda mukati.Vakatogogodza vakanzi vapinde wanei muimba yekutandarira mugere Tete Chipeneti,Brian naMai Mareya.Vakapihwa pekugara,asi vachidedera chose nekuti vanga vatova mukanwa membada kare.Vakazokwazisana,asi hapana pakuchipira nyaya Mudhara Mareya ndiye pfacha akabata chitsvimbo chebaseball ndokumira nechepakaperera passage achipopota."Ndiko kundijairira manje.You have come to negotiate with my family so that you can finish off my daughter.Chikudza wacho aripi?Inini I respect you tete vake muri munhu kwaye,asi zvakadaro I wont listen to your rubbish vamuinavo ivavo ndivo vachapedza nyaya yacho."Mudhara uyu akataura akagumbuka zvinotyisa achivhizura vhizura maoko.Waitoshaya kuti respect yacho yaaitaurwa yaikwana papi ipapa nekutaura kwaaiita. Ipapo Tete Chikukwa vanga vachiti kwati kuseri kwemurume wavo,hana yavo ichirova zvekuti vakafa vaizvinzwa.Brian aiva atoteyawo kuzobata baba vake kuri kuti vaizoviruka."Gwai ngaisiye matambo tazvinzwa.Zvino mukati hamuchagadzirise nyaya yacho zvingatifambire here imi murimi baba.Kuona tasvika kudai kukuremekedzai,"ndiVaChikukwa vaidai kudeketerera vachiita nekuroverera gusvu.Mudhara Mareya akafamba achipinda mukati ndokugara paarm rest yesofa raiva rakagarwa nemudzimai wavo."This is the final warning.Ndakunyarai!!Handina mwana anorohwa zvakadaro.Izvozvi makuunganidzisa vanhu mahara nekusarongeka kwenyu.Mwana wangu ndinogona kutochengeta ndega pano.Apa ndangoitira vazukuru vangu otherwise benzi renyu rakunyanya kundijairira.Magona hamuna kuuya naro pano.Chokwadi maienda naro riri chitunha."Mudhara Mareya akadzendemura kekupedzesera vanatete vaya ndokutenda vachikanda $400 iya patafura bvavazopirwa naTete Chipeneti kuti Mai Simon vari kutongobva kubasa kwavo vakananga kumba kwavo kuGreendale.Zvoreva kuti nyaya yaiva yatogadziriswa nenguva diki diki iyoyo.Tete Chipeneti vakazorova pasi nemurume wavo vakananga kubasa kwaBaba Simon kwavakasvikotambidzwa $200 yebasa guru ravaiva vaita.Panyaya dzakadai Baba Simon havairega kudusa nekuti vaiva munhu aizivikanwa Harare yose saka hazvaizopa mufananidzo wakanaka kudai vaizogara vasina mukadzi kwenguva ndefu.Iyo mari yaitadza sei kubuda pamunhu ane garaji rizere mikweshwa yemabhazi jahwi. KuHatfield vanhu vakasara vachigovana mari iya,Mai Simon vakabva vaziviswa nezvehurongwa hwekuti vaizodzoka kumba vachayisa basa musi iwoyo.Vakabva vazivisawo Cliff uye nekutiwo rudo rwavo rwanga rwakutopfuurira mberi mberi.Apa Mai Simon vaizodzoka kumba kwavo muswe uri mudenga nekuti Baba Simon vaiva vachochomeswa. Vakati vachayisa kuma4 semazuva ese vakafonera Cliff ndokuvharirana zvavo muhofisi kusvika kuma6:30 kwatosviba.Kudivi raMai Simon havaizokweshwa nekuti Baba Simon vaitofanirwa kukumbira ruregerero vasati vagarisanazve naMai Simon,asi kudivi raCliff Mai Ruru vaizosimudza musoro chete.Musi wekutanga havana kupokana nazvo apo Cliff akavaudza kuti paiva necustomer yakauya kumasix kunotenga mota.Zvaizorambika sei iye Cliff wacho akauya nemari yaakange apihwa naMai Simon.Musi uyu akapihwa yemasales ese emusi uyu yaikwana kuita $800.Ukuwo Mai Simon vakatambirwa nemaoko maviri vakanzi chese chavangada kuitirwa naivo Baba Simon vaizochiitirwa pasi nekudenga."Sweety wondipawo mari yemabhazi three.Ye1 rinoenda kuBlues ne2 aya anoenda kuMasvingo,"ndiMai Simon avo vaiyemerera vakarara pamakumbo aBaba Simon."You mean mari inotorwa nemaconductors edu pamaroutes iwaya?"Baba Simon vakabvunzisisa vachida kunyatsonzwisisa."Exactly sweety ndinongoda kuti iite backup for our restaurant just in case pane zvinogona kuitika,"Mai Simon vakazevezera vachipuruzira ndebvu dzaBaba Simon.Baba Simon vakatanga vaseka zviya zvekuratidza kuti kaiva kanyaya kadiki kaiva kataurwa naMai Simon ndokuti,"Thats not a problem at all.I just want kuti your restaurant irambe iripo until vana vedu vakurawo zvekuzogawo kurunnerwo.Thats a wise investment backup.Let me assign my transport manager kuti aite plan yekukuunzirai cash yacho kuoffice kwenyu.From now on I wont bother myself over the buses."Mai Simon vakazhinya nekuti vaiziva kuti mombe dzaiva dzavhurirwa munda muridzi wemunda asipo.Chokwadi $2000 yaizongouya mumaoko avo zvekuti kuzofadza Cliff wakanga wakuzova munyurududu.Iyi yaivawo nzira yekunyatsokaurisa Baba Simon zvekuti kudai vaimboita kana kumborota nezvazvo,haiwa vaizviisa patambo.Manje vaizviroterepi imo mupfungwa dzavo maiva muzere twunzenza twavo. Pakugarisana kwavo Mai Simon vakanga votonga zvekuti vakanga vouya kumba 6 dzazochaya kare.Baba Simon havaipokana nazvo nekuti vaitya kuti zvaizomutsa muromo.Pfungwa dzekuti mukadzi wavo ane chikomba hadzina kumbopinda mundangariro dzavo kana nepaduku pose nekuti ivo vaiva vambobatwa nedzavo mbiri.Mai Simon vaingoti mazuvano kuri kufaya saka stock tacking yacho yaiva time consuming ndokusaka vaizononoka. Munhu anga ari pakaoma ndiCliff nekuti Mai Ruru vakatanga kuona kuti kamuchinjiro kwehunhu hwaCliff.Muvhiki iri Cliff akapedza mazuva ese achiuya kumba 7 dzatochaya.Chaibhohwa Mai Ruru ndechekuti foni yaCliff yaizogara yakadzimwa panguva yese iyoyo.Pavhiki rechipiri ndipo pavakatanga kushushikana asi nemhaka yekuti vaidisa Cliff havana kuda kuita zvekumuvhurumutsa vhurumutsa.Vakatongoonawo vega kuti varume vese kana vakuita mari vanototsvaga kepadivi sezvavaionawo mumaAfrican Movies avaiswerera. Vakaona pfungwa iyi iine musoro asi vaizodzoswa kumashure nenyaya yekuti vaishaya zvipomero zvinobatika mufoni yaCliff.Kunyangwe zvakadaro hazvo vaingoona kuti pane something fishy.This is not the Baba Ruru she used to know.MaSaturdays mazhinji Cliff aiti akaita half day kubasa aibva atomboswera nemhuri yake kana kunotandara nevamwe vake zvaizivikanwa naMai Ruru. Zvino imwe Saturday akangobuda pamba achienda kubada zviya zvekuti Mai Ruru havana kugutsikana nazvo.Kamunonokero kaakaita kanga kasina kujeka.Nyangwisa aisamboda kuenda kubasa asi kuti aida kuswera kuCleveland Dam naMai Simon zvekuti paakabuda pamba akabva atonangako.Mai Ruru vakati dhemeti ndiye kombi kata nevana vavi vaviri vakananga kudhorobha kunotsvaga daddy.Vakaona kuti vakaita zvekufonera Brian kana Melford vaizogona kuvharirira Cliff,saka vaida kuzvionera vega.Vakaenda kucar sale kuya vakatsvaga tsvaga vakashaya zvese naBrian uya aiva atoendawo zvake kune mamwe madhiri ake.Mai Ruru vakakwidza nayo nzira vakananga kushopu kuya wanei machira chete ndokubuda zvavo vakabata shaya.Vakazogaya zano rekunoona vamwe tete vavo vaigara kuHighfields nekuti apa vaiva vapererwa vasina chekubata.Havana kumbopedza nguva ndiye tande kuMarket Square ndokukwira Machipisa.Tete ava vaigara pedyo nepaGwanzura vaine shabhini yavo pamba zvekuti paigara pakazara.Vaitovawo mudzidzisi paNharira Primary kuMbare,saka mukunda wavo ainzi Lydia ndiye aiwanzoswera nezvidhakwa mamwe mazuva ose asi kana iri weekend sezvizvi ivo tete vaiswera varipo.Mai Ruru vakatosvika mumba makatozara zvidhakwa vakazoita zvekutumira message kuti vaiva vasvika.Ruru naEsnath vakanga vatoona Tom naJessy vana vaLydia vari panze nokudaro vakanga vakutotamba vese.Vana vanombonetsa kupindirana here?"Titambire kana asikana muri kuchengetwa ka nemukwasha hamuchadi kana kutsika kuno kkkkk?"Tete Anna vaya vakazobuda vachisekerera kuri kufarira kuonawo veropa ravo.Mai Ruru vakambundirana natete vavo,asi vaiva vakati una una izvo zvakakurumidza kuonekwa natete vaya.Vakabva vatenderera nekuseri kwemba kuti vakwanise kusvika kubedroom kwatete vasina kupfuura nemune zvidhakwa.Mai Ruru vakazokwazisana naLydia uya,akazobuda vakasara natete vavo.Mushure Mai Ruru vakambonyepera kusekerera sekerera asi zvaingovawo zvekuvhara vhara.Vasara vari vaviri misodzi yakati mokoto mokoto nematama avo.Tete Anna vakabatikana ndokuti,"Manje kuchema kutaura here vasikana.Since wauya kuna tete vako kudai nhamo yese yatopera.Chinyarara mwanangu."Vaitaura zviya zvine kakuyemedza mukati izvo zvakaita kuti Mai Ruru vapukute misodzi,asi yakangoyerera zvekare pavakatanga kupira nyaya yavo."Aunt I suspect kuti Baba Ruru vaane girlfriend coz time dzawavakuuya kumba mazuvano dzachinja chose.He is providing zvese but nemari yevari kubata mazuvano ndofunga vakabva vatozviwanira small house."Mai Ruru vaitaura vachidedera nehasha apa misodzi ichiita makundano pamatama avo.Tete vaya vakaramba vakanyarara zvavo vakamirira kuti chana chavo chidhiritse zibundu raiva pamoyo."Izvozvi foni yavo iri off and havako kubasa kwavo.Munotii nazvo tete?" Tete Anna vakatongoonawo vega kuti apa pane nyaya yakaoma,asi satete vaitofanirwa kuwana nzira yekubuda nayo chete.Ivo vaivawo vakangwarisa iko kuzoita shirikadzi ine shabhini yakapfumbira kudaro yaisava, nyaya yekutamba nayo.Vakatanga vaseka zviya zvekuzviita mapedze pedze wenyaya dzose ndokuti,"Mwanangu without wasting time here rume iri rinoda kupfuhwirwa risati ratambarara zvekutokuunzira mainini mumba mako iwewe.Hazvidi n'anga izvi kuona kuti ari kuhura here nekuda kwethis change yavapo iyi.This is Harare,merciless Harare.MuHarare muno murume anoenda madhongi achikuma.Iyi ndiyo best advice yandiinayo because who knows vaainavo vacho vakatomushandisirawo mushonga?"Mai Ruru vanga vachiti kunguma vapererwa nepfungwa.Asiwo tete vanga vauya nepfungwa ine musoro sekuona kwaMai Ruru nekuti muswe waBaba Ruru waitoda kuchekwa usati warebenuka."Hazvina maside effects here tete?"Mai Ruru vakabvunza hana iri mumaoko.Tete Chipeneti havana kupindura mubvunzo uyu nekuti vakaona kuti kutaura taura kunodzora zvinhu kumashure.Vakangomira pamubhedha wavo ndokusvikira chimwe chigaba chaiva pamusoro pewadhirobhu yavo.Muchigaba ichi maiva nezviupfu zvitema zviine twubvunurwa twedzvinyu.Vakabva vabuda naMai Ruru ndokuenda kukicheni.Vakaisa twumwe twuupfu twuya munzara yavo.Vakabva vanopa mumwe murume doro iro ravakamudururira mugirazi ndokutsvotidzira twuupfu twuya mugirazi riya zviya zvine chitsotsi tsoti.Mai Ruru vaidongorera vachiona zvese zvaiitika kusvikira tete vaya vadzoka mukicheni mekare.Murume uya akati achingopedza kudzvutura kamwe chete akaita kakudzungudza musoro ndokubva atosheedzwa naTete naAnna kuti auye mukicheni muya.Akasheedzwa kunga mwana mudiki maiva muzere vamwe varume vaihudzasa vachiona bhora.Haana kumbopikisa ndokutouya achimhanya."Iwe Tindo enda unonditengera makitchen cuts pabutcher apo nemari yako ndine muenzi kurumidza wazvinzwa?"Tete Anna vakarayirwa Tindo uya,uyo akabuda ari bara kubhucha kuya.Nenguva diki diki aiva atodzoka nenyama iya achitofemereka akatopa tete vaya nechenji pamusoro kkkkkkkk.Apa tete vaingoda kuratidza Mai Ruru kuti mupfuhwira wacho unoshanda zvakatsetseka."Unenge wava necommand.Inini ndinosimbisirwa mishonga yangu nen'anga kuti ndirarame bho.Chakaipa kuuraya munhu mwana wehanzvadzi.Zvechechi izvo kungovhara vharawo otherwise pareality chaipo this world is unfair so sometimes you have to be unfair to it as well.Tarira hona murume atoenda saka you have to defend your territory."Tete vaizevezera vari mukicheni imomo,vakazoputirira Mai Ruru twumwe pakapepa ivo vakabva vatotwuisa mukapurse kavo.Vanga vakutofara farawo nekuti vanga vaona kuti mushonga uyu une simba zvekuti vaigona kufuma vachirambidza murume kuenda kubasa.Kwava kuma2 vakazooneka kuti vakurumidze kuzorungira Cliff [23/03 18:35] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA:CHAPTER 20* Mai Ruru vaiita kufemera pamusoro kunga ndere radzvanywa huro.Vakanzwa pahuro pavo pachiita kudzimba zvekuti vakahotsira kasingaperi vachingorwadzirwa.Zvaiita sezvaitika chokwadi.Night ravaiva vakapfeka ranga rakuita seranyururwa kubva murwizi nekunyoroveswa neziya.Vakatarisa Cliff vakatonzwa achitinhirisa rori yengonono akarara sekacheche.Ipapo vakanzwa kakugumirwa mundangariro dzavo ndokubva vapfugama kuti vapire nyaya yavo kuna Mwari. "Mwari mhuri yangu ndinoisa mumaoko enyu.Pasina imi handina chandingaita.Ndimika simba rangu.Muchato wangu ngauitwe nezita raJesu uye zita renyu ngarikudzwe kusvika narini narini Amen."Mai Ruru vakabva vasimuka kubva pavaiva vakapfugama ndokuenda zvavo kukicheni uko vakanotora mvura yaitonhorera.Vakanwa girazi rose vakanzwa kurerukirwa semunhu anga ambori pamujaho.Vapedza vakazovata dzehumambo.Chakavashamisa ndechekuti hapana akambopatikawo pavaiita zvese izvi. Mangwana acho kwaedza,Baba Ruru vaenda kubasa,Mai Percy ndiye pfacha kuma8.Vaviri vakakwazisana semazuva ose,asi Mai Ruru vakaona kuti chiso chaMai Percy chaiva chakaremerwa nemashoko.Vanhu vagarisana kwenguva ndefu vanenge vozivana in and out.Vakagara zvavo mukicheni mushure mekunga vapedza kubatsirana basa remumba,Mai Percy ndokuzoti,"Mmmm Mai Ruru mupfanha wangu,zvandakaudzwawo naBaba Percy nezuro zvakandityisa ini.Vaitaura sekuti kubva pavakatanga kushandira Baba Ruru havana kumbobvira vaona tsarukano yekunobva imwe mari yavo.Mataurire avaita vaida kungoburitsa point yekuti murume wako akaromba."Mai Ruru vakaramba vakanyarara vanzwa nhau iyi.Pakaita maminitsi anenge maviri chaivo vaviri ava vakanyarara umwe naumwe aine pfungwa dzake.Mai Ruru vaifungirawo kuti pamwe hope dzavo dziya dzazowana dudziro,ukuwo mai Percy vakanga votya kuti pamwe vadzamisa.Mai Percy vakazotyora runyararo urwu vachiti,"Sorry zvako handisi kupumha murume wako huroyi as such,asi ndiri kungotaurawo zvakaonekwa paground nemurume wangu pamwewo zvinogona kubatsira."Mai Ruru vakasimuka kubva pakitchen chair pavaiva vakagara ndokuti,"Magutaka chikafu chatinokupai.Murume wangu azova muroyi nhasi despite kupinza murume wenyu basa kwaakaita.Vanhu vatema hamugutsikane.What we have done for you is too much to an extent yekuti makundiudza shit.Chasara muri kungoda kuti tikutengerei zvimbereko zvezera renyu tikuberekei mxm."Mai Percy vakati kanhama nazvo.Vakashamiswa nekuti Mai Ruru havana kumbobvira vambotaura navo nemutoo wakadaro.Zvaitoshura mare zvomene.Ivo Mai Ruru vazokaramba pfungwa yekuti murume wavo aiva akaromba nekuti aiva akapinzwa basa naBrian zvavaiziva ivo.Iko kungava kuromba kwerudzii kunobudisa mazimari akadaro,pasina ropa radeuka.Mai Ruru vakadzoka kugara pachair pakare ndokuti,So apa muri kuda kuti ndirambane nemurume wangu here?"Mai Percy vakaita kakuvhundukira ndokuti,"Sorry zvenyu asikana.Handina kumbofungira kuti zvichasvika pakadaro.Pamwe takangomhanyisawo pfungwa."Vakapindura izvozvo ndokunyarara zvavo,asi yanga yatodeuka.Panguva iyi Mai Ruru vakadudzira hope dziya nemanzwi avaiva vaudzwa naMai Percy,ehurombwa hwaCliff.Ipapo vakanzwa kuvenga Mai Percy ndokuvati,"Chibuda muno now!You are the reason why ndakarota zvinotyisa nezuro madekwana.Instead of concentrating on your own life mava kuti take take nesu.On record ini nemurume wangu hatitombokugarei dare muno."Mai Percy vakangosimuka zvavo chinyararire ndokuenda kumba kwavo.Mai Ruru vakasara vakafukidza chiso chavo nemaoko avo ese vachigaya kurefu. Mangwanani iwayo Mai Mwale vakaonekwa vakati kunguma kufa muhofisi mavo.Padivi pavo paiva nepesticide inofiritwa pacotton.Vakazviuraya nekuti vanga vaona kuti nyadzi dzavaizogona kusangana nadzo dzinokunda rufu.Vakatozoonekwa nemusikana aitsvaira pabasa pavo akaridza zimhere rakaunganidza vanhu vese.Rurimi rwavo rwakaonekwa rwuri panze apa muviri wavo wakutoshanduka ganda.Waiti ukavatarisa wainzwa muviri wako kuti zhararara.Hapana kana katsamba kavakasiya kekuratidza chavaiva vazviurayira.Vakangofawo vakadumbirwa vakatakurana nenyadzi dzavo kwamupfiganebwe.Vakavigwa mangwana acho kumusha kwavo kuGuruve.Vakakurumidza kuvigwa nekuti vakanga voora musi wacho wavakanwa mushonga iwoyo.Hama dzavo dzakachema chaizvo nekuti hadzina kumbopihwa mukana webody viewing.Chiremba akaita post mortem yemutumbi wavo akati vakanga vava 92percent decomposed.Chiremba iyeye zvekare ndiye akazoburitsa nyaya yekuti vaiva vazanganisa pesticide iyoyo neSulphuric Acid ndokusaka vakakurumidza kushata.Mai Simon vakaudzwa nezverufu rweshamwari yavo parunhare ndiye chisodzimate povo.Chakazoshamisa vanhu ndechekuti vakangoenda kuGuruve kunobata maoko chete,asi havana kuzopedza zverufu nekuti vaiti vainyara kuramba vachisangana nevanhu apa nemhaka yekuti shamwari yavo yanga yafa nekuzviuraya.Mai Simon vakandisa policy yavo yekuNyaradzo pakuvigwa kwaMai Mwale.Policy iya yaiva yePlatinum iine casket re$1500 rine mibato yegoridhe.Vakasiya vaurayisa mabhuru maviri emombe parufu ipapo.Chese chakashanda parufu apa kubva pasauti chaiyo ndivo vakachibudisira mari.Hama dzese dzakabva kure dzakasiirwa mari yetransport.Hama dzaMai Mwale dzakamboda kuvanyengerera kuti vasare,asi ivo Mai Simon vaibva vatochema kuti vasanyadziswe.Baba Simon ndivo vakasara vachivamiririra kusvika rufu rwese rwapera.Ivo Mai Simon vaitofarira kuti Mai Mwale havana chavakasiya vataura kana kunyora pamusoro pezvekuzviuraya kwavo. Vari munzira kudzoka muHarare vaitoti,"Its fair kuti apa azviuraya eya my hands are clean.kufa kwavo hakunei neni.Ndanga ndichatopedzerwa nguva nezvirufu zvevanhu vasina kukwana.In fact pangu ndasiya ndapedza."Chakanyanya kubaya Mai Mwale ndechekuti vaizoshaya mari yekuhoresa vashandi vavo uye nekuti vaizozvitsanangura sei kumurume wavo. Mai Simon vakasvika kuHarare ndokuzovharirana naCliff muhofisi mavo.Yanga yatova bedroom chaiyo.Katumbu kavo kanga katumbuka uye chimwana chacho chaitoshereketa mudumbu kana Cliff ari pedyo.Vhiki yose yakapera vachiita saizvozvo.Kumba zvaiva zvakabhadhara nekuti Baba Simon vakazodzora pfambi yavo kwakare kuZvishavane.Vaizofanira kugara vachiipa mari yekuchengeta mwana.Mai Simon havana kumbokikiritsana nazvo nekuti vaiziva kuti vaitotsikisawo giya ravo raCliff.Apa changa changosara kurongedza Mai Ruru zvekuti danho rekutanga rekuti Evelyn aende kuchechi rakavanonokera chaizvo. Sunday yakati yasvika Evelyn ndiye pfee paAFM Kambuzuma Assembly.Kuzopfekawo dhirezi rakatsiga kani neblouse racho kuita Mrs chaivo.Aitofanirwa kuita sister vekuchechi kuti tsoro yake ibude bhobho.Akatakura handbag yake yaiva nebhaibheri netwumwewo twukwanisiro twemabhebhi.Kunyangwe zvazvo aiva akapfeka zvakatsiga,tsigandikuroore yomene,kakuzunza mutaka kaivapowo mbijana.Handi vanoti shiri ine muririro wayo haiuregi.Munhu anotorera vakadzi varume vavo haana kumbosiyana neanouraya munhu.Ndizvo zvanga zvakungoita type yaEvelyn.Apinda muchechi hazvina kumbomutorera nguva kuti aone vanhu vaaitsvaga sezvo vakabva vasimuka zvekare pamberi pechita.MC vakabva vati,I hereby announce that kuchaitwa 3makitchen parties prior to the grand day.Yekutanga yacho iri kuitirwa pano in 3 weeks time.Dzimwe dzacho tichakuudzai in due course.Mhururu nemiridzo uko!"Chechi yese yakava bhindauko yemiridzo nemipururu izvo zvakaita maungira akabhohwa Evelyn. Evelyn akatarisa Mai Ruru akavanzwirwa ngoni nekuti vaive nechiso chiri innocent.Munoziva kuti mukurarama umu kune vanhu vekuti ukamutarisa so unomunzwira tsitsi kunyangwe zvazvo waida kumutamba rafu.Izvozvo ndizvo zvanga zvakaita Mai Ruru.Moyo waEvelyn wakaenda kure paakavaona,asi pfungwa iyoyo yakadzimaidzwa nemari yaaizowana kana akabudirira pabasa iri.Akatarisa Cliff kudai wane atorine chiso chaMagaivha chaicho.Type iya inongotarisa tarisa pese pese inotongoratidza kuti itsotsi rekuMagaba chairo.Haana kana kumunzirwa tsitsi.Akatoziva kuti vanhu vakangwarisa kudai vakaziva hurongwa hwake,ndivo vaifa varwisana naye kusvikira muguva.Nguva yevaenzi yakasvika Evelyn akataura pechipiri.Akabata microphone ndokuti,"Ini ndinonzi Sisi Joyce Muchambo.Kumba kwedu ndekwaMutare,asi now ndiri kugara muno muHarare makare muKambuzuma.Ndakauya kuzofunda paHIT,asi ndakaona zvisina kukodzera kuti ndingodzidze zvisina Mwari mukati thats why maona tauya kuzopinda tese kudai.KwaMutare ikoko ndinobviropinda kuAFM yekuDangamvura.Ndiri muAFM akakwana saka tichashanda tese pano zvakanaka.Haleluya!"Chechi yese yakaita mahon'era ichiti,"Amen!".Mushure vanhu vese ndokuombera vamwe ndivo vaidzana nekupururudza.Apa Evelyn akaita kunyepa nezita,asi akataura akazvirereka zvekuti waigona kuchema kana ukadzamisa pfungwa dzako paaitaura. Chechi yakupera pakakumbirwa vanhu vainzwa kusundwa naMwari kuti vazobatsiridze pakubika nepadeco zvekitchen party yaMai Ruru.Evelyn akaita mumwe wevasikana vasere vaizobatsiridza pakuita basa iri.Iye akasarudza kudeco nekuti aiziva kuti chikazoputika kumberi uko anenge ari safe pakuti vecatering ndivo vaizooneswa ndondo. Chechi yakazopera iye ndokuenda kumba kwake uko kwaakanotumira Mai Simon marecordings ese ezvaiitika muchechi.Mai Simon vakafara chaizvo nekuti vanga vakuziva kuti rwendo rwuno vakuzotora Cliff.Vakatoshanyira Evelyn vakamupa mari yerutendo. Manheru acho varara kumba vaingofara fara.Baba Simon vakaona kuti Shabanie yakadzora mwando ndokuti,"Mmmm kwakanaka here muri kungohepula kudai and how is my son in there?"Vakataura vachipuruzira kamimba kaya kanga kati tunhukei.Vapedza vakakatsvoda,vaviri ndokuseka zvavo.Mai Simon vakasekerera ndokuti,"Iwe ukwane akuudza kuti mukomana ndiani?Anways thanks my husband for supporting our restaurant.The president has invited us for a Christmass Dinner for his foreign guests at the State House.This shows kuti we are breaking new grounds.Now my plea is since takupinda mufestive season ndinodawo kuti undibatsire nekundiwanira vanhu 3,two girls and a boy to beef up my catering team coz basa racho unoriziva iwe matava kupinda umo."Vakataura vachidhonza twundebvu twaBaba Simon.Baba Simon vakati,"Which qualities in them are you really looking for."Mai Ruru vakasekerera mushure ndokuti,"Pavasikana I just want vari wise vanoziva business uye dziri mhenya dzinokwanisa kukwezva macustomers coz ndr kuda kuvashandisa semawaiter.Mukomana ndinongoda akangwara sewe so.Baba Sai you are a businessman dont pretend as if hauzive vanhu vatiri kuda vacho kkkkkk."Baba Sai vaya vakasekawo ndokuti,"By Tuesday I will get back to you .Mabasa ari kunetsa so hazvindinetsi izvozvo."Mai Simon vakasimuka kuti vanovhare musuwo ndokumira pedyo nemubhedha vachiti,"Dont work neyekuti mabasa ari kunetsa wozondipa zvinyau zvevanhu.We want to maintain our top class services,so tsvaga vanhu vebusiness chaivo.Am I well understood?"Rume rakagutsurira musoro waro kunga chidambamukura. Vakazorara nguva dzaenda.Baba Simon vakarara vari mudenga rechihundred nekuti pekupfekera shamwari dzaMartha vanga vapaona.Twuvanamainini twavo utwu twaisada kupfekerwa zvedzungu,twaitoda kupinzwa zvine musoro twodzikamiswa nekuti twaipaparika kukunda huku dzagurwa musoro. Mwedzi uyu wakasaropera imba yaCliff yatova pawindow level.Zvekare mazuva ekitchen party yekutanga anga aswedera.Kitchen party iyi yaizoitwa uri Mugovera.Friday yacho Mai Ruru vakarota hope dzakavakandisa uta nemisewe pasi.Vakarota vachiita sevafa.Vafa kudaro Ruru naEsnath vakabva vatorwa nambuya wavo vanova amai vaCliff.Vaigara kumusha vachishungurudza vana ivava.Mai Ruru vakaona Ruru achiteza huni asina kana shangu achibaiwa neminzwa apa kuchitonhora asina juzi.Ukuwo Esnath kaifudziswa mbudzi mune rukato.Zvairatidza sekunga Cliff ari kudhorobha nemumwe mukadzi vachifara zvavo,vana vachiita sevane mashares kuOlivine nenyaya yekukanga waya vari paruzevha.Mai Ruru vaikwanisa kusvika pedyo nevana vavo,asi vaisakwanisa kuvabata.Vana vacho vaisagona kana kunzwa zvaitaurwa naamai vavo.Mai Rur vaingofa neshungu vari mweya kudaro.Vakamira vachiona Esnath kachichema kabaiwa nazimupangara apa mbudzi dzakaifudza dzakungoita murambamburu dzichipumhuka nebani rose.Ipapo vakanzwa bendekete ravo rabatwa.Vakatendeuka ndokuona mukadzi aiva akaenzana navo pakureba. Aivawo wemweya saivo nekuti vakatanga kutotaura vachinzwanana.Mukadzi uye akangokwavakwaziva ndokungoti,"Fight for your family!"Aitaura achiita kakusheedzera makomo aiva akavapoteredza ndokuita maungira.Mai Ruru vakati,"How?You see ndiri kungovaona vachitambudzika,asi inzwi rangu nerubatsiro rwangu zviri kuramba kusvika kwavari."Mukadzi uya akatora ruoko rwaMai Ruru ndokunogara navo pane chimwe chidombo chaiva pedyo apa vakangotarisa Esnath uya aingoyuwira.Vakagarisana padivi nepadivi mukadzi uya ndokuti,"Ok fight for your family with your knees!Pray for it!Pray for it!Pray for it!Pray for it!"Akangoramba achidaro dzamara anyangadika.Kudai Mai Ruru vakamboona mukadzi uyu kare vaibva vatoziva kuti ndiMai Mwale.Vakasara vakagara pachidombo chiya vapererwa.Vakada kuedza kupfugama asi vakanzwa mabvi avo aneta. Vakazoona mbuya vaya vachiuya nezijamhu kuzozvambura Esnath.Ipapo ndipo pavakapepuka vachiti,"No no no no!"Vakamuka ndokutura zibefu vakabata chipfuva chavo nemaoko ese.Cliff haana kana kumbomuka.Ipapo vakashamisika zvekare kuti nemhaka yei Baba Ruru vasina kumbobvira vamuka mushure mehope dzavo mbiri idzi.Vakazvisiyawo zvakadaro ndokudzendemura zimunamato mushure ndokuvata dzehumambo chaidzo. Makuseni vakagadzirira kuenda kukitchen party.Vakasiya vana vari vega pamba nekuti Ruru anga akugona kusara achirera mumwe wake.Cliff aizoenda kumarounds ake.Vakauya vachitorwa pamba pavo nemotokari yamufundisi.Vakasvika zvese zvatogadzirirwa breakfast yakuda kutopuhwa vanhu vese.Vakarohwa nesurprise chaiyo.Deco yacho haiwa yainwisa mineral water.Ruwadzano rwese rwaiva rwuri tii.Paiva nemadzimai aisvika makumi mana tisingaverengi vasikana vaya vaiita basa.Sisi Evelyn vaivapowo.Mvura yetete yakaiswa pamoto.Yaita mukaka wakawedzerwa.Zvese zvagadzirirwa madzimai ese akaungana mumba mamufundisi kuti vanamatire zuva iri vozodya mushure.Mai Mufundisi vakatungamira pamunamato.Vari pakati pekunamata munhu wese akavhara maziso kudaro,Evelyn akasvotoka achibva pane vanhu ndokuenda kukicheni.Akasvika ndokutsvetera twumuchetura mukateapot kaizonwirwa naMai Simon.Ikako anga akaziva nekuti vanhu vaibika vanga vambofarisa vachiti,"Aka ndekemaboss acho."Munozivawo VIP treatment inopihwa mukadzi anenge achida kuchata pakitchen party.Evelyn akadzoka akaona vanhu vachiri kungonamata.Iyo yekutungamirwa pamunyengetero naanaMai Mufundisi,tea inotosvika pakupora zve.Kwapera anenge maminitsi gumi,vanhu vese vakachigadzirira kunodya,asi tea yanga yatopora nokudaro yaifanirwa kudziiswa zvekare.Saka.... Saka chii?Munonyanyoda Mai Ruru sterek manje ndiri kuda kuti vanwe tea iyoyo vaende kwakaenda vamwe lol!!! Thanks for your supports.Macomments enyu ari kuenda pakadzika dzika pemoyo.Parutanhi tanhi pezvakarehwa zvekuti kudai kwaiva nezvibhabhu zvezera renyu ndaiita kuchinjanisa kukuberekai mazuva ese ehupenyu hwangu...❤😂😁😎 Dont forget to like our fb page:Dr Maxx's Stories [23/03 18:35] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA-CHAPTER 17* Cliff akatenga girosari ramufundisi asati asvika kumba.Asvika kumba akawana Mai Ruru vatogadzirira kuti vaende vese kuchechi kuya.Vakatanga vamboedza kufonera mufundisi vacho vachida kuziva kuti varipo here,asi nhamba dzavo ivo mufundisi dzakaramba kupinda.Vakamboda kuramba kuenda asi Cliff akazosimbirira kuti vaendeko vazvionere vega.Iye Cliff aitoda kuchata kuti anzwe kurerukirwa muhana yake pamusoro paMai Ruru vaaitambisa bhora risina mweya kudai.Aigayawo kuti Mai Simon vangazomusunungura,asi uku kwaingovawo kutengesa mvura mugungwa nekuti paari Mai Simon vaiva vakaroverera hoko yavo yerudo.Vakazoenda kuchechi kuya rorova nhongonya. Vakasvika ndokutambirwa naMai Mufundisi avo vaingogara vachifinyama finyama kumeso vakaona vaenzi vavasina kukoka.Waitoshaya kuti mukadzi wemunhu waMwari here kana kuti watsikamutanda?Cliff naMai Ruru havana kumboita basa nazvo nekuti vaiziva kuti ndivoka vaida kuchata.Vakazopinzwa mumba ndokupuhwa pekugara.Vapedza kukwazisana Mai Mufundisi vakabva vati,"Masvika ndiri kuda kutobuda now.Ndinodawo kuziva kuti chakusvitsai pano chii?"Vakabvunza ndokutarisa zvavo kudivi vachitambisa kagumbo kavo kekurudyi.Mai Ruru vakagarisika zvakanaka pasofa ndokuti,"Tiri kukumbirawo kuona mufundisi."Mai Mufundisi vaya vakabva vasimuka ndokuti,"Kwakanaka here kwamauya mese kudai?"Mai Ruru vakabva vatsanangura zvese zvemuchato zvavaida kuti mufundisi avabatsire. "Ende makaoma vanhu imi.Kuchechi kwacho hamuuye pamunouya pacho munouya pano neapo then you expect mufundisi vakuitirei zvese izvi.I doubt,forget and smile.Izvozvi vakatotavata and even vakamuka I dont think he will tolerate your nonsense!"Mai Mufundisi vakataura zvavo vachiita kakusvotesa. Zvediwo mhuri yekwaChoto iyi yaiva nemhosva pakurovha kuchechi.Fanika ari Cliff hatichatotaure.Nenyaya yemadhiri ake naMai Simon zvekuenda kuchechi anga asingachazvigayi.Kana kunamata chaiko anga achakuziva here.Nofunga panguva iyi kudai aimbonzi anamate ndiyo type iya inoti,"Muri sei Mudhara God ari sei malevels kudenga kwenyu ikoko."Mai Ruru vaitombova nani nekuti vaiuya pano neapo.Nyaya yetwumari twavanga vakubata ndiyo yaiita kuti vakanganwe Musiki wavo.Naizvozvo Cliff naMai Ruru vakanyara vaudzwa mashoko aya zvekuti vakaoma mate mukanwa.Kuti vaende kunochatira kudare zvaizoshaya kachiremerera.Panguva yese iyi Cliff aiva akanyarara ndokuti,"Ok tapanzwa amai and we are admitting kuti tiri wrong and mhosva yedu tiri kuiziva tinoibvuma.Asi tiri kukumbirawo kuona mufundisi directly mhamha."Cliff akataura achirova kagusvu apa akarereka zimusoro rake ungati munhu kwaye ipapo.Mai Mufundisi vakasunga chiso ndokuti,"Ukaona ini watoona mufundisi.Maane nguva ka musingauye kuchechi hamuzive kuti even shoko rinoti waona Jesu aonawo Baba nekuti ndevamwe.Now vakavata and havangamukira kusarongeka kwenyu.Why muchida kungouya kuno kana paine zvamunenge muchida?"Cliff akabva atoreader sichaz nechimbi chimbi ndokuti,"Tine grocery ratauya naro so ndangoona zvisina kukodzera kuti tikupei ivo vasingazive.Vangazotofunga kuti imi makuitawo mamwe madhiri."Cliff akataura achiita kakusekerera zviya zvinobudisa pfungwa yekuti zvaaitaura zvinonakidza chose.Ipapo Mai Mufundisi vakabva vatotanga kunyemwerera ndokuti,"Aaa nhai veduwe!Nguva yese iyi ndizvo zvamaitadza kungotaura.Kana mukadzi weZarephath akafeeder munhu waMwari wani.Ndiko kunonzi kunamata ikoko.Regai ndinovamutsa."Mai Mufundisi vaya vakabva vatosimuka chiso chichiita sechichatsakatika nenyemwerero yavaimenya.Kunonzi kudya rifa ka kwakarehwa naSabhuku Vharazipi.Vachingoti pfee mubedroom muya,Cliff naMai Ruru vakatozodzora chikwee chavanga vakuda kutatsura ipapo. Mai Mufundisi vakabva vatsanangurira Reverend Marava nyaya yaana Cliff.Vaviri vakazobuda vachisekerera apa mufundisi vaya vaisamboratidza kuti vaiva vakavata.Vakazopirwa nyaya yose nevaridzi vayo ndokuti,"Makorokoto vanangu zvatoita izvi.This means we are five months before the celebration.Date redu 2 April next year rinobuda.Preps start today.Mandifadza vanangu nekuti pasangano rangu rino paane nguva pasina kumbochatwa.Ndanzwa nekungofirwa.Haa apa munenge mandipinza machena vanangu." Mai Mufundisi vakatsinhirawo vachiti,"Pano ndipo pari kutoitirwa kitchen party.Ndatopedza so."Vakabva vaseka mushure ndokuzonotora zigirosari riya.Haiwa yaiva shopu yese chaiyo.Mufundisi vakatozosekerera zvainyadzisa vapihwa $60 yavakakanzi ndeyemuriwo.Chidanho ichi chapera Cliff akati,"We will be notifying you over any latest developments over the issue at hand.Sevenue and all wedding related stuff."Mufundisi vakamumbundira ndokuti,"Ese machena semazai ehanga."Vese vakazodya,vaviri ndokuoneka.Munzira mese vaitoseka zvavo zvavaiva vasangana nazvo.Vakazvitenderedza nemotokari vachidzokorora zvavo,"Tine mufaro"yaAgatha Murudzwa.Wedding Bells started to ring ipapo. Nezuro paya Laurah akazovata achivhumuka zvinotyisa.Maroverwo aaiva akaitwa aisakanganika zvehupenyu hwese.VaMwale naivo Mai Mwale vakarara vakamuka usiku hwese,Laurah achingoti pano pano amuka achitotadzawo kuvata zvakanaka.Aiti akavata orota achitsemurwa musoro wake nebaton stick naana Mandebvu vaya,ropa richiita kuti tsaaa kubuda semabudire anoita mvura kubva papombi yapaduka.Laurah aichema sechana chitoko,asi haaana kutaura muzongozongo wenyaya nekuti aitya.Vakamboedza kumunyengetedza kuti ataure nyaya yakaitika kuti zvisvike pakadaro,asi ndiye aingozvipa mhaka dzese.Aitya kuti zvimwe akataurisa mapurisa aizongogona kuuya zvekare.Mai Mwale nemurume wavo vakatongoona kuti pane nyaya.Laurah akatanga kutya Mai Simon nekuti aiziva kuti ndivo vakatomurega paya achiendwa naye kunorakashwa.Unoziva kuti ukaona munhu achiuraya mumwe under yavanoti a cold blooded circumstance,unototya kumhangarira munhu iyeye uchiti pamwe akazviziva kuti ndiwe wamumhangarira anozogona kukuurayawo.Ndizvo zvanga zvakufungwa naLaurah.That brutal hiding left her with permanent psychological scars and it traumatised her to the bone.ZvaMai Simon akatya kuzviti bufu. Mangwana akazofuma zvake ava nane ndokuita nharo dzekuti akuda kudzoka zvake kumusha kwavo.VaMwale vakamboda kunyengetedza mainini wavo zvikashaya basa.Laurah akazongosiiwa achienda ega.Akaudza tete vake kuti vakaramba vachimuitisa nharo aizozviuraya.Mai Mwale vaisatomboda kuti vaende nekuti kumberi kwaizomuka Chimurenga zvikuru nekutiwo vanga vasina kumbomuendesa kuchipatara.Vakatya kumuendesako nekuti vaiziva kuti zvaizosvika kumusha vakashurwa neveko nekuti vaiva vakaita nharo dzekunochengeta Laurah vega.Naizvozvo Laurah akangoenda kunyangwe airwadzirwa muviri wese.Nazvino akapika kuti haafe akatsika muHarare futi kunyangwe mukanzi makupihwa vanhu mari mahara nehurumende.Hapana akada kumuperekedza pakadaro.Zvoreva kuti Mai Simon vanga vatova mhunzamusha nekuti neimwewo nzira vanga vatopesanisa vehukama.Saturday iyi havana kumbosangana naCliff.Vakatoswerawo vakazvivharira muhofisi yavo uku Cliff akaswera naMai Ruru kushopu kwake kuchitofambiswa naBaba Percy.Baba Simon vakaswera kwaMartha kuEastlea.Kumba vanga vabuda vachiti vari kuenda kubasa semazuva ose.Pavakasvika vese vakatogeza vese muen-suite ndokuswera vakavharirana mumba.Ava masikati iko Martha kakavata pamakumbo aBaba Simon kakati,"Daddy our vacation is fast approaching.So may you please organise something for my friends."Kakataura meso ako akati bhaa nemafaro ekutemba daddy ka.Baba Simon ndizvo zvavaidaka zvekuyemerwa ndokubva vati,"Something like what my world."Martha kakabva katendeuka ndokukochekera Baba Simon ndokubva kati,"Vatsvagirei basa kuti vasasurukirwe pavacation uye nekuti vareize income."Baba Simon vakatanga vatsvoda kaMartha kavo ndokuti,"Haa I thought une nyaya svinu iwe.Kutransport havazoende nekuti kunoda varume.Ndichavaendesa kurestaurant kwedu kuAvondale."Baba Simon vaireva kuya kwaMai Simon.Hameno kuti vaida kuti zvizogumirepi.Martha akafarira kuti vamwe vake vaisazorebesa miromo wekuti iye ari kuraramiswa nedhara.Zuva rese rakatozopera rudo rwuchingotsva. Mangwana acho iri Sunday,Cliff akaenda kuchechi kuya naMai Ruru.Vakamiswa pamberi pesangano.Ungano yese yakaridza mhururu nemuridzo.Chechi ichingopera Cliff akabva aoneka Mai Ruru achiti ari kumhanyira kuRufaro Stadium.Vakadzi havabvewoka kuchechi kana yapera.SaMai Ruru apa vaitoshenaira neiya yemuchato futi,Cliff akangozvisiyawo zvakadaro.Zvipikowo aiva atumirwa message naMai Simon achiri muchechi yekuti vasangane kuLion and Cheetah Park.Nokudaro vakangorayira Cliff kuti arove pasi akananga ikoko.Pasina 30 minutes aiva atosvika atomirira Mai Simon.Musi uyu Mai Simon vakakwira kombi yedhora chaiyo,dziya dzinoenda kuNorton.Vakaburukira paturn off yepa park ndokutikida nedzaAdam vakasvika shena yakati pwipwiripwi shangu vatoita dzekubatira mumaoko.Pavakasvika Cliff akarwadzirwa achiona zvavaiva.Akavambundira pazere vanhu ndokumbotenderera zvavo ipapo vachiona mhuka dzepo.Vaneta nekutenderera vakagara zvavo pasi kuti vambokurukure. Nerimwewo divi Cliff akanga asingachade Mai Simon,asi vaiti vakasangana kapfungwa ikako aikasiya kwakadaro uko.Mai Simon vaimupa saizi yerudo yaimusiya ari mamvemve.Pamusoro pazvo aiwana bhegi saka musi uyu aiva akatoteya imwe bush allowance yake kkkk semazuva ese.Aidya akagara sehonye."Ko wafambirei netsoka babie?"Cliff akabvunza achitonetsekana nekuita kwaMai Simon.Mai Simon vakatarisa Cliff mumaziso chaimo ndokuti,"It was a surprise honey.Ndiyo inonzi romance yechirungu my love."Mai Simon vakanyepa zvavo nekuti vaida Cliff zvekuti vaisada kumuona achinetsekana muhana yake.Cliff akazongosekererawo ndokuti,"Ndakazoenda kwamufundisi nemukadzi wangu saka as we are speaking our wedding preps are in the pipeline."Mai Simon vakangotarisa kudivi zvekusvotekana zviya ndokuti,"Asi mukadzi wako ari pano kani?"Cliff akapererwa nemashoko aya kunga mbavha yabatwa ichida kutiza jeri.Kubva paakadanana naMai Simon akanga asati amboudzwa mushonga navo.Akasimuka akafizuka ndokuti,"But babie unombotaurawo zvekumba kwako wani ndichikunyararidza.Now ndakutaurawo zvekwangu wakutotsamwa.Thats being unfair."Mai Simon vakabva vasimukawo zvekumisidzana naCliff ndokuti,"Ini kumba kwangu kunenge kuine a problem saka kukuudza kuti usympathise neni.Ndakambokuudza anything good from my home here Cliff?Kwako zviri kufaya ka and tiri kudanana wondiudza nezvekuchata nemukadzi wako.Kudai ndirini ndaikuudza zvakadai wainzwa sei?"Cliff aingofungawo kuti ingoriwo nyaya akatanga aseka ndokuti,"Hazvifanirwe kundirwadza ini coz madhiri atiri kuita aya anofanirwa kungova casual aine maboundaries."Mai Simon vakatanga kutochema ipapo."Dont give me headaches Cliff.Kudai waiziva stress yandiinayo nechimwana chako chiri mudumbu usiri kundiudza rubbish yauri kundiudza now."Mai Simon vakawedzere kuhwihwidza zvekuti Cliff akatozopinda busy kuti avanyararidze zvisati zvaonekwa nevamwe vanhu vaiva pedyo navo.Akatongoona kuti mamood swings emimba.Akakwanisa kusofta munhu wake kutozogumisira voseka vese.Mai Simon vakazoti,"Dont you ever think of leaving me.In fact rega ndikuudze kuti inini handinei nemuchato wenyu.I can even offer free catering services for your wedding."Vakataura vachinyemwerera zvavo,asi Cliff akavhiringika nekuita pamwe nekutaura kwemukadzi uyu.Akanyatsoona kuti pane zviri kunetsa pana Mai Simon,asi haana kuda kubvunza.Akangoramba anyerere kunga road iya inonzi Julius.Akazongoti,"Shuwa unenge wabatsira pamuchato wangu."Zviya zvekuti pasarambe pakanyararwa.Nguva dzakafamba vakazogadzirira kuti vaende.Mai Simon vanga vakupindwa nechando apa makumbo avo achizvimba zvino neBP.Vakakwira motokari yaCliff ndokuzosvika mudhorobha mavakanotsvetwa.Vakabva vapa Cliff $10 chaiyo.Vakazviitira maone nekuti vanga vaona kuti Cliff anga akuda kureba muswe.Cliff akangoti pamwe ndezvenhumbu,asi akazviona kuti zvikaramba zvichienderera aizosara ava pamahwani panyaya yemari.Apa akashamiswa chaizvo nekuti mamwe mazuva ose Mai Simon vaisamupa mari iri pasi pe$200 pese pavaisangana.Naizvozvo Cliff akati vachiparadzana akabva avatumira message yaiva yakanzi,"I love you swty and thanks for the great time we had together."Akabva aisa twuemoji twelove twutatu. Mai Simon vakanzwa message iyoyo ichifamba nemakumbo ayo ndiye nyengu mumoyo mavo.Vakabva vafona ipapo ndokudzorerawo mashoko erudo.Vakabva vakanda $300 paEcocash paCliff vachitoziva kuti vapedzera munhu wavo. Musi wakare Mai Mwale vakatukwa nababa wavo pamusana paLaurah.Pavakaona foni yavo ichipinda vakatoziva kuti kumusha kwaberekera mbada ikabirwa vana vacho vayabva kubereka."Bvamatadza nekuendesa mwana kuchipatara.Ndiri kudonha ikoko mangwana chaiye.Nharo dzako Chido wakamboita sei.Munondiguta,ndamuendesa pamishoni now akafa unochiwana."Mudhara uya akavava pafoni.Mai Mwale vakatadza kana nekusimudza muromo kusvikira dhara rapedza shungu dzaro.Foni ichingokatwa vakabva vatobata Mai Simon paya pavanga vakuenda kumba kwavo vaparadzana naCliff. "Hona zvawaita Mai Simon.Ndakasopedzesera kutukwa nababa vangu ndichiri kuprimary chaiko unozviziva iwe.But now pamusana pako he hurled all sorts of horrible insults upon me!"Mai Mwale vakakwamatata pafoni.Mai Simon vakangoridza zitsamwa ravo riya zimutsemura earpiece ndokubva vakata ndokudzima foni yavo.Kuzovadaro,Mai Mwale vakavira nehasha zvekuti kudai Mai Simon vaiva pedyo vaiva tsenga tsenga vari vambishi kudaro.Vakatoona Mai Simon vari nyemba iya isingaibve vakati zano nderipi ndokubva vaedza nhamba dzaBaba Simon,asi dzaiti not reachable.Vaida kungovaudza kuti mukadzi wavo ane chikomba zviya zveshaisano.Apa Baba Simon vaya vaiva vakatodzima foni yavo vari pakati perudo ňaMartha.Mai Mwale vaitoziva kuti Baba Simon pane zvavaizoita chete kana vangonzwa nezvenyaya iyi.Nekuchengera kwevarume vazhinji vakatoongorora vakaona kuti vaipahwina chete. Mai Mwale vaona kuti zvekufona zvaramba vakapinzira iri message kuti Baba Simon vazoione kana vabatidza foni.Baba Simon vakuda kuenda vakamambomiswa naMartha kuti avabikire supper.Vakanyengetedzwa vakabvuma kunyangwe zvazvo 6 dzaiva dzatochaya.Martha akakumbira foni yaBaba Simon kuti aridze music mukitchen ichimuvaraidza achibika sezvo yake yaiva yapera moto.Baba Simon vaizombosara vachiona bhora mainini vachibikira daddy zve.Martha akatora foni iya yakadzimwa ndoku....... *Hohohoho munokuvara varwere vangu.Inini Doctor ndombomirira pano.Kkkkkkk but tisati tambozororera ndipindureiwo kuti Mai Simon vachamboita sei pamusoro pemuchato waCliff naMai Ruru??* Ok chapter 18 coming soon Like my fb page:Dr Maxx's Stories Edit · Delete [23/03 18:35] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA-CHAPTER 13* Mai Ruru havana kumboita zvechinono.Vakati vachingosvitswa paGwanzura paya panokwirirwa makombi ndiye ngori nevana vavo vakatozoita zvekubhabhaisa tete vavo vatova mukombi.Vakabva vadzikira mudhorobha ndokutora kombi inoenda kumaraini kwavo kuKambuzuma.Vari mukombi vakamboedza nhamba dzaCliff dziya dzichingoti not reachable.Zvakavabata bata asi hapana zvavaizviita nekuti ndivoka vakada imba saka vaitofanirwa kurwa segamba.Vakazosvika kumba kwakachachena ndokugadzirira kubika kwemanheru.Vakatora pork yaiva yakaomera mufiriji ndokuigadzika mukadhishi kaiva nemvura yaidziya.Kwapera chinguva nyama iya yaiva yatopfava.Vakazoikaringa zvekuti munhu ane sadza chete mundiro aitoriseva nehwema wenyama iyoyo bedzi.Vakatanga vakwatisa mbijana ndokuzoitsvotidzira twumafuta twushoma nekuti pork yagara inyama izere mafuta nechekare.Musi uyu vakabika zvengozi nekuti paiva nenyaya svinu yaiva mudariro.Hanyanisi nemadomasi zvakazovedzerwa netwugarlic powder,haiwa vaida kutouraya Cliff nemoyo.Cliff akatozosvika kumapast 5 achitodzedzereka zvake nerudo rwaMai Simon.Mai Ruru vakatogamuchira murume wavo semazuva ese iyewo akatonzwa kupombonoka nekuti haaana kumbofaiwa faiwa nemibvunzo semazuva ese.Panguva yakasvika Cliff sadza raitokwata zvaro pachitofu zvekuti Mai Ruru vakazonorikodzonga Cliff achimboona zvake bhora.Mai Ruru vakapedza kubika kukicheni ikoko ndokupakurirako mundiro muine kavheji padivi kaiva kakangonzi shwa shwa shwa mumafuta.Vakazotsvetera twumupfuhwira twuya mundiro yaCliff vakati hekani waro.Itwo twechipotanemadziro twaiva chiororo pameso avo nekuti vanga vazvionera vega kuFio.Vakazonoendesa ndiro patafura yemumba kuti vadye semhuri.Cliff akaramba kugara patafura nevamwe nekuti aida kudya akagara pekuti ainyatsoona zvake bhora reChelsea raibuda paSupersport 3.Mhuri yese yaitoziva kuti baba ava vanoda Chelsea zvakaipa zvekuti vaitozviremekedza izvozvo.Cliff akatonyatsodya sadza riya mbijana mbijana nekuti aiona bhora apa achitenda Mai Ruru pamusuwa wega wega nekuti pork yaaiva abikirwa yakamunakira zvekuti ainzwa kunyerekedzwa nepasi petsoka chaipo.Vamwe vese vakatopedza kudya,Cliff achiri kungodya.Dzimwe nguva aimboita chinguva akangobata musuwa wesadza meso ake akati udyu pachivhitivhiti.Vamwe vakangorongedza ndiro dzavo Ruru akatombofanosuka kukicheni mai vake vakangogara patafura iya vakateya riva ravo.Cliff akati apedza kudya akanzwa mudumbu make muchiita semuri kufambwa fambwa nemapete. Chisina kuzivikanwa naMai Ruru ndechekuti Cliff aiva akasogadzirwa nevamwe sekuru vake vechiNyasaland.Mukukura kwake aipota achinovashanyira pamazororo ezvikoro,kukomboni yavaigara yaiva kuMazowe.Cliff aiva akasodyiswa usvusvu wakagadzirwa achine mazuva matatu ekuzvarwa.Usvusvu uhwu hwaiva nemishonga yechivanhu uchinzi unochengetedza dzinza kubva kune huipi hwose.Izvo Cliff akangokurawo achizvirayiridzwa nekuti aiva akakurira mazviri.Zvoreva kuti Mai Ruru natete vavo vaiva vabondera.Cliff akanyatsonzwa kuti apa adyiswa ndokutsamhira sofa achinyepera kubvisa zvipakanwa nekatoothpick.Mai Ruru vakamboramba vakati tuzu vakutya manje kuti vozvitangidza nemutoo upi.Cliff akanyepedzera kudzungudza musoro apa zvechokwadi ainzwa kuda kurutsa.Akazvibata zvake ndokunyepedzera kuzungaira.Mai Ruru vakaona kudzungudza kwaiita Cliff kwakafanana nekwemurume uya wekuFio ndokurovera moyo pademo rakapinza vachiti,"Baba Ruru takura ndiro dzako now uendese kukicheni wogezera maoko ako ane tsvina ikoko.Tarira sadza richangoomera pamaoko ako ukananairwa nemakonzo iwe wakamuka!"Vakataura zviya zvine kakuderedza murume wavo asi vaine kakutya mbijana.Cliff akangosimuka akanyepera kunga chizombi ndokusimudza ndiro dziya nedhishi rekugezera maoko achida kuenda nazvo sezvarairwa. Akasvika patafura paiva naMai Ruru vaiva vakutongozhinya zhinya vachigaya kuti chabaya chikatyokera.Mai Ruru vakangokaruka varegedzerwa mutupo wembama ndokuti rongondo nezvigaro zvaiva patafura ipapo.Vari pasi ipapo vakabva vadirwa mvura yaiva mudhishi muya ndokurutsirwa futi pamusoro pacho.Vakadzungaidzika vari pasi ipapo ndokunzi tibvu bhutsu yemudumbu ndokuzosimudzwa vakanzi ndii nemadziro apa vakaita zvekusvinyangwa huro."How dare you Mai Ruru kundiisira mupfuhwira!"Cliff akabhebha akatsvukisa meso apa Mai Ruru vachingoti tuzu.Ivo Mai Ruru vakashamiswa kwazvo nekuita kwaBaba Ruru.Vakanga vasati vamboona Cliff akapfeka chiso chembada kudaro.Hongu aimbohon'era hon'era pano neapo sebabawo vemumba asi musi uyu maziso ake aive akaita semazimbe nekushatirwa.Mai Ruru vakazoregedzwa vakuti gwigwi kutwasanura makumbo ndokusiiwa vakati rabada pasi kumeso kwachiti zvino tuku tuku kuzvimba.Mai Ruru vakanyatsonzwa kuti muviri wavo waibva nekurohwa,ndokusimuka vachitora vana vavo vanga vatohwanda pachikona chemukicheni,vakavatora ndokupinda navo mubedroom.Cliff akapinda mubedroom muya ndokutanga kutokanda mbatya dzaMai Ruru panze achipopota."I dont care didnt know kuti uri muroyi all along.Chasara kundiisira poison.Chii chaunoshaya pano Mai Ruru kuzozvika pakuda kundidzungaidza manje?"Cliff aitaura achiita kupupira furo rehasha achikanda mbatya dzaMai Ruru panze chaipo."Dzokera kumba kwenyu.Wandishatirisa nhasi pasi nekudenga!!"Apa aitaura achisundidzira Mai Ruru panze ndokubva apfiga musuwo.Cliff akaradzika vana kuti varare.Ivo havana kumbopokana nazvo nekuti vaitotyawo baba vavo nechibhebhenenga chavaiva vapfuta.Mai Ruru vakadoedza kukumbira ruregerero,asi zvakarovera nemadziro. "Please Baba Ruru vhura door titaurirane,ndapota hangu,"Mai Ruru vakademba demba vachisheedzera vari panze.Izvo zvakambonzwikwa naniko?Cliff akabva atodzima light remudining zviya zvekuratidza kuti aisava nehanya nezviri panze.Akatoenda kunorara Mai Ruru vari panze ipapo vachingonetsekana kuti murume wavo aiva munhu akaita sei chaizvo."Amboziva sei kuti ndamuisira mupfuhwira?Asi vandironda kani pandaenda kwatete?Zvino zvazvadai inopèra sei nyaya yacho?Ndinonyarirepi manje ipapa?"Mai Ruru vakazvikwadabura nemibvunzonhando. Vakatovata pavharanda ipapo nekuti hapana kwavaikwanisa kuenda kwavaizotsigirwa divi ravo renyaya.Ivo ndivo vaitova nemhosva yaiva pachena yakatobatwa kunzi dzvii nyangwe zvazvo vasina kunyatsozvinzwisisa.Nekupenga kwakaita Cliff apa vakatombovenga tete vaya zvisingaite vakutogaya kuti mupfuhwira uya watopengesa Cliff pachinzvimbo chekuti ushande basa rawo chairo.Vaigayira zvavo Cliff hongu vaiva vagona kufembera kuti ane gerofurendi asi zvaisava nemusoro kana vasina kumbozvibata.Kumatare vanoti,"One is innocent until proven guilty,"ndizvo zvaiva zvakangoitawo nyaya yaCliff panguva iyi.Cliff akatovatsamwira iri nzira yekuvhara vhara zvipande zvake nekuti zvamira sezvizvi Mai Ruru vaisava nesimba rekumubvunzurudza.Vakadzi vazhinji vari muwanano vari munhamo chose.Anogona kutadzirwa nemurume asi iye okumbira ruregerero.SaMai Ruru apa vakatoparara panze vachingotiwo vaizongozvionerawo mangwana.Zvimwe Baba Ruru vaizofuma vashandukawo.Cliff akatorara hasha dzakatekeshera pamananda chaipo nekuti aitovawo nepfungwa yekuti kunyangwe zvazvo ari iye honzeri kubva pakutanga chaipo,asi Mai Ruru vaisafanirwa kusvika pakadaro.BP yake yakazonyatsoti kata mushure mekunga aona message yaiva yapinda mufoni maMai Ruru iyo yaiva yakanganwikwawo pachaja. Message iya yaiva yabva kunatete vaya vekuFio,vachibvunza kuti zvaiva zvafamba here.Cliff akabva atoona kwaibva nekwaienda nyaya yacho ndokufonera tete vaya achivashura."Dzinza revaroyi,munoda kundiita chituta chenyu manje."Cliff akangodaro ndokukata foni izvo zvakavhundutsa tete vaye nekuti Cliff aiva afona nefoni yaMai Simon zvoreva kuti hurongwa hwatete nechana chavo hwaiva hwaparuka.Akazorova zvake dhora saini akazomuka kuseni seni ndokugeza.Aida kuzoenda naMai Simon kuSteven Margolis Resort Centre.Ukuwo Baba Simon vachinzvengawo kuLion and Cheetah Park naMartha.Kaitova kacheni kezvisakarurama.Cliff akamukira zvekuti vanaRuth akavasiya vakacharara.Akubuda kuti aende akaona Mai Ruru vakazviunganidza muchikona chevharanda vachigeda geda meno nechando apa Brazilian Weave iya yachiti nyangarara kunga chisukiso chendiro dzekumusha.Zvaipisa tsitsi apa ganda ravo rakaita kucheneruka nechando.Cliff akadzoka mumba ndokutora foni yaMai Ruru ndokukandira pamberi pavo achiti,"Ndiri kuda kudzoka usipo,vana vangu vasiye pano ndinovatsvagira musikana webasa.You are not even worth to be their mother.Uende kwatete vako vaunorangana navo kundiparadza!"Akabva aperekedza magarapfungwa aya ne$20 yaakabva akanda pamakumbo avo.Mai Ruru havana chavakapindura kusvikira Cliff atobuda nemotokari yake.Ko ivo vaigoendepi nenyaya yavo yaisvodesa kudai?Zvakangofanana nebhinya rinonomhan'ara kumapurisa kuti rarumwa nzeve ikatobuda ropa nemunhu waraida kubata chibharo. Mai Ruru vakazongosimuka ndokutanga kutsvaira ruvanze.Ndipo pakazomukawo vanaRuru ndokuona amai vavo vachitotadza nekukotama chaiko kuti vatsvaire zvakanaka.Vaiti vakada kudzikira kudai vonzwa musana wavo uchiita seuchatyoka.Ruru mwana mudikiwo zvake akasvika pakurwadzirwawo ndokuti,"Mommy you have to go to the clinic because you are in pain.Daddy beat you so badly yesterday.I am going to ask Uncle Benny to beat him.That was so bad."Ko aitadza nei kuchidzendemura chaQueen iko kwaaifunda kwairungurirwa.Mai Ruru vakasimuka ndokupukuta misodzi yaRuru yanga yatojenga ndokuti,"Clinics are closed today.So I will go there there on Monday."Nemashoko aya vaiva vatopedza nekuti naRuru vaisvitsana kuJupiter chaiko nekuti kaivawo kakangwarisa kunga bambo.Ruru kaiva kakachangamuka ndokubvutira Mai vako mutsvairo kuti katsvaire iko.Ivo vakabva vapinda mumba naEssy ndokuzonomutuma kumba kwaMai Percy kuti vauye kuzovabatsira basa remumba nekuita vaidzimbikana kwazvo. "Tisvikewo vasikana.Hii kwakanaka here?"Mai Percy vanga vatosvika vachibva vatoshamiswa nebhucha raiva kumeso kwemumwe wavo.Mai Ruru vakakumbira Mai Percy kuti vavaitire basa.Vakabva vabata chino nechocho,vakarongedza zvigaro zviya zvaiva zvabvonyonyodzwa panyonga nyonga yanezuro mukasara makati mbembe nekuti vaitoziva kuti vaizowana kamugove kana zvadaro.Mai Percy vakatozogadzira breakfast vakadonyengetedza mumwe wavo kuti adye asi akaramba.Mai Ruru vakazodururira nyaya yese kunaMai Percy.Ivo Mai Percy vakatoshamiswawo nezvekuramba kushanda kwemupfuhwira uya.Vakamboda kurayira Mai Ruru kuti vambonoona vamwe Madzibaba Vanadium vaiva vashupa paBudiriro apa,asi Mai Ruru vakatsika madziro nekuti vakatya kuzofunurwa ganda rekumeso naCliff.Mai Ruru vanga vachinyatsopererwa zvino apa vaiva vadzingwa pamba. Madzimai maviri aya akati akagara achikurukura Cliff akabva afona achikumbira ruregerero ndiye.Akaona kuti ndiye aiva asakisa kuti mukadzi wake asvike pakuda kuzomubvuraudza.Vaityaira ka vakati uye yake motokari uyu yakewo motokari vakananga kumafaro.Mai Ruru vakangooneka vonyemwerera ndokuti,"Thanks my husband you are such a darling."Ipapo vakabva vakanganwa zvemarwadzo zviya vakanzwa nyama yavo kusunguka marwadzo aya akatotama. Cliff akazviitira kuti asasvike kumafaro aine zvinetso zvaizogona kuoneka pameso pake uye kuti Mai Simon vasazive kuti mumba maCliff maiva nechinetso.Izvo zvaizoita kuti vamere zenze rekuda kufadza Cliff kuzosvikira pachinhambwe chekumusiyisa mhuri yake. Mai Ruru vakazotoiwa toiwa naMai Percy vakapihwa maIbuprofen kuti vapodze marwadzo.Kuzvimba kwese kuya kwakaserera nemaice blocks.Iyi yaisaendeka nayo kukiriniki zvechihwai hwai nekuti yaigona kuzongoda police report yotozoguma yavhurisa dhoketi reDVA yadai kunetsa.Mai Ruru vakatozoswera vava nani uye vakafara kuti musi uyu havana kumbodzimirwa foni nemurume wavo.Cliff chaitaimira pekuitira zvinhu zvacho. Mai Simon ndivo vakatotanga kusvika kuMargolis ndokutobhadhara zvinhu zvese apa vaiva nemunin'ina wavo uya wekuMsasa. Waiona wega kuti aiva akafanana naMai Simon pachiso asi vaiva vazosiyana pachimiro nenyaya yekuti aishushwa nekamuBocha kaaigara nako.Cliff akatoshamisika kuona chimoko chake chaperekedzwa newechitatu.Vakatokwazisana asi mupfungwa dzake maive nendangariro dzekuda kuziva chauyira muramu wake uyu.Tracy uya ndiye akazoti,"Babamukuru you are looking puzzled.Kwakanaka here?"Cliff akatotanga zvake aseka zviya zvekuti vatange nyaya ndokuti,"Aiwa ninez hapana kana pressure ndatofara kukuchen'ai maiziya."Vakazonyatsobvunzana mufaro,vatatu ndokuenda pane imwe nzvimbo kuti vanogocha zihuku ravo.Mai Ruru vaiva vauya nemagaka pamwe nemadomasi nehanyanisi kuti gochi gochi yacho iite chiremerera.Zvinwiwa zvinotonhorera zvaivapowo,Tracy uya achitohudzasa seasina kuroorwa.Cliff akatongoona kuti panenge pane nyaya apa nekuti Tracy uya aitochema achivharidzira nehutsi hwaitogoka kubva pabraai paya.Huku yese yakagochwa ikanunira vatatu ndokugara zvavo pane zvimwe zvigaro vachizeya yaiva yaunza Tracy apa."Ooo Cliff sorry this caught you by surprise but I came with her kuti timupe counselling and a resolution coz hubby wake akauya negirlfriend kumba kwavo.Vakatorara vese paofficial bed iye ndokurariswa pacarpet mudining.Can you imagine my blood sister being subjected to that?"Mai Simon vakataura manzwi aya vakutobuda misodzi.Cliff akabva atoona nyaya yese ndokubva afonera shamwari yake Kudzi wekuMbare uya,ava vachitonzwa.Kudzi uya haana kumboita thirty minutes ndokubva atosvika zvekuti vaitogaya kuti aitova mukombi kare.Maintroductions akapihwa paya,Cliff naMai Simon ndokuenda kune rimwewo divi kwaiva nechisango,Tracy uya naKudzi vakasara vakagara paya,svomhu dzamaziva dzacho dzobva dzapindirana. Mai Simon vakakomberedza chiuno chaCliff nemaoko avo muchisango chiya.Vakaita sevarii kundandamira tsvodi ivo ndokupfuudzira musoro wavo ndiye pfacha panzeve yaCliff ndokuti,"Babe I have a good secret for you."Cliff ndokuti,"Tell me swty."Mai Simon vakatanga vati hahahada ndokuzoti,"Would you believe that I am........" *Maiwe payaperera chapter yacho ka?kkkkkkkk.Saka dhokotera vakutobura chimwe chingungundengu kuti muzipirwe* *Watch out for Chapter 14* And dont forget to like my [23/03 18:35] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA-CHAPTER 18* Martha akatora foni iya yakadzimwa ndokuitsveta pedyo nesink,paya panoyanikirwa midziyo inenge yasukwa kuti iome.Akabva aenda kunotora nyama mufiriji ndokuiisa mudhishi.Apa anga akuchida mvura inodziya pasink paya iya yekuti inyungudutse nyama iya.Atosvika pasink paya akabva avhura tap iya akavarairwa.Tap yegeyser inoburitsa mvura inotonhora pekutanga inopisa yozongotevera.Iye akazvikanganwa izvozvo sezvo anga akuita zvinhu achimhanya.Saka akazovhunduka paakasvotorwa ruoko rwake nemvura yaipisa.Ndipo paakavhunduka ndokutenhedza foni iya bvayatsvedzemuka yakananga musink muya maitovawo nemvura iri muhalf apa chiplug chemo chakavhara.Foni iya yakatiwa mumvura imomo.Akaibudisa akutotya apa maoko ake achingwenda zvekuti yakadonhera musink muya makare.Akazoibuditsa aita kakudzikama ndokuedza kuibatidza,asi yakaramba kubaka.Mvura yaiva yatomwira muengine yefoni.Yaikwanisika zvayo kugadzirisika mushure mekunga yaomeswa neblower izvo zvinongoita $5 bedzi,asi mhando yaanaBaba Simon haiiteka zvakasara kudaro.Apa chakangotya Martha ndechekuti aigona kungodzosera bhizinesi remubi wake nekuti foni yamuzvinabhizinisi inenge yepakamba yemapurisa.Anogona kutofonerwa nezvemadhiri emari pakati pahwo husiku.Martha akaona kuti akada kuhwanda hwanda hapana kwaaizosvika zvakare aiva nesimba rekugona kunyungudutsa Baba Simon saka akabva angoenda kwavari ndokuti,"Swty sorry for disturbing your match.Ndadonhedza foni yako nemistake mumvura,please forgive me.Unogona kuburitsa line rako imomo woisa mune yangu kuti ufanoshandisa."Martha akataura akazvirereka musoro wake uri padivi uye akapfugama apa misodzi yekuda ruregerero yatojenga mumaziso ake.Baba Simon vakabva vamusimudza ndokumugadzika pamakumbo ndokuti,"Dont worry sweety.Mistakes are common.Handina pressure yemabusiness calls to say at least.So you dont have to give me one.In fact you can take that handset yafa zvako,kana uchida kungoigadzirisa hapana kana problem.Tomorrow ndichangoisa line rangu mune imwe foni yangu itsva iri mudrawer rangu kubasa.Go and cook for me babie,usatye zvako you bring me luck coz team yangu yakahwina now."Martha kakangoti,"Thanks daddy."Kakabva kapukuta maziso ako ndokutsvoda Baba Simon pamuromo chaipo.Kapedza kakabva kanopfuurira mberi nekubika. Imwe nyaya yaiva isina kuitirwa mukaho naBaba Simon pakuti vakurumidze kuwana foni ndeyekuti,vanga vaswera vachishungurudzwa neimwe pfambi yavo yekuZvishavane.Pfambi iyi yaiva yaswera ichivafonera ichivaudza kuti yaane mwana waivo Baba Simon.Nokudaro yaida kunzwa kuti nyaya yacho yaizofambiswa sei.Baba Simon vakatomboblacklister nhamba dzepfambi iyoyo,asi yaitovawo ngaka ichitofona nedzimwe yakaviga nhamba dzacho.Saka kudonha kwefoni mumvura yaitovawo a blessing in diguise kwavari,asi riri pfumo pamoyo paMai Mwale nekuti nguva yese iyi vaiva vakatarisira mhinduro kubva kunaBaba Simon.Vakatogojodoka nazvo vaona message iye yekuti Not Delivered vakabva vaziva kuti vavhima nesauti. Zvichakadaro vakabva vapika kuti vazoone Baba Simon pauzima kubasa kwavo chaiko nemangwana acho.Wava mumagumbeze naVaMwale havana kumbovaudza nezvehurongwa uhwu nekuti hazvaipa chimiro chakanaka kuti vanoone mumwe murume pasina murume wavo kana mvumo yake.Iyi vaida kuivhiya vega.Vakangoudza murume wavo nezvekufona kwababa vachivava.VaMwale vaikwata mudhara uyu nekuti mazuva avaipfimba Mai Mwale vakambotandaniswa naye aine rekeni ine bhaudhi.Zvochitiwo aiva tezvara wavo saka aifanirwa kutovaremekedza.Kuti vauye vachizopopota zvaizongonyadzisa saka VaMwale vakangofona madekwana iwaya kuti vadzikamise bope iri.Foni yakaitwa rinenge awa rese isina kumbonhongwa.Payakatambirwa VaMwale vakanzwa mudumbu mudhara uya achiti,"Ndianiko anondifonera husiku huno ndarara?"Apa aitaura nenzwi guru riya rinozunungutsa makomo."Ndini mukwambo wenyu Mwale baba.Ndinokumbirawo ruregerero pane zvakaitika.Tichauyako next week kunoona mainini.Ndapota zvangu musauye kuno baba vangu.Mhosva tiri kuiziva uye tiri kugadzirisa."VaMwale vakazvidukupisa.Kana zvechivanhu zvatanga basa razvo zvekuti une mari unozviisira imbwa dzinhonge.Mudhara Simbi vakabva vachionyererwa zvino.Vamwe vanhu vakakumbirwa ruregerero vanotomera bhibho."Maidaka kuchekeresa muzukuru wangu.Makamutora asati apangwa mukaita nharo.Chionaiwo manje makundipa mutoro.Avete kumishoni izvozvi.Iwe zvako ndakunyara semukwambo wangu.Athawaizi kana uchida kuti nyaya iyi ipere tenga chapomba ndisati ndagumbuka."VaMwale vakaseka mushure memanzwi aya ndokuti,"Hamuchaone Mhofu,ndiko kuti babazve.Saka hamuchauyeka mangwana?" VaMwale vakabvunza nenzwi rizere kufarisa.Havana kuziva kuti vanga vatogofa mutunhu uzere nemago zvekare."Iwe ndinokukanganwa mukwasha.Uri kuti ndiko kuti babazve,asi ndagara handigone hubaba hwacho kani?Munoda kuona hubaba hwangu mushure mekunga mapondesa muzukuru wangu manje?"Uri kundibvunza kuti ndiri kuuya here mangwana,asi hausi kuona wega kuti ndaitoda kuuya apa ndikazokunyara."VaMwale vakaona kuti yakutokwira mutarara ndokuti,"Ndine hurombo Mhofu.Ngaisiye matambo."Vakatombotsveta foni paheadboard ndokurova gusvu.Mudhara Simbi akangoti nxa nxa nxa achidzungudza musoro ndokubva akata foni pasina zvaakazotaura.VaMwale vakabva vasenda $150 neEcocash pafoni yemudhara uyu.Yaiva yekupomhodza hondo iyi.Musi uyu vakatozovata vachiseka kuchochomeswa kwavanga vaitwa nemudhara uyu,asi nechemumoyo Mai Mwale vaida kusota Mai Simon zvinofa zvakadaro.Mangwana acho vakaparadzana vachiti vari kuenda kuBoutique kwavo,VaMwale vachienda kwaSeke kwavaizoshandira musi uyu.Mai Mwale vakangoteremuka naCripps vakananga pahofisi yaBaba Simon.Vakatosvika pareception vakaudzwa kuti boss varipo.Apa nguva dzaiva 8 gedye gedye.Vakatenderwa kuti vapinde.Vachingopinda vakatoona Baba Simon vachiisa line ravo mufoni yairatidza kuti yaiva itsva.Mai Mwale naBaba Simon vaiti vakaonana vaitoseka sevaramu zvavo.Vaimbotaura vese kubva kumashure,asi kazhinji dzaingova dzebhizinesi.Mai Mwale vakatanga nekuti,"Hoo nhai ndokusaka musina kuona message yangu nezuro.Kutobvisa zvenyu line tichida kuita business.Mutikwanire baba imi."Baba Simon vakaseka ndokuti,"Aaa foni yakadonhera mumvura nezuro pandaigeza maoko mukicheni.Ko yaiva message yei?Mai Mwale vakangoona kuti vanga varohwa nestatement."How come kuti murume akaroora anogezera maoko mukicheni?"Vakazvibvunza havo vakatadza kuzvipindura.Vakatozosara kubvunzana hupenyu nyaya dzatombotsva.Pavanhu vaiita kupindira kudai,Mai Simon vaizopabuda here? Mai Mwale vaiva vakaenzana pamakore naivo Baba Simon,ndokusaka vaiita kakudheererana navo.Zvekare hapana aigayira mumwe hora pakati pavo,pakugarisana kwavo kwemakore mazhinji. Mai Mwale vakagarisika zvakanaka ndokugadzirisa kasiketi kavo mushure ndokuti,"Umwe wangu,musha wako waparara.Kudai kusiri kuti ndiri kumhanyira kubasa ndaidai ndakuudza zvese.Nyaya iripo ndeyekuti Mai Simon vane chikomba.Kudai Baba Kudzi vaiva pano vaindipupurira kuti vakavaona kuMargolis last week iyo.As we are speaking she is now my number 1 enemy.Let me show you."Mai Mwale vakabva vafonera Mai Simon asi vakabva vakatwa ipapo ipapo. Baba Simon vakatanga kusinina ziya pazuda ravo.Vakanzwa manyoka ipapo,simba rose rikati pepepe.Mai Mwale vakataura zvakavajekera.Hapana mbavha inoda kubirwa.Baba Simon vakazozvishingisa semurume ndokuti,"Thanks coz in the past weeks or so she has been acting weirdly.Ndakatombonetsana navo nenyaya yedress code yavo,but apa zvakuda kuti ndizvibatire ndega."Mai Mwale vakaita kakunyemwerera kechisikana kaya ndokuti,"I just played my part as a family friend.Mongoita madhiri enyu makachenjeresa vakomana."Apa vakabva vatongosimuka ndokumira kuti vachiende.Mutoro wavo waivaremera vaiva vautura.Baba Simon vakabva vasimuka ndokufamba zvishoma nezvishoma vakananga paiva pamire Mai Mwale.Vakabva vavambundira zviya zvehushamwari zvinoita varungu ndokuvatarisisa mumaziso ndokuti,"Thanks for saving me dear.Mai Mwale vakashaya kana chekupindura ipapo.Vakatanga kunzwa kubatwa kwavaiva vakuitwa kuchiita kakutapirira.Baba Simon vakabva vatoshandura chiso chavo ipapo chatozara mazirudo ndokuti,"Can you cover this one for me.I love you sweety."Zvinhu zvese zvakaitika kwenguva pfupi pfupi zvekuti Mai Mwale havana kunzwisisa kuti zviri kunyatsofamba sei.Vakangoerekana vakutomwaiwa makisi epachando chaipo paFrance.Baba Simon vakatanga kupuruzira Mai Mwale kumusana zvekuti vakange vakutopera simba.Vakazongoti rabada patafura ndokubva vazongomuka ndokutora handbag yavo ndiye hutu vasina kuoneka.John akatora chikamu chese ichi cherudo nepakey hole pedoor raBaba Simon iri.Akangopananganidza nelens yacho akatora kavideo kacho kaakabva asendera Mai Simon ipapo ipapo.Anga angonzwawo ka kufemeruka kwevanhu achipfuura zvake.Giya rerudo harinawo hurongwa nedzimwe nhambwe.Mai Mwale vanga vasina kumbozvironga zvese izvi ndokusaka vakazoita zvekutsakatika mushure mekurangarira kuti vakufadza nyama yavo zvisizvo.Baba Simon vakasara vachinyara zvisingaite.Vakazongozvisiyawo kwakadaro ndokuchigaya nezvenyaya yavaiva vaudzwa.Vanotaura vanoti ukaona murume anohurirwa nemukadzi haasi murume pane vamwe varume.Nokudaro Baba Simon vakarwadzirwa nenhau iyi.Kana hujongwe hwavo hwavaiita vakaona husina simba apa.Vakaswera vakazvivharira muhofisi mavo vachiduta chibhomba cheWhiskey yavo yaigara mudisplay. Vakapedza chibhomba chese vari vega zvekuti vakaswera vakaparara nahwo.Iro doro rekudita wakagara rinogona kuramba rakakugarisa zvekuti unotadza kana kusimuka.Vakatokaruka 4 dzachaya ndokuzvishingisa kuti vaende kumba kuti vanomutsa chimoto pamusoro penyaya iyi.Vanga vazvipira kuti kana Mai Simon vachidzoka zvavo kumba kwavo rwendo rwuno vaingodzoka.Musi uyu vakatobva kubasa kwakachavhurwa.Vachisvika kumaraini kwavo kudai vakawana Mai Simon vakamira panze vakabata chiuno.Zvakatovashamisawo kuti sei Mai Simon vakurumidza kubva kubasa kudai.Imba yavo yaiva nechepakati peraini zvekuti vakatanga kuvaona vachangobva kupinda muraini.Baba Simon vakatongofarirawo kuti vanga vaona munhu wavaida,asi havana kuziva imwewo hondo yaiva mberi.Apa vaida zvekare kuvhurumutsa munhu wavo ari panze kudaro zvekuti kana kuri kuchienda zvavo Mai Simon vaingoenda zvavo.Mota yavo yakati tsvii panze pegedhi ndokubva vaburuka huri muhuma.Pakutanga vakaramba vakatarisana kunga nhunzi dzasangana pachitunha.Hapana akada kutangana nemumwe.Baba Simon ndivo vakazoti,"Ko kuzokurumidza kudai asi zvikomba zvenyu hazvina kuuya kani?"Mai Simon vakati netu nazvo.Vakanyepera kushaya kuti Baba Simon vanga vazvinzwa kupi zvese izvozvo.Semunhu anga ava nhubu vakati,"Hamunyare murume mukuru kuswerotedzana nemakuhwa.Business richaita downfall nekuda kwenyu kuteerera makuhwa and pamusana pechihure chenyu chinosemesa kunga chembwa.Manga muina Mai Mwale nhasi muoffice menyu muchiitei?Now matonditadzisa kupedza basa rangu muzuva ranhasi pamusana pehure renyu rekuZvishavane ririmo mukati umu rauya nemwana waro,a new born baby.Hohoho vamwe vanhu munomboraramireiko pasi pano.Vanhu vasvinu vari paoxygen support muintensive care vari kutoshaya mweya wekufemesa imi zvibage zvevanhu muri kungotambarara semashamba kuno kunze."Baba Simon vakangoti gwajadara pasi,ndokuita kakupfugama.Kana doro racho rakapera kuti hwaa.Apa ndipo paunoona kuti kudhakwa kuzviitisa chaizvo.Vakasiya motokari naMai Simon vari panze ndokupinda mukati kuti vazvionere.Vakaona aikaka zvedi mhou nemhuru yayo zvigere palawn zvichitoyamwisana.Musikana uyu ainzi Netsai aitovawo nekatondo kechikorokoza.Shena yaaiva nayo ungati imbambaira ichangobva kufukunurwa.Mai Simon vaiita kupupira vari panze.Vaishaya kuti Baba Simon vanga varoiwa neakafa here kusvika pakutorana nechitikidhima chaitovawo nemadzvanga dzvanga matema tema pamakumbo acho.Zvaitoratidza kuti chaiva chakambozvamburwa nedenda remanyukira.Kana kunzi Baba Simon vanga vakanyenga husiku apa zvanga zvakanyanyawo apo.Iyo nyaya yavo yekuti kwese kwavaendeswa nebasa vaitosiya vavaka musha ikoko,yanga yavaonesa chimoto.Kuti ivo Baba Simon vavhurumutse Mai Simon nezvenyaya iya zvanga zvisisaite panguva iyi.Aya anga atova mangange muGwanzura.Baba Simon havana kumbotaura naNetsai uya.Kuti vabvunze kuti,"Waziva sei pano?"Vakashaya kana simba racho.Vakangotarisa mwana uya ndokuona inga chikomana chaitovawo nemigwaku yenzeve seyavo.Paisada kana DNA TEST apa.Murume mukuru akapererwa kuti otangira nedivi ripi.Akabuda panze ndokuona Mai Simon vachitotsenga zvavo bubble gum vachitambisa kagumbo.Vakavakwenya pabendekete ndokuti,"I am sorry my wife."Mai Simon vakasekerera svoto ndokuti,"You are sorry for what?You should be sorry to your son.Wauri kutonhodza nechando panze pano.Tipeiwo way forward baba inini ndiri kuda kuti uite get rid of your shit!Otherwise pano panoti ini and handisi kuzobva.Again to settle the scores I am now demanding $10 000 kuti ndisaendese nyaya yako kuH Metro.Ndipo pekutombodyirawi mari yako ipapo.Tingaazoidyirepi iwe last time wakatengera rimwe hure rako riya rekuKuwadzana imba,isusu tiri machild bearing machine manje." Baba Simon vakaona kuti apa vatyorwa mabondo akasiiwa ari murwi ndokuti,"Ok I will do just that for you,but please dont publicise it."Mai Simon vakaunyanidza chiso chavo ndokuti,"This is the last time again,again,again and again.Waenderera kakawanda manje iwe.Wazvionaka kuti dzinokundaka rufu idzoka nyadzi.Organise that $10 000 for me now today.Failure to do so prepare to see youe ugly face pafront page tomorrow.Ndanyara mucheche uyu nekuti ndinewo moyo wekubereka samai angaparara nepneumonia.Ndiri kungobvumira chigure chacho kuti chirare pano nhasi chete then tozotanga kutaura tese from there.Tomorrow zvekare ndinoda kubva kubasa chisisipo.Am I understood?"Baba Simon vakangogutsurisa musoro.Mushure Mai Simon vakabva vangomhanyira kupinda mumba vachivasiya vari panze.Baba Simon vakazviona kuti Mai Simon vanga vasisiri mukadzi wemumusha asi chekuvaita paiva pasina.Shuwa mukadzi angatonyoresa murume wake kudaro kkkkk??$10 000 iya yaitogayirwa hora. Musi uyu Netsai akarara muguest room,varidzi vemba vakavata vakapirana makotsi kunga logo reKappa.Mai Simon vakarara vaane hurongwa hwekuhwapura Cliff zvachose nekuti zvemba yavo zvanga zvarambisisa.Baba Simon vanga vamwirira muchipfambi,ivo vanga vaparadzwawo nerudo rwaCliff saka panga pasisisna nguva yekuseka kana yengoni.Yanga yava nhangemutange asara asara.Asipo anodya sipo. Mangwana acho Mai Simon vakamukira rungwana ngwana $10 000 iya vatoipihwa kare.Vakapfuura nekumaAvenues.Vaksvika dzichiri kuma6:30 nguva dziye dzavanenge vakuchaisa.Motokari yavo ichingomira netint yavo yakakombwa nevatengesi vezvidya.Vainga vatoti zvirauro zvavo zvabata makuseni zvikabata hove huru.Mai Simon pavakadzikisa hwindo remota yavo vasikana vaya vakazotaramukira vaona kuti mune mukadzi.Vamwe vakambogaya kuti ndivo vaya mapimp asi mhando yemotokari yaMai Simon ndiyo yakazoita kuti vasiye pfungwa iyoyo kwakadaro.Mai Simon vakaringa ringa ndokusheedza mumwe musikana aiva akanaka pana vese.Musikana uya haana kumboita kana nharo.Vakabva vamuvhurira door remota ndokubva apinda.Pabasa ravaida kuitirwa vaitoda munhu ane moyo wakaoma sewepfambi.Kuti vatorane naCliff zvachose vasina kana hanya nemhuri yake,vaifanirwa kutanga vavharisa muchato waCliff nekuti zvinosungisa kuzovhiringidza vane muchato.Zvekuti vaida Cliff kusvikira pakuti vaida kungomuonawo achifara,vakaona kuti hazvishande.Kuti vawane rudo panofanirwa kutofiwa.Nokudaro vaida kushandisa musikana uyu kuti tsoro dzavo dzibude bhobho. Musikana uya akazoti anonzi Evelyn."Evelyn I know uri paroad pano for money only and I know that all bitches are real hustlers.So I want you kuti undiitire something then after that unofa nebag."Mai Simon vakadaro musikana uyu akanyemwerera nekuti anga aona mupata wemari.Evelyn uya akasekerera nekona yemuromo ndokuti,"For money we can do anything.So muri kuda kuti ndikuitirei?".Mai Simon vakati,"...." Vakatii Mai Simon?? Why is she always winning?? *Hahahahaha watch out for chapter 19* Like my fb page Dr Maxx's Stories https:// mobile.facebook.com/Dr-Maxxs- Stories-102170740260328/?v=feed&_rdr [23/03 18:35] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA-CHAPTER 19* "The story is I am tired of my marriage.My husband has many extra marital affairs.So to massage my bruised ego I had a boyfriend when I first discovered kuti murume wangu is cheating on me.Now zvemba handichada yatongovawo yezita,ndakutoda boyfriend yangu iri married.Thats why ndauya kuno coz I know you girls kuti muri so good pakusnatcher mahubbies evanhu.You got many skills."NdiMai Mai Simon avo vaiudza Evelyn pamusoro penyaya yavo.Evelyn uya akangovatarisa neziso riya rekuti uku ndiko kukambani kwedu chaiko ndokubva ati,"Ndine vamwe mbuya vangu vekuEpworth uko vanotipa macharms.We can go there today totoswera takutaura zvimwe."Mai Simon havana kufarira pfungwa iyi zvachose ndokubata musikana uyu papfudzi rake ndokuti,"Mishonga inonetsa vasikana coz hatide zvine maspiritual side effects.Pari kuda chireal gangster bitch.Kana zvichiita kungopfuudza mukadzi wacho then so be it."Mai Simon vakataura vakashinga kumeso kuratidza kuti vaisada zvekutamba.Evelyn uya akasekererawo uye nenyaya yekukara bhegi akabva ati,"I never did that before asi as long as paine mari,I can try it for the first time nekuti sister ka muroad muno makaoma.Ndikakuudzai kuti ndararira pondo nhasi you wont believe it."Mai Simon vakambokanganwa nezvenyaya iye vachiseka ndokuti,"Saka mainini apa hapasi kuda chibharanzi.Zvinhu zvekuti zvinorongwa nekure uye kana zvaitika hapana angambotigayira."Evelyn akavhurisa nzeve dzake kuti anyatsoteerera."The issue is you must relocate to Kambuzuma as soon as yesterday.Ndokurojera ikoko ndiko kunogara vanhu vacho.You must join their church this Sunday paya panonzi vaenzi simukai wotosimuka.Make instant impact babie.Vari kuda kutochata vanhu ava so they must not wed.Very soon vachaita kitchen party wovagadzirisira ikoko.Ndiri kudaro futi coz I am carrying his child as I speak."Mai Simon vakapedza kutaura ndokutambidza Evelyn kawaya kasina basa. Hapana munhu anofara pasi pano kukunda pfambi yawana mari.Akatanga kutoona achibudirira uye achizoparara nebhegi kuburikidza nehurongwa uhwu.Mai Simon vakazomuudza kuti ivo vachaswera vachimutsvagira imba kuKambuzuma ikoko.Vaiva nemaconnections zve saka yaisatombonetsa kubatika,asi vaida kuzviita vagarisika.Evelyn aifanirwa kutoswera achirongedza twumbatya twake twaiva muflat raaisheya nemamwe magongi.Vaviri ava vakazoparadzana kwatova kumapast 9. Mai Simon vakananga kuBoutique kwaMai Mwale.Apa vaida kuzonofinhura bedzi nekuti bhora ranga rava mumakumbo avo.Hanzi ane bhora ndiye anomakwa.Vakasvika iri nguva yetea ndokunanga muhofisi yaMai Mwale ava vaitonwa zvavo tea panguva yakare.Vakangopinda vasina kugogodza sezvavaisimboita mazuva ese zvikuru sei vachiri shamwari neshamwari.Mai Mwale vachingoona Mai Simon vakati,"Unogoona muno sechuru chekuti unongopinda senyoka in what capacity?Dont you have proffessional manners?In fact zvemahure pano handichade.Vasikana vangu vepano vangatohakira zidhimoni iroro.Get out now ndisati ndafonera police!!"Mai Mwale vakazhamba zvekuti tea yavainwa yakatya ikabva yatoita chando ipapo ipapo.Mai Simon vakaramba zvavo vakamira vachidzungudza musoro wavo vachiita sevasina kunzwa zvaiva zvataurwa.Mai Mwale vakabva vasimuka ndokutungidza Mai Simon nemupande wezenya vachiti,"Urutsvagei pano iwe?"Mai Simon vakaramba zvavo vakamira vachikwenya dama ravo riya ravaiva vakwazurwa.Mai Mwale vakada kudzokorodza zvekare ndokubva vanzi weave yavo dzvii.Ipapo vakadzikama nekuti yaiva yakavadhurira weave iyoyo.Vanhukadzi munongovazivawo nekukoshesa micheno.Vaitofanirwa kutaurirana naMai Simon kuti weave yavo isakanganisike.Mai Simon vakaramba vakaibata zvekuda kuidzura zviya.Mai Mwale vakaona kuti vangatodzurwa nemusoro wacho zvese ndokuedza kutsukunyika.Mai Simon vakabva vatoshwinya weave iya zvekuti mastitches ayo akatanga kurudunuka neropa.Mai Mwale vakabva vamira zvavo,havana kuda kuita nharo.Mai Simon vakabva vasvipira kumeso kwaMai Mwale.Mai Mwale vakaita kunonzi kufashaira nehasha asi chekuita paiva pasina.Vakazongoti,"Urunyatsodei pano Mai Simon?"Mai Simon vakatarisa Mai Mwale mumaziso chaimo ndokuti,"Ndauya kokuudzai finally kuti musiyane nelife yangu.Haisi mhosva yangu kuti we were friends and zivai kuti anopinza vanhu denga ndiJesu kwete hushamwari.After all zvinhu zvese pasi pano zvine mavambo nemagumo.Munhu akapinda basa chasara kudzingwa uye munhu akararama chasara kufa.Wakaita dzvene ka kunaBaba Simon ukada kurara navo nezuro muhofisi yavo?"Mai Mwale vakapererwa.Vakangoerekana vareruka kusvikira pakusvotoka vega kubva mumaoko aMai Simon aiva akabata weave yavo ndokungoti gwajadara kugara pasi chaipo.Mai Simon vakabva vachonjomara ndokuratidza Mai Mwale video iya.Pakadaro kana kukaka nharo ungadziwanepi?Mukadzi mukuru akazviitira weti kana twuhasha twese twakapera.Mai Simon vakatanga kutosekerera zvavo svoto vachiti,"And dont you ever think kuti that video iri mufoni mangu bedzi.Ndogona kutokupa foni iyoyo now ugoipwanya zvoshaya basa because I saved it in about ten memory cards andisina pano and I filed it in my laptop files." Mai Mwale vakanga vachiti zvino maziso udyu kunga hove yajutwa nenyongorisi yaiva pachirauro.Vakashamiswa zvekuti vakatadza kana kutaura.Mai Simon vakabva vati,"Pane zvese zvawaiedza uchida kundiita bring down to zero I wont retaliate because I am too smart for that.Since we are all bitc..."Mai Mwale vakabva vavadimurira vachiti,"Please dont call me a bit..."Havana kuzopedzisa muromo iwoyo vapfekedzwa ibvi pamaziso naMai Simon.Vakatosvipa ropa ranga rakutobuda kubva mumazino avo."Shut up! Unoda kuzviita wega muwise.You are a bitch just like me.Now listen bitch.I want to settle some scores with you.Handichadide kunzwa nezvako uye iwe handichadiwo kuti unzwe nezvanguwo.Of the two of us I am the smartest bitch.Now give me $5000 cash or else this video will go viral just from a single click of a button!" Mai Simon vaitaura vachitenderera tenderera hofisi yese apa Mai Mwale vakangoti ngwenjerere kugara pasi.Mai Mwale vakatoona kuti mahwani atangidza shuwa ndokuti,"Please my sister.We can talk things over and make it up again please.I dont have such a huge amount my young sister please."Mukadzi akasiririsa ari pari ipapo,asi zvakanzwikwa naani.Mai Simon vakabva vati,"Ok since you are not complying then let me take my leave."Vakabva vataura vachitofamba vakananga pamusuwo.Mai Mwale vakabva vati warawashu kusimuka ndokunovharira musuwo wacho vachiti,"Please my dear ngatitaurirane."Mai Simon vakaganza zvavo vachiti,"The only condition yatingataurirane ndeyekunge wandipa that amount in cash now.Ndiri kutoda kuti ubroke kuti uzive kuti vamwe vanhu havatambwe navo."Mai Mwale vakapfugama pasi vachichema."Please Trish my young sister.Wakatanga rinhi kuoma moyo kudai?I know you from way back kuti you couldnt even hurt a fly.But why why why why?"Vakabvunza vachisiririsa musoro wavo uri padivi kunga wevasikana vaya vaiimba Senzenina iya inenge ichidetembwa naAlbert Nyathi. "Ndakatanga kuoma moyo from the day you lousy noise poked into my business."Mai Simon vakangodaro vasina kana hanya ndokunyarara zvavo.Mai Mwale vakabva vakumbira zvekare vachiti,"But Mai Simon you earn better than me,asi uri kuda kundikoromora.Sometimes my husband anomboita chip in pathis business.Ukandidaro unenge wandiparadza ufunge munin'ina wangu."Apa vakabva vataura vachiita kakutambanudza maoko avo kuti vambundire Mai Simon.Mai Simon vakamhizura maoko aya ndokuti,"Zvinei neni zvekubroker kwako.Chibvai pano panzira nekuti hamunaka mari yacho.Mukaramba makandivharira muno ndakufonera police ndoiudza kuti muri kuda kundikidnapper!"Apa vakataura vasingaseki.Mai Mwale vakaona vega kuti uyu waingova mutunhu ndokubva vati,"But handina cash ini.You know iri kunetsa.I have it in my account so I can transfer it to you now."Vakataura zvekare nenzwi rakanyura mumisodzi.Mai Simon vakatoomesa zvinhu zvino ndokuti,"Cash iri kutoshupa kwese kwese,asi kana zvadi chiisai iri $8000.Transfer now with your phone ndiri pano!"Mai Mwale vakatanga kuchema sekacheche vachiti,"Wanga wati $5000 wani.Please usadaro.Ndakukupa iri $6000 thats the last I have.Please please please dont leak out that video."Mai Simon vakaseka zvinosemesa ndokuti,"Ndotadza nei kuileakisa iwe uri rombe risina mari.Ndakunyara hure iwe.Chiisa $6000 yacho izvozvi.Wafarisa ka pekutanga ndokusaka ndakupa good treatment.Uri business entity futi ka iwe saka that amount haina pressure ukandisendera izvozvi."Mai Mwale vakatora foni yavo iwe.Misodzi yaingova mokoto mokoto pamatama ndokutransfer mari iya.Ichingopinda,Mai Simon vakabva vatoshamula negap.Vakasiya varovera musuwo. Mai Mwale vakasara vari huku yanaiwa.Apa mwedzi waiva wava kwamvurayachekamakumbo,saka vaizobhadhara vashandi vavo nei?Ko vaizoudza sei murume wavo kuti ndiyo yaiva yatambika?Kunyangwe kudai vaizomuudza handi aida kuzoziva futi mudzi wenyaya?Apa Mai Simon vanga varoya rakacheka nyika. Mangwanani iwaya Mai Simon vakafonera munhu wavaiziva kuti avatsvagire one room svinu muKambuzuma.Yakabva yawanikwa ichiita $60 paine mvura nemagetsi zvese ipapo.Nemaomere akaita zvinhu zvaiva zvichambonetsa here.Vakazorangana naEvelyn pafon kuti vaizomutamisa madekwana.Musi uyu vakanakirana naCliff muhofisi mavo nekuti makonzo vaiva vafirita.Cliff akashamisika kuona achipihwa $2000 naMai Simon musi iwoyo.Apa vanga vakuita zvekucampaigner kuti munhu wavo asaende.Vakazoparadzana kwatosviba,Cliff achienda kumba kwake ivo ndokusara vachihaya kaCanter kekuti vatakure property yavaiva vatengera Evelyn pamwe nembatya dzake.Vakazosvika pamba pacho paiva pane one room yakanaka apa kwaiva kuseri kweraini raanaCliff.Mai Simon vakabva vatengera Evelyn grocery remwedzi miviri chaiyo pamwe nekumubhadharira rent yemwedzi mitatu kamwe chete.Mari yaiva isiri yekutsunhurira zve.Vakazoronga nezve nzira yavaizoshandisa pakunyudza Mai Ruru,vakatoona zvichiendeka.NaMwari rudo rwune simba kupfuura madhimoni. Musi wakare ari manheru,Mai Percy naBaba Percy vakatanga kukurukura zvavo wava mumagumbeze."Riri sei new job murume wangu?"NdiMai Percy avo vaingonubvunza Baba Percy nezvekubasa kwavo.Baba Percy vakatosekerera zvavo ndokuti,"Yaa kubasa kuri bhoo so far I think muri kuona kakurongeka kwako."Zvokwadiwo kakurongeka kaivapo nekuti panguva diki yavaiva vashanda,Cliff akakwanisa kuvabhadharira chikwereti chavo cherent yemwedzi mitatu uye nekuvatengera chikafu.Asi kamupindurire kavakaita Mai Percy kakaratidza kuti pane zvinhu zvavaiva vasiri kuona zvakanaka kubasa ikoko ndokusaka Mai Percy vakati,"Response yenyu haina confidence,asi pane problem kani.Usatye murume wangu kutanga basa ritsva kunogona kustressa."Baba Percy vakaona kuti vakaramba vakachengeta zvaivanetsa mumoyo mavo zvaizogona kuvapandukira kumberi saka vakati,"Ndiri kutadza kunyatsoziva kuti imwe mari ina Baba Ruru vari kumboionepi chaizvo?Of course vakati vari kushanda kucar sale futi kwandisati ndamboona zvangu inini,but haa nemaomere akaita zvinhu motokari hadzingatengwe sefresh howa kudaro.Motokari dzingatengwa sematoffee kudaro here?Murume uyu pane zvaari kuita chete dhuze zvemushonga."Pavakapedza kudaro zvikiti zvakatanga kuzvichemerawo zvazvo panze zvichiita sevana vari kuchema.Mai Percy vakabva vagumbatira murume wavo vakutotya.Baba Percy vakataura nenzira yekuti vaitozvitendawo.Ipapo pekutanga Mai Percy vakatadza kana kutaura,Baba Percy ndokuwedzera vachiti,"Imagine ndinotengerwa Chicken Slice for lunch everyday.Hakuna mari tsvene yakadaro." Mai Percy ndipo pavakabva vavagamha vachiti,"Asi une point shuwa murume wangu.Kamusimukire kawakaitaka apa kanotyisa.Zuro rino Mai Ruru hantie vaiuya apa vachizokumbira shuga chaiyo,asi nhasi sausage vakuita kudzitambisa fish fish.VanaRuru vakungotamba pada nemabiscuits wani,vachitemana nemasweets."Vese vakamboseka mushure memanzwi aya.Vakazotaurirana vakaronga kuti vaisazoita zvekumhanya mhanya panyaya iyi.Pamwe vaigona kunga vamhanyisa pfungwa dzavo,asi vaida kuzotamba nenyaya iyi zvine hungwaru. Manheru akare Mai Ruru vakarota vachichata naCliff vanhu vazere muchechi.Vari pakati pekufara kudaro zvinhu zvese zvakabva zvanyangadika ivo ndokusara vega muchechi imomo vakapfeka gawuni ravo repaBelgium chaipo.Vakazongokaruka chechi iya yatoshanduka kuva makuva.Vakatanga kusheedzera kuti,"Baba Ruru!Baba Ruru!"Asi hapana akavapindura.Vakatanga kumhanya sevaitiza vachisvetuka svetuka makuva aya dzamara vapinda mune chimwe chisango chaiva kumucheto kwemakuva iwaya.Vakaona kanzira kaiva kakatsvukira muchisango chiya ndokutanga kukateedza vachimhanya.Varova nhanho shoma shoma vakanzwa zvimitsindo zvihombe zvaivatevera pamwe nemanzwi evanhu vaiita sevari kukuzirira zvimitsindo zviya kuti zvisvike pavari.Vakatarisa mativi ese asi hapana wavakaona,asi vainzwa manzwi iwaya ari munzeve dzavo chaimo.Vakabva vakurura twugogo twavo twavaiva vakapfeka ndokutwubatira mumaoko ndokungoramba vakati tande nekanzira kaya,asi zvimitsindo zviya zvaingouya.Vakatozonzwa zvatova mugotsi mavo chaimo.Renda ravo rakabva ratsikwa zvekuti vakatadza kuenderera mberi nekutiza kuya.Vakabva vangotendeuka bvavangonzi huro dzvi nechioko chitema tema.Vakangoona ruoko irworwo chete pasina makumbo,dumbu,musoro nechipfuva.Vakatadza kana kufema,kana simba rekuchema chairo vakarishaya.Rimwe zioko rakanyuka futi ipapo apa rakapakata zibanga raivaima ndokubva rasimudzwa kuti ribaye Mai Ruru.Rakuda kutodzikisa kudai ndipo pakabva papepuka Mai Ruru vachiti,"Yowee kani amai ndofa ini kani!"Vakamuka vakati ziya nyakata muviri wese... *Nhumbu yaMai Simon🤰🏿🙌 🏻!!* *Kkkkk hameno tingati inhumbu here? * *Watch out for Chapter 20* Varwere vangu muri sei.Jekiseni juu pa.......💉😂 Dont forget to like my fb page:Dr Maxx's Sto [23/03 18:35] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA-CHAPTER 22* Vakabva varirova sprinter ndiye tande naLytton.Gora ndiye airipisa uku Chigubhu naBhutsu vakarindira Evelyn kumashure.Waiva varayirwa naMai Simon kuti vatouraye munhu,saka paisamboda kuitwa zvemisarara.Mai Simon vainge vaongorora vakatoona kuti Evelyn aizogona kudura zvese kana angopona.Iye Evelyn aiva angoudyura maziso apa akungofema nemhino bedzi.Sprinter rakazopindwa naro munaSimon Mazorodze,ndiye pfuurei nepaMbudzi Roundabout dzamara rasvika kuzvisango zvekuUshehwekunze.Airiona richifamba aiti hameno ndege yatiza kuairport ichiuya pamushikashika.Sandi kufamba kwaraiita ikoko,kuita kachitundumutseremutsere kepasi chaiko.Rakati rati tsvii kumira,Gora akadzika zvake akabata mudzanga wake wefodya.Akatenderera kuseri ndokuvhura kumashure,Bhutsu naChigubuu ndokukanda Evelyn panze semakandirwo anoitwa bhegi resimende nemabhiridha abva kudya sadza ravo riya rinenge risina kumbokwatiswa.Vakabvisa tape iya ndokumusiya akangosungwa maoko nemakumbo.Ari pasi kudaro akabva ati,"Ndapota zvangu musandiuraye please.Ndinokupai mari yese yandiinayo or ndinokuitirai zvese zvamunoda kuti mundirege."Aitaura achigeda geda meno nechando chaihwezenga husiku ihwohwo.VanaGora vaisachinzwa nekuti vaiva vakapfeka mazijasi aya matema pamwe nemagorovhosi acho.Gora chakatanga chasekerera svoto ndokuti,"Une marii hure iwe kumba kwako?"Evelyn akambomira zvekugwagwadza akufunga kuti mubvunzo uyu uchamusunungura.Akataura akaita kakufaranuka achiti,"Ndine $250 cash pasi pemattress yangu.Kana mukandirega ndinotonokupai now now."Mazirume aya akaita mahon'era ekuseka zvekuti Evelyn akashaya kuti chava chii zve.Gora akabva akotamira pasi ndokuti,"Hatisati tabhadharwa pabasa iri,asi tisati tarishanda kudaro boss vedu vatipa thaza.Kana ndiwewo hure iwe ndiyani agona kubidder apa?"Evelyn akaramba akati mwiro kunga murume ari kugerwa ndebvu.Gora akabva amuti,"Pinduraaa hureee iwee!!"Akaita zvekusheedzerera munzeve yaEvelyn uyo akabva achururudza weti ipapo ipapo nekukwata."Ndi-ndi-ndi ndimi vanamukoma."Akapindura akungodedera bedzi.Gora aingotaura ega apa semukuruzve akabva ati,"Kana tiri isu zvoreva kuti kamari kako hakana nebasa rese.Kana tapedza kudealer newe pano tichanokatora tokatengesa zvedu midzanga yefodya nemamint.Now usati watevera dzimwe hama dzako dzese dzakafa nechihure,tiri kuda kumbokudhusta pano.Ndiyo 21 gun shots salute yako iyoyo and unenge wafa zvine chiremerera segamba rechipfambi."Aitaura zvake zvinyoro nyoro asi manzwi ake aiva nehuremu.Aiita kubazangura pamoyo chaipo kuita sepatsikwa netsoka yenzou.Ipapo akabva arayira Evelyn kuti abvise kanight kaya ega.Evelyn akamboda kuramba iwee,Chigubhu anga abvira asina ambotaura akati,"Unorwadzirwa nei iwe wasangana nestadium chaiyo yevarume mulife mako.Tidzikamire pano hatina kumbokubatira pfuti.Wotopfavirira otherwise unofa rufu rwembavha chairwo."Chigubhu akataura achifuridzira hutsi hwefodya kumeso kwaiye Evelyn uyo anga achiti zii ungati makuva ekare ekare.Hongu muhupfambi aisangana nazvo,asi anenge azvirongawo uye zviine mubayiro nemari pamusoro pazvo.Manje apa chaitova chitororo chemandiriri.Aigotiza nepai iye akakombwa nehofori dzakasvipa ganda zvese nemoyo.Akamboda kupangura mhere asi aizonzwikwa nani iye aiva pakati pebhundu kudaro.Akaona kuti paisava neyekutamba ndokubva atanga kukurura kanight kaya achiita kakunonokera zviya zvekutya kwakazangana nekusada.Chigubhu akatoona seari kupedzerwa nguva yese pasi pano ndokubva abudisa rimwe zibanga raiita kunonzi kupenya murima imomo.Akabva adhadhanura kadhirezi kaya sare Evelyn ava chiberekeriwa.Evelyn akaona kuti zvatoipisisa ndokubva avhara maziso ake zviya zvekuti chauya chauya.VanaGora vakatanga kunetsana neyekuti achatanga kupinda mupurazi ndiani.Vakatomboita kanguva vachishupana bvavazongoerekana vaona sango rese rati jee kuita masikati chaiwo.Vakaona masvosve chaiwo ainanaira pasi huri husiku kudaro.Vaona zvadaro vakangopararira nesango umwe naumwe achirova aziva kwake aziva kwake ari mheni chaiyo.Pakafambwa zvekuti kudai Bolt akazviona aipa vakomana ava sando dzavo zvese nezvipikiri zvacho.Evelyn akasara agere pasi paya ari mukuma kudaro. Aona kuti zvedi varume ava vacharika,akabva angotora kanight kaya ndokukapfumbata muruoko ndiyewo pforokocho pforokocho nebani kusvikira aerekana abata Beatrice Road wakare. Kumhanya kwemunhu ari kutiza njodzi munokuziva imi.Minzwa yakamuita party asi akamboinzwa here.Kuteerera marwadzo kuya kugarika.Akasvika padivi pemugwagwa uya mukuru ndokutarisa mativi ese. Rakaita awa rese pasina kana motokari imwe chete zvayo yakambopfuura.Pese paya akamhanya ari Eve chaiye apa akabatira kadress kaya mumaoko.Akazokapfeka ndokubatirira paya panga padhadhanurwa nemaoko ake.Nhamo yacho yaiva mudhinda kwese,ngoma yeZion yaitosara pasi chaipo.Aneta nekumira akagara pane chimwe chidombo akuchigaya kuti ozvifambisa sei iye nekugayawo kuti chiedza chiya chabvawo nepi. Nyambisirwa yaingovawo rori yemajecha yaipfuura nechimwe chinzira chechitsotsi chaiva mudondo riya.Vaiva vakomana vaya vanoba jecha remurwizi kuti vanorivakisa,nokudaro vaiita basa iri manheru.Vaigaropesana naanaGora zvekuti vaizouya kwapera kana maawa maviri vanaGora vapedza hundururani hwavo,asi musi uyu akangovawo mahwekwe,zvakumana mbavha nemuroyi.Uku ndikowo kupona kwakaita Sisi Evelyn kunyangwe zvazvo vasina kumboziva kuti chakavaponesa chii.Evelyn uya akaramba akagara akabata shaya achishaya kuti zvino oita sei.Akagara kudaro pakazopfuura bhazi reIntercape raibva zvaro kuJoburg.Akamboda kurimisa akazozvirambira nekuti mufambire waraiita raisatombomisika.Kwapera kanguva pakapfuura rimwewo gonyeti akabva ari siya.Nezvaaiva hapana aingambomutarisa.Vatyairi vanga vakuziva kuti kwanga kwaane mbavha dzarura nekushandisa vanhu vakadai sezvirauro mumigwagwa.Akadzoka kunogara padombo riye chando chikati gogogoi amainini.Apa kwakanga kwava kuma2230 ikoko.Akaona kuti angafe nechando,saka rwendo rwuno akazvivimbisa kuti achaedza kumisa chese chinongouya.Akabva asimuka ndokumira padivi pemugwagwa.Sezvineiwo rimwe gonyeti raitobvawo kuChiredzi richiita kubhururuka rakabva raswedera pedyo nepaaiva.Akaona kuti kurimisira ari padivi kungangonetsa.Akabva aita zvekumira pakati pemugwagwa akasimudza maoko ake ese.Kadhirezi kaya kakabva kati pasi puu ndokusara ari mupushu zvekare.Mutyairi wegonyeti akaridza huta gonyeti riri chamviriri uye rakutosvika pedyo pedyo.Evelyn akaona kuti apa angangotsikwa ndokubva pakati paya achitomuka tomuka ari tsono apa asina kupfeka.Kadhirezi kaya kaiva kepink kakasara kakaainwa nemavhiri egonyeti kakasara kafanana netara.Mutyairi haana kuda kumira nekuti akatyawo kupondwa nematsotsi sezvaakafungirawo. Evelyn akaona ega kuti apa paisabudika.Akabva atora kamuti kaakatyora pane chimwe chigwenzi ndokuchera kakomba ndokusvipira mate achiti,"Ptu handichafe futi ndakahura zvese nekukara mari zvinoonesa fayaz." Vanohura vaya hurai maningi asi one day the baboon shall miss the tree branch.Akabva atsinhira manzwi aya nekamuchinjiko kaya kekuRoma.Akanhonga kadhirezi kaya apa kaiva karengenyeswa negonyeti.Paisava neyekutamba,nokudaro akapfeka kava maravhuza kudaro.Akati zano nderipi ndokutanga kuteedza tara husiku ihwohwo.Paiti pakapfuura motokari aihwanda mudivi memugwagwa.Musi iwoyo akatikida mugwagwa wese achingonamata kuti asabatwe nemagwiribidi futi.Akarova dzinenge 5 hours achirova nepandaz kusvikira asvika kuKambuzuma. Akasvika vanhu vakacharara apa dzatova kuma4 dziya dzemashambanzou.Achingopinda mumba make akatura zibefu akatsamhira musuwo waanga avhara.Haana kumbozvizorodza ipapo ndokutanga kurongedza zvinhu zvake.Kuchinyatsochena akabva audza landlord vake kuti aguta zvepo.Ivo havana kumbozvipikisa.Zvenyaya dzaanaMai Simon akabva azvirasa kuti imbwa inhonge.Akaita iya inonzi past is past ndokutakura zvinhu zvake akananga kuHwange kwaaisaziva.Akasvikowana pekugara ikoko ndokutendeuka kuti furu taimu madzimai chaivo,vanonhonga tsono mujecha.Nazvino ari kushandira vanhu zvakapenga kuHwange ikoko. Ukuwo vanaGora yakava atiza kwake atiza kwake.Vakangosiya sprinter riri musango.Gora akangotsakatika ndiye pfee kuMozambique manheru iwaya,Chigubhu ndiye fananei nemhepo akananga paPlumtree apo ndiye nyengu muBots.Bhutsu ndiye akabva angorovera bhutsu mberi akananga paJoza,ikangofa yakaloader kudaro. Mai Simon vakapedza husiku hwese vakamuka vakamirira communication kubva kuvakomana asi pakaitika no signal.Vakatozongobatwawo nehope makumbo avo atozvimba neBP apa musana wavo wakuita kubanda semunhu aiva akazvitakura.Vakarara pamwe nekumuka vachishushikana kuti vanhu vaya vambofamba sei.Vakada kumboedza nhamba dzaGora vachityaira kuenda kubasa,asi dzakati makandiisepi.Manje kana zvadai paiva pavasunamira manje.Muchekwakwese Gillette Razor Blade.Ndipo pavakaona kuti kudealer nemunhu kwakangooma.Vakafunga kuti kudai zvaibvira kuti mhuka chaidzo dzitumike mabasa akadai,vaidai vakadzitsvaga.Zvakavaremera kuenda kubasa kwavo vasina kugutsikana kuti Evelyn afa here.Vakaenda kuKambuzuma kwavaigara ndokupinda gedhi.Vakabva vatambirwa nefafitera raisava neketeni.Vakabva vangogogodzera landlord vaya.Vachingobuda havana kumbovakwazisa vakangoti,"Musikana weumu aripi or aendepi?It seems like atotama so."Landlord vaya vakabva vabuda panze chaipo ndokuti,"Kwakanaka here vasikana kwamunobva mabvunza musina kana kumbotimhoresa?"Mai Simon vakaona kuti vanga varesva ndava amai ava vairatidzika kuvawo semunyarikani kuburikidza netwuimvi twanga twatekeshera muvhudzi ravo.Mai Simon vakabva vavhara vhara vachiti,"Ndine urombo amai.Ipo pano I am so confused kuti how come kuti munhu ane mari yangu yakawanda kudaro yeround anongotsakatika kudaro sei?"Mai Simon vakanyepa zvavo vachiratidza zvedzungu kushushikana kukuru.Vaisada kuramba vachiita zvedzungu zvinozobatisa."Ndagara ndakazviona kuti musikana uya haana kumbonaka diko.Iko kuminura kwaaita achiita duty ipapa,chokwadi tanga takutotyira kuti harahwa dzedu pano dzingangoshandurwa kuita majaha dzawira ipapo.Aigarotivhairiri kuti aida kuzobva pano aane yakewo stand nebango remota.Heya saka ndiyo mari yacho zvayo.Haa ndiyo diko coz kamuendere kaaita aka kaisava netsarukano zvomene.Angofuma achingotama from nowhere."Vakadaro amai vaya vachirovanisa maoko avo zviya zvemunhu anakirwa nenyaya.Mai Simon vakakwenya pahuma pavo ndokuti,"Saka haana kukuudzai kuti atamirepi here?"Mai vaya vakafamba vachinovhara tap nekuti bhaketi ravo rainge razara ndokubva vati,"Handina kana kumboita hanya nazvo nekuti ndanga ndisangachatodiwo nezvake pano."Mai Simon vakagutsurira musoro zvekuratidza kuti vari kuteereresa chaizvo.Apa vakaona vega kuti vanaGora vatadza basa ndokusaka vabva vatizawo.Chakanyanya kuvatemesa musoro ndechekupona kwaEvelyn. Izvo havana kuzviziva kuti Evelyn wacho anga atosiyana nazvo akutoita zvedenga ndava akatendeukira pamugwagwa uya kkkk. Vakasiya vapa amai vaya $10 yavakati vazotenge chingwa.Vakazongosvishingisawo neyekuti zvevanhu vangotizawo ndezvavo.Pamwe vakakenerana nekuti mbavha nemahure zvingateedzwa here.Ndizvo zvavakagaya izvozvo. Musi uyu mapepanhau ese aiva akagukuchira nyaya iye yekuchechi.Zvaiti kusekesa zvoti kusuwisa.Cliff haana kumbosangana naMai Simon musi uyu nekuti aiva nedaritari rekunoona vanhu vaya vese muzvipatara zvavaiva.Mai Simon vakatanga kuona vega kuti Mai Ruru raiva gomo chairo.Imwe pfungwa yakambovati siya nazvo,asi imwe yakavajuta ichiti,"Kufa kwemukadzi kubuda ura."Naizvozvo yanga yavapo yanga yava yekungouraya Mai Ruru kuti zvingopere. Madekwana akare vakurara Baba Simon vakati,"Ko nyaya iyi yanetsa paKambuzuma waiverenga here swty?"Mai Simon vakaita kakunyemwerera ndokuti,"Pane asingaizive here yanetsa shuwa.Handina kuzomboteedza yese up to now,hanzi zvakamira sei now kuchipatara ikoko.Vari kutiiko paBinu?"Baba Simon vakavhura paBinu paya ndokuti,"Zvanzi they are all recuperating now.Mwari ngaakudzwe but whoever poisoned those innocent women is the devil's incarnate.Dhuze munhu one ipapa aida kuuraya chechi yese,kuti Mwari vashaye vanomunamata.Aaa vamwe vanhu soo ka vane moyo yakaoma.Zvandibata bata mufunge,anyways let me change the story ndinotozoguma ndaane hasha dzekuti kudai ndaizoona kana kuziva munhu wacho ndaimupa zvibhakera zvesize yake.Anyways,I have good news for you😄."Mai Simon vakangosekerera nhema ndokuti,"What is it my world?"Vakangotamba nepegood news chete apa ndava kumwe kwese kwainga kwaitwa zvekupaumbwa kwaivafizura kkkk.Baba Simon vakatarisa Mai Simon mumaziso chaimo ndokuti,"So far ndakuonera two girls dziya zvekuti dzinogona kutanga basa tomorrow.Haa ivavo you will like them.Vakangwara coz vari paUZ apo so they want something tangible pavacation yavo.Mukomana ndokuwaniraiwo by Wednesday.Uri kuona kuti ndabeater deadline rako reTuesday."Mai Simon vakati,"Wow you are such a darling sent from above swty.Actually,I was really waiting for this all along coz ndiri kutoda help tarira ndakurirwa.But I will thank you much better kana ndavavhetawo kuti vari sei."Baba Simon vakabvaruka nekuseka ndokuti,"Trust me my wife."Apa vaitaura vachidzima rambi riya ndokuvata. Mangwana acho Mai Simon vakasvika kubasa Rosy naKundai vatovapo kare.Dzaiva shamwari dzaMartha kagerofurendi kaya kaBaba Simon kekumaflats ekuEastlea.Iye Martha aisatombozivawo Mai Simon zvekuti kana kutovaona aisatombovaziva.Ko aiva nebasa rei navo.Handi aive nebasa nedhara rake raidusa kunga rakabhejerwa.Aingonzwawo nezvaMai Simon nenzeve asi zvekuvaona kuti vakaita sei aiva asina kumbobvira akendenga nezvazvo.Baba Simon vaisadawo kuti vasikana ava vazvizive kuti apa paiva pemukadzi wavo chaiye. Vakangovati ndepedistant cousin yavo yekumaraini kwavo kuGokwe.Apa kubasa Mai Simon vainganyoda kunzi Mai Mareya,rekumba kwavo,nekuti vaiudza vanhu kuti hazvaaita kuti vavati Mai Chikudza pamusana pekuti Baba Simon vanga vasati vachata navo kkkkk "WOW girls you are so lovely and professional.How punctual matondikunda ini.You look jagged up and your CVs bear it all.So your duty is to serve macustomers muchismiler zvenyu.I dont think it will be hard for you.Lesley our manager will help you on some other things."NdiMai Simon avo vaidai kupembedza vasikana vaya.Twakatopinda pabasa iroro rema$400 pamwedzi sekutamba.Twaiita setwune mushonga nekuti musi uyu watwakatanga basa pakatengwa zvisingaite.Madam Boss vakafara zvisingaite.Vakabva vatwuperekedza kumba kwatwo basa rapera.Mazuva akachovhana twuchishanda apa apawo Mai Ruru naCliff vakatoenderera neyavo iya yemuhofisi.KaKundai kaiva kakanyanyozhandukira pahuviri hwatwo,kakatanga kudanana naLesley uyo aitovawo murume wemunhu.Mumwe musi vakasvikirwa naMadam Boss chakabaka muhofisi iri nguva yelunch.Mai Simon vakangoti,"Aaa....😳" Varwere vangu muri sei sei kkkk pakaipa.Muto wacho unenge uchatotyora kana chipunu chesimbi chaicho nekuti wanyanyokoresa😉 [23/03 19:23] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA-CHAPTER 28* Vakarova Range yavo nyore nyore ndiye pfuurei patoll gate repaNorton vachiridza maclassics aCeline Dion ayo aiva mumemory card raiva mufoni mavo.Nemhando yemotokari yavo vaingopfuura pese paiva nemapurisa nekuti motokari yacho yaitotyisawo kumisa.Uri mupurisa unotombofunga kuti basa ringakuperera ukamisa vhuzhi yakadaro.Vakati vapindira muSelous Chipo akabva afona.Vakabva vangosiya foni yacho iri paloud ichingonzikwa nepamazispeaker emumotokari iyi.Vachangobva kudairirana mahello Chipo akabva ati,"Pane tsamba yenyu yekucourt yandaona muletter box izvozvi."Mai Simon vakanzwikwa kakukahadzika nepafoni ndokuti,"Haisi yekusheedzwa kucourt here? Nekuti vakambouya ndiri muchipatara last week vachida kuona kuti ndava fit here kuti ndizope umboo muchipatara."Chipo akakwenya huma yake ndokuti,"Exactly saka muri kutodiwa mangwana chaiwo makuseni kuma8 kuti muattende court yacho.Vanenge vakatoziva kuti makabuda."Chipo akazopedzesera kutaura akutoseka zvake.Mai Simon vakangosekawo imwe iya iya ndokuti,"Ok thanks for notifying me.See you later now I am driving."Vakabva vakata foni yavo ndokutanga kupishana nepfungwa vachityaira.Vakatombomira pane kamwe kalaybye kuti vagaye vakagadzikana.Vakatya kuti vakatyaira pfungwa dzavo dzichirovana vaizogona kuita tsaona.Apa vakanga vabatwa vakarivara vasina kumbozvigadzirira.Vakabva vazvibata kuti vaifanirwa kupa umboo hwakakwana,husiri hwechihwai hwai kuti vakomerere Baba Simon. Vari mukunetseka kudaro vakabva varangarira kuti vakanganwa kubata kambani yaizofanirwa kutsvaira uye nekuchenesa pabasa pavo kuti basa ritotange mangwana acho.Vakabva vabata Lesley manija wavo uya wavakambopa suspension mushure mekunga vamuona achipanana rudo naKundai sahwira hwaMartha.Vaida kurayira Lesley wacho kuti anotangisa basa racho nenguva iyoyo atobve pasuspension,asi vakafizuka pavakaudzwa naLesley kuti aisava nemakeys epamukova muhombe.Vakaita kakupererwa asi vakazogadzirisa nyaya yacho nekuti vaizosangana naLesley mangwana acho makuseni vasati vaenda kudare.Zvoreva kuti basa rekutsvaira raizoitwa muswere wese weMuvhuro uye zvinhu zvese zvaizorara zvatengwa,restaurant yochizotanga kungenga Chipiri chacho.Vakatenderana pahurongwa ihwohwo,Lesley aiita kunzwikwa kufemereka nemafaro pafoni.Vapedza vakakata foni yavo zvekare kuti vachidzokererane neyekudare iya.Mukadzi mukuru akashaya kuti otangira papi,kusvikira vazofonera imwe shamwari yavo iyo yaiva lecturer wemutemo paMSU.Shamwari iyi yainzi Clara Mutodza uye yaiva chamangwiza panyaya dzemitemo idzi."You dont have to strain yourself.Ndiwe muridzi wenyaya.For frustration purposes just tell the court kuti uchiri kupedzisa medication yako.Then you will tell them kuti you will testify even after a week wava full fit.Vaudze zvekare kuti you are still in a trauma zvekuti unoda kuti ugadzikane chaizvo kuti uzopupure zvakakwana."Vakadaro Muzvare Mutodza mushure mekunga vanzwa chichemo chaMai Simon.Kana ivo Mai Simon vakasekerera vega kuti apa paita zvebenzi remutemo.Zvokwadi Clara aiziva mutemo seanopenga. Vakapedza kutaura parunhare naClara vakusimudza motokari yavo mafaro akaita kunonzi kuramwirwa pavari.Vakaona vega kuti pfungwa dzaClara dzine huremu nekuti vaizonyatsowana nguva yekuzogona kupa umboo hwakakwana.Vakatozopedzisa rwendo rwese vachiridza Ebenezer Nesuwo Tiri Munyasha.Vakasvika kuBulawayo pakati paro zuva ndokuita check in paRainbow Hotel iyo iri mudhorobha chaimo.Vakabhadhara mari yezuva rese ndokusarudza kamuri yaiva pamusoro soro,ku10th Floor chaiko.Vachingopimda vakabva vanomira pahwindo nemabinocular avakaona ari paheadboard yaiva mumba umu.Paisava nenguva yekutambisa nekuti vaida kudzokera kuHarare musi wakare.Pamabinoculars vaiona marokesheni emuBulawayo.Vakaona vana vaitamba hweshe,vamwe vachitandanisana tandanisana nemadzimai aiva akangoungana ari zvikwata zvikwata mumaraini imomo.Kalife kepaghetoo munongokazivawo,nemaghetto yuts epaBlues aingotenderera tendererawo.Vazhinji vaiva vakarova twumipombi twemajean twakati nama nama neganda,nemagolf t shirts aiva nemacollar aiva akamira kuti twi netwuheti twaiva twakapendekerwa pamisoro ine mazuda.Mutsoka vaiva vakapfeka maNorth Star epaJozi,nzeve dzakanamirwa mastuds.Mai Simon vakatombovarairirwa vachiyeverwa nezvavaiona.Pava paya vakatozopembenuka vorangarira donzvo ravaiva vauyira kuBlues.Ndipo pavakatanga kurangarira kuti pekutangira chaipo paizovanetsa nekuti semunhu wemhando yepamusoro,vaisambonyanyotamba nevanhu mughetto.Vakapindwa zvekare nekutya kuti vangazorohwa chegore riya nemagwiribidi ekuEpaz.Vakaita kanguva nendangariro dzamara vaona angle yemumashabhini ichizobudirira.Zvinotozivikanwa kunyangwe nevakafa kuti mumashabhini ndimo munobikwa ndururani dzemufirimu chaidzo.Vakatombonyemwerera pfungwa iyoyo vakagara pakona yemubhedha,asi vakazoita kakupererwa zvekare vakushaya pekutangira.Vakazoti zano nderipi ndokufonera room service ndokubva pauya mumwe musikana munakunaku airatidza kuva wechidiki uye achiratidzawo zvekare kuti aida basa rake nemazvo.Aiva akapfeka kamini katema neblouse racho reblue apa akarova tuck in.Mai Simon vakabva vanovhura musuwo ndokumhoresana naye.Mushure mokumhoresana kwekanguva kadiki diki musikana uya akabva ati,"How can I help you madam?"Akabvunza akazvirereka apa achiita kakutyorera muzura.Mai Simon vakabva vakavhurira musuwo wese kuti apinde.Vakabva vanogara pakona yavo iya yemubhedha ndokukabvunza kakamira zvako pedyo nemusuwo."How much do you know Bulawayo my dear?"Kasikana kaya kakamboita kakushamisika nekuti kaiva kapindurwa mubvunzo wako nemumwewo mubvunzo.Kakazongovhara vhara nekunyemwerera izvi zvavaigarorairidzwa zvichienderana nemabatiro avaifanirwa kuita vaenzi. "Yes maam I was born and bred here and to be specific I grew up in Mkokoba."Akapindura musikana uya,Mai Simon ndokudzorera nenyemwerero yaisvika kunzeve dzavo chaiko.Vakabva vasimuka ndokuti,"Are there any shebeens in that area.I need to have one or two drinks.I am from Mutare and I am here for private business purposes.You know as a widow the tasks are a bit burdensome for me.My hubby left me a great legacy." Musikana uya ainzi Nomalanga akabva anyemwerera ndokuti,"Yes they are plenty of them.I will not even give you specific locations because you will find them so easily for yourself.But aaa I urge you to have your drinks here madam for security reasons.Its common knowledge that those shebeen are havens of all illicit activities you can think of."Apa pairohwa chivheti nekuti ndicho chega chaigona kubatanidza marudzi ese panyaya dzekutaura.Noma wacho aichidedemurawo apa aiva nemacomm skills akaisvonaka.Mai Simon vaiziva zvavo hondo dzavo ndokuti,"Yes thanks for the sound advice but I am a bit prominent person who loves mingling with the lowly in life and in every land I step on I must leave my footsteps like this..."Vakabva vatambidza Noma $40 yetip.Mai Simon vanga vatozviona kuti Noma kanga kakuda kungwarisa saka vakabva vangoshandisa namo yavo yemuromo inova mari.Noma wacho akabva atanga kurudunura nezvemakona ese emuMkokoba.Mai Simon vakanyatsojekerwa nazvo ndokumbundirana naNoma wacho vachiita kakuscreamer.Noma akazopedzesera achiti,"Its wise for you to go there in time because Bosso is playing against Chicken Inn today at the Barboufields so most of the shebeen goers will attend the match and you will miss the hype that you are desiring."Mai Simon vakagutsurira musoro vachizhinyura ndokuti,"I am going there right away.I am also a staunch Highlanders fan and I will definately attend the match.I wish you were off duty and would accompany me there."Vaviri vakabva vaseka ndokuzoparadzana mushure mekunga ivo Mai Simon vatora nhamba dzaNoma nekuti vaiva vafarira kugona kwake basa.Vakatozofarisisa pavakanzwa kuti Noma aive nedegree reHotel and Catering iro raakafundira paMSU.Vakanga vakutogayira mwana uyu kurefu,vakutofunga zvekumupfekera parestaurant yavo.Vakazobuda vakadungamidzana,Mai Simon ndokupfuurira vakananga mudhorobha makare ndokubata makombi ekuMkokoba.Vakasiya Range kuitira disguise.Vakazosvika kumaraini acho ndokuona vazhinji vakarova majezi eBosso.Vachingosvika pane rimwe kona vakabva vaona pamba paiva pakazara vanhu vachitamba nziyo dzaMajaivhana.Vakaringa ringa vakaona vega kuti pamba apa paiva pane shabhini huru kutokunda mamwe ese muZimbabwe.Mota dzaiva dzakaita murakatira panze pose apa wairesi ichidandaurwa full blast.Pashabhini apa painzi paGogo Lerato uye paiva paine mukurumbira muBulawayo mese.Mukadzi wese aiti akangonzwa kuti murume wake aivapo aibongomora zimhere nekuti Gogo Lele vacho vaiva nemagongi avo avaishandisa pakukwezva varume kuti vauye kuzotenga dori.Hapana kana mupurisa aipasimudzira musoro nekuti Gogo Lele ava vaidanana nemutauriri mukuru wemapurisa emuBulawayo mese.Naizvozvo pambapa paingoitwa madiro aJojina.Panze paiva nemaziplasma maviri ayo aiwanzobudisa bhora rekunze kwenyika izvo zvaizokwezvavo zvekare vamwe vanwi vedoro.Paiva pakatopfuura paBottle Store chaipo.Mai Simon vaimbovheta vheta vakamira zvavo nechekumugwagwa vachingonzwa maNdebele kukhuluma nekungonzwa kuti Gogo Lele Gogo Lele netwunzenza twepo vachingosheedzwa sheedzwa.Vakati zano nderipi ndokufunga kubata bhuru nenyanga dzaro kuri kugaya kunoona Gogo Lele vacho pahuzima.Paongororo yavaiva vaita vanga vatoona vega kuti Gogo ava vaizovabatsira pane zvavaida uye nekuti vaizobudirira zvisina chinetso.Mai Simon vakabva varova nhanho vakananga paiva nemusikana uyo aiva achifamba akabata mabhodhoro aiva asina chinhu akananga navo mumba.Vakamuvinga ndokumubata bendekete kuti amire ndokuti,"Hi sis can I see Gogo Lele?"Musikana uya akabva atoziva kuti paita zvemuShona ndokupindura achidhobha achiti,"Hoo uri kusvaga uGogo Lele hanjo.Nditebere shamwali..."Mai Simon vakabva vagutsurira musoro kunga vanga vanzwisisa zvanga zvataurwa nomazvo ndokungotevera vari kumashure kwemusikana uya.Musikana uya akabva asiya mabhodhoro pamusoro pedeep freezer iyo yaiva mudining maiva makagara mumwe musikana nemurume vairezvana pasofa.Vanhu vazhinji vaive vazere panze.Mai Simon vakazongoona voratidzwa kuti vapinde mune imwe kamuri yaiva nemusuwo waiva wakavhurwa mbijana.Vakavhura ndokuona chibhora chemukadzi chaiva chakamira pahwindo chichitambira mari apa chiine tint mumusoro ine macurles.Vakaona kuti chaitova mubishi nebasa kusvikira vazozvishingisa ndokusheedzera vachiti,"Gogo Lele!"Gogo Lele vaya vakaita kakuvhundukira ndokukanda mbanje dzavaiva vakabata pasi.Vakabva vafukidza bronco,histalix necocaine zvaiva pamubhedha nechimwe chichari.Munhu anoita zvakaipa anongovhunduka chati kwatara kunyangwe aine paakatsika.Mai Simon vakabva vasekerera zvine kahushamwari mukati zvekuti Gogo Lele vakabva vanzwa kakupombonoka.Hamoeno zvinongoitika zvimwe zvinhu muhupenyu.Vaviri vakambundirana kunga vanhu vanga vaane makore mazhinji vasati vaonana.Zvakatozosvika pekuti Gogo Lele vakazosheedza mumwe musikana aivashandira kuti ambofane kuvaitira madhiri avo pahwindo.Vakabuda naMai Simon vakananga mune imwe kamuri yaingova nekamubhedha kamwe chete. Vagara,Mai Simon vakataura nezvavaiva vafambira kubva kuHarare uye zvese nekuudza Gogo Lele kuti vaiva ani.Gogo Lele vaiva nemaziso aingomhanya mhanya aya akangwarisa.Nenguva isipi vaviri ava vanga vakutokenerana.Makambozvionawo here kuti vanhu vanoita mabasa akafanana kunyangwe ari akanaka kana akaipa,kunyangwe zvekare vachibva kunzvimbo dzakasiyana siyana,vakasangana chete panzvimbo imwe chete ropa ravo rinodairirana.Izvi ndizvo zvakabva zvaitika kuvaviri ava musi iwoyo.Anga asangana majoki.Nyaya dzakatotanga kutsva kunga vaiva vanyamunhu.Gogo Lele vaigona Shona nekuti vaiva vakamboroorerwa kwaMutare,asi vaitaura vachizanganisa nechiNdebele zvichinzwikwa hazvo. "Unoziba wandivhundutsa ipo paya.Iwe wakafanana nalokuzeni uyo sisi vangu vachonera kuBotsvana.Haachade kuzoka kuno.Thats why ndavhunduka pandakuona.Manje nyaya yako yawauya nayo hainetse.Ndisu tinotonga muno.Pavanoti paya City of Kings and Queens ndisuka maQueens anenge achitorehwa ipo paye.Makings acho regai tibachayire foni muvaone muende navo kumaZezuru kkkkk."Gogo Lerato vakabva vaburitsa kambudzi kavo kemadhiri kaiva mubra ndokufonera umwe mukomana wavaiita naye madhiri emadrugs.Mukomana uyu ainzi Evaro uyo aitovawo gororo remakokoko.Akabva asvika akarova jezi reBosso achiti aigadzirira kunoona bhora.Uchimuona hawaimbofungira kuti imbavha yaiva yarura muBulawayo nekuba yakapakata zvombo zvinotyisa.Kusekerera sekerera kwaaita kwaingova kwemasikati bedzi,asi manheru aipfeka chiso chembada hadzi yaurairwa vana vayo. Akasvika ndokumhoresana naMai Simon apa Shona aitorova kupfuura Gogo Lele nekuti aiva akambochovha makore mashanu kuChikurubi Maximum mushure mekunga abatwa nemhosva yekupaza bhanga ndokutiza nemari yese. Akatorana naGogo Lerato ndokubuda pane achinoudzwa hurongwa hwese hwaivapo.Mai Simon vakazosheedzwa vakazotsinhira vachiti,"I just want you to create an outrageous scene at the wedding venue but please usauraye vanhu.Chingovhiringidza zvinobva zvabvisa chimiro zvichinyadzisa zvisingaite just to disrupt the proceedings.Finally ndinoda kuzotora Ciff wacho kuti aite wangu forever."Evaro akabva agegedzera zviya zvekuti hapana nezvenyaya apa uye nekuti zvimwe zvacho aizogadzirira kumberi."Ok sistren ndanzwa madeals enyu asi ndichatorana nemumwe wangu anonzi Thembani toenda tese zvinenge zvatova zvemadeko ano because tiri kuda kunoona bhora ku Emagumeni."Akadaro Thembani achisekerera zvekuti aibva abuda chimhedu chezino rake repamberi chaiva chakasarira paakamborohwa negaro repfuti achida kutiza mapurisa aparamura dzimwe kuGweru.Zvapera vakazoparadzana Thembani achienda kubhora,Mai Simon vachisara naGogo Lele vakamirira kudzoka kwevakomana.Mai Simon vakabva vatengera vanhu vese doro vachishandisa Ecocash.Gogo Lele vakaudza vanhu vese vaivapo kuti Mai Simon vaiva munin'ina wavo uyo aishandira kuNamibia.MaNdebele ese akagutsurira misoro vachihuparadza dzamara vakomana vadzoka voronga zvekuenda kuSunshine City..... *Ma Ruru voronga muchato wavo here apa???* Iii hameno tozvionere kumberi mberi... *WATCH OUT FOR CHAPTER TWENTY NINE* [23/03 19:23] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA-CHAPTER 24* "Sir you are under arrest for the attempted murder of Mrs Trisha Chikudza.Anything you would say from now onwards will be used against you in the court of law."Akadaro mupurisa uya atokechemudza Baba Simon kare kare.Ipapo doro rese rakatopera kuti hwaa vakutanga kuona vega kuti vatotangana nezvimwe.Mupurisa wacho akabva avaisa njema zvepaChikurubi chaizvo zvekuti vaisatombotsukunyuka maoko.Mazino echeni aiva akaita kunyura muganda ravo.Kunyangwe zvazvo vaiva nemari,nyaya yavaiva vakanangisana nayo yaisabudika zvechidzungu dzungu.Vakabva vaita zvekukandwa kumashure kwepickup yemapurisa BT50 ndokubva varindirwako nemapurisa maviri kumashure ikoko.Munzira mese vakatanga kupishana nepfungwa dzavo.Chakanyanya kuvadya moyo inyaya yekuti kana vaizoenda kujeri,Mai Simon vakapona vaizosara vachitsagada pfuma yavo nezvikomba.Vakazozvishingisa nemhaka yekuti magweta avo maviri vainzi VaRubaya naVaChatambudza dzaiva njanji dzemutemo.Vaiziva kuti varume ivavo vakabata nyaya yavo vaigona kutobudirira kunyangwe zvazvo yaiva hombe.Attempted murder inogona kutambidza munhu 8 macalender ka kudai kuri kuti vaizosangana nemutongi aitovawo zvake kumwedzi.Iri ndiro divi raiva kwatisa mudumbu mavo. Motokari iya yakazosvika paRhodesville Police Station,Baba Simon ndokukururiswa bhutsu pamwe nekubviswa cheni dziya.Vakabva varariswa muchitokisi maitonhora kunga manga mawana sponsorship kubva kumochari.Husiku hwese vakarara vakasvinura,hana yavo ichiibvisa manhanga apa Mai Simon vakanga vangoti zii kuSt Annes vasingapfakanyike.Vaitova paoxygen support apa vakabairirwa madrip maviri vachifemera kure kure. Baba Simon vakatozosheedzwa kwatochena apa twuhope twakuda kuvashanyira.Vaiva vega muchitokisi umu.Vakazovhurirwa vakatoona kwatochena.Apa vakanga vakuda kutorwa mastatements kuti dhoketi ribikwe vaende kudare musi iwoyo.Vakaramba kupa mastatements kusvikira magweta avo asvika.VaRubaya ndivo vega vakazouya vakavava zvisingaite vaona mazino echeni pamaoko aBaba Simon.Iyi yaiva nzira yekuda kutyisidzira mapurisa kuti avhiringike.Mapurisa haana kumbovhundukawo zvavo.Vakagadzira mapepa avo nechimbichimbi.Yaiva iine DVA mukati saka inyaya yaifanirwa kutambwa nayo ichapisa nekuti ikanonokerwa yaizoshaya value. Naizvozvo 9 dzakachaya vatova paRotten Row.Vachidzika kubva mupickup yemapurisa vakashamisika kuona vemapepanhau vachivanama mafoto.Vakashaya kuti zvanga zvambozivikanwa nenguvai.Padare pakatozosheedzwa veriot kuti vadzivise chaunga chaida kuonawo nyaya iyi.Rotten Row yaiva yakatoremerwawo nenyaya ndokusaka yakavhura Sunday kudaro.Nyaya yaBaba Simon yakatozopinda mangwana acho iri Monday nekuti vanhu vakatadza kupomhodzwa nezuro wacho.Vanhu vakatozomwaiwa mvura inovava iya kuti vapararire.Kubva paya Mai Simon vanga vangoti zii vari paoxygen support.Musi iwoyo Cliff akatoendawo kudare redzimhosva kuti azvinzwirewo pasina zvemakuhwa.Ainyanyoda kuti Baba Simon vavharirwe mujeri kuti iye azosare achirova bhegi rese naMai Simon. Nyaya yakatozopinda na1115 makuseni iwaya.Sandi kuzara kwaiva kwakaita vanhu mudare imomo.Nezuro wacho Baba Simon vakadzorwa kuRhodesville mushure mekunga mapurisa arayirwa nemutongi kuti vatangidze kubika docket patsva.Semunzwiro waiva waitwa nemutongi,Baba Simon vanga vakuzotarisana nemhosva mbiri,yeDomestic Violence neyeAttempted Murder.Idzi dzanga dzava njuga zvikuru sei panyaya yeDomestic Violence iyo yanga yadai kushupa panguva iyoyo. Nyaya yakazotangisa asi hapana kumberi kwayakaenda nekuti mumhangari aiva asipo.Aitogozherwawo zvake kuchipatara.Muchuchisi wenyaya iyi aona kuti zvakamira saizvozvo akabva ati,"Since the plaintiff is not in this honourable court,the state has opted to roll over this matter to Monday 19th December 2017 for continuation of trial.Henceforth,the accused person should be remanded in custody up to that date."Vamuchuchisi vakabva vapedza kutaura zvavo ndokugara vomirira kutaura kwemutongi.Magistrate akabva akosorera ndokuti,"Defense counsel do you have anything to say pertaining that arrangement?"VaRubaya gweta raBaba Simon vakabva vasimuka ndokubata zifaira ravo muruoko ndokuti,"Your worship I dont have any qualms as in line with the date which my brother here has given us but my objection is my client being remanded in custody.Your worship let me put it to him that this is utter traversity of justice considering the fact that the plaintiff has not testified against my client.Above all,my client is a family man so placing him in remand is wholly unfair.I implore this court to offer my client a bail out option and to hold his passport if it may deem it necessary that he might be at flight risk.Your worship with this defense outline,I rest my case."Dare rese rakamboita karunyararo mutongi achinyora nyora pasi.Iri ndiro raiva basa rake chairo,rekuunganidza pfungwa dzose odzizeya ozopa mutongo wake mushure mekunga aongorora zvakadzama. Cliff akakwenyera mhino kuti kudai dhara iri rambovharirwa mukati rizive kuti mabhebhi evamwe vanhu haasi mapunching bags.Kwapera nguva mutongi akazosimudza musoro wake ndokuti,"Considering the court's finding from the plaintiff's medical report,it is crystal clear to note that she is severely hurt and needs maximum medical care.Thus,the accused person is facing a very heinous charge to an extent that if convicted he will face a stringent sentence.Therefore,prospects are very high that the accused person will interfere with the state witnesses if he would be bailed out.Therefore,accused person you are remanded in custody to Monday 19th December 2016 for continuation of trial in this court at 8:00AM." Magistrate akabva anyarara zvake apedza kutaura kudaro.VaRubaya vakamboda kumira mira,asi zvakakonewa.Cliff akabva asimuka achinyemwerera ndokubuda zvake panze achiita kunonzi kupemberera.Hama dzaMai Simon kusanganisira baba wavo VaMareya vaingotiwo,"Zvaiwana ngwarati!"Apa waiva vakadema ngowani yavo yemurara vachizhinya zvinofizura."Yaa nyangwe akasaenda kujeri asi anomborumwa zidumbu iroro nenda paridz apo."Akadaro Brian hanzvadzi yaMai Simon,vanhu vese vakati bvuu kuseka mucorridor imomo.Zvaireva kuti Baba Simon vaizokwira chimagumete vakananga paHarare Remand Prison kunopfeka magirini aya.Zvechisalad zvese zvainopera nekuti mujeri hamuna shefu kana bhoyi.Munhu wese ari mukati isemu fanana. Cliff akapemberera chiitiko ichi achiti "one down" nekuti kwanga kwangosara kumuka kwamadam boss. Akaenda kubasa kwake uko akaswera akazvivharira akamira kwaizowira tsvimbo nedohwe.Zvakabva hama dzaMai Simon kudare dzakabva dzananga kuSt Annes kunoona murwere wadzo.Mudhara Mareya aishushikana kuti dzaiva mhepo rudzii dzaiva dzawira mwanasikana wake kuti asangane ega nepfumvu yakadaro.Vakasvikirana nevisiting hour yemasikati vakarambidzwa kupinda zvichinzi Mai Simon vaiva vakangoti zii vasingapfakanyike.Ndokudaro zvaisava nemusoro wese kuti vavaone.Tete Chipeneti vakati vaikwetsura mhere vogaya kuti zvimwe Mai Simon vaenda."Kana ashaya chingotiudzai pachena pane kutirambidza kumuona."Vakadaro vatoita zvekugara pasi.Mukoti uya akatoona kuti zvingatotsure rufu akabva avaregedza vachipinda.Vakangoona ngoma ndiyo ndiyo.Vakagaramo kusvikira visiting hour yapera asi hapana chisvinu chavakaona.Computer ndiyo yaingoratidza yega kuti munhu achiripo nekuti yairatidza twumitsetse twakawanda wanda.Visiting hour yakunopera gyna waMai Simon uyo aiva muIndia ainzi Dr Patel akabva apinda achibva kusurgery kwake.Akabva akumbira kuti aende nevabereki vaMai Simon kuhofisi kwake.Vasvika uye vagarisika akabva ati,"Trisha will be fine after I would adminster a check in on her.I am dearly sorry to tell you that we lost the baby.She had a miscarriage after that thorough hiding.However,we will clean her womb and make sure that she will be fine."KamuIndia aka kakadedemura chiRungu chaiva chakaremerwa neIndian accent.Dr Patel vakataura zviri professional uye zvakadzikamira zvekuti vabereki vaMai Simon vakagutsikana vega.Asi vakashamiswawo nekuziva kuti Mai Simon vaiva nepamuviri.Chiremba vakataura zvaipa tariro.Vakabva vachingamidzana maoko,vaviri ndokubuda zvavo panze vachindoudza vamwe zvaivapo.Vakabva vaenda zvavo kumba kana nevisiting yemadekwana havana kumirira vaine tariro hombe yekuti mangwana acho munhu wavo anenge amukawo. Musi iwoyo ari manheru kuremand,Baba Simon vakaona ndondo.Vakaiswa muchitokisi maiva makazarisa.Chitokisi ichi chaiva nevasungwa vanokwana kuita makumi mana.Vainge vajaira kurara mutambarakede pamubhedha wavo waiva mutefetefe,zvino mujeri umu vaitovata inonzi bhemba vachirara panyika yeZimbabwe.Bhemba ndeyekuti vasungwa vaitanga kurara vese nedivi rimwe vozomuka vese pakati pehusiku kuti vachinje kune rimwe divi.Inda hatichataure,murume mukuru akarumwa kunga achapera.Idzo dzinenge dzakatomuitira meeting chaiyo,iya yekuti kwaiti ropa idzva.Baba Simon vaiziva zvavo kuti gweta ravo raipfuta moto,asi chaivadya moyo maningi inhau yekuti vaizopinda pamaseven chaipo kuri kuti Mai Simon vaizoshaya.Iyo inenge yatova culpable homicide,anenge atova mapirizvonyongo.Zviya zvekuti heee ndine mari dzangu hazvishazonde pakadaro.Baba Simon vakanamatawo nevamwe panguva iya yekunamata pakati pehusiku.Vakazovata nguva dzapera vaita kakugadzikana mupfungwa. Mangwana acho vakashanyirwa nehama dzavo idzo dzakavaunzira chikafu pamwe nezvekushandisa varimo.Paiva naTete Chikukwa nemurume wavo.Charles mufana wababa Simon aishandira kuGweru aivapowo.Hama idzi dzakavasimbisa vakasara vakunzwa zviri nane.Hapana hupenyu hwakaoma kukunda hwemujeri kana hama dzikasakurangarirawo.Musi uyu vashandi vavo pamwe nemadzisahwira avo vakaita mabhindauko ekuona Baba Simon zvekuti vakaswera vasina kumbovharirwa. Martha neshamwari dzake vakatozoziva nezvenyaya iyi kuburikidza nepaWhatsapp.Vese vakabva vaziva kuti madam boss vaya ndivo vaiva Mai Simon vacho."Thats why mhani daddy vakanwa doro rafu paya.Mukadzi wavo ihure chairo,its not good for a married woman kunyanya.Kudai zvikafa nxaa.Izvozvi I dont even know kuti anobuda here babie wangu and if he doesnt we are all doomed gels."Martha ndiye akadaro achishushikana zvikuru.Mazuva iwaya kurestaurant kwaiva kwakavharwa nekuti boss vaiva vakazorora kkkkk nokudaro Kundai naRosy vaitova paflat paMartha.Vasikana vese vakagara pasi zvino vakugaya kuti vopafambisa sei sei.Rosy uyo aiva akati dzikamei pakati pevatatu ava uye aiva nedzinoti dhonzei kuvapfura akabva asimuka ndokuti,"Girls I have a strategy.Its high time Martha takes advantage of this situation otohwina murume for good."Kundai naMartha vakachiteereresa zvavo nekuti vaitemba Rosy zvakanyanyisa zvikuru sei pazvinhu zvaida kugaya maningi."Martha! tomorrow we will help you to prepare a heavy meal for your bae tomuendesera kujeri ikoko.Apa padhuze ka tinogona kufamba netsoka tichitaura nyaya zvedu.Obviously hama dzake dzinenge dzitoripo.Act like a very responsible and well concerned muroora.The issues is pane kakurambana katova pakati pevanhu ava so capitalise bae.Nemadire aanokuita haaa munopinda mawhites chaiwo mai mwana!"Vese vakabva vasimuka vachifara.Radio yakabva yakwidzwa volume pakatambwa "Disappear" yaBigman.Vanga vakutoona maproblems ese aita disappear. Mangwana acho vakamuka makuseni vakabikira jinda ravo heavy menu.Vakanyatsoisa chikafu chacho mumafood warmers.Maiva nefried rice,marinated chicken nepotato and egg salad izvo zvaidiwa naBaba Simon.100% Grape Juice yakabva yaiswa pamusoro.Vakabva vabuda kuma11 ndokugurisira nemuEastlea.Nenguva isipi vanga vatosvika.Vakabva vasangana naTete Chikukwa vari panze naVaChikukwa vachigadzirira kupinda.Vakakwazisana ndokubvunzana rufaro.Shamwari dzaMartha dzakazoparadzana navo sarei iye Martha muridzi wenyaya,aina tete vake kkkkk.Martha akazorovera moyo padombo ndokuti,"Ndiri muroora wenyu tete.Ndauya kuzounzira murume wangu food."Tete Chikukwa vakashaya neremuromo.Vakangotarisa murume wavo,vese vakadzungudza musoro vakashaiwa shuma yazvo.Kuti tete ava vazvibatanidze vakagumirwa ndokungoti,"Ok muroora waita basa.You have shown great care and you look so young.How old are you then?"Martha akatyora muzura achinyara nyara ndokuti,"I am twenty aunt."Akabva atsikitsira pasi tete vachipererwa neconfidence dzaiva dzaratidzwa nemwana uyu.Tete Chikukwa vakashaya kuti mwana wehanzvadzi yavo aimbozvifambisa sei.VaChikukwa vakazoti,"Ndiko kutamba kwevarume kkkk."Tete vakabva vati,"Mukwane baba imi."Vese ndokuseka zvavo vakutopinda naMartha uya mukati. Baba Simon kana kumbonyara kupa maintro pamberi pemajeri gadhi.Tete vaya ndipo pavakatozoona kuti Mai Simon vakutopihwa horse kick.Zvanga zvotoreva kuti Baba Simon vakabuda vaitotorana naMartha.Iko Martha kacho kakatocampaigner kani,pamamonya ipapo! Hameno kuti kaizopabuda here nekuti musi iwoyo Mai Simon vakazomuka vangosara kugezwa chibereko vozobuda kwapera mazuva mashanu sezvaiva zvarairwa naDr Patel....### *The Rise Of Mai Simon😡* Watch out for Chapter 25!!!! [23/03 19:23] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA-CHAPTER 27* "Saka apa nespeed yauri kutoratidza apa you mean I am not going to wed my wife?"Cliff akabvunzurudza aine chiso chizere kunetseka.Mai Simon vakagarisika zvakanaka ndokuti,"By the way when is your wedding?"Cliff akabva aita kakubengenuka ndokuti,"Iye April ari kuuya chinenge chakatochaya!"Mai Simon vakatora kanguva vachiita sevari kufungisisa maningi ndokuti,"Ok ndakungoti its your own family affair.Ndakungoita kuti mavisa edu agare ari ready then we will depart just after your wedding.Is that a deal?"Cliff akanyepedzera kusekerera ndokuti,"Deal sealed!"Akaita kakusheedzera kaya kane kakufarisa mukati.Mai Simon vakafarira kuti Cliff aizotiza navo asi vaisaziva zvaivawo mupfungwa dzaCliff.Zvekuchasiya kamhuri kake ndizvo zvaaiva apikira kusazoita.Hongu aiziva kuti Mai Simon vaiva vamusungirira nemari asi apa aitofanirwa kutorwisawo semurume nekuti mhuri yake yaigona kutosara isina muchengeti.Akambofunga yekunogara dare nehama dzaMai Simon asi akazotyira kure nekuti akangofungirawo kuti vane rimwero naMai Simon.Kuti anoona Brian hanzvadzi yaMai Simon akangoonawo zvekare zvichiita kakunetsa. Cliff naMai Simon vakazorangana kunoona basa raibatwa kuSentosa uko kwaipedzeswa imba yake.Vakasvika chakapfuta varume vachikwenenzvera imba.Chokwadi mari inokurumidzisa basa.Zvaitonzi kwapera mazuva anenge gumi aizotevera inenge yakutogarika.Mai Simon naCliff vakatenderera nemba yese vachiimema ndokugutsikana nayo.Cliff aizova lendaz rwendo rwuno.Vakati vapinda maizova mukicheni macho,Mai Simon vakamira ndokuti,"I think uri kuzvionera kuti I have done my job.A house is a forever investment so you have to pay me nesomething today.Kungonditendawo so Clifford."Apa vaitaura vakagara pamusoro pefitted kitchen unit vachiita kunonzi kuzhinyura.Pavaitaura pese apa Cliff aitenderera tenderera sezvo raiva rino zikicheni.Akabva amira ndokuti,"What do you want me to do for you today?"Mai Simon vakaburuka paya ndokukochekera Cliff muchiuno.Vakamutarisa vakaita kakundandamira nekuti vaiva vapfupi."Ndiri kuda kuti tispende night tese today in my matrimonial bedroom."Apa Mai Simon vakataura vachiita kakunyaririra semusikana atanga kupfimbwa nemukomana waanogarorota.Musoro waCliff wakaita muzerere nekugumirwa ipapo.Akanyepera kukosorera ndokuti,"This has gone too far.I am so sorry to say this but I have to respect your official bedroom Trisha.Please please please please apa one night stand and you are still recovering it will also be unfair to you.Sorry I cant commit to that coz its a blatant act of cowardice.I dont feel man enough to sleep on another man's bed." Nenguva diki diki iyoyo Mai Simon vanga vatoshanduka chiso ndokuti,"I presume you have your wallet with you now undipe bank card rangu.I have gone too far huh?Asika mari yangu yauri kudai kutsabvanya haisati yagone too far right.Cliff stop fucking with me ok!"Mai Simon vakazhambatata votoda kudzvinya Cliff collar.Cliff akaona kuti yatokwira mutarara ndokuti,"Sorry maybe ndakakanganisa kutaura but I just wanted to find out whether kumba kwako kwacho kuri safe coz I hate controversy."Mai Simon vakarega Cliff ndokuti,"Dont pretend as if hausi kuziva kuti Simon ari KuRemand and ndiri kuda kuita make sure kuti achaorera mujeri.Haangandirove zvekusvika pakubvisa mwana wako hazviite!Meaning pazvinhu zvose zvandava kuplanner from now ndinenge ndava newe mumaplans ese."Mai Simon vakataura vakuita kakunyemwerera.Cliff akazobvuma kuti anorarako asi aifanirwa kutanga aoneka Mai Ruru zvakanaka.Haaizoshaya statement rekuvapinda naro.Mai Simon vakazviona kuti Cliff aida mhuri yake maningi kuvapfuura.Vakaona chitori chinetso chaicho chaizogona kuvagumbura munguva yaizotevera nokudaro vakatanga kugaya kurefu.Vaviri ava vakazoparadzana Cliff onanga kumba kwake mushure mekunga atora motokari yake pabasa,Mai Simon vonangawo kwavo kunotumira Chipo kumusha kuti pamba pasare pasina vanamaoneone.Kumadale dale hapana anoona nezvehupenyu hwemumwe. Cliff akangosvikovhara Mai Ruru neyekuti aida kuenda kuBulawayo nemotokari yaiva yatengwawo ikoko.Ivowo havana kumbopikisana nazvo nekuti vaiziva kuti bhegi raizonaya.Ukuwo,Mai Simon vakaita sekudzinga Chipo vamupa $250 vachimuti ambosvike kumusha kwake.Vakabva vanomutengera zigirosari rekunosvika naro ikoko.Kana iyewo Chipo wacho akafara nekuti akanga ava nenguva asati ambotsika kwaMrehwa kumusha kwaaibva.Musi uyu akaita kuperekedzwa kusvika pana 4th akasiiwa anyatsokwira uye akutoenda sezvo vakasvikira kombi yaiva yakutozara.Chipo aizonopedza weekend yese ari paruzevha.VanaSimon vaizorohwa chehusiku vakavata. Cliff akazooneka Mai Ruru kuma5 achiti aizodzoka mangwana.Akarova Altezza yake ndokumirira mudhorobha paLigi Sports Bar.Akatanga kuona zvake bhora arimo achisesekedza 2030 dzaaiva arangana naMai Simon kuti dzikwane.Akatenga maquarts ake matatu ePilsener akamadzasa akavarairwa kusvikira nguva dzaaida dzakwana.Akazoisimudza Altezza zvekuti nenguva diki diki anga atosvika kuGreendale kwaMai Simon.Akasvika gedhi rakatoti haradada ndokuichovha akananga mukati.Achingopinda gedhi rakabva ratsvedza kuti rivharike.Akangoona mwenje wepavharanda bedzi.Akadzima motokari ndokubuda asiri kutombovhunduka.Ava panze akaita kachinguva ari ega kutozodzimara akutya kuti chava chii zve murima umu.Akavarairwa kudaro akangoerekana ambundikirwa naMai Simon akavhunduka zvekuda kuridza mhere.Akabva abatwa muromo hana yakubika manhanga.Mai Simon vakabva vati,"Indava uchitya so Cliff hahaha come follow me."Vakadaro vachiregedza Cliff uyo anga akungoseka.Mai Simon tingatoti vaiva vasina kupfeka kani.Vanga vakarova kanight kejira reketeni chairo apa mukati mese musina kana chinhu.Cliff aingotevera murima imomo asi zvaiva zvakaita Mai Simon aizviona zvikamuita waya.Vakapinda mumba vese apa vana vaiva vatovata.Munongozivawo kutovata kwevana vechidiki ava.Mai Simon vaiva vatoroaster pork favourite yaCliff. Zvese magaka,madomasi nehanyanisi zvaiva zvakawaridzwa patafura.Cliff akaongorora mumba maMai Simon bvaabvuma ega kuti denga riri pasi pano shuwa.Maiva nesofa rine hospitality kunga vashandi vepaRainbow Towers.Sofa riya rekuti rinokurarisa rega kunyangwe usina hope.Hutepfetepfe hwaro hwaikunda hwemundege.Apa vaiva vakagara masofa aiva akatarisana uku Mai Simon vakadhashangara zvavo. "This is my home Cliff feel so comfortable it will be yours very soon tisati taenda kuAustralia kkkkkk.Enjoy yourself I will show you the other rooms kana wapedza kudya."Vakadaro kuna Cliff ivo Mai Simon vachinyemwerera zvinopaza moyo.Cliff akarova pork iya zvese nemagaka acho kusvikira anzwa parere moyo.Apedza akabva apinzwa muen-suite ndokurohweswa kashower kaidziya.Apa Mai Simon vanga vamugona.Cliff akanakidzwa zvekunga achaudza Mai Simon kuti vamuroore zvake asi aiti akangofunga mhuri yake oisa pfungwa iyoyo kwakadaro.Apedza kugeza zvake akapihwa zitauro raBaba Simon zichena ndokufamba achiratidzwa makamuri ese.Iye Cliff aitoita seari mumba make.Apa vaiva vakadzikama nekuti husiku hwaiva hurefu.Vapedza vakatanga kumhanyidzana nemba yese vachiita chikudo kudo.Ungazoti ndivo here Mai Simon vabuda muchipatara musi iwoyo.Chokwadi Cliff aivaporesa.Mai Simon vakati vaneta vakati gada pasofa remudining nemanhede.Cliff akabva amhanyira kuti avabate ivo bvavadonhedza tauro riya raaiva akasunga.Hohohoho Cliff akatanga kuvatsvoda nechemuhuro umu.Akatsvoda huro yese achiita kakuinanzvirira nekumberi mberi kwerurimi rwake.Apedza akadzikisira nepachipfuva ndiye padumbu apa kanight kaya anga akaita kekudhadhanura.Akatanga kutenderedza rurimi rwake nechepaguvhu apa achiita kurifuridzira.Maoko ake ainyerekedza mahips aMai Simon.Haaa Mai Simon vakaita kunonzi kuparara neromance inotyisa kudai iyi,vakatanga kukwamatata nendimi dzekuEthiopia chaidzo apa vachishaura manzwi ese asina kuchena.Vakaita kunyudza nzara dzavo kumusana kwaCliff nekunakirwa.Vakazokumbira Cliff kuti aite zvinyoro nyoro nekuti vaiti vaiva vasati vanyatsosimba.Chakatsva pasofa ipapo. Vakazoenda kubedroom pava pakati pehusiku.Cliff akatovata pafantazi yaBaba Simon achirima purazi ravo mumba mavo mumagumbeze avo. Mai Ruruwo vakarara vakagumbatira piro kunga shirikadzi yePlan.Hope dzavakarota madekwana iwaya ndidzo dzakavasota saizi inotenga.Vakarota uri musi wemuchato apa vabva kunogeza kuti vazopfeka gawuni vaende kuchechi kuzobatanidzwa.Vachibva kunogeza vakaona vakamirirwa nevanhu vaizovabatsira pakushongedzeka.Mai Mufundisi vaya vaivapowo kuti vapfekedze mwanaka anga achida kuchata.Gawuni raiva riri pamusoro pemubhedha apa vamwe vese vanga vatopfeka dzemuchato.Vakati vangopfeka zvemukati bedzi pakabva pangopinda kamwanakomana kadiki kangangoita makore gumi ekuberekwa.Kaiva kano katema kaine zvimateya nezvinzeve zvakatiza musoro.Mhando iya yakangwarisa ngwarisa.Vakadzi vaivamo vakabva vatanga kukatuka vachikatandanisa nekamuri yese kuti kabude.Kakabva kavanzvenga ndokuzvuva gawuni riya kachitobuda naro panze.Izvozvo zvakaitika nenguva diki diki zvekuti vakasara kuda kukatevera iko kakanga katova panze kare kare.Ipapo Mai Ruru vakabva vati kwanyanu kusimuka vari ivo ndokumonera tauro kuti vanokatevera.Vakavhura nhanho kukunda madzimai ese ndokumirira pamusuwo vachishamiswa nezvaiva panze.Vakaona kamwana kaya kakamira pedo pedo nechoto chematanda makuru chaiva chakakombwa nemadhara aiva akapfeka mazibhachi embiri yaRhodes chaiyo.Pachoto ichi paitova nekaatsmosphere keparufu chaipo.Mai Ruru vakatadza kuti vamhanyire kamwana kaya kuti vakabate nekuti vaiva vasina kusimira zvakakwana.Zvekare vakashamisika kuti paida kuitwa muchato poonekwa vanhu vaiita sevari parufu.Izvozvo ndizvo zvakanyanya kuvamisa pamusuwo ipapo.Apa kamwana kaya kaingoseka zvaityisa tyisa so."Iwe ndipe gawuni rangu iwe unonotsa muchato wangu.Wambobvepi iwe asi watumwa kani?"Vakasheedzera Mai Ruru vakagumbuka.Madhara aya haana kumbotirimuka.Vakaramba vachitaura nyaya dzavo dzaisanzwikwa uye vaitoratidza sevasina kuona kuti Mai Ruru vakamira pamusuwo.Mai Ruru pavakada kuti vamhanyire kumoto kuya kamwana kaya kakabva kakandira renda riya muchoto chiya.Malace ese aro akananauka vakatarisa vachimhanyirako.Vakasvika ndokuda kumbanya kamwana kaya asi kakabva katongotsakatika pamwe chete nemadhara aya.Mai Ruru vakasara vakabata mhepo asi moto hauna kutsakatika.Wakaramba uchiparadza gawuni riya vakangotarisa nemaziso avo aiva achiti yangarara nemisodzi yeshungu.Ipapo ndipo pavakapepuka vachitochema zvomene.Ruru akapatikawo ndokumhanyira kubedroom kwamhamha vake uko akanovasvikira vachitochema vakagara pakona yemubhedha apa ziya riri nyakata nemuviri wese.Mai Ruru vakanzwa mitsindo yemwana wavo ndokumhanya kunomumbundikira zvekumuvhara vhara kuti asabvunzisise nekuti Ruru aiva akazhandukira kunga baba vake. Vakabva vanyepedzera kunamata namata iye Ruru ndokubatirana navo.Wakatozogumawava munamato musvinu.Kwapera maminitsi anenge gumi vakazoparadzana ndokuzovata zvakadzikama asi Mai Ruru vanga vaane maquestion mark hobho mupfungwa dzavo.Hope dzacho dzakashupa kubata kamwe chete.Vakatozorara zvakanaka mushure mekunga vakuvara nekugaya.Chaivashungurudza mupfungwa dzavo kakufanana kaiva kakaita hope dzacho dzavairota.Vakaona vega kuti muchato wavo waigona kubondera kana kuzonyadzisa.Vakapererwa nepfungwa apa vanga vakutya kuudza kana ani nezehope idzodzo nekuti vaitya kuti vangangopihwa pfungwa yekuti varegedze zvavo muchato wacho.Ko vaizofa here vakarega kuchata?.Uyezve vanga vakukwata kuti paigona kuzoitika nyaka nyaka iya yakakonzereswa nekungwarisa kwatete vavo vekuFio.Chavakakwanisa kuzongoita kuedza kubata Cliff parunhare,iye akati makandiisepi nhai Mai Ruru sezvo aiva akadzima bvoda rake akanamirana naMai Simon vakavata dzemanhanga kutapira.Vakazongovata vakadumbirwa uye musi iwoyo vakanonoka kumuka.Vakatozomutswa naCliff uyo akauya kuma8 mangwanani iwayo achiti abva kuBulawayo kwacho uye akavaudza kuti basa rafamba.Akauya nehard cash yaikwana iyo kuita $800 yaiva yamorwa kubva musefa maBaba Simon.Musi uyu akaikumba nekuti akaita basa raiva nerisk huru.Mai Ruru vakatenda hombarume wavo asi vakasarudza kusaudza Cliff nezvehope dzavaiva varota.Vaiona dziri hope dzaivaderedzera zvisingaite.Muhupenyu mune mamwe matambudziko ekuti munhu anorwadzikana navo ega.Ndizvo zvaiva zvatarisana naMai Ruru.Vakatozoona nyaya yehope iyoyo isina kana nemusoro wese zvikuru sei vaiva vaona murume wavo. Mai Simon vakasiiwa vaitwa yese yese naCliff vakapenyerwa vakatoona kuti mbeu inonzi Cliff inotoda kupfimbikwa zvehupenyu hwese.Vakambovarairwa nevana vavo vachitandadzana,asi huCliff hwakaramba kubuda mupfungwa dzavo.Vakafunga zvavakaitwa husiku hwose vakachinyatsogaya kuti vaidiwa chaizvo nyambisirwa Cliff aiitirawo kuti awane sumbu remari.Vakati vavhura foni yavo vaenda paBinu vakaverenga nezvemagororo aiva arura kuCowdray Park kuBulawayo.Nhau dzacho dzavaipenengura muChronicles yepaBinu dzaiita sedzekuHollywood chaidzo.Mbavha dzaiba dzakapakata zvemufirimu chaizvo.Vakaverenga vakaona kuti mbavha zhinji dzaisatombobatwa,zvokwadiwo shomawo ndidzo dzaibatwawo.Vakabva vaona vega kuti kuBlues kune matsotsi anodhura chaiwo kwete zvaanaGora vaya.Vakagara zvavo mubindu ravo maiva netsangadzi yakasvibirira uku vana vavo vachitamba nechepadivi.Vakabva vapindwa nemweya wekunotsvaga mabhinya vega kuBulawayo.Apa vaiva nepfungwa yekumisa muchato waCliff musi wauchaitwa.Vaitoda iri movie style chaiyo.Vakagutsikana kuti vaizobudirira pahurongwa uhwu nekuti nhau dzavakaverenga dzakavabvumisa.Vakaverenga nezvemamwe matsotsi akatombochinjana pfuti nemaCID vachitandanisana nemota.Nyaya iyi yakabudisa pachena kuti mapurisa acho akabaiwa ese kunyangwe zvazvo vaiva vashanu.Ivo vega Mai Simon vakaona kuti mbiti dziya dzepaEpworth dzaisambokwana apa kunyangwe nepaduku pose.Vakangosekerera vakagara vega zvekuti pamwe ungati vaisekerera zvisvinu.Vapedza kuverenga nhau idzodzo vakabva vafonera Chipo kuti adzoke mangwana acho kuti azosare nevana ivo vachipinda mumasango.Vakatombogaya kuti vaende Saturday iyoyo yakare asi vakaona zvisingaite nekuti vaida kukamura chisuwo nevana vavo. Mangwana acho asvika vakageza ndokurova sports wear sevari kuda kuenda kugym.Vaiva vakapfeka skin tight nhema yaienderana netop yacho yepink zviri zveLabel reSkechers.Mutsoka vakabva varova masneakers acho epink zvainyatsopindirana.Vakabva vagara zvavo vakamirira kuuya kwaChipo uyo aiva ambofona achiti akusimuka kubva kwaMurehwa kuchiri kuma6.Chipo akazosvika kuma8 vakamurayira kuti asare nevana sezvo vaiti vaida kuenda kugym."Ndiri kuda kumboita maexercises naMoreen kuBorrowdale uko,ndimbosimbise mabhonzo mbijana sezvakarayirwa nachiremba."Vakadaro Mai Simon vachitambidza Chipo kawaya kasina nebasa rese.Chipo akazhinyurira mari iya achiitambira asi akabva akati,"Madii kungoenda paMsasa apa padhuze mhamha since musati manyatsosimba?"Akabvunza nenzwi rainzwikwa kunetseka chaizvo.Mai Simon vakabata bendekete raChipo ndokuti,"Thats caring of you but I am used to Moreen coz she is my personal trainer and hausati wamuziva zvakanaka kuti she is the best muno muZimbabwe.She was trained in Netherlands and you know kungotanga schedule nemumwewo munhu mutsva zvine kakunetsa so."Chipo akapererwa ega netsananguration yanga yarohwa apa.Akabva atonzwa manyuku nyuku ekuda kutomboonawo chitopota chacho chainzi Moreen.Mai Simon vakabva vabuda zvavo vachisekerera kuti vabata bharanzi ravo kuHarare.Vakati vagara muRange Rover vakasheedza Chipo voda kubuda ndokumuti,"Ndikapedza training I might have some business meetings to attend to saka ndinogona kunonoka kuuya so you just prepare our supper wondisiira muwarmer.Please take care of my babies as always."Vakapedzesera kutaura muromo uyo vakutoreverser kuti vabude.Chipo akangogutsurira musoro achinyemwerera kuratidza kuti zvaiva zvanzwikwa.Mai Simon vakapinda munzira ndokuzonobata Samora Machel ndiye rongondo naye vakananga Khonapo le!!!!! [23/03 19:23] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA-CHAPTER 30* 💥💥💥💥💥💥💥💥💥💥💥💥 Dare rakazotanga kuma10 chaiko apa mudare macho maiva makamanga zvekuti murwere weasthma aigona kungofiramo.Harina kumboita maminitsi gumi chaiwo nekuti Mai Simon vakaudza dare kuti vaiva vasati vanyatsogwinya zvekuti vangapa umbo hwakakwana kudare.Vakakumbira kuti nyaya yacho izotongwe kuswera mangwana uri musi weChitatu.Zviya zvemazuva gumi zvanga zvisingachabudi nekuti Baba Simon vaitofanirwa kubuda sezvo vaiva mapatakii mukuru panyaya dzemari.Zvekare restaurant yaiva yaondomotswa saka zvanga zvakutoda kuti Baba Simon vabude vazobatsiridzane navo asi paiva pakaoma ipapa.Kubva pakapinda Baba Simon muremand mari yavo yese yebusiness yanga yakungopinda muaccount mavo vachibatsiridzwa naVaRubaya avo vaiva gweta ravo.Mai Simon vanga vachingowana mari kubva kumabhazi aya ari matatu,ukuwo restaurant yanga isiri kumbopinza mari kubva pavakapinda muchipatara sezvo yaiva yakavharwa.Apa Mai Simon vanga vaane pfungwa yekuti vabuditse Baba Simon kuti vazovatambe yakanakisisa iyo inobva yafa yakadaro sezvavaiva vanyengerwa naEvaro kuma8 paya.Baba Simon vakangodzoserwa mukati vachiridza tsamwa zvese nekudzungudza musoro wavo.Mai Simon vakati vachibuda mudare vakakombwa naEvaro naThembani,vakabva vaona Martha neshamwari dzake vakavatarisa vachiseka.Vasikana ava vaiva vatadza kupinda mudare nekuti vaiva vashaya nzvimbo.Mai Simon vakatadza kuvavinga nekuti vakavharidzirwa nevatori venhau vaiva vakavakomba kunga nhunzi panyama yakaora.Asiwo semukadzi mukuru vakazvionera kuti vasikana vaya vanenge vane nyaya bedzi.Shungu dzekunochingamidzana navo vachinovaudza nezvekuparara kwerestaurant vaiva nadzo,asi zvakakona vasekuru.Vakatozobuda zvematsurundundu vakaita kunonzi kufemeswa nevanhu.MuBenz macho vakaita zvekuti pfori kupinda,ndokubva yangosimuka sechitundumutseremutsere.Mapurisa akasara akapindana nebesana guru musi uyu paRotten Row.Masangano emaWomen Rights akaimba toi toi vakasimudza maplacards aitsigira Mai Simon.Rimwe zihombe hombe raiva rakanyorwa kunzi: *SIMON MUST ROT IN HELL BECAUSE GENDER BASED VIOLENCE IS SATANIC!!!* Vamwe vaizunza mazakwatira vakakwinyira madhirezi avo kusvikira kunotangira zvidya,Malawi yese iri panze,ungati Zodwa atova wemuno muZimbabwe.Riot yakatozoshandisa mvura iya inovava kuti vanhu vapararire nekuti payakamboedza zvematear gas yakamadzorerwa pachiimbwa: 'TINONGOTI GO BEK TO SENDER.KWAZVABVA NDOKWAZVICHAENDA CHIBABABABABA' Apo pairohwa maClarks nezvimoko zvakarova mabum shorts. Zvakabuda Mai Simon nechikwata chavo,havana kurefu kwavakazoenda.Vakanzvenga vakananga kudivi rekuCity Sports Centre ndokurayira Thembani kuti amise motokari ipapo ipapo.Vakaringa ringa vakaona pasina aitevera ndokutura zibefu vakatsamhira seat remota.Apa musoro wavo wakaita merry-go-round chaiyo nekuti public yanga isiri kuda kutombonzwa nezvokubuda kwaBaba Simon apa ivo vachida kuti vabude,zvekare nerestaurant yaiva yaitwa madota vakanyatsojungwa pakati pakati pemoyo wavo.Mumotokari makamboita kanguva makafiwa kusvikira Mai Simon vazoti,"Guys I am under intense pressure ndofunga muri kungozvionerawo.First and foremost and without fucking with time,ndiri kuda kuti mudzoke kuRotten Row now and track down those girls vatitarisa vakatiseka paya tichibuda mucourt.I know them and kamusekero kavaita paya hakana kumira mushe.They are up to something.Necommotion yatasiya kucourt,I think munosvika vachipo nekuti panenge panodiwa nyaya ipo paye."Evaro uyo aiva akagara kumberi akatendeudza musoro wake kuti ataure naMai Simon avo vaiva kumashure,ndokuti,"Asi tadii tambo..."Hapana zvaakazombotaura nekuti akabva ahakwa naMai Simon avo vanga vatoone hasha."Obey my orders guys!!!This is not the time for fucken questions ok?Itai zvandakuudzai now.Fambai netsoka for disguise and take this $100 with you in case pane chamunogona kuzoda!"Mai Simon vaitaura vachiita kunonzi kuzhamba kuita sevachatsemuka mapapu zvekuti vakomana vakangotambira mari nekukurumidza. Havana kumboita hanya nazvo nekuti vaiziva kuti its part of the job.Vakangokurura mabhachi avo ndokusunungura matie avo.Vakasara vaane kamwe kaball gents new look,ndokuyambuka Rekayi Tangwena vakananga kuRotten Row.Vakomana vachingopinda muchiground chiya chinoitwa zvedriving school,Cliff akabva asara achifonera Mai Simon atova kubasa kwake.Cliff aitova nedzakewo nekuti paakabva kuRotten Row akabva asvika pabasa pake pakavharwa.Izvo zvakabva zvamuratidza kuti Baba Percy vaiva vatorovha kubasa apa zuva raiva ratokwira.Akamboedza nhamba dzavo asi dzakaramba kupinda.Akabva avhura musuwo achishandisa maspare keys ake.Zvakamunetsa kuti Baba Percy vaiva kupi chaizvo.Akamboedza nhamba dzaMelford zvekare ndokubva zvaramba.Nokudaro akazongovhura shopu yake ndokutanga basa rake ega,kuzosvikira paakafonera Mai Simon. "Come over to my workplace izvozvi.Pane one or two things zvandiri kuda kutaura newe."Cliff akadaro parunhare nenzwi risina kuteramira.Mai Simon vakashamisika ndokuti,"Hehehe kwakanaka here kubasa kwenyu ikoko kwamunogarotirambidza kuuyako?Anyways I am on my way now."Mai Simon vakazopedzisa kutaura vachimutsa Benz yavo izvo Cliff anga aronga kuvaramba achishandisa nzira yekuti aiva avaona akakombwa nevarume vaviri vaaisaziva.Cliff anga akungotsvaga chimukana chese chese chingamuponesa nekuti aiziva kuti akaramba achidanana naMai Simon magumo acho aizomuomera.Zvino nyaya yacho yanga yaita kakudeuka yafanana neColgate yasvinwa kubva muchitube chayo, iyo inozonetsa kuidzorera makare izvo zvakarehwa naVaMabasa murungano rwavo rwunonzi Ndafa Here?Akambofunga zvekare zvekutiza nemhuri,asi munongozivawo kuti kungotanga humwe hupenyu kune imwe nzvimbo zvekare sei paine vana,zvaizooma.Uye Mai Ruru vaizobva vagara vachinyumwa nekuti speed yacho inezenge yanyanyisa.Akazvigogodza musoro wake ndokumbonyemwerera mushure mekunga aona kuti zano rake remusi iwoyo raigona kubuda bhobho.Haana kuzivawo kuti munhu waari kutamba naye bhora racho akaoma sei.Mai Simon vakazosvika kwapera maminitsi anenge mana bedzi sezvo pavaibva paiva pedo pedo. Vakasvika ndokumbundira Cliff, asi vakaona akafundumwara."Whats the matter honey?"Vakabvunza zvavo Mai Simon vachigara pane chimwe chigaro chaiva kuseri kwecounter.Cliff akaramba zvake akanyarara ndokumbosevha macustomer paya akatsigira shaya dzake dzose nemaoko ake.Apa aiva akatarisa zvake kumusuwo ndokuti,"Wakaswera kupi nezuro?"Mai Simon vakaita kakubabaika ndokuti,"Cliff come on did you ever try my phone?Kudai uri kuziva zvandakatarisana nazvo usiri kumbondichenamira kudai."Vakatadza zvavo kupindura mubvunzo iwoyo sezvo waiva wakaswera kuBuluwayo."Why kuzvambarara pamusoro pemubvunzo so?The question is so simple Trisha.Ndati where were you yesterday?"Mai Simon vakatoona kuti musi iwoyo paigona kungoberekwa mwana asina bvudzi ndokukurumidza vati,"Cliff now hausi kuziva whats trending right.You are not online ok?Vhura paFacebook nepaWhatsapp now uone disaster yatiinayo pano zvekuti kudai uri mumwe watodzikama zvako babie."Cliff akabva asekera svoto ndokuti,"I cant waste my bundles ndichitsvaga zvinhu zvisina musoro.Yesterday you never called me although wakasobuda muhospital and today ndakuona nemafesi ako two kuRotten Row uko.This means I am no longer special to you hantie?"Ndiko kurambwa ka uku?"Mai Simon vakatanga vabwibwinyika nesetswa ndokusimuka kuti vanokochekera Cliff asi vakabva vamhizurwa maoko."Get your hands off me you bitch.Leave my life alone ok!"Akabva asaidzira Mai Simon ndechepachipfuva apa vakabva vati pfurugada negotsi. Cliff anga agara atorine BP yekushaiwa Baba Percy pabasa.Mai Simon vakabva vati kwakashara ndokuti,"Kkkkkk ko hasha ndedzei apa nhasi vakomana.Cliff of all the people you decide to lay your hands on me?Let me explain myself iok?Now do you know kuti my restaurant was burnt down to ashes yesternight?Nezuro my parents vakaswera neni kumba vachimonitor medical process yangu.Today I was given a security escort by the govt coz you saw it for yourself that the paparazzi was overwhelming.Come on bae,do you really want me to cut myself into pieces.I dont even know those men.Kudai vaisavapo hantie ndaitadza kutozopinda mucourt macho.Cliff why cant you be serious with this?I am doing this shit all for you and you dont even appreciate...Oh my God...!"Mai Simon vakambotanga vachiita kakuseka,asi vakatozopedzesera vakushamatata nenzwi rizere misodzi.Cliff akaona kuti anga adyiwa apa vanhu vanga vakuita kakuungana pamberi peshopu yake kuti vanzwe dot com remahara.Akabva akurumidza kupinda naMai Simon mukahofisi kake kaya kekuseri.Chakabva chatotsviramo pamusoro petafura.Kaingova kaquickie kepaAmerica,asi Mai Simon vakatonzwa parere moyo.Ndizvo zvavainyanyodira Cliff.Ukuwo Cliff wacho pavakapedza anga aita kakudzimaidzika asingachazive zvekuita.Akatadza kuziva kuti Mai Simon vaiva munhu akaita sei chaizvo.Chikamu ichi chichipfura,Mai Simon vakazooneka vakananga kumaAvenues kuti vanomirira vakomana vaya vaiva vapinda mumasango. Zvakaparadzana vanaEvaro naMai Simon paCity Sports paya,vakasvika vasikana vaya vachiri panze pedare.Vanhu vazhinji vaiva vapararira zvino apa chikwata cheriot chaingotenderera tenderera po.Havana kusvika padare chaipo,asi vakamira vachihwandira nekuseri kwemiti iya iri nechekuRotten Row Road.Vakaona mumwe wevasikana vacho vatatu achitaura taura parunhare,achiti kana ati taure yoita seyakata oridza tsamwa.Nyambisirwa aiva Martha aifonera taxi driver wavo uyo anga achingoti ava kusvika kunyangwe aiva achiita kakunonotswa netraffic.Naizvozvo Evaro nemumwe wake vakambomira kwekachinguva dzamara vaona taxi yakasvika pacar park yepadare,ndokutakura vasikana vaya.Taxi iya yakananaira ichibva padare izvo zvakavapa mukana wekuita fembera fembera vachimhanya kunobata Robert Mugabe.Vakabva vasvikirana nayo ichimira pamarobots ndokubva vasiya ichikunguruka naRobert Mugabe.Vanoziva nzvimbo iyoyo vanobva vaziva kuti haiwanikwe makombi kana mataxi zvekuti vakomana vakapererwa apa taxi yaana Martha yanga yatoteremuka zvekuti vanga vasiri kuchaiona.Vaingoziva kuti yaiva isati yamboenda kure nekuti motokari dzaizopingaidza dzaiva dzizere mudhorobha.Vakomana vakaona kamwe kaHonda Fit keblue kaiva kakapakwa pamugwagwa.Thembani akabva abudisa zinjumba rake remakey raaigara naro zvekuti yeHonda Fit haana kuishaya sezvo kamota aka kaiva katinetsei mbijana pamishikashika yemudhorobha rese.Muridzi wemotokari iyi aiva angotendererawo achitsvaga Brake Fluid pane imwe shopu yaiva nechekuseri.Anga angoitawo munyama nekushaya parking pedyo pedyo neshopu iyoyo.Akadzoka ndokuona paine nzvimbo chete,akati aipangura mhere mudhorobha apa rakacheka nyika.Akaita kugara pasi ndokuti,"Yowee kani ndakaita makore maviri ndichidya nemunjonjo,mukadzi wangu achigara neshort hair tichisaver mari yekuti titenge motokari iyi.Maiwe kani ndodiiko veduwe!"Vanoseka vakaseka uye vanosiririswa vakasiririswa asi zvese zvaiva zvaitika mumwe murume aisataura aitengesa airtime pamarobots epo achizviona. Murume uya aisataura akabva auya ndokutsanangura nemasigns.Pekutanga nyakubirwa haana kana chaakanzwisisa kusvikira murume uya azonyatsotsanangurirwa nevakomana vaitengesa mvura avo vaishanda nemurume uya aisataura.Akabva azvinzwisisa kuti motokari yake yaiva yatorwa nevamwe varume avo vabva vadzika nayo naRobert.Murume uya akabva apa murume uye asingataure $20 yaaiva anayo muhomwe,zvekuti akabva atenda seachataura musi iwoyo.Kuti Harare yaiva hombe zvekusatoona motokari yake,haana kumbozviisa mumusoro. "At least I have a clue.Regai nditeedze Robert wacho netsoka zvimwe ndingaiwana!"Murume mukuru akasheedzera pane vanhu vazhinji zhinji.Sandi kuseka kwaakaitwa nevanhu ava vakabva vapararira vachidzoka kumadhiri avo,iye ndokuomesa gotsi achiteedza Robert Mugabe.Nyamba murume uyu aiva agona kutevedza hwema hwenyama yake.Apa Evaro naThembani vainonotswa kuburikidza nekumiswa miswa kwavaiitwa nemotokari dzaiva dzizere mudhorobha.Kunyangwe zvakadaro vakakwanisa kuona motokari yavaitevera kunyangwe zvazvo yaiva pamberi pavo nekachinhambwe.Vakazopfuura Julius Nyerere vachingotevera taxi iya iya yaiva yemhando yeToyota Raum.Vakadungamidzana nayo kunyangwe zvazvo paiva nemotokari nhatu pakati.Raum iya yakazosvikonomira pana4th,paya panokwirirwa makombi ekuGoromonzi pamwe neekuMabvuku.Martha neshamwari dzake vakaburuka ndokupinda murank chaimo.Ipapo vanaEvaro vaiva vakamira pamarobots a4th naRobert asi vari neche munaRobert. "Dzika now unoona kuti vari kuendepi chaizvo murenkini imomo.Kurumidza vela vasati vatsakatiramo!"NdiEvaro uyo aingunorayira mumwe wake kuti afanochingura vasikana vaya vasati vashayika murank imomo zvachose.Thembani haana chaakambotaura asi kungoburuka ari pfuti akananga murank izvo zvakapa Evaro mukana wekuti abva agara pachigaro chemutyairi.Evaro akabva apoterera kuseri kwetoilet iya yepana4th iri murank ndokuwana vasikana vaya vatogara mune imwe kombi yaitoloader zvayo Kamfinsa.Kombi iyi yaiva isati yazara saka Thembani akabva afonera Evaro uyo anga apfuurira neHonda Fit iya ndokunomirira pamushika shika wemalift ekwaMutare,uya uri muberere meRoadport.Evaro akabva angosiyawo Honda iya kwakadaro ndokusanganga naThembani kuti vachiruke dhende kekupedzesera. Murume uya weHonda Fit akangoramba achizongotevera Robert Mugabe dzamara asvika pana4th.Ipapo akanga achineta zvino apa ziya ringori mwakata nemuviri wese.Akamboda kukanda mapfumo pasi imwe pfungwa ikamurayira kuti apfuurire mberi nekutsvaga mudziyo wake unokosha.Akanga akuita seanopenga nekuti anga akuti akangoona Fit yese yese yangopfuura aiita seachaimisa.Akangosunga mananda ake ndokubata 5th apo akazoona motokari yake asi yaiva yanjemwa neclamp yekanzuru sezvo nzvimbo iyoyo isingatenderwe kupakwa kwemotokaripo.Murume mukuru akatanga arova kamuchinjiko kaya kekuRoma kuti adzikame.Akabva asvika pamotokari yake ndokunyepera kumira mira achiita semunhu apererwa.Chiriporipocho pakabva pasvika mumwe mukadzi aiva akapfeka bib reEase Park akabata faira mumaoko raaishandisa sechitsimbiriso pakunyora kwaaiita ticket rake."Oi ticket iri mukwasha ndere$10 nekuti matsika panzvimbo inoyera."Akadaro mukadzi uya achitambanudzira murume uya ticket riya achisekerera zvake semuvhimi abata mhembwe yakarara."Aaa zvaambuya akomana yangonyararawo iri pano saka apa ndanga ndaenda kunotsvaga dashboard spray kuti ndimbozame kuimutsa."Murume uya akadaro zvake achiita kakunyaririra zvichibatanidzira nenhema dzaaidai kuruka rakacheka nyika.Mukadzi uya akaramba akanyarara apa asisaseke kuratidza kuti anga akuita zvebasa chaizvo zvekuti Baba Nhiya vakangovhura door reFit ndokutora mazikobiri ema25 cents aiva azeremo.Akamaverengera paseat mushure ndokumatambidza mukadzi uya.Achingopedza kudaro akabva anyika gumbo mutank achiridza 'Makaponesa Mweya Wangu' yaSebastien Magacha.Mukadzi uya akangosara achisekerera ndokuti,"Mukuwasha mukoko hauperi kunon'onwa kkkk." Paya Evaro naThembani vakazozadzisa maseat maviri ekombi iya yaiva yakwirwa nevasikana vaya.Vasikana vaya havana kumboona vakomana ava sezvo vaiva vakadekara vari kuback seat.Kombi yakazobuda murank ndokuzobata Samora Machel ndiye tande naye dzamara yamira paHardon Motors iya iri paEastlea Shops.Evaro nemumwe wake vakabva vadzikawo ndokuita kunga vakupinda muEastlea Complex macho.Vakangoti bhendu neimwe shopu ndokuita zvekudongorera vachiona vasikana vaya vachiyambuka Samora vakananga pamaEastlea Flats paigara Martha.Varume vakabva vatevera vari nechekure kusvikira vaona flat rakazopinda vasikana vaya.Vakaita rombo rakanaka nekuti makamuri eflat raMartha aiva paground floor zvekuti havana kushupika nehurongwa hwavo. "Kundai open the windows swty cant you feel kuti its hot in here!"Martha akasheedzera zvake akananga kubedroom kwake kunochinja uko akadzoka akarova kabump short nebra bedzi.Kundai akavhura hwindo riya ndokubatana naRose pakunochinjawo kuti vasare vakashama saMartha.Vakazodzoka ndokungotanga kuseka.Pakasekwa kwete zvekutamba.Hapana chakambotaurwa asi pakasekwa zvemaminitsi anokwana kuita iwo mashanu.Vaona kuti mbabvu dzavo dzingangoparara,Kundai kakabva kati,"Hahaha but takarova saizi did you check on how stupid she was kucourt uko?kkkkk vanozviti ndevemari but she is highly confused now."Vakabva varovana maoko vese vari vatatu ndokuseka zvekare dzamara vakuyerera misodzi. Evaro naThembani vaiva vakamira nechepahwindo vachiona zvese nekahwangwaridza kelace curtain raivapo kuseri kwedzvuku raivapo.Kuvhurwa kwakaitwa hwindo kwakavapa mukana wekusendeka foni yavo pawindow seal yakatsamhira burglar bar kuti itore zvaivamo.Vakanyatsoteya lens yayo mushure mekunga vananganidza nekahwangwaridza kaye.Vakabva vabva ipapo ndokumira nechepaseri pemumwe muti waiva pedyo ndokudekarapo,sekunga vagari vepo.Kwapera maminitsi anenge makumi matatu vakabva vazoona vasikana vaya vakubuda nepagedhi hombe,Martha akabata papera bag.Vasikana ava vaienda kubutcher kunotsvaga muriwo.Ipapo Evaro naThembani havana kuita dambe nenguva,vakabva vanohwepura foni iya ndokuenda kumaAvenues kuti vanosangana naMai Simon ikoko. Zvakaparadzana Cliff naMai Simon paya,akasara achifizurwa ega nebasa.Anga ajairaka chiboss chekushandisa vamwe zvekuti musi iwoyo basa rakamurwadza.Aka mboedza nhamba dzaMelford nedzaBaba Percy dzikati makandiisepi?Akaedzawo dzaMai Ruru achida kubvunza nezvaBaba Percy,dzikati makandiisepi nhai Baba Ruru?Akatarisa Last Seen yavo yepaWhatsapp ndokuona ichitotaura zva9 o'clock dzemauro anezuro.Cliff akapererwa semushanyi apererwa nemari yekufambisa asati asvika kwaari kuda kuenda.Nguva dzekuchayisa dzakwana akavhara shopu yake ndokumborova maquarts maviri pakamwe kabhawa kaiva pedyo neshopu yake.Apedza akabva arova giya akananga kumaraini kwake apa dzungu rakamugara saizi inotenga.Zviitiko zvemusi uyu zvaiva zvavakutomupengesa.Akasvika pamba pake ndokuzvivhurira gedhe akadekara zvake ndokutyaira achipindamo.Mushure mekunga aburuka kubva mumotokari yake akabva ananga paFrench Door kuti apinde mumba.Achingoti tsikei pavharanda magetsi akabva angoti tsvaa sezvaanongoita kana aenda.Akabva atsvanzvadzira tsvanzvadzira ndoku........!! I AM BACK WITH A BANG😎 WATCH OUT FOR CHAPTER 31🎓 [23/03 19:23] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA-CHAPTER 26* Cliff akabuda paSt Annes zvakanakisisa ndokunogara mumotokari yake.Akaita kakutsamhira chigaro akaita kakuchirereka achiseka zvake dzaaive apindana nadzo.Bhegi raiva rakadira nokudaro Shabanie yaiva yakadzora mwando.Akavarairwa kudaro akaona hama dzaMai Simon dzakupinda muchipatara nekuti visiting yanga yakutokwana.Akavaona nepakagirazi kaya kanenge kari mumota.Ipapo ipapo akabva amutsa Altezza ndokutsemura nzira akananga kubasa kwake.Musi uyu kana Baba Percy vakatoonawo vega kuti boss wavo vari kufara.Nguva dzebasa dzapera Cliff akabva atengera Baba Percy zimudzete regirosari rekuti kana ivo vakatadza kuzvinzwisisa.Kwaingova kungoswiper bedzi mhuri yotofufutirwa.Chemusi uyu vakaita kuperekedzwa zvekusiiwa pamusuwo wavo.Vakabva vapihwa $50 yemuriwo.Murume mukuru akabva avhara gaba rake ndokubva atosiyana nezvekutaurisa.Vakaparadzana Cliff akananga kumba kwake uko akasvika Mai Ruru vatopedza kubika kwemanheru.Kana ivo Mai Ruru vakakangwa mate mukanwa nekungosekerera sekerera kwaiita baba vekwavo.Vakabva vaita kugara pamakumbo pechibaba chenyuchi."You are in a happy mood today henyu.Ndiudzewo chiri kukunakidza Baba Ruru?"Mai Ruru vakadaro vachipuruzira chirebvu chaCliff chaiva netwundebvu twushoma twaiva twakatungira.Vaitorambidza Cliff kutwugera nekuti vainakidzwa nekutwunyerekedza.Cliff akabva aita kakuvagumbatira sekacheche ndokutaurira munzeve yavo achiti,"Can you imagine Mai Ruru miracles do happen my wife."Mai Ruru vakabva vanzwa kunyerekedzwa nemanzwi aya ndokunyatsodekara kuti vanzwe nhapitapi yaida kuparurwa naCliff."Hey nhasi pane imwe Jeep yanga yaane two months iri pagarage yatengwa.Can you really imagine honey kuti yatengwa nemurungu abva angoita transfer yacho ye$10 000.Aiisa muaccount maBrian saka ndimo mandava kutorera changu chemusana."Mai Ruru vakabva vakwetsura mhururu yakavhundutsa nemapete aiva pasi pekapeti.Cliff akangonyemwerera yake iya iya."My prayers haapereri pasi seguva.Even in tough times isusu sevatendi hatiomerwi nekuti Mwari wedu anotirwira."Mai Ruru vanga vakutodetemba vakamira vachiita nekufamba famba nemba yese.Cliff akagegedzera ndokuti,"Chiuyai ndikuudzei zvandiri kufungira mari iyoyo."Mai Ruru vakawaina vachinogara pamakumbo aCliff pekare."This time takufinisher imba yedu and imwe inenge yasara tomorrow I am going to place an online order for an Italian gown rako iwewe repamuchato.Riri kuuya nendege mai bhoi.Munenge makachena kunga gold rabva mumill.Apa just imagine ndichikupfekedza macarats ediamond ring.Musi iwoyo ka hey!"Cliff akadedemura manyautsamukanwa aya izvo zvakapembedza Mai Ruru.Hameno kuti vakasvotoka sei kubva pamakumbo aCliff ndokupfugama pamberi pake vakutochema.Cliff akabva atanga kuvapukuta misodzi yavo nemaoko ake.Naiyewo akabva anzwa kuda kuchema asi akazozvidzorawo sebhuru.Mai Ruru vakabva vasimukawo ndokuti,"Inini ndichatokutsvagirawo suit yako from South Africa."Vakabva vanyemwerera zvine kakunyaririra.Cliff akabva aseka zviya zvekudzima kuchema kwese kuya ndokuti,"Usandikopera iwe Mai Ruru ndini ndakutangira."Akabva avasvororedza achibhabhadzira muromo wake nezvikunwe zvake.Mai Ruru vakabva vatanga kunyepedzera kuchema zvine kakuyemerera.Cliff akaona ega kuti kana zvadai nyaya yacho anenge atova makata.Akabva anyengetedza munhu wake kusvikira aota.Mai Ruru vakabva vasimuka kuti vaende kukicheni.Cliff akabva avatevera ikoko achivasekenyedza mbabvu dzavo.Chokwadi kunga mumba mune vana vadiki kudaro.Vakati vapinda mukicheni Cliff akabva amirira Mai Ruru vachipakura.Ivo Mai Ruru vakamboita kakushamisika vari mubishi rekuita basa ravo.Zvakaratidza sekunga pane zvavanga vagaya ipapo.Vakatombomira kuita basa ndokuti,"But like honestly Baba Ruru that kitchen party scandal is still sending shivers into my spine.Ndikazvifungazve zvandakaona that day ndinonzwa kudzikira pamweya."Apa vaitaura vaine chiso chairatidza kuti nyaya iyoyo yakavashungurudza chose.Naiyewo Cliff aitoionawo senyaya yaitomutemesawo musoro wake kusara wava huni chaidzo.Cliff akanyepera kutarira denga rekicheni seari kufungisisa maningi ndokuti,"This time hapana chinoitika mukadzi wangu.Paya makangoita blunder yekuti paisava nehama yedu kana one.Yaingovawo kitchen top up yevechechi bedzi.Zvino rwendo rwuno kitchen top up yacho iri kuzoitirwa paroad marelatives edu ese anofanirwa kuvapo.Munongoaccpter mapresents chete otherwise zvefood izvozvo munongopa vana mhamha vamonite."Cliff akataurira pachikuru akadzikama zvekuti Mai Ruru vakanyatsojekerwa nazvo.Vakazopedzesa kupakura ndokuenda nechikafu muimba yekutandarira.Vakadya vese semhuri mushure ndokunovata.Vakati vazvambarara zvavo pamusoro pemubhedha Mai Ruru vakabva vati,"This time kana takuronga we must be very very extra careful especially when dealing nevanhu vekuchechi coz kune vanhu vari kutoda kumisa muchato wedu nekunga wandiuraya.Kunyanya musikana uya wekuzongotsakatika handisati ndamuchenesa nazvino.Kungoita zvinhu tine safety swty otherwise I am so sure kuti tine maenemies within the church."Cliff akabva adzvondora ceiling zvakare ndokuti,"Musikana wamuri kureva ndeupi imi?"Akabvunza semunhu uya atori zvake murima panyaya iyoyo."Pavanhu vanenge 3 vasina kunwa tea ipo paya including inini pane musikana mumwe chete aivapo wechidiki.The following day rakangoitika nyaya iyoyo akabva angoshaikwa.Mmmm pane nyaya ipapo."Mai Ruru vakadaro vakarara pachipfuva chaCliff.Cliff akaratidza kakushamisika ndokuti,"Aaa ini handimuzive zvangu.In fact its now water under the bridge but zvakangodarao we must be careful as you said.Forget about zvakatoitika mai mwana tiite plan yekumberi.Kudai kuri kuti ndaizowana time ndaimupanda zvangu maybe atorine data rinogona kutihelper big time." Mai Ruru vakangogutsurira musoro wavo,maziso avo aita kuzvimba nehope.Vakazovata zvavo dzekacheche kaiko dzamara kwaedza Friday yacho havo Mai Simon vachibuda kubva muchipatara.Mushure vakamboedza kupfeka hembe dzavo dzavakanga vauya nadzo ndokutadza kudzikwana nekuti vaiva vaondeswa nokugara muchipatara.Vakatozoita zvekufonera Chipo kuti azouye nembatya dzavo.Iye akazouya nadzo pamwe nedzimwe hama dzavo.Mhuri iyi yakapemberera kupona kwemumwe wavo.Madhokotera akarwa semvumba vachiitirwa kuti murwere agutsikane nebasa ravo.Mai Simon vakatsika madziro pakuti vamboende kumba kwevabereki wavo.Vakati vanoda kuenda kumba kwavo kuti vambozorore pamwe nekupedza chisuwo chavo nevana.Vabereki vavo havana kumbovarambira.Vakabva vavaperekedza ndokubva vasiya vakumbira Chipo kuti achengetedze Mai Simon kusvikira vagwinya.Vapedza vakabva vaoneka apa dzakanga dzava 12 dzemasikati.Mai Simon vakangogara anenge maminitsi makumi matatu bedzi ndokubva vatotanga kugaya zvekunoona Cliff.Rwendo rwuno Baba Simon vaiva vari muchitigu saka apa vainyatsoita mutambarakede.Musana wavo ndiwo waiva uchiri kudzimba nenhau yekugarisa vakarara asi pavakafunga nezvaCliff vakanzwa kakupona.Vakabva vapinda mubedroom mavo sezvo kanguva kese aka vaiva vakazvambarara pasofa.Vakafarira kuona pamubhedha pavo pakawaridzwa mabed spread matsva uye mubedroom mavo maiva marongedzwa neimwewo nzira itsva.Vakasheedza Chipo vakamutenda mushure ndokutora zvavo makeys avo eRange Rover yavo iya nhema.Chipo aiva achirimo mubedroom imomo akazvionera kuti pane kwakuda kutoendwa nemunhu asati atombosimba.Zvakamunetsa kuti ovatanga sei.Akanga akutotya pamwe nekunyara kuti zvimwe akuita seava kutovatonga.Hameni kuti chii chaizvo chamunyumwisa zvekuti chemusi uyu kudai akada kuvadzivisa aigona kuzodirwa mushonga nekuti Mai Simon vaiti vakafunga Cliff pfungwa dzavo dzaitombomira kudhonza.Vanga vakutoona Cliff semurume wavo chaizvo zvikuru sei Baba Simon vakavharirwa."Ndiri kuda kumbosvika kuAvondale Chipo.I hope so well kuti I will be fine.Ndiri kuda kumbosimbisa mabhonzo angu.Kana chipatara chandirega kudai zvinoreva kuti ndasimba."Mai Simon vakataura manzwi aya vachitofamba vakananga mugaraji.Chipo akangoti,"Ehoi mufambe zvakanaka mhamha."Akasara akapeta zvake maoko ake achidzungudza musoro.Akashaya kuti amai ava ovaisa mumupanda ani chaizvo.Vana vavo vaiva vasara nenguva diki diki kuti vadzoke kubva kumaraini kwavaiva vaenda kunotamba.Izvozvo zvakanetsa Chipo akaona ega kuti apa pane zinyaya.Akazongonzwa ziRange rakuzhezheudzwa rakutomedza tara. Mai Simon vakatekenya muchina vakananga kurestaurant kwavo kunoona kuti kwakamira sei.Vakasvika pangorine mugadhi asi ruvanze rwese rwaiva rwakati n'onp rwusina upenyu.Sezvo vaiva nemakeys ebasa vakabva vavhura ndokupinda mukati.Vakaona midziyo yese kusanganisira nenakombiyuta avo azara bukuta.Vakatozobuda vakuzaridzwa naro apa meso avo atotsvuka sevasvuta mbanje.Vakangooneka gadhi ndokurova motokari vakananga pabasa paCliff.Munzira mese vaironga zvekuchenesa pabasa pavo paweekend yese.Vaizohaya imwe kambani yaizoita basa iroro.Motokari yakatsikwa zvedi yakananga kuCliff Motor Spares.Mumoyo mavo vanga vakuchiona Cliff semurume wavo.Vanga vakutongoda kuti Baba Simon vangoende paChikurubi chaipo.Havana kumbobvira vagaya pfungwa yekutonovaona kana kuzonovatsvinyira zvavo.Cliff aivapengesa nekuti aivabaya parutanhi tanhi.Vakazosvika pabasa paCliff ndokupinda mukati.Vakaona Baba Percy vari kuseri kwecounter ndokuti,"Morning my brother.Is Clifford around?"Vakabvunza zviye zvine kakumhanya mukati uye zvaiva nekakutonga mukati.Baba Percy vakatongoona mashades aiva akarohwa apa vakaona vega kuti paita zvemari.Baba Percy vakavhunduka ganda chete ndokuti,"Boss Cliff havapo vaenda kobhadhara mari kubank account yeconstruction company iri kuita basa kumba kwavo.I think mukamira zveten minutes chaidzo vanogona kutosvika manje manje since vasoenda paane time.Kungoti muri kumhanya so kana mukaenda ndinozoti vaitsvagwa nani?"Mai Simon vakabva vatenderedza maziso avo mushopu mese ndokuzoti,"Munongoti your sister from Bulawayo vauya vachikutsvaga.Immediately anobva atozviziva.In fact I want to take my leave since ndiri kumhanya.Do you have any idea kuti aenda kubank ripi racho?"Baba Percy vakakwenya mhanza yavo sevari kufungisisa maningi ndokuti,"Its Old Mutual CABS iya iri opposite Africa Unity Square."Mai Simon vakabva vanyemwera mushure ndokusiira Baba Percy katwenty kasina basa.Vakabva vatoirova zvakare Range vakananga kubank kwakare.Zvediwo vakasvika Cliff ari pamudungwe wekubhadhara.Vakamuona kuburikidza nepamisuwo iya yegirazi.Havana kuda kupinda zvavo asi vakamirira munhu wavo kuti apedze zvese zvaari kuita kusvikira abuda.Kwapera anenge maminitsi gumi Cliff dzakatobuda zvadzo dzichinyemwerera dzakutogadzirira kunoona paiva nebasa kuSentosa ikoko sezvo aiva ataurirana nevaridzi vekambani yacho kuti vafane kumuitira basa ozovakandira mari mangwana.Achingobuda paya ndiye mahwekwe naMai Simon.Akashaya kuti ovatanga sei chaizvo."Is this a dream or what.You should be in hospital uchinyatsosimba.Wanga watosimba nenguvai ipapa?"NdiCliff uyo akatozoita zvekubvunza ashamiswa nekuona Mai Simon vakutowaya waya mudhorobha.Mai Simon vakabva vazemberera Range yavo nemusana ndokuti,"Ii veduwe ngatigarei pamabasa edu kuitira vaenzi vakaita sesu vakazouya.Hatidi kuzoswerofamba kudai zvikuru sei tisati tasimba kkkk."Cliff aiva atovhiringika pfungwa.Akatadza kuziva kuti mai iyi yairevei chaizvo.Akazoti azvibatanidza bataniza akazoti,"Asi wambopfuura nepabasa pangu kani?"Apa akabvunza akavhurisa ziso rake chiso chake chakasungikana.Mai Simon vakabva vavhura misuwo yeRange yavo kuti vese vapindemo.Vakabva vapinda ndokupinda mumota. Pakamboita kanguva pakanyararwa kusvikira Mai Simon vazoti,"Sorry for the late reply but ndanga ndaona kuti we need a bit of privacy remember tiri paberere peHerald House.My family is already on the headlines so we dont want to worsen the situation.Of course ndasvika pabasa pako and I told your worker kuti ndiri siter yako yekuBluez."Mai Simon vakataura zvavo vakadekara asi vakaona Cliff asiri kutombozvisekererawo."Simba rekusvika pabasa pangu without my agreement wakarionepi?Rememner uri under public lenses as you said and ndichaguma ndabatanidzirwawo manje!"Cliff akadaro nenzwi riri padenga.Mai Simon vakabva vatanga kupurizira chidya chaCliff neruoko rwavo ndokuti,"Phase yagirlfriend and boyfriend yakatopfuura.Rememberwo ndakapotsa ndafira iwe asi hauzvione.Now we are in the husband and wife phase so I have the right to claim what is mine.Ndine right yekutosvika pabasa pemurume wangu unless akuda kundichenamira nekuti maybe aana vana mainini."Vakabva vasekera svoto ndokurovanisa maoko avo zviya zvekuzvifadza.Cliff akangobata shaya ndokuti,"What about my family?This was never meant to be Trisha,please understand me!"Cliff anga atorereka musoro achisiririsa zvekunyepedzera.Kutozodawo kuyeredza misodzi yerovambira.Apa motokari yake aiva asiya kubasa sezvo aiziva kuti pekupaka paigona kuzomunetsa.Mai Simon vakatarisa Cliff kumeso kwake chaiko ndokuti,"Ndiri kugadzirisa mavisas ekuAustralia mangwana chaiye so dont spoil my program with your stupid excuses.I dont deserve the husband I have and you deserve a beauty like me because you are so handsome,thus,get your wife out of this equation.You only have two options Clifford,either to go with me ku Australia forever or to give me whatever I gave you tichitanga nekupwanya imba yako yauri kuvakisa iyoyo.Am I understood?"Cliff akashaya kuti obata papi chaizvo.Mubvunzo iwoyo akaushayira mhinduro asi akazongotiwo,"....."" *Vamuka shuwa Mai Simon🙃😁* Watch out for the next chapter!!! Panofiwa diko😾 [23/03 19:23] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA-CHAPTER 29* Vakomana vakadzoka dzichiti 1730 vatorodzera mazino avo.Hapana kumboitwa dambe nenguva ipapo nekuti vatatu ava vakabva vatokwira kombi vakananga kudhorobha kunotora motokari.Mai Simon vakabva vasiira Gogo Lele kafifty kemuseredzero nekuti vaiva vatamba Number 9 yakanakisisa.Hoyo kombi yakabva yasvika mudhorobha.Vatatu vakabva vafamba vakananga divi rekuhotera uko kwaiva nemotokari yaMai Simon.Evaro naThembani vakabva vasara kunze kwegedhi.Mai Simon vakachimhanya kuti vanotora twekwavo pamwe nemakeys ebango ravo.Vakabva vapfuura nepareception vakuzoita check out nechimbi chimbi.Hepano pakuda kutora motokari ikati Mai Nhiya makandiisepi? Vakatenderera hotera yese ndokuishaya.Mukadzi mukuru akapengereka kusvika pakutsvaga motokari iya mupurse make kkkk zvese nemubra chaimo.Apa zvaisada n'anga kushopera kuti motokari yavo yaiva yabhagurwa.Vakabva varangarira nyaya dziya dzavaiva vakamboverenga dzembavha dzemuBulawayo.Vakambobuda kunze kwegedhi vachitarisa vakomana vaya ndokutovaona vachitandadzana nemumwe murume aitengesa airtime pachikona chefenzi yehotera.Vakabva vanzwa kakurerukirwa ndokufamba vari mheni vakananga mureception.Vanhu vese vaivamo vakavhunduka vachivaona vakaita kusunga track suit yavo muchiuno.Vakamira pareception vachifemeruka ndokuti,"Whats the hell with you security lapse here?Are you people really kidding me or I will sue the hell out of you.Maybe you are part of this shit coz I just cant lose a $60 000 car so cheaply like that.Where is my car you bastards?"Vakabvunza vasikana vatatu vaiva pareception avo vanga vakutozviunganidza pachikona vachidedera sevachaparara.Mai Simon vakacreator scene zvekuti vanhu vese vaya vaivamo vakaramba vakati maziso avo jii kwavari.Hotera yese yakamboteramira hure raCliff richibhabhauka. "Answer me you motherfuckers.Haisi foni ka iyi yashaikwa!"Vasikana vaya vakatadza kupindura vabitirirwa nekukwata.Vesecurity vakazosarosvika manija wepo atosobuda kare kubva muhofisi make mushure mekunga anzwa zhowe zhowe pareception.Apa 6 dzanga dzasochaya zuva rakutopinda muna amai varo.Manija uya uyo aiva murume akabva amhanyira kunochingura Mai Simon ndokuvazvuvira kuhofisi kwake.Aiwa murume akazvininipisa uye aivawo akatsvinda achigara achisekerera kunga vasikana vaya vanoita zvemodelling.Vakapinda muhofisi muya,manija vaya ndokupomhodza Mai Simon avo vakazongosara vachipfikura nehasha. "Sorry madam I heard your complaint from the time you stormed into the reception.Cases of car-jacking are now rife in this city,but this one is so unique because the hitmen rarely hit high security institutions like these.Maybe it was due to the model of your car,then what is it?"Mai Simon vanga vakungochururuka misodzi ndokuti,"Its a Range Rover Sport 2015 Limited Edition.But you guys how could you be careless like that?"Vakatozopedzesera manzwi aya vakushamatata nehasha izvo zvakazoita kuti manija vaya vati,"We understand this loss madam,but may you please try to calm down."Mai Simon vakabva vati kwaku kusimuka ndokuti,"If you were really understanding my situation you would have got my jewel back right away.The highest degree of understanding you can only exhibit in front of me now is just getting my car back.Period!Otherwise you and your security fools will be in for it."Manija vaya vakatoona kuti yatokwira mutarara ndokuti,"Let me call the police now."Vakabva vaisa foni paloud zvekuti Mai Simon vakabva vazvinzwirawo kuti reaction squad yemapurisa ine kwayaiva yamboenda saka yaizouya kwapera awa rese nechidimbu. Vachinzwa izvi Mai Simon vakabva vati gwajadara kugara pasi.Manija vaya vakabva vapererwa ndokufukidza chiso chavo nemaoko avo.Mai Simon vari pasi kudaro foni yavo yakabva yarira ndokuitarisa wanei ndiEvaro uyo akafona achivaudza kuti vakutonhorwa vari panze ipapo vakabvunzawo zvekare kuti ivo Mai Simon vari kuuya nguvai.Mai Simon vakabva vasimuka zvekare ndokuti,"My business partners are calling me now and I have lost many thousands due to your rubbish!"Vakataura vakaisa ruoko rwavo pahuma vachidzungudza dzungudza musoro."Madam you can wait here until the reaction squad come then we will sort it out."Vakadaro manija vaya vachinyararidza Mai Simon. Mai Simon vakabva vananga kumusuwo vachiti,"I cant wait for your nonsense.I should have been on my way to Harare now."Vakabva varovera gonhi ndokutsika pasi vakananga panze pfungwa dzavo dziri vhiri chairo.Manija vaya vakabva vasara vasina kana neremuromo.Vachingosvika panze vakabva vafonera Evaro kuti vapinde mukati.VanaEvaro vachiri munzira uye sezvo paive nekachinhambwe,Chipo akabva apinzira Mai Simon text message yaiva yakanzi:Sekuru naGogo vaSimon vari pagedhi izvozvi,I thnk vari kuda kukuonai so hamupo saka ndoita sei?*Mai Simon vakabva vakurumidza kubata munyati wacho ndokupindura vachiti:Vakabvunzisisa munongovapa nhamba dzaMoreen idzi dziri apa. Vakabva vatumira nhamba dzacho nekuti vaiziva kuti vabereki vavo vaitovaona sezai chairo.Vachingopedza kutumira message iyoyo vakabva vafonera Moreen wacho vachimutipira madhiri acho.Panguva iyoyo Moreen aiva akatorarirwa pamakumbo ake nekamukomana kake kainzi Max.Vaisekenyedzana pasofa ipapo.Max wacho ndiye aiva akabata foni yaMoreen saka payakazorira iine number dzaMai Simon akabva aitambidza kumuridzi. "Hello sis indava kurova so.I really miss you at the gym dearest."Akadaro Moreen achisimuka kunotarira poto yenyama iyo yaiva pachitofu chaiva mukicheni.Max akabva ateverawo kukicheni ikoko ndokukochekera chiuno chaMoreen ari kumashure,uku Moreen achikaringa nyama nerwumwe ruoko rwumwe rwacho rwuri parunhare.Mai Simon vakatanga vaseka chaizvo kunga vapedza nhamo dzese ndokuti,"Hona kkkk chimbomira ndichauya usatye.Listen babie gel,mudhara vangu vakafona unongovaudza kuti uneni ikoko pane zviri kuitika."Moreen akabva aputika nesetswa zvichikonzerwa zvekare nekunyerekedzwa kwaaitwa nemakiss aMax aimumhara nechemuhuro umo ari pafoni kudaro,akabva ati,"Matangaka madhiri asikana kkkkk anyways I will cover up for you my love."Vakabva vaseka vese,Mai Simon ndokuzokata foni vatoona vanaEvaro vatosvika.Hapana kumbokwaziswana ipapo nekuti nguva dzaiva dzanguvaira.Mai Simon vakangoti,"Guys we have a big problem here,motokari yangu yabiwa pano sorry for holding you muri panze.Saka nguva yese iyi ndanga ndiri kumbonetsana nevaridzi vepano.I am finished guys ndoita sei?"Vakadaro Mai Simon misodzi yatojenga mumaziso.Vakomana vakazviona kuti boss vabatikana nekuti paiva pakati ngwerewere nemalights. "OK sistren tipei makeys emota yacho team riri kurova mota mazuvano tinoriziva.Give us an hour bedzi munoona tauya nayo pano."Evaro akadaro asingaseki apa akatarisa mumwe wake Thembani uyo akabva agutsurira musoro.Motokari iyi yaiva yabiwa zvemhando yepamusoro soro chaizvo uye Evaro aiziva timu yacho yainzi yaana Scara iyo yaiwanzoshanda nezvekubiwa kwemota.Scara wacho aiva akadzidzira kuba mota ari kuSouth Africa uko akazotiza akuda kuurayiwa nemumwe murungu waaida kubira motokari yake pamba pake. Mai Simon vakakanda makeys acho kunaEvaro vasingataure.Vakabca vadzokera pareception pakare ndokutsamhira zvavo counter vachigaya kure. Zvakabuda Evaro nemumwe wake vakabva vananga kumanew stands ekuPumula uko kwaive nemba yaiunganidzirwa motokari dzaibiwa naanaScara.Vakatakurwa netaxi iyo yakangoita maminitsi gumi nemashanu ndokutosvika kumaraini acho.Paiva nezidurawall raiva rakareba zvekuti waisaona zviri mukati.Evaro akabva abata Scara parunhare ndokumuudza kuti abude panze kuti vakurukure.Scara wacho uyo aiva zihofori rerume akabva abuda akapfeka kashoti kachena kumusoro kusina chinhu.Akatobuda akabata remote yedecoder sezvo aiva achiona TV nemhuri yake.Vakambundirana zvechiguruvha mushure Scara ndokuzoti,"Uthini magents?"Evaro haana kumboda kurova imbwa akaviga mupini ndokuti,"Tiri bho mfowethu,pakaipa bro pane matourist ataida kurova bhegi paRainbow Hotel saka tiripo tichida kunzwa mazhet edu tabva tangofeelawo nyaya yeRange yabhagurwa ipapo.Now Range iyoyo semanzwire ataita yaiva yemumwe secretary waambassador wekuStates ari muno for a certain conference.Saka team repaHarare riri kuda kutobatana neFBI inoguarder paembassy yekuStates kuti vatambe nenyaya iyoyo.Manje iwe uri mumwe wangu kana warova zheti ndipasse back sinhi kwakasvipa kudai ndizoite plan yekuridumper kana mutown or anyway.Tiri masasman haibo hatishaye plan otherwise mukaomesa musoro munopinda busy madhiri akadhakwa.Munoketa madhiri edu aya anoda kuremekedza mamwe malevels akaipa so?"Scara akamerera twumapundu anzwa nezveFBI.Aigaroona operation dzayo pamamovie ekuStates,achigutsiakana kuti havasi vanhu vekuseka seka navo.Akabva angoona ega kuti apa aita semhembwe iri kutambisa ndebvu dzeshumba ndokuti,"Mmmm thanks bro wasparker izvi zvinotoda action. Kudai yaiva iine mabhambi edu emuno bedzi taigona kuvatonyora rafu yofa yakaloader manje apa paita a strong external force truly tinonyura rakacheka nyika.Havana mangwana ka vaya haaa ngatipindei mukati hama dzangu."Chikwata chakabva chapinda mugedhi chichiita kunonzi kufambisa. Zimba racho raiva rakavakwa riine downstairs iyo yaishandiswa segarage raiitirwa spray painting pamotokari dzinenge dzabiwa.Apa Scara anga arohwa nenxondo.Vakadzika mudownstairs muya ndokuona vamwe varume vashanu vakatorova mawork suits vachiita spray painting pamota dzaive dzabiwa.Yaitova 24 HRS service uye vaiita basa ravo nomazvo.Vakaona Range yatotokodorwa mameg yakugadzirira kupinzwa pamushando.Zvekuti yaiva nenavigator zvakambotariswa nani sezvo vakomana vaiva vatoibata bata kare kare.Scara akapa rayiro bedzi motokari bvayadzoserwa zvayaiva yakaita pekutanga ndokutobudiswa nepaFrench Door raitova nemacurtain.Varume vakaonekana,Thembani ndokusvada tara vakananga kudhorobha.Evaro akabva apinzira Mai Simon foni avo vanga vavamba zvekare kupopotera manija vaya nekuda kwekunonoka kuuya kwemapurisa.Mai Simon vakatozobuda vachiita zvekuramwira ivo vachiziva zvavo mazheti avo.Ukuwo,Moreen aiva avavharira magepi avo.Vakabva vaona zvedi Range Rover yavo yakatomira pamarobots makuru aiva pedyo nehotera.Vakabva vamhanyirako ndokunogara kuback seat apa kwanga kwatova kuma8. Vachingopinda Thembani akabva atsika chepakati ndokubva hinjini yazhamba vakananga kuHarare.Hapana akambotaura nemumwe kwekanguva kusvikira Mai Simon vazoti,"Haa you guys are so excellent.Mmm muri unbelievable guys,I am totally shocked.Evaro honestly my brother I trust kuti basa redu rinofamba apa mandiratidza hushasha hwenyu.Tell me the secret chomi?"Vakadaro Mai Simon vachiita kufashukira nemafaro.Evaro akangosekerera ndokurondedzera Mai Simon yavaiva vapindana navo.Izvi zvakapa Mai Simon tariro yekuti vari kutamba nevanhu chaivo."These guys have doctorates in this shit..wow wow."Vakaona vega kuti apa ndipo pavaizotora Cliff zviri smart.Rwendo rwese rwakapera vachingopembedza vakomana vaya.Vakatozosvika muHarare kuma1 dzemakuseni seni ndokusiya vakomana kuflat ravo riya rekumaAvenues ivo vachinanga kumba kwavo.Vakafona vasati vasvika ndokutambirwa naChipo uyo akaratidza kunetsekana zvikuru nenguva dzakapinda Mai Simon.Iye akatanga kungonyumwa bere,asi pekutangira mibvunzo akapashaya.Vakazoparadzana,Mai Simon ndokuvata dziya dzekurukutika.Vakatozomutswa na6 makuseni apa vachine hope,asi paisava nezvekuita nekuti nguva hadzinei nekuti une mari kana kuti hauna,dzinongorova pasi chete.Vakanwa mapiritsi avakarayirwa kuti vanwe nachiremba ndokunzwa zviri nane mushure mekunga vapedza kushamba zvese nekudya.0645 dzichikwana vakabva vasimudza Benz yavo iya vakananga kubasa kwavo uko vaizonosangana naLesley uya kuti vazomupe basa rekuti asare achiita ivo vachimhanyidzana nedzematare. Vachisvika kuAvondale vakaona aikaka mashura gudo rakarova sutu,building yese raiva rakaondomoka zvekuti masvingo eJericho aisara pasi,zvainzi yakabatira moto wakabva paservice station yaiva pedyo nerestaurant yavo.Zvekuti moto uyu wakatanga sei hapana anoziva asi paiva pakatotsva magadhi maviri aishanda aipapo.Vakatsva vachizama kudzimura rimi racho.Mai Simon vakapererwa zvekunzwa mabvi avo kuita sebota remurwere. Vakangoramba vakabata muchiuno vachinzwa makuna kuna aya.Vakatsamhira zvavo bonnet remotokari yavo vakamirira kuuya kwaLessy uyo akazosvika na0730.Lessy akatokatyamadzwawo nechiitiko ichi zvekuti akabva atongodzoka kumba.Mai Simon vakachifukidzwa nekuvhiringika zvino.Vakambobata kambani yeInsurance asi zvaizongoda nguva yakati rebei kuti pavakwe zvekare pazotange kutora mari.Ndiwo waiva mugodhi wemari yavo zvekare nekune rimwe divi Baba Simon vachidurura bhegi.Zvakaremera Mai Simon nekuti Baba Simon vavaida kuti vapinde mukati,zvanga zvakunetsa kana tsoro yacho yamira saizvozvo.Vanga vakuchishaya kuti votaura kutii kana vapinda mudare.Vakaita kakuzvishingisa ndokuenda kumaAvenues uko vakasvika vakomana vakachavata zvavo.Vakavaudza nezve yaiva yatambika,Evaro akavashingisa kuti zvaizofamba uye vaizoita maescort avo vachipinda mudare.Nekudaro vakomana vakageza ndokunopfuura nepaTruworths yemunaFirst uko vakanotengerwa sutu dzinotyisa.Mai Simon vakabva vagariswa kumashure samadam boss vakomana vese vagere zvavo kumberi.Benz yakarohwa yakananga kuRotten Row uko vakanosvika vanhu vakawanda sejecha regungwa.Mamwe matare ese anokwana iwo kuita makumi maviri akambomiswa kuti bope raiva ramuka apa riderere.Baba Simon vakazopinda muchizarira chepasi mushure mekunga vatori venhau vashupana nemagadhijeri kwenguva ndefu.Mai Simon ndivo vakazopindamo vakakombwa nemadzvinyangwe maviri aya,apa paisatomboitwa zvekuseka.Vakabva vakombwa zvekare nemapurisa aya eRiot zvekuti hapana aimbosvika pedyo navo.Vakabva vaita kaceleb chaiko.Cliff aidongorerawo ari muchaunga imomo,ndokushamisikawo aona varume vaiva vakakomba Mai Simon.Akabatwa neshungu dzekuda kutovaziva kuti ndivanaani???🤔 *Ko munofunga kuti akapisa restaurant yaMai Simon ndiani?* Hahahaha watch out for chapter 30!!!😁 [23/03 19:23] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA:CHAPTER 23* "Aaa Mary,Jesus,Joseph!This is ridiculous.Follow me to my office now you two bastards!"Mai Simon vakakwamatata vaona vaviri ava vari pakati pechirongwa.Vakangobuda vakashuta ndiye tende kugara pacheya yavo vakamirira vaviri vaya.Ivo vanga vakuchinyara zvino zvekuti pavakapedza kupfeka vakatomboita kanguva vachizeza kuenda kwavaiva vasheedzwa.Kundai anga asiri kutombotya kuenda,asi Lesley hana yake yaitova mumaoko ake.Aiziva kuti rikapera apa mhuri yake inonochera makurwe kumusha uko,asi Kundai airatidza kusatomboita hanya nazvo.Zvairatidza kuti aiva ane paaiva akatsika.Mai Simon vakaona kuti vanhu vaya vakutoita semapete awira mumukaka.Vakabva vafonera Lesley vachiti,"Muri kuwaster time muri imomo.Mukasauya kuno now consider yourselves fired in there.Hamunyare kutoita pano pabasa pangu bedroom renyu!"Havana kumbopa Lesley mukana wekutaura ndokubva vakata foni iya.Chiriporipocho Lesley akapinda ari kumashure kwaKundai vachiita kunonzi kufambisa.Vakagara pazvigaro zviviri zvaiva zvakatarisana nechaMai Simon.Mai Simon vakabva vabvisa maboniboni avo ndokuti,"Kundai now your cleavage is exposed in front of me.Unombondiona saani wako iwe?Hausi kana kumbondinyarawo nhai vasikana.Gadzira mabuttons ayo!"Kundai akabva apina mabhatani maviri apa akafinyama zvake kumeso.Lesley waimboti murume here?Hana yake yaiita kurova kunga abva kutandaniswa nezvidhoma zvakatsamwa.Pakamboita nguva pakanyararwa kusvikira Mai Simon vazoti,"Muri kusvibisa nzvimbo yangu pano.Now iwe Lessy you are suspended for two weeks coz wakutorera vasikana ava advantage yekuti vadiki uye nekuti vakauya manje manje.Then you Kundai ndakukupa last warning.From now on nemumwe wako you will be working under my eye.Siyanai nazvo izvo zvevarume vevanhu izvi."Kundai kakabva kasimuka ipapo ndokuti,"Lessy you lied to me kuti uri single.How evil you will pay for this!"Kakabva katotanga kuhwihwidza zviye zvizere shungu.Mai Simon vakapfeka magirazi avo ndokuti,"Shut up Kundi and who gave you the audacity to stand in front of me kana ndichitaura.Nyaya hombe pano ndeyekusotana pabasa pangu.Now budai muoffice mangu nekuti I have given my judgement and I am not going to reverse it." Vaviri vakangobuda vari uyo kwake uyo kwake.Lesley akazopedza zuva iri,asi zvemazuva akatevera akanga atova pasuspension. Mangwana acho iri Saturday,Mai Simon naCliff vakasangana paJameson Hotel mudhorobha.Izvi vakazviitira kuti varasise vavengi nekuti vakanga vakutyira kuti zvemalong distance zvanga zvaane vanhu vari kungofemera mugotsi ravo.Baba Simon vaivawo kwaMartha.Kubva pakaitika bongozozo rekukereke Cliff akanga asingachatombodi Mai Simon.Kusangana kwaanga akuita navo kwanga kwava kwekungovhara vhara nekuteya bhegi kuti madhiri akewo afaye.Chaainyanya kuda ndechekuti imba yake ipere.Aiona sekunga kudanana kwake naMai Simon ndikwo kwanga kwakuunza mhepo pamusoro pemuchato wake naMai Ruru.Kuti audzewo Mai Ruru kuti vambomire muchato wacho akaona sekuti vaizogona kumufungira kuti ndiye akaronga zvepoison zviya,asingade kuti muchato wacho uitwe.Saka zvakanga zvawavo pachena kuti pamuchato pacho paigona kungoitika chinyangadzo chekuti pekutanga aiona ega kuti zvaiva nane kuti arege muchato wacho.Haana kumbofungira huipi hwaMai Simon bodo,asi iye aitoona kudanana kwaaita navo kusiri kufarirwa naMwari.Akamboda kuedza kuitwa twumaactions twekuda kuvaramba,asi zvakarovera pamadziro.Apererwa kudaro musi uyu akachigaya kuvaudza nemuromo kuti ndizvo zvavapo.Vakanga vakagara zvavo pamubhedha vose Cliff ndokuti,"Mai Sai I think we must stop this relationship with immediate effect coz its posing a great danger to my family.Wakaona zvakaitika pakitchen party paya,it shows kuti pane something behind chete."Akataura kudaro ndokunyarara zvake achikwenya mhuno yake nekasiyanwa.Mai Simon vakati warawashu kusimuka ndokuti,"Nhasi I am now Mai Simon,you are forgetting kuti mazitama ese ayo nemasoseji ayo kugotsi kwako imari yangu ka iyi yawaguta.This is clear kuti uri kundiblamer pane zvakaitika pakitchen party yemukadzi wako ndizvozvoka?"Vakabbvunza vakuita kakusheedzeresa nehasha.Cliff akaona kuti ma3 atangidza ndokuti,"Its not the case honey.You dont have a hand in that ok,but I want to save my marriage."Mai Simon vakasimuka ndokuenda kunomira pahwindo.Vakamira vakafuratira Cliff ndokuti,"Mukadzi wako akurukwa zvemawaya ka pamusana pangu,but I never mention it.Zviri zvekusaver izvi forget coz inini I saved you from the jaws of poverty.Anyways ndingataurisa so much now listen to me Cliff."Apa vakabva vatendeuka ndokutarisa Cliff ndokuenderera mberi nekuti,"I can not get into your mind and think for you Baba Ruru.You are now a grown up being and you can reason for yourself.Ok this relationship is over,but you must give me back whatever I gave you nezvakarukwa mukadzi wako now enda unozvidzura undipe coz its my own money.Ndichaita make sure kuti your Malbereign property I think ndiyo yauri kundivhairira nayo,ipwanywe nekuti imari yangu futi iya.I am done with you nonsense."Mai Simon vakataura vakagumbuka ndokubva vatora handbag yavo vakutoda kubuda. Cliff akabva asimuka ndokumuvharira nzira.Mai Simon vakabva vamukwenya mbama yekuti akaona nyeredzi masikati iwayo.Iye akaramba akamira achiita seasina chaanzwa.Cliff akatoona ega kuti maconditions acho aisamakwanisa,saka akabva adzora tsvimbo.Mai Simon vakashuta kudaro akabva avamwaya kisi zvikazogumireko ikoko.Vakatozopatika kwatosviba. Musi wakare Baba Simon vakaswera mumba maMartha pamwe naKundai naRosy.Martha aisombovarambidza kuuya kana Baba Simon varipo,asi musi uyu aiva akafarisa nekuti vese vaiva vakapasa pazvidzidzo zvavo.Nokudaro vaipemberera hushasha hwavo vachizvitandadza mumba imomo.MaRedds nerimwewo doro remababie zvaiva zvakatsvukisa tafura.Vese vaitotaura zvavo nyaya vachipembera.Baba Simon vaitopihwa zvao massage naMartha vakagara pasofa.Champagne yakapopwa vasikana vese vakascreamer.Apa uone zvaiva zvakapfekwa zvacho ungati nyika yakutoguma mangwana.Vakati vagarisika zvavo,Baba Simon vakatanga vadzvuta Amarula ndokuti,"Ko kubasa kuri kufaya here girls?"Vakataura vachinyemwerera,Rosy ndokubva ati,"Kuri kufaya big time asi hameno vanaKundai ava vakatotangana nedzimwe."Akabva aseka zviya zvine kakutsvinyira mumwe wake.Ndiko kwaiva kutamba kwavo zvekuti Kundai akabva arova Rosy kambama pagumbo,kaya kekuti makufarisa mai mwana.Baba Simon vakabva vati,"Ko mainini makuita sei zve kubasa ikoko."Vakataura vakatarisa Kundai uye nenzwi riya rekumuyemedza.Kundai kakabva kati kwaku kusimuka ndokuti,"Musateerere uyo anopenga.Pane kanyaya kakangoitika kekuti ndakatanga kudanana namanager wepabasa ndichifunga kuti ari single so boss vakazvibata vakanditsiura bedzi.I was just given a stern warning,but that lady is so hypocritical.Vanotopengawo zvavo amai ivo vaya.Iyo nyaya yekuda kuzondiona sekamwana asi ivo..."Haana kuzopedzesa muromo iwoyo foni yake yachema vari amai vake vamufonera.Akabva abuda panze kuti aidaire sarei Baba Simon vakutotsva mumoyo vaane chidokwadokwa chekuda kuziva kuti amai vaitaurwa ava vaiva vakamboita sei kusvikira pakuzonzi ihypocrite nekamwana kakadaro.Kundai akazodzoka mumba atokanganwa nezvenyaya iyi.Anga atovhiringika neshoko rehurwere hwaamai vake raange audzwa pafoni. Zvisinei Baba Simon vakati,"Pedzesai nyaya yenyu amainini.Kana ikoko kusiri kukuitirai ndinokutsvagirai kumwe inini."Vakataura nenzwi rizere rudo zvekuti iko Kundai kakabva karudunuka kachiti,"Aaa ivo vanoda kuona nezvangu ivo vachipinza mufesi wavo muoffice mavo.At first I thought kuti murume wavo,asi ndakatozozviona kuti hakuna murume asina kurongeka kudaro.Just imagine pavakationa she left us with some eggs on our faces.Apa unoziva kubatwa uri muthat act unonyara kusvikira pakutuka musi wavakazvarwa.Up to now I never forgave her for what she did to us.Ndiri kutotsvaga nhamba dzemurume wavo hunge wainaye murume wacho ndiitewo revenge kkkkkk."Kaitaura kachivheesa vheesa maoko ako.Vanhu vese vakati bvuu kuseka,asi Baba Simon vakangosekerawo pamusoro moyo wavo uchijunguluka.Uyu akanga ava munhu wechipiri kuvaudza nezvechipfambi chemudzimai wavo.Ipapo havana kumbozviratidza kuti ndizvo zviripo,asi moyo wavo wakabaikana.Hapana murume anoda kuitirwa chipfambi kunyangwe achichiitawo.Ichi ndicho chokwadi chinozivikanwa nevarume vese.Murume wese ane chibhuru bhuru chaainacho chekuti anoda kungochiita ega so. Baba Simon vakatanga kunata doro vakagara kudaro.Vakanwa kusvikira vakungoona madzeretete,imo muine vanhu vashoma chete.Vasikana vakavaseka kusvikira Martha azonovaradzika pamubhedha wake.Vakazomuka kwatosviba,kakudhakwa kaita kakudzimwa nehope dziya.Vakabva vapihwa Monster Energy vakanwa kawave kaya kakuita kakuenda,asi nemunwirwe avaiva vaita harina kuzopera rese zvekumhanya.Kufamba vanga vakugona zvavo.Martha akambovarambidza kuti vatyaire vachienda kumba akutyirawo hupenyu hwavo,asi hasha dzenharo dzavakaita ipapo dzaishura mare.Akangovasiyawo vachienda. Vakanyudza nzondora yavo mutank ndiye pfacha pamba pavo.Vakapinda mumba ndokuona vana vavo vachiona TV pamwe naChipo.Vakaona vega kuti Mai Simon vanga vasati vauya,zvikavajekera kuti vaitova nechikomba chavo.Zvediwo Mai Simon vakanga vakavharirana naCliff paya.Vakatozouya kumapast 7,Baba Simon vakaita kuvagarira panze.Vachingosvika vakaita zvekudhonzwa vachiburitswa mumotokari zvechisimba apa vasati vambodzima motokari yacho ichiri kutinhira. Mai Simon vakaita kurovera papavement yesimende nehuma yavo.Baba Simon vakabva vadzima motokari iya ndokudzura makeys ayo ndokuaisa muhomwe.Vakadzoka Mai Simon vachitambudzika nekusimuka vakuita sevari kuda kukambaira."Where were you Mai Sai?"Baba Simon vakabvunza zvine mutsindo apa vakabata muchiuno.Panze paiva pakajekeswa nemalights aivapo zvekuti zvese zvaivapo zvaioneka.Baba Simon vakabvunza zvine kakuvhundutsira mukati kuita sevanga vatoona kwaiva naMai Simon musi uyu.Mai Simon vakamboedza kubatira motokari kuti vamire ndokuti,"My hubby what are you really talking about.Ngatipinde mumba pano pari kutonhora and before you kill me..."Vakabva vatadza kunyatsobatira motokari yavo iya ndokuti pasi puu zvekare."I wont allow a dog like you into my house.Now hapana kwauri kuenda until you tell me kwawanga uri.Inini manje ndochikutangidza kupinda pano.Vanhu vakuita sevakazvarwa namaid ivo amai wavo vari vapenyu vachivhariranana nemaboyfriends avo kubasa."Baba Simon vakapaumba vachifamba famba.Mai Simon vakati,"I was checking on my weekly stock thats why I came this late."Vakataura vakazvambarara pasi vachiteerera marwadzo.Apawo vanga vakuita vachinyepedzera kurwadzirwa kuti vasarohwe nekuti Baba Simon vanga vakagumbuka kukunda garwe rabirwa mazari aro."Ndikakupisa now uchataura zvako chokwadi wega."Baba Simon vakadaro vachinyiga kapoint shoe pavo pambabvu dzaMai Simon.Mai Simon vakaona kuti vangatofa ndokubva vasimuka vari bara nechipaparadzungu.Vakasvikorovera pagedhi raiva rakavharwa ndokuti pasi dhi negotsi.Baba Simon vakabva vavagara matunduru ndokuvapomba zvibhakera kumeso kusvikira vati zii.Ropa rakazara pasi pose vakaita sevachatiwa mariri varere kudaro.Baba Simon havana kumbotondera kuti vari kuzhaka munhu akazvitakura.Ropa rakabuda kudzasi uku raiva rakaita ritema richiita kakunhuhwa serakaora. Chipo aiona zvese akamira pavharanda.Kuti apindire ari musikana webasa kudai aitovawo mahwani.Baba Simon vachingopedzera benzi ravo vakabva vatonanga kumba kunorara.Chipo akamhanyira kugedhi kuya wanike Mai Simon vakufemera kure kure apa vachigwagwadza sevaiva mufiriji.Chiso chavo chaiita secharumwa nemago kuri kuzvimba ikoko.Muviri wavo wese waiita kubanda.Chipo akaona kuti zvaisaita kuti avapepe pamba nekuti vaiva vakuvara zvakaipisisa.Nenguva iyoyo Baba Simon vanga vatoparara nehope.Chipo azopererwa ndipo paakabva afonera ambulance iyo yakauya iri museve nekuti yaidaka kutakura mhene.Yaiva ino Emras-yakangosvikotakura munhu wayo ndiye tande naye yakananga kuSt Annes.Mai Simon vanga vasakadzwa zvekuti veambulance vakashaya kuti vobvunza Chipo vachitangira papi.Baba Simon vakazomuka pakati pahwo husiku ndokunanga kudining uko vakaona mune mapurisa matatu.Vaine kabhabharasi kudaro dzakavachenera vakashaya neremuromo.Mupurisa mukuru aivapo ndiye akazovati,"Sir you are under arrest for.....!" [23/03 19:23] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA-CHAPTER 21* Saka vasikana vaya vakapatsanurana vachiti vecatering vakapinda mukicheni vese,vedeco vakabuda panze vachinoronga pekugara.Evelyn akanyepera kubuda panze nevamwe vake vedeco ndokunzvenga achidzokera mukicheni kuti aone kuti zvakamira sei.Akaita seari kuda zvake kunwa mvura patap ndokuona tea iya yese yakuzanganiswa kuti idziiswe mune dzimwe poto huru mbiri.Akanyatsoona ega pachena kuti zvabondera zvekwaMai Bonderai chaizvo.Kuti audze vanhu ava kuti tea yese yatoone poison aizongobvunzwa kuti azviziva sei.Akaramba akamira pasink paya akabata girazi remvura achigaya kuti ozvifambisa sei."Chokwadi vanhu vese voparara here ndakatarisa."Akanyunyutira mudundundu rake akati papata nazvo.Akada kutsvaga mano ekuti zvetea zvikanganwikwe.Akakanda girazi riya pasi ndokubva rati pwaa zviye zvine karuzha kanovhundutsa kunyangwe vamwe vari kutsi kwehope.Hapana kana akambotirimuka.Vanhu vaitoita basa ravo vachiti vava kumashure kwenguva.Rimwewo zidzikana zigobvu raitungamirira pakubika rakabva rati,"Dont worry sis.Thats a mistake.Tichatsvaira zvedu isu,endai zvenyu munopedzesa basa renyu panze pano."Evelyn akangogutsurira musoro zviya zvekupererwa ndokubuda ari mariro zvake.Akaona kuti akada kutozomira mira mukicheni muya achitsvaga nzira dzekunzvenga nadzo,aigona kutozobatwa asati aenda nepi.Naizvozvo akakanyaira ndokunogara panze paiva nevamwe.Akasvika vanhu vese vatoungana vagere pazvigaro pachizeiwa dzemubedroom chaidzo sezvo yaiva kitchen party.Mukicheni muya tea iya yakakamurirwa mumateapot akasiyana siyana kuti madzimai aiwane zvakanaka.Poison iya yaiva chahototo chaicho.Twutsanga twushomanane twayo twunogona kugundurutsa makonzo zana kana vanhu makumi mashanu.Waiva mushonga wemakonzo uya wetwubhora twutema wakarungwa nenduru yegarwe straight from Sekuru Gara vaya vekuHopley.Zvoreva kuti munhu wese aizonwa tea apa aigona kutozofushirwa kunga mbeu bedzi. Tea iya yakazouya vanhu vese vakasvitsirwa mateapot avo pazvikwata zvavo.Madzimai ese aiva azoungana kuti vachinwe tea iya vachitandara pamwe nekutopemberera zuva iri.Muchetura uyu wairungika zvekusanzwikwa munhuwi wavo.Iye Evelyn aifanirwa kutomwawo vamwe vachiona.Ipapo akasunungurwa nekuti Mai Simon vakabva vamufonera.Foni yake yaiva muchihomwe cheapron chiya chepamberi.Akabva angoti nyamwi kusimuka ndokupoterera kuseri kwemba yamufundisi kuti anoidairira ikoko.Achingotsvedzesa chegirini chiya achiisa panzeve Mai Simon havana kumboita nguva yemaHello vakabva vangoti,"How far have you gone Eve?Please give me a sound and reasonable response now!"Mai Simon vaitaura nenzwi rakasimba zvekuti Evelyn akanzwa mudumbu make kuti kukururu."A-a-a s-ista pan-e zvandi-ri kud-a kukuudzai."Evelyn akatadza kana kunyatsopindura akungondandama pamwe nekubvunda.Foni yake yakabva yatsvedzeswa kubva mumaoko ake kuburikidza nenhetemwa ndokubva yawira paslab paaiva akamira.Yakadonha zvine simba zvekuti bhatiri rakati kwaro uko,back cover yefoni kwayo nemutumbi wefoni kwavowo.Akakurumidza kuzvitora ndokuedza kuibatidza zvekare.Yakaita nguva ichiramba kubaka apa screen yefoni yacho yanga yaane twumitsetse hobho twekutsemukira.Yakazongobakawo zvemunana Mai Simon vakabva vapinzira ipapo ipapo."Dont tell me kuti you missed our target!Dont fucken tell me kuti this has failed after the cash advance I gave you!"NdiMai Simon avo vakazhambatata pafoni.Evelyn akaona kuti hapana kwaaizosvika nekunyarara kwake.Iye anga achazotyei kununa iye akasasikwa.Akazvigadzirisa ndokuti,"Sis the whole tea yatova poisoned meaning almost fifty vanhu vari pano vanogona kutofa vese.Please I am really scared."Mai Simon vakaridza tsamwa ndokuti,"You are really scared?kkkk How come kuti mhuka yehusiku inotya.As long as my target is done and dusted zvevamwe vese izvo handinei nazvo.Its your own funeral nekuti you are a careless bitch.You will be responsible for all those forty chakuti souls.Ini kana iri ngozi ndinotarisira kufesana ne1 chete."Evelyn akagumirwa,akashaya kuti ndiye here munhu uyu aimbotaura naye zvakanaka.Munhu akanaka akarara hantie?Aiwa akarara anorota futi uye anoshandura shandura muviri wake nekutsenga tsenga akarara.Mmmm munhu haasi right! Akakungura kuti kukara kwake mari kwazomuparira.Akada kukumbira kuna Mai Simon achiti,"But sis we are toget...."Haana kumbopedza 'together'wake anzi,"Shut up harlot.Useless motherfucker!Just look at the damage you have caused.Now I will call you after ten minutes wondipa feedback yekuti munhu wangu atila here or else you will meet your ancestors vakafa nechihure.Zvevamwe vese avo vakafawo unoona yekutamba hantie wava munhu mukuru?Kuzosarudza kumira muroad wakashama it shows kuti you are grown up."Vachingopedza kurudunura makunun'unu aya vakabva vakata foni.Evelyn akadzorera foni iya muhombodo yepamberi peapron ndokubata chiuno chake nemaoko ese.Nguva yese iya yaatora ari pafoni zvanga zvatova pachena kuti mabiribobi aputika kuseri uku.Akapererwa zvekuti sele yake nemazamo ake zvakapinda mukati kusara aita kunga munhu akapfeka madoor,kumberi nekumashure.Ndipo paakaona ega kuti dzungu rakabroker nekuti haribhadhare uye nekuti munhu haangouraiwe kunga huku paChristmass.Akamboda kurova zibara achitiza asi akaona kuti hapana kwaaizogumira.Atoripo pamwe zvaisazobatwa kuti ndiye muparazvongo,asi atiza zvinenge zvava pachena seshure yembudzi. Akabva atanga kufamba zvishoma nezvishoma achipendekera imba iya akananga kuseri kwaiva nevamwe.Achiti svikei akaona maiwee madzimai ese nevasikana vakati rapata pasi vachizvonyongoka kunga madhongi ekuTsholotsho akadya mavheji aiva mugadheni rakafiritwa.Vamwe vaiita kubongomora vamwe vakutopupa nefuro kunga vanga vambomedza Surf.Evelyn akaringa ringa akashaya Mai Ruru naMai Mufundisi.Vamwe ndivo vakatanga kusheedzera vachiti,"Sisi Evelyn tibatsireiwo please taakufa."Vaiva vakazvitsigira nematafura vachiratidza kurwadzirwa kukuru.Evelyn akanzwira vanhu vese ava tsitsi,asi chekuita paiva pasina.Akatobatawo muchiuno zviya zvekupererwa. Akamira kudaro akaona Mai Mufundisi naMai Ruru vachiuya vakagukuchira mikaka jahwi pamwe nesauti yematombo.Ipapo vakaziva nekuti ambulance isati yasheedzwa munofanirwa kutombomira mira sedutu renhamo.Vakatoenda kumashops kunozvitenga,vari munzira ndipo pavakafonera maambulance.Pavakabuda vachinotenga vakatopfuura nepaiva naEvelyn paya,asi iye haana kumbovaona akaputirwa nestress.Pane dzimwe nguva dzekuti ukadzamisa pfungwa unogona kutokanganwa nezita rako chairo.Izvi ndizvo zvanga zvaita Evelyn paakabva kufonerwa naMai Simon. Evelyn akazobaikana big time anyatsoona Mai Ruru vasiripoka pachikundi chevanhu vaizvonyongoka vaya.Akashaya kuti vambopona sei.Zvoreva kuti rufu rwakewo rwanga rwamugogodzera sezvaaiva avimbiswa naMai Simon.Izvo Mai Ruru vanga varamba kunwa tea iyoyo nenyaya yekuti yaiva yaiswa masamba eCrest ayo avakati anovaitisa chirungurira.Ivo vakadya chingwa chavo neMazoe uku Mai Mufundisi vakapona nekuti vaiva pamutsanyo. Mukaka uya wakazorungwa nesauti yematombo madzimai ese akamwiswa.Vakazotobatsirana vari vatatu pabesanwa iri.ZvaEvelyn zvehumhondi akazvisiya kwakadaro aona kuti kufa kwemunhu kunotyisa.Vari vatatu vakanwisa vanhu fresh milk iya.Raiva basa rakaoma nekuti vamwe vanga vatooma shaya,dzakuda kutoita zvekubatsiridzwa kuvhurwa nemaoko kuti mukaka wese udururuke mukanwa.Vamwe ndivo vaiva nani vakatobata kapu dzavo nemaoko vakazvinwira vega.Vanga vanwa tea yakati wandei ndivo vakanyanya kugombedzerwa. Maminitsi gumi akatokwana Evelyn akatarisira kufona kwaMai Simon,asi havana kufona.Ivo vanga vatovharirana naCliff zvekare muhofisi mavo vatokanganwa nezvechimbambaira chavo chavaiva vaseta kuKambuzuma.Vaiti vakangoona Cliff vaibva vakanganwa kuti vane mwana anonzi Simon. Madzimai nevasikana vaya sandi kurutsa pamwe nekupazha kwavakaita varere pasi ipapo.Zvaisekesa asi zvaisasekeka.Zvekuenda kuchimbuzi hunge une simba racho.Maambulance akati hwi hwi hwi akadungamidzana achipinda pachechi.Aitova mashoma pane vanhu vaivapo.Pakatanga kutakurwa madzimai gumi vanga vachinyanyorwadzirwa.Izvo Evelyn ainyatsoongorora kuti hapana agonya here.Vamwe vakasara vakavapepa mumaoko avo vari vatatu.Mai Mufundisi vakazofonera mufundisi kuti vauyewo kuzobatsiridza pabongozozo iri.Vakangosvikawo vakanzwa kuti vanhu vanwa tea ine poison pakitchen party.Zvekuti zvakabva nepi vakazvisendeka padivi vakutofonera dzimwewo ambulance dzekuParirenyatwa nekuSt Annes kuti dziuye kotuta varwere. Munozivawo zvemughetto vanhu vanga vatoti zvii kuzara panze pasingachafambiki.Vamwewo ndivo vakati karamata durawall vachida kuzvionera.Vakatozosheedzerwa mapurisa avo vakauya nembwa memateargas kuti vapararire.Mugwagwa iwoyo waiva mukuru waifamba nemakombi,asi wakavharwa nekuda kwaMai Simon musi iwoyo kkkk.Ziana rakatsviriridza mumaraini ranga rava rekuti mufundisi vepachechi ipapo vaya,vanga vakuda kurombera mamiracles vachichekeresa vatendi,zvikashaya basa.Vamwe vakatotanga kuita toi toi vakatozorohwa pamwe nekudzinganiswa nemapurisa.Chaisava chiitiko chekutamba nacho nekuti usatambe nesituation yekuti maambulance anoita up and down kudaro. Mai Simon vakatozotondera kuti vane nyaka nyaka yaiva kuKambuzuma mushure mekunga Cliff afonerwa naMai Ruru achinzi auyewo kuzobatsira pachechi apa.Mai Ruru vakangoti,"Come over now kuchechi kune emergency."Mai Simon havana kuziva kuti munhu afonera Cliff chaiye ndiani.Iyewo Cliff paakabvunzwa naMai Simon akangoti,"Ndafonerwa now I have to go hanzi kuchechi kwedu kune mahwani."Cliff akataura akatovhiringika uye akataura sekunga munhu waataura naye pafoni aisava Mai Ruru,zvekuti Mai Simon vakabva vatogaya kuti mujenya wavo wazobata.Vakavhura kuWhatsapp kwavo wanei mumagroups avaiva ese muine mafoto emaambulance aibuda pachechi, atozara.Naiyo tekinoroji iyi zvinombononoka here kupararira nenyika.Vakarega Cliff achienda zvake kuti vasare vachiita kamhemberero.Kamufariro kaya kanoita mufesi kana angonyemwererwawo nebhebhi raanoda otogaya kuti anotodiwa naro nechekare asati akanda shoko,ndiko kavaiita.Paya pakuzoti akanda shoko babie rozoti,"Kukusekerera sandi kukuda wanzwa.After all ndaitokusekerera kuti uone mazino angu akachena,kuti iwe uzive kuti mazino anokweshwa."Mai Simon vakatozokanganwa nezvokufonera Cliff vakutofarisa.Vaingoti Mai Ruru vapararira muchaunga imomo uye vaiziva kuti poison iya chirangamapenzi.Vakatanga kuona kavision kavo naCliff vatiza muno muZimbabwe vakutogara kuMexico chaiko.Cliff akafonerwa zvekare naMai Ruru vari munzira vakabva vamuudza nezvetea yaiva nepoison yaiva yakanganisa ruwadzano rwose.Iye Cliff akatozofaranuka audzwa kuti ivo Mai Ruru vaiva vapona,asi vanga vakungoda rubetsero rwekuti vanhu vese vaende kuchipatara.Cliff akabva anzwa kurerukirwa ndokutumira message kuna Mai Simon yaiva yakanzi:*On my way now honey.Hanzi kwaitika a food poisoning incident kukitchen party yemukadzi wangu so apa andifonera achiti apona nekuti haana kumbonwa tea iyoyo.Thank heavens 🙏🏻" Mai Simon vakacheneruka kumeso vaona message iyoyo.Vakabva vafonera Evelyn ipapo ipapo ndokuti,"You are dead!"Vakabva vakata foni yacho ndokubuda vakananga kuEpworth kunotsvaga mabhinya.Azere ikoko kuEpaz nekuti dzimba dzizhinji dzeko hadzina kero.Vakasvika kuMahalape neForturner yavo V8 Engine vakabva vatsvaga paitengeswa mbanje.Vaiziva kuti mabase anotengeswa mbanje ndiwo anowanikwa matsotsi.Pavakaratidzwa pamba paitengeswa gombi ipapo vakabva vasvikapo ndokuona vakomana vaichovha njuga.Paiva nedzimba dziya dzavanoti mikuku kana vari paJoza,zvimajarata zviya.Vakomana vakamboda kuti dzvamu kutiza vachigaya kuti ilispo iri musivhi,asi vakazodzikama vaona ari mukadzi mumwe chete.Mai Simon vakakumbira kuona muridzi wepamba apa.Pakaita nguva vachirambirwa kumuona kuzosvikirwa vazoti ivo vaiva muCID saka vakomana vakaita zvedambe vanoondongwa rakacheka nyika. Pakazongobuda imwe mbombo yaiva yakasvipa kuti ndoo,husiku hwupfumbamwe chaihwo.Apa tsvubvu dzaiti Igweee dzimwe dzichiti Chibababababa Chacho.Raiva rino zirume rine mazipango emaoko apa raiva rakarova kavest kachena kaiita sekachatsemurwa nemazimbambo aro.Type yakadai yaingooneka yega kuti ndeyehusiku bedzi.Ikafamba masikati nevanhu vakuru chaivo vanozviitira weti.Pahuma paro paiva nezimbonje raityisa.Rairatidza kuti ndivo vaya vanonzi vakambofa vakamuka,vasina matyira kunga mukwasha anokurura mbatya dzake pamberi paambuya.Ndiyo type iya futi yekuti ikatarisa mwana ari kuchema anobva anyarara ipapo zvekuti kana ari mucheche asati akugona kutaura akatariswa naro anobva ati,"Mhamha ndanyayaya kani." Madzvinyangwe ese aiva apa akashamisika achiona Mai Simon vachisekerera.Vakabva vatorana nezirume riya rakazoti rinonzi Gora,ndokugara naro mumotokari mavo.Apa vanga vakutogaya yekupfuudza Evelyn nekuti kupisira kwaakaita vakakuona sekuvatengesa.Vakanga vogaya kuti Mai Ruru vakanga vatoone rimwero naEvelyn nekuti zvaivanetsa kuti,"How come poison yaizopararira mutea yese kudaro Mai Ruru votadza kunwa?"Vakabva vagaya kamutauro kakambotaurwa nemumwe munyori anonzi Doctor Maxx kekuti,"Never trust anybody even your own shadow disappears in the dark."Vakaona zvichipindirana nekubondera kwakaita Evelyn. Mai Simon vakabva vapira nyaya yavo kuna Gora uya uyo akabva ati,"Haa zvitete izvo sistren.Tikadealer nekagongi aka munopa mathanks.Ndichatorana neboys dzangu two dzandinowiser nadzo,Bhutsu naChigubhu,tipedzere kahure ikako.Isusu musatione kugara kuno sista,tiri mahardcore kiriminari kana pfuti chaidzo zvaoma tinochinjana nemadhikazi.Kustanner kuno idisguise."Gora aitaura slowly but surely.Mai Simon vakafara vakati vaona vanhu vasvinu chaizvo zvino.Vakabva vatambidza Gora kagida kasina basa kekumusimbisa kuti atange basa.Apa Mai Simon vanga vakuda kedealer naEvelyn vapedza vozosota main target yavo Mai Ruru. Ukuwo kuchechi vanhu vese vakazoenda kuchipatara vakaponawo nenyasha dzaShe.Mwari kana asingade kuti vanhu vake vafe zvekumhanya,havafe.Vese vakadairira kumishonga yavakapihwa yaigeza system dzavo dzese kusara vasimba zvekare.Mufundisi vakarambira mapurisa kuti vatambe nenyaya iyoyo.Vakati vaida kutamba nayo vega pachechi ipapo nekuti vaiti ikangoramba iri mumapublic circles zvaizonyanyosvipisa zita rechechi. Nokudaro Mai Ruru vakazodzoka kumba kwavo mushure mekunga vaswera vachitenderera muzvipatara zvese muHarare,vaina Cliff.Evelyn akazonzi aende kumba kwake ambonozorora.Musi uya akatadza kana kudya nekuti zvaiva zvaitika pameso ake musi uyu zvanga zvamuvhundutsa.Apawo Mai Simon hameno kuti zvanga zvichiri zverudo here zvavanga vakuita rwendo rwuno.Chetewo vanoziva rudo vanokuudza kuti kana rwakubata unogona kuita zvese zvese.Musikana anogara pamba pane 10rooms pane mamaid maviri anomuitira zvese achirara paqueen bed akatarisa ceiling yewhite,unomuona achitizira kuCaledonia uko.Kune mukomana anorara pasi kunga tara.Mubhedha wake zviri zvimatsaga zvine oversize hembe dzemubhero,piro dzacho ari mahovhorosi ane majecha.Asi kunyangwe zvakadaro rudo kana rwabata unoona nyenyedzi yemusikana ichikoromoka kubva kuGreystone Park kuzogara mubako raChaminuka rakadaro.Hameno kuti vangashorwa here Mai Simon nekuti kapuka kanonzi rudo kaya kakaimbwa naDewa,kanga kavaita waya.Nerimwewo divi,zvaMai Simon zvanga zvapfurikidza mwero nekuti manheru emusi iwoyo kuma9,Gora nechikwata chake vakazoenda pamba pairoja Evelyn.Vakamugogodzera apa anga akutovata akapfeka kanight kake kasee through.Achingovhura musuwo,Chigubhu akabva apomberedza muromo wake netape yeblack.Akamupomberedza kusvikira yese yaaiva nayo yapera.Bhutsu akabva amupfekedza chimwe chikweshe chitema mumusoro,ndokubva atosungwa mbiradzakondo naGora.Vakabva vamumbikura sekapepa ndiye naye muchiSprinter chavo,zviya zvinotakuriswa mabhero kubva kuNyamapanda.Zvekare zviya zvisina mahwindo mumativi.Vakabva vamuvharira kumashure ko ndoku.....# Action packed⚡⚡⚡⚡⚡ Ndiudzeiwo kuti zvichiri zvelove here izvi vanhu vaMwari?? *Lol ndinokutendai varwere vangu.Inini sadhokotera venyu ndicharamba ndichikurapai nehukuzungu hwehunyoro hwangu hwemhando yekwaMai Mberi😎* Musakanganwezve diko kuliker fb page redu tese rinonzi: Dr Maxx's Stories [23/03 19:23] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA-CHAPTER 31* Akatsvanzvadzira musuwo ndokubata handle rawo achiita kakudzedzereka.Akabva avhura zvake ndokuti pfee murimamo.Paakada kusheedzera kuna Mai Ruru,magetsi akabva angoti ngwee pakare.Chiriporipocho akaita seabatwa nechadzimara ndokuona vanhu vaiva mudining imomo vakushaura,"Happy birthday to you!!!"vachidairirana pamwe chete.Akatadza kunyatsorangarira zviso zvevanhu ava sezvo aiva ambonirwa uye nekuti ukakaruka waona chiedza mushure mekunga wabva murima,kuona kwacho kunoti netsei.Nokudaro Cliff akaramba akati tumbi kumira achinyatsoongorora akangoti mwiro.Akatozokanuka akunzwa kambo kaya kakutoti,"How old are you now!How old are you now...!"Ipapo doro rese rakabva ratopera akunyatsoziva kuti anga arohwa nezisurpise birthday rekuseri kwekuseri. "I am 33 years old now×2!"Akaimbirira zvake achiita kakunyaririra achitarisa tarisa zviso zvevanhu vaiva mumba umu.Akabva aona muina Baba Percy,Melford,vana vake,tete vekuFiyo,Kudzai shamwari yake yekuMbare naMai Percy.Zvakabva zvamubudira pachena kuti vaya vekusauya kubasa vanga vaita saizvozvo nekuda kwekuti vaironga bhavhadhe iri.Vanhu vakazosaroimba "We wish you many more!"Cliff akuita kurwadzirwa mudumbu nekuseka yaanga atambwa iyi.Aigarorambira Mai Ruru kuti havaifa vakamuitira any surprise asi musi uyu akagurwa kunorira.Zvakanyanya kumunyon'ora paakaona Mai Ruru vasiri pakati pechikundi ichi chaimuimbira.Zvediwo zuva iri raiva rakarongwa nekuti vanhu vese vaiva vakarova mat-shirts nemacap machena zvaiva zvakanyorwa kunzi Cliff@33 nemavara egoridhe zvichipenyerera zvinonyevenutsa moyo.Patafura paiva pakagadzikwa rino zikeke raiva nedesign yechiso chake achinyemwerera.Akabva atongoziva kuti zvese izvi aitongova mabasa aMai Ruru,zvikamupa chidokwa dokwa chekuda kuvaona.Akabva atsaukira kubedroom apa musuwo waro waiva wakatovhurwa kuti haradada.Cliff akapinda zvake achifambisa kuti anobvisa shangu dzanga dzakupisa tsoka dzake.Akati arova nhanho nhatu achipinda mukati akabva avharwa maziso ake nemaoko maviri aaiziva chose. "Fembera fembera kuti ndiani?"Vakadaro zvavo Mai Ruru vari nechekumusana kwaCliff.Cliff akatanga aseka zviya zvekuti apa wandigona ndokuti,"Itsotsi rinonzi Mai Ruru randiorora nhasi."Mai Ruru vakasekawo ndokuti,"Hii wanditi tsotsi manje mira uone zvako nhasi hausati watanga iwewe!Ramba wakavhara maziso ako wakatarisa ikoko,ukangovhura bedzi handikupe present yako."NdiMai Ruru ava vaingunozevezera munzeve maCliff chaimo vachiita kumutsvoda pamutsipa zvaizipira.Vakazobudisa imwe necklace yegold ndokuisungirira muhuro maCliff.Cliff akangonzwa kakutonhorera nechemuhuro umu ndokunyemwerera zvake akachangovhara maziso.Mai Ruru vakabva vatendeukira zvinyoro nyoro ndokunomwaya Cliff chikiss chepamuromo icho chakabva chavhura maziso ake,ndokubva asangana naMai Ruru.Vaviri vakamboita kanguva vakatarisana sezvavaisimboita mazuva avakatanga kudanana semukomana nemusikana. Cliff aiva akabata waist yaMai Ruru,ivo vakaturika maoko avo pamapendekete ake vari 0centimetres apart.Vakamboita kakundenderedzana sevari kutamba zviya zvechiRungu kusvikira Mai Ruru vazoti,"Happy birthday my heartbeat.You really mean a lot to me so thats why I did all this for you."Cliff akatadza kuzvidzora.Akatadza kuburitsa kana inzwi rimwe chete zvaro misodzi yakuita kunonzi kupoya kubva pamaziso ake.Akarangarira dzaaiva achipindana nadzo kunze uko ndokubva adzienzanisa nerudo rwaiva naMai Ruru akabva azvionera kuti ari kutambudza mweya waMwari.Mai Ruru vakaratidza pachena kuti vaida Cliff nemoyo wese vakabva vamupukuta misodzi iya nemaoko avo vachinyemwerera.Ukaonawo panochema mikono inenge Cliff panenge pakadzama kukunda gungwa zvedi. Ipapo Cliff akabva atopindwa nemweya wekureurira achiti pada Mai Ruru sezvo vairatidza kumuda chaizvo,vaitogona kumubatsira kuti abve pachikirimbani chinonzi Mai Simon.Asi akabva avingwa neimwe pfungwa yakamuti,"Iwe usazvinyepere Cliff.Hakuna mukadzi anosekerera marabishi akadaro!"Nokudaro akabva ati pfungwa yekutanga supfu kwakadaro asi pfungwa dzake dzakaramba dzichipishana."Hey mukati umo tamira nemi,tibudirei isusu taane nzara yekeke racho!"Tete vekuFiyo vakasheedzera zvavo nenzwi rakazhezhera apa vakamira pamusuwo chaipo uyo waiva wakavhurika zvishomanane.Vanhu vese vakabva vati pwati kuseka kusanganisira iye Cliff nemukadzi wake,avo vanga vatova kune imwe nyika.Naizvozvo vaviri vakaregana ndokudungamidzana vakananga mudining makare.Vachingopinda kudai vanhu vakabva vavamba kekuti,"Makorokoto ndiwo makorokoto!"kaya kaMechanic Manyeruke kanowanzoimbwa pamhemberero yemichato.Mai Ruru naCliff vakatanga kusekerera zvine kakunyarira vakutoshamisika kuti zvemuchato zvapindawo nepapi?Mai Ruru ndivo vainyatsoratidza kuti vari kufara zvisingaite asi Cliff aingosekerera imwe iya iya sezvo aiziva chimbambaira chavaigona kuzotsika. Cliff akazocheka keke vanhu vese vakadya vamwe vakatotakura rimwe zvekuenda naro kudzimba dzavo pakapera kamutambo aka.Gochi gochi netwumemwo twunonaka zvakarohwa dzamara vanhu vazoparadzana nguva dzati fambei.Cliff akazosara achiratidzwa sutu mbiri dzaaiva atengerwa naMai Ruru sechipo.Sutu idzi aizodzipfeka musi wemuchato.Musi uyu Cliff aiva ambofara asi pese paingoti pakapinda nyaya yemuchato aibva asuruvara nechemukati kati.Munokuziva kufarisa kunoita mwana anenge apedza O Level ari palong holiday.Zvikuru sei iri nguva yeXmasss anenge achiita yese yese,asi pakangotaurwa zvemaresults achazouya unozoona abhuruwara ipapo ipapo.Ndizvo zvanga zvoita Cliff kunyangwe zvazvo zvaiitikira nechemumoyo.Vakazovata zvavo kuma12 nguva dzatopera. Evaro naThembani vakazosvika kumaAvenues ndokuona Mai Simon vakazvambarara pasofa vachitokonya tokonya foni yavo.".Welcome boys and how did you fare?"Vakabvunza Mai Simon vaine mafaro akawedzerwa.Evaro akangotarisana nemumwe wake ndokubva vaseka zviya zvekuti tahwina mushure ndokuti,"Aa we won boss.Those girls ndivo vakapisa restaurant yenyu and its clear from this video."Akadaro Evaro achiratidza Mai Simon video iya asi asiri kuiplayer.Mai Simon vakagumirwa zvekutadza kushama muromo wavo."Kana uchiti ndivo vakapisa you mean ndivo vakazviita directly or vakatuma vamwe vanhu?"Vakabvunza zvavo Mai Simon vachinekaira nemba yose.Evaro akasimudza musoro ndokuti,"Tiri kubasa kwedu uku tinongoti ndivo vakazviita despite kuti ndivo vakatuma vanhu vakanyatsozviita?"Mai Simon vakabva vagutsurira musoro kuratidza kuti vaiva vanzwisisa ndokuzoti,"Ok guys thanks for the job well done.Now connect the hoofer with the TV and DVD kuti tipleye this video tariisa muUSB.I think ndipo pachatangira plan yedu yese."Vakasarotaurisa twakawanda wanda zvinhu zvese zvakutoitwa nechimbi chimbi zvekuti pasina nguva vaiva vatokomba TV iya.Chokwadi vakanzwiririra,Mai Simon vakasara vakagojodeka mabhonzo.Vese vakabva vaziva kuti Martha ndiye aiva amuhure aBaba Simon uye nekuti iye nevamwe vake ndivo vanga vahaya makororo akaondomotsa restaurant yaMai Simon iri nzira yekuda kuvakaurisa chete sezvo panga paane competition pakati pavo.Pavakapedza kuona video iyi vakabva vasimbisana kuti vaifanirwa kudealer nen'anya idzi.Mai Simon vakatanga kufamba famba nemba yese,vachiita kuzvizunza zunza nehasha.Evaro akaona kuti boss vakachaja ndokubva ati,"Chigarai pasi tiite a long term plan now."Mai Simon havana kumbopikisana naye.Vakaita saizvozvo asi vakaita zvekuzvikanda pasofa zviya zvekuratidza kuti vanga vabaiwa padonyangala.Pamboita kanguva pakanyararwa kusvikira Mai Simon vazongoti,"Toita sei boys?Muri kuona ka how a bit complicated it is now and worse off vataura vega kuti Martha wacho akutozivikanwa nehama dzaBaba Simon and akatogainer mileage nekuvavisitira kuremand.Haa twaendererera twumahure utwu, guys hatinganyadziswe namatoddler aya.Do something now!!"Mai Simon vakasheedzera zvine kakutonga mukati,Evaro ndokuti,"Ok madam boss keep cool hantie.Musatye nekuti bhora riri mumaoko enyu.Mukatungamidza hasha sezvamuri kuita apa munoona semusina solution iyo iripo."Evaro akabva ambonyarara uye vamwe vese vakabva vanyararisawo sezvo panga pakutaurwa mashoko akakomba. "Vasikana ava vasiirei kwatiri paden pavo takupaketa so manheru anhasi tichanodealer navo vazive kuti manappy emwana haatambiswe pasina mvura.Imimi zvomoita ka,tomorrow prepare a very good meal and visit your husband kuremand tomorrow.Musoftei and telk him kuti ndimi mega mune power yekuti abude.Fake a reconciliation naye zvekuti achingobuda organise a wedding with him very very fast then papera a very short period apply for divorce at the High Court.Obviously by so doing munoona a 50% share of all the combined assets mosiyana naye then will finally assist you to pursue your Cliff once for and all.Let me assure you kuti murume wenyu haamborambe kubudiswa kwaari uko coz face yake ndaiona mudare kuti ari kutokwatawo zvake.Jeri ragara rinokwatisa kana uchiri mutsva kwariri.Above all ndimi mune power rese is as much as the withdrawal of the case is concerned so munongoita yandakutipai without failure.Even vakada kutsvaga lawyer rinengeyi pasi pano mhosva dzacho dzakavatsikirira so use the advantage yekuti you have the keys to his freedom." Mai Simon vakavhundutswa nemahwendefa aiva apotserwa naEvaro."Can I ask something Evaro?"Vakabvunza zvavo vachinyinura kunga pfambi yakechwa one night stand nechimuforeigner chine bhegi.Evaro akasekererawo ndokuti,"You can ask maam..."Mai Simon vakasimuka ndokuti,"Are you a lawyer masque rading as a criminal coz the points you gave me here are out of this world.Haa apa all along I didnt know kuti unotaura chiRungu kudaro.Wow wow wow!"Mai Simon vakapembedza Evaro,chiso chavo chakaputirwa nekushamisika nemabasa ake.Evaro akangopindura nekuseka kusvikira Thembani azotanga nyaya yacho."Nazvino hausati maziva kuti Evaro has been in and out of court and is a regular in the prisons so atojaira nekuti ndiko kubasa kwake chaiko."Akadaro Thembani achipembedzawo mumwe wake.Zvokwadiwo mubhanditi wese chaiye anofanirwa kuziva mutemo zvakadzamisa zvekuti kudai hurumende yaimboita ongororo mumajeri umu yaitenda kuti mumajeri makazara shumba dzemitemo chaidzo.Naizvozvo Mai Simon vakatenderana nehurongwa hwevakomana ava ndokuonekana navo zuva ronanzva makomo. Evaro naThembani vakasara vachironga ndawatava yekuzonosvetutsa Martha nechikwata chake.Vakarova mastar matatu egombi ndokusimbisana vasati vapindira zimission.Vari vaviri kudaro vainzwa kunga vaiva vakawandisa kwazvo.10 dzahwo husiku dzichingoti ngende vakabva vaita zvekufamba netsoka dzamara vasvika kuEastlea.Mapanga nepfuti zvaiva zvakarongedzeka pamiviri yavo zvekuti uchivaona waivarambira bedzi kuti vakapakata zvombo.Munzira vaikurukurirana vachikohomedzesana kuti vasikana ava vaifanirwa kupihwa chidzidzo chavaifanirwa kusazokanganwa kusvika pakufa.Vaisada kumbovauraya bodo asi vaingoda kuvaswatanudza chete kuti saga bhegi redzungu ravaiva naro ripere.Vakazosvika kuEastlea kuya 11 dzatochaya ndokutenderera nekuhwindo kuya wanikwe vasikana vanga vari kutoona zvavo kamwewo kaseries kemaIndia kanonzi The Vow.Mumba imomo maiva makanyararwa zvairatidza kuti umwe neumwe ainyatsoteerera TV.Nokudaro Evaro naThembani vakatenderera ndokunomira pamusuwo.Vakabva vapfeka mamask nemagloves matema ndokuita majana ekudongorera vasikana vaya nepakey hole.Matsotsi aya aiti akadongorera dongorera otarisana onyemwererana mumamasks imomo nekuti maiva nemhenya mukati imomo.Thembani uyo aiva nyanzvi yezvemadoor nemakey akabva aongorora door ndokuona risina kana kumbokiiwa.Vasikana ava vaiva vakanganwa kukiya door iroro mushure mekunga vapedza kudya nekuzogara pamasofa vachiona TV.Evaro akabva aburitsa pfuti yake iya,Thembani ndokubata banga rake raipenya zvinotyisa.Thembani akabva avhura door nesimba ndokubva vangoti pindikiti semagetsi.Ipapo vasikana vakakanuka ndokungoona vakadaro apa vese vaiva vakapfeka mabra nezvivharangozi.Kundai ndiko kakada kuscreamer kachisvetukira ndokubva kangonongedzerwa pfuti naEvaro apa chikunwe chaiye Evaro chiri pamuromo wake.Thembani akabva angobudisa zinjumba rake remakeys ndokukiya main door.Apedza izvozvo akabva arayira vasikana vaya nemasign kuti vabvise twavaiva vakapfeka.Hapana kana akaita nharo ipapo nekuti nyere haina manegotiations.Vasikana ava vakabva vangoziva kwazvaiva zvonangisa ndoku...### Ndokuita sei?? What will happen lol *End of chapter 31* *32 yacho iri kuuya musatye loliest😆* Edit · Delete Dr Maxx's Stories *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA-CHAPTER 31* Akatsvanzvadzira musuwo ndokubata handle rawo achiita kakudzedzereka.Akabva avhura zvake ndokuti pfee murimamo.Paakada kusheedzera kuna Mai Ruru,magetsi akabva angoti ngwee pakare.Chiriporipocho akaita seabatwa nechadzimara ndokuona vanhu vaiva mudining imomo vakushaura,"Happy birthday to you!!!"vachidairirana pamwe chete.Akatadza kunyatsorangarira zviso zvevanhu ava sezvo aiva ambonirwa uye nekuti ukakaruka waona chiedza mushure mekunga wabva murima,kuona kwacho kunoti netsei.Nokudaro Cliff akaramba akati tumbi kumira achinyatsoongorora akangoti mwiro.Akatozokanuka akunzwa kambo kaya kakutoti,"How old are you now!How old are you now...!"Ipapo doro rese rakabva ratopera akunyatsoziva kuti anga arohwa nezisurpise birthday rekuseri kwekuseri. "I am 33 years old now×2!"Akaimbirira zvake achiita kakunyaririra achitarisa tarisa zviso zvevanhu vaiva mumba umu.Akabva aona muina Baba Percy,Melford,vana vake,tete vekuFiyo,Kudzai shamwari yake yekuMbare naMai Percy.Zvakabva zvamubudira pachena kuti vaya vekusauya kubasa vanga vaita saizvozvo nekuda kwekuti vaironga bhavhadhe iri.Vanhu vakazosaroimba "We wish you many more!"Cliff akuita kurwadzirwa mudumbu nekuseka yaanga atambwa iyi.Aigarorambira Mai Ruru kuti havaifa vakamuitira any surprise asi musi uyu akagurwa kunorira.Zvakanyanya kumunyon'ora paakaona Mai Ruru vasiri pakati pechikundi ichi chaimuimbira.Zvediwo zuva iri raiva rakarongwa nekuti vanhu vese vaiva vakarova mat-shirts nemacap machena zvaiva zvakanyorwa kunzi Cliff@33 nemavara egoridhe zvichipenyerera zvinonyevenutsa moyo.Patafura paiva pakagadzikwa rino zikeke raiva nedesign yechiso chake achinyemwerera.Akabva atongoziva kuti zvese izvi aitongova mabasa aMai Ruru,zvikamupa chidokwa dokwa chekuda kuvaona.Akabva atsaukira kubedroom apa musuwo waro waiva wakatovhurwa kuti haradada.Cliff akapinda zvake achifambisa kuti anobvisa shangu dzanga dzakupisa tsoka dzake.Akati arova nhanho nhatu achipinda mukati akabva avharwa maziso ake nemaoko maviri aaiziva chose. "Fembera fembera kuti ndiani?"Vakadaro zvavo Mai Ruru vari nechekumusana kwaCliff.Cliff akatanga aseka zviya zvekuti apa wandigona ndokuti,"Itsotsi rinonzi Mai Ruru randiorora nhasi."Mai Ruru vakasekawo ndokuti,"Hii wanditi tsotsi manje mira uone zvako nhasi hausati watanga iwewe!Ramba wakavhara maziso ako wakatarisa ikoko,ukangovhura bedzi handikupe present yako."NdiMai Ruru ava vaingunozevezera munzeve maCliff chaimo vachiita kumutsvoda pamutsipa zvaizipira.Vakazobudisa imwe necklace yegold ndokuisungirira muhuro maCliff.Cliff akangonzwa kakutonhorera nechemuhuro umu ndokunyemwerera zvake akachangovhara maziso.Mai Ruru vakabva vatendeukira zvinyoro nyoro ndokunomwaya Cliff chikiss chepamuromo icho chakabva chavhura maziso ake,ndokubva asangana naMai Ruru.Vaviri vakamboita kanguva vakatarisana sezvavaisimboita mazuva avakatanga kudanana semukomana nemusikana. Cliff aiva akabata waist yaMai Ruru,ivo vakaturika maoko avo pamapendekete ake vari 0centimetres apart.Vakamboita kakundenderedzana sevari kutamba zviya zvechiRungu kusvikira Mai Ruru vazoti,"Happy birthday my heartbeat.You really mean a lot to me so thats why I did all this for you."Cliff akatadza kuzvidzora.Akat adza kuburitsa kana inzwi rimwe chete zvaro misodzi yakuita kunonzi kupoya kubva pamaziso ake.Akarangarira dzaaiva achipindana nadzo kunze uko ndokubva adzienzanisa nerudo rwaiva naMai Ruru akabva azvionera kuti ari kutambudza mweya waMwari.Mai Ruru vakaratidza pachena kuti vaida Cliff nemoyo wese vakabva vamupukuta misodzi iya nemaoko avo vachinyemwerera .Ukaonawo panochema mikono inenge Cliff panenge pakadzama kukunda gungwa zvedi. Ipapo Cliff akabva atopindwa nemweya wekureurira achiti pada Mai Ruru sezvo vairatidza kumuda chaizvo,vaitogona kumubatsira kuti abve pachikirimbani chinonzi Mai Simon.Asi akabva avingwa neimwe pfungwa yakamuti,"Iwe usazvinyepere Cliff.Hakuna mukadzi anosekerera marabishi akadaro!"Nokudaro akabva ati pfungwa yekutanga supfu kwakadaro asi pfungwa dzake dzakaramba dzichipishana."Hey mukati umo tamira nemi,tibudirei isusu taane nzara yekeke racho!"Tete vekuFiyo vakasheedzera zvavo nenzwi rakazhezhera apa vakamira pamusuwo chaipo uyo waiva wakavhurika zvishomanane.Vanhu vese vakabva vati pwati kuseka kusanganisira iye Cliff nemukadzi wake,avo vanga vatova kune imwe nyika.Naizvozvo vaviri vakaregana ndokudungamidzana vakananga mudining makare.Vachingopinda kudai vanhu vakabva vavamba kekuti,"Makorokoto ndiwo makorokoto!"kaya kaMechanic Manyeruke kanowanzoimbwa pamhemberero yemichato.Mai Ruru naCliff vakatanga kusekerera zvine kakunyarira vakutoshamisika kuti zvemuchato zvapindawo nepapi?Mai Ruru ndivo vainyatsoratidza kuti vari kufara zvisingaite asi Cliff aingosekerera imwe iya iya sezvo aiziva chimbambaira chavaigona kuzotsika. Cliff akazocheka keke vanhu vese vakadya vamwe vakatotakura rimwe zvekuenda naro kudzimba dzavo pakapera kamutambo aka.Gochi gochi netwumemwo twunonaka zvakarohwa dzamara vanhu vazoparadzana nguva dzati fambei.Cliff akazosara achiratidzwa sutu mbiri dzaaiva atengerwa naMai Ruru sechipo.Sutu idzi aizodzipfeka musi wemuchato.Musi uyu Cliff aiva ambofara asi pese paingoti pakapinda nyaya yemuchato aibva asuruvara nechemukati kati.Munokuziva kufarisa kunoita mwana anenge apedza O Level ari palong holiday.Zvikuru sei iri nguva yeXmasss anenge achiita yese yese,asi pakangotaurwa zvemaresults achazouya unozoona abhuruwara ipapo ipapo.Ndizvo zvanga zvoita Cliff kunyangwe zvazvo zvaiitikira nechemumoyo.Vakazovata zvavo kuma12 nguva dzatopera. Evaro naThembani vakazosvika kumaAvenues ndokuona Mai Simon vakazvambarara pasofa vachitokonya tokonya foni yavo.".Welcome boys and how did you fare?"Vakabvunza Mai Simon vaine mafaro akawedzerwa.Evaro akangotarisana nemumwe wake ndokubva vaseka zviya zvekuti tahwina mushure ndokuti,"Aa we won boss.Those girls ndivo vakapisa restaurant yenyu and its clear from this video."Akadaro Evaro achiratidza Mai Simon video iya asi asiri kuiplayer.Mai Simon vakagumirwa zvekutadza kushama muromo wavo."Kana uchiti ndivo vakapisa you mean ndivo vakazviita directly or vakatuma vamwe vanhu?"Vakabvunza zvavo Mai Simon vachinekaira nemba yose.Evaro akasimudza musoro ndokuti,"Tiri kubasa kwedu uku tinongoti ndivo vakazviita despite kuti ndivo vakatuma vanhu vakanyatsozviita?"Mai Simon vakabva vagutsurira musoro kuratidza kuti vaiva vanzwisisa ndokuzoti,"Ok guys thanks for the job well done.Now connect the hoofer with the TV and DVD kuti tipleye this video tariisa muUSB.I think ndipo pachatangira plan yedu yese."Vakasarotaurisa twakawanda wanda zvinhu zvese zvakutoitwa nechimbi chimbi zvekuti pasina nguva vaiva vatokomba TV iya.Chokwadi vakanzwiririra, Mai Simon vakasara vakagojodeka mabhonzo.Vese vakabva vaziva kuti Martha ndiye aiva amuhure aBaba Simon uye nekuti iye nevamwe vake ndivo vanga vahaya makororo akaondomotsa restaurant yaMai Simon iri nzira yekuda kuvakaurisa chete sezvo panga paane competition pakati pavo.Pavakapedza kuona video iyi vakabva vasimbisana kuti vaifanirwa kudealer nen'anya idzi.Mai Simon vakatanga kufamba famba nemba yese,vachiita kuzvizunza zunza nehasha.Evaro akaona kuti boss vakachaja ndokubva ati,"Chigarai pasi tiite a long term plan now."Mai Simon havana kumbopikisana naye.Vakaita saizvozvo asi vakaita zvekuzvikanda pasofa zviya zvekuratidza kuti vanga vabaiwa padonyangala.Pamboita kanguva pakanyararwa kusvikira Mai Simon vazongoti,"Toita sei boys?Muri kuona ka how a bit complicated it is now and worse off vataura vega kuti Martha wacho akutozivikanwa nehama dzaBaba Simon and akatogainer mileage nekuvavisitira kuremand.Haa twaendererera twumahure utwu, guys hatinganyadziswe namatoddler aya.Do something now!!"Mai Simon vakasheedzera zvine kakutonga mukati,Evaro ndokuti,"Ok madam boss keep cool hantie.Musatye nekuti bhora riri mumaoko enyu.Mukatungamidza hasha sezvamuri kuita apa munoona semusina solution iyo iripo."Evaro akabva ambonyarara uye vamwe vese vakabva vanyararisawo sezvo panga pakutaurwa mashoko akakomba. "Vasikana ava vasiirei kwatiri paden pavo takupaketa so manheru anhasi tichanodealer navo vazive kuti manappy emwana haatambiswe pasina mvura.Imimi zvomoita ka,tomorrow prepare a very good meal and visit your husband kuremand tomorrow.Musoftei and telk him kuti ndimi mega mune power yekuti abude.Fake a reconciliation naye zvekuti achingobuda organise a wedding with him very very fast then papera a very short period apply for divorce at the High Court.Obviously by so doing munoona a 50% share of all the combined assets mosiyana naye then will finally assist you to pursue your Cliff once for and all.Let me assure you kuti murume wenyu haamborambe kubudiswa kwaari uko coz face yake ndaiona mudare kuti ari kutokwatawo zvake.Jeri ragara rinokwatisa kana uchiri mutsva kwariri.Above all ndimi mune power rese is as much as the withdrawal of the case is concerned so munongoita yandakutipai without failure.Even vakada kutsvaga lawyer rinengeyi pasi pano mhosva dzacho dzakavatsikirira so use the advantage yekuti you have the keys to his freedom." Mai Simon vakavhundutswa nemahwendefa aiva apotserwa naEvaro."Can I ask something Evaro?"Vakabvunza zvavo vachinyinura kunga pfambi yakechwa one night stand nechimuforeigner chine bhegi.Evaro akasekererawo ndokuti,"You can ask maam..."Mai Simon vakasimuka ndokuti,"Are you a lawyer masque rading as a criminal coz the points you gave me here are out of this world.Haa apa all along I didnt know kuti unotaura chiRungu kudaro.Wow wow wow!"Mai Simon vakapembedza Evaro,chiso chavo chakaputirwa nekushamisika nemabasa ake.Evaro akangopindura nekuseka kusvikira Thembani azotanga nyaya yacho."Nazvino hausati maziva kuti Evaro has been in and out of court and is a regular in the prisons so atojaira nekuti ndiko kubasa kwake chaiko."Akadaro Thembani achipembedzawo mumwe wake.Zvokwadiwo mubhanditi wese chaiye anofanirwa kuziva mutemo zvakadzamisa zvekuti kudai hurumende yaimboita ongororo mumajeri umu yaitenda kuti mumajeri makazara shumba dzemitemo chaidzo.Naizvozvo Mai Simon vakatenderana nehurongwa hwevakomana ava ndokuonekana navo zuva ronanzva makomo. Evaro naThembani vakasara vachironga ndawatava yekuzonosvetutsa Martha nechikwata chake.Vakarova mastar matatu egombi ndokusimbisana vasati vapindira zimission.Vari vaviri kudaro vainzwa kunga vaiva vakawandisa kwazvo.10 dzahwo husiku dzichingoti ngende vakabva vaita zvekufamba netsoka dzamara vasvika kuEastlea.Mapanga nepfuti zvaiva zvakarongedzeka pamiviri yavo zvekuti uchivaona waivarambira bedzi kuti vakapakata zvombo.Munzira vaikurukurirana vachikohomedzesana kuti vasikana ava vaifanirwa kupihwa chidzidzo chavaifanirwa kusazokanganwa kusvika pakufa.Vaisada kumbovauraya bodo asi vaingoda kuvaswatanudza chete kuti saga bhegi redzungu ravaiva naro ripere.Vakazosv ika kuEastlea kuya 11 dzatochaya ndokutenderera nekuhwindo kuya wanikwe vasikana vanga vari kutoona zvavo kamwewo kaseries kemaIndia kanonzi The Vow.Mumba imomo maiva makanyararwa zvairatidza kuti umwe neumwe ainyatsoteerera TV.Nokudaro Evaro naThembani vakatenderera ndokunomira pamusuwo.Vakabva vapfeka mamask nemagloves matema ndokuita majana ekudongorera vasikana vaya nepakey hole.Matsotsi aya aiti akadongorera dongorera otarisana onyemwererana mumamasks imomo nekuti maiva nemhenya mukati imomo.Thembani uyo aiva nyanzvi yezvemadoor nemakey akabva aongorora door ndokuona risina kana kumbokiiwa.Vasikana ava vaiva vakanganwa kukiya door iroro mushure mekunga vapedza kudya nekuzogara pamasofa vachiona TV.Evaro akabva aburitsa pfuti yake iya,Thembani ndokubata banga rake raipenya zvinotyisa.Thembani akabva avhura door nesimba ndokubva vangoti pindikiti semagetsi.Ipapo vasikana vakakanuka ndokungoona vakadaro apa vese vaiva vakapfeka mabra nezvivharangozi .Kundai ndiko kakada kuscreamer kachisvetukira ndokubva kangonongedzerwa pfuti naEvaro apa chikunwe chaiye Evaro chiri pamuromo wake.Thembani akabva angobudisa zinjumba rake remakeys ndokukiya main door.Apedza izvozvo akabva arayira vasikana vaya nemasign kuti vabvise twavaiva vakapfeka.Hapana kana akaita nharo ipapo nekuti nyere haina manegotiations.Vasikana ava vakabva vangoziva kwazvaiva zvonangisa ndoku...### Ndokuita sei?? What will happen lol *End of chapter 31* *32 yacho iri kuuya musatye loliest [23/03 19:23] Alvin: *CLIFF BY TASIWA CHIMEDZA:CHAPTER 25:THE RISE OF MAI SIMON* Cliff aishaya mukana wekunoona Mai Simon ega.Anga aine nhunha dzake dzaitoda kuti ataurirane ega nemunhu wake.Apa anga akufarira kuti zvanga zvava pachena kuti nhumbu yakabva kuburikidza nekurohwa kwakaitwa Mai Simon.Panguva iyoyo changa chavakumushungurudza inyaya yekuderera kwemari nekuti mugodhi wayo waiva muchipatara.Akatomboita zvimazuva achitambudzika nekudya chaiko zvekuti Mai Ruru vakatozvishairawo mupanda wazvo.Mai Ruru vaizongoti ibhizinesi rambodererawo nenyaya yekuoma kwezvinhu munyika asi Cliff ndiye ega aiziva chikonzero chikuru.Anga akunyanya kudyiwa moyo pamusana pemba yake yaaivakisa kuMalbereign.Yanga yatova pawindow level zvichireva kuti yanga yangosara kuiswa denga nemafafitera.Tambo dzemagetsi dzaidawo kubva dzaiswa zvekare asi dura remari ranga riri panyanga dzamushore.Panga pakudiwa mari yaikwana iyo kuita $6000 kusanganisira neyekubhadhara vanhu vacho vaizopedzesa kuvaka imba.Cliff akatomboonda,zvikuru sei paaigaya kuti Mai Simon vangangofa ochisara ava pachikirimbani chaicho.Haana kumboona Mai Simon pauzima asi manyorerwo aiva akaitwa maroverwo avakaitwa zvichitsanangurwa nemapepanhau,zvaingoraitidza zvega kuti Mai Simon vakasotwa kusvikira vaibva.Cliff akaona ega kuti hupenyu hwake hwaizogona kudzokera kwahwakabva nokudaro akagaya zano rekunoona Mai Simon zvechihwande kuchipatara.Izvi zvakanga zvoreva kuti kuti aende pavisiting hour zvaisabudirira asi kuti pane imwewo nguva zvaizoita.Akabva apererwa kuti aizonyatsovaona sei imo muzvipatara musingabvumirwe vanhu kushanya pese pese.Uye aizosvika achiti aiva ani chaizvo kuna Mai Simon?Nekune rimwe divi Mai Simon vanga vakuda kutobuda asi Cliff aisazviziva. Naizvozvo Cliff akazvivharira muhofisi make uri musi weChina.Mangwana acho ndipo paizobuda Mai Simon.Akaita anenge maawa maviri achiruka dhende rekuti azopinde muchipatara.Akazviendesa kunyika yendangariro kusvikira azoona pfungwa yekuti apfeke sachiremba iine musoro kuti akwanise kupinda muSt Annes.Akabva abuda akananga panonzi paLastmark Laboratories panotengeswa zvinhu zveScience.Lastmark iyi inowanikwa paUnion Building nokudaro Cliff akangotsika giya,nenguva isipi akanga atosvika.Akasvika vashandi vepo vachitonwa zvavo svutugadzike apa aiita kuteuka ziya nekuti anga anzwa nekukwira manera epo. "You are very welcome sir.Pardon our manners kusvika tichidya munguva yebasa.How can we help you?"Akadaro murume aishanda ipapo uyo ainzi Charera apa akarova sutu yemuRaffles chaimo.Padivi pake paiva pakagara mumwe mukadzi waaishanda naye ainzi Mai Mugari.Cliff anga achigara pachigaro zvino ndokuti,"Haa tea chimboitai vakuru,ndiri parun shefu.Pane maitems andiri kuda zviri urgent and I hope kuti munondihelpawo since kuri kuoffice kwenyu chaiko."Charera uyo aingogara achisekerera sekerera akabva abvisa maboniboni ake ndokuti,"I can see that you are here for real business.Anyways tokupei zvedu sir?"Cliff akanyatsogarisika ndokutanga anyemwerera mushure ndokuti,"Ndiri kudawo medical dust coat nestethoscope."Akabva ataura kudaro ndokunyarara zvake.Charera akabva avhara laptop yake ndokuti,"Do you have a surgery sir?And if you do have it,may you please show me your license?"Akabva ataura achitambanudza ruoko rwake kunaCliff zviya zvekutoda kubva aitambidzwa.Cliff akapererwa,twuziya bvatwasinina pamhuno yake.Akashaya kuti opindura sei kana zvadai kusvikira Charera ataura zvekare."You seem to be nowhere sir.Pardon my manners,maybe I was a bit too harsh in my approach but the real deal here is my quest to remain within the confines of my profession.They have been an influx of phony docs in the market so we dont want to be implicated kana paine zvakaipa.Handizvo here Mai Mugari?"Charera akabva apedzesa kutaura izvi ndokutarisa Mai Mugari avo vakabva vagutsurira musoro wavo kuratidza kuti vari kufambirana naye.Cliff akazvidzikamisa zvake.Aisada kuratidza kuti avhunduka.Zvekare pakadai pakanga pakutoda kuchenjeresa senyoka nekuti aigona kutosungiswa sekutamba.Akanyepedzera kuvhara maziso ake ndokuti,"My bad hama dzangu.Handina kuziva kuti those items are so sensitive like that.I thought anongotengeswa just like any other things zviri kungotengeswawo.Handisi chiremba zvangu asi ndiri director wemamovies saka pane scene yandiri kuda kugadzirisa inoinvolver zvemedicine so I am in dire need of those items so that the scene can be realistic.We have been rehearsing that part without that realism so tomorrow ndipo pane last shot yacho thats why ndiri kuda zvinhu izvozvo."Apa Cliff dzakataura dzichiita nekuvheesa vheesa maoko zvekuti Charera akatoona sekunga mutambo wacho uri kutoitirwa pameso pake.Nemumwe wake vakatenda nyaya yaCliff asi zvaisangovawo nyore nyore kuti vabvume achiri makuseni kudaro.Charera akasimuka zvake ndokuzvitamura tamura achiti,"So munoshandirepi and whats the name of your production company?" Cliff akanzwa kunga aondomekerwa negomo rese chairo asi akazvidzikamisa semurume ndokuti,"Ndiri lecturer weFilm and Theatre paMSU saka now scene yatiri kuda kubura iri kushutirwa muno.Hatina zvedu zita ratiinaro sezvo tiri kungozviita zviri under institution.Kungoti I forgot my business card mumota yangu zvekuti ndaidai ndatokuratidzai.In fact kuti zvisanetse regai ndino...."Haana kuzopedzesa muromo iwoyo atohakwa naMai Mugari avo vakabva vati,"Ok ok ok dont bother yourself we have heard your issue and you have managed to convince us someway somewhere.So imimi munonzi Mr ani?"Vakataura mashoko aya vachitonovhura locker yaive nezvinhu zviya zvaidiwa naCliff.Cliff akabva akwenya mhanza yake ndokuti,"Ndinonzi Professor Mukwapura basa rekuactor iri ndakatoridzidzira paStates paHavard University ndipo pandakaitira zvese neMasters yacho."Hofisi yese yakati bvuu kuseka nekuti Cliff aitaura nenzwi raitosekesa. Mushure Mai Mugari vakabva vati bvu dambi remadust coat nemastethoscope patafura yaiva pamberi paCliff."Sarudzai zvenyu yamunoda apa professor."Vakataura vachipendekera tafura kuti vazonogara kwavaiva vakagara.Cliff akanyenyeredza dzaiva nezvidhindo zveLastmark nekuti aiziva kuti zvaizomakisa kumberi.Akangotora dust coast replain white risina kana zvipomherwa zvekuti Charera akazoti,"Aaa asi hamudewo kutimarketera pabig screen kani?"Cliff akasekerera zviya zvekunyara mukati achiti,"Script yedu iri kungoda riri plain.Next time tichazogadzira rimwe then tokupinzaiwo machena."Vanhu vese vakabva vaputika nesetswa mushure Cliff akavatambidza $110 cash yekubhadhara masinhi acho.Madhiri aya apera akabva aoneka akananga kumotokari yake.Akasvikonogaramo kwekanguva achigaya iyo motokari yakamira mucar park.Akabva atoweja dust coat riya akagara kudaro.Apedza kuripfeka akabva aturika stethoscope yacho pahuro yake ndokubva abuda ari chiremba chaiye. Vaingamuona vaitoti hameno chiremba abva paIndia chaipo pavanobikwa zvekwaMai Ahead.Akatsika mafuta kunge akagarwa dzamara asvika mukati kati medhorobha.Akatenga maruva nekadhi raiva rakanyorwa kuti,"Get well soon my world."Akazviisa mukabhegi kake.Akabva asimudza motokari zvemhere chaizvo nekuti aida kusvika visiting hour yemasikati ichiri kure nekutanga.Zvediwo akabva asvika kuma11 chaiko pachipatara pakati zii,vashandi vepo vachimhanyidzana nemabasa avo.Kazhinji pachipatara panowanzoita ruzha panguva yevisiting.Akabva apaka Altezza yake pakahwanda asi muri mucar park yepo chaiyo.Zviwindi zvaCliff haiwa!Hapana aingambomugayira kuti chigevenga nekuti aiva akaratidzika sachiremba.Cliff akafambisa akananga panotice board yaiva nechepamukova mukuru wechipatara.Akabva atoona dhabhura sichazi mushure mekunga aona zita raMai Simon rakanyorwa pamwe neward yavaiva.Yaiva ino private ward yavo vega yekuti vaingovhenekwa nevarapi zvine privacy yavo vega bedzi. Nechinoda madzandecho Cliff akaona mugadhi wepamukova akaita kakudhoza zvake.Akabva angovhura mhinhasvi akananga kuward kuya.Mugadhi akangoita kakupatikira achiona kuchena kwedust coat rakati vhee pamberi pake nokudaro akabva angodzoka kuita kakudzipfodora nekuti anga aona chiremba zve.Cliff haana kumborasika nekuti nezvaaida zvaisatoimboita ba kana nepaduku pose kuti arasike.Munongozivawo make sure inoitwa nemunhu anenge ari under pressure.Maward emhene aiwanikwa kwaiva kwakanakisa chose uye kwakaita kudown stairs.Madziro eko aiyevedza pameso zvekuti aivaraidza varwere kusvikira vapona.Mupassage mese Cliff aingopfuudzana nevakoti achingomhoreswa zviya zvine ruremekedzo. Akazosvika paward yaMai Simon ndokudongorera nepakaburi kaya kanoiswa makeys.Akabva avaona vachipfanya pfanya zvavo foni yavo vakaita kakutsamhira mutsago wavo nemusana.Chiso chavo chaiva chaumbuka nemazuva mashoma iwaya apa vakapfeka chidhirezi cheblue chine twumadododo twutsvuku.Iko kuonda ungati chidhirezi ichocho chaiva chiri pamurwi wetsotso.Cliff akabatikana zvekuyeredza misodzi chaizvo nezvaiva zvakaita Mai Simon asi nerimwewo divi akafarirawo kuti vaiva vapenyu.Akaona kuti akutopedza nguva akamira ipapo akazobudisa maruva ake aya pamwe chete nekadhi racho.Akavhura zvake musuwo zvinyoro nyoro ndokuita kakunyahwaira achipinda mukati.Akati anyatsopinda Mai Simon vakabva vanzwa mitsindo ndokutsveta foni padivi pavo.Vakabva vati baa nechekumusuwo wanei Dr Cliff vachinyemwerera vakabata zibouquet remaroses chaiwo kwete maartificial.Vakaita kukwakuka kubva pamubhedha vachiscreamer 😲semusikana aitirwa surprise birthday nemukomana wake.Vakascreamer zvine ruzha apa zvine bvepfepfe mukati zvekuti pakujamba kwavakaita vakabva vadzimbirira chibhatani chealarm chaiva pamadziro aiva kumusoro kwemubhedha.Vasati vatombombundirana vakabva vanzwa mitsindo yevakoti yakunzwikwa ichiti tatata nemupassage zvaitoratidza kuti vari kutouya muward imomo.Cliff akaona kuti abude apa mahwani aizotangidza.Semunhu aiva gweregwere akabva arayira Mai Simon nemasign kuti vadzoke kunorara pamubhedha.Manesi aya aive matatu akasvika Cliff akaita kuvapa musana wake achiita seari kutarisa tarisa Mai Simon. "Everything is well under control ladies.Thanks for the quick reaction but fortunately I was in here for my periodical routine check ups when she pressed the button.Vari kuita mafits so vatodzvanya under the influence of them zvichibva zvadaro.I now think kuti vakutoda psychological help futi."NdiCliff uyo akati daku daku kutaura achiita zvekumhanya mhanya akangofuratira manesi aya.Zvaibva zvaratidza sekuti kufuratira kwaaiva akaita kuratidza kune nehanya zvomene nebasa raaita. Umwe wemanesi aya akabva azongoti,"Ok sorry sir,we thought you were not munomu so we reacted according to the alarm.Anyways kana muri muno zvenyuu we all know kuti zvese zviri under control zvedi."Apa akataura achitotendeuka kuti abude nevamwe vake.Cliff akaramba achipfanya pfanya Mai Simon pachipfuva ndokuti,"Ok you can leave girls.Kana paine chandinenge ndichizoda kubva kwamuri I will call you.As for the meantime I have managed to calm the storm."Manesi aya akangotendawo ndokubuda zvavo sarei Solo naMutsai vachisekerera muhana dzavo."Clifford you really deserve an Oscar for this.Angelina Jolie akazviona izvi anotonditorera swty wangu.How did you gain entrance honey?"Mai Simon vakabvunza maoko avo akakochekerwa pamapfudzi aCliff.Cliff akangosekerera imwe iya iya ndokuti,"Its a long story honey.Ndichazokuudza kana wabuda now handina time for this."Mai Simon vakabva vaita zvekugara pamhenderekedzo yemubhedha.Kunyangwe zvazvo vanga vati perei Clif akatapirirwa nemayellow bone legs akabuda pakakwinyika dhirezi riya.Kudai asina kunyara kuti maiva muchipatara uye nekuti paisava nenguva yacho yekuita zvakadaro,zvomene chaidai chakatsvukwa chikakwata.Mai Simon vakabva vaswededza Cliff pedyo navo ndokutangidza kuchema vachiti,"Oooo babie we lost our child.It really hurt me kuti I went through this agony ndega iwe usipo as the father.Cliff I know kuti kudai waivapo this couldnt have happened.Cliff my love,Cliff my love,Cliff my lo..."Vakabva vatovamba kuhwihwidza chaiko vakaisa musoro wavo padumbu raCliff uyo aiva akamira.Vakachema zvekutotesa dust coat raCliff.Izvo Dr Cliff vaitozhinyurira svoto nekuti vaiziva kuti chiso chavo chaisaoneka.Vaifarira kuti nyaya yenhumbu yaivashaiya hope yanga yatotsakatika sedova pahuswa kana zuva richinge rabuda.Aitonyepedzerawo kuvabhabhadzira mushure ndokupfugama pasi kuti asvikire maruva aya nekadhi racho izvo zvaaiva akandira pasi pemubhedha mushure mekunga anzwa manesi aya achiuya.Akabva azvitambidza Mai Simon avo vakabva vatomira kuchema vakufarira zvipo izvozvo.Chokwadi Mai Simon vaiti vakangoona Cliff vaiita semwana mudiki chaiye."Clifford you have never been so sweet like this to me before.Even my matrimonial husband never and will never do that to me kunyangwe ndikamudyisa."Mai Simon vakatodaro vachitoseka zvavo vachitsvoda maruva aya.Cliff akaona ega kuti vanenge vaita kakusimba zvekutogona kubuda.Ivo ndivo vega vakazoti,"I might get discharged most probably tomorrow ndozowana full recovery ndava kumba.By the way how far have you gone with your Sentosa property?"Cliff akangoti nechemumoyo,"Mwari wangu mabva nepi?Zvadzawira mudhishi dzega wani..."Akabva anyararira nechiso chaive nekakusuruvara kakazangana nekakushushikana. Mai Simon vakakurumidza kuzviona ndokuti,"Cliff chii futi swty ukazotsamwa kudai handikwanise kuzobuda muno nestress.Just tell me sweety.I can see you off over everything even on my deathbed.Even zvikanzi ndafa nhasi I will cater over your welfare ndiri chipoko.Today you have shown me great love.I am still wondering how you got in here."Cliff akabva asekerera semurume.Nyamba aitosekawo zvake kuti anga asina kumbofambira nyaya dzese dzerudo idzi asi aiva afambira iya yakaurayisa Jesu."Ok swty to save time its like den yakungoda mainly roofing nekuleiyiwa kwetambo dzemagetsi.Manje mafunds ndiwo andidzvanya."Cliff haana kunyatsoti dyoo chaipo chaipo asi Mai Simon vakabva vatoziva masystem acho.Zvinongonyadzisawo kuti munhurume abva atimba zviri pachena chena kudaro.Mai Simon vakabva vavhura kalocker kavo ndokutambidza Cliff card ravo rekuCABS vachiti,"3080 is the pin swty.This card is at your disposal my love.I am doing this kwete nekuti ndiri kuda kuonererwa asi kuti I love you semazuva ese.I have all of my special documents with me here coz vanhu vanonetsa asi iwewe haundinetse.I really really trust you."Cliff akaita kupfugama achitenda kusvikira Mai Simon vamusimudza.Mushure akaoneka akuita zvekumhanya mhanya.Akutoda kubuda Mai Simon vakabva vamuti,"Wait Cliff!Ndichingobuda muno ndakuda kutoprocesser maVisa edu titize muno takananga kana kuAustralia chaiko."Cliff akashamisika ndokunyatsotendeuka ndokuti,"Is it a joke or...."Haana kuzopedzesa zvaaida kubvunza ipapo Mai Simon vakabva vati,"Do I look like I am joking!"Apa vaiva vatosunga chiso zvebasa chaizvo.Cliff akangodzungudza zimusoro rake ndokuti,"...........!" *Hahahaha the return of a rejuvenated Mai Simon* End of Chapter 25.

Post Comments(0)

Leave a reply

Login to Comment